Categories
1 Madzimambo

1 Madzimambo 11

Vakadzi vaSoromoni

1 Zvisinei, Mambo Soromoni akada vakadzi vazhinji vamamwe marudzi pamwe chete nomwanasikana waFaro, wechiMoabhu, vechiAmoni, vechiEdhomu, vechiSidhoni nevechiHiti.

2 Vaiva vamarudzi ayo akanga anzi naJehovha kuvana vaIsraeri, “Musaroorerane navo nokuti vachapindura mwoyo yenyu ikatevera vamwari vavo.” Zvakadaro, Soromoni akanamatira kwavari murudo.

3 Aiva navakadzi mazana manomwe, vanasikana vamadzimambo, navamwe varongo mazana matatu; vakadzi vake vakatsausa mwoyo wake.

4 Zvino Soromoni akati akwegura, vakadzi vake vakatsausa mwoyo wake akatevera vamwe vamwari, uye mwoyo wake wakanga usina kuzvipira zvizere kuna Jehovha Mwari wake, sezvakanga zvakaita mwoyo waDhavhidhi baba vake.

5 Akatevera Ashitoreti, mwarikadzi wavaSidhoni, naMoreki mwari anonyangadza wavaAmoni.

6 Saka Soromoni akaita zvakaipa pamberi paJehovha; haana kutevera Jehovha zvizere sezvakanga zvaitwa naDhavhidhi baba vake.

7 Pagomo riri kumabvazuva kweJerusarema, Soromoni akavakira Kemoshi, mwari anonyangadza wavaMoabhu nzvimbo yakakwirira, akavakirawo Moreki, mwari anonyangadza wavaAmoni.

8 Akaitira vakadzi vake vose vaibva kuna mamwe marudzi zvimwe chetezvo, ivo vaipisa zvinonhuhwira nokubayira zvibayiro kuna vamwari vavo.

9 Jehovha akatsamwira Soromoni nokuti mwoyo wake wakanga watsauka kubva kuna Jehovha, Mwari waIsraeri, uyo akanga azviratidza kwaari kaviri.

10 Kunyange akanga adzivisa Soromoni kutevera vamwe vamwari, Soromoni haana kuchengeta murayiro waJehovha.

11 Saka Jehovha akati kuna Soromoni, “Sezvo aya ari iwo mafungiro ako uye usina kuchengeta sungano yangu nemitemo yangu yandakakurayira, zvirokwazvo ndichabvarura umambo uhu ndichihubvisa kwauri ndigohupa kuno mumwe wavaranda vako.

12 Zvisinei, nokuda kwaDhavhidhi baba vako, handisi kuzozviita uchiri mupenyu. Ndichahubvisa kubva muruoko rwomwanakomana wako.

13 Zvakadaro hazvo, handizobvisi umambo hwose, kubva kwaari, asi ndichamupa rudzi rumwe chete nokuda kwaDhavhidhi muranda wangu uye nokuda kweJerusarema, randakasarudza.”

Vavengi vaSoromoni

14 Ipapo Jehovha akamutsa Hadhadhi muEdhomu, weimba youmambo yeEdhomu kuti arwise Soromoni.

15 Dhavhidhi panguva yaakanga achirwa neEdhomu, Joabhu, mutungamiri wehondo, uyo akanga aenda kundoviga vakanga vafa, akauraya varume vose muEdhomu.

16 Joabhu navaIsraeri vose vakagarako kwemwedzi mitanhatu, kusvikira vauraya varume vose muEdhomu.

17 Asi Hadhadhi, uyo akanga achiri mukomana, akatizira kuIjipiti namamwe machinda echiEdhomu aimboshandira baba vake.

18 Vakasimuka vachibva kuMidhiani vakaenda kuParani. Ipapo vakatora vamwe varume vokuParani vakaenda pamwe chete kuIjipiti, kuna mambo Faro weIjipiti, uyo akapa Hadhadhi imba nomunda, akamupawo zvokudya.

19 Faro akafadzwa naHadhadhi zvokuti akamupa muramu wake, mununʼuna wavahosi vake Tapenesi, kuti ave mukadzi wake.

20 Mununʼuna waTapenesi uyu akamuberekera mwanakomana anonzi Genubhati, akakurira mumuzinda wamambo. Imomo, Genubhati akagara pamwe chete navana vaFaro.

21 Ari muIjipiti, Hadhadhi akanzwa kuti Dhavhidhi akanga azorora namadzibaba ake uye kuti Joabhu mutungamiri wehondo akanga afawo. Ipapo Hadhadhi akati kuna Faro, “Chindiregai ndiende hangu, ndidzokere kunyika yangu.”

22 Faro akamubvunza akati, “Washayeiko kuno zvowoda kudzokera kunyika yako?”

Hadhadhi akapindura akati, “Hapana, asi regai ndiende zvangu!”

23 Mwari akamutsira Soromoni mumwe muvengi, Rezoni, mwanakomana waEriadha, akanga atiza kubva kuna tenzi wake Hadhadhezeri mambo weZobha.

24 Akazviunganidzira varume akabva ava mutungamiri wechikwata chavapanduki panguva yakaparadzwa mauto okuZobha naDhavhidhi; vapanduki ava vakaenda kuDhamasiko, kwavakagara uye vakatonga.

25 Rezoni akava muvengi weIsraeri kwoupenyu hwaSoromoni hwose, akapamhidzira padambudziko raikonzerwa naHadhadhi. Rezoni akatonga muAramu uye akanga achivenga Israeri.

Jerobhoamu anopandukira Soromoni

26 Jerobhoamu mwanakomana waNebhati akapandukirawo mambo. Aiva mumwe wamachinda aSoromoni, ari worudzi rwaEfuremu wokuZaredha, uye mai vake vainzi Zeruya vari chirikadzi.

27 Heino nhoroondo yokupandukira mambo kwaakaita: Soromoni akavaka Miro, akagadzira pakanga paputsika murusvingo rweguta rababa vake Dhavhidhi.

28 Zvino Jerobhoamu aiva murume wesimba noumhare, uye Soromoni akaona kuti jaya iri raishanda kwazvo akabva amuita mutariri wavashandi vose veimba yaJosefa.

29 Zvino panguva iyoyo Jerobhoamu akati achibva muJerusarema, Ahija muprofita wokuShiro akasangana naye panzira, akapfeka jasi idzva nomucheka. Vaviri ava vaiva voga kusango,

30 ipapo Ahija akatora jasi idzva romucheka raakanga akapfeka akaribvarura-bvarura kuita zvipenga gumi nezviviri.

31 Ipapo akati kuna Jerobhoamu, “Zvitorere zvipenga gumi, nokuti zvanzi naJehovha, Mwari waIsraeri, ‘Tarira, ndichabvarura umambo kubva muruoko rwaSoromoni ndigokupa marudzi gumi.

32 Asi nokuda kwomuranda wangu Dhavhidhi neguta reJerusarema, randakasarudza kubva pamarudzi ose aIsraeri, achava norudzi rumwe chete.

33 Ndichaita izvi nokuti vakandirasa vakanamata Ashitoreti, mwarikadzi wavaSidhoni, Kemoshi, mwari wavaMoabhu, naMoreki, mwari wavaAmoni, uye havana kufamba munzira dzangu, kana kuita zvakarurama pamberi pangu, kana kuchengeta mitemo yangu nemirayiro yangu sezvakaitwa naDhavhidhi, baba vaSoromoni.

34 “ ‘Asi handizobvisi umambo hwose kubva muruoko rwaSoromoni; ndamuita mutongi mazuva ose oupenyu hwake nokuda kwaDhavhidhi muranda wangu, wandakasarudza, akachengeta mirayiro yangu nemitemo yangu.

35 Ndichatora umambo kubva mumaoko omwanakomana wake ndigokupa marudzi gumi.

36 Ndichapa mwanakomana wake rudzi rumwe chete kuitira kuti Dhavhidhi muranda wangu arambe ane mwenje nguva dzose pamberi pangu muJerusarema, guta randakasarudza kuisa Zita rangu.

37 Zvisinei, kana uri iwe, ndichakutora, uye uchatonga pamusoro pezvose zvinodiwa nomwoyo wako; uchava mambo weIsraeri.

38 Kana ukaita chipi nechipi chandicharayira uye ukafamba munzira dzangu ukaita zvakarurama pamberi pangu uye ukachengeta mitemo nemirayiro yangu, sezvakaita Dhavhidhi muranda wangu, ndichava newe. Ndichakuvakira imba seyandakavakira Dhavhidhi uye ndichakupa Israeri.

39 Ndichatambudza vana vaDhavhidhi nokuda kwenyaya iyi, asi kwete nokusingaperi.’ ”

40 Soromoni akaedza kuuraya Jerobhoamu, asi Jerobhoamu akatizira kuIjipiti, kuna mambo Shishaki, akagarako kusvikira Soromoni afa.

Kufa kwaSoromoni

41 Zvino mamwe mabasa aSoromoni, nezvose zvaakaita nouchenjeri hwake, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzegore negore dzaSoromoni?

42 Soromoni akatonga Israeri yose muJerusarema kwamakore makumi mana.

43 Ipapo akazorora namadzibaba ake akavigwa muguta raDhavhidhi baba vake. Ipapo Rehobhoamu mwanakomana wake akamutevera paumambo.

Categories
1 Madzimambo

1 Madzimambo 12

Israeri inopandukira Rehobhoamu

1 Rehobhoamu akaenda kuShekemu, nokuti vaIsraeri vose vakanga vaendako kundomuita mambo.

2 Zvino Jerobhoamu, mwanakomana waNebhati, akati azvinzwa (akanga achiri kuIjipiti, kwaakanga aenda akatiza Mambo Soromoni) akadzoka kubva kuIjipiti.

3 Vakatuma nhume kundodana Jerobhoamu, iye neungano yose yeIsraeri vakaenda kuna Rehobhoamu vakati kwaari,

4 “Baba venyu vakaisa joko rinorema pamusoro pedu, asi zvino chitirerutsirai basa rakaoma iri nomutoro unorema uyu wavakaisa pamusoro pedu, isu tigokushandirai.”

5 Rehobhoamu akapindura akati, “Chimboendai kwamazuva matatu mugodzoka kwandiri.” Saka vanhu vakaenda.

6 Ipapo Mambo Rehobhoamu akabvunza vakuru vakambenge vachishandira baba vake Soromoni vachiri vapenyu. Akati, “Mungandipa zano ripiko randingapindura naro vanhu ava?”

7 Vakapindura vakati, “Kana nhasi mukava muranda wavanhu ava mukavashandira nokuvapa mhinduro inofadza, vachazova varanda venyu nguva dzose.”

8 Asi Rehobhoamu akaramba zano raakanga apiwa navakuru akandobvunza majaya ezera rake aakanga akura nawo, avo vakanga vava kumushandira.

9 Akavabvunza akati, “Mungandipa zano ripiko? Tingavapindure seiko vanhu ava vanoti kwandiri, ‘Tirerutsirei joko rakaiswa pamusoro pedu nababa venyu?’ ”

10 Majaya aakanga akura nawo akapindura akati, “Udzai vanhu ava vati kwamuri, ‘Baba venyu vakaisa joko rinorema pamusoro pedu, asi imi chitirerutsirai joko redu’ vaudzei kuti, ‘Munwe wangu muduku, mukobvu kupfuura chiuno chababa vangu.

11 Baba vangu vakaisa joko rinorema pamusoro penyu; ini ndichaita kuti rireme kupfuura zvariri. Baba vangu vakakurovai nezvamboko; ini ndichakurovai nezvinyavada.’ ”

12 Mushure mamazuva matatu Jerobhoamu navanhu vose vakadzoka kuna Rehobhoamu, sezvo mambo akanga ati, “Mudzoke kwandiri mumazuva matatu.”

13 Mambo akapindura vanhu nehasha. Akarasa zano raakanga apiwa navakuru,

14 akatevera zano ramajaya akati, “Baba vangu vakaita kuti mutoro wenyu ureme kwazvo; ini ndichaita kuti ureme kupfuura ipapo. Baba vangu vakakurovai nezvamboko; ini ndichakurovai nezvinyavada.”

15 Naizvozvo mambo haana kuteerera vanhu, nokuti zvakaitika izvi zvakanga zvabva kuna Jehovha, kuti shoko raJehovha raakanga ataura kuna Jerobhoamu mwanakomana waNebhati kubudikidza naAhija muShiro rizadziswe.

16 Zvino vaIsraeri vose pavakaona kuti mambo akanga aramba kuvateerera, vakapindura mambo vakati:

“Tino mugove weiko muna Dhavhidhi,

nhaka yedu ndeipiko mumwanakomana waJese?

Kumatende enyu, imi vaIsraeri!

Iwe Dhavhidhi, chizvichengetera imba yako!”

Saka vaIsraeri vakaenda kumisha yavo.

17 Asi vaIsraeri vaigara mumaguta eJudha, Rehobhoamu akaramba achivatonga.

18 Mambo Rehobhoamu akatuma Adhoniramu, aiva mutariri wezvechibharo, asi vaIsraeri vose vakamutaka namabwe akafa. Zvisinei, Mambo Rehobhoamu akakwanisa kupinda mungoro yake akatizira kuJerusarema.

19 Saka Israeri yakapandukira imba yaDhavhidhi kusvikira nhasi.

20 VaIsraeri vose pavakanzwa kuti Rehobhoamu akanga adzoka, vakatuma nhume kuti auye kwakanga kwakaungana vanhu, vakabva vamuita mambo weIsraeri yose. Rudzi rwaJudha chete ndirwo rwakaramba ruchishandira imba yaDhavhidhi.

21 Rehobhoamu paakasvika muJerusarema, akaunganidza imba yose yaJudha norudzi rwaBhenjamini, varume vehondo vaikwana zviuru zana namakumi masere, kuti varwe neimba yaIsraeri kuti vadzosere umambo kuna Rehobhoamu mwanakomana waSoromoni.

22 Asi shoko raMwari rakasvika kuna Shemaya munhu waMwari richiti,

23 “Uti kuna Rehobhoamu, mwanakomana waSoromoni, mambo weJudha, nokuimba yose yaJudha neyaBhenjamini, nokuvamwe vanhu vose,

24 ‘Zvanzi naJehovha: Musakwidza kumusoro kundorwa nehama dzenyu, vaIsraeri. Endai kumisha yenyu mumwe nomumwe wenyu, nokuti ndini ndaita izvi.’ ” Naizvozvo vakateerera shoko raJehovha vakaenda kumisha yavo zvakare, sezvakanga zvarayirwa naJehovha.

Zvimhuru zvegoridhe paBheteri nepaDhani

25 Ipapo Jerobhoamu akavaka Shekemu munyika yamakomo yaEfuremu akagarako. Achibvako akaenda akandovaka Penueri.

26 Jerobhoamu akafunga akati, “Zvino umambo huchagona kudzokera kuimba yaDhavhidhi.

27 Kana vanhu ava vakakwidza kumusoro kundobayira zvibayiro kutemberi yaJehovha muJerusarema, vachazozvipira zvakare kuna ishe wavo, Rehobhoamu. Vachandiuraya vagodzokera kuna Mambo Rehobhoamu.”

28 Mushure mokubvunza vamwe, mambo akaumba zvimhuru zvegoridhe zviviri. Akati kuvanhu, “Zviri kukuremerai kukwidza kumusoro kuJerusarema. VaIsraeri, ava ndivo vamwari venyu vakakubudisai kubva muIjipiti.”

29 Akaisa imwe paBheteri, neimwe paDhani.

30 Zvino chinhu ichi chakava chivi; vanhu vaifamba zvokutosvika kuDhani kundonamata chaiva ikoko.

31 Jerobhoamu akavaka dzimba panzvimbo dzakakwirira akatora vanhu vose vose akavaita vaprista, kunyange vaisava vaRevhi.

32 Akatangisa mutambo wezuva regumi namashanu romwedzi worusere, wakafanana nomutambo wokuJudha, akabayira zvibayiro paaritari. Izvi akazviita muBheteri, akabayira kumhuru dzaakanga agadzira, uye paBheteri akagadzawo vaprista panzvimbo dzakakwirira dzaakanga aita.

33 Nomusi wegumi neshanu womwedzi worusere, mwedzi waakanga angosarudzawo, akabayira zvibayiro paaritari yaakanga avaka paBheteri. Saizvozvo akatangisa mutambo wavaIsraeri akaenda kuaritari kundopisa zvinonhuhwira.

Categories
1 Madzimambo

1 Madzimambo 13

Munhu waMwari aibva kuJudha

1 Nokuda kweshoko raJehovha munhu waMwari akabva kuJudha akauya kuBheteri, Jerobhoamu paakanga akamira pedyo nearitari ava kupirisa zvinonhuhwira.

2 Akadanidzira kuaritari akati, “Iwe aritari, aritari! Zvanzi naJehovha: ‘Mwanakomana anonzi Josia achaberekwa muimba yaDhavhidhi. Vaprista vamatunhu akakwirira vari kupisira zvinonhuhwira pano zvino, achavabayira pamusoro pako, uye mapfupa avanhu achapiswa pamusoro pako.’ ”

3 Musi mumwe chete iwoyo munhu waMwari akapa chiratidzo akati, “Ichi ndicho chiratidzo chataurwa naJehovha: Aritari ichatsemuka uye madota ari pamusoro payo acharasirwa pasi.”

4 Zvino Mambo Jerobhoamu paakanzwa zvakanga zvadanidzirwa nomunhu waMwari kuaritari paBheteri, akatambanudza ruoko rwake ruchibva kuaritari akati, “Mubatei!” Asi ruoko rwaakatambanudzira kumurume uyu rwakaoma, zvokuti akatadza kurudzosa zvakare.

5 Aritariwo yakatsemuka uye madota ayo akarasikira pasi zvichienderana nechiratidzo chakanga chapiwa nomunhu waMwari nokuda kweshoko raJehovha.

6 Ipapo mambo akati kumunhu waMwari, “Ndinamatirewo kuna Jehovha Mwari wako uchindinamatira kuti ruoko rwangu ruporeswe.” Naizvozvo munhu waMwari akamunamatira kuna Jehovha ruoko rwamambo rukaporeswa rukaita sezvarwakanga rwakaita pakutanga.

7 Mambo akati kumunhu waMwari, “Handei kumba kwangu undowana zvaungadya, uye ndichakupa chipo.”

8 Asi munhu waMwari akapindura mambo akati, “Kunyange maindipa hafu yezvose zvamunazvo, handaimboenda nemi, uye handaimbodya chingwa kana kunwa mvura kuno.

9 Nokuti ndakarayirwa neshoko raJehovha kuti, ‘Haufaniri kudya chingwa kana kunwa mvura kana kudzoka nenzira yawabva nayo.’ ”

10 Saka akaenda neimwe nzira, haana kudzokera nenzira yaakanga auya nayo kuBheteri.

11 Zvino paiva nomumwe muprofita akanga ava harahwa aigara muBheteri, vana vake vakauya vakamuudza zvose zvakanga zvaitwa nomunhu waMwari musi iwoyo muBheteri. Vakaudzawo baba vavo zvaakanga ataura kuna mambo.

12 Baba vavo vakavabvunza kuti, “Aenda nenzira ipiko?” Zvino vana vake vakamuratidza nzira yakanga yaendwa nayo nomunhu waMwari aibva kuJudha.

13 Saka akati kuvana vake, “Ndisungirirei chigaro pambongoro.” Zvino vakati vamusungirira chigaro pambongoro, akaitasva.

14 Akatevera munhu waMwari. Akamuwana agere pasi pomuti womuouki akamubvunza akati, “Ndiwe here munhu waMwari akabva kuJudha?”

Akapindura akati, “Ndini.”

15 Ipapo muprofita akati kwaari, “Handei kumba kwangu undodya.”

16 Munhu waMwari akati, “Handigoni kudzoka nemi, zvakare handigoni kudya chingwa kana kunwa mvura nemi panzvimbo ino.

17 Ndakaudzwa neshoko raJehovha kuti, ‘Haufaniri kudya chingwa kana kunwa mvura ikoko kana kudzoka nenzira yaunenge wauya nayo.’ ”

18 Muprofita akanga ava harahwa akapindura akati, “Neniwo ndiri muprofita sezvawakaita. Zvino mutumwa ati kwandiri neshoko raJehovha, ‘Dzoka naye kumba kwako kuitira kuti adye chingwa uye anwe mvura.’ ” Asi akanga achimunyepera.

19 Saka munhu waMwari akadzokera naye akandodya uye akanwa mumba make.

20 Zvavakanga vachakagara patafura, shoko raJehovha rakauya kumuprofita akanga ava harahwa, uyo akanga amudzosa.

21 Akadanidzira kumunhu waMwari akanga abva kuJudha akati, “Zvanzi naJehovha: ‘Hauna kuteerera shoko raJehovha uye hauna kuchengeta murayiro wawakapiwa naJehovha Mwari wako.

22 Wadzoka ukadya chingwa uye ukanwa mvura munzvimbo yaakakuudza kuti usadya kana kunwa. Naizvozvo mutumbi wako hausi kuzovigwa muguva ramadzibaba ako.’ ”

23 Munhu waMwari paakapedza kudya nokunwa, muprofita akanga amudzosa akamusungirira chigaro pambongoro.

24 Akati ava munzira, shumba yakasangana naye panzira, ikamuuraya, mutumbi wake ukakandwa munzira, mbongoro neshumba zvikamira pauri.

25 Vamwe vanhu vaipfuura nepo vakaona mutumbi uyu wakakandwa panzira, shumba yakamira parutivi pomutumbi, vakaenda vakandozvitaura muguta maigara muprofita uya akanga ava harahwa.

26 Muprofita akanga amudzosa parwendo rwake paakazvinzwa, akati, “Ndiye munhu waMwari asina kuteerera shoko raJehovha. Jehovha amupa kushumba, iyo yamubvambura nokumuuraya, sokumuyambira kwakanga kwaita shoko raJehovha.”

27 Muprofita akati kuvanakomana vake, “Ndisungirirei chigaro pambongoro,” ivo vakaita saizvozvo.

28 Ipapo akaenda akandoona mutumbi wakakandwa panzira, mbongoro neshumba zvakamira parutivi pawo. Shumba yakanga isina kudya mutumbi kana kubvambura mbongoro.

29 Saka muprofita akasimudza mutumbi womunhu waMwari, akauisa pamusoro pembongoro akadzoka nawo kuguta rake kuti andomuchema uye amuvige.

30 Akaisa mutumbi wake muguva rake, vakamuchema vakati, “Yowe-e, hama yangu!”

31 Mushure mokumuviga, akati kuvanakomana vake, “Kana ndafa, mundivige muguva mataviga munhu waMwari; muise mapfupa angu parutivi peake.

32 Nokuti zvaakataura neshoko raJehovha pamusoro pearitari iri muBheteri napamusoro pedzimba dzose dziri panzvimbo dzakakwirira mumaguta eSamaria zvichaitika saizvozvo.”

33 Kunyange shure kwaizvozvi, Jerobhoamu haana kupinduka pamaitiro ake akaipa, asi akasarudzazve vaprista venzvimbo dzakakwirira kubva kuvanhu vakangosiyana-siyana. Munhu wose wose aida kuva muprista aigadzwa kuti ashande panzvimbo dzakakwirira.

34 Ichi ndicho chivi cheimba yaJerobhoamu chakaita kuti iwe uye iparare pamusoro penyika.

Categories
1 Madzimambo

1 Madzimambo 14

Ahija anoprofita nezvokutongwa kwaJerobhoamu

1 Panguva iyoyo Abhija, mwanakomana waJerobhoamu, akarwara,

2 Jerobhoamu akati kumukadzi wake, “Enda undozvivanza, kuti urege kuzivikanwa kuti ndiwe mukadzi waJerobhoamu. Ipapo ugoenda kuShiro. Ahija muprofita ariko ikoko, uya akandiudza kuti ndichava mambo wavanhu ava.

3 Tora zvingwa gumi, makeke negaba rouchi ugoenda nazvo kwaari. Achakuudza zvichaitika kumukomana.”

4 Naizvozvo mukadzi waJerobhoamu akaita sezvaakataura akaenda kumba kwaAhija muShiro.

Zvino Ahija akanga asisaoni; meso ake akanga asisaoni nokuti akanga akwegura.

5 Asi Jehovha akaudza Ahija kuti, “Mukadzi waJerobhoamu ari kuuya kuzokubvunza nezvomwanakomana wake, nokuti ari kurwara. Zvino iwe uchamupa mhinduro yokuti neyokuti. Paachasvika achazviita somumwe munhu.”

6 Zvino Ahija paakanzwa mutsindo wetsoka dzake pamusuo, akati, “Pinda, mukadzi waJerobhoamu. Sei uchizviita somumwe munhu? Ndatumwa kwauri namashoko asina kunaka.

7 Enda undoudza Jerobhoamu kuti izvi ndizvo zvinotaura Jehovha, Mwari waIsraeri: ‘Ndakakusimudza kubva pakati pavanhu ndikakuita mutungamiri wavanhu vangu Israeri.

8 Ndakabvarura umambo kubva muimba yaDhavhidhi ndikahupa kwauri, asi hauna kuva somuranda wangu Dhavhidhi, akachengeta mirayiro yangu uye akanditevera nomwoyo wake wose, akaita zvakanaka chete pamberi pangu.

9 Iwe wakaita zvakaipa kupfuura vose vakararama iwe usati wavapo. Wakazviitira vamwe vamwari, zviumbwa zvakaitwa nesimbi; waita kuti nditsamwe uye ukandirasira shure kwako.

10 “ ‘Nokuda kwezvinhu izvi ndichauyisa dambudziko paimba yaJerobhoamu. Ndichauraya varume vose vaJerobhoamu nhapwa, neakasununguka. Ndichapisa imba yaJerobhoamu sezvinoita munhu anopisa ndove, kusvikira pasisina chinhu.

11 Imbwa dzichadya vose vachafira muguta, uye shiri dzedenga dzichadya avo vachafira kusango. Jehovha ataura!’

12 “Kana uriwe, dzokera kumba. Panotsika tsoka yako muguta rako, mwanakomana achafa.

13 Israeri yose ichamuchema igomuviga. Ndiye oga waJerobhoamu achavigwa, nokuti ndiye oga mumba maJerobhoamu aonekwa naJehovha, Mwari waIsraeri, kuti ane chakanaka maari.

14 “Jehovha achazvimutsira mambo waIsraeri achaparadza mhuri yaJerobhoamu. Nhasi ndiro zuva racho! Hongu, kana iye zvino.

15 Zvino Jehovha acharova Israeri, zvokuti ichaita setsanga iri kuzungunuswa mumvura. Achadzura Israeri kubva munyika yakanaka iyi yaakapa kumadzitateguru avo agovaparadzira mhiri kwoRwizi, nokuti vakaita kuti Jehovha atsamwe nehasha pavakaitira Ashera mapango.

16 Acharamwa Israeri nokuda kwezvivi zvakaitwa naJerobhoamu nezvaakaita kuti Israeri iite.”

17 Ipapo mukadzi waJerobhoamu akasimuka akaenda, akasvika kuTiza. Achingoti tsikei pachikumbaridzo cheimba, mwanakomana akabva afa.

18 Vakamuviga, uye Israeri yose yakamuchema, sezvazvakanga zvarehwa naJehovha kubudikidza nomuranda wake muprofita Ahija.

19 Zvimwe zvakaitika panguva yokutonga kwaJerobhoamu, hondo dzake namatongero ake, zvakanyorwa mubhuku renhoroondo dzegore negore dzamadzimambo eIsraeri.

20 Akatonga kwamakore makumi maviri namaviri akazorora namadzibaba ake. Nadhabhi mwanakomana wake akamutevera paumambo.

Rehobhoamu Mambo weJudha

21 Rehobhoamu mwanakomana waSoromoni akanga ari mambo munyika yeJudha. Akanga ana makore makumi mana nerimwe chete paakava mambo, uye akatonga kwamakore gumi namanomwe muJerusarema, guta rakanga rasarudzwa naJehovha kubva pamarudzi ose aIsraeri kuti aise Zita rake mariri. Zita ramai vake raiva Naama; vaiva muAmoni.

22 VaJudha vakaita zvakaipa pamberi paJehovha. Vakamutsa godo rake, kupfuura zvakaitwa namadzibaba avo, nezvivi zvavakaita.

23 Vakazvivakirawo nzvimbo dzakakwirira, matombo anoera namapango aAshera pazvikomo zvose zvakakwirira napasi pemiti yose mikuru.

24 Kwaivawo navarume vaizviita vakadzi vavamwe varume munyika, vanhu vakaita zvose zvinonyangadza zvaiitwa nendudzi idzo dzakanga dzadzingwa naJehovha pamberi pavaIsraeri.

25 Mugore rechishanu raMambo Rehobhoamu, Shishaki, mambo weIjipiti, akarwisa Jerusarema.

26 Akatora pfuma yose yetemberi yaJehovha nepfuma yose yomuzinda wamambo. Akatora zvinhu zvose, kusanganisira nenhoo dzose dzegoridhe dzakanga dzagadzirwa naSoromoni.

27 Naizvozvo Mambo Rehobhoamu akagadzira nhoo dzendarira kuti dzitore nzvimbo yadzo uye akadzipa kuvatungamiri vavarindi vaichengeta suo romuzinda wamambo.

28 Nguva dzose paienda mambo kutemberi yaJehovha, varindi vaitakura nhoo, mushure mezvo vachizodzidzosera kuimba yavarindi.

29 Zvino mamwe amabasa okutonga kwaRehobhoamu nezvose zvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzegore negore dzamadzimambo eJudha?

30 Rehobhoamu naJerobhoamu vaingogara vachirwisana.

31 Rehobhoamu akazorora namadzibaba ake uye akavigwa pavakanga vakavigwa muguta raDhavhidhi. Zita ramai vake raiva Naama; vaiva muAmoni. Abhija mwanakomana wake akamutevera paumambo.

Categories
1 Madzimambo

1 Madzimambo 15

Abhija Mambo weJudha

1 Mugore regumi namasere roumambo hwaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, Abhija akagadzwa samambo weJudha.

2 Akatonga muJerusarema kwamakore matatu. Zita ramai vake rainzi Maaka mwanasikana waAbhisharomu.

3 Akaita zvivi zvose zvakanga zvaitwa nababa vake asati ava mambo; mwoyo wake wakanga usina kuzvipira zvizere kuna Jehovha Mwari wake sezvakanga zvakaita mwoyo watateguru wake Dhavhidhi.

4 Zvisinei, nokuda kwaDhavhidhi, Jehovha Mwari wake akamupa mwenje muJerusarema nokumutsa mwanakomana kuti amutevere paumambo uye nokusimbisa Jerusarema.

5 Nokuti Dhavhidhi akanga aita zvakanga zvakarurama pamberi paJehovha uye akanga asina kutadza kuchengeta kana ipi zvayo yemirayiro yaJehovha mumazuva ose oupenyu hwake, kunze kwenyaya yaUria muHiti.

6 Paiva nehondo pakati paRehobhoamu naJerobhoamu muupenyu hwose hwaAbhija.

7 Kana zviri zvimwe zvinhu zvakaitika panguva yokutonga kwaAbhija, nazvose zvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzegore negore dzamadzimambo aJudha? Pakati paAbhija naJerobhoamu pakanga pane hondo.

8 Abhija akazorora namadzibaba ake akavigwa muguta raDhavhidhi. Asa, mwanakomana wake, akamutevera paumambo.

Asa Mambo weJudha

9 Mugore ramakumi maviri raJerobhoamu mambo weIsraeri, Asa akava mambo weJudha,

10 uye akatonga muJerusarema kwamakore makumi mana negore rimwe chete. Zita rambuya vake rainzi Maaka, mwanasikana waAbhisharomu.

11 Asa akaita zvakarurama pamberi paJehovha, sezvakanga zvaitwa nababa vake Dhavhidhi.

12 Akabvisa varume vaizviita zvifeve zvavamwe varume panzvimbo dzokupira munyika uye akabvisa zvifananidzo zvose zvakanga zvaitwa namadzibaba ake.

13 Akabvisawo mbuya vake Maaka pachinzvimbo chavo samai vamambo, nokuti vakanga vagadzira danda rinonyangadza raAshera. Asa akatema danda iri akaripisa muMupata weKidhironi.

14 Kunyange asina kubvisa nzvimbo dzakakwirira, mwoyo waAsa wakanga wakazvipira zvizere kuna Jehovha muupenyu hwake hwose.

15 Akauyisa mutemberi yaJehovha sirivha negoridhe nezvinhu zvaakanga akumikidza iye nababa vake.

16 Pakanga pane hondo pakati paAsa naBhaasha, mambo weIsraeri munguva yose yavakanga vachitonga.

17 Bhaasha, mambo weIsraeri, akaenda kundorwa neJudha, akasimbisa Rama kuti adzivise ani naani zvake kubuda kana kupinda munyika yaAsa mambo weJudha.

18 Ipapo Asa akatora sirivha yose negoridhe rose rakanga rasara mumatura epfuma yetemberi yaJehovha nezvose zvaiva mumuzinda wake. Akazvipa kumachinda ake akazvitumira kuna Bheni-Hadhadhi, mwanakomana waTabhirimoni, mwanakomana waHezioni, mambo weAramu, akanga achitonga muDhamasiko.

19 Akati, “Ngatinyoreranei chibvumirano imi neni, sezvazvakanga zvakaita pakati pababa vangu nababa venyu. Tarirai, ndakutumirai chipo chesirivha negoridhe. Zvino imi chiputsai chibvumirano chenyu naBhaasha mambo weIsraeri kuitira kuti abve kuno kwandiri.”

20 Bheni-Hadhadhi akabvumirana naMambo Asa akatumira vatungamiri vamauto ake kuti vandorwisa maguta eIsraeri. Akakunda Ijoni, Dhani, Abheri Bheti Maaka neKinereti yose pamwe chete neNafutari.

21 Bhaasha paakanzwa izvi akaregera kuvaka Rama akadzokera kuTiza.

22 Ipapo Mambo Asa akarayira Judha yose, hapana akasiyiwa, ivo vakatora kubva kuRama matombo namatanda akanga achishandiswa naBhaasha ikoko. Mambo Asa akaashandisa kuvaka Gebha muBhenjamini, neMizipawo.

23 Kana zviri zvimwe zvose zvakaitika panguva yokutonga kwaAsa, zvose zvaakaita, namaguta aakavaka, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzegore negore dzamadzimambo eJudha? Zvisinei, panguva yokukwegura kwake, tsoka dzake dzakabatwa nechirwere.

24 Ipapo Asa akazorora namadzibaba ake akavigwa pamwe chete navo muguta rababa vake Dhavhidhi. Zvino mwanakomana wake Jehoshafati akamutevera paumambo.

Nadhabhi Mambo weIsraeri

25 Nadhabhi, mwanakomana waJerobhoamu akava mambo weIsraeri mugore rechipiri raAsa mambo weJudha, uye akatonga Israeri kwamakore maviri.

26 Akaita zvakaipa pamberi paJehovha, achifamba munzira dzababa vake nomuchivi chavo, icho chaakaita kuti Israeri iite.

27 Bhaasha, mwanakomana waAhija, weimba yaIsakari, akamumukira, akamuuraya paGibhetoni guta romuFiristia, panguva yarakanga rakombwa naNadhabhi navaIsraeri vose.

28 Bhaasha akauraya Nadhabhi mugore rechitatu raAsa, mambo weJudha, uye akamutevera paumambo.

29 Achingoti tangei kutonga, akabva auraya mhuri yose yaJerobhoamu. Haana kusiyira Jerobhoamu mumwe chete achifema, asi akavaparadza vose sezvazvakarehwa naJehovha kubudikidza nomuranda wake Ahija muShiro,

30 nokuda kwezvivi zvakanga zvaitwa naJerobhoamu nezvaakaita kuti Israeri iite, uye nokuti akaita kuti Jehovha, Mwari waIsraeri, atsamwe.

31 Kana zviri zvimwe zvakaitika panguva yokutonga kwaNadhabhi, nezvose zvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzegore negore dzamadzimambo eIsraeri?

32 Pakati paAsa naBhaasha, mambo weIsraeri, pakanga pane hondo panguva yose yokutonga kwavo.

Bhaasha Mambo weIsraeri

33 Mugore rechitatu raAsa mambo weJudha, Bhaasha, mwanakomana waAhija, akava mambo weIsraeri yose muTiza, uye akatonga kwamakore makumi maviri namana.

34 Akaita zvakaipa pamberi paJehovha, achifamba munzira dzaJerobhoamu nomuchivi chake, chaakaita kuti Israeri iite.

Categories
1 Madzimambo

1 Madzimambo 16

1 Zvino shoko raJehovha rakasvika kuna Jehu mwanakomana waHanani richipikisana naBhaasha richiti,

2 “Ndakakusimudza kubva muguruva ndikakuita mutungamiri wavanhu vangu Israeri, asi wakafamba munzira dzaJerobhoamu ukaita kuti vanhu vangu Israeri vaite chivi, nokuita kuti nditsamwe nokuda kwezvivi zvavo.

3 Naizvozvo ndava kuda kuparadza Bhaasha neimba yake, uye ndichaita kuti imba yako ifanane neimba yaJerobhoamu mwanakomana waNebhati.

4 Imbwa dzichadya vose vaBhaasha vachafira muguta, uye shiri dzedenga dzichadya avo vachafira kusango.”

5 Kana zviri zvimwe zvakaitika panguva yokutonga kwaBhaasha, nesimba rake, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzegore negore dzamadzimambo eIsraeri?

6 Bhaasha akazorora namadzibaba ake uye akavigwa muTiza. Zvino Era, mwanakomana wake, akamutevera paumambo.

7 Pamusoro paizvozvo, shoko raJehovha rakauyawo nokumuprofita Jehu mwanakomana waHanani kuna Bhaasha neimba yake, nokuda kwezvakaipa zvose zvaakanga aita pamberi paJehovha achimutsamwisa nezvaakaita, achifanana neimba yaJerobhoamu, uyewo nokuti akaiparadza.

Era Mambo weIsraeri

8 Mugore ramakumi maviri namatanhatu raAsa mambo weJudha, Era, mwanakomana waBhaasha akava mambo weIsraeri, uye akatonga muTiza kwamakore maviri.

9 Zimuri, mumwe wamachinda ake, aitungamirira hafu yengoro dzake, akamumukira. Era akanga ari muTiza panguva iyoyo, achidhakwa zvake pamba paAza, murume aichengeta muzinda wamambo paTiza.

10 Zimuri akapinda, akamubaya akamuuraya, mugore ramakumi maviri namanomwe raAsa, mambo weJudha. Ipapo akabva amutevera paumambo.

11 Paakatanga kutonga, achangogara pachigaro choushe, akauraya mhuri yose yaBhaasha. Haana kusiya murume mumwe chete, hama kana shamwari.

12 Saizvozvo Zimuri akaparadza mhuri yose yaBhaasha, sezvakanga zvarehwa neshoko raJehovha rakataurwa richipikisa Bhaasha nokumuprofita Jehu,

13 nokuda kwezvivi zvose zvakanga zvaitwa naBhaasha nomwanakomana wake Era nezvaakaita kuti Israeri iite, zvokuti vakaita kuti Jehovha, Mwari waIsraeri, atsamwe, nokuda kwezvifananidzo zvavo zvisina maturo.

14 Kana zviri zvimwe zvakaitika panguva yokutonga kwaEra, nezvose zvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzegore negore dzamadzimambo eIsraeri?

Zimuri Mambo weIsraeri

15 Mugore ramakumi maviri namanomwe raAsa, mambo weJudha, Zimuri akatonga muTiza kwamazuva manomwe. Varwi vakanga vakadzika misasa pedyo neGibhetoni, guta ravaFiristia.

16 VaIsraeri vakanga vari kumisasa pavakanzwa kuti Zimuri akanga amukira mambo akamuuraya, vakagadza Omuri mutungamiri wehondo, kuti ave mambo weIsraeri musi iwoyo mumusasa.

17 Zvino Omuri, navaIsraeri vose vaaiva navo, vakabva kuGibhetoni vakauya kuzokomba Tiza.

18 Zimuri paakaona kuti guta rakanga ratorwa, akaenda kunhare yomuzinda wamambo akabva azvipisira mumuzinda. Naizvozvo akafa,

19 nokuda kwezvivi zvaakanga aita, achiita zvakaipa pamberi paJehovha uye achifamba munzira dzaJerobhoamu nomuchivi chaakanga aita, uye nechivi chaakanga aita kuti Israeri iite.

20 Kana zviri zvimwe zvakaitika panguva yokutonga kwaZimuri, nokumukira kwake kwaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzegore negore dzamadzimambo aIsraeri?

Omuri Mambo weIsraeri

21 Ipapo vanhu veIsraeri vakaparadzana vakaita zvikwata zviviri; hafu ikatevera Tibhini, mwanakomana waGinati, kuti ave mambo, uye imwe hafu ikatevera Omuri.

22 Asi vateveri vaOmuri vakakunda vateveri vaTibhini, mwanakomana waGinati. Saka Tibhini akafa, Omuri akava mambo.

23 Mugore ramakumi matatu nerimwe raAsa, mambo weJudha, Omuri akava mambo weIsraeri, uye akatonga kwamakore gumi namaviri, matanhatu acho muTiza.

24 Akatenga gomo reSamaria kubva kuna Shemeri namatarenda maviriesirivha uye akavaka guta pagomo iri, achiritumidza kuti Samaria, zvichibva pana Shemeri, zita rouyo aimbova muridzi wegomo.

25 Asi Omuri akaita zvakaipa pamberi paJehovha, akatadza kupfuura vose vakanga vamutangira.

26 Akafamba munzira dzose dzaJerobhoamu mwanakomana waNebhati nomuchivi chake, chaakaita kuti Israeri iite, zvokuti vakaita kuti Jehovha, Mwari waIsraeri, atsamwe nokuda kwezvifananidzo zvavo zvisina maturo.

27 Kana zviri zvimwe zvakaitika panguva yokutonga kwaOmuri, nezvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzegore negore dzamadzimambo eIsraeri?

28 Omuri akazorora namadzibaba ake akavigwa muSamaria. Uye Ahabhu mwanakomana wake akamutevera paumambo.

Ahabhu anova Mambo weIsraeri

29 Mugore ramakumi matatu namasere raAsa, mambo weJudha, Ahabhu, mwanakomana waOmuri, akava mambo weIsraeri, uye akatonga Israeri muSamaria kwamakore makumi maviri namaviri.

30 Ahabhu, mwanakomana waOmuri, akaita zvakaipa pamberi paJehovha kupfuura vose vakamutangira.

31 Akazviona zviri zvinhu zvidiki kuita zvivi zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, uye pamusoro pezvo akawana Jezebheri mwanasikana waEtibhaari mambo wavaSidhoni, akatanga kushandira Bhaari uye akamunamata.

32 Akavakira Bhaari aritari mutemberi yaBhaari yaakavaka muSamaria.

33 Ahabhu akagadzirawo danda raAshera akaita kuti Jehovha, Mwari waIsraeri, atsamwe kupfuura zvakaita madzimambo akamutangira.

34 Munguva yaAhabhu, Hieri wokuBheteri akavakazve Jeriko. Mwanakomana wake wedangwe, Abhiramu, akafa paakavaka hwaro hweguta, uye mwanakomana wake wegotwe Segubhi akafa paakamisa masuo aro, sezvazvakarehwa neshoko raJehovha naJoshua mwanakomana waNuni.

Categories
1 Madzimambo

1 Madzimambo 17

Eria muTishibhi anopiwa kudya namakunguo

1 Zvino Eria muTishibhi aigara muGireadhi, akati kuna Ahabhu, “NaJehovha, Mwari waIsraeri mupenyu, wandinoshumira, hakuchazova nedova kana mvura inonaya mumakore anotevera kunze kwokutenge ndareva ini.”

2 Ipapo shoko raJehovha rakasvika kuna Eria richiti,

3 “Ibva pano, nanga kumabvazuva undovanda paRukova rweKeriti, kumabvazuva kweJorodhani.

4 Uchanwa mvura yorukova urwu, uye ndarayira makunguo kuti akupe zvokudya ikoko.”

5 Saka akaita zvaakanga audzwa naJehovha. Akaenda kuRukova rweKeriti, kumabvazuva kweJorodhani, akagarako.

6 Makunguo akamuvigira chingwa nenyama mangwanani, nechingwa nenyama manheru, uye akanwa mvura murukova.

Chirikadzi yaigara paZarefati

7 Mushure menguva yakati, rukova rwakapwa nokuti mvura yakanga isinganayi panyika.

8 Zvino shoko raJehovha rakauya kwaari richiti,

9 “Simuka izvozvi uende kuZarefati kunyika yeSidhoni undogarako. Ndarayira chirikadzi iri munzvimbo iyoyo kuti ikupe zvokudya.”

10 Naizvozvo akaenda kuZarefati. Paakasvika pasuo reguta, chirikadzi yakanga iripo ichitsvaga huni. Akamudana akamubvunza akati, “Mungandivigirawo mvura shoma shoma mumukombe here kuti ndinwe?”

11 Paakanga ava kuenda kundoitora, iye akadanidzira akati, “Mundivigirewo chimedu chechingwa, ndapota.”

12 Iye akapindura akati, “Zvirokwazvo naJehovha Mwari wenyu mupenyu, handina chingwa. Ndinongova netufurawu tushoma shoma muhari namafuta mashoma shoma muhari. Ndiri kunhonga huni shoma shoma kuti ndiende nadzo kumba ndinozvibikira kudya ini nomwanakomana wangu, kuti tigodya, tife hedu.”

13 Eria akati kwaari, “Usatya. Enda kumba undoita sezvawareva. Asi tanga wandibikira chingwa chiduku pane zvaunazvo ugouya nacho kwandiri, mushure ugozvigadzirira iwe nomwanakomana wako.

14 Nokuti zvanzi naJehovha, Mwari waIsraeri, ‘Furawu iri muhari imomo haizoperi uye mafuta ari muhari haazoperi kusvikira zuva iro richanayiswa mvura panyika naJehovha.’ ”

15 Akaenda akandoita sezvaakanga audzwa naEria. Saka zvokudya zvaEria zvakavapo mazuva ose uyewo nezvomukadzi nemhuri yake.

16 Furawu yaiva muhari haina kupera uye mafuta aiva muhari haana kupera, sezvazvakanga zvarehwa neshoko raJehovha rakataurwa naEria.

17 Kwapera nguva yakati, mwanakomana womukadzi, muridzi weimba, akarwara. Kurwara kwake kwakanyanya kwazvo, pakupedzisira akamira kufema.

18 Mukadzi akati kuna Eria, “Ndakakutadzireiko, munhu waMwari? Wakauya here kuzondirangaridza chivi changu nokuuraya mwanakomana wangu?”

19 Eria akapindura akati, “Ndipe mwanakomana wako kuno.” Akamutora kubva mumaoko ake, akamutakura akaenda naye kuimba yapamusoro yaaigara, akamuradzika pamubhedha wake.

20 Ipapo akadanidzira kuna Jehovha akati, “Haiwa, Jehovha Mwari wangu, mauyisawo here dambudziko pachirikadzi iyi yandiri kugara nayo, nokuuraya mwanakomana wayo?”

21 Ipapo akazvambarara pamusoro pomukomana katatu akadanidzira kuna Jehovha akati, “Haiwa Jehovha Mwari wangu, itai kuti mweya womukomana uyu udzokere maari!”

22 Jehovha akanzwa kudanidzira kwaEria, mweya womukomana ukadzokera maari, akararama.

23 Eria akatora mwana akamutakura achibuda mumba maakanga ari akaenda naye mumba huru. Akamupa kuna mai vake akati, “Tarirai, mwanakomana wenyu mupenyu!”

24 Ipapo mukadzi akati kuna Eria, “Zvino ndazoziva kuti muri munhu waMwari uye kuti shoko raJehovha rinobuda mumuromo menyu nderechokwadi.”

Categories
1 Madzimambo

1 Madzimambo 18

Eria naObhadhia

1 Zvino mushure menguva huru, mugore rechitatu, shoko raJehovha rakauya kuna Eria richiti, “Enda undozviratidza kuna Ahabhu, uye ini ndichanayisa mvura panyika.”

2 Saka Eria akaenda kundozviratidza kuna Ahabhu.

Zvino nzara yakanga yanyanya kwazvo muSamaria,

3 uye Ahabhu akanga adana Obhadhia uyo akanga ari mutariri womuzinda wake. (Obhadhia akanga achitenda kuna Jehovha zvikuru kwazvo.

4 Jezebheri paakanga achiuraya vaprofita vaJehovha, Obhadhia akanga atora vaprofita zana akavaviga mumapako maviri, makumi mashanu mune rimwe nerimwe. Uye akavapa kudya nemvura.)

5 Ahabhu akanga ati kuna Obhadhia, “Enda munyika umu kuzvitubu zvose nemipata yose. Zvimwe tingawana uswa tiraramise mabhiza namanyurusi kuitira kuti tirege kuzouraya kana chimwe chete chezvipfuwo zvedu.”

6 Saka vakagovana nzvimbo dzavaizoenda, Ahabhu achienda kune rimwe divi, Obhadhia kune rimwewo divi.

7 Obhadhia akati achifamba, Eria akasangana naye. Obhadhia akamuziva akakotamira pasi, akati, “Chaizvoizvo chokwadi, ndimi here ishe wangu Eria?”

8 Akapindura akati, “Hongu. Enda undoudza ishe wako kuti, ‘Eria ari kuno.’ ”

9 Obhadhia akabvunza akati, “Ndatadzeiko zvamava kuendesa muranda wenyu kuna Ahabhu kuti andourayiwa?

10 Zvirokwazvo naJehovha Mwari wenyu mupenyu, hakuna rudzi kana nyika, ishe wangu, kwaasina kutuma mumwe munhu kuti andokutsvagai. Uye kana pane nyika kana rudzi vaiti makanga musiko, aitovamanikidza kuti vapike kuti vakanga vakushayai.

11 Asi zvino mava kundiudza kuti ndiende kuna ishe wangu ndinoti, ‘Eria ari kuno.’

12 Ini handizivi kuti Mweya waJehovha uchakuendesai kupi kana ndabva pano pamuri. Kana ndikaenda kundoudza Ahabhu, iye akazokushayai, anondiuraya. Asi ini muranda wenyu ndakashumira Jehovha kubvira pauduku hwangu.

13 Ishe wangu, hamuna kunzwa here zvandakaita, Jezebheri paakanga achiuraya vaprofita vaJehovha? Ndakaviga vaprofita vaJehovha zana mumapako maviri, makumi mashanu mune rimwe nerimwe uye ndakavapa kudya nemvura.

14 Zvino mava kundiudza kuti ndiende kuna ishe wangu ndinoti, ‘Eria ari kuno.’ Anondiuraya!”

15 Eria akati, “NaJehovha Wamasimba Ose mupenyu, wandinoshandira, zvirokwazvo ndichazvipira kuna Ahabhu nhasi.”

Eria paGomo reKarimeri

16 Saka Obhadhia akaenda kundosangana naAhabhu akamuudza, uye Ahabhu akaenda kundosangana naEria.

17 Paakaona Eria, akati kwaari, “Ndiwe here, iwe mutambudzi weIsraeri?”

18 Eria akapindura akati, “Handina kuuyisa dambudziko kuIsraeri, asi imi nemhuri yenyu ndimi makadaro. Makasiya mirayiro yaJehovha mukatevera Bhaari.

19 Zvino danai vanhu muIsraeri yose kuti vazosangana neni paGomo reKarimeri. Muuyewo namazana mana namakumi mashanu avaprofita vaBhaari namazana mana avaprofita vaAshera vanodya patafura yaJezebheri.”

20 Saka Ahabhu akatuma shoko muIsraeri yose akaunganidza vaprofita paGomo reKarimeri.

21 Eria akaenda pamberi pavanhu akati, “Mucharamba muchifunga mifungo miviri kusvikira riniko? Kana Jehovha ari Mwari, muteverei; asi kana Bhaari ari Mwari, muteverei.”

Asi vanhu havana chavakataura.

22 Zvino Eria akati kwavari, “Ini chete pavaprofita vaJehovha ndini ndasara, asi Bhaari ane vaprofita mazana mana namakumi mashanu.

23 Titorerei hando mbiri. Ivo ngavazvisarudzire yavo, uye ngavaicheke-cheke kuita zvidimbu zvidimbu vagoiisa pamusoro pehuni, asi havafaniri kudzitungidza nomoto. Ini ndichagadzira imwe hando yacho ndigoiisa pamusoro pehuni asi handizodzitungidzi nomoto.

24 Ipapo mudane kuzita ramwari wenyu, uye ini ndichadana kuzita raJehovha. Mwari achapindura nomoto ndiye Mwari.”

Ipapo vanhu vose vakati, “Zvawataura zvakanaka.”

25 Eria akati kuvaprofita vaBhaari, “Sarudzai imwe yehando idzi mugotanga imi kuigadzira, sezvo makawanda. Danai kuzita ramwari wenyu, asi musatungidza moto.”

26 Saka vakatora hando yavakanga vapiwa vakaigadzira.

Ipapo vakadana kuzita raBhaari kubvira mangwanani kusvikira masikati. Vakadanidzira vakati, “Bhaari, tipindure!” Asi mhinduro haina kuwanikwa; hapana akapindura. Vakatamba vachipoterera aritari yavakanga vaita.

27 Ava masikati, Eria akatanga kuvatuka akati, “Danidzirisai! Zvirokwazvo ndimwari! Zvichida ari kufunga zvakadzama kwazvo, kana kuti ane basa kwazvo, kana kuti ari parwendo. Zvimwe akavata zvokuti anotofanira kumutswa.”

28 Saka vakatonyanyisa kudanidzira, vakazvicheka-cheka neminondo namapfumo, setsika yavo, kusvikira ropa ravo raerera.

29 Masikati akapfuura, ivo vakaramba vachiprofita zveshungu kusvikira nguva yechibayiro chamanheru. Asi hapana chakaitika, hapana akapindura, hapana akaratidza hanya.

30 Ipapo Eria akati kuvanhu vose, “Uyai kuno kwandiri.” Vakauya kwaari, iye akagadzira aritari yaJehovha yakanga yaputswa.

31 Eria akatora mabwe gumi namaviri, rimwe chete rakamirira rudzi rumwe chete rwavanakomana vaJakobho, uyo akanga audzwa naJehovha kuti, “Zita rako richava Israeri.”

32 Akashandisa mabwe aya kuvaka aritari muzita raJehovha, uye akachera mugero waipoteredza aritari wakanga wakakura zvokuti waikwana maseya maviriembeu.

33 Akaronga huni, akacheka hando kuita zvidimbu zvidimbu, akaiisa pamusoro pehuni. Ipapo akati kwavari, “Zadzai zvirongo zvikuru zvina nemvura mugoidira pamusoro pechipiriso napamusoro pehuni.”

34 Akati, “Pamhidzai zvakare,” ivo vakapamhazve.

Akatizve, “Pamhidzai kechitatu.”

35 Mvura yakaerera ichipoteredza aritari ikazadzawo nomugero.

36 Panguva yechibayiro, muprofita Eria akaenda pamberi akanamata akati, “Haiwa Jehovha, Mwari waAbhurahama, Isaka naIsraeri, ngazvizivikanwe nhasi kuti ndimi Mwari munyika yeIsraeri uye kuti ini ndiri muranda wenyu, uyewo kuti ndaita zvinhu zvose izvi sezvamakandirayira.

37 Haiwa Jehovha, ndipindurei, ndipindurei, kuitira kuti vanhu ava vazive kuti imi, Jehovha, ndimi Mwari, uye kuti muri kudzora mwoyo yavo zvakare.”

38 Ipapo moto waJehovha wakaburuka ukapisa chibayiro, nehuni namabwe nevhu, ukananzva mvura yose yaiva mumugero.

39 Vanhu vose pavakaona izvi, vakawira pasi nezviso zvavo, vakadanidzira vachiti, “Jehovha ndiye Mwari! Jehovha ndiye Mwari!”

40 Ipapo Eria akavarayira akati, “Batai vaprofita vaBhaari. Musarega kana mumwe chete achipunyuka!” Vakavabata, uye Eria akaita kuti vaendeswe zasi kuMupata weKishoni vakandourayirwako.

41 Uye Eria akati kuna Ahabhu, “Chienda undodya uye unwe, nokuti kune kutinhira kwemvura zhinji.”

42 Saka Ahabhu akaenda kundodya nokunwa, asi Eria akakwira pamusoro pegomo reKarimeri, akakotamira pasi akaisa chiso chake pakati pamabvi ake.

43 Akaudza muranda wake kuti, “Enda undotarisa kwakadziva kugungwa.” Akakwira akandotarisa.

Akati, “Hakuna chiriko uku.”

Eria akati, “Dzokerazve,” kanomwe.

44 Kechinomwe muranda akati, “Gore duku rakaenzana nechanza chomunhu riri kukwira richibva mugungwa.”

Saka Eria akati, “Enda undoudza Ahabhu kuti, ‘Sunga ngoro yako uburuke usati wadzivirirwa nemvura.’ ”

45 Panguva imwe cheteyo denga rakasviba namakore, mhepo ikavhuvhuta, mvura zhinji ikauya, Ahabhu akaenda nengoro kuJezireeri.

46 Simba raJehovha rakauya pana Eria, akasunga jasi rake nebhanhire, akamhanya pamberi paAhabhu nzira yose kusvika kuJezireeri.

Categories
1 Madzimambo

1 Madzimambo 19

Eria anotizira kuHorebhi

1 Zvino Ahabhu akaudza Jezebheri zvose zvakanga zvaitwa naEria nokuuraya kwaakanga aita vaprofita vose nomunondo.

2 Ipapo Jezebheri akatuma nhume kuna Eria kundoti, “Vamwari ngavandirange, vanyanyise kudaro, kana nenguva ino mangwana, ndikasaita kuti upenyu hwako hufanane nehwomumwe wavo.”

3 Eria akatya akatiza kuti aponese upenyu hwake. Paakasvika kuBheerishebha muJudha, akasiya muranda wake ikoko,

4 iye pachake akafamba rwendo rwezuva rimwe chete achipinda mugwenga. Akasvika pamuti womurara, akagara pasi pawo akanamata kuti achifa. Akati, “Zvaringana hazvo, Jehovha. Chitorai upenyu hwangu; handipfuuri madzitateguru angu pakururama.”

5 Ipapo akarara pasi pomuti akabatwa nehope.

Pakarepo mutumwa akamubata akati, “Simuka udye.”

6 Akatarisa-tarisa, akaona chingwa chakanga chabikwa pamazimbe omoto pedyo nomusoro wake, nechirongo chemvura. Akadya, akanwa, akabva arara zvakare.

7 Mutumwa waJehovha akadzoka kechipiri akamubata akati, “Simuka udye, nokuti rwendo rungakuremera.”

8 Naizvozvo akamuka akadya, akanwa. Zvokudya izvozvo zvakamupa simba zvokuti akafamba kwamazuva makumi mana nousiku makumi mana kusvikira asvika paHorebhi, gomo raMwari.

9 Ipapo akapinda mubako akarara usiku hwose.

Jehovha anozviratidza kuna Eria

Zvino shoko raJehovha rakasvika kwaari richiti, “Uri kuiteiko pano, Eria?”

10 Akapindura akati, “Ndakanga ndichishingairira Jehovha Mwari Wamasimba Ose kwazvo. VaIsraeri vakaramba sungano yenyu, vakaputsa aritari dzenyu, uye vakauraya vaprofita venyu nomunondo. Ndini ndoga ndasara, zvino vava kuedza kundiurayawo.”

11 Jehovha akati, “Buda panze umire pagomo pamberi paJehovha, nokuti Jehovha ari kuda kuzopfuura nepo.”

Ipapo mhepo huru ine simba yakapamura makomo ikapwanya mabwe pamberi paJehovha, asi Jehovha akanga asiri mumhepo. Mushure memhepo, pakava nokudengenyeka kwenyika, asi Jehovha akanga asiri mukudengenyeka ikoko.

12 Mushure mokudengenyeka kwenyika kwakauya moto, asi Jehovha akanga asiri mumoto. Uye shure kwomoto akanzwa inzwi richitaura nakazevezeve kakapfava.

13 Eria paakarinzwa, akafukidza chiso chake nejasi rake akabuda panze akamira pamuromo webako.

Ipapo inzwi rakati kwaari, “Uri kuiteiko pano, Eria?”

14 Akapindura akati, “Ndakanga ndichishingairira Jehovha Mwari Wamasimba Ose kwazvo. VaIsraeri vakaramba sungano yenyu, vakaputsa aritari dzenyu, uye vakauraya vaprofita venyu nomunondo. Ndini ndoga ndasara, zvino vava kuedza kundiurayawo.”

15 Jehovha akati kwaari, “Dzokera nenzira yawauya nayo, ugoenda kuGwenga reDhamasiko. Kana wasvikako, uzodze Hazaeri kuti ave mambo weAramu.

16 Uzodzezve Jehu, mwanakomana waNimishi kuti ave mambo weIsraeri, ugozodza Erisha, mwanakomana waShafati wokuAbheri Mehora kuti atore nzvimbo yako somuprofita.

17 Jehu achauraya vose vachapunyuka munondo waHazaeri, uye Erisha achaurayawo vose vachapunyuka munondo waJehu.

18 Kunyange zvakadaro, ndakachengeta zviuru zvinomwe zvavanhu muIsraeri, vose vane mabvi asina kupfugamira Bhaari uye vane miromo isina kumutsvoda.”

Kudanwa kwaErisha

19 Naizvozvo Eria akabvapo akandowana Erisha mwanakomana waShafati. Akanga achirima nehando dzakasungwa pamajoko gumi namaviri, iye achichaira joko regumi namaviri. Eria akaenda kwaari akakanda jasi rake paari.

20 Ipapo Erisha akasiya hando dzake akamhanya achitevera Eria. Akati, “Regai ndimbonotsvoda baba namai vangu ndichionekana navo, ndigozoenda nemi.”

Eria akati, “Dzokera zvako. Ndakuiteiko?”

21 Naizvozvo Erisha akamusiya akadzokera. Akatora hando dzejoko rake akadzibaya. Akashandisa zvaairimisa sehuni dzokubikisa nyama yacho, akaipa kuvanhu, ndokubva vadya. Ipapo akasimuka akatevera Eria akabva ava muranda wake.

Categories
1 Madzimambo

1 Madzimambo 20

Bheni-Hadhadhi anorwisa Samaria

1 Zvino Bheni-Hadhadhi mambo weAramu akaunganidza varwi vake vose. Achibatsirwa namadzimambo makumi matatu namaviri vaine mabhiza avo nengoro, akaenda akakomba Samaria akarirwisa.

2 Akatuma nhume muguta kuna Ahabhu mambo weIsraeri kundoti, “Zvanzi naBheni-Hadhadhi,

3 ‘Sirivha yako negoridhe ndezvangu, uye vakadzi vako navana vako vakanyanyisa kunaka ndevangu.’ ”

4 Mambo weIsraeri akapindura akati, “Sezvamataura, ishe wangu mambo. Ini nezvose zvandinazvo ndiri wenyu.”

5 Nhumwa dzakauya zvakare ndokusvikoti, “Zvanzi naBheni-Hadhadhi, ‘Ndakatumira shoko rokuti ndinoda sirivha yako negoridhe, navakadzi vako navana vako.

6 Asi mangwana nenguva yakaita seino ndichatuma varanda vangu kuti vazotsvagisisa mumuzinda wako nomudzimba dzavaranda vako. Vachatora zvose zvaunokoshesa vagoenda nazvo.’ ”

7 Mambo weIsraeri akadana vakuru vose venyika akati kwavari, “Tarisai muone kuti murume uyu ari kutsvaga muromo sei! Paakati ari kuda kutora vakadzi vangu navana vangu, nesirivha yangu negoridhe rangu, handina kurambira.”

8 Vakuru navanhu, vose vakapindura vakati, “Musateerera kwaari kana kubvumirana nezvaari kuda.”

9 Naizvozvo akapindura nhume dzaBheni-Hadhadhi akati, “Udzai ishe wangu mambo kuti, ‘Muranda wenyu achaita zvose zvamakamukumbira pakutanga, asi chikumbiro ichi chazvino handigoni kuchizadzisa.’ ” Vakasimuka vakaenda nemhinduro kwavakanga vabva, kuna Bheni-Hadhadhi.

10 Saka Bheni-Hadhadhi akatumira rimwe shoko kuna Ahabhu achiti, “Vamwari ngavaitewo kwandiri, vanyanyise kudaro, kana guruva ringakwana kupa mumwe nomumwe wamauto angu kuti azadze chanza chake rikasara muSamaria.”

11 Mambo weIsraeri akapindura akati, “Muudzei kuti, ‘Uyo anoshonga nhumbi dzokurwa ngaarege kuzvirumbidza souyo anodzibvisa.’ ”

12 Bheni-Hadhadhi akanzwa shoko iri iye namadzimambo pavakanga vachinwa vari mumisasa, akabva arayira mauto ake akati, “Gadzirirai kundorwisa.” Saka vakagadzirira kundorwisa guta.

Ahabhu anokunda Bheni-Hadhadhi

13 Panguva iyoyo mumwe muprofita akauya kuna Ahabhu mambo weIsraeri, akati, “Zvanzi naJehovha: ‘Uri kuona hondo huru huru iyi here? Ndichaiisa muruoko rwako nhasi, ipapo uchaziva kuti ndini Jehovha.’ ”

14 Ahabhu akabvunza akati, “Asi ndiani achaita izvi?”

Muprofita akapindura akati, “Zvanzi naJehovha: ‘Majaya amachinda omumatunhu ndiwo achazviita.’ ”

Akabvunza akati, “Zvino ndiani achatanga hondo yacho?”

Muprofita akapindura akati, “Ndiwe uchaitanga.”

15 Saka Ahabhu akaunganidza majaya amachinda omumatunhu, varume vaikwana mazana maviri namakumi matatu navaviri. Mushure akaunganidza vamwe vaIsraeri, pamwe chete zviuru zvinomwe.

16 Vakasimuka masikati, Bheni-Hadhadhi namadzimambo makumi matatu navaviri vaiva kudivi rake panguva yavakanga vari mumisasa yavo vachidhakwa.

17 Majaya amachinda omumatunhu ndiwo akatanga kuenda.

Zvino Bheni-Hadhadhi akanga atuma vasori uye vakamuudza kuti, “Kune varume vari kubva kuSamaria.”

18 Akati, “Kana vauya kuzotsvaga rugare, vabatei vari vapenyu; kana vauya kuzorwa, vabatei vari vapenyu.”

19 Majaya amachinda omumatunhu akafamba achibuda muguta varwi vari mumashure mavo

20 uye mumwe nomumwe wavo akauraya waakarwisana naye. VaAramu vakatiza, vaIsraeri vachivadzingirira. Asi Bheni-Hadhadhi mambo weAramu akatiza akatasva bhiza, navamwe vavarwi vake vaiva namabhiza.

21 Mambo weIsraeri akabuda akakunda mabhiza nengoro, akauraya vaAramu vakawanda kwazvo.

22 Mushure maizvozvo, muprofita akauya kuna mambo weIsraeri akati, “Simbisa chinzvimbo chako ugoona zvinofanira kuitwa, nokuti muchirimo chiri kutevera mambo weAramu achakurwisa zvakare.”

23 Panguva imwe cheteyo, varanda vamambo weAramu vakati kwaari, “Vamwari vavo ndavamwari vamakomo. Ndicho chikonzero vakatikurira. Asi tikarwa navo mumapani, zvirokwazvo tichavakurira.

24 Itai izvi: Bvisai madzimambo ose panzvimbo dzavo dzokutonga mugovatsiva navamwe vabati.

25 Munofanirawo kuzviunganidzira hondo yakafanana neyamakarasikirwa nayo, bhiza nebhiza nengoro nengoro, kuitira kuti tikwanise kurwa navaIsraeri mumapani. Ipapo zvirokwazvo tichavakurira.” Akabvumirana navo akaita saizvozvo.

26 Muchirimo chakatevera Bheni-Hadhadhi akaunganidza vaAramu akakwidza kuAfeki kundorwa neIsraeri.

27 VaIsraeri vakati vaunganidzwawo uye vapiwa zvose zvinodiwa pakurwa hondo, vakafamba vachienda kundosangana navo. VaIsraeri vakadzika musasa wavo vakatarisana navo, vachinge mapoka maduku maviri embudzi, ukuwo vaAramu vakazadza nyika.

28 Munhu waMwari akauya akaudza mambo weIsraeri kuti, “Zvanzi naJehovha: ‘Nokuda kwokuti vaAramu vanofunga kuti Jehovha ndimwari wamakomo, uye kuti haasi mwari wemipata, ndichaisa hondo huru huru iyi mumaoko ako, uye uchaziva kuti ndini Jehovha.’ ”

29 Kwamazuva manomwe vakagara pamisasa yavo vakatarisana, uye nezuva rechinomwe hondo yakatanga. VaIsraeri vakauraya zana rezviuru zvamauto etsoka avaAramu musi mumwe chete.

30 Vakasara vakatizira kuguta reAfeki, uko kwakandowira rusvingo pamusoro pezviuru makumi maviri nezvinomwe zvavo. Uye Bheni-Hadhadhi akatizira kuguta akandohwanda muimba yomukati.

31 Varanda vake vakati kwaari, “Tarirai, takanzwa kuti madzimambo eimba yaIsraeri ane tsitsi. Ngatiendei kuna mambo weIsraeri takasungirira masaga muzviuno zvedu, uye takasunga misoro yedu netambo. Zvichida angakuregai muri mupenyu.”

32 Vakasungirira masaga muzviuno zvavo vakasunga misoro yavo netambo, vakabva vaenda kuna mambo weIsraeri vakasvikoti, “Muranda wenyu Bheni-Hadhadhi ati, ‘Ndapota, dai mangondirega ndararama.’ ”

Mambo akapindura akati, “Achiri mupenyu nazvino? Ihama yangu.”

33 Varume ava vakazviona sechiratidzo chakanaka ndokukurumidza kutevedzera zvaakanga areva. Vakati, “Hongu, hama yenyu Bheni-Hadhadhi!”

Mambo akati, “Endai munomutora.” Bheni-Hadhadhi akati achibuda, Ahabhu akamukwidza mungoro yake.

34 Bheni-Hadhadhi akati kwaari, “Ndichadzosera maguta akatorwa nababa vangu kuna baba vako. Unogonawo kuisa misika yako muDhamasiko, sezvakaitwa nababa vangu muSamaria.”

Ahabhu akati, “Nokuda kwechibvumirano ichi, ndichakusunungura.” Saka akaita chibvumirano naye, akamurega achienda.

Muprofita anopa Ahabhu mutongo

35 Mumwe wavanakomana vavaprofita arayirwa naJehovha, akati kushamwari yake, “Ndirove!” asi murume uyu akaramba.

36 Naizvozvo muprofita akati, “Zvausina kuteerera Jehovha, uchingobva pano pandiri, uchaurayiwa neshumba.” Zvino murume uyu achangobva paakanga ari, shumba yakamuwana ikamuuraya.

37 Muprofita akawana mumwe murume akati, “Ndapota, ndirove.” Naizvozvo murume uyu akamurova, akamukuvadza.

38 Ipapo muprofita akaenda akandomirira mambo pamugwagwa. Akazviita somumwe munhu akakwevera pasi mucheka wake womusoro kuti uvharidzire maziso ake.

39 Mambo paakanga ava kupfuura nepo muprofita akadanidzira kwaari akati, “Muranda wenyu akaenda pakatikati pehondo payakanga ichirwiwa, mumwe munhu akauya kwandiri nomusungwa akati, ‘Chengeta murume uyu. Kana akashayikwa upenyu hwako huchatsiva hwake, kana kuti ucharipa netarendaresirivha.’

40 Muranda wenyu paakanga ari mubishi rokuita basa pano nekoko, murume uya akanyangarika.”

Mambo weIsraeri akati, “Iwoyo ndiwo mutongo wako. Ndiwe wautaura woga.”

41 Ipapo muprofita akakurumidza kubvisa mucheka pamaziso ake, mambo weIsraeri akabva amuziva kuti aiva mumwe wavaprofita.

42 Akati kuna mambo, “Zvanzi naJehovha: ‘Wakasunungura munhu wandakanga ndati anofanira kufa. Naizvozvo upenyu hwako huchatsiva hwake, vanhu vako vachatsiva vanhu vake.’ ”

43 Mambo weIsraeri akaenda kumuzinda wake muSamaria aora mwoyo uye ashatirwa.