Categories
Mapisarema

Mapisarema 7

Rwiyo rwaDhavhidhi, rwaakaimbira Jehovha pamusoro paKushi, muBhenjamini.

1 Haiwa Jehovha, Mwari wangu, ndinovanda mamuri;

ndiponesei uye mundirwire pane vose vanondidzinganisa,

2 kuti varege kundibvambura seshumba

nokundibvambura-bvambura pasina anondinunura.

3 Haiwa Jehovha, Mwari wangu,

kana ndichinge ndakaita izvi uye ndine mhosva pamaoko angu,

4 kana ndakaita zvakaipa kuno uya akanga ane rugare neni

kana kupamba muvengi wangu pasina mhaka,

5 ipapo muvengi wangu ngaandidzinganise andibate;

ngaatsike-tsike upenyu hwangu muvhu

uye andivatise muguruva.

6 Simukai, imi Jehovha pakutsamwa kwenyu;

simukai murwise hasha dzavavengi vangu.

Simukai, Mwari wangu; rayirai kururamisira.

7 Marudzi akaungana ngaaungane akakupoteredzai.

Vatongei imi muri kumusoro;

8 Jehovha ngaatonge marudzi.

Nditongei, imi Jehovha, zvakafanira kururama kwangu,

zvakafanira kukwaniswa kwangu, imi Wokumusoro-soro.

9 Haiwa, Mwari akarurama,

iyemi munonzvera ndangariro nomwoyo,

gumisai kuita nesimba kwavakaipa

mugoita kuti vakarurama vagare zvakanaka.

10 Nhoo yangu ndimi Mwari Wokumusoro-soro,

iye anoponesa vane mwoyo yakarurama.

11 Mwari ndiye mutongi akarurama,

iye Mwari anoratidza hasha dzake zuva nezuva.

12 Kana munhu asingatendeuki,

iye acharodza munondo wake;

achakunga uta hwake agogadzirira.

13 Agadzirira zvombo zvake zvinouraya;

anozvigadzirira miseve yake inopisa.

14 Iye ane mimba yezvakaipa

akatakura mimba yokutambudzika achabereka nhema.

15 Uyo anochera gomba,

akaridzikisa achawira mugomba raachera.

16 Zvakashata zvake zvichadzokera pamusoro wake;

uye kumanikidza kwake kuchauya pamusoro wake.

17 Ndichatenda Jehovha nokuda kwokururama kwake,

uye ndichaimbira zita raJehovha Wokumusoro-soro nziyo dzokurumbidza.

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *