Categories
Isaya

Isaya 46

Vamwari veBhabhironi

1 Bheri rinokotamira pasi, Nebho rinokotama;

zvifananidzo zvavo zvinotakurwa nezvipfuwo zvinotakura mutoro.

Zvifananidzo zvacho zvinotakurwa zvinorema,

mutoro pazvipfuwo zvakaneta.

2 Zvinokotama uye zvinokotamira pasi pamwe chete;

zvisingagoni kurwira mutoro,

izvo pachazvo zvinoenda kuutapwa.

3 “Ndinzwei, imi imba yaJakobho,

imi mose vakasara veimba yaIsraeri,

imi vandakasimudzira kubvira muchiri mudumbu,

uye ndikakutakurai kubvira pakuzvarwa kwenyu.

4 Kunyange kusvikira pakuchembera kwenyu,

bvudzi rachena, ndini iye, ndini ndichakururamisai.

Ndakakuitai uye ndichakutakurai;

ndichakuraramisai uye ndichakununurai.

5 “Mungandienzanisa naaniko kana kunditi ndakaita saani?

Mungandifananidza naaniko wandingaenzaniswa naye?

6 Vamwe vanodurura goridhe kubva muhomwe dzavo,

uye vanoyera sirivha pazviyero;

vanotsvaka mupfuri kuti avaitire chimwari,

vagopfugama kuti vachinamate.

7 Vanochisimudzira pamapfudzi avo vagochitakura;

vanochigadzika panzvimbo yacho,

uye hecho chomira, hachigoni kufamba kuti chibvepo.

Kunyange mumwe akadanidzira kwachiri, hachipinduri;

hachigoni kumuponesa kubva pamatambudziko ake.

8 “Rangarirai chinhu ichi, muchiise mupfungwa dzenyu,

muise pamwoyo yenyu, imi vapanduki.

9 Rangarirai zvinhu zvakare, zviya zvekare kare;

ndini Mwari, uye hakuna mumwe;

ndini Mwari, hakuna akafanana neni.

10 Ndinozivisa magumo kubva pakutanga,

kubva panguva yekare kare, izvo zvichiri kuuya.

Ndinoti: Zvandakaronga zvichaitika,

uye ndichaita zvose zvandinoda.

11 Kubva kumabvazuva ndinodana gondo;

kubva kunyika iri kure kure ndinodana munhu achazadzisa kuda kwangu.

Zvandakareva ndichaita kuti zviitike;

zvandakaronga, ndichazviita.

12 Nditeererei, imi vane mwoyo yakasindimara,

iyemi muri kure nokururama.

13 Ndiri kuswededza pedyo kururama kwangu,

hakusi kure;

uye ruponeso rwangu haruzononotswi.

Ndichapa ruponeso kuZioni,

nokubwinya kwangu kuna Israeri.

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *