Categories
1 Madzimambo

1 Madzimambo 21

Munda weMizambiringa waNabhoti

1 Kwapera nguva yakati, pane imwe nyaya yakaitika pamusoro pomunda wemizambiringa waNabhoti muJezireeri. Munda wemizambiringa uyu waiva muJezireeri, pedyo nomuzinda waAhabhu mambo weSamaria.

2 Ahabhu akati kuna Nabhoti, “Ndipe munda wako wemizambiringa kuti ndiuite bindu romuriwo, sezvo uri pedyo nomuzinda wangu. Ini ndichatsinhanhisa nokukupa munda wemizambiringa uri nani, kana kuti, kana uchida, ndichakuripa mari inoenderana nomutengo wawo.”

3 Asi Nabhoti akapindura akati, “Jehovha ngaazvirambidze kuti ndikupei nhaka yamadzibaba angu.”

4 Saka Ahabhu akaenda kumba akasuwa uye akashatirwa nokuti Nabhoti muJezireeri akanga ati, “Handisi kuzokupai nhaka yamadzibaba angu.” Akarara pamubhedha wake akazvidya mwoyo, akaramba kudya.

5 Jezebheri, mukadzi wake, akapindamo akamubvunza akati, “Sei makasuwa kudai? Sei musiri kudya?”

6 Akamupindura akati, “Nokuti ndati kuna Nabhoti muJezireeri, ‘Nditengesere munda wako wemizambiringa; kana kuti, kana uchida, ndichakupa mumwe munda wemizambiringa kune imwe nzvimbo kuti, utsive uyu.’ Asi iye ati, ‘Handisi kuzokupai munda wangu wemizambiringa.’ ”

7 Jezebheri, mukadzi wake akati, “Izvi ndizvo here zvamunoita samambo weIsraeri? Simukai mudye! Faranukai. Ndichakuwanirai munda wemizambiringa waNabhoti muJezireeri.”

8 Naizvozvo akanyora matsamba muzita raAhabhu, akadhinda chidhindo chake padziri, akadzitumira kuvakuru nokumachinda aaigara nawo muguta raNabhoti.

9 Mumatsamba aya akanyora akati:

“Daidzirai zuva rokutsanya mugogadzika Nabhoti panzvimbo yakakwirira pakati pavanhu.

10 Asi gadzai nhubu mbiri pakatarisana naye uye mugoita kuti dzipupure dzichiti akatuka Mwari namambo. Ipapo mutorei muende naye kunze mugomutaka namabwe kusvikira afa.”

11 Saka vakuru namachinda vaigara muguta raNabhoti vakaita sezvakanga zvarayirwa naJezebheri mumatsamba aakanga avanyorera.

12 Vakadaidzira zuva rokutsanya ndokugadzika Nabhoti panzvimbo yakakwirira pakati pavanhu.

13 Ipapo nhubu mbiri dzakauya dzikagara dzakatarisana naye dzikapomera Nabhoti mhosva pamberi pavanhu, dzichiti, “Nabhoti akatuka Mwari namambo.” Naizvozvo vakamutora vakaenda naye kunze kweguta vakamutaka namabwe kusvikira afa.

14 Ipapo vakatumira shoko kuna Jezebheri vachiti, “Nabhoti atakwa namabwe uye afa.”

15 Jezebheri paakangonzwa chete kuti Nabhoti akanga atakwa namabwe akafa, akati kuna Ahabhu, “Simukai muende mundotora munda wemizambiringa waNabhoti muJezireeri waakaramba kukutengeserai. Haachisiri mupenyu, asi afa.”

16 Ahabhu paakanzwa kuti Nabhoti akanga afa, akasimuka akaenda kundotora munda wemizambiringa waNabhoti.

17 Zvino shoko raJehovha rakasvika kuna Eria muTishibhi richiti,

18 “Buruka pasi undosangana naAhabhu mambo weIsraeri, uyo ari kutonga muSamaria. Iye zvino ari mumunda wemizambiringa waNabhoti, waaenda kundotora.

19 Uti kwaari, ‘Zvanzi naJehovha: Hauna here kuuraya munhu ukamutorera zvinhu zvake?’ Ipapo uti kwaari, ‘Zvanzi naJehovha: Panzvimbo yakananzvwa ropa raNabhoti nembwa, imbwa dzichananzva ropa rakowo ipapo, hongu, rako!’ ”

20 Ahabhu akati kuna Eria, “Saka wandiwanaka, muvengi wangu!”

Akapindura akati, “Ndakuwana nokuti wazvitengesa kuti uite zvakaipa pamberi paJehovha.

21 ‘Ndichauyisa dambudziko guru pamusoro pako. Ndichaparadza vana vako ndigouraya murume wose weimba yaAhabhu muIsraeri, muranda neasiri muranda.

22 Ndichaita kuti imba yako ifanane neyaJerobhoamu mwanakomana waNebhati neyaBhaasha mwanakomana waAhija, nokuti waita kuti ndishatirwe uye waita kuti Israeri iite chivi.’

23 “Zvino kana ari Jezebheriwo, Jehovha anoti: ‘Imbwa dzichadya Jezebheri pamasvingo eJezireeri.’

24 “Imbwa dzichadya avo vaAhabhu vachafira muguta, uye shiri dzedenga dzichadya avo vachafira musango.”

25 Hapana kumbova nomunhu akaita saAhabhu, akazvitengesa kuti aite zvakaipa pamberi paJehovha, achikurudzirwa naJezebheri mukadzi wake.

26 Akaita zvinonyangadza kwazvo nokutevera zvifananidzo, sezvakanga zvaitwa navaAmori, avo vakanga vadzingwa naJehovha pamberi pavaIsraeri.

27 Ahabhu paakanzwa mashoko aya, akabvarura nguo dzake, akapfeka masaga akatsanya. Akapfeka masaga akafamba achizvininipisa.

28 Ipapo shoko raJehovha rakauya kuna Eria muTishibhi richiti,

29 “Waona here kuti Ahabhu azvininipisa sei pamberi pangu? Nokuti azvininipisa, handichauyisa dambudziko guru iri mumazuva ake, asi ndichariuyisa paimba yake mumazuva omwanakomana wake.”

Categories
1 Madzimambo

1 Madzimambo 22

Mikaya anoprofita pamusoro paAhabhu

1 Kwamakore matatu pakati peAramu neIsraeri pakanga pasina hondo.

2 Asi mugore rechitatu, Jehoshafati mambo weJudha akaburuka zasi kundoona mambo weIsraeri.

3 Mambo weIsraeri akanga ati kuvaranda vake, “Hamuzivi here kuti Ramoti Gireadhi ndeyedu asi hapana chatiri kuita kuti tiitore zvakare kubva kuna mambo weAramu?”

4 Uye akakumbira Jehoshafati akati, “Uchaenda neni here kundorwa neRamoti Gireadhi?”

Jehoshafati akapindura mambo weIsraeri achiti, “Ini ndakangofanana newe, vanhu vangu vakafanana nevako, mabhiza angu samabhiza ako.”

5 Asi Jehoshafati akatiwo kuna mambo weIsraeri, “Tanga watsvaga zvinorayirwa naJehovha.”

6 Saka mambo weIsraeri akaunganidza pamwe chete, vaprofita, vangangoita varume mazana mana, akavabvunza akati, “Ndoenda here kundorwa neRamoti Gireadhi, kana kuti ndoregera?”

Vakapindura vakati, “Endai nokuti Jehovha achaiisa muruoko rwamambo.”

7 Asi Jehoshafati akabvunza achiti, “Hapana here mumwe muprofita waJehovha pano watingabvunza?”

8 Mambo weIsraeri akapindura Jehoshafati akati, “Pachine murume mumwe chete watinogona kubvunza Jehovha naye, asi ndinomuvenga nokuti haamboprofiti chinhu chakanaka pamusoro pangu asi zvakaipa nguva dzose. NdiMikaya, mwanakomana waImura.”

Jehoshafati akapindura akati, “Mambo haafaniri kutaura kudaro.”

9 Saka mambo weIsraeri akadana mumwe wavaranda vake akati, “Uyisa Mikaya mwanakomana waImura izvozvi.”

10 Mambo weIsraeri naJehoshafati, mambo weJudha, vakanga vakagara pazvigaro zvavo vakapfeka nguo dzavo dzoumambo vari paburiro, pedyo nesuo reSamaria, vaprofita vose vachiprofita pamberi pavo.

11 Zvino Zedhekia mwanakomana waKenaana akanga agadzira nyanga dzesimbi, akati, “Zvanzi naJehovha: ‘Nedzidzi muchatunga vaAramu kusvikira vaparara!’ ”

12 Vamwe vaprofita vose vakanga vachiprofita zvimwe chetezvo. Vakati, “Rwisai Ramoti Gireadhi mukunde, nokuti Jehovha achariisa muruoko rwamambo.”

13 Nhume yakanga yaenda kundodana Mikaya yakati kwaari, “Tarirai, somunhu mumwe chete, vamwe vaprofita vari kutaura kuti mambo vachabudirira. Shoko renyu ngaribvumirane neravo, uye mutaurewo zvakanaka.”

14 Asi Mikaya akati, “NaJehovha mupenyu, ndinogona chete kumuudza zvandinoudzwa naJehovha.”

15 Paakasvika, mambo akamubvunza akati, “Mikaya, toenda here kundorwa neRamoti Gireadhi, kana kuti torega?”

Akapindura akati, “Rwisai mukunde nokuti Jehovha achariisa muruoko rwamambo.”

16 Mambo akati kwaari, “Ndinofanira kukupikisa kangani kuti undiudze chokwadi pasina chimwe chinhu muzita raJehovha?”

17 Ipapo Mikaya akapindura akati, “Ndakaona Israeri yose yakapararira pamakomo samakwai asina mufudzi, uye Jehovha akati, ‘Vanhu ava havana tenzi. Mumwe nomumwe wavo ngaaende kumba norugare.’ ”

18 Mambo weIsraeri akati kuna Jehoshafati, “Handina kukuudza here kuti haamboprofiti chinhu chakanaka pamusoro pangu, asi zvakaipa chete?”

19 Mikaya akaenderera mberi akati, “Naizvozvo chinzwai shoko raJehovha: Ndakaona Jehovha akagara pachigaro chake choushe, uye hondo dzose dzokudenga dzakamira dzakamupoteredza kurudyi nokuruboshwe kwake.

20 Zvino Jehovha akati, ‘Ndiani achaenda kundokwezva Ahabhu kuti arwise Ramoti Gireadhi agoenda kundofira ikoko?’

“Mumwe akataura izvi, mumwe akataura izvo.

21 Pakupedzisira, mumwe mweya wakauya ukamira pamberi paJehovha ukati, ‘Ndichandomukwezva ini.’

22 “Jehovha akabvunza akati, ‘Nenzira ipi?’

“Iwo wakati, ‘Ndichaenda ndonova mweya unoreva nhema mumiromo yavaprofita vake vose.’

“Jehovha akati, ‘Uchabudirira mukumukwezva. Enda undozviita.’

23 “Saka iye zvino Jehovha aisa mweya unoreva nhema mumiromo yavaprofita venyu vose ava. Jehovha atema kuti muchawira mudambudziko guru kwazvo.”

24 Ipapo Zedhekia mwanakomana waKenaana akaenda kwaari akarova Mikaya nembama. Akamubvunza achiti, “Mweya waJehovha wakafamba nenzira ipiko uchibva kwandiri kuti uzotaura kwauri?”

25 Mikaya akapindura akati, “Uchazviziva musi wauchaenda kundohwanda muimba yomukati.”

26 Ipapo mambo weIsraeri akarayira akati, “Torai Mikaya mumudzosere kuna Amoni mutongi weguta nokuna Joashi mwanakomana wamambo

27 muti, ‘Zvanzi namambo: Isai munhu uyu mutorongo murege kumupa chimwe chinhu kunze kwechingwa nemvura kusvikira ndadzoka norugare.’ ”

28 Mikaya akati, “Kana zvikaitika kuti madzoka norugare, Jehovha haana kutaura neni.” Ipapo akatizve, “Inzwai mashoko angu imi vanhu mose!”

Ahabhu anourayiwa paRamoti Gireadhi

29 Saka mambo weIsraeri naJehoshafati mambo weJudha vakaenda kuRamoti Gireadhi.

30 Mambo weIsraeri akati kuna Jehoshafati, “Ndichapinda muhondo iyi ndichinge mumwe munhu, asi iwe pfeka mbatya dzako dzoumambo.” Saka mambo weIsraeri akazviita somumwe munhu akaenda kundorwa.

31 Zvino mambo weAramu akanga arayira vatungamiri vake vengoro makumi matatu navaviri achiti, “Musarwa nomunhu upi zvake, muduku kana mukuru, kunze kwamambo weIsraeri.”

32 Vatungamiri vengoro pavakaona Jehoshafati, vakafunga kuti, “Zvirokwazvo uyu ndiye mambo weIsraeri.” Naizvozvo vakatendeuka kuti vamurwise, asi Jehoshafati paakaridza mhere,

33 vatungamiri vengoro vakaona kuti akanga asiriye mambo weIsraeri ndokubva varega kumutevera.

34 Asi mumwe murume akapfura museve wake chipfurepfure akabva abaya mambo weIsraeri paisangana zvipenga zvembatya dzake dzehondo. Mambo akati kumuchairi wengoro yake, “Tendeutsa ngoro undibvise pano pari kurwiwa. Ndakuvadzwa.”

35 Hondo yakarwiwa zuva rose, uye mambo akaita zvokutsigirwa mungoro yake akatarisa vaAramu. Ropa rakabva paronda rake rakaerera rikaenda mukati mengoro, uye manheru iwayo akabva afa.

36 Zuva parakanga rava kuvira, kwakadaidzirwa kuhondo yose kuti, “Munhu wose kuguta rake; munhu wose kunyika yake!”

37 Naizvozvo mambo akafa, akauyiswa kuSamaria, akavigwa ikoko.

38 Vakasuka ngoro padziva reSamaria (panova ndipo paishambira zvifeve), imbwa dzikananzva ropa rake, sezvakanga zvarehwa neshoko raJehovha.

39 Kana zviri zvimwe zvakaitika panguva yokutonga kwaAhabhu, zvichisanganisira zvose zvaakaita, muzinda waakavaka nenyanga dzenzou, namaguta aakavaka, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzegore negore dzamadzimambo eIsraeri?

40 Ahabhu akazorora namadzibaba ake. Ipapo Ahazia mwanakomana wake akamutevera paumambo.

Jehoshafati Mambo weJudha

41 Jehoshafati mwanakomana waAsa akava mambo weJudha mugore rechina raAhabhu, mambo weIsraeri.

42 Jehoshafati akanga ane makore makumi matatu namashanu okuberekwa paakava mambo, uye akatonga muJerusarema kwamakore makumi maviri namashanu. Zita ramai vake raiva Azubha, mwanasikana waShirihi.

43 Pazvinhu zvose akafamba munzira dzababa vake Asa uye haana kurasika achibva padziri; akaita zvakanga zvakanaka pamberi paJehovha. Zvisinei, nzvimbo dzakakwirira hadzina kubviswa, uye vanhu vakaramba vachipa zvibayiro uye vachipisa zvinonhuhwira ikoko.

44 Jehoshafati akanga ane rugarewo namambo weIsraeri.

45 Kana zviri zvimwe zvakaitika panguva yokutonga kwaJehoshafati, zvinhu zvaakaita nehondo dzaakarwa, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzegore negore dzamadzimambo eJudha?

46 Akabvisa panyika zvifeve zvavarume zvakanga zvasara kunyange mushure menguva yokutonga kwababa vake Asa.

47 Panguva iyoyo muEdhomu makanga musina mambo; maitongwa nejinda.

48 Zvino Jehoshafati akavaka chitsama chezvikepe chokutakurisa zvinhu zvokutengesa kuti zviende kuOfiri kundotora goridhe, asi hazvina kuenda nokuti zvakaparara paEzioni Gebheri.

49 Panguva iyoyo Ahazia mwanakomana waAhabhu akati kuna Jehoshafati, “Regai varanda vangu vaende navaranda venyu nezvikepe zvenyu.” Asi Jehoshafati akaramba.

50 Ipapo Jehoshafati akazorora namadzibaba ake akavigwa pavakavigwa muguta raDhavhidhi baba vake. Ipapo Jehoramu mwanakomana wake akamutevera paumambo.

Ahazia Mambo weIsraeri

51 Ahazia mwanakomana waAhabhu akava mambo weIsraeri muSamaria mugore regumi namanomwe raJehoshafati mambo weJudha, uye akatonga Israeri kwamakore maviri.

52 Akaita zvakaipa pamberi paJehovha nokuti akafamba munzira dzababa namai vake nomunzira dzaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, akaita kuti Israeri iite chivi.

53 Akashandira uye akanamata Bhaari, akaita kuti Jehovha, Mwari weIsraeri atsamwe, sezvakanga zvaitwa nababa vake.