Categories
Jobho

Jobho 18

1 Ipapo Bhiridhadhi muShuhi akapindura akati:

2 “Muchapedza kutaura uku riiniko?

Chimbonyatsofungai, ipapo tigotaurirana hedu.

3 Tinobatirweiko semombe

uye tichionekwa samapenzi pamberi penyu?

4 Iyewe unozvibvamburanya mukutsamwa kwako,

nyika ingasiyiwa nokuda kwako here?

Kana matombo angafanira kubviswa panzvimbo yawo here?

5 “Mwenje weakaipa unodzimwa;

murazvo womoto wake unopera kupisa.

6 Chiedza chiri mutende rake chinova rima;

mwenje uri parutivi pake unodzima.

7 Simba renhambwe dzake rinorukutika;

mano ake pachake anomuwisira pasi.

8 Tsoka dzake dzinomuwisira mumumbure,

uye anodzungaira ari mumaburi awo.

9 Musungo unomubata chitsitsinho;

rugombe runomubatisisa.

10 Chishwe chakavanzwa muvhu nokuda kwake;

musungo wakaradzikwa munzira yake.

11 Kutyisa kunomuvhundutsa kumativi ose,

uye kunomuteverera panhambwe dzake dzose.

12 Pfumvu inomudokwairira;

njodzi yakamugaririra paanowa.

13 Inodya zvikamu zveganda rake;

dangwe rorufu rinopedza mitezo yake.

14 Anodzurwa kubva patende raanovimba naro

agoendeswa kuna mambo anotyisa kwazvo.

15 Moto unogara mutende rake;

safuri inopisa inoparadzirwa pamusoro pougaro hwake.

16 Moto unogara mutende rake;

uye matavi ake anosvava kumusoro.

17 Kurangarirwa kwake kunopera panyika;

haana zita munyika.

18 Anobviswa pachiedza achiendeswa murima,

uye anodzingwa panyika.

19 Haana mwana kana chizvarwa chinotevera pakati pavanhu vokwake,

hakuna akasara kwaaimbogara.

20 Varume vokumavirira vakakatyamara namagumo ake;

varume vokumabvazuva vakabatwa nokutya kukuru.

21 Zvirokwazvo, ndizvo zvakaita ugaro hwomurume akaipa;

iyoyi ndiyo nzvimbo yomunhu asingazivi Mwari.”

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *