Categories
Mapisarema

Mapisarema 8

Kumutungamiri wokuimba negititi. Pisarema raDhavhidhi.

1 Haiwa Jehovha, Ishe wedu,

zita renyu rakaisvonaka sei panyika yose!

Makaisa kubwinya kwenyu

kudenga kumusoro.

2 Pamiromo yavana navacheche

makaisa rumbidzo

nokuda kwavavengi venyu,

kuti munyaradze muvengi nomutsivi.

3 Kana ndichifunga nezvamatenga enyu,

iro basa reminwe yenyu,

mwedzi nenyeredzi,

zvamakarongedza panzvimbo yazvo,

4 munhu chiiko zvamunomufunga,

kana mwanakomana womunhu zvamune hanya naye?

5 Makamuita muduku zvishoma pana Mwari,

uye mukamushongedza korona yokubwinya nokukudzwa.

6 Makamuita mutongi pamusoro pebasa ramaoko enyu;

mukaisa zvinhu zvose pasi petsoka dzake:

7 makwai ose nemombe,

nemhuka dzesango,

8 neshiri dzedenga,

nehove dzegungwa,

zvose zvinofamba munzira dzomugungwa.

9 Haiwa Jehovha, Ishe wedu,

zita renyu rakaisvonaka sei panyika yose!

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *