Categories
Rwiyo Rukuru rwaSoromoni

Rwiyo Rukuru rwaSoromoni 3

1 Usiku hwose ndiri pamubhedha wangu

ndakatsvaka uyo anodiwa nomwoyo wangu;

ndakamutsvaka asi handina kumuwana.

2 Ndichasimuka zvino ndinofamba-famba muguta,

mumigwagwa yaro nomuzvivara zvaro;

ndichatsvaka iye anodiwa nomwoyo wangu.

Saka ndakamutsvaka asi handina kumuwana.

3 Varindi vakandiona

pavaiva pabasa ravo rokufamba-famba vachichengetedza guta.

“Ko, mamboona here iye anodiwa nomwoyo wangu?”

4 Ndichingopfuudzana navo

ndakabva ndamuwana, iye anodiwa nomwoyo wangu.

Ndakamubata ndikasamuregedza

kusvikira ndaenda naye kumba kwamai vangu,

kuimba yaavo vakandibereka.

5 Vanasikana veJerusarema, ndinokurayirai

nemhara kana nenondo dzesango kuti:

Musazunguza kana kumutsa rudo

kusvikira irwo rwada rwoga.

6 Ndianiko uyo ari kuuya achibva nokurenje

seshongwe youtsi

ine munhuwi wemura, nezvimwe zvinonhuhwira

zvakagadzirwa nezvikuyiwa zvinonhuhwira zvavashambadzi?

7 Tarirai! Ndiyo ngoro yaSoromoni,

yakachengetedzwa nemhare makumi matanhatu dzamachinda,

apamusoro-soro omuIsraeri.

8 Mumwe nomumwe wavo akabata munondo

vose vakarwa hondo,

mumwe nomumwe ane munondo parutivi rwake,

vakagadzirira kutarisana nezvinotyisa usiku.

9 Mambo Soromoni akazvigadzirira ngoro;

akaigadzira nemiti yokuRebhanoni.

10 Mbiru dzacho akadzigadzira nesirivha,

pokuzembera musana pakagadzirwa negoridhe.

Pokugara pakashongedzwa nejira repepuru,

mukati mayo makashongedzwa norudo

navanasikana veJerusarema.

11 Budai imi vanasikana veZioni,

muzoona Mambo Soromoni akapfeka korona,

korona yaakapfekedzwa namai vake

musi wesvitsa,

zuva iro mwoyo wake wakafara.

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *