Categories
Mapisarema

Mapisarema 3

Pisarema raDhavhidhi. Panguva yaakatiza Abhusaromu mwanakomana wake.

1 Haiwa Jehovha, vadzivisi vangu vakawanda sei!

Vakawanda sei vanondimukira!

2 Vazhinji vanoti kwandiri,

“Mwari haangamudzikinuri.”Sera

3 Asi imi Jehovha, muri nhoo yakandipoteredza;

munoisa rukudzo pandiri uye munosimudza musoro wangu.

4 Kuna Jehovha ndinodana nenzwi guru,

uye anondipindura ari pagomo rake dzvene.Sera

5 Ndinovata pasi ndigokotsira;

ndinomukazve, nokuti Jehovha anonditsigira.

6 Handizotyi makumi ezviuru

vakandikomba kuti vandirwise.

7 Simukai, imi Jehovha!

Ndirwirei, imi Mwari wangu!

Rovai vavengi vangu vose pashaya;

gurai meno avakaipa.

8 Rusununguko runobva kuna Jehovha.

Maropafadzo enyu ngaave pamusoro pavanhu venyu.Sera

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *