Categories
Amosi

Amosi 8

Tswanda yemichero yakaibva

1 Izvi ndizvo zvandakaratidzwa naIshe Jehovha: tswanda ine michero yakaibva.

2 Akabvunza akati, “Unooneiko, Amosi?”

Ndakapindura ndichiti, “Tswanda ine michero yakaibva.”

Ipapo Jehovha akati kwandiri, “Nguva yakwana kuvanhu vangu Israeri; handingavararamisizve.

3 “Pazuva iro,” ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, “nziyo dzomutemberi dzichashanduka dzigova kuchema. Mitumbi yevakafa ichava mizhinji. Munzvimbo dzose icharaswa vanhu vanyerere.”

4 Inzwai izvi imi munotsika-tsika vanoshayiwa

uye muchiparadza varombo venyika,

5 muchiti,

“Kugara kwoMwedzi kuchapfuura riniko

kuti tigotengesa zviyo,

uye kupera kweSabata

kuti tigotengesa gorosi?”

muchitapudza chiero,

muchikwidza mitengo

uye muchibiridzira nezvikero zvinonyengera,

6 muchitenga varombo nesirivha

uye vanoshayiwa neshangu,

muchitengesa kunyange makoto pamwe chete negorosi.

7 Jehovha apika noKuzvikudza kwaJakobho achiti, “Handizokanganwi chinhu chipi nechipi zvacho chavakaita.

8 “Ko, nyika haingadederi nokuda kwaizvozvi here

uye vose vanogara mairi havangachemi?

Nyika yose ichadira seNairi,

ichabvongodzwa

uye igoderera sorwizi rweIjipiti.

9 “Pazuva iro,” ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha,

“ndichaita kuti zuva rivire masikati makuru

uye ndichauyisa rima panyika masikati machena.

10 Ndichashandura mitambo yenyu yechinamato ive kuchema,

nokuimba kwose kuti kuve mhere.

Ndichaita kuti mose mupfeke masaga

uye mugoveura misoro yenyu.

Ndichaita kuti nguva iyi ive samariro omwanakomana akaberekwa ari mumwe oga,

uye magumo acho ave sezuva rakaipa kwazvo.

11 “Mazuva ari kuuya,” ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha,

“andichatumira nzara panyika yose,

kwete nzara yezvokudya kana nyota yemvura,

asi nzara yokunzwa mashoko aJehovha.

12 Vanhu vachadzedzereka vachibva kugungwa

vachienda kune rimwe gungwa,

uye vachadzungaira vachibva kumusoro vachienda kumabvazuva,

vachitsvaka shoko raJehovha, asi havangariwani.

13 “Pazuva iro,

“mhandara dzakaisvonaka namajaya

akasimba vachaziya nenyota.

14 Avo vanopika nokunyadzisa kweSamaria, kana vanoti,

‘Namwari wako mupenyu, iwe Dhani,’ kana kuti,

‘Namwari waBheerishebha mupenyu,’

vachawa,

vasingazomukazve.”

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *