Categories
Dhuteronomi

Dhuteronomi 33

Mozisi Anoropafadza Marudzi

1 Uku ndiko kuropafadza kwaMozisi munhu waMwari kwaakataura kuvaIsraeri asati afa.

2 Akati:

“Jehovha akabva kuSinai

akavabudira samambakwedza achibva kuSeiri;

akapenya kubva paGomo reParani.

Akauya nezviuru gumi zvavatsvene kubva rutivi rwezasi,

kubva kumawere amakomo ake.

3 Zvirokwazvo ndimi makada vanhu;

vatsvene vose vari muruoko rwenyu.

Patsoka dzenyu vose vanopfugama,

uye kubva kwamuri vanogamuchira kurayirwa,

4 murayiro watakapiwa naMozisi,

nhaka yeungano yaJakobho.

5 Akanga ari mambo weJeshuruni

vatungamiriri vavanhu pavakanga vakaungana,

pamwe chete namarudzi aIsraeri.

6 “Rubheni ngaararame arege kufa,

uye vanhu vake ngavarege kuva vashoma.”

7 Uye izvi ndizvo zvaakataura pamusoro paJudha:

“Inzwai, imi Jehovha, kuchema kwaJudha;

muuyisei kuvanhu vake.

Namaoko ake acharwira mhaka yake.

Haiwa, ivai mubatsiri wake pavavengi vake!”

8 Pamusoro paRevhi akati,

“Tumimi yenyu neUrimi yenyu

ndezvomunhu wamunoda.

Makamuedza paMasa;

makarwa naye pamvura dzeMeribha.

9 Akati pamusoro pababa namai vake,

‘Handivakudzi.’

Haana kurangarira hama dzake

kana kuziva vana vake,

asi akava mutariri weshoko renyu

akachengetedza sungano yenyu.

10 Anodzidzisa mitemo yenyu kuna Jakobho

uye nemirayiro kuna Israeri.

Achapa zvinonhuhwira pamberi penyu

nezvipiriso zvose zvinopiswa paaritari yenyu.

11 Ropafadzai kubata kwake kwose, imi Jehovha,

mugofadzwa namabasa amaoko ake.

Paradzai zviuno zvaavo vanomumukira:

rovai vavengi vake kusvikira vasisamukizve.”

12 Pamusoro paBhenjamini akati:

“Regai mudikanwa waJehovha agare norugare maari,

nokuti anomudzivirira zuva rose,

uye regai uyo anodikanwa naJehovha agare pakati pamapfudzi ake.”

13 Pamusoro paJosefa akati:

“Jehovha ngaaropafadze nyika yake

nedova rinokosha rokudenga kumusoro

nemvura zhinji dzakadzika dziri pasi;

14 nezvakanakisisa zvinouyiswa nezuva

uye zvakaisvonaka zvinopiwa nomwedzi;

15 nezvipo zvakanakisisa zvokumakomo ekare

uye nezvibereko zvemakomo okusingaperi;

16 nezvipo zvakanakisisa zvenyika nokuzara kwayo

uye nenyasha dzake iye anogara mugwenzi rinopfuta.

Zvose ngazvigare pamusoro waJosefa,

pahuma yomuchinda pakati pehama dzake.

17 Muumambo hwake anoita semhongora yenzombe;

nyanga dzake dzakaita senyanga dzenyati.

Nadzo achatunga ndudzi,

kunyange vaya vari kumagumo enyika.

Ava ndivo zviuru zvaManase.”

18 Pamusoro paZebhuruni akati:

“Fara, iwe Zebhuruni, pakubuda kwako,

newe Isakari mumatende ako.

19 Vachadanira vanhu kumakomo

uye ikoko vagopa zvibayiro zvokururama;

vachaguta nezvizhinji zvamakungwa,

nepfuma yakavigwa mujecha.”

20 Pamusoro paGadhi akati:

“Ngaaropafadzwe iye anokurisa nyika yaGadhi!

Gadhi anogaramo seshumba,

achibvambura ruoko kana musoro.

21 Akazvisarudzira nyika yakanakisisa;

mugove womutungamiri waakachengeterwa iye.

Vakuru vavanhu pavakaungana,

iye akaita kuda kwaJehovha kwakarurama,

uye nokutonga kwake pamusoro paIsraeri.”

22 Pamusoro paDhani akati:

“Dhani mwana weshumba,

anokwakuka achibva muBhashani.”

23 Pamusoro paNafutari akati:

“Nafutari azere nenyasha dzaJehovha

uye azere kuropafadza kwake:

achatora nhaka nechezasi kugungwa.”

24 Pamusoro paAsheri akati:

“Akaropafadzwa kupfuura vanakomana vose ndiAsheri:

ngaadikanwe nehama dzake,

uye ngaashambe tsoka dzake mumafuta.

25 Zvipfigiso zvemasuo ako zvichava zvesimbi nendarira,

uye simba rako richafanana namazuva ako.

26 “Hapana akafanana naMwari waJeshuruni,

iye anotasva denga kuti akubatsire

uye namakore muumambo hwake.

27 Mwari anogara nokusingaperi ndiye utiziro hwako,

uye pasi pake pane maoko anogara nokusingaperi.

Achadzinga vavengi vako kubva pamberi pako,

achiti, ‘Muparadzei!’

28 Naizvozvo Israeri achagara murugare oga;

tsime raJakobho rakachengetedzeka

munyika yezviyo newaini itsva,

ndiko kunodonhedzerwa dova nedenga.

29 Wakaropafadzwa, iwe Israeri!

Ndiani akafanana newe,

rudzi rwakaponeswa naJehovha?

Ndiye nhoo nomubatsiri wako uye

nomunondo wako unobwinya.

Vavengi vako vachazviisa pasi pako,

uye iwe uchatsika-tsika nzvimbo dzavo dzakakwirira.”

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *