Categories
Zekaria

Zekaria 9

Kutongwa kwaVavengi veIsraeri

Chirevo

1 Shoko raJehovha rinorwisana nenyika yeHadhiraki

uye richagara pamusoro peDhamasiko,

nokuti meso avanhu naamarudzi ose

eIsraeri ari pana Jehovha,

2 uye napamusoro peHamatiwo, rakaganhurana naro,

uye napamusoro peTire neSidhoni, kunyange zvazvo vane unyanzvi kwazvo.

3 Tire yakazvivakira nhare;

yakaunganidza sirivha seguruva

uye goridhe samarara omumugwagwa.

4 Asi Ishe achatora upfumi hwayo

uye achaparadzira simba rayo pagungwa,

uye ichaparadzwa nomoto.

5 Ashikeroni richazviona, rigotya;

Gaza richatambura mukurwadziwa,

neEkironiwo, nokuti tariro yaro ichapera.

Gaza richarasikirwa namambo waro

uye Ashikeroni haringavi navanhu.

6 Vatorwa vachagara paAshidhodhi,

uye ndichaparadza kuzvikudza kwavaFiristia.

7 Ndichabvisa ropa pamiromo yavo,

kudya kusingabvumirwi pakati pamazino avo.

Vaya vakasara vachava vanhu vaMwari wedu

uye vachava vatungamiri muJudha,

uye Ekironi achava savaJebhusi.

8 Asi ndichadzivirira imba yangu

pavarwi vanoirwisa.

Hapachazovazve nomumanikidzi angakunda vanhu vangu,

nokuti zvino ndiri kugara ndakatarira.

Kuuya kwaMambo weZioni

9 Fara kwazvo, iwe Mwanasikana weZioni!

Danidzira, Mwanasikana weJerusarema!

Tarira, mambo wako anouya kwauri,

iye akarurama uye ano ruponeso,

anozvininipisa akatasva mbongoro,

iyo mhuru, mwana wembongoro.

10 Ndichabvisa ngoro kuna Efuremu,

namabhiza ehondo kuJerusarema,

uye uta hwehondo huchavhunwa.

Achaparidzira ndudzi rugare.

Ushe hwake huchabva kugungwa huchisvika kugungwa,

uye kubva kuRwizi kusvika kumigumo yenyika.

11 Kana uriwe, nokuda kweropa resungano yangu newe,

ndichasunungura vasungwa vako kubva pagomba risina mvura.

12 Dzokerai kunhare yenyu, imi vasungwa vetariro;

kunyange iye zvino ndichazivisa kuti ndichadzorera kwamuri zvakapetwa kaviri.

13 Ndichakunga Judha sendinokunga uta hwangu,

uye ndichaizadza naEfuremu.

Ndichamutsa vanakomana vako, iwe Zioni,

kuti varwise vanakomana vako, iwe Girisi;

uye ndichakuita somunondo wemhare.

Jehovha achaonekwa

14 Ipapo Jehovha achaonekwa pamusoro pavo;

museve wake uchapenya semheni.

Ishe Jehovha acharidza hwamanda;

achafamba mudutu rezasi.

15 Uye Jehovha Wamasimba Ose achavadzivirira.

Vachaparadza

uye vachakunda nezvimviriri.

Vachanwa vagoomba sevanwa waini;

vachazara sembiya dzinoshandiswa

pakusasa makona earitari.

16 Jehovha Mwari wavo achavaponesa

pazuva iroro seboka ravanhu vake,

Vachavaima munyika yake

samabwe anokosha ari mukorona.

17 Kuyevedza kwavo nokunaka kwavo kuchava kukuru sei!

Zviyo zvichaita kuti majaya abudirire,

uye waini itsva kumhandara.

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *