Categories
Mapisarema

Mapisarema 5

Kumutungamiri wokuimba. Nenyere. Pisarema raDhavhidhi.

1 Rerekerai nzeve yenyu kumashoko angu, imi Jehovha.

Rangarirai chikumbiro changu.

2 Teererai inzwi rokuchema kwangu,

Mambo wangu naMwari wangu,

nokuti ndinonyengetera kwamuri.

3 Mangwanani, munonzwa inzwi rangu, imi Jehovha;

mangwanani ndinoisa zvikumbiro zvangu pamberi penyu

uye ndichimirira netariro.

4 Imi hamusi Mwari anofarira zvakaipa;

munhu akaipa haangagari nemi.

5 Munhu anozvikudza haangamiri pamberi penyu;

munovenga vose vanoita zvakaipa.

6 Munoparadza vose vanoreva nhema;

vanoteura ropa navanhu vanonyengera,

Jehovha anovasema.

7 Asi ini, nenyasha dzenyu huru,

ndichapinda mumba menyu;

norukudzo, ndichakotamira pasi pamberi penyu,

ndakatarira kutemberi yenyu tsvene.

8 Nditungamirirei, imi Jehovha,

mukururama kwenyu nokuda kwavavengi vangu,

ruramisai nzira yenyu pamberi pangu.

9 Hakuna shoko rinobva mumuromo mavo ringavimbwa naro;

mwoyo yavo izere nokuparadza.

Huro dzavo iguva rakashama;

vanotaura zvinonyengera norurimi rwavo.

10 Haiwa Mwari, vapei mhosva!

Ngavawisirwe pasi nerangano dzavo.

Vabvisei nokuda kwezvivi zvavo zvizhinji,

nokuti vakakumukirai.

11 Asi vose vanovanda mamuri ngavafare;

ngavagare vachiimba nomufaro.

Tambanudzirai pamusoro pavo kudzivirira kwenyu,

kuitira kuti vaya vanoda zita renyu vafare mamuri.

12 Nokuti zvirokwazvo, imi Jehovha, munoropafadza vakarurama;

munovakomberedza nenyasha dzenyu sokunge nenhoo.

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *