Categories
Amosi

Amosi 3

Zvapupu zvinodaidzwa kuti zvizopomera Israeri mhosva

1 Inzwai shoko iri rakataurwa naJehovha pamusoro penyu, imi vanhu veIsraeri, pamusoro pemhuri yose yandakabudisa kubva muIjipiti:

2 “Ndimi moga vandakasarudza

pamhuri dzose dzapanyika;

naizvozvo ndichakurangai

nokuda kwezvivi zvenyu zvose.”

3 Ko, vaviri vangafamba pamwe chete

vasina kunge vatenderana here?

4 Ko, shumba ingaomba mudondo

isina chayaruma here?

Ko, ingarira mubako rayo isina chayabata here?

5 Ko, shiri ingawira pasi mumusungo

pasina kuteyiwa rugombe here?

Ko, musungo ungaurukira kumusoro

pasina chawabata here?

6 Hwamanda ingarira muguta,

vanhu vakasatya here?

Njodzi painowira guta,

ko, haazi Jehovha anenge azviita here?

7 Zvirokwazvo, Ishe Jehovha haaiti chinhu

asina kuzivisa varanda vake,

vaprofita, zvakavanzika zvake.

8 Shumba yaomba,

ndiani angarega kutya?

Ishe Jehovha ataura,

ndiani angarega kuprofita?

9 Paridzirai nhare dzeAshidhodhi

nenhare dzeIjipiti muchiti:

“Unganai pamakomo eSamaria;

onai kusagadzikana kukuru kuri mukati maro,

noudzvinyiriri huri pakati pavanhu varo.”

10 “Havazivi kuita zvakarurama,” ndizvo zvinotaura Jehovha,

“ivo vanounganidza zvakapambwa nezvakabiwa munhare dzaro.”

11 Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha,

“Muvengi achatora nyika; achawisira pasi nzvimbo dzako

uye achapamba nhare dzako.”

12 Zvanzi naJehovha:

“Mufudzi sezvaanobvuta pamuromo

weshumba mapfupa maviri amakumbo chete kana chipandi chenzeve,

vaIsraeri vachaponeswa saizvozvowo,

avo vanogara muSamaria

pamicheto yemibhedha yavo,

nomuDhamasiko pazvigaro zvavo.”

13 “Inzwai izvi, mugopupura pamusoro peimba yaJakobho,” ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, Mwari Wamasimba Ose.

14 “Pazuva randicharanga Israeri nokuda kwezvivi zvayo,

ndichaparadza aritari dzeBheteri;

nyanga dzearitari dzichaparadzwa

uye dzichawira pasi.

15 Ndichaparadza imba yenguva yechando,

pamwe chete neimba yenguva yechirimo;

dzimba dzakashongedzwa nenyanga dzenzou dzichaparadzwa

uye dzimba huru dzichaparadzwa,”

ndizvo zvinotaura Jehovha.

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *