Categories
Isaya

Isaya 61

Gore reNyasha dzaJehovha

1 Mweya waIshe Jehovha uri pamusoro pangu,

nokuti Jehovha akandizodza

kuti ndiparidze vhangeri kuvarombo.

Akandituma kuti ndirape vane mwoyo yakaputsika,

kuti ndiparidze kusunungurwa kwavakatapwa,

nokubudiswa kwavasungwa kuti vabve murima,

2 kuti ndiparidze gore rengoni dzaJehovha

uye nezuva rokutsiva kwaMwari wedu,

kuti ndinyaradze vose vanochema,

3 uye ndiriritire avo vanochema muZioni,

kuti ndiise pamusoro pavo korona yorunako

pachinzvimbo chamadota,

mafuta omufaro

pachinzvimbo chokuchema,

uye nenguo yokurumbidza

pachinzvimbo chomweya wakarukutika.

Vachanzi miouki yokururama,

yakasimwa naJehovha

kuti aratidze kubwinya kwake.

4 Vachavakazve matongo akare

uye vachamutsazve nzvimbo dzakaparadzwa kare;

vachavandudza matongo amaguta

akaparadzwa kwezvizvarwa nezvizvarwa zvakapfuura.

5 Vatorwa vachafudza mapoka amakwai enyu;

vatorwa vachashanda muminda yenyu nomuminda yenyu yemizambiringa.

6 Ipapo imi muchanzi vaprista vaJehovha,

muchanzi vashumiri vaMwari.

Muchadya pfuma yendudzi,

uye muchazvirumbidza nepfuma yavo.

7 Pachinzvimbo chokunyadziswa kwavo

vanhu vangu vachagamuchira migove miviri,

uye pachinzvimbo chokunyadziswa vachafara munhaka yavo;

nokudaro vachagara nhaka yemigove miviri munyika yavo,

uye mufaro usingaperi uchava wavo.

8 “Nokuti ini, Jehovha, ndinoda kururamisira;

ndinovenga kupamba nezvakaipa.

Mukutendeka kwangu, ndichavapa mubayiro

uye ndichaita sungano isingaperi navo.

9 Zvizvarwa zvavo zvichazivikanwa pakati pendudzi

uye navana vavo pakati pamarudzi.

Vose vanovaona vachaziva

kuti vanhu vakaropafadzwa naJehovha.”

10 Ndinofara zvikuru muna Jehovha;

mweya wangu unofara muna Mwari.

Nokuti akandifukidza nenguo dzoruponeso,

uye akandishongedza nenguo yokururama,

sechikomba chinoshongedza musoro wacho somuprista,

uye somwenga anozvishongedza nezvishongo zvamatombo anokosha.

11 Nokuti ivhu sezvarinomeresa mbeu,

nebindu richiita kuti mbeu dzikure,

saizvozvo Ishe Jehovha achaita kuti kururama nerumbidzo

zvimere pamberi pendudzi dzose.

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *