Categories
Isaya

Isaya 65

Kutongwa noRuponeso

1 “Ndakazviratidza kuna avo vasina kundibvunza;

ndakawanikwa neavo vasina kunditsvaka.

Kurudzi rwakanga rusina kudana kuzita rangu

ndakati, ‘Ndiri pano, ndiri pano.’

2 Zuva rose ndakatambanudzira maoko angu

kurudzi rwakasindimara,

vanofamba munzira dzisina kunaka

vachitevera zvavanofunga,

3 vanhu vanogara vachindigumbura

ipo pamberi pangu chaipo,

vachibayira zvibayiro pamapindu

uye vachipisira zvinonhuhwira paaritari dzezvitinha;

4 vanogara pakati pamarinda

uye vanopedza usiku hwavo vachinyengetera vari munzira yakavanda:

vanodya nyama yenguruve,

uye hari dzavo dzine furo renyama yakasvibiswa;

5 vanoti, ‘Gara kure; usaswedera pedyo neni,

nokuti ndiri mutsvene kupfuura iwe.’

Vanhu vakadaro utsi mumhuno dzangu,

moto unoramba uchipfuta zuva rose.

6 “Tarirai, zvakanyorwa pamberi pangu zvinoti:

Handinganyarari asi ndicharipira zvakazara;

ndichazviripa pamakumbo avo,

7 zvakaipa zvenyu nezvamadzibaba enyu,”

ndizvo zvinotaura Jehovha.

“Nokuti vakapisira zvibayiro pamusoro pezvikomo,

ndichayera pamakumbo avo

muripo wakazara wamabasa avo akare.”

8 Zvanzi naJehovha:

“Sezvazvakangoita kana musvi uchiri kuwanikwa musumbu ramazambiringa

uye vanhu vachiti, ‘Musauparadza, muchine zvakanaka mauri,’

saizvozvo ndizvo zvandichaitira varanda vangu;

handingavaparadzi vose.

9 Ndichabudisa marudzi kuna Jakobho,

uye nokubva kuna Judha avo vachatora makomo angu;

vasanangurwa vangu vachagara nhaka,

uye varanda vangu vachagara ikoko.

10 Sharoni richava mafuro amakwai,

uye Mupata weAkori uchava uvato hwemombe

dzavanhu vangu vanonditsvaka.

11 “Asi kana murimi munosiya Jehovha

uye munokanganwa gomo rangu dzvene,

munowaridzira Rombo Rakanaka tafura,

uye munozadza zvirongo newaini yakavhenganisirwa Magumo,

12 ndichakuendesai kumunondo,

uye mose muchakotamira pasi kuti mubayiwe,

nokuti ndakadana asi hamuna kudavira,

ndakataura asi hamuna kuteerera.

Makaita zvakaipa pamberi pangu

mukasarudza zvisingandifadzi.”

13 Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha:

“Varanda vangu vachadya,

asi imi muchanzwa nzara;

varanda vangu vachanwa,

asi imi muchava nenyota;

varanda vangu vachafara,

asi imi muchanyadziswa.

14 Varanda vangu vachaimba zvichibva mumufaro wemwoyo yavo,

asi imi muchachema nokurwadziwa nemwoyo

uye muchaungudza mukupwanyika kwomweya.

15 Muchasiyira zita renyu

kuvasanangurwa vangu sechituko;

Ishe Jehovha achakuurayai,

asi achapa varanda vake rimwe zita.

16 Ani naani achati nyika iropafadzwe

achazviita naMwari wechokwadi;

ani naani achaita mhiko munyika

achapika naMwari wechokwadi.

Nokuti matambudziko akare achakanganwikwa,

uye achavanzirwa meso angu.

Matenga Matsva neNyika Itsva

17 “Tarirai, ndichasika

matenga matsva nenyika itsva.

Zvinhu zvakare hazvichazorangarirwi,

kana kuuya mundangariro.

18 Asi farai mupembere nokusingaperi

mune zvandichasika,

nokuti ndichasika Jerusarema kuti rifadze

uye kuti vanhu varo vave mufaro.

19 Ndichapembera pamusoro peJerusarema,

uye ndichafarira vanhu vangu;

maungira okuchema kana kurira

haachazonzwikwazve imomo.

20 “Mariri hamungazovazve

nomucheche achararama mazuva mashoma shoma,

kana mutana asingasvitsi makore ake okurarama;

uyo anofa ane zana ramakore

achangotorwa somujaya;

uyo anotadza kusvika pazana ramakore

achatorwa sowakatukwa.

21 Vachavaka dzimba vagogara madziri;

vachadyara mazambiringa vagodya michero yawo.

22 Havachazovakazve dzimba dzinozogarwa navamwe,

kana kudyara vamwe vachizodya.

Nokuti sezvakaita mazuva omuti,

ndizvo zvichaita mazuva avanhu vangu;

vasanangurwa vangu vachafara kwenguva refu

mumabasa amaoko avo.

23 Havachazoshandira pasina

kana kubereka vana vanoparadzwa;

nokuti vachava vanhu vakaropafadzwa naJehovha,

ivo nezvizvarwa zvavo.

24 Vasati vadana ndichavapindura;

vachiri kutaura ndichavanzwa.

25 Bumhi negwayana zvichafura pamwe chete,

uye shumba ichadya uswa senzombe,

asi guruva richava chokudya chenyoka.

Hazvichazokuvadza kana kuparadza

pamusoro pegomo rangu dzvene rose,”

ndizvo zvinotaura Jehovha.

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *