Categories
Mika

Mika 2

Urongwa hwoMunhu nohwaMwari

1 Vane nhamo avo vanoronga zvakaipa,

avo vanoronga zvakaipa pamibhedha yavo!

Pakuedza kwamangwanani vanozviita

nokuti zviri musimba ravo kuzviita.

2 Vanochiva minda vagoipamba,

nedzimba, uye vagodzitora.

Vanobira munhu imba yake,

nomuvakidzani nhaka yake.

3 Naizvozvo Jehovha anoti,

“Ndiri kuronga njodzi yokurwisa nayo vanhu ava,

zvamusingagoni kuzvidzivirira kwazviri.

Hamuchazofambizve muchizvikudza,

nokuti ichava nguva yedambudziko.

4 Pazuva iro vanhu vachakutukai;

vachakudenhai norwiyo urwu rwokuchema:

‘Taitwa dongo chose;

pfuma yavanhu vangu yagovaniswa.

Anonditorera!

Anopa minda yedu kuna vanotimukira?’ ”

5 Naizvozvo muchashayiwa munhu kana mumwe, muungano yaJehovha,

kuti agove nyika nemijenya.

Vaprofita venhema

6 Vaprofita vavo vanoti, “Musaprofita,

musaprofita pamusoro pezvinhu izvi;

kunyadziswa hakungatibati.”

7 Zvingataurwe here, nhai imi imba yaJakobho, kuti:

“Ko, mweya waJehovha watsamwa here?

Iye anoita zvinhu zvakadaro here?”

“Ko, mashoko angu haaiti zvakanaka here

kuno uyo ane nzira dzake dzakarurama?

8 Asi mazuva ano vanhu vangu

vakandimukira somuvengi.

Munobvisa majasi anokosha

pane avo vanopfuura musina kana hanya,

savarume vodzoka kubva kuhondo.

9 Munodzinga madzimai avanhu vangu

kubva mudzimba dzavo dzakanaka.

Munotora ropafadzo yangu

kubva kuvana vavo nokusingaperi.

10 Simukai, ibvai pano!

Nokuti ino haisi nzvimbo yenyu yokuzororera,

nokuti yakasvibiswa,

yakaparadzwa zvisingagadziriki.

11 Kana munyepi nomunyengeri akauya oti,

‘Ndichakuprofitirai waini zhinji nedoro,’

iyeyu achava muprofita wavanhu ava!

Kudzikinurwa kunovimbiswa

12 “Zvirokwazvo ndichakuunganidzai imi mose, iwe Jakobho;

zvirokwazvo ndichaunganidza pamwe chete vakasara vaIsraeri.

Ndichavaunganidza pamwe chete samakwai muchirugu,

seboka pamafuro aro; nzvimbo yacho ichazara navanhu.

13 Uyo achaparura nzira achaenda pamberi pavo;

vachapwanya napasuo vagobuda panze.

Mambo wavo achapfuura ari pamberi pavo,

Iye Jehovha achivatungamirira.”

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *