Categories
Isaya

Isaya 56

Ruponeso rwaVamwe

1 Zvanzi naJehovha:

“Chengetedzai kururamisira

mugoita zvakanaka,

nokuti ruponeso rwangu rwava pedyo,

uye kururama kwangu kuchakurumidza kuratidzwa.

2 Akaropafadzwa munhu anoita izvi,

munhu anozvibatisisa,

anochengeta Sabata asingarisvibisi,

uye anodzivisa ruoko rwake kuita chinhu chakaipa.”

3 Mutorwa akanamatira kuna Jehovha ngaarege kuti,

“Zvirokwazvo Jehovha achandiparadzanisa navanhu vake.”

Uye nomuyunaki ngaarege kugununʼuna achiti,

“Ndinongova zvangu muti wakaoma.”

4 Nokuti zvanzi naJehovha:

“Kuvayunaki vanochengeta maSabata angu,

vanosarudza zvinondifadza,

uye vanobatirira pasungano yangu,

5 kwavari ndichapa, mukati metemberi yangu namasvingo ayo,

chirangaridzo nezita riri nani kupfuura vanakomana navanasikana;

ndichavapa zita risingaperi, risingazoparadzwi.

6 Uye vatorwa vakazvipira kuna Jehovha

kuti vamushumire,

kuti vade zita raJehovha,

uye vamunamate,

vose vanochengeta Sabata

vasingarisvibisi vachibatisisa sungano yangu,

7 ivava ndichavauyisa kugomo rangu dzvene

ndigovapa mufaro muimba yangu yokunyengetera.

Zvipiriso zvavo zvinopiswa

nezvibayiro zvichagamuchirwa paaritari yangu;

nokuti imba yangu ichanzi

imba yokunyengetera yendudzi dzose.”

8 Ishe Jehovha anoti,

iye anounganidza vakatapwa vaIsraeri,

“Ndichaunganidzazve vamwe kwavari,

tisingaverengeri avo vakaunganidzwa kare.”

Mwari anopa mhosva kuna Vakaipa

9 Uyai, imi mose zvikara zvesango,

uyai mudye, imi mose zvikara zvesango!

10 Nharirire dzeIsraeri mapofu,

vose vanoshayiwa zivo;

vose imbwa dzisingahukuri,

hadzigoni kuhukura;

dzinovata pose pose dzichingorota,

dzinofarira kuvata.

11 Imbwa dzinokara zvikuru;

dzisingamboguti.

Vafudzi vanoshayiwa kunzwisisa:

vose vanotsaukira kunzira yavo pachavo,

mumwe nomumwe anotsvaka zvinomupfumisa.

12 Mumwe nomumwe anodanidzira achiti, “Uyai, regai nditore waini!

Regai tinwe tigute nedoro!

Uye mangwana achafanana nanhasi,

kana kutopfuura.”

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *