Categories
Mapisarema

Mapisarema 138

Pisarema raDhavhidhi.

1 Ndichakurumbidzai, imi Jehovha, nomwoyo wangu wose;

ndichaimba nziyo dzokukurumbidzai pamberi pa“vamwari.”

2 Ndichakotamira pasi ndakatarisa kutemberi yenyu tsvene,

uye ndicharumbidza zita renyu

nokuda kworudo rwenyu nokutendeka kwenyu,

nokuti makakudza zita renyu

neshoko renyu pamusoro pezvinhu zvose.

3 Pandakadana, imi makandipindura;

makandishingisa nomwoyo wakasimba.

4 Madzimambo ose enyika ngaakurumbidzei, imi Jehovha,

pavanonzwa mashoko omuromo wenyu.

5 Ngavaimbe pamusoro penzira dzaJehovha, nokuti kubwinya kwaJehovha kukuru.

6 Kunyange Jehovha ari kumusoro, anoona vanozvininipisa,

asi vanozvikudza anovaziva vari kure.

7 Kunyange ndikafamba pakati penhamo,

munochengetedza upenyu hwangu;

munotambanudza ruoko rwenyu pamusoro pehasha dzavavengi vangu,

munondiponesa noruoko rwenyu rworudyi.

8 Jehovha achazadzisa zvirongwa zvake neni;

rudo rwenyu, imi Jehovha, runogara nokusingaperi,

musasiya mabasa amaoko enyu.

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *