Categories
Jeremia

Jeremia 47

Chirevo pamusoro pavaFiristia

1 Iri ndiro shoko raJehovha rakasvika kumuprofita Jeremia pamusoro pavaFiristia, Faro asati arwisa Gaza:

2 Zvanzi naJehovha:

“Onai kukwira kunoita mvura zhinji yokumusoro;

ivo vachava rwizi runofashukira nesimba.

Vachafukidza nyika nezvose zviri mairi,

maguta navose vanogaramo.

Vanhu vachachema;

vose vanogara munyika vachaungudza

3 pavachanzwa mutsindo wemahwanda emabhiza,

kutinhira kwengoro dzavavengi,

nokurira kwemavhiri adzo.

Madzibaba haangadzoki kuzobatsira vana vavo;

maoko avo acharembera seakaremara.

4 Nokuti zuva rasvika

rokuparadza vaFiristia vose,

uye nokuuraya vose vakasara

vaigona kubatsira Tire neSidhoni.

Jehovha ava pedyo nokuparadza vaFiristia,

vaya vakasara vanobva kumahombekombe eKafitori.

5 Gaza richaveura musoro waro mukuchema;

Ashikeroni richati mwiro.

Haiwa, imi vakasara vari pabani,

muchapedza nguva yakadiiko muchizvicheka?

6 “Muchachema muchiti, ‘Maiwe, munondo waJehovha,

uchapedza nguva yakadiiko usati wazorora?

Dzokera mumuhara wako;

mira, unyarare.’

7 Asi ungazorora sei,

Jehovha akaurayira,

sezvo akaurayira

kuti urwise Ashikeroni namahombekombe?”

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *