Categories
Hosea

Hosea 2

1 “Uti kuvanunʼuna vako, ‘Vanhu vangu,’ nokuhanzvadzi dzako ‘vadikanwa vangu.’ ”

Israeri inorangwa uye inodzorwazve

2 “Tsiurai mai venyu, vatsiurei,

nokuti havasi mukadzi wangu,

uye handisi murume wavo.

Ngavabvise kuonekwa kwoufeve pachiso chavo

nokusatendeka pakati pamazamu avo.

3 Kana zvikasadaro, ndichavabvisa nguo dzose

vagosara vakashama sezvavakanga vakaita musi wavakaberekwa.

Ndichavaita segwenga

ndigovashandura vave nyika yakaoma

uye ndichavauraya nenyota.

4 Handizoratidzi vana vavo rudo,

nokuti vana voufeve.

5 Mai vavo vakanga vasina kutendeka

uye vakavaberekera mune zvinonyadzisa.

Vakati, ‘Ndichateverazve vadiwa vangu,

vanondipa zvokudya zvangu nemvura yangu,

makushe angu nomucheka wangu, mafuta angu nezvokunwa zvangu.’

6 Naizvozvo ndichasosera nzira yavo namasanzu eminzwa;

ndichavapfigira mukati morusvingo zvokuti havangawani nzira yavo.

7 Vachadzinganisa vadiwa vavo asi havangavabati;

vachavatsvaka, asi havangavawani.

Ipapo vachati, ‘Ndichadzokera kumurume wangu sapakutanga

nokuti ipapo ndaiva nani kupfuura pari zvino.’

8 Havana kuzvibvuma kuti ndini

ndaivapa zviyo, newaini itsva namafuta,

ndini ndakavapa sirivha negoridhe rakawanda

izvo zvavakashandira Bhaari nazvo.

9 “Naizvozvo ndichavatorera zviyo zvangu kana zvaibva,

newaini yangu itsva nenguva yayo.

Ndichatora makushe angu nomucheka wangu

zvaifanira kufukidza kushama kwavo.

10 Saka zvino ndichabudisa pachena unzenza hwavo

pamberi pavadiwa vavo;

hapana achazovatora kubva mumaoko angu.

11 Ndichagumisa kupembera kwavo kwose:

mitambo yavo yose yegore negore, nguva dzoKugara kwoMwedzi,

maSabata avo nemitambo yavo yose yakatarwa.

12 Ndichaparadza mizambiringa yavo nemiti yavo yemionde

yakanga iri muripo waibva kuvadiwa vavo.

Ndichazviita dondo,

uye mhuka dzesango dzichazvidya.

13 Ndichavaranga nokuda kwamazuva

avakapisira zvinonhuhwira kuna Bhaari;

vakazvishonga nemhete nezvishongo,

vakatevera vadiwa vavo,

asi ini vakandikanganwa,”

ndizvo zvinotaura Jehovha.

14 “Naizvozvo zvino ndichazovakwezva;

ndichavatungamirira kurenje

ndigotaura zvinyoronyoro kwavari.

15 Ikoko ndichavadzosera minda yavo yemizambiringa

uye ndichaita kuti mupata weAkori uve musuo wetariro.

Ikoko vachaimba sapamazuva oumhandara hwavo,

sapamazuva avakabuda kubva muIjipiti.

16 “Pazuva iro,” ndizvo zvinotaura Jehovha,

“Uchanditi ‘murume wangu;’

hauchazonditi ‘tenzi wangu.’

17 Ndichabvisa mazita avanaBhaari pamiromo yavo;

havangazodani kumazita avozve.

18 Pazuva iro ndichavaitira sungano

nemhuka dzesango neshiri dzedenga

uye nezvipuka zvinokambaira pasi.

Uta nomunondo nehondo,

ndichazvibvisa panyika

kuti zvose zvivate pasi zvakachengetedzeka.

19 Ndichatsidza kukuwana uve wangu nokusingaperi;

ndichatsidza kukuwana mukururama uye nomukururamisira,

murudo netsitsi.

20 Ndichatsidza kukuwana mukutendeka,

uye uchabvuma kuti ndini Jehovha.

21 “Pazuva iro ndichadavira,”

ndizvo zvinotaura Jehovha,

“ndichadavira kumatenga

uye ivo vachadavira kunyika;

22 nenyika ichadavira kuzviyo,

waini itsva namafuta,

uye izvo zvichadavira kuna Jezireeri.

23 Ndichamusima panyika nokuda kwangu;

ndicharatidza rudo kuno uyo wandakati ‘Haasiye wandinoda.’

Ndichati kuna avo vanonzi ‘Havasi vanhu vangu,’ ‘Muri vanhu vangu,’

uye ivo vachati, ‘Muri Mwari wangu.’ ”

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *