Categories
Mapisarema

Mapisarema 132

Rwiyo rworwendo.

1 Haiwa Jehovha, rangarirai Dhavhidhi

namatambudziko ake ose aakasangana nawo.

2 Akapika mhiko kuna Jehovha,

akaita mhiko kuna Wamasimba waJakobho achiti,

3 “Handingapindi mumba mangu

kana kuenda kundovata pamubhedha wangu,

4 handingatenderi hope mumaziso angu,

kana kutsumwaira mumeso angu,

5 kusvikira ndawana nzvimbo yaJehovha,

nzvimbo yokugara yoWamasimba waJakobho.”

6 Takazvinzwa muEfurata,

takasangana nazvo muminda yeJaari tikati,

7 “Ngatiendei kunzvimbo yake yokugara;

ngatinamatei pachitsiko chetsoka dzake,

8 haiwa Jehovha, simukai muuye kunzvimbo yenyu yokuzorora,

imi neareka yesimba renyu.

9 Vaprista venyu dai vafukidzwa nokururama;

dai vatsvene venyu vaimba nomufaro.”

10 Nokuda kwaDhavhidhi muranda wenyu,

musaramba muzodziwa wenyu.

11 Jehovha akapika mhiko kuna Dhavhidhi,

mhiko yechokwadi yaasingagoni kushandura achiti,

“Mumwe wechizvarwa chako

ndichamugadza pachigaro chako choushe,

12 kana vanakomana vako vakachengeta sungano yangu

nezvandakatema zvandakavadzidzisa,

ipapo vanakomana vavo

vachagara pachigaro chako choushe nokusingaperi-peri.”

13 Nokuti Jehovha akasarudza Zioni,

akarida kuti huve ugaro hwake achiti,

14 “Iyi ndiyo nzvimbo yangu yokuzorora nokusingaperi-peri;

ipapa ndipo pandichagara samambo, nokuti ndakapada,

15 ndichariropafadza nezvakawanda;

ndichagutsa varombo varo nezvokudya.

16 Ndichafukidza vaprista varo noruponeso,

uye vatsvene varo vachagara vachiimba nomufaro.

17 “Pano ndipo pandichameresa nyanga yaDhavhidhi,

uye ndichatungidza mwenje womuzodziwa wangu.

18 Ndichafukidza vavengi vake nenyadzi,

asi korona yake ichabwinya kwazvo.”

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *