Categories
Isaya

Isaya 24

Kuparadzwa kweNyika naJehovha

1 Tarirai, Jehovha ari kuzoparadza nyika

achiiparadza zvachose;

achanyangadza kutarisika kwayo

uye achaparadzira vanogaramo,

2 zvichangofanana,

zvinoitirwa muprista nezvinoitirwa vanhu,

zvinoitirwa vatenzi nezvinoitirwa muranda,

zvinoitirwa vahosi nezvinoitirwa mushandiri,

zvinoitirwa mutengesi nezvinoitirwa mutengi,

zvinoitirwa anokwereta nezvinoitirwa akweretwa,

zvinoitirwa anoripa mhindu nezvinoitirwa anoreva mhindu.

3 Nyika ichaparadzwa zvachose

uye ichatorerwa zvayo zvose.

Jehovha ataura shoko irori.

4 Nyika inooma uye inosvava,

pasi pose panorwadziwa uye panounyana,

vanokudzwa venyika vanopera simba uye vanorwadziwa.

5 Nyika inosvibiswa navanhu vayo;

havana kuteerera mirayiro,

vakapandukira mitemo

uye vakaputsa sungano isingaperi.

6 Naizvozvo chituko chinoparadza nyika,

vanhu vayo vanofanira kuzvitakurira mhosva dzavo.

Naizvozvo vagari vomunyika vapiswa,

uye vashoma ndivo vasara.

7 Waini itsva inopera uye muzambiringa unosvava;

vose vanoda mafaro vanogomera.

8 Kufadza kwamakandira kwanyaradzwa,

kupembera kwavapururudzi kwapera,

rudimbwa rwomufaro rwanyaradzwa.

9 Havangazonwi waini vachiimba rwiyo;

doro rava kuvava kuvanwi varo.

10 Guta rakoromorwa rava dongo;

mukova wokupinda mudzimba dzose wapfigwa.

11 Vochemera waini mumigwagwa;

mufaro wose washanduka wava kusuwa,

mupururu wabviswa panyika.

12 Guta rasara rava dongo,

masuo aro aputswa-putswa.

13 Ndizvo zvazvichaita munyika

napakati pendudzi,

zvichafanana nokuzunzwa kwomuorivhi,

kana sezvinosara pakunongwa shure kwegohwo ramazambiringa.

14 Vanosimudza manzwi avo, vanopururudza nomufaro;

kubva kumavirira vanoparidza zvoukuru hwaJehovha.

15 Naizvozvo kumabvazuva, mbiri kuna Jehovha;

kudzai zita raJehovha Mwari waIsraeri

pazviwi zvegungwa.

16 Kubva kumigumo yenyika tinonzwa kuimba kunoti:

“Ngaakudzwe iye Akarurama.”

Asi ini ndakati, “Ndiri kupera muviri, ndiri kupera muviri!

Ndine nhamo!

Vanyengeri vakaita zvinhu nokunyengera!

Vanyengeri vakaita zvinhu nokunyengera kukuru!”

17 Kutya negomba zvakakumirirai,

imi vanhu vapanyika.

18 Ani naani anotiza kutinhira kunotyisa,

achawira mugomba;

ani naani anokwira achibuda mugomba

achabatwa mumusungo.

Nokuti mawindo okudenga azaruka,

uye nheyo dzapanyika dzozungunuka.

19 Nyika yaputswa-putswa,

nyika yakamurwa napakati,

nyika yozungunuswa chose.

20 Nyika yodzedzereka sechidhakwa,

inozengaira semba iri mumhepo;

kudarika nokumukira kwayo kwairemera kwazvo,

zvokuti inowa, ikasazomukazve.

21 Pazuva iro Jehovha acharanga masimba

omuchadenga kumusoro,

uye namadzimambo ari pamusoro penyika pasi.

22 Vachaunganidzwa pamwe chete

kufanana navasungwa vakasungwa mugomba;

vachapfigirwa mutorongo

vagozorangwa kwamazuva mazhinji.

23 Mwedzi uchanyadziswa, zuva richanyara;

nokuti Jehovha Wamasimba Ose achatonga

pamusoro peGomo reZioni nomuJerusarema,

napamberi pavakuru varo, nokubwinya kukuru.

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *