Categories
Mapisarema

Mapisarema 2

1 Ndudzi dzinoitireiko bope?

Uye vanhu vanofungireiko zvisina maturo?

2 Madzimambo enyika azvigadzirira

uye vabati vanoungana pamwe chete

kuti vazorwa naJehovha,

uye kuti vazorwisa Muzodziwa Wake.

3 Vanoti, “Ngatidamburei ngetani dzavo,

tigorasa mabote avo.”

4 Iye agere pachigaro choushe chokudenga anoseka;

Ishe anovadadira.

5 Ipapo anovatuka mukutsamwa kwake

uye anovavhundutsa muhasha dzake, achiti,

6 “Ndakagadza Mambo wangu

paZioni, gomo rangu dzvene.”

7 Ndichaparidza chirevo chaJehovha, ndichiti:

Iye akati kwandiri, “Ndiwe Mwanakomana wangu;

nhasi ndava Baba vako.

8 Kumbira kwandiri,

uye ndichaita kuti ndudzi dzive nhaka yako,

migumo yenyika ive yako.

9 Uchavatonga netsvimbo yesimbi;

uchavaputsa kuita zvimedu zvimedu sehari.”

10 Naizvozvo, imi madzimambo, ngwarai;

munyeverwe, imi vabati venyika.

11 Shumirai Jehovha nokutya,

uye mufare nokudedera.

12 Tsvodai Mwanakomana, kuti arege kutsamwa

mukazoparadzwa munzira yenyu,

nokuti hasha dzake dzingakurumidza kumuka.

Vakaropafadzwa vose vanovanda maari.

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *