Categories
Mapisarema

Mapisarema 141

Pisarema raDhavhidhi.

1 Haiwa Jehovha, ndinodana kwamuri; kurumidzai kuuya kwandiri.

Inzwai inzwi rangu pandinodana kwamuri.

2 Munyengetero wangu ngauiswe pamberi penyu sezvinonhuhwira;

kusimudzwa kwamaoko angu ngakuite sechibayiro chamadekwana.

3 Isai murindi pamuromo wangu, imi Jehovha;

chengetai mukova wemiromo yangu.

4 Mwoyo wangu ngaurege kukweverwa kune zvakaipa,

kuti ndiitewo mabasa akaipa

navanhu vanoita zvakaipa;

ngandirege kudya zvinozipa zvavo.

5 Akarurama ngaandirove, ndidzo tsitsi;

ngaanditsiure, ndiwo mafuta pamusoro wangu.

Musoro wangu hauzorambi izvozvo.

Asi munyengetero wangu unorwisa mabasa avaiti vezvakaipa nguva dzose.

6 Vatongi vavo vachakandwa kumawere,

uye vakaipa vachadzidza kuti mashoko angu akanga akanaka kwazvo.

7 Ivo vachati, “Sezvinoita anorima achiparura pasi,

saizvozvo mapfupa edu akaparadzirwa pamuromo weguva.”

8 Asi meso angu anotarira kwamuri, imi Ishe Jehovha;

ndinotizira kwamuri, regai kundiisa kurufu.

9 Ndichengetei pamisungo yavakanditeya nayo,

napaugombe hwakadzikwa navaiti vezvakaipa.

10 Vakaipa ngavawire mumimbure yavo,

ini ndichipfuura napo norugare.

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *