Categories
Rwiyo Rukuru rwaSoromoni

Rwiyo Rukuru rwaSoromoni 5

1 Ndauya zvangu mubindu rangu, hanzvadzi yangu, iwe mwenga wangu;

ndaunganidza mura yangu pamwe chete nezvinonhuhwira zvangu.

Ndadya zinga rangu rouchi nouchi hwangu;

ndanwa waini yangu nomukaka wangu.

Idyai, imi shamwari, uye munwe;

inwai mugute, imi vanodanana.

2 Ndakavata asi mwoyo wangu wakanga wakasvinura.

Inzwai! Mudiwa wangu ari kugogodza, achiti,

“Ndizarurire, hanzvadzi yangu, mudiwa wangu,

njiva yangu, wangu asina chinongo.

Musoro wangu wanyorova nedova,

bvudzi rangu ranyoroveswa nounyoro hweusiku.”

3 Ndabvisa nguo yangu,

ndoipfekazve here?

Ndashambidza tsoka dzangu,

ndodzisvibisazve here?

4 Mudiwa wangu akapinza ruoko rwake nepahwangwadza yomukova;

mwoyo wangu wakatanga kumudokwairira.

5 Ndakasimuka kuti ndizarurire mudiwa wangu,

maoko angu akadonha mura,

mimwe yangu ichiyerera mura,

pazvibato zvechizarira.

6 Ndakazarurira mudiwa wangu,

asi mudiwa wangu akanga abva; akanga atoenda.

Mwoyo wangu wakarwadziwa nokuenda kwake.

Ndakamutsvaka asi handina kumuwana.

Ndakamudana asi haana kupindura.

7 Varindi vakandiona

pavaiva pabasa ravo rokufamba-famba vachichengetedza guta.

Vakandirova, vakandikuvadza;

vakanditorera jasi rangu,

ivavo varindi vamasvingo!

8 Imi vanasikana veJerusarema, ndinokurayirai,

kana mukaona mudiwa wangu,

muchamuudzeiko?

Mumuudze kuti ndinorwara nerudo.

9 Mudiwa wako akanaka kukunda vamwe pakudii,

iwe zvako wakanaka kukunda vamwe vakadzi?

Mudiwa wako akanaka kukunda vamwe pakudii,

zvaunotirayira kudaro?

10 Mudiwa wangu akanaka uye mutsvuku,

anokunda vanokwana zviuru gumi.

11 Musoro wake igoridhe chairo;

bvudzi rake rinoyevedza

uye rakasviba segunguo.

12 Meso ake akafanana nenjiva

dziri pahova dzemvura,

dzakashambidzwa mumukaka,

akarongwa sezvishongo.

13 Matama ake akaita semihomba yezvinonhuhwira

inobereka zvinonhuhwira.

Miromo yake yakaita samaruva amahapa

anodonha mura.

14 Maoko ake itsvimbo dzegoridhe

dzakaiswa mabwe anokosha ekrisorite.

Muviri wake wakaita senyanga dzenzou dzinobwinya

dzakashongedzwa nesafire.

15 Makumbo ake imbiru dzamabwe machena

akamiswa pazvigadziko zvegoridhe rakanatswa.

Chimiro chake chakaita seRebhanoni,

chakanakisisa semisidhari yayo.

16 Muromo wake inhapitapi pachayo;

zvirokwazvo akaisvonaka.

Uyu ndiye mudiwa wangu, ndiye shamwari yangu,

imi vanasikana veJerusarema.

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *