Categories
Mapisarema

Mapisarema 6

Kumutungamiri wokuimba nemitengeranwa. Nesheminiti. Pisarema raDhavhidhi.

1 Haiwa Jehovha, regai kundirayira mukutsamwa kwenyu,

kana kundiranga muhasha dzenyu.

2 Ndinzwirei ngoni, Jehovha, nokuti ndava kuziya;

haiwa Jehovha, ndiporesei, nokuti mapfupa angu ava kurwadza.

3 Mweya wangu uri kurwadziwa.

Haiwa Jehovha, kusvikira riniko, kusvikira riniko?

4 Dzokai, imi Jehovha, mugondirwira;

ndiponesei nokuda kworudo rwenyu rusingaperi.

5 Hakuna anokurangarirai kana afa.

Ndiani anokurumbidzai kubva muguva?

6 Ndaneta nokugomera;

ndinonyorovesa mubhedha wangu nemisodzi ndichichema usiku hwose,

ndinonyorovesa uvato hwangu nemisodzi.

7 Meso angu aneta nokuchema;

haachaoni nokuda kwavavengi vangu vose.

8 Ibvai pandiri, imi mose munoita zvakaipa,

nokuti Jehovha anzwa kuchema kwangu.

9 Jehovha anzwa kukumbira kwangu nyasha;

Jehovha anogamuchira munyengetero wangu.

10 Vavengi vangu vose vachanyadziswa uye vachavhundutswa;

vachadzokera shure pakarepo mukunyadziswa.

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *