Categories
Hosea

Hosea 5

Kutongwa kweIsraeri

1 “Inzwai izvi, imi vaprista!

Teererai, imi vaIsraeri!

Teerera, iwe imba youmambo!

Ndiwe uri kutongwa:

Wakanga uri musungo paMizipa,

mumbure wakatambanudzwa paTabhori.

2 Vapanduki vari mushishi rokuuraya.

Ndichavaranga vose.

3 Ndinoziva zvose zviri pamusoro paEfuremu;

Israeri haina kuvanzika kwandiri.

Efuremu, watendeukira zvino kuufeve;

Israeri aora.

4 “Zviito zvavo hazvivatenderi

kudzokera kuna Mwari wavo.

Mweya woufeve uri mumwoyo yavo;

havazivi Jehovha.

5 Kuzvikudza kwaIsraeri kunovapa mhosva;

vaIsraeri, kunyange Efuremu, vanogumburwa muchivi chavo;

Judha anogumburwawo pamwe chete navo.

6 Pavachaenda namakwai nemombe dzavo

kundotsvaka Jehovha,

havazomuwani;

azvibvisa kwavari.

7 Havana kutendeka kuna Jehovha;

vanobereka vana voupombwe.

Zvino mitambo yavo yoKugara kwoMwedzi

ichavadya pamwe chete neminda yavo.

8 “Ridzai hwamanda paGibhea,

norunyanga paRama.

Ridzai mhere yehondo paBheti Avheni;

tungamira pamberi, iwe Bhenjamini.

9 Efuremu achaparadzwa

pazuva rokutongwa.

Pakati pamarudzi aIsraeri

ndinozivisa zvinhu zvechokwadi.

10 Vatungamiri vaJudha vakafanana neavo

vanobvisa mabwe omuganhu.

Ndichadurura hasha dzangu pavari

samafashamu emvura.

11 Efuremu adzvinyirirwa

atsikwa-tsikwa mukutongwa,

nokuti akada kutevera zvifananidzo.

12 Ndakafanana nechipfukuto kuna Efuremu,

sokuora kuvanhu veJudha.

13 “Efuremu paakaona kurwara kwake,

naJudha maronda ake,

Efuremu ndipo paakatendeukira kuAsiria,

akatuma nhume kuna mambo mukuru kundotsvaka rubatsiro.

Asi haagoni kukurapa,

haagoni kuporesa mavanga ako.

14 Nokuti ndichava seshumba kuna Efuremu,

seshumba huru kuna Judha.

Ndichavabvambura kuita zvidimbu zvidimbu ndigoenda;

ndichaenda navo pagoshaya anovarwira.

15 Mushure maizvozvo ndichadzokera kunzvimbo yangu,

kusvikira vabvuma mhosva yavo.

Uye vachatsvaka chiso changu;

pakutambudzika kwavo vachanditsvaka nomwoyo wose.”

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *