Categories
Rwiyo Rukuru rwaSoromoni

Rwiyo Rukuru rwaSoromoni 1

1 Rwiyo Rukuru rwaSoromoni:

2 Ngaanditsvode hake nokutsvoda kwomuromo wake.

Nokuti rudo rwako runofadza kupfuura waini.

3 Kunhuhwirira kwamafuta enyu kunofadza;

zita renyu rakafanana namafuta anonhuwirira adururwa.

Hazvishamisi kuti mhandara dzinokudai!

4 Nditorei muende neni, ngatikurumidzei.

Mambo ngaandipinze mudzimba dzake dzomukati.

Tinokupembererai uye tinokufarirai;

ticharumbidza rudo rwenyu kupfuura waini.

Regai zvenyu mhandara dzikudei!

5 Kusviba ndakasviba zvangu, asi ndakanaka hangu,

vanasikana veJerusarema,

ndakasviba samatende eKedhari,

sezvidzitiro zvetende raSoromoni.

6 Musanditarisisa nokuda kwoutema hwangu,

nokuti ndakasvibiswa nezuva.

Vanakomana vamai vangu vakanditsamwira

vakandiita kuti ndichengete minda yemizambiringa;

munda wangu chaiwo wemizambiringa ndakaushayira nguva.

7 Ndiudze, iwe mudiwa wangu, kwaunofudzira makwai ako

nokwaunozorodzera makwai ako masikati.

Ko, ndichaitirei somukadzi akafukidza chiso chake

pedyo namakwai eshamwari dzako?

8 Kana usingazivi, iwe mukadzi akanaka kukunda vamwe,

chitevera makwara amakwai

ugondofudzira mbudzana dzako

pedyo namatende avafudzi.

9 Ndinokufananidza, iwe mudiwa wangu, nebhiza rakasungwa

pane imwe yengoro dzaFaro.

10 Matama ako akashongedzwa zvakanaka nemhete,

mutsipa wako nezvuma zvamatombo anokosha.

11 Tichakugadzirira mhete

dzenzeve dzegoridhe nesirivha.

12 Mambo paakanga agere patafura yake,

munhuwi wamafuta andainge ndazora wakapararira.

13 Mudiwa wangu, kwandiri akaita sakahomwe kemura

kanogara pakati pamazamu angu.

14 Mudiwa wangu, kwandiri akaita sesumbu ramaruva machena

anobva mubindu remizambiringa yeEni Gedhi.

15 Kunaka here kwawakaita uku, mudiwa wangu!

A-a, wakazonaka!

Meso ako injiva chaidzo!

16 Wakanaka sei, mudiwa wangu!

A-a, unofadza!

Uye mubhedha wedu wakasvibira.

17 Nhungo dzeimba yedu ndedzomusidhari;

mbariro dzacho ndedzomupaini.

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *