Categories
Jobho

Jobho 16

1 Ipapo Jobho akapindura akati:

2 “Ndakanzwa zvinhu zvakawanda sezvizvi;

mose muri vanyaradzi pasina!

3 Ko, kutaura kwenyu kwamadzokorora kwenguva refu hakuperiwo here?

Chii chinokurwadzai kuti murambe muchiita nharo?

4 Neniwo ndaigona kutaura semi,

dai imi manga muri pachinzvimbo changu;

ndaigona kutaura mashoko okukupikisai

uye ndigokudzungudzirai musoro wangu.

5 Asi muromo wangu waizokukurudzirai:

kunyaradza kunobva pamuromo wangu kwaizokuvigirai zororo.

6 “Asi kana ndikataura, kurwadziwa kwangu hakuperi;

uye kana ndikanyarara, iko hakubvi.

7 Zvirokwazvo, imi Mwari, mandipedza simba;

maparadza imba yangu yose.

8 Makandisunga ini, uye chava chapupu;

kuondoroka kunondiwira uye kunopupurira zvinondirwisa.

9 Mwari anondirova uye anondibvambura mukutsamwa kwake,

uye anondirumanyira meno ake;

mudzivisi wangu anondidzvokorera meso ake anobaya.

10 Vanhu vanoshamisa miromo yavo kuti vandiseke;

vanondirova padama pakundimhura kwavo,

uye vanobatana pamwe chete kuzondirwisa.

11 Mwari akandidzorera mumaoko avanhu vakaipa,

uye akandikanda mumaoko avakashata.

12 Zvose zvakanga zvakanaka hazvo kwandiri, asi iye akandivhuna;

akandibata napahuro akandipwanya-pwanya.

Akandivavarira;

13 vapfuri vake vemiseve vakandikomba.

Anobaya itsvo dzangu asina tsitsi,

uye anodururira nduru yangu pasi.

14 Nguva nenguva anondirwisa;

anondidzingirira somurwi.

15 “Ndakasona nguo dzamasaga kuti ndifukidze ganda rangu,

uye ndaviga huma yangu muguruva.

16 Chiso changu chatsvuka nokuchema,

rima guru rakomberedza meso angu;

17 asi zvazvo maoko angu haana kuita chisimba,

uye munyengetero wangu wakachena.

18 “Iwe nyika, rega kufukidza ropa rangu;

kuchema kwangu ngakurege kuwana zororo!

19 Kunyange iko zvino chapupu changu chiri kudenga;

murevereri wangu ari kumusoro.

20 Murevereri wangu ndiye shamwari yangu,

meso angu paanodurura misodzi kuna Mwari;

21 anomira pachinzvimbo chomunhu achikumbira kuna Mwari,

somunhu anokumbirira shamwari yake.

22 “Makore mashoma bedzi asara,

ndisati ndaenda parwendo rusingadzokwi.

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *