Categories
Ezekieri

Ezekieri 22

Zvivi zveJerusarema

1 Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,

2 “Mwanakomana womunhu, ucharitonga here? Ucharitonga here guta iri rokuteura ropa? Ipapo urizivise mabasa aro ose anonyangadza

3 uti, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Haiwa iwe guta rinozvitsvakira kuparadzwa nokuda kwokuteura ropa pakati paro, nokuzvisvibisa nokuita zvifananidzo,

4 wava nemhosva nokuda kweropa rawakateura uye wakasvibiswa nokuda kwezvifananidzo zvawakaita. Wakasvitsa mazuva ako pamagumo, uye magumo amakore ako asvika. Naizvozvo ndichakuita chinhu chinoshorwa nendudzi nechinosekwa nenyika dzose.

5 Vari pedyo newe navari kure vachakuseka, iwe guta rinonyadza, rizere nebope.

6 “ ‘Tarira uone muchinda mumwe nomumwe waIsraeri ari pakati pako mateuriro aanoita ropa achishandisa simba rake.

7 Vakazvidza baba namai vari mauri; vakamanikidza mutorwa uye nherera nechirikadzi dziri mukati mako havana kudzibata zvakanaka.

8 Iwe wakashora zvinhu zvangu zvitsvene uye wakasvibisa maSabata angu.

9 Mukati mako mune vanhu vane makuhwa, vanofarira kuteura ropa; mukati mako muna vanhu vanodyira kushongwe dzezvifananidzo kumakomo uye vanoita mabasa eunzenza.

10 Mukati mako muna vanhu vasingakudzi nhoo dzamadzibaba avo, mukati mako muna vanhu vanochinya vakadzi panguva yavanenge vari kumwedzi, pavanenge vasina kuchena.

11 Mukati mako mune mumwe munhu anoita zvinonyangadza nomukadzi womuvakidzani wake, mumwe anochinya mukadzi womwana wake zvinonyadzisa, uye mumwe anochinya hanzvadzi yake, mwanasikana wababa vake chaivo.

12 Mukati mako muna varume vanogamuchira fufuro kuti vateure ropa; unotora mhindu inopfuura mwero, uchizviwanira pfuma yokubiridzira kubva kuvavakidzani vako. Uye wakandikanganwa ini, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.

13 “ ‘Zvirokwazvo ndicharovanisa maoko angu pamwe chete pamusoro pepfuma isakarurama yawakaita uye neropa rawakateura pakati pako.

14 Ko, kushinga kwako kucharamba kuripo here kana kusimba kwamaoko ako pazuva randichakutonga? Ini Jehovha ndakazvitaura, uye ndichazviita.

15 Ndichakuparadzira pakati pendudzi, ndichakuparadzira kunyika dzakasiyana-siyana; uye ndichagumisa kusachena kwako.

16 Muchaziva kuti ndini Jehovha, pamuchasvibiswa pamberi pendudzi.’ ”

17 Ipapo shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,

18 “Mwanakomana womunhu, imba yaIsraeri yaita samarara kwandiri; vose indarira, netini, nesimbi nedare romutobvu rakasarira muvira romoto. Vakaita samarara esirivha.

19 Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, ‘Nemhaka yokuti mose mava marara, ndichakuunganidzai muJerusarema.

20 Sezvinoitwa navarume vanounganidza sirivha, ndarira, simbi, mutobvu netini muvira romoto kuti zvinyungudiswe nokupiswa nezhenje, saizvozvo ndichakuunganidzai pakutsamwa kwangu nehasha dzangu ndigokuisai mukati meguta ndigokunyungudisai.

21 Ndichakuunganidzai ndigokufuridzai nokupisa kwehasha dzangu uye muchanyungudika mukati maro.

22 Sokunyungudika kwesirivha iri muvira romoto, saizvozvo muchanyungudika mukati maro, uye muchaziva kuti ini Jehovha ndadurura hasha dzangu pamusoro penyu.’ ”

23 Shoko raJehovha rakasvikazve kwandiri richiti,

24 “Mwanakomana womunhu, uti kunyika, ‘Iwe uri nyika isina kuwana mvura kana guti pazuva rehasha dzangu.’

25 Pane rangano yamachinda vari pakati payo vanoomba seshumba iri kubvamburanya chayabata; vanodya vanhu, vanotora pfuma nezvinhu zvinokosha uye vanoita kuti chirikadzi dziwande mukati mayo.

26 Vaprista vayo vanoputsa mirayiro yangu uye vanosvibisa zvinhu zvangu zvitsvene; havaoni mutsauko pakati pechinhu chitsvene nechinhuwo zvacho; vanodzidzisa kuti hapana mutsauko pakati pezvisakachena nezvakachena; uye vanotsinzina meso avo kuti varege kuchengeta maSabata angu, saka ini ndakasvibiswa pakati pavo.

27 Machinda ari mukati maro akaita samapumhi ari kubvamburanya chaabata; vanoteura ropa uye vanouraya vanhu kuti vawane pfuma yokusarurama.

28 Vaprofita vayo vanofukidza mabasa avo aya nezviratidzo zvenhema nokuvuka. Vanoti, ‘Zvanzi naIshe Jehovha,’ izvo Jehovha haana kutaura.

29 Vanhu vomunyika vanotora mari nokumanikidzira uye vanoita ugororo; vanomanikidza varombo navanoshayiwa uye vanoitira vatorwa zvakaipa, vachiramba kuvaruramisira.

30 “Ndakatsvaka munhu pakati pavo angavaka rusvingo uye agomira pamberi pangu, pakakoromoka, achimirira nyika kuti ndirege kuparadza, asi ndakashayiwa kana mumwe.

31 Saka ndichadurura kutsamwa kwangu pamusoro pavo ndigovaparadza nokutsamwa kwangu, ndichiburutsira pamisoro yavo zvavakaita zvose, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.”

Categories
Ezekieri

Ezekieri 23

Vanasikana Vaviri Zvifeve

1 Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,

2 “Mwanakomana womunhu, kwakanga kuna vakadzi vaviri, vanasikana vamai vamwe chete.

3 Vakava zvifeve muIjipiti, vakaita ufeve vachiri vadiki. Munyika imomo, mazamu oumhandara hwavo akabatwa-batwa uye zvipfuva zvavo zvakabatwa-batwa.

4 Zita romukoma rainzi Ohora, uye mununʼuna wake ainzi Ohoribha. Ivo vakanga vari vangu uye vakabereka vanakomana navanasikana. Ohora ndiye Samaria uye Ohoribha ndiye Jerusarema.

5 “Ohora akaita ufeve iye achiri wangu; akachiva zvikomba zvake, ivo vaAsiria, varwi

6 vakanga vakapfeka nguo dzebhuruu, vabati navatungamiri vehondo, vakanga vari majaya akanaka chose, uye vari vatasvi vamabhiza.

7 Akaita ufeve navapamusoro-soro vose veAsiria uye akazvisvibisa nezvifananidzo zvose zvavose vaaichiva.

8 Haana kurega ufeve hwaakatangira kuIjipiti, paakavata navarume achiri muduku, vakabata-bata chipfuva choumhandara hwake uye vakadurura ruchiva rwavo pamusoro pake.

9 “Naizvozvo ndakamuisa kuzvikomba zvake, ivo vaAsiria, vaakanga achichiva.

10 Vakamubvisa nguo akasara asina, ashama, vakatora vanakomana vake navanasikana ndokubva vamuuraya nomunondo. Akabva ava shumo pakati pavakadzi uye akarangwa.

11 “Mununʼuna wake Ohoribha akazviona izvozvo, asi nokuda kworuchiva rwake noufeve hwake, akanyanya ufeve kupfuura mukoma wake.

12 Akachivawo vaAsiria, vatongi navatungamiri vehondo, varwi vakapfeka zvakakwana, vatasvi vaifamba namabhiza, namajaya akanaka ose.

13 Ndakaona kuti naiyewo akazvisvibisa; vose vari vaviri vakafamba nenzira imwe cheteyo.

14 “Asi akaenderera mberi noufeve hwake. Akaona mifananidzo yavarume pamadziro, mifananidzo yavaKaradhea mitsvuku,

15 vana mabhandi akamonera muzviuno zvavo nenguwani dzemicheka dzairembera pamisoro yavo; vakaita samachinda engoro dzeBhabhironi, vagari veKaradhea.

16 Paakangovaona, akabva avachiva ndokutumira nhume kwavari muKaradhea.

17 Ipapo vaBhabhironi vakauya kwaari, kunhoo yorudo, mukuchiva kwavo, vakamusvibisa. Shure kwokusvibiswa kwake navo, akavafuratira kwazvo.

18 Paakaenderera mberi noufeve hwake pachena uye akaratidza kushama kwake, ndakamufuratira zvandisembura, sokufuratira kwandakanga ndaita mukoma wake.

19 Asi akaramba achiwedzera unzenza hwake achirangarira mazuva ouduku hwake, paakanga ari chifeve muIjipiti.

20 Akachiva zvikomba zvake ikoko, vane mitezo yakaita sembongoro uye zvinobuda mavari zvakaita sezvamabhiza.

21 Saka wakapanga unzenza hwouduku hwako, pawaiva muIjipiti chipfuva chako chakabatwa-batwa uye mazamu ouduku hwako akabatwa-batwa.

22 “Naizvozvo, Ohoribha, zvanzi naIshe Jehovha: Ndichakumutsira zvikomba zvako kuti zvikurwise, ivo vawakasemburwa navo ukavafuratira, ndichavauyisa kuzorwa newe vachibva kumativi ose,

23 vaBhabhironi navaKaradhea vose, varume vePekodhi neveShowa neKowa, uye vaAsiria vose pamwe chete navo, majaya akanaka, vose vari vabati nevatungamiri vamauto, namachinda engoro navarume vezvigaro zvapamusoro, vose vakatasva mabhiza.

24 Vachauya kuzorwa newe vaine zvombo, nengoro uye neboka ravanhu vazhinji, vachagadzirira kuti varwe newe kumativi ose nenhoo huru neduku uye nenguwani dzokurwa nadzo. Ndichakudzorera kwavari kuti urangwe, uye vachakuranga sezvakafanira mitemo yavo.

25 Ndichamutsa godo rangu kuti ndirwe newe, uye ivo vachakurwisa nehasha. Vachagura mhino yako nenzeve dzako, uye vakasara venyu vachaurayiwa nomunondo. Vachakutorerai vanakomana venyu navanasikana venyu, uye vachasara venyu vachaparadzwa nomoto.

26 Vachakubvisai nguo dzenyu uye vachakutorerai ukomba hwenyu hwakaisvonaka.

27 Saka ndichagumisa unzenza hwenyu noufeve hwamakatangira muIjipiti. Hamuchazotariri zvinhu izvi muchizvishuva kana kuzorangarira Ijipiti zvakare.

28 “Nokuti zvanzi naIshe Jehovha: Ndava kuzokuisa mumaoko avanhu vaunovenga, kuna avo vawakafuratira wasemburwa navo.

29 Ivo vachakuitira ruvengo vagokutorera zvinhu zvose zvawakashandira. Vachakusiya usina kupfeka wakashama, uye kunyadzisa kwoufeve hwako kuchaiswa pachena. Unzenza hwako nokupata kwako

30 zvakaisa izvi pamusoro pako, nokuti iwe wakachiva ndudzi ndokuzvisvibisa nezvifananidzo zvadzo.

31 Wakafamba nenzira yomununʼuna wako; saka ndichaisa mukombe wake muruoko rwako.

32 “Zvanzi naIshe Jehovha:

“Uchanwa mukombe womukoma wako,

mukombe mukuru wakadzika;

uchakuvigira kusekwa nokumhurwa,

nokuti une zvakawanda.

33 Uchazadzwa nokudhakwa nokusuwa,

mukombe wokuparadza nokuputsa,

mukombe womukoma wako Samaria.

34 Uchanwa zvokupedza kuti tsvai;

uchauputsa ukava zvaenga

uye uchacheka mazamu ako.

Ndini ndazvitaura, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.

35 “Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha: Sezvo wakandikanganwa ukandirasira shure kwako, unofanira kuzvitakurira matambudziko ounzenza hwako noufeve hwako.”

36 Jehovha akati kwandiri, “Mwanakomana womunhu unganditongerewo Ohora naOhoribha here? Ipapo uvazivise zvinonyangadza zvavanoita,

37 nokuti vakaita ufeve uye ropa riri mumaoko avo. Vakaita ufeve nezvifananidzo zvavo; vakasvika pakubayira vana vavo, vavakandiberekera ini, kuti zvive zvokudya zvavo.

38 Vakaitawo izvi kwandiri: Panguva imwe cheteyo vakasvibisa nzvimbo yangu tsvene vakasvibisa maSabata angu.

39 Pazuva ravakabayira vana vavo, kuzvifananidzo zvavo, vakapinda munzvimbo yangu tsvene vakaisvibisa. Ndizvo zvavakaita mumba mangu.

40 “Vakatuma kunyange nenhume kundodana varume uye pavakasvika iwe wakazvishambidza nokuda kwavo, ukazodza meso ako ndokuzvishongedza noukomba.

41 Wakagara panhoo yakaisvonaka ine tafura yakagadzikwa pamberi payo pawakanga wakaisa zvinonhuhwira namafuta akanga ari angu.

42 “Mheremhere yavanhu vakanga vasina hanya yakanga yakamukomberedza: VaSabhea vakaunzwa kubva kugwenga pamwe chete navarume vaibva pamhomho yavanhu vezhowezhowe, uye vakashongedza mabhenguro mumaoko omukadzi nomununʼuna wake nekorona dzakaisvonaka pamisoro yavo.

43 Ipapo ndakati pamusoro paiye akanga apera noufeve, ‘Zvino ngavamushandise sechifeve, nokuti ndizvo zvaari.’

44 Ipapo vakavata naye. Sokuvata kunoita varume nechifeve, saizvozvo vakavata navakadzi nzenza, ivo vanaOhora naOhoribha.

45 Asi vanhu vakarurama vachavatonga nechirango chinopiwa vakadzi vanoita ufeve uye vanoteura ropa, nokuti ivo zvifeve uye ropa riri pamaoko avo.

46 “Zvanzi naIshe Jehovha: Uyai neboka ravarwi vazovarwisa muvatyise uye muvapambe.

47 Mhomho ichavatema namabwe uye igovabaya neminondo; vachauraya vanakomana vavo navanasikana vavo vagopisa dzimba dzavo.

48 “Saka ndichagumisa unzenza panyika, kuti vakadzi vose vayambirwe vagorega kutevedzera.

49 Ucharangwa nokuda kwounzenza hwako uye uchatakura mubayiro wezvivi zvokufeva kwako. Ipapo uchaziva kuti ndini Ishe Jehovha.”

Categories
Ezekieri

Ezekieri 24

Hari yokubikira

1 Mugore rechipfumbamwe, nomwedzi wegumi pazuva regumi, shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,

2 “Mwanakomana womunhu, nyora zita rezuva iri, zuva iro rino chairo, nokuti mambo weBhabhironi akomba Jerusarema pazuva irori.

3 Taurira imba yokumukira iyi mufananidzo, uti kwavari, ‘Zvanzi naIshe Jehovha:

“ ‘Gadza hadyana; igadze

ugodira mvura mairi.

4 Uise mairi nhindi dzenyama,

nhindi dzakanaka, gumbo nebandauko.

Uizadze namapfupa akaisvonaka aya;

5 utore gwai rakasanangurwa.

Uise huni pasi payo kuitira mapfupa;

uivirise

ugobika mapfupa imomo.

6 “ ‘Nokuti zvanzi naIshe Jehovha:

“ ‘Rine nhamo guta rinoteura ropa,

nehadyana ine ngura, mukati mayo,

ine ngura isingabvi.

Budisai nhindi imwe neimwe

musingakandi mijenya nokuda kwadzo.

7 “ ‘Nokuti ropa rarakateura riri pakati paro:

Rakaridururira paruware pasina chinhu;

harina kuriteurira pavhu,

paringafukidzwa neguruva.

8 Kuti ndimutse hasha dzangu ndigotsiva

ndakaisa ropa raro paruware pasina chinhu

kuti rirege kufukidzwa.

9 “ ‘Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha:

“ ‘Rine nhamo guta rinoteura ropa!

Neniwo, ndichaunganidza huni dzakawanda.

10 Saka tutira huni

ugobatidza moto.

Ubike nyama zvakanaka,

uchisanganisa nezvinonhuhwira;

uye urege mapfupa atsve.

11 Ipapo ugoisa hadyana isina chinhu pamazimbe

kusvikira yapisa ndarira yayo yanʼaima

kuti kusachena kwayo kunyauke

uye tsvina yayo itsve yose.

12 Zvakunda kushingaira kwangu kwose;

tsvina yayo zhinji haina kubviswa,

kunyange nomoto chaiwo.

13 “ ‘Zvino kusachena kwako ndihwo unzenza hwako. Nokuti ndakaedza kukunatsa asi hauna kunatswa pakusachena kwako, hauchazonatswizve kusvikira hasha dzangu dzabva pamusoro pako.

14 “ ‘Ini Jehovha ndakazvitaura. Nguva yangu yokuzviita yasvika. Handingaregi; handinganzwiri ngoni, uye handingazvidembi. Uchatongwa zvakafanira mabasa ako namafambiro ako, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.’ ”

Kufa kwoMukadzi waEzekieri

15 Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,

16 “Mwanakomana womunhu, ndava kuzokutorera uyo anofadza meso ako kamwe chete. Asi usachema kana kuungudza kana kubudisa misodzi.

17 Gomera chinyararire; usachema akafa. Gara wakasunga nguwani yako zvakasimba uye neshangu dziri mumakumbo ako; urege kufumbira zasi kwouso hwako kana kudya zvokudya zvavanochema.”

18 Saka mangwanani ndakataura kuvanhu, uye mukadzi wangu akafa madekwana. Fume mangwana, ndakaita zvandakanga ndarayirwa.

19 Ipapo vanhu vakandibvunza vachiti, “Haungatiudzi kuti zvinhu izvi zvinorevei kwatiri here?”

20 Saka ndakati kwavari, “Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,

21 Uti kuimba yaIsraeri, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Ndava pedyo nokusvibisa nzvimbo yangu tsvene, iyo nhare yamunozvirumbidza nayo, iwo mufaro wamaziso enyu, nechinhu chamunoda. Vanakomana navanasikana vamakasiya vachaurayiwa nomunondo.

22 Uye imi muchaita sezvandakaita. Hamungazofumbiri zasi kwezviso zvenyu kana kudya zvokudya zvavanochema.

23 Mucharega nguwani dzenyu dziri mumisoro yenyu neshangu dziri mumakumbo enyu. Hamungaungudzi kana kuchema asi muchaonda nokuda kwezvivi zvenyu uye muchagomera pakati penyu.

24 Ezekieri achava chiratidzo kwamuri; muchaita sezvaakaita. Panoitika izvi, imi muchaziva kuti ndini Ishe Jehovha.’

25 “Uye iwe, mwanakomana womunhu, pazuva randichavatorera nhare dzavo mufaro wavo nokukudzwa kwavo, mufaro wamaziso avo, chishuvo chemwoyo yavo, uye vanakomana navanasikana vavowo,

26 pazuva iro mutizi achauya kuzokuudza zvinenge zvaitika.

27 Panguva iyoyo muromo wako uchazaruka; uchataura naye uye hauchazonyararizve. Saka iwe uchava chiratidzo kwavari, uye vachaziva kuti ndini Jehovha.”

Categories
Ezekieri

Ezekieri 25

Chiprofita pamusoro peAmoni

1 Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,

2 “Mwanakomana womunhu, ringira chiso chako pamusoro pavaAmoni uprofite pamusoro pavo.

3 Uti kwavari, ‘Inzwai shoko raIshe Jehovha. Zvanzi naIshe Jehovha: Nokuda kwokuti imi makati, “Toko waro!” pamusoro penzvimbo yangu tsvene panguva yayakasvibiswa napamusoro penyika yeIsraeri payakaparadzwa, napamusoro pavanhu veJudha pavakaenda kuutapwa,

4 naizvozvo ndichakuisai kuvanhu vokuMabvazuva kuti muve vavo. Vachadzika misasa yavo uye vachamisa matende avo pakati penyu; vachadya michero yenyu uye vachanwa mukaka wenyu.

5 Ndichashandura Rabha rikava mafuro engamera uye Amoni kuti ive nzvimbo inozororera makwai. Ipapo muchaziva kuti ndini Jehovha.

6 Nokuti zvanzi naIshe Jehovha: Nokuda kwokuti makauchira maoko enyu mukadzana-dzana netsoka dzenyu muchifara noruvengo rwose rwemwoyo yenyu rwamunovenga narwo nyika yeIsraeri,

7 naizvozvo ndichatambanudza ruoko rwangu pamusoro penyu ndigokupai kuti mupambwe nendudzi. Ndichakubvisai chose kubva kundudzi uye ndigokupedzai munyika dzose. Ndichakuparadzai; uye muchaziva kuti ndini Jehovha.’ ”

Chiprofita pamusoro peMoabhu

8 “Zvanzi naIshe Jehovha: ‘Nokuda kwokuti Moabhu neSeiri vakati, “Tarirai, imba yaJudha yafanana nedzimwe ndudzi,”

9 naizvozvo ndichaisa pachena rutivi rwaMoabhu, kutangira pamavambo maguta okumuganhu anoti Bheti Jeshimoti, Bhaari Meoni neKiriataimi iko kukudzwa kwenyika iyoyo.

10 Ndichapa Moabhu pamwe chete navaAmoni kuvanhu vokuMabvazuva kuti vave vavo, kuti vaAmoni varege kuzorangarirwa pakati pendudzi;

11 uye ndicharanga Moabhu. Ipapo vachaziva kuti ndini Jehovha.’ ”

Chiprofita pamusoro peEdhomu

12 “Zvanzi naIshe Jehovha: ‘Nokuda kwokuti Edhomu akatsiva pamusoro peimba yaJudha vakava nemhosva huru pakuita izvozvo,

13 naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha: Ndichatambanudza ruoko rwangu pamusoro peEdhomu ndigouraya vanhu vose varo nezvipfuwo zvavo. Ndichariparadza uye kubva kuTemani kusvika kuDhedhani vachaurayiwa nomunondo.

14 Ndichatsiva Edhomu noruoko rwavanhu vangu, uye vachaitira Edhomu zvakafanira kutsamwa kwangu nehasha dzangu; vachaziva kutsiva kwangu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.’ ”

Chiprofita pamusoro peFiristia

15 “Zvanzi naIshe Jehovha: ‘Nokuda kwokuti vaFiristia vakazvitsivira vakatsiva noruvengo mumwoyo yavo, uye noruvengo rwamakore namakore vakatsvaka kuparadza Judha,

16 naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha: Ndava pedyo nokutambanudza ruoko rwangu pamusoro pavaFiristia, uye ndichauraya vaKereti ndigoparadza vaya vakasara pamhenderekedzo.

17 Ndichatsiva nokutsiva kukuru pamusoro pavo uye ndichavaranga muhasha dzangu. Ipapo vachaziva kuti ndini Jehovha, pandichatsiva pamusoro pavo.’ ”

Categories
Ezekieri

Ezekieri 26

Chiprofita pamusoro peTire

1 Mugore regumi nerimwe, pazuva rokutanga romwedzi, shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,

2 “Mwanakomana womunhu, nokuda kwokuti Tire yakati kuJerusarema, ‘Toko waro! Suo rokundudzi raputsika, uye makonhi aro azarukira kwandiri; zvino zvarava dongo ini ndichabudirira,’

3 naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha: Ndiri kukurwisa, iwe Tire, uye ndichauyisa marudzi mazhinji kuti azorwa newe, segungwa rinorasa mafungu aro.

4 Vachaparadza masvingo eTire uye vachaondomora shongwe dzaro; ndichakukurira marara aro kure ndigoriita dombo risina chinhu.

5 Richava nzvimbo yokuruka mimbure yehove kugungwa ikoko, nokuti ndakazvitaura, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. Richava chinhu chinopambwa chendudzi,

6 uye ugaro hwaro hwokumaruwa huchaparadzwa nomunondo. Ipapo vachaziva kuti ndini Jehovha.

7 “Nokuti zvanzi naIshe Jehovha: Ndichauyisira Tire Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi, mambo wamadzimambo, achibva nechokumusoro, ana mabhiza nengoro, navatasvi vamabhiza nehondo huru.

8 Achaparadza ugaro hwamaruwa ako nomunondo, achakuvakira nhare dzokurwa newe, uye achavaka mirwi yokurwa pamasvingo ako agosimudza nhoo dzokukurwisa nadzo.

9 Achatuma zvokuparadza nazvo masvingo ako agokoromora shongwe dzako nezvombo zvake.

10 Mabhiza ake achawanda kwazvo zvokuti muchafukidzwa neguruva rawo. Masvingo ako achadengenyeka nomubvumo wamabhiza ehondo, nengoro dzamavhiri mana nengoro dzamavhiri maviri paanenge achipinda pamasuo ako somunhu anopinda muguta rina masvingo akaondomoka.

11 Mahwanda amabhiza ake achatsika-tsika nzira dzako dzomumisha dzose; achauraya vanhu vako nomunondo, uye mbiru dzako dzakasimba dzichawira pasi.

12 Vachapamba pfuma yako uye vachaba zvaunotengesa: vachakoromorera pasi masvingo ako uye vachaputsa dzimba dzako dzakaisvonaka uye vacharasa matombo ako nematanda namarara ako mukati megungwa.

13 Ndichagumisa mheremhere yenziyo dzako, uye kurira kwembira dzako hakuchazonzwikwazve.

14 Ndichakuita dombo risina chinhu, uye uchava nzvimbo yokuyanika mimbure yehove. Hauchazovakwizve, nokuti ini Jehovha ndakazvitaura, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.

15 “Zvanzi naIshe Jehovha kuTire: Ko, zviwi hazvichadengenyeki here pakunzwa mubvumo wokuwa kwako, vakakuvadzwa pavanenge vachigomera uye kuuraya kuchiitika mauri?

16 Ipapo machinda ose omuzviwi achaburuka pazvigaro zvawo zvoushe vagoisa nhumbi dzavo dzoushe parutivi uye vagobvisa vachidedera nguva dzose, vashamiswa newe.

17 Ipapo vachachema pamusoro pako vagoti kwauri:

“ ‘Wakaparadzwa sei, iwe guta romukurumbira,

wakanga uzere navanhu vomugungwa!

Wakanga uri simba pamusoro pamakungwa,

iwe navanhu vako;

wakaisa kutya kwako

pamusoro pavo vose vaigara ikoko.

18 Zvino zviwi zvinodengenyeka

pazuva rokuwa kwako;

zviwi zviri mugungwa

zvavhundutswa nokuwa kwako.’

19 “Zvanzi naIshe Jehovha: Pandichaita kuti guta rako rive dongo, samamwe maguta asingachagarwi uye pandinouyisa kudzika kwegungwa pamusoro pako uye mvura zhinji dzaro dzikakufukidza,

20 ipapo ndichakuburutsa pamwe chete navaya vanoburukira kugomba, kuvanhu vakarekare.

21 Ndichakusvitsa kumagumo anotyisa uye hauchazovapozve. Uchatsvakwa, asi haungawanikwizve, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.”

Categories
Ezekieri

Ezekieri 27

Kuchema pamusoro peTire

1 Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,

2 “Mwanakomana womunhu, chema pamusoro peTire.

3 Uti kuTire, riri pasuo rokugungwa, mushambadziri wavanhu vamarudzi ose pazviwi zvizhinji, ‘Zvanzi naIshe Jehovha:

“ ‘Unoti, iwe Tire,

“Ini ndakakwana parunako.”

4 Simba rako rakanga riri pamakungwa makuru;

vavaki vako vakaita kuti runako rwako rusvike pakukwana.

5 Vakaita mapuranga ako ose

emiti yemipaini inobva kuSeniri;

vakatora musidhari waibva kuRebhanoni,

kuti vakuitire danda rokutsigira maseiri muchikepe.

6 Vakaita matanda okukwasva nawo

omuouki aibva kuBhashani;

namapuranga omusipuresi aibva kuzviwi zveSaipurasi

vakaita uriri hwako namapuranga, ane nyanga dzenzou mukati.

7 Maseiri ako akanga ari omucheka wakarukwa zvakaisvonaka waibva kuIjipiti,

uye wakashandiswa somureza wako;

zvifukidzo zvako zvamatende zvakanga zviri bhuruu nepepuru,

zvaibva kumahombekombe aErisha.

8 Varume veSidhoni neArivhadhi ndivo vakanga vari vakwasvi vako;

mhizha dzako, iwe Tire dzakanga dzirimo savafambisi vako vechikepe.

9 Mhare dzoumhizha dzeGebhari vakanga varimo,

savavaki vechikepe kuti vaname maburi emaseiri ako.

Zvikepe zvose zvegungwa navafambisi vazvo

vakauya kuzotengeserana newe zvawakagadzira.

10 “ ‘Varume vokuPezhia, neRidhia nePuti

vakashanda savarwi muhondo yako.

Vakarembedza nhoo dzavo nenguwani pamasvingo ako,

vachikuvigira mbiri.

11 Varume vokuArivhadhi nevokuHereki

vakakomba masvingo ako kumativi ose;

varume vokuGamadhi

vakanga vari mushongwe dzako.

Vakaturika nhoo dzavo pamasvingo ako;

vakaita kuti runako rwako rukwane.

12 “ ‘Tashishi yakatengeserana newe nokuda kwepfuma yako huru yenhumbi; vakatsinhanisa sirivha, nesimbi, netini nedare zvokushambadzira zvako.

13 “ ‘Girisi, Tubhari neMesheki dzakatengeserana newe; vakatsinhanisa nhapwa nezvinhu zvendarira zvezvigadzirwa zvako.

14 “ ‘Varume veBheti Togarima vakatsinhanisa mabhiza ebasa namabhiza ehondo namanyurusi kuti uzvishambadzire.

15 “ ‘Varume vokuRodhe vakatengeserana newe, uye zviwi zvizhinji zvakanga zviri nzvimbo dzako dzokutengesera; vaikuripira nenyanga dzenzou nomuti womuvanga.

16 “ ‘Aramu yakatengeserana newe nokuda kwezvibereko zvako zvizhinji; vakatsinhanisa matombo eturikoise nemicheka yepepuru, nezvakarukwa, nemicheka yakaisvonaka, nekorari namatombo amarubhi zvokutengesa zvako.

17 “ ‘Judha neIsraeri vakatengeserana newe, vakatsinhanisa gorosi neMiniti nezvinotapira, uchi, mafuta nebharimi nezvigadzirwa zvako.

18 “ ‘Dhamasiko, rakatengeserana newe nokuda kwezvigadzirwa zvako zvizhinji nepfuma yenhumbi newaini yaibva kuHeribhoni newuru yaibva kuZahari.

19 “ ‘VaDhani navaGiriki vaibva kuUzari vakatenga zvawaishambadzira; vakatsinhanisa simbi yakabikwa, nekasia, nekaramo zvigadzirwa zvako.

20 “ ‘Dhedhani akatengeserana newe machira okugarira pamabhiza.

21 “ ‘Arabhia namachinda ose eKedhari vakanga vachikutengera; vakatengeserana newe namakwayana, makondobwe nembudzi.

22 “ ‘Vashambadziri vokuShebha neRama vakatengeserana newe; pane zvawaishambadzira iwe ivo vakatsinhanisa namarudzi ezvinonhuhwira ose uye namabwe anokosha, negoridhe.

23 “ ‘Harani, Kane neEdheni navashambadziri vokuShebha, Ashuri neKirimadhi vakatengeserana newe.

24 Vakatengeserana newe munzvimbo dzokutengesera nguo dzakaisvonaka, dzemicheka yebhuruu, nezvakarukwa, namachira amavara namabote akakoswa uye ane mafundo akasimba.

25 “ ‘Zvikepe zveTashishi zvakashanda

pakutakura zvigadzirwa zvako.

Iwe wakazadzwa nezvitakurwa zvinorema,

imo mumwoyo megungwa.

26 Vakwasvi vako vanokutora

voenda newe kumakungwa makuru.

Asi mhepo yokumabvazuva ichakuputsa-putsa mumwoyo megungwa chaimo.

27 Pfuma yako, nenhumbi dzokutengesa nezvakagadzirwa,

varayiri navafambisi vako vezvikepe navagadziri vazvo,

vashambadziri vako nevarwi vako vose,

uye vose varimo

vachanyura mukati momwoyo wegungwa,

pazuva rokuparadzwa kwechikepe chako.

28 Nyika dzokumahombekombe dzichadengenyeka

panodanidzira vafambisi vako vezvikepe.

29 Vose vanobata matanda okukwasva

vachasiya zvikepe zvavo;

vachairi nevafambisi vako vezvikepe

vachamira kumahombekombe.

30 Vachadanidzira namanzwi avo

vagochema zvikuru pamusoro pako;

vachakusha guruva pamisoro yavo

vagoumburuka mumadota.

31 Vachaveura misoro yavo nokuda kwako,

uye vachapfeka nguo dzamasaga.

Vachachema pamusoro pako nokurwadza kwomwoyo,

uye nokuchema kukuru.

32 Pavanoungudza nokuchema pamusoro pako,

vachachema pamusoro pako vachiti,

“Ndianiko akashaya rokureva seTire,

rakakomberedzwa negungwa?”

33 Pakabuda vashambadziri vako vachienda kugungwa,

wakagutisa ndudzi zhinji,

nepfuma yako huru uye nenhumbi dzako,

wakapfumisa madzimambo enyika.

34 Zvino wakaputsanyiwa negungwa

mumvura zhinji yakadzika;

nhumbi dzako navanhu vako vose

zvakanyura pamwe chete newe.

35 Vose vanogara mumahombekombe vanoshamiswa newe;

madzimambo avo anodedera nokutya,

uye zviso zvavo zvakanganiswa nokutyiswa.

36 Vashambadziri vari pakati pendudzi vanokuridzira muridzo;

wasvika kumagumo anonyangadza

uye hauchazovapozve.’ ”

Categories
Ezekieri

Ezekieri 28

Chiprofita pamusoro paMambo weTire

1 Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,

2 “Mwanakomana womunhu, uti kumubati weTire, ‘Zvanzi naIshe Jehovha:

“ ‘Mukuzvikudza kwomwoyo wako

iwe unoti, “Ini ndiri mwari;

ndinogara pachigaro choushe chamwari,

pakati pomwoyo wamakungwa.”

Asi uri munhu zvako uye hauzi mwari,

kunyange uchifunga kuti wakachenjera samwari.

3 Wakachenjera kukunda Dhanieri here?

Hauna chakavanzika chausingazivi here?

4 Wakazviwanira pfuma

nouchenjeri hwako nokunzwisisa kwako,

uye wakazviunganidzira goridhe nesirivha

muzvivigiro zvepfuma yako.

5 Wakawanza pfuma yako

nouchenjeri hwako hwokutengesa,

uye nokuda kwepfuma yako

mwoyo wako wakazvikudza.

6 “ ‘Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha:

“ ‘Nokuti unofunga kuti wakangwara,

sokungwara kwamwari,

7 ndava kuzouyisa vatorwa kuti vazokurwisa,

rudzi rwakaipisisa pakati pendudzi dzose,

vachavhomora minondo yavo kuti varwise kunaka nokuchenjera kwako,

vagosvibisa kupenya kwokubwinya kwako.

8 Vachakuburutsira kugomba,

uye uchafa rufu runorwadza

pakati pomwoyo wamakungwa.

9 Ipapo uchati here, “Ndiri mwari,”

pamberi pavanokuuraya?

Uchava munhu chete, kwete mwari,

mumaoko aivo vanokuuraya.

10 Uchafa rufu rwomunhu asina kudzingiswa

pamaoko avatorwa.

Ndazvitaura, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.’ ”

11 Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti:

12 “Mwanakomana womunhu, chemera mambo weTire ugoti kwaari, ‘Zvanzi naIshe Jehovha:

“ ‘Wakanga uri muenzaniso wokukwana,

uzere nouchenjeri wakakwana parunako.

13 Wakanga uri muEdheni,

bindu raMwari;

wakashongedzwa namatombo ose anokosha anoti:

rubhi, tapazi neemeradhi,

krisorite, onikisi, jasipa,

safuri, turikoise nebheriri.

Urongwa nezvitsigiro zvako zvakanga zvakagadzirwa negoridhe;

zvakagadzirwa pazuva rokusikwa kwako.

14 Wakazodzwa sekerubhi rinorinda,

nokuti ndiko kugadza kwandakakuita.

Wakanga uri pamusoro pegomo dzvene raMwari;

wakanga uchifamba pakati pamabwe omoto.

15 Wakanga usina chaungapomerwa panzira dzako,

kubva pazuva rawakasikwa

kusvikira kuipa pakwazowanikwa mauri.

16 Nokuwanda kwokushambadzira kwako

wakabva wazara nechisimba,

ndokubva watadza.

Saka ndakakudzinga mukunyadziswa kubva pagomo raMwari,

uye ndakakudzinga, iwe kerubhi rokurinda,

kuti ubve pakati pamabwe omoto.

17 Mwoyo wako wakazvikudza

nokuda kworunako rwako,

uye wakaodza uchenjeri hwako

nokuda kwokubwinya kwako.

Saka ndakakukanda panyika;

ndakakuita chinhu chinosekwa pamberi pamadzimambo.

18 Nokuda kwokuwanda kwezvivi zvako, uye nokubiridzira kwako mukushambadzira,

wakazvidza nzvimbo dzako tsvene.

Saka ndakaita kuti moto ubude kubva mauri,

ukakuparadza,

uye ndakakupisa kusvikira wava madota panyika,

pamberi pavose vaikuona.

19 Ndudzi dzose dzaikuziva

dzinoshamiswa newe;

wasvika pamagumo akaipisisa

uye hauchazovapozve.’ ”

Chiprofita pamusoro peSidhoni

20 Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti:

21 “Mwanakomana womunhu, rinzira chiso chako pamusoro peSidhoni; uprofite pamusoro paro,

22 uti, ‘Zvanzi naIshe Jehovha:

“ ‘Ndine mhaka newe, iwe Sidhoni,

uye ndichazviwanira kukudzwa mukati mako.

Vachaziva kuti ndini Jehovha,

pandichariranga

ndigozviratidza mariri kuti ndiri mutsvene.

23 Ndichatuma denda pamusoro paro

ndigoita kuti ropa riyerere munzira dzaro.

Vakaurayiwa vachawa mariri,

nomunondo uchirirwisa kumativi ose.

Ipapo vachaziva kuti ndini Jehovha.

24 “ ‘Vanhu veIsraeri havachazovizve navavakidzani vanovagodora vachivarwadzisa sorukato runopinza. Ipapo vachaziva kuti ndini Ishe Jehovha.

25 “ ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Pandinounganidza vanhu veIsraeri kubva kundudzi kwavakanga vakaparadzirwa, ndichazviratidza kuti ndiri mutsvene pakati pavo pamberi pendudzi. Ipapo vachagara munyika yavo pachavo, yandakapa muranda wangu Jakobho.

26 Vachagaramo norugare uye vachavaka dzimba nokusima minda yemizambiringa; vachagara norugare pandicharanga vavakidzani vavo vose vanovagodora. Ipapo vachaziva kuti ndini Jehovha Mwari wavo.’ ”

Categories
Ezekieri

Ezekieri 29

Chiprofita pamusoro peIjipiti

1 Mugore regumi, mumwedzi wegumi pazuva regumi namaviri, shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,

2 “Mwanakomana womunhu, rinzira chiso chako pamusoro paFaro mambo weIjipiti.

3 Taura kwaari kuti, ‘Zvanzi naIshe Jehovha:

“ ‘Ndine mhaka newe, iwe Faro mambo weIjipiti,

iyewe shato huru uvete pakati pehova dzako.

Iwe unoti, “Nairi ndorwangu;

ndakazvigadzirira pachangu.”

4 Asi ndichaisa zvikokovono mushaya dzako,

uye ndichaita kuti hove dzomuhova dzako dzinamatire pamakwati ako.

Ndichakukwevera kunze ubve pakati pehova dzako,

nehove dzose dzakanamatira pamakwati ako.

5 Ndichakusiya mugwenga,

iwe nehove dzose dzomuhova dzako.

Uchawira pasi pabani pachena zvapo,

uye haungaunganidzwi kana kunongwa.

Ndichakupa sechokudya

kuzvikara zvenyika neshiri dzedenga.

6 Ipapo vose vagere muIjipiti vachaziva kuti ndini Jehovha.

“ ‘Wakanga uri tsvimbo yorutsanga kuimba yaIsraeri.

7 Vakati vachikubata namaoko avo, iwe ukatsemuka, ukabvarura mapfudzi avo; pavakasendamira pauri, wakavhunika misana yavo ndokuminama.

8 “ ‘Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha: Ndichauyisa munondo kuzokurwisa nokuuraya vanhu vako nezvipfuwo zvavo.

9 Ijipiti ichava dongo rakaparadzwa. Ipapo vachaziva kuti ndini Jehovha.

“ ‘Nokuti iwe wakati, “Nairi ndorwangu; ndini ndakaruita,”

10 naizvozvo ndine mhaka newe nehova dzako, uye ndichaita kuti nyika yeIjipiti iparadzwe ive dongo kubva kuMigidhori kusvikira kuAswani, kundosvika kumuganhu weEtiopia.

11 Hakuna rutsoka kana rwemhuka ruchapfuura nomo; hakuna achagaramo kwamakore makumi mana.

12 Nyika yeIjipiti ndichaiita dongo pakati penyika dzakaparadzwa, uye maguta ayo achava matongo kwamakore makumi mana pakati pamaguta akaitwa matongo. Uye ndichaparadzira vaIjipita pakati pendudzi, ndichavadzingira kunyika zhinji.

13 “ ‘Asi zvanzi naIshe Jehovha: Mushure mamakore makumi mana ndichaunganidza vaIjipita kubva kundudzi dzandakanga ndavadzingira.

14 Ndichavadzosa kubva kuutapwa ndigovadzosera kunyika yePatirosi, nyika yamadzitateguru avo. Vachava ushe hwakazvidzwa ikoko.

15 Huchava ushe hwakazvidzika chose uye hahuchazozvisimudzirizve pamusoro pedzimwe ndudzi.

16 Ijipiti haichazombovizve chivimbo chavanhu veIsraeri asi ichava chirangaridzo chechivi chavo chokucheukira kwairi kuti vabatsirwe. Ipapo vachaziva kuti ndini Ishe Jehovha.’ ”

17 Mugore ramakumi maviri namanomwe, nomwedzi wokutanga pazuva rokutanga, shoko rakasvika kwandiri richiti,

18 “Mwanakomana womunhu, Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi akabatisa hondo yake basa guru rokurwa neTire; musoro mumwe nomumwe wakasvuurwa uye pfudzi rimwe nerimwe rakasvotorwa. Kunyange zvakadaro iye nehondo yake havana kuwana mubayiro pamusoro pebasa ravakaita achirwa naro.

19 Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha: Ndiri kuzopa nyika yeIjipiti kuna Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi, uye iye achatapa pfuma yayo. Achapamba nokutora nyika somuripo wehondo yake.

20 Ndakamupa Ijipiti somubayiro wokushingaira kwake nokuti iye nehondo yake vakandibatira ini, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.

21 “Pazuva iro ndichameresa runyanga rweimba yaIsraeri, uye ndichazarura muromo wako pakati pavo. Ipapo vachaziva kuti ndini Jehovha.”

Categories
Ezekieri

Ezekieri 30

Kuchema pamusoro peIjipiti

1 Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,

2 “Mwanakomana womunhu, profita uti, ‘Zvanzi naIshe Jehovha:

“ ‘Ungudza uti,

“Haiwa, zuva iro!”

3 Nokuti zuva rava pedyo,

zuva raJehovha rava pedyo,

zuva ramakore,

nguva yokuparadzwa kwendudzi.

4 Munondo uchauya pamusoro peIjipiti,

uye kurwadziwa kuchauya pamusoro paEtiopia.

Vakaurayiwa pavachawa muIjipiti,

pfuma yake ichatakurwa ichienda kure

uye nheyo dzayo dzichakoromorwa.

5 Etiopia nePuti, Ridhia neArabhia yose, Ribhiya navanhu venyika yesungano vachaurayiwa nomunondo pamwe chete neIjipiti.

6 “ ‘Zvanzi naJehovha:

“ ‘Vanotsigira Ijipiti vachawa

uye simba rainozvikudza naro richapera.

Kubva kuMigidhori kusvikira kuAswani,

vachaurayiwa nomunondo mukati pake,

ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.

7 Vachaparadzwa

pakati penyika dzakaparadzwa,

uye maguta avo achava

pakati pamaguta akaitwa matongo.

8 Ipapo vachaziva kuti ndini Jehovha,

pandichatungidza moto kuIjipiti

uye vabatsiri vayo vose vachaparadzwa.

9 “ ‘Pazuva iro, nhume dzichabva kwandiri dziri muzvikepe kuti dzindotyisidzira Etiopia kuti abve pakuvarairwa kwake. Ucharwadziwa pazuva rokuparadzwa kweIjipiti, nokuti zvirokwazvo rinouya.

10 “ ‘Zvanzi naIshe Jehovha:

“ ‘Ndichagumisa vanhu vose veIjipiti

noruoko rwaNebhukadhinezari mambo weBhabhironi.

11 Iye nehondo yake, rudzi rwakaipisisa pakati pendudzi,

achauyiswa kuti azoparadza nyika.

Vachavhomora minondo yavo kuti varwise Ijipiti,

uye vachazadza nyika navakaurayiwa.

12 Ndichaomesa hova dzeNairi,

uye ndichatengesa nyika kuvanhu vakaipa;

namaoko avatorwa

ndichaparadza nyika nezvose zviri mairi.

Ini Jehovha ndazvitaura.

13 “ ‘Zvanzi naIshe Jehovha:

“ ‘Ndichaparadza zvifananidzo

uye ndichagumisa mifananidzo yeMemufisi.

MuIjipiti hamuchazovizve nomuchinda,

uye ndichaparadzira kutya munyika yose.

14 Ndichaita kuti Patirosi ive dongo,

ndichapisa Zoani,

uye ndicharanga Tebhesi.

15 Ndichadururira hasha dzangu pamusoro pePerusiami,

iyo nhare yeIjipiti,

uye ndichaparadza vanhu vose veTebhesi.

16 Ndichapisa Ijipiti;

Perusiami ichazvonyongoka nokurwadziwa.

Tebhesi richakukurwa nedutu;

Memufisi ichagara iri munhamo.

17 Majaya okuHerioporisi neokuBhubhastisi

achaurayiwa nomunondo,

uye maguta achatapwa.

18 Zuva iroro richava rerima paTapanhesi,

pandichavhuna joko reIjipiti;

kuzvikudza kwesimba raro kuchapera ipapo.

Richafukidzwa namakore,

uye misha yaro ichatapwa.

19 Saka ndicharanga Ijipiti,

uye vachaziva kuti ndini Jehovha.’ ”

20 Mugore regumi nerimwe, mumwedzi wokutanga pazuva rechinomwe shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,

21 “Mwanakomana womunhu, ndavhuna ruoko rwaFaro mambo weIjipiti. Haruna kusungwa kuti rupore kana kuiswa chiseketo kuti ruve nesimba rokubata munondo.

22 Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha: Ndine mhaka naFaro mambo weIjipiti. Ndichavhuna maoko ake ose ari maviri, ruoko rwakanaka norwakavhunika, ndigoita kuti munondo uwe kubva muruoko rwake.

23 Ndichaparadzira vaIjipita pakati pendudzi ndigovadzingira munyika dzose.

24 Ndichasimbisa ruoko rwamambo weBhabhironi uye ndichaisa munondo wangu muruoko rwake, asi ndichavhuna maoko aFaro, uye achagomera pamberi pake somunhu akuvadzwa zvokuti achafa.

25 Ndichasimbisa maoko amambo weBhabhironi, asi maoko aFaro acharembera pasi. Ipapo vachaziva kuti ndini Jehovha, pandichaisa munondo muruoko rwamambo weBhabhironi agouvheyesa kuti arwise Ijipiti.

26 Ndichaparadzira vaIjipiti pakati pendudzi ndigovadzingira munyika dzose. Ipapo vachaziva kuti ndini Jehovha.”

Categories
Ezekieri

Ezekieri 31

Musidhari womuRebhanoni

1 Mugore regumi nerimwe, mumwedzi wechitatu pazuva rokutanga, shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,

2 “Mwanakomana womunhu, uti kuna Faro mambo weIjipiti navanhu vake vose:

“ ‘Ndianiko angaenzaniswa nemi paushe?

3 Rangarirai Asiria, yaimbova musidhari muRebhanoni,

wakanga una matavi akaisvonaka akanga akafukidzira dondo;

wakanga wakareba kwazvo,

manhengenya awo ari pamusoro pamashizha akapfumvutira.

4 Mvura zhinji yakaupa zvokudya,

zvitubu zvakadzika zvakaita kuti urebe;

hova dzacho dzakayerera dzichipoteredza hunde,

uye dzakatumira mironga yadzo kumiti yose yesango.

5 Saka wakareba kwazvo

kupfuura miti yose yesango,

mativi awo akawanda

uye matavi awo akareba,

achitandavara nokuda kwemvura zhinji.

6 Shiri dzose dzedenga

dzakavakira matendere adzo pamatavi awo,

mhuka dzose dzesango

dzakaberekera pasi pamatavi awo;

ndudzi dzose huru

dzakagara pamumvuri wawo.

7 Wakanga uchiyevedza parunako,

namatavi awo akatandavara,

nokuti midzi yawo yaidzika pasi

kune mvura zhinji.

8 Misidhari yomubindu raMwari

yakanga isingagoni kuukunda,

uye miti yomupaini

yakanga isingaenzani namatavi awo,

uye miti yemipurani

hayaienzaniswa namatavi awo,

hakuna muti mubindu raMwari

waienzana nawo pakunaka.

9 Ndakauita muti unoyevedza

una matavi akawanda,

muti waiyemurwa nemiti yose yomuEdheni

mubindu raMwari.

10 “ ‘Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha: Nemhaka yokuti wakanga wakareba kwazvo, uchisimudzira manhengenya awo pamatavi akapfumvutira, uye nemhaka yokuti wakazvikudza nokuda kwokureba kwawo,

11 ndakauisa kumutongi wendudzi, kuti vamuitire zvakafanira kuipa kwawo. Ndakaukanda padivi,

12 uye rudzi rwakaipisisa kundudzi dzavatorwa rwakautemera pasi ndokuusiya. Matavi awo akawira pamakomo nomumipata yose; matavi awo ose akavhunikira muhova dzose dzenyika. Ndudzi dzose dzomunyika dzakabva pasi pomumvuri wawo dzikausiya.

13 Shiri dzose dzedenga dzakamhara pamuti wakawa, uye mhuka dzose dzenyika dzakanga dziri pakati pamatavi awo.

14 Naizvozvo hakuna mimwe miti iri pamvura zhinji ichareba kwazvo ichizvikudza, ichizvisimudzira manhengenya ayo pamusoro pamatavi akapfumvutira. Hakuna mimwe miti inowana mvura yakadai ichazombosvika paurefu hwakadai; yose ichafa, nokuti nyika iri pasi, pakati pavanhu vanofa, navaya vanoburukira kugomba.

15 “ ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Pazuva rawakaburutsirwa muguva ndakafukidza matsime akadzika kuti aungudze nokuda kwawo ndikamisa hova dzawo, uye mvura yawo zhinji yakadziviswa. Nemhaka yawo ndakafukidza Rebhanoni nokusuwa, uye miti yose yesango yakasvava.

16 Ndakaita kuti ndudzi dzidedere padzakanzwa kuwa kwako pandakuburusira muguva navaya vanoenda mugomba nawo. Ipapo miti yose yomuEdheni, yakasarudzika uye neyakanakisa muRebhanoni, miti yose yakanga ichiwana mvura yakakwana, yakanyaradzwa panyika pasi.

17 Vaya vaigara mumumvuri wawo, navaya vavaibatana navo pakati pendudzi, vakanga vaburukirawo muguva nawo, vachiva pamwe navaya vakaurayiwa nomunondo.

18 “ ‘Ndeipiko miti yeEdheni ingaenzaniswa newe pakubwinya noushe? Kunyange zvakadaro, newewo, uchaburutswa pamwe chete nemiti yeEdheni panyika pasi; ucharara pakati pavasina kudzingiswa, navaya vakaurayiwa nomunondo.

“ ‘Ndiye Faro navanhu vake vazhinji, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.’ ”