Categories
1 Madzimambo

1 Madzimambo 1

Adhoniya anozvigadza Umambo

1 Mambo Dhavhidhi akanga akwegura, ava namakore mazhinji, asi akanga asingadziyirwi kunyange vaimufukidza namagumbeze.

2 Naizvozvo, varanda vake vakati kwaari, “Ngatitsvakirei mambo wedu mhandara kuti imushandire nokumuchengeta. Acharara padivi pake kuti ishe mambo wedu adziyirwe.”

3 Naizvozvo, vakatsvaka musikana akanaka munyika yose yeIsraeri, vakawana Abhishagi, muShunami, vakauya naye kuna mambo.

4 Musikana uyu akanga akanaka kwazvo; uye akachengeta mambo akamushandira, asi mambo haana kurara naye somukadzi wake.

5 Zvino Adhoniya, uyo aiva namai vainzi Hagiti, akazvisimudzira akati, “Ini ndichava mambo.” Naizvozvo, akazvigadzirira ngoro navatasvi vamabhiza navarume makumi mashanu kuti vamhanye pamberi pake.

6 Baba vake vakanga vasina kana kumbomutsiura paupenyu hwake hwose vachiti, “Ko, izvi nezvizvi wazviitirei?” Akanga ari murume akanaka pachiso chake uye ndiye aitevera Abhusaromu pakuberekwa.

7 Adhoniya akarangana naJoabhu, mwanakomana waZeruya, naAbhiatari muprista uye vakamutsigira.

8 Asi Zadhoki muprista, Bhenaya mwanakomana waJehoyadha, Natani muprofita, Shimei, naRei, namauto apamusoro aDhavhidhi, havana kutevera Adhoniya.

9 Adhoniya akabayira makwai, mombe nemhuru dzakakodzwa paDombo reZohereti, pedyo nepaEnirogeri. Akakoka vakoma navanunʼuna vake vose, vanakomana vamambo, navarume vose veJudha vaiva vakuru vakuru,

10 asi haana kukoka Natani muprofita, kana Bhenaya, kana mauto apamusoro, kana Soromoni mununʼuna wake.

11 Ipapo Natani akabvunza Bhatishebha, mai vaSoromoni akati, “Hauna kunzwa here kuti Adhoniya, mwanakomana waHagiti, atova mambo ishe wedu Dhavhidhi asingazvizivi?

12 Zvino chirega ndikubayire zanhi kuti uponese upenyu hwako noupenyu hwomwanakomana wako Soromoni.

13 Chitoenda izvozvi kuna mambo Dhavhidhi unoti kwaari, ‘Ishe wangu mambo, hamuna kupikira ini murandakadzi wenyu here muchiti, “Zvirokwazvo Soromoni mwanakomana wako ndiye achanditevera paumambo, uye ndiye achagara pachigaro changu choushe?” Zvino Adhoniya ava mambo sei?’

14 Zvino iwe paunenge uchiri kutaura namambo, ini ndichapindawo ndichisimbisa zvaunenge wataura.”

15 Naizvozvo, Bhatishebha akaenda kundoona mambo mumba make. Mambo akanga akwegura kwazvo, uye Abhishagi muShunami akanga achimushandira.

16 Bhatishebha akakotama, akapfugama pamberi pamambo.

Mambo akati, “Unodeiko?”

17 Iye akati kwaari, “Ishe wangu, makapikira muranda wenyu naJehovha Mwari wenyu mukati, ‘Soromoni mwanakomana wako ndiye achatevera paumambo, ndiye achagara pachigaro changu choushe.’

18 Asi zvino Adhoniya ava mambo, kunyange imi musingazvizivi.

19 Abayira mombe dzakawanda, mhuru dzakakodzwa, namakwai, uye akoka vanakomana vose vamambo, Abhiatari muprista naJoabhu mutungamiri wamauto, asi haana kukoka Soromoni muranda wenyu.

20 Zvino ishe wangu mambo, meso eIsraeri yose akatarisa kwamuri, kuti muvaudze kuti ndiani achagara pachigaro choushe chaishe wangu mambo, mushure make.

21 Kana musina kudaro, kana ishe wangu mambo aradzikwa namadzibaba ake, ini nomwanakomana wangu Soromoni tichanzi tine mhosva.”

22 Achiri kutaura namambo, Natani muprofita akabva asvika.

23 Zvino vakaudza mambo kuti, “Natani muprofita ari pano.” Naizvozvo akaenda pamberi pamambo, akakotamisa uso hwake pasi.

24 Natani akati, “Ishe wangu, mambo wangu, mareva here kuti Adhoniya ndiye achava mambo mushure menyu, uye kuti ndiye achagara pachigaro chenyu choushe?

25 Nhasi aburuka akandobayira mombe dzakawanda, mhuru dzakakodzwa, namakwai. Akoka vanakomana vose vamambo, vatungamiri vamauto naAbhiatari muprista. Izvozvi vari kudya nokunwa naye vachiti, ‘Mambo Adhoniya ngaararame makore akawanda!’

26 Asi haana kukoka ini muranda wenyu naZadhoki muprista, naBhenaya mwanakomana waJehoyadha, nomuranda wenyu Soromoni.

27 Izvi ndizvo here zvaitwa naishe wangu mambo vasina kuudza varanda vavo kuti ndiani achagara pachigaro choushe chaishe mambo wangu mushure mavo.”

Dhavhidhi anogadza Soromoni Umambo

28 Ipapo Mambo Dhavhidhi akati, “Ndidanirei Bhatishebha.” Naizvozvo iye akauya kuna mambo akamira pamberi pake.

29 Zvino mambo akapika akati, “NaJehovha mupenyu, uyo akandinunura pamatambudziko ose,

30 zvirokwazvo, nhasi ndichazadzisa zvandakakupikira naJehovha, Mwari waIsraeri kuti, ‘Mwanakomana wako Soromoni achanditevera paumambo, uye achagara pachigaro changu choushe panzvimbo pangu.’ ”

31 Ipapo Bhatishebha akakotama pasi nechiso chake akapfugamira mambo akati, “Ishe wangu, Mambo Dhavhidhi, ngaararame nokusingaperi!”

32 Mambo Dhavhidhi akati, “Ndidanirei Zadhoki muprista, Natani muprofita naBhenaya mwanakomana waJehoyadha.” Vakati vauya pamberi pamambo,

33 akati kwavari, “Endai navaranda vaishe, mutasvise Soromoni mwanakomana wangu panyurusi rangu chairo mugoenda naye zasi kuGihoni.

34 Ikoko, Zadhoki muprista naNatani muprofita ngavamuzodze kuti ave mambo weIsraeri. Muridze hwamanda mugodanidzira muchiti, ‘Mambo Soromoni ngaararame makore akawanda!’

35 Zvino imi muchauya muchimutevera, kuti iye auye azogara pachigaro changu choushe, nokuti achava mambo panzvimbo pangu, uye ndamugadza kuti ave mutongi weIsraeri neJudha.”

36 Bhenaya mwanakomana waJehoyadha akapindura mambo akati, “Ameni! Jehovha, Mwari waishe mambo wangu, ngaadarowo!

37 Jehovha sezvaaiva naishe wangu mambo, saizvozvowo ngaave naSoromoni, aite kuti chigaro chake choushe chive chikuru kupfuura chigaro choushe chaishe wangu Mambo Dhavhidhi!”

38 Naizvozvo Zadhoki muprista, Natani muprofita, Bhenaya mwanakomana waJehoyadha, vaKereti navaPereti vakadzika, vakatasvisa Soromoni panyurusi raMambo Dhavhidhi, vakamutungamirira kuenda kuGihoni.

39 Zadhoki muprista akatora gonamombe ramafuta mutende akazodza Soromoni. Ipapo vakaridza hwamanda vanhu vose vakadanidzira vachiti, “Mambo Soromoni ngaararame makore akawanda!”

40 Zvino vanhu vose vakamutevera vachiridza mabhosvo vachipembera zvikuru zvokuti pasi pakatinhira noruzha rwavo.

41 Adhoniya navose vaakanga akoka, vaakanga anavo, vakazvinzwa pavakanga vopedza kudya, Joabhu akati achinzwa ruzha rwehwamanda, akabvunza, akati, “Mheremhere yose iyi muguta ndeyeiko?”

42 Achiri kutaura kudaro, Jonatani, mwanakomana waAbhiatari muprista, akasvika. Adhoniya akati, “Pinda! Murume akatendeka sewe anofanira kunge achiuya namashoko akanaka.”

43 Jonatani akapindura akati, “Kwete, kwete! Ishe wedu Mambo Dhavhidhi agadza Soromoni paumambo.

44 Mambo amutuma naZadhoki muprista, Natani muprofita, Bhenaya mwanakomana waJehoyadha, vaKereti navaPereti, uye vamutasvisa nyurusi ramambo,

45 uye Zadhoki muprista naNatani muprofita vamuzodza kuti ave mambo paGihoni. Vabva ikoko vachipembera, zvokuti guta rose rangova zhowezhowe. Ndiyo mheremhere yamuri kunzwa.

46 Pamusoro paizvozvo, Soromoni agara pachigaro choushe.

47 Uyezve, machinda amambo auya kuzokorokotedza ishe wedu Mambo Dhavhidhi achiti, ‘Mwari wenyu ngaaite kuti zita raSoromoni rive nomukurumbira kupfuura renyu, uye chigaro chake choushe ngachive chakakura kupfuura chenyu!’ Zvino mambo akotama pamubhedha pake akanamata,

48 akati, ‘Jehovha, Mwari waIsraeri, ngaarumbidzwe, iye anditendera kuti ndione mumwe wavana vangu achigara pachigaro changu choushe nhasi.’ ”

49 Zvino vose vakanga vakokwa naAdhoniya vakabatwa nokutya vakasimuka vakati uyu ananga kwake, uyu ananga kwake.

50 Asi Adhoniya akatya Soromoni, akasimuka akaenda kundobata nyanga dzearitari.

51 Soromoni akaudzwa kuti, “Tarirai, Adhoniya ari kutya Mambo uye atobata nyanga dzearitari achiti, ‘Mambo Soromoni ngaandipikire nhasi kuti haasi kuzouraya muranda wake nomunondo.’ ”

52 Zvino Soromoni akati, “Kana akazova munhu kwaye, hakuna rubvudzi rwomusoro wake ruchawira pasi; asi zvakaipa zvikawanikwa maari, achafa.”

53 Ipapo Mambo Soromoni akatuma varume vakandouya naye kubva paaritari. Zvino Adhoniya akauya akakotamira Mambo Soromoni, Soromoni akati kwaari, “Enda kumba kwako.”

Categories
1 Madzimambo

1 Madzimambo 2

Dhavhidhi anorayira Soromoni

1 Zvino nguva yokufa kwaDhavhidhi yakati yoswedera, akarayira Soromoni mwanakomana wake,

2 achiti, “Ndava pedyo nokuenda nenzira yenyika yose. Naizvozvo iva munhu akasimba, uve murume,

3 ucherechedze zvose zvinodiwa naJehovha Mwari wako: Famba munzira dzake, chengeta zvaakatema, mirayiro yake, mitemo yake nezvaanoda, sezvazvakanyorwa muMurayiro waMozisi, kuti ugobudirira pazvose zvaunoita nakwose kwaunoenda.

4 Uye kuti Jehovha agosimbisa shoko rake raakataura pamusoro pangu rokuti, ‘Kana vana vako vakachenjerera nzira yavo, vakafamba pamberi pangu nokutendeka, nomwoyo wavo wose, nomweya wavo wose, hapangashayikwi munhu achakutevera pachigaro choushe chaIsraeri.’

5 “Zvino iwe pachako unoziva zvandakaitirwa naJoabhu, mwanakomana waZeruya, zvaakaita kuvatungamiri vaviri vehondo dzaIsraeri, Abhuna mwanakomana waNeri, naAmasa mwanakomana waJeteri. Akavauraya, akateura ropa ravo panguva yorugare sokunge vakanga vari muhondo, uye ropa iroro akarizora pabhanhire raiva muchiuno chake napashangu dzetsoka dzake.

6 Ita zvaunogona naye nouchenjeri hwako, asi usatendera musoro wake wachena kuti upinde muguva norugare.

7 “Asi uitire unyoro vanakomana vaBharizira wokuGireadhi, uye ngavave pakati paavo vanodya patafura yako. Vakamira neni pandakatiza mukoma wako Abhusaromu.

8 “Rangarira kuti unayewo Shimei, mwanakomana waGera, muBhenjamini wokuBhahurimu, uyo akandituka zvakaipa kwazvo musi wandakaenda kuMahanaimi. Paakadzika kuzosangana neni paJorodhani, ndakapika kwaari naJehovha ndikati, ‘Handisi kuzokuuraya nomunondo.’

9 Asi zvino usamutora somunhu asina mhosva. Iwe uri murume ane uchenjeri, uchaziva zvokuita naye. Uburutsire musoro wake wachena, kuguva muropa.”

10 Ipapo Dhavhidhi akavata namadzibaba ake, akavigwa muGuta raDhavhidhi.

11 Akatonga Israeri kwamakore makumi mana, manomwe muHebhuroni namakumi matatu namatatu muJerusarema.

12 Naizvozvo Soromoni akagara pachigaro choushe chababa vake Dhavhidhi, ushe hwake hukasimbiswa.

Umambo hwaSoromoni hunosimbiswa

13 Zvino Adhoniya, mwanakomana waHagiti, akaenda kuna Bhatishebha, mai vaSoromoni. Bhatishebha akamubvunza akati, “Ko, wauya norugare here?”

Iye akapindura akati, “Hongu, norugare.”

14 Ipapo akaenderera mberi akati, “Ndine zvimwe zvandinoda kutaura kwamuri.”

Iyewo akapindura akati, “Taura zvako.”

15 Iye akati, “Sezvamunoziva, umambo hwaiva hwangu. VaIsraeri vose vaitarisira kuti ndichatonga. Asi zvinhu zvakashanduka, umambo hukaenda kumununʼuna wangu; nokuti hwakava hwake nokuda kwaJehovha.

16 Asi zvino ndinokumbira chinhu chimwe chete kwamuri, musandirambira.”

Iye akati kwaari, “Taura zvako.”

17 Saka akaenderera mberi akati, “Ndapota, kumbirai Mambo Soromoni, haambokurambirai, kuti andipe Abhishagi muShunami, ave mukadzi wangu.”

18 Bhatishebha akapindura akati, “Zvakanaka, ndichandosuma nyaya iyi kuna mambo.”

19 Naizvozvo Bhatishebha akaenda kuna Mambo Soromoni kundosuma nyaya yaAdhoniya. Mambo akasimuka akasangana naye, akakotamira mai vake, akagara pachigaro chake choushe. Akarayira kuti chigaro choushe chiunzirwe mai vamambo, ivo vakagara kurutivi rwake rworudyi.

20 Ipapo vakati, “Ndine chikumbiro chidiki kwauri. Usandirambira zvako.”

Mambo akapindura akati, “Kumbirai henyu, mai, handikurambiriyi.”

21 Ivo vakati, “Adhoniya mukoma wako, ngaapiwe Abhishagi muShunami, ave mukadzi wake.”

22 Mambo Soromoni akapindura mai vake akati, “Sei muchikumbirira Adhoniya, Abhishagi muShunami? Mungatomukumbirirawo umambo, zvaari mukoma wangu, mumukumbirire iye naAbhiatari muprista, naJoabhu mwanakomana waZeruya.”

23 Zvino Mambo Soromoni akapika naJehovha akati, “Mwari ngaandirange zvakaomarara kana Adhoniya akasaripa chikumbiro ichi noupenyu hwake!

24 Zvino kana Jehovha wangu ari mupenyu, uyo akandisimbisa zvakakwana pachigaro choushe chababa vangu Dhavhidhi, akandigadzirira umambo sezvaakavimbisa, Adhoniya achaurayiwa nhasi.”

25 Naizvozvo Mambo Soromoni akatuma Bhenaya mwanakomana waJehoyadha, iye akamuuraya.

26 Mambo akati kuna Abhiatari muprista, “Dzokera kuAnatoti, kunyika yako. Unofanira kufa. Asi handisi kuzokuuraya iye zvino, nokuti wakatakura areka yaJehovha Mwari pamberi pababa vangu Dhavhidhi ukatambudzika navo pamatambudziko avo ose.”

27 Naizvozvo Soromoni akabvisa Abhiatari pauprista hwaJehovha, akazadzisa shoko rakanga rataurwa naJehovha paShiro pamusoro peimba yaEri.

28 Zvino shoko iri rakati rasvika kuna Joabhu, uyo akanga aita rangano naAdhoniya asi kwete naAbhusaromu, iye akatizira kutende raJehovha akandobata nyanga dzearitari.

29 Mambo Soromoni akaudzwa kuti Joabhu akanga atizira kutende raJehovha uye kuti akanga ari paaritari. Ipapo Soromoni akarayira Bhenaya mwanakomana waJehoyadha akati, “Enda undomuuraya!”

30 Saka Bhenaya akapinda mutende raJehovha akati kuna Joabhu, “Zvanzi namambo, ‘Buda.’ ”

Asi iye akapindura akati, “Kwete, ndichafira pano.”

Bhenaya akandoti kuna mambo, “Aya ndiwo mapindurirwo andaitwa naJoabhu.”

31 Ipapo mambo akarayira Bhenaya akati, “Ita sezvaareva. Muuraye ugomuviga, naizvozvo undichenese pamwe chete neimba yababa vangu pamhosva yeropa rakateurwa naJoabhu rakanga risina mhosva.

32 Jehovha achadzorera ropa rake pamusoro wake, nokuti akauraya varume vaviri vakanga vakarurama kupfuura iye, vakanga vari nani pana iye, akavauraya nomunondo, baba vangu Dhavhidhi vasingazvizivi, Abhuna mwanakomana waNeri, mutungamiri wehondo yeIsraeri naAmasa mwanakomana waJeteri, mutungamiri wehondo yeJudha.

33 Ropa ravo ngaridzokere pamusoro waJoabhu, napamusoro pemhuri yake nokusingaperi. Asi rugare runobva kuna Jehovha ngaruve pana Dhavhidhi, naparudzi rwake, napaimba yake, napachigaro chake choushe nokusingaperi.”

34 Naizvozvo Bhenaya mwanakomana waJehoyadha akaenda akandouraya Joabhu, akavigwa muguva rake murenje.

35 Zvino mambo akagadza Bhenaya mwanakomana waJehoyadha somukuru wehondo panzvimbo yaJoabhu, uye akagadza Zadhoki somuprista panzvimbo yaAbhiatari.

36 Ipapo mambo akatuma munhu kuti andodana Shimei akati kwaari, “Zvivakire imba muJerusarema uye ugogaramo, asi usaenda kumwe kunhu.

37 Musi waunobvamo uchiyambuka Rukova rweKidhironi, ziva kuti uchafa; ropa rako richava pamusoro pako.”

38 Shimei akapindura mambo akati, “Zvamataura zvakanaka. Muranda wenyu achaita sezvataurwa naishe wangu mambo.” Naizvozvo Shimei akagara muJerusarema kwenguva yakareba.

39 Asi mushure mamakore matatu, varanda vaShimei vaviri vakatiza vakaenda kuna Akishi mwanakomana waMaaka, mambo weGati, Shimei akaudzwa kuti, “Varanda vako vari kuGati.”

40 Ipapo akasungira chigaro pambongoro yake akaenda kuna Akishi kuGati kundotsvaga varanda vake. Naizvozvo Shimei akaenda akandotora varanda vake kubva kuGati.

41 Soromoni akati audzwa kuti Shimei akanga abuda muJerusarema akaenda kuGati uye kuti akanga adzoka,

42 Mambo akadana Shimei akati kwaari, “Handina here kukupikisa naJehovha ndikakuyambira ndichiti, ‘Nomusi wauchabva uchienda kumwe, ziva kuti uchafa.’ Panguva iyoyo wakati kwandiri, ‘Zvamataura zvakanaka. Ndichateerera.’

43 Zvino sei usina kuchengeta mhiko yako kuna Jehovha nokutevera mutemo wandakakupa?”

44 Mambo akatiwo kuna Shimei, “Mumwoyo mako unoziva zvose zvawakatadzira baba vangu Dhavhidhi. Zvino Jehovha achadzosera kuipa kwako pamusoro pako.

45 Asi Mambo Soromoni acharopafadzwa, uye chigaro choushe chaDhavhidhi chichasimbiswa pamberi paJehovha nokusingaperi.”

46 Ipapo mambo akarayira Bhenaya mwanakomana waJehoyadha, iye akaenda akandouraya Shimei.

Naizvozvo umambo hwakasimbiswa muruoko rwaSoromoni.

Categories
1 Madzimambo

1 Madzimambo 3

Soromoni anokumbira Uchenjeri

1 Soromoni akaita ukama naFaro, mambo weIjipiti akawana mwanasikana wake. Akauya naye kuGuta raDhavhidhi kusvikira apedza kuvaka muzinda wake netemberi yaJehovha, norusvingo runopoteredza Jerusarema.

2 Asi, vanhu vakanga vachibayira zvibayiro panzvimbo dzakakwirira nokuti hapana temberi yakanga yati yavakirwa zita raJehovha.

3 Soromoni akada Jehovha akafamba nomumitemo yababa vake Dhavhidhi, asi akabayira nokupisa zvinonhuhwira panzvimbo dzakakwirira.

4 Zvino mambo akaenda kuGibheoni kundobayira, nokuti ndiyo yaiva nzvimbo yakakwirira huru, Soromoni akabayira zvipiriso zvinopiswa zvinokwana chiuru paaritari.

5 PaGibheoni Jehovha akazviratidza kuna Soromoni usiku muchiroto, Mwari akati, “Kumbira chipi nechipi chaunoda kuti ndikupe.”

6 Soromoni akapindura akati, “Makaratidza muranda wenyu, baba vangu Dhavhidhi, tsitsi dzenyu huru nokuti akanga akavimbika kwamuri uye akarurama uye akachena mumwoyo. Muchiri kumuratidza unyoro hwenyu hukuru uye mamupa mwanakomana kuti agare pachigaro chake chokutonga iye nhasi.

7 “Zvino, Jehovha Mwari wangu, makaita muranda wenyu mambo panzvimbo yababa vangu Dhavhidhi. Asi ini ndinongova hangu mwana mudiki uye handizivi mashandiro andingaita mabasa angu.

8 Muranda wenyu ari pakati pavanhu venyu vamakasarudza, vanhu vazhinji kwazvo, vasingagoni kuverengwa nokuwanda kwavo.

9 Naizvozvo ipai muranda wenyu mwoyo unonzwisisa kuti atonge vanhu venyu, kuti ndikwanise kuziva zvakanaka nezvakaipa; nokuti ndiani angagone kutonga vanhu venyu vakawanda kudai?”

10 Jehovha akafara nokuti Soromoni akanga akumbira chinhu ichi.

11 Naizvozvo Jehovha akati kwaari, “Sezvo wakumbira chinhu ichi ukasazvikumbirira upenyu hurefu kana upfumi, ukasakumbira kuti vavengi vako vaurayiwe, asi wakumbira kunzwisisa pakutonga zvakarurama,

12 ndichaita zvawakumbira. Ndichakupa mwoyo wakachenjera unonzwisisa, zvokuti hakuna kumbova nomumwe akafanana newe uye hakuchazova nomumwe akafanana newe mushure mako.

13 Pamusoro pezvo, ndichakupawo zvausina kukumbira, zvose upfumi nokukudzwa, zvokuti muupenyu hwako hapana mumwe anozoenzana newe pakati pamadzimambo.

14 Kana ukafamba munzira dzangu nokuteerera mitemo yangu nemirayiro yangu sezvakaita Dhavhidhi baba vako, ndichakupa upenyu hurefu.”

15 Ipapo Soromoni akamuka, akabva aziva kuti kwakanga kuri kurota.

Akadzokera kuJerusarema, akamira pamberi peareka yesungano yaJehovha akabayira zvipiriso zvinopiswa, akabayirawo zvipiriso zvokuwadzana. Ipapo akaitira varanda vake vose mutambo.

Soromoni anotonga noUchenjeri

16 Zvino vakadzi vaviri vaiva zvifeve vakauya kuna mambo vakamira pamberi pake.

17 Mumwe wavo akati, “Ishe wangu, mukadzi uyu neni tinogara muimba imwe chete. Ini ndakapona mwana iye aripowo.

18 Zvino nezuva rechitatu mushure mokuberekwa kwomwana wangu, mukadzi uyu akaponawo mwana. Takanga tiri toga; hapana mumwe munhu akanga ari mumba kunze kwedu isu vaviri.

19 “Usiku ihwohwo mwana womukadzi uyu akafa, nokuti akavata pamusoro pake.

20 Saka akamuka pakati pousiku akatora mwanakomana wangu kubva parutivi pangu, ini muranda wenyu ndivete. Akamuisa pachipfuva chake akaisa mwanakomana wake akafa pachipfuva changu.

21 Pandakamuka mangwanani kuti ndiyamwise mwanakomana wangu ndakaona kuti akanga afa; asi pandakazotarisisa mangwanani, ndakaona zviri pachena kuti haasiriye mwanakomana wandakanga ndapona.”

22 Asi mukadzi mumwe uya akati, “Kwete, mwanakomana mupenyu ndowangu, mwanakomana akafa ndowako.”

Asi wokutanga akaramba akati, “Kwete, akafa ndowako; mupenyu ndiye wangu.” Naizvozvo vakaitirana nharo pamberi pamambo.

23 Ipapo mambo akati, “Mumwe anoti, ‘Mwanakomana wangu ndiye mupenyu, uye mwanakomana wako ndiye akafa,’ mumwewo achiti, ‘Kwete! Mwanakomana wako ndiye akafa, uye mwanakomana wangu ndiye mupenyu.’ ”

24 Ipapo mambo akati, “Nditorerei munondo.” Naizvozvo vakauya nomunondo kuna mambo.

25 Akati, “Chekai mwana mupenyu napakati mugopa hafu kuno mumwe uye imwe hafu kuno mumwe.”

26 Mukadzi aiva nomwana mupenyu akanzwira mwanakomana wake tsitsi akati kuna mambo, “Ndapota ishe wangu, mupei zvenyu mwana ari mupenyu! Musamuuraya!”

Asi mumwe wacho akati, “Iwe neni hapana ari kuzomuwana. Muchekei napakati!”

27 Ipapo mambo akapa mutongo wake akati, “Ipai mwana mupenyu kumukadzi wokutanga. Musamuuraya; ndiye mai vake.”

28 VaIsraeri vose vakati vanzwa matongero akanga aita mambo, vakatya mambo, nokuti vakaona kuti uchenjeri hwaibva kuna Mwari hwaiva maari, kuti atonge zvakarurama.

Categories
1 Madzimambo

1 Madzimambo 4

Machinda aSoromoni

1 Saka Mambo Soromoni akanga ari mambo weIsraeri yose.

2 Ava ndivo vaiva machinda ake:

Azaria mwanakomana waZadhoki aiva muprista;

3 Erihorefi naAhija, vanakomana vaShisha vaiva vanyori;

Jehoshafati mwanakomana waAhirudhi aiva munyori wenhoroondo dzenyika;

4 Bhenaya mwanakomana waJehoyadha aiva mutungamiri wamauto;

Zadhoki naAbhiatari vaiva vaprista;

5 Azaria mwanakomana waNatani aiva mukuru wavatariri;

Zabhudhi mwanakomana waNatani aiva muprista neshamwari yamambo;

6 Ahishari aiva mutariri womuzinda wamambo;

Adhoniramu, mwanakomana waAbhudha aiva mutariri wechibharo.

7 Soromoni aivawo namachinda gumi navaviri veIsraeri yose vaitsvakira mambo neimba yake zvokudya. Mumwe nomumwe aifanira kutsvaka zvokudya zvomwedzi mumwe chete pagore.

8 Mazita avo aiti:

Bheni-Huri, munyika yamakomo yaEfuremu;

9 Bheni-Dhekeri munyika yeMakazi, Shaaribhimu, Bheti Shemeshi neEroni Bhetihanani;

10 Bheni-Hesedhi muArubhoti (Soko nenyika yose yeHeferi dzaiva dzake).

11 Bheni-Abhinadhabhi, munyika yeNafoti Dhori (aiva awana mwanasikana waSoromoni);

12 Bhaana, mwanakomana waAhirudhi munyika yeTaanaki, Megidho nenyika yose yeBhetisheani iyo iri parutivi peZaretani, zasi kweJezireeri, kubva kuBhetisheani kusvika kuAbherimehora mhiri kweJokomeami;

13 Bheni-Gebheri munyika yeRamoti Gireadhi (misha yaJairi, mwanakomana waManase munyika yeGireadhi yaiva yake, pamwe chete nedunhu reArigobhi munyika yeBhashani namaguta aro makuru makumi matanhatu aiva namasvingo ane masuo endarira);

14 Ahinadhabhi mwanakomana waIdho, munyika yeMahanaimi;

15 Ahimaazi, munyika yaNafutari (akanga awana Bhasemati mwanasikana waSoromoni);

16 Bhaana mwanakomana waHushai, munyika yaAsheri neAroti;

17 Jehoshafati mwanakomana waParua, munyika yaIsakari;

18 Shimei mwanakomana waEra, munyika yaBhenjamini;

19 Gebheri mwanakomana waUri, munyika yeGireadhi (nyika yaSihoni mambo wavaAmori nenyika yaOgi mambo weBhashani). Ndiye aiva mubati oga mudunhu iri.

Migove yezuva nezuva yaSoromoni

20 Vanhu veJudha neIsraeri vakanga vakawanda sejecha ramahombekombe egungwa; vakadya, vakanwa uye vakafara.

21 Soromoni akanga ari mambo munyika dzose dzaibva kuYufuratesi kusvikira kunyika yavaFiristia, nokumuganhuwo weIjipiti. Nyika idzi dzakauya nomutero uye dzakashandira Soromoni mazuva ose oupenyu hwake.

22 Zvokudya zvomuzinda waSoromoni zvezuva nezuva zvaiva zviyero makumi matatuzvefurawa yakatsetseka nezviyero makumi matanhatuzvoupfu,

23 mombe gumi dzakakodzwa, nemombe makumi maviri dzokumafuro, makwai zana, pasingaverengerwi nondo, mhara, mhembwe nehuku dzakakodzwa.

24 Nokuti aitonga nyika dzose dziri kumadokero kwerwizi rweYufuratesi kubva kuTifisa kusvikira kuGaza, uye akava norugare kumativi ose.

25 Pamazuva oupenyu hwaSoromoni vaJudha navaIsraeri vaigara zvakanaka, kubvira kuDhani kusvikira kuBheerishebha, mumwe nomumwe pasi pomuti wake wamazambiringa nowamaonde.

26 Soromoni aivawo nezvidyiro zvamabhiza engoro dzake zviuru makumi mana navatasvi vamabhiza zviuru gumi nezviviri.

27 Vatariri vakatsvakira Mambo Soromoni navose vaiuya kuzodya naMambo Soromoni patafura yake zvokudya, mumwe nomumwe mumwedzi wake. Vakaona kuti hapana chaishayikwa.

28 Vakauyawo nebhari nouswa hwamabhiza engoro namamwewo mabhiza kunzvimbo dzezvaidiwa, mumwe nomumwe zvaakatarirwa.

Mukurumbira woUchenjeri hwaSoromoni

29 Mwari akapa Soromoni uchenjeri, nokunzwisisa kukuru sejecha rapamahombekombe egungwa.

30 Uchenjeri hwaSoromoni hwakanga hwakapfuura uchenjeri hwavanhu vose vokumabvazuva, nouchenjeri hwose hwokuIjipiti.

31 Akanga akachenjera kupfuura vamwe vose; akachenjera kupfuura Etani muEzrahi, Hemani, Karikori, naDharidha, vanakomana vaMahori. Mukurumbira wake wakapararira kunyika dzose dzakapoteredza.

32 Akataura zvirevo zviuru zvitatu, uye dzimbo dzake dzaikwana chiuru neshanu.

33 Akatsanangura makuriro emiti, kubvira kumusidhari weRebhanoni kusvikira kumihisopi inokura mumadziro. Akadzidzisawo pamusoro pemhuka, shiri, zvinokambaira nehove.

34 Vanhu vakauya vachibva kunyika dzose kuti vazonzwa uchenjeri hwaSoromoni; vakauya vachitumwa namadzimambo ose enyika akanga anzwa nezvouchenjeri hwake.

Categories
1 Madzimambo

1 Madzimambo 5

Soromoni anogadzirira kuvaka Temberi

1 Hiramu mambo weTire akati anzwa kuti Soromoni akanga azodzwa kuti ave mambo panzvimbo yababa vake Dhavhidhi, akatuma nhume dzake kuna Soromoni, nokuti Hiramu akanga agara ano ushamwari naDhavhidhi.

2 Soromoni akatuma shoko kuna Hiramu akati:

3 “Munoziva kuti nokuda kwehondo dzairwisana nababa vangu Dhavhidhi kubva kumativi ose, haana kuzokwanisa kuvakira Zita raJehovha Mwari wake temberi, kusvikira Jehovha aisa vavengi vake pasi petsoka dzake.

4 Asi zvino Jehovha Mwari wangu andipa zororo kumativi ose, hapachisina muvengi kana dambudziko.

5 Naizvozvo ndinoda kuvakira zita raJehovha Mwari wangu temberi, sezvo Jehovha akati kuna baba vangu Dhavhidhi, ‘Mwanakomana wako, uyo wandichagadza pachigaro choushe panzvimbo yako, achavakira zita rangu temberi iyi.’

6 “Naizvozvo chirayirai kuti nditemerwe matanda emisidhari yeRebhanoni. Vanhu vangu vachashanda pamwe chete navanhu venyu uye ndichakuripirai mari yamunenge mati iripirwe vanhu venyu. Munoziva kuti hatina kana munhu mumwe anogona kutema matanda sezvinoitwa navaSidhoni.”

7 Hiramu akati anzwa shoko raSoromoni, akafara zvikuru, uye akati, “Jehovha ngaarumbidzwe nhasi, nokuti apa Dhavhidhi mwanakomana ane uchenjeri kuti atonge rudzi rukuru urwu.”

8 Saka Hiramu akatuma shoko kuna Soromoni achiti:

“Ndagamuchira shoko ramanditumira navamakatuma uye ndichaita zvose zvamunoda ndigokupai matanda emisidhari nemisipuresi.

9 Vanhu vangu vachatakura kubva kuRebhanoni kusvika kugungwa, uye, ndichaayeredza negungwa kunzvimbo yamunenge masarudza. Ikoko ndichapatsanura kuti mugogona kuatora moenda nawo. Imi mugondiitirawo chishuvo changu mugopa muzinda wangu zvokudya.”

10 Nenzira iyi Hiramu akapa Soromoni matanda ose emisidhari nemisipuresi aaida,

11 uye Soromoni akapa Hiramu zviyero zviuru makumi mavirizvegorosi kuti zvidyiwe mumuzinda wake, pamwe chete nezviyero makumi mavirizvamafuta omuorivhi akasvinwa zvakakwana. Soromoni akaramba achiitira Hiramu zvinhu izvi gore negore.

12 Jehovha akapa Soromoni uchenjeri, sezvaakanga amuvimbisa. Pakati paHiramu naSoromoni pakava norugare, uye vaviri ava vakanyorerana chibvumirano.

13 Mambo Soromoni akaunganidza vanhu vechibharo muIsraeri yose, vanhu zviuru makumi matatu.

14 Akavatumira kuRebhanoni, zviuru gumi pamwedzi, zvokuti vaipedza mwedzi mumwe chete vari kuRebhanoni nemwedzi miviri vari kumusha. Adhoniramu ndiye aiva mukuru wechibharo.

15 Soromoni aiva navatakuri vezvinhu zviuru makumi manomwe uye vavezi vamatombo zviuru makumi masere mumakomo,

16 pamwe chete navatariri vebasa zviuru zvitatu namazana matatu vaitungamirira basa nokuudza vashandi zvokuita.

17 Mambo akarayira vakaputsa matombo makuru kwazvo, anokosha, kuti vavake hwaro hwetemberi namatombo akavezwa.

18 Vavaki vaSoromoni, navavaki vaHiramu navaGebhari vakaveza matanda namatombo okuvakisa temberi.

Categories
1 Madzimambo

1 Madzimambo 6

Soromoni anovaka Temberi

1 Zvino mugore ramazana mana namakumi masere mushure mokubuda kwavaIsraeri munyika yeIjipiti, mugore rechina rokubata ushe kwaSoromoni pamusoro peIsraeri, mumwedzi waZivhi, unova mwedzi wechipiri, akatanga kuvaka temberi yaJehovha.

2 Temberi yakavakirwa Jehovha naMambo Soromoni yakanga yakareba makubhiti makumi matanhatu, ina makubhiti makumi maviripaupamhi hwayo, ina makubhiti makumi matatupakukwirira kwayo kumusoro.

3 Biravira raiva mberi kweimba huru yetemberi rakawedzera upamhi hwetemberi hwamakubhiti makumi maviriuye rakanga rakapfuurira mberi kwetemberi namakubhiti gumi.

4 Akaitira temberi iyi mawindo ane upamhi hudiki.

5 Pamadziro eimba huru neeimba tsvene yomukati akavaka chivakwa chakapoteredza imba, chaiva nedzimwe dzimba kumativi.

6 Imba yapasi yaiva noupamhi hwamakubhiti mashanu, imba yapakati yaiva noupamhi hwamakubhiti matanhatuuye imba yechitatu yaiva namakubhiti manomwe. Nechokunze akavaka zvitakuriso kumativi kuti matanda arege kupinda mukati mamadziro etemberi.

7 Pakuvaka madziro etemberi mabwe akanga avezwa chete ndiwo akashandiswa, uye hapana kunzwikwa kurira kwesando kana mbezo kana mumwe mudziyo patemberi payakanga ichivakwa.

8 Musuo weimba yapakati waiva kuchamhembe kwetemberi, paiva namatanho aienda kuimba yapasi, achizobva kuimba yapakati achienda kune yechitatu.

9 Naizvozvo akavaka temberi, uye akaipedza, akaturika denga ramatanda namapuranga emisidhari.

10 Uye akavaka dzimba pamadziro etemberi yose. Imwe neimwe yakanga yakareba makubhiti mashanu, uye dzakanga dzakabatanidzwa netemberi namatanda emisidhari.

11 Zvino shoko raJehovha rakasvika kuna Soromoni richiti,

12 “Pane zvetemberi iyi yauri kuvaka, kana ukatevera mitemo yangu, ukaita zvandakatema, uye ukachengeta mirayiro yangu yose nokuiteerera, ipapo ndichazadzisa chivimbiso changu newe, chandakavimbisa baba vako Dhavhidhi.

13 Uye ndichagara pakati pavaIsraeri, uye handizorasi vanhu vangu vaIsraeri.”

14 Saka Soromoni akavaka temberi akaipedza.

15 Akaisa mapuranga emisidhari pamadziro etemberi nomukati, akaaroverera kubvira pasi kusvikira kumusoro, uye pasi pose pakanga pane mapuranga emusipuresi.

16 Akakamura necheshure kwetemberi chimwe chikamu chakanga chakareba makubhiti makumi maviri, namapuranga emusidhari kubva pasi kusvika kumusoro kuti chive nzvimbo tsvene yomukati metemberi, Nzvimbo Tsvene-tsvene.

17 Imba huru yakanga iri pamberi peimba iyi yakanga yakareba makubhiti makumi mana.

18 Mukati metemberi makaitwa nemisidhari yakavezwa mifananidzo yemikombe namaruva akazaruka. Zvose zvaiva misidhari chete, hapana dombo raionekwa.

19 Akagadzira nzvimbo tsvene yomukati, mukatikati metemberi, kuti agogadzikapo areka yesungano yaJehovha.

20 Mukati menzvimbo tsvene yomukati makanga makareba makubhiti makumi maviri, uye upamhi hwayo makubhiti makumi maviri, uye makareba makubhiti makumi maviri pakukwirira kwamo mudenga. Akafukidza mukati mose negoridhe rakaisvonaka, uye akafukidzawo aritari namapuranga omusidhari.

21 Soromoni akafukidza mukati metemberi yose negoridhe rakaisvonaka, uye akaisa ngetani dzegoridhe dzakachinjika pamberi penzvimbo tsvene yomukati, iyo yakanga yakafukidzwa mukati mose negoridhe.

22 Saka akafukidza mukati mose negoridhe. Akafukidzawo aritari yenzvimbo tsvene yomukati negoridhe.

23 Akaita makerubhi maviri omuti womuorivhi, rimwe nerimwe rakareba makubhiti gumi, munzvimbo tsvene yomukati.

24 Bapiro rimwe chete rekerubhi rokutanga rakanga rakareba makubhiti mashanu, uye rimwe bapiro rakanga rakareba makubhiti mashanu, makubhiti gumi kubva pamuromo perimwe bapiro kusvika pamuromo perimwe bapiro.

25 Kerubhi rechipiri rakanga rakarebawo makubhiti gumi, nokuti makerubhi maviri aya akanga akafanana pakukura namaumbirwo.

26 Kerubhi rimwe nerimwe rakanga rakareba makubhiti gumi.

27 Akaisa makerubhi munzvimbo yomukatikati metemberi, mapapiro amakerubhi akatambanudzwa. Bapiro rerimwe kerubhi raiguma mamwe madziro, bapiro rerimwe richiguma mamwe madziro uye mamwe mapapiro awo aigumana pakati peimba.

28 Akafukidza makerubhi negoridhe.

29 Akaveza mifananidzo yamakerubhi, yemiti yemichindwe neyamaruva akazaruka, pamadziro ose akatenderedza mudzimba dzomukati nedzimba dzokunze.

30 Akafukidzawo pasi pedzimba dzomukati nedzimba dzokunze dzetemberi negoridhe.

31 Akagadzirira musuo wenzvimbo tsvene yomukati makonhi omuti womuorivhi; chivivo chapamusoro namagwatidziro zvaiva namativi mashanu.

32 Pamakonhi maviri aya omuti womuorivhi akaveza mifananidzo yamakerubhi, yemiti yemichindwe neyamaruva akazaruka, akafukidza makerubhi nemiti yemichindwe negoridhe rakarohwa.

33 Nenzira imwe cheteyo akagadzirirawo musuo weimba huru chivivo namagwatidziro zvomuti womuorivhi zvakanga zvine mativi mana.

34 Akaitawo makonhi maviri omuti womusipuresi, mapenga maviri egonhi rimwe aigona kupetwa, uye mapenga maviri erimwe gonhi aigona kupetwa.

35 Akaveza makerubhi, miti yemichindwe namaruva akazaruka paari, akazvifukidza negoridhe rakarohwa zvakaenzanirana pamusoro pezvakavezwa.

36 Uye akavaka chivanze chomukati chine hwaro hutatu hwamatombo akavezwa, nehwaro humwe chete hwamatanda omusidhari.

37 Hwaro hwetemberi yaJehovha hwakavakwa mugore rechina, mumwedzi waZivhi.

38 Mugore regumi nerimwe mumwedzi waBhuri, mwedzi worusere, temberi yakapera kuvakwa yose sezvayakanga yakafanira kuitwa. Akapedza makore manomwe achiivaka.

Categories
1 Madzimambo

1 Madzimambo 7

Soromoni anovaka Muzinda Wake

1 Zvisinei, zvakatorera Soromoni makore gumi namatatu kuti apedze kuvaka muzinda wake.

2 Akavaka Muzinda weSango reRebhanoni wakanga wakareba makubhiti zana, upamhi hwawo huri makubhiti makumi mashanu, namakubhiti makumi matatupakukwirira kwawo mudenga, akaivaka pamusoro pemitsara mina yembiru dzemisidhari namatanda emisidhari akavezwa pamusoro pembiru.

3 Wakanga une denga remisidhari rakanga riri pamusoro pamatanda akanga akagadzikwa pamusoro pembiru yamatanda makumi mana namashanu, gumi namashanu mumutsara mumwe chete.

4 Mawindo awo akanga ari pamusoro, ari matatu, akatarisana.

5 Makonhi ose namagwatidziro zvaiva namativi mana; akanga ari nechemberi ari matatu matatu, akatarisana.

6 Akaita imba yembiru yakanga yakareba makubhiti makumi mashanuiine upamhi hwamakubhiti makumi matatu. Pamberi payo paiva nebiravira, pamberi parowo paine mbiru nedenga rakarembera.

7 Akavakawo imba yechigaro chokutonga, Imba Yokururamisira, umo maaizotongera nyaya, uye akaifukidza nemisidhari kubva pasi kusvikira kumusoro.

8 Muzinda wake waaizogara necheseri, wakanga wakavakwa zvimwe chetezvo. Soromoni akavakirawo mwanasikana waFaro, uyo waakanga awana, muzinda wakafanana nouyu.

9 Dzimba dzose idzi, kubva kunze kusvikira kuchivanze chikuru, nokubva pahwaro kusvikira paberevere, dzakanga dziri dzamatombo anokosha, akavezwa zvakaenzanirana, uye akachekwa nejeko kunze nomukati.

10 Hwaro hwakanga hwakavakwa namatombo makuru anokosha, mamwe akareba makubhiti gumi, mamwe makubhiti masere.

11 Pamusoro paiva namatombo anokosha, akavezwa zvakaenzanirana, namatanda emisidhari.

12 Chivanze chikuru chaiva chakapoteredzwa norusvingo rwakanga rune mitsara mitatu yamatombo akavezwa nomutsara mumwe chete wamatanda omusidhari akanyatsovezwa, zvimwe chetezvo zvakanga zvakaita chivanze chomukati chetemberi yaJehovha nebiravira rayo.

Midziyo yomuTemberi

13 Zvino Mambo Soromoni akatuma vanhu kundotora Hiramu kuTire.

14 Hiramu aiva mwanakomana wechirikadzi yorudzi rwaNafutari, baba vake vari veTire, mupfuri wendarira. Hiramu akanga azere nounyanzvi, uye aino ruzivo rwezvamabasa ose endarira. Akauya kuna Mambo Soromoni akaita basa rose raakapiwa.

15 Akavaka mbiru mbiri dzendarira, imwe neimwe yakanga yakareba makubhiti gumi namasere, uye yaipoteredzwa netambo yakareba makubhiti gumi namaviripakuyera.

16 Akaitawo misoro yembiru yendarira yakanyungurutswa miviri, yokugadzika pamusoro pembiru, musoro mumwe nomumwe wakanga wakareba makubhiti mashanupakukwirira kwawo.

17 Mimbure yengetani dzakarukwa yaiva yakashongedza misoro yaiva pamusoro pembiru, minomwe pamusoro pomumwe nomumwe.

18 Akaitawo matamba mumitsara miviri yakapoteredza mumbure mumwe nomumwe kuti ishongedze misoro yaiva pamusoro pembiru. Akaita zvimwe chetezvo pamusoro pomumwe nomumwe.

19 Misoro yaiva pamusoro pembiru pabiravira yakanga yakaumbwa samaruva amahapa, yakareba makubhiti manapakukwirira kwayo.

20 Pamusoro pemisoro yembiru mbiri idzi, nechapamusoro pedumbu rakanga riri parutivi pomumbure, paiva namatamba mazana maviri mumitsara yakapoteredza.

21 Akamisa mbiru pabiravira retemberi. Mbiru yezasi akaitumidza zita rokuti Jakini uye yokumusoro akaitumidza kuti Bhoazi.

22 Pamusoro pembiru paiva nezvishongo zvakafanana namaruva amahapa. Saizvozvo basa rapambiru rakapera.

23 Akaita Gungwa reNdarira yakanyauswa, redenderedzwa rakanga rine upamhi hwamakubhiti gumipamuromo, uye rakareba makubhiti mashanu pakukwirira kwaro. Zvaitora tambo yakareba makubhiti makumi matatukuti iripoteredze pakuyera.

24 Pasi pomuromo waro pakanga pane mapfundo akapoteredza, ari gumi pakubhiti, achipoteredza gungwa. Mapfundo aya akaumbwa akanga ari mumitsara miviri, pamwe chete neGungwa.

25 Gungwa rakanga rimire pahando gumi nembiri, nhatu dzakatarisa kumusoro, nhatu kumadokero, nhatu zasi nenhatu kumabvazuva. Gungwa rakanga rigere pamusoro padzo, uye shure kwadzo kwakanga kwakatarisa pakati.

26 Ukobvu hwaro hwaikwana upamhi hwechanza chomunhu, uye muromo waro wakanga wakafanana nomuromo wekapu, seruva ramahapa. Mukati maro maikwana mabhati zviuru zviviri.

27 Akaitawo zvigadziko gumi zvendarira zvaiva namavhiri endarira gumi; chimwe nechimwe chakanga chakareba makubhiti mana, upamhi huri makubhiti mana nokukwirira kwacho kuri makubhiti matatu.

28 Zvigadziko izvi zvakanga zvakaitwa seizvi: pakati pembiru dzezvigadziko paiva namagwatidziro mumativi.

29 Pamagwatidziro aya pakati pembiru paiva neshumba, hando namakerubhi, uyewo napambiru. Pamusoro napasi peshumba nehando paiva nezvishongo zvamaruva zvendarira.

30 Chigadziko chimwe nechimwe chaiva namavhiri mana endarira ane maekesero endarira, uye imwe neimwe yaiva nedhishi rakanga riri pamusoro pezvitsigiro zvina, zvakaumbwa zviine zvishongo zvamaruva kurutivi rumwe norumwe.

31 Nechomukati mechigadziko maiva negomba rakanga riri redenderedzwa rakadzika zvinosvika kubhiti rimwe chete. Gomba iri rakanga riri redenderedzwa, uye nechigadziko charo raikwana kubhiti nehafu. Pamuromo paro paiva nezvinyorwa. Magwatidziro akanga ane mativi akaenzana, asiri edenderedzwa.

32 Mavhiri mana aiva pasi pamagwatidziro, uye maekesero amavhiri aiva akabatana netafura. Vhiri rimwe nerimwe raiva noupamhi hwekubhiti rimwe chete nehafu.

33 Mavhiri akanga akagadzirwa sokugadzirwa kwamavhiri engoro dzamabhiza; maekesero, marimu, zvipokisi namahabhu zvose zvaiva zvakagadzirwa nendarira.

34 Chigadziko chimwe nechimwe chaiva nemibato mina, pakona imwe neimwe, uye yaibudikira kubva pachigadziko.

35 Pamusoro pechigadziko paiva nechitenderere chakanga chakadzika zvinosvika hafu yekubhiti. Zvitsigiro namagwatidziro zvakanga zvakanamatidzwa pamusoro pechigadziko.

36 Akaveza makerubhi, shumba nemiti yemichindwe pazvitsigiro namagwatidziro, napose paigona kuvezwa, nezvishongo zvamaruva kumativi ose.

37 Aya ndiwo magadziriro aakaita zvigadziko gumi. Zvose zvakanga zvakafanana pakuumbwa kwazvo, zvakaenzana pakukura napamaumbirwo.

38 Ipapo akaita madhishi endarira gumi, rimwe nerimwe richipinda mabhati makumi manauye rakafara makubhiti mana, dhishi rimwe chete richizoiswa pachigadziko chimwe nechimwe chezvigadziko gumi.

39 Akaisa zvigadziko zvishanu zasi kwetemberi, zvishanu kumusoro. Akaisa Gungwa kurutivi rwezasi, zasi kwakadziva kumabvazuva kwetemberi.

40 Hiramu akaitawo poto, foshoro namadhishi.

Saka Hiramu akapedza basa rose raakaitira Mambo Soromoni mutemberi yaJehovha:

41 mbiru mbiri;

misoro miviri yedenderedzwa pamusoro pembiru;

mimbure miviri yakarukwa yaishongedza misoro miviri yedenderedzwa yaiva pamusoro pembiru;

42 matamba mazana mana emimbure miviri (mitsara miviri yamatamba pamumbure mumwe chete, kuti ishongedze misoro yedenderedzwa yaiva pamusoro pembiru);

43 zvigadziko gumi namadhishi azvo gumi;

44 Gungwa nehando gumi nembiri pasi paro;

45 poto, foshoro namadhishi.

Zvinhu zvose izvi zvakaitirwa Mambo Soromoni mutemberi maJehovha naHiramu zvaiva zvendarira yakabwinyiswa.

46 Mambo akaita kuti zviumbwe nevhu rokuumba pabani reJorodhani pakati peSukoti neZaretani.

47 Soromoni haana kuyera zvinhu zvose izvi nokuti zvakanga zvakawanda kwazvo; uremu hwendarira hahuna kuzivikanwa.

48 Soromoni akaitawo midziyo yose yaiva mutemberi maJehovha:

aritari yegoridhe;

tafura yegoridhe yaiva nechingwa choKuratidza, pamusoro payo;

49 zvigadziko zvemwenje zvegoridhe rakaisvonaka (zvishanu kurudyi nezvishanu kuruboshwe pamberi penzvimbo tsvene yomukati);

maruva, mwenje nembato, zvegoridhe;

50 makapu, zvidzimiso zvemwenje, madhishi, madhishi ezvinonhuhwira nezvaenga zvomoto, zvegoridhe rakaisvonaka;

zvibato zvamakonhi ekamuri yomukatikati memba, Nzvimbo Tsvene-tsvene, namakonhi eimba huru, zvakanga zviri zvegoridhe.

51 Zvino basa rose rakaitwa naMambo Soromoni patemberi yaJehovha parakapera, Soromoni akauyisa zvinhu zvakanga zvakumikidzwa nababa vake Dhavhidhi, midziyo yesirivha negoridhe, akazvichengeta mumatura epfuma yetemberi yaJehovha.

Categories
1 Madzimambo

1 Madzimambo 8

Areka inouyiswa kuTemberi

1 Ipapo Soromoni akaunganidza pamberi pake vakuru veIsraeri navatungamiri vamarudzi muJerusarema namadzishe emhuri dzavaIsraeri, kuti vauyise areka yesungano yaJehovha kubva kuZioni, Guta raDhavhidhi.

2 Vanhu vose veIsraeri vakaungana pana Mambo Soromoni panguva yomutambo mumwedzi waEtanimi, unova mwedzi wechinomwe.

3 Vakuru vose veIsraeri vakati vasvika, vaprista vakatakura areka,

4 uye vakauyisa areka yaJehovha, neTende Rokusangana nemidziyo yose yakatsaurwa yaiva mairi. Vaprista navaRevhi vakazvitakura,

5 uye Mambo Soromoni neungano yose yeIsraeri yakanga yaungana paari, vakanga vanaye pamberi peareka, vachibayira makwai nehando zvakawanda zvokuti zvakanga zvisingagoni kuverengwa nokuwanda kwazvo.

6 Ipapo vaprista vakatakura areka yesungano yaJehovha vakaenda nayo kunzvimbo yayo munzvimbo tsvene yomukati metemberi, muNzvimbo Tsvene-tsvene, vakaigadzika pasi pamapapiro amakerubhi.

7 Makerubhi akatambanudza mapapiro awo pamusoro penzvimbo yeareka uye akafukidza areka namatanda ayo okutakurisa.

8 Matanda aya akanga akareba zvokuti miromo yawo yaionekwa munhu ari paNzvimbo Tsvene pamberi penzvimbo tsvene yomukati, asi kwete munhu ari kunze kweNzvimbo Tsvene; uye achiripo nanhasi.

9 Muareka makanga musina chinhu kunze kwamahwendefa maviri amabwe ayo akanga aiswamo naMozisi paHorebhi, Jehovha paakaita sungano navaIsraeri mushure mokunge vabuda muIjipiti.

10 Vaprista vakati vabuda paNzvimbo Tsvene, gore rakazadza temberi yaJehovha.

11 Uye vaprista vakatadza kuita shumiro yavo nokuda kwegore, nokuti kubwinya kwaJehovha kwakazadza temberi yaJehovha.

12 Ipapo Soromoni akati, “Jehovha ati anoda kugara mukati merima guru;

13 zvirokwazvo ndakuvakirai temberi yakanakisisa, nzvimbo yamungagara nokusingaperi.”

14 Ungano yose yaIsraeri imire ipapo, mambo akatendeukira kwavari akavaropafadza.

15 Zvino akati:

“Ngaarumbidzwe Jehovha, Mwari waIsraeri, uyo ashandisa ruoko rwake kuzadzisa zvaakavimbisa nomuromo wake kuna baba vangu Dhavhidhi.

16 Nokuti akati, ‘Kubvira pazuva randakabudisa vanhu vangu Israeri kubva muIjipiti, handina kusarudza guta rorudzi rupi rweIsraeri kuti ndivake temberi, kuti Zita rangu rive ipapo, asi ndakasarudza Dhavhidhi kuti atonge vanhu vangu Israeri.’

17 “Baba vangu Dhavhidhi, mumwoyo mavo vaida kuvakira Zita raJehovha, Mwari weIsraeri, temberi.

18 Asi Jehovha akati kuna baba vangu Dhavhidhi, ‘Nokuti zvakanga zviri mumwoyo mako kuti uvakire Zita rangu temberi, wakaita zvakanaka kuva naizvozvo mumwoyo mako.

19 Kunyange zvakadaro, iwe hausi kuzovaka temberi iyi, asi mwanakomana wako, wauchabereka ndiye achavakira Zita rangu temberi.’

20 “Jehovha achengeta chivimbiso chaakaita: ini ndatevera panzvimbo yababa vangu Dhavhidhi, uye zvino ndigere pachigaro chokutonga chaIsraeri, sokuvimbisa kwakaita Jehovha, uye ndavakira Zita raJehovha, Mwari weIsraeri, temberi.

21 Imomo ndakagadzira nzvimbo yeareka, iyo ine sungano yaJehovha yaakaita namadzibaba edu paakavabudisa kubva muIjipiti.”

Munyengetero waSoromoni woKukumikidza

22 Ipapo Soromoni akamira pamberi pearitari yaJehovha pamberi peungano yose yaIsraeri, akatambanudza maoko ake kudenga,

23 akati,

“Jehovha, Mwari weIsraeri, hakuna mumwe Mwari akaita semi kumusoro kudenga kana pasi panyika, imi munochengeta sungano yorudo yavaranda venyu vanofamba pamberi penyu nomwoyo wavo wose.

24 Makachengeta chivimbiso chenyu kumuranda wenyu Dhavhidhi baba vangu; makavimbisa nomuromo wenyu uye mazvizadzisa noruoko rwenyu sezvazviri nhasi.

25 “Zvino Jehovha, Mwari waIsraeri, chengeterai muranda wenyu Dhavhidhi baba vangu, zvivimbiso zvamakamuitira pamakati, ‘Pamberi pangu hapangazoshayikwi munhu anokutevera pachigaro choushe cheIsraeri, kana vana vako vakachenjera pane zvose zvavanoita, vakafamba pamberi pangu sezvawakaita iwe.’

26 Naizvozvo zvino, haiwa Mwari waIsraeri, ndinokumbira kuti shoko renyu ramakavimbisa kumuranda wenyu Dhavhidhi baba vangu riitike.

27 “Chingava chokwadi here kuti Mwari angagara panyika? Tarirai, matenga kana nokudengadenga hazvingagoni kukukwanai. Ko, kuzoti temberi iyi yandakuvakirai!

28 Kunyange zvakadaro, teererai munyengetero womuranda wenyu nokukumbira kwake, haiwa Jehovha Mwari wangu. Inzwai kudanidzira nomunyengetero uri kuitwa nomuranda wenyu pamberi penyu nhasi.

29 Meso enyu ngaarambe akatarisa temberi iyi usiku namasikati, nzvimbo iyi yamakataura muchiti, ‘Zita rangu richavapo,’ kuti muzonzwa munyengetero unonamatwa nomuranda wenyu akatarisa kunzvimbo ino.

30 Inzwai kukumbira kwomuranda wenyu, nokwavanhu venyu Israeri pavanozonamata vakatarisa kunzvimbo ino. Inzwai muri kudenga kwamunogara, uye kana manzwa mugoregerera.

31 “Kana munhu achinge atadzira muvakidzani wake, akanzi apike mhiko uye akauya akapika mhiko pamberi pearitari yenyu mutemberi ino,

32 ipapo inzwai muri kudenga uye muwane zvamunoita. Tongai pakati pavaranda venyu, mupe mhosva kumutadzi nokuisa pamusoro wake iye zvaanenge aita. Mururamisire akarurama nokumupa zvakafanira kururama kwake.

33 “Kana vanhu venyu Israeri vachinge vakundwa navavengi vavo, nokuti vakutadzirai, uye vakadzokazve kwamuri, vakapupura zita renyu, vakanamata nokukumbira kwamuri mutemberi, ino,

34 ipapo inzwai muri kudenga mugoregerera chivi chavanhu venyu Israeri, uye mugovadzosera kunyika yamakapa madzibaba avo.

35 “Kana denga richinge razarirwa mvura ikasanaya nokuti vanhu venyu vakutadzirai, pavanonamata vakatarisa kunzvimbo ino, uye vakapupura zita renyu, vakatendeuka kubva kuchivi chavo nokuti mavaranga,

36 ipapo inzwai muri kudenga uye mugoregerera chivi chavaranda venyu, vanhu venyu Israeri. Vadzidzisei nzira yakanaka yavanofanira kurarama nayo, uye nayisai mvura panyika yamakapa vanhu venyu kuti ive nhaka yavo.

37 “Kana nzara kana denda zvikauya panyika, kana nyunje, kana muhuvhe, mhashu, kana ndongwe kana muvengi wavo akavakomba mune ripi zvaro ramaguta avo, zvisinei kuti inyatwa ipi kana kuti idenda ripi rauya,

38 uye, kana munyengetero kana chikumbiro chaitwa naani zvake wavanhu venyu Israeri, mumwe nomumwe achiziva zvinomutambudza mumwoyo make, akatambanudzira maoko ake kutemberi ino,

39 ipapo inzwai muri kudenga kwamunogara. Regererai mugowana zvamunoita; mugoitira mumwe nomumwe maererano nazvose zvaanoita, sezvo muchiziva mwoyo wake (nokuti imi chete ndimi munoziva zviri mumwoyo momunhu wose),

40 kuti vakutyei mazuva ose avanorarama panyika yamakapa madzibaba edu.

41 “Zvino kana ari mutorwa, asiri wavanhu venyu Israeri asi anouya achibva kunyika iri kure nokuda kwezita renyu,

42 nokuti vanhu vachanzwa nezvezita renyu guru, ruoko rwenyu rune simba noruoko rwenyu rwakatambanudzwa, paanouya akanyengetera akatarisa kutemberi ino,

43 ipapo inzwai muri kudenga kwamunogara, uye mugoita chinhu chipi nechipi chinokumbirwa kwamuri nomutorwa uyu, kuti marudzi ose enyika azive zita renyu uye agokutyai, sezvinoitwa navanhu venyu Israeri, uye kuti vazive kuti imba ino yandavaka ine Zita renyu.

44 “Kana vanhu venyu vakaenda kundorwa navavengi vavo, kwose kwamunovatuma, uye pavanonyengetera kuna Jehovha vakatarisa kuguta ramakasarudza netemberi yandavakira Zita renyu,

45 ipapo muri kudenga, inzwai munyengetero wavo nechikumbiro chavo, uye mugovabatsira pane zvavanorwira.

46 “Kana vakakutadzirai, nokuti hakuna munhu asingatadzi, imi mukavatsamwira, mukavaisa mumaoko omuvengi, uye akavaita nhapwa munyika yake, kure kana pedyo;

47 uye kana vakapinduka pamwoyo munyika umo mavari nhapwa, uye vakatendeuka nokudemba kwamuri munyika yavatapi vavo, vakati, ‘Takaita, zvakaipa zvisakarurama;’

48 uye kana vakadzokera kwamuri nomwoyo nomweya wavo wose munyika yavavengi vavo avo vakavatapa vakanyengetera kwamuri vakatarisa kunyika yamakapa madzibaba avo, vakatarisa kuguta ramakasarudza netemberi yandavakira Zita renyu;

49 ipapo, muri kudenga, kwamunogara, inzwai munyengetero wavo nechikumbiro chavo, uye mugovabatsira pane zvavanorwira.

50 Muregerere vanhu venyu, vakakutadzirai; muvaregerere pamhosva dzose dzavakapara kwamuri, mugoita kuti vakavatapa vavanzwire tsitsi;

51 nokuti vanhu venyu nenhaka yenyu vamakabudisa kubva muIjipiti, vira romoto.

52 “Meso enyu ngaaone chikumbiro chomuranda wenyu nechikumbiro chavanhu venyu Israeri, uye muteerere kwavari nguva dzose pavanochema kwamuri.

53 Nokuti makavasarudza pamarudzi ose enyika kuti vave nhaka yenyu, sezvamakataura nokumuranda wenyu Mozisi, imi Jehovha Mwari, pamakabudisa madzibaba edu kubva muIjipiti.”

Soromoni anoropafadza Ungano yaIsraeri

54 Zvino Soromoni akati apedza munyengetero uyu wose nokukumbira uku kuna Jehovha, akasimuka achibva pamberi pearitari yaJehovha, paakanga akapfugama namabvi ake, maoko ake akatambanudzirwa kudenga.

55 Akamira akaropafadza ungano yose yeIsraeri nenzwi guru akati:

56 “Jehovha ngaarumbidzwe, iye akapa zororo kuvanhu vake Israeri sezvaakavimbisa chaizvoizvo. Hapana kana shoko rimwe chete risina kuitika pazvivimbiso zvose zvakanaka zvaakapa nokumuranda wake Mozisi.

57 Jehovha Mwari wedu ngaave nesu sezvaaiva namadzibaba edu; ngaarege kuzotisiya kana kutirasa.

58 Ngaaite kuti mwoyo yedu yose ive yake, kuti tifambe munzira dzake dzose tichichengeta mirayiro, mitemo nezvaakareva izvo zvaakapa madzibaba edu.

59 Zvino mashoko angu aya, andanyengetera pamberi paJehovha, ngaave pedyo naJehovha Mwari wedu masikati nousiku, kuti asimudzire zvinorwirwa nomuranda wake nezvinorwirwa navanhu vake Israeri nezvinenge zvichidiwa zuva nezuva,

60 kuti vanhu vose vapanyika vazive kuti Jehovha ndiMwari, uye kuti hakuna mumwe.

61 Asi mwoyo yenyu inofanira kuva yakapiwa zvachose kuna Jehovha Mwari wedu, kuti murarame nemitemo yake uye muteerere mirayiro yake sezvamuri kuita iye zvino.”

Kukumikidzwa kweTemberi

62 Zvino mambo navaIsraeri vose vakabayira zvibayiro pamberi paJehovha.

63 Soromoni akabayira chibayiro chezvipiriso zvokuwadzana kuna Jehovha; zviuru makumi maviri nezviviri zvemombe nezviuru zana namakumi maviri zvamakwai nembudzi. Saizvozvo mambo navaIsraeri vose vakakumikidza temberi yaJehovha.

64 Musi iwoyo mambo akakumikidza chikamu chapakati chechivanze chaiva pamberi petemberi yaJehovha, uye ndipo paakabayira zvipiriso zvinopiswa, zvipiriso zvezviyo, namafuta ezvipiriso zvokuwadzana nokuti aritari yendarira yaiva pamberi paJehovha yakanga yakanyanya kuita duku kuti ikwane zvipiriso zvinopiswa, zvipiriso zvezviyo, namafuta ezvipiriso zvokuwadzana.

65 Saka Soromoni akaita mutambo uyu panguva iyoyo, neIsraeri yose pamwe chete naye, ungano huru kwazvo, vanhu vachibva kuRebho Hamati vachisvika kuWadhi yeIjipiti. Vakaupemberera pamberi paJehovha Mwari wedu kwamazuva manomwe namamwe manomwe pamusoro, mazuva gumi namana pamwe chete.

66 Pazuva rakatevera akaita kuti vanhu vaende. Vanhu vakaropafadza mambo vakaenda kumisha yavo vane rufaro mumwoyo mavo nokuda kwezvinhu zvakanaka zvose Jehovha zvaakanga aitira muranda wake Dhavhidhi navanhu vake Israeri.

Categories
1 Madzimambo

1 Madzimambo 9

Jehovha anozviratidza kuna Soromoni

1 Zvino Soromoni akati apedza kuvaka temberi yaJehovha nomuzinda wamambo nezvose zvaaida kuvaka,

2 Jehovha akazviratidza kwaari kechipiri, sezvaakazviratidza kwaari paGibheoni.

3 Jehovha akati kwaari:

“Ndanzwa munyengetero wako nechikumbiro chako chawaita pamberi pangu; temberi iyi yawavaka ndaiita tsvene, nokuisa Zita rangu mairi nokusingaperi. Meso angu nomwoyo wangu zvichavamo nguva dzose.

4 “Zvino iwe, kana ukafamba pamberi pangu nomwoyo wakanaka nokururama, sezvakaitwa naDhavhidhi baba vako, uye ukaita zvose zvandinorayira uye ukatevera mitemo nemirayiro yangu,

5 ndichasimbisa chigaro chako choushe pamusoro peIsraeri nokusingaperi sezvandakavimbisa Dhavhidhi baba vako pandakati, ‘Hapangashayikwi munhu anokutevera pachigaro choushe chaIsraeri.’

6 “Asi kana mukarega kunditevera, imi kana vana venyu, uye mukarega kuchengeta mirayiro yangu nemitemo yangu yandakaisa pamberi penyu, asi mukaenda kundoshumira vamwe vamwari uye mukavanamata,

7 ipapo ndichaparadza Israeri panyika yandakavapa ndigofuratira temberi iyi yandaita tsvene nokuda kweZita rangu. Ipapo Israeri ichazova chirevo nechiseko pakati pamarudzi ose avanhu.

8 Kunyange zvazvo temberi iyi ichishamisa kwazvo iye zvino, avo vachazopfuura napairi vachazoshamiswa vagoshora vachiti, ‘Jehovha aitirei chinhu chakadai kunyika iyi nokutemberi iyi?’

9 Vanhu vachapindura vachiti, ‘Nokuti vakasiya Jehovha Mwari wavo akabudisa madzibaba avo muIjipiti, uye vakanamatira vamwe vamwari, vachivanamata nokuvashandira, ndokusaka Jehovha akauyisa dambudziko guru rakadai pavari.’ ”

Zvimwe Zvakaitwa naSoromoni

10 Makore makumi maviri akati apera, panguva yakavakwa dzimba idzi mbiri naSoromoni, temberi yaJehovha nomuzinda wamambo,

11 Mambo Soromoni akapa Hiramu mambo weTire maguta makumi maviri muGarirea, nokuti Hiramu akanga amupa misidhari, misipuresi negoridhe, zvose zvaaida.

12 Asi Hiramu paakabva kuTire akaenda kundoona maguta aya aakanga apiwa naSoromoni, haana kufadzwa nawo.

13 Akabvunza akati, “Maguta erudzii aya awandipa, hama yangu?” Naizvozvo akaatumidza zita rokuti Nyika yeKabhuru, rinova ndiro zita rawo nanhasi.

14 Zvino Hiramu akanga atumira mambo matarenda zana namakumi maviriegoridhe.

15 Heino nhoroondo yechibharo chakashandiswa naMambo Soromoni pakuvaka temberi yaJehovha, muzinda wake, Miro, rusvingo rweJerusarema neHazori, Megidho neGezeri.

16 Faro mambo weIjipiti akanga arwisa uye akatora Gezeri. Akanga aripisa nomoto. Akauraya vaKenani vaigara mariri akaripa kumwanasikana wake, mukadzi waSoromoni sechipo pakuwanikwa kwake.

17 Uye Soromoni akavaka Gezeri patsva. Akavaka Bheti Horoni yeZasi,

18 Bhaarati, neTadhimori murenje, munyika imomo,

19 pamwe chete namaguta ake ose amatura, namaguta engoro dzake namabhiza ake, zvose zvaakada kuvaka muJerusarema, muRebhanoni nomunyika yose yaaitonga.

20 Vanhu vose vakanga vasara pavaAmori, vaHiti, vaPerizi, vaHivhi navaJebhusi (vanhu ava vakanga vasiri vaIsraeri),

21 vana vavo vakanga vasara munyika, vasina kugona kuparadzwa zvachose navaIsraeri, ivava Soromoni akavaunganidza kuti vashande savaranda vake, sezvazviri kusvikira nhasi.

22 Asi Soromoni haana kuita varanda pakati pavaIsraeri; ndivo vaiva mauto ake, makurukota ake ehurumende, machinda ake, vatungamiri vake vamauto, varayiri vezvengoro navachairi vengoro.

23 Ndivozve vaiva machinda makuru aiona nezvamabasa aiitwa naSoromoni, vatariri mazana mashanu namakumi mashanu vaitungamirira vanhu vaiita basa.

24 Mushure mokunge mwanasikana waFaro abva kuGuta raDhavhidhi akauya kumuzinda wake waakanga avakirwa naSoromoni, Soromoni akavaka Miro.

25 Katatu pagore Soromoni akabayira zvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvokuyananisa paaritari yaakanga avakira Jehovha, akapisa zvinonhuhwira pamwe chete nazvo pamberi paJehovha. Saizvozvo akapedza nezvetemberi.

26 Mambo Soromoni akavakawo zvikepe paEzioni Gebheri, iri pedyo neEroti muEdhomu, pamahombekombe eGungwa Dzvuku.

27 Uye Hiramu akatuma varanda vake, vafambisi vezvikepe vaiziva gungwa kuti vazoshandisa zvikepe pamwe chete navaranda vaSoromoni.

28 Vakaenda kuOfiri, vakandodzokako namazana mana namakumi maviri amatarendaegoridhe, ayo avakandopa Mambo Soromoni.

Categories
1 Madzimambo

1 Madzimambo 10

Mambokadzi weShebha anoshanyira Soromoni

1 Zvino mambokadzi weShebha akati anzwa nezvomukurumbira waSoromoni noukama hwake nezita raJehovha, akauya kuzomuedza nemibvunzo yakaoma.

2 Akasvika paJerusarema navanhu vakawanda, nengamera dzakanga dzakatakura zvinonhuhwira, goridhe rakawanda kwazvo, namatombo anokosha, akauya kuna Soromoni akataura naye pamusoro pezvose zvaiva mupfungwa dzake.

3 Soromoni akapindura mibvunzo yake yose; hapana chakanga chakanyanya kuomera mambo kuti amutsanangurire.

4 Mambokadzi weShebha akati aona uchenjeri hwose hwaSoromoni nomuzinda waakanga avaka,

5 zvokudya zvaiva patafura yake, urongwa hwokugara kwamachinda ake, varanda vake vaimushandira nezvipfeko zvavo, vadiri vake, nezvipiriso zvinopiswa zvaaiita patemberi yaJehovha, akapererwa.

6 Akati kuna mambo, “Zvose zvandakanzwa munyika mangu pamusoro pamabasa enyu nouchenjeri hwenyu zvaiva zvechokwadi.

7 Asi handina kutenda zvinhu izvi kusvikira ndauya ndikazviona nameso angu chaiwo. Zvechokwadi, zvandakaudzwa hazvisviki pahafu yezviripo; muuchenjeri nomuupfumi mapfuura zvose zvandakanzwa.

8 Vanhu venyu vanofanira kuva vanofara sei! Machinda enyu anofara sei, ivo vanomira pamberi penyu nguva dzose nokunzwa uchenjeri hwenyu!

9 Jehovha Mwari wenyu ngaarumbidzwe, iye akafadzwa nemi akakuisai pachigaro choushe chaIsraeri. Jehovha akada Israeri nokusingaperi, nokuda kwaizvozvo akuitai mambo kuti muchengetedze kururamisira noutsvene.”

10 Akapa mambo matarenda zana namakumi maviriegoridhe, zvinonhuhwira kwazvo, namatombo anokosha. Hapana mumwe akazouya nezvinonhuhwira zvakawanda sezvakauyiwa nazvo namambokadzi weShebha kuna Mambo Soromoni.

11 Zvikepe zvaHiramu zvakauya negoridhe kubva kuOfiri; uyewo zvakauya nemiti yemiarumugi namatombo anokosha kubva ikoko.

12 Mambo akashandisa miarumugi iyi kuita mbiru dzetemberi yaJehovha, nedzomuzinda wamambo, uye kugadzira mbira nemitengeranwa zvaishandiswa navaimbi. Miti yemiarumugi yakawanda kudai haina kuzombouyiswa munyika zvakare kana kuonekwa zvakare kubvira musi iwoyo.

13 Mambo Soromoni akapa mambokadzi weShebha zvaaida nezvaakakumbira, pamusoro pezvaakamupa zvaibva papfuma yake youmambo. Ipapo akabva asimuka navaranda vake akadzokera kunyika yake.

Pfuma yaSoromoni nembiri yake

14 Uremu hwegoridhe raitambirwa naSoromoni gore negore hwaisvika matarenda mazana matanhatu namakumi matanhatu namatanhatu,

15 pasingaverengerwi mari yomutero yairipiswa vatengesi vakuru navatengesi vadiki, namadzimambo ose eArabhia navabati venyika.

16 Mambo Soromoni akaita mazana maviri enhoo huru dzegoridhe rakarohwa nenyundo; nhoo imwe neimwe yaiva yakagadzirwa namazana matanhatu amashekeriegoridhe.

17 Akaitawo mazana matatu enhoo diki dzegoridhe rakarohwa nenyundo, nhoo imwe neimwe yakagadzirwa nemamina matatuegoridhe. Mambo akadziisa muMuzinda weSango reRebhanoni.

18 Mambo akaitawo chigaro chikuru choushe chenyanga dzenzou akachifukidza negoridhe rakanakisisa.

19 Chigaro ichi chaiva namatanhiko matanhatu, uye musoro wechigaro wakanga uri wedenderedzwa shure kwacho. Kumativi maviri echigaro kwaiva nezvitsigiro zvamaoko zviviri, uye shumba mbiri dzakanga dzakamira pamativi ezvitsigiro zviviri izvi.

20 Shumba gumi nembiri dzakanga dzakamira pamatanhiko matanhatu, imwe chete kwaiperera danhiko rimwe nerimwe. Hakuna zvakadai zvakanga zvamboitirwa humwe umambo.

21 Midziyo yose yaMambo Soromoni yokunwira yaiva yegoridhe rakanakisisa. Hapana chakanga chakagadzirwa nesirivha, nokuti sirivha yakanga isingakoshi zvikuru mumazuva aSoromoni.

22 Mambo aiva nechitsama chezvikepe zveTashishi pagungwa izvo zvaiva pamwe chete nezvikepe zvaHiramu. Zvikepe zveTashishi izvi zvaiuya kamwe chete mumakore matatu zviine goridhe, sirivha, nyanga dzenzou, mapikoko namakudo.

23 Mambo Soromoni aikunda mamwe madzimambo ose panyika paupfumi napauchenjeri.

24 Nyika yose yakada kuzosangana naSoromoni kuti inzwe uchenjeri hwakanga waiswa mumwoyo make naMwari.

25 Gore negore munhu wose aiuya nechipo, zvinhu zvakagadzirwa nesirivha nezvegoridhe, mbatya, zvombo nezvinonhuhwira, namabhiza namanyurusi.

26 Soromoni akaunganidza ngoro namabhiza; akanga ane ngoro dzinokwana chiuru namazana mana namabhiza anokwana zviuru gumi nezviviri, zvaaichengeta kumaguta engoro nomuJerusarema maaivawo.

27 Mambo akaita kuti sirivha iwanikwe pose pose samatombo muJerusarema uye misidhari yakawanda kunge mionde yomuzasi mamakomo.

28 Mabhiza aSoromoni aitengwa kuIjipiti nokuKuwe vatengesi vamambo vainoatengera kuKuwe.

29 Vakatenga imwe ngoro kuIjipiti namashekeri esirivha mazana matanhatu, rimwe bhiza rikaita zana namakumi mashanu. Vaitengeserawo kumadzimambo avaHiti navaAramu.