Categories
Mapisarema

Mapisarema 4

Kumutungamiri wenziyo nemitengeranwa. Pisarema raDhavhidhi.

1 Ndipindurei pandinodana kwamuri,

imi Mwari wangu makarurama.

Ndisunungurei pakutambudzika kwangu;

ndinzwirei ngoni uye munzwe munyengetero wangu.

2 Nhai imi vanhu, muchashandura kukudzwa kwangu kukava chinyadziso kusvikira riniko?

Muchada kutsauswa nokutsvaka vamwari venhema kusvikira riniko?Sera

3 Zivai kuti Jehovha akazvitsaurira vanomuda;

Jehovha achandinzwa pandinodana kwaari.

4 Pakutsamwa kwenyu, regai kutadza;

pamunenge muri pamibhedha yenyu,

nzverai mwoyo yenyu uye munyarare.Sera

5 Ipai zvibayiro zvakarurama

uye muvimbe naJehovha.

6 Vazhinji vanobvunza vachiti, “Ndianiko angatiratidza chakanaka?”

Chiedza chechiso chenyu ngachipenye pamusoro pedu, imi Jehovha.

7 Makazadza mwoyo wangu nomufaro mukuru

kupfuura zviyo zvavo newaini yavo itsva yakawanda.

8 Ndichavata pasi ndigokotsira norugare,

nokuti imi moga, Jehovha,

munoita kuti ndigare pakasimba.

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *