Categories
Isaya

Isaya 57

1 Vakarurama vanoparara,

uye hakuna anofunga izvi mumwoyo make;

vanhu vanoda Mwari vanobviswa,

uye hakuna anonzwisisa

kuti vakarurama vanobviswa

kuti vanunurwe kubva pane zvakaipa.

2 Vose vanofamba mukururama

vanopinda murugare,

vanowana zororo pavanovata murufu.

3 “Asi imi, uyai pano, imi vanakomana vomuroyi,

imi chibereko chemhombwe nezvifeve!

4 Muri kuseka aniko?

Ndiani wamunohomera

uye wamunobudisira rurimi rwenyu?

Ko, hamusi chibereko chemhandu here,

nechizvarwa chavanoreva nhema?

5 Munotsva noruchiva pakati pemiti

yemuouki napasi pomuti mumwe nomumwe wakapfumvutira;

munobayira vana venyu mumipata

napasi pamapazi akarembera.

6 Zvifananidzo zviri pakati pamatombo anotsvedzerera emipata ndiwo mugove wenyu;

izvozvo, ndiwo mugove wenyu.

Hongu, wakadururira chipiriso chokunwa kwazviri,

uye ukapa chipiriso chezviyo.

Ko, ini muchagona kundiripira zvinhu izvi here?

7 Wakawaridza nhoo pakakwirira napachikomo chirefu;

ikoko wakakwira kundobayira zvibayiro.

8 Seri kwamakonhi ako nezvivivo zvako

wakaisa chirangaridzo chavamwari vako.

Uchindisiya ini, wakafukura mubhedha wako,

wakakwira pauri ukaushamisa kwazvo;

wakaita sungano naavo vane mibhedha yaunoda,

uye wakatarisa kusasimira kwavo.

9 Wakaenda kuna Moreki namafuta

omuorivhi ukawedzera zvinonhuhwira zvako.

Wakatumira nhume dzako kure;

wakaburukira kuguva chaiko!

10 Wakaneteswa nenzira dzako dzose,

asi hauna kumboti, ‘Hazvina maturo.’

Wakawana kuvandudzwa kwesimba rako,

nokudaro hauna kuziya.

11 “Ndianiko wawakatya uye ukavhunduka

zvokuti wakazoreva nhema kwandiri,

uye hauna kumbondirangarira

kana kumbozvifunga izvi mumwoyo mako?

Hakuzi kuti ndakaramba ndakanyarara

iwe ukasanditya here?

12 Ndichaisa pachena kururama kwako namabasa ako,

uye hazvizombokubatsiri.

13 Paunochemera rubatsiro,

zvifananidzo zvawakaunganidza ngazvikubatsire!

Mhepo ichazvikukura zvose,

mweya wokungofema zvawo uchazvifuridzira kure.

Asi munhu anondiita utiziro hwake

achagara nhaka yenyika,

uye gomo rangu dzvene richava rake.”

Kunyaradzwa kwaVane Mwoyo Yakapwanyika

14 Uye zvichazonzi:

“Vakai, vakai, gadzirai mugwagwa!

Bvisai zvipinganidzo munzira yavanhu vangu.”

15 Nokuti zvanzi naIye akakwirira ari kumusoro,

iye anorarama nokusingaperi, ane zita dzvene:

“Ndinogara pakakwirira panzvimbo tsvene,

asi naiyewo ane mweya wakapwanyika uye anozvininipisa,

kuti ndimutsiridze mweya yavanozvininipisa

uye ndimutsiridze mwoyo yavakapwanyika.

16 Handichapi mhosva nokusingaperi,

kana kugara ndakatsamwa,

nokuti ipapo mweya yavanhu ingaziya pamberi pangu,

kufema kwomunhu wandakasika.

17 Ndakatsamwiswa nechivi chake chokukara;

ndakamuranga, ndikavanza chiso changu mukutsamwa kwangu,

asi akaramba ari munzira dzaaida.

18 Ndakaona nzira dzake,

asi ndichamuporesa; ndichamutungamirira uye ndichamunyaradza,

19 ndichisika rumbidzo pamiromo yavanochema muIsraeri.

Rugare, rugare kuna vari kure navari pedyo,”

ndizvo zvinotaura Jehovha. “Uye ndichavaporesa.”

20 Asi vakaipa vakafanana negungwa rinozungunuka,

risingagoni kuzorora,

rina mafungu anorasa marara namatope.

21 Mwari wangu anoti, “Vakaipa havana rugare.”

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *