Categories
Isaya

Isaya 35

Mufaro waVakadzikinurwa

1 Gwenga nenyika yakaoma zvichafara;

sango richafara kwazvo uye richatumbuka;

seruva,

2 richatumbuka;

richafara zvikuru uye richapembera nomufaro.

Mbiri yeRebhanoni ichapiwa kwariri,

kunaka kweKarimeri neSharoni;

vachaona kubwinya kwaJehovha,

nokunaka kwaMwari wedu.

3 Simbisai maoko asina simba,

tsigirai mabvi anodedera;

4 muti kuna avo vane mwoyo inotya,

“Simbai, musatya;

Mwari wenyu achauya,

achauya nokutsiva,

nokuripira kutsvene

achauya kuzokuponesai.”

5 Ipapo meso amapofu achasvinudzwa

uye nzeve dzematsi dzichazarurwa.

6 Ipapo akaremara achakwakuka senondo,

uye rurimi rwechimumu ruchaimba nomufaro.

Mvura ichatubuka murenje,

uye nehova dzemvura mugwenga.

7 Jecha rinopisa richashanduka rikava dziva,

ivhu rine nyota richava zvitubu zvemvura.

Maigara makava noumo maaimbovata,

muchamera uswa, netsanga nenhokwe.

8 Ipapo pachava nomugwagwa;

uchanzi Nzira yoUtsvene.

Vane tsvina havangazofambi mairi;

ichava yaivavo vanofamba muNzira iyoyo;

vakaipa namapenzi havangazofambi mairi.

9 Hapangavi neshumba ipapo,

kana chikara chipi zvacho chichawanikwapo.

Asi vakadzikinurwa voga ndivo vachafambamo,

10 uye vakasunungurwa vaJehovha vachadzoka.

Vachapinda muZioni vachiimba;

mufaro usingaperi uchava pamusoro pavo.

Vachawana mufaro nokufarisisa,

kusuwa nokuneta zvichatiza.

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *