Categories
Joere

Joere 1

1 Shoko raJehovha rakasvika kuna Joere mwanakomana waPetueri.

Dambudziko reMhashu

2 Inzwai izvi, imi vakuru;

teererai imi mose vagere munyika.

Ko, zvakadai zvakamboitika here pamazuva enyu,

kana pamazuva amadzitateguru enyu?

3 Zvinhu izvi zviudzei vana venyu,

uye vana venyu ngavaudzewo vana vavo,

vana vavowo vaudze chizvarwa chinotevera.

4 Zvakasiyiwa nefararira remhashu

zvakadyiwa nemhashu dzemagutaguta;

zvakasiyiwa nemhashu dzemagutaguta

zvakadyiwa negwatagwata;

zvakasiyiwa negwatagwata zvakadyiwa nedzimwewo mhashu.

5 Mukai imi zvidhakwa, chemai!

Ungudzai imi vanwi vewaini;

ungudzai nokuda kwewaini itsva,

nokuti yabvutwa pamiromo yenyu.

6 Rudzi rwarwisa nyika yangu,

rune simba uye haruverengeki;

rune meno eshumba nameno makuru eshumbakadzi.

7 Rwakaparadza mizambiringa yangu yose,

rukaparadza mionde yangu yose.

Rwakasvuura makwati ose emiti,

rukaarasira kure,

ndokusiya mapazi awo achena kuti mbe-e.

8 Chemai semhandara yakapfeka masaga

inochema murume wouduku hwayo.

9 Zvipiriso zvezviyo nezvipiriso zvokunwa

hazvichawanikwi muimba yaJehovha.

Vaprista vari kuungudza, vaya vanoshumira pamberi paJehovha.

10 Minda yaparadzwa,

pasi paoma;

zviyo zvaparadzwa,

waini itsva yapera,

mafuta hakuchina.

11 Pererwai nezano, imi varimi,

ungudzai, imi varimi vemizambiringa,

chemerai gorosi nebhari,

nokuti mukohwo weminda waparadzwa.

12 Muzambiringa waoma,

uye muonde wasvava;

mutamba, muchindwi nomuti womuapuro,

miti yose yesango, yaoma.

Zvirokwazvo, mufaro wavanhu

wasvava.

Vanhu vanonzi vatendeuke

13 Pfekai masaga mucheme, imi vaprista;

ungudzai, imi munoshanda paaritari.

Uyai muvate usiku hwose makapfeka masaga,

imi munoshumira pamberi paMwari wangu;

nokuti zvipiriso zvezviyo nezvokunwa

zvadziviswa muimba yaMwari wenyu.

14 Tsaurai nguva yokutsanya kutsvene;

danai vanhu kuungano tsvene.

Kokai vakuru

navose vanogara munyika

kuimba yaJehovha Mwari wedu,

mugodana kuna Jehovha.

15 Rinotyisa sei zuva iro!

Nokuti zuva raJehovha rava pedyo;

richauya sokuparadza kunobva kuna Wamasimba Ose.

16 Ko, zvokudya hazvina kubviswa here

pamberi pedu chaipo,

mufaro nokufarisisa

kubva mumba maMwari wedu?

17 Mbeu dzinopetana

dzisati dzamera pasi pevhu,

matura aparara,

tsapi dzaputswa

nokuti hapachina zviyo.

18 Mombe dzinogomera sei!

Matanga emombe odzungaira

nokuda kwokushayiwa mafuro.

Kunyange mapoka amakwai ari kutambudzika.

19 Haiwa Jehovha, ndinodana kwamuri,

nokuti moto wapisa mafuro,

uye mirazvo yemoto yapisa miti yose musango.

20 Kunyange mhuka dzesango dzinochema kwamuri;

nokuti hova dzesango dzapwa

uye moto waparadza mafuro ose.

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *