Categories
1 Makoronike

1 Makoronike 21

Dhavhidhi anoverenga varwi

1 Satani akamukira Israeri akakurudzira Dhavhidhi kuti averenge vaIsraeri.

2 Saka Dhavhidhi akati kuna Joabhu navatungamiri vamapoka avarwi, “Endai mundoverenga vaIsraeri vose kubva kuBheerishebha kusvikira kuDhani. Uye mugozondiudza kuitira kuti ndizive kuti vangani variko.”

3 Asi Joabhu akapindura akati, “Jehovha ngavawedzere uwandu hwavarwi vake kakapetwa kazana. Ishe wangu mambo, ava vose havasi pasi petsoka dzenyu here? Seiko ishe wangu muchida kuita izvi? Sei muchida kuuyisa mhosva kuna Israeri?”

4 Zvisinei, shoko ramambo rakakunda raJoabhu, saka Joabhu akabvapo akaenda muIsraeri yose uye akadzokera kuJerusarema.

5 Joabhu akataurira Dhavhidhi uwandu hwavarwi achiti muIsraeri yose maiva navanhu vaigona kubata munondo vaisvika miriyoni nezana rezviuru zvavarume, vachisanganisira zviuru mazana mana nemakumi manomwe muJudha.

6 Asi Joabhu haana kusanganisira Revhi naBhenjamini mukuverenga uku, nokuti kurayira kwamambo kwakanga kwakaipa kwazvo kwaari.

7 Kurayira uku kwakanga kwakaipawo pamberi paMwari, saka akaranga Israeri.

8 Ipapo Dhavhidhi akati kuna Mwari, “Ndakatadza zvikuru pandakaita chinhu ichi. Zvino ndinokumbirawo kuti mubvise kuipa kwomuranda wenyu. Ndakaita sebenzi kwazvo.”

9 Jehovha akati kuna Gadhi muoni waDhavhidhi,

10 “Enda undotaurira Dhavhidhi kuti, ‘Zvanzi naJehovha: Ndinokupa zvinhu zvitatu zvokusarudza. Zvisarudzire chaunoda kuti ndikuitire ndichikuranga.’ ”

11 Saka Gadhi akaenda kuna Dhavhidhi akati kwaari, “Zvanzi naJehovha: ‘Sarudza pakati peizvi:

12 Makore matatu enzara, mwedzi mitatu yokutsvairwa pamberi pavavengi vako, minondo yavo ichikuparadzai, kana kuti mazuva matatu omunondo waJehovha, mazuva edenda munyika mutumwa waJehovha achiparadza panyika yose yaIsraeri.’ Zvino saka zvisarudzirei kuti ndinganopindura sei uyo akandituma.”

13 Dhavhidhi akati kuna Gadhi, “Ndiri mukutambudzika kukuru kwazvo. Rega hako ndiwire mumaoko aJehovha nokuti tsitsi dzake dzakakura kwazvo, asi musandirega ndichiwira mumaoko avanhu.”

14 Saka Jehovha akatumira denda muIsraeri uye zviuru makumi manomwe zvavarume veIsraeri vakawira pasi vakafa.

15 Uye Jehovha akatuma mutumwa kuti aparadze Jerusarema, asi mutumwa uya paakanga achiita izvi Jehovha akazviona uye akazvidemba nokuda kwedambudziko iri akati kumutumwa aiparadza vanhu, “Zvakwana! Dzosa ruoko rwako.” Mutumwa waJehovha ipapo akanga akamira paburiro raArauna muJebhusi.

16 Dhavhidhi akatarisa kumusoro akaona mutumwa waJehovha akamira pakati pedenga nenyika, aine munondo muruoko rwake akarutambanudzira pamusoro peJerusarema. Ipapo Dhavhidhi navakuru vose vakapfeka masaga, vakawira pasi vakatsikitsira zviso zvavo.

17 Dhavhidhi akati kuna Mwari, “Handisini here ndakarayira kuti varwi vose vaverengwe? Ndini ndakatadza ndikaita zvakaipa, ava vanongova makwai chete. Vakaiteiko? Haiwa Jehovha, Mwari wangu, regai ruoko rwenyu ruwire pandiri ini nemhuri yangu, asi musarega denda iri riri pamusoro pavanhu venyu.”

18 Ipapo mutumwa waJehovha akarayira Gadhi kuti ataurire Dhavhidhi kuti akwire andovakira Jehovha aritari muburiro raArauna muJebhusi.

19 Saka Dhavhidhi akakwidza mukuteerera shoko rakanga rataurwa naGadhi muzita raJehovha.

20 Arauna paakanga achipura zviyo, akacheuka akaona mutumwa; vanakomana vake vana vaaiva navo vakanohwanda.

21 Ipapo Dhavhidhi akaswedera, uye Arauna paakatarisa akamuona, akasiya buriro akakotamira pasi pamberi paDhavhidhi akaisa chiso chake pasi.

22 Dhavhidhi akati kwaari, “Ndipewo nzvimbo yeburiro rako kuti ndigovakira Jehovha aritari, kuti denda riri pavanhu rimiswe. Nditengeserewo nomutengo waro wakazara.”

23 Arauna akati kuna Dhavhidhi, “Ritorei henyu! Ishe wangu mambo ngavaite zvinovafadza. Tarirai ndichakupai nzombe yezvibayiro zvinopiswa, matanda okupurisa dzive huni, uye zviyo zvive zvipiriso zvoupfu. Ndichakupai zvose izvi.”

24 Asi mambo Dhavhidhi akapindura Arauna akati, “Kwete, ndinoda kutenga nomutengo wakazara. Handingatori ndichipa Jehovha zvinhu zvako iwe kana kubayira chipiriso chinopiswa chandisina kuripira.”

25 Saka Dhavhidhi akaripira Arauna mashekeri mazana matanhatuegoridhe kuti apiwe nzvimbo iyi.

26 Dhavhidhi akavaka aritari kuna Jehovha ipapo uye akapa zvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvokuwadzana. Akadana kuna Jehovha uye Jehovha akamupindura nomoto wakabva kudenga ukaenda paaritari yezvipiriso zvinopiswa.

27 Ipapo Jehovha akataurira mutumwa iye akadzorera munondo wake mumuhara wawo.

28 Panguva iyoyo Dhavhidhi paakaona kuti Jehovha akanga amupindura paburiro raArauna muJebhusi, akapa zvipiriso ipapo.

29 Tabhenakeri yaJehovha yakanga yagadzirwa naMozisi murenje. Nearitari yezvipiriso zvinopiswa zvakanga zviri panzvimbo yakakwirira paGibheoni panguva iyoyo.

30 Asi Dhavhidhi haaikwanisa kuenda pamberi payo kundobvunza Mwari nokuti aitya munondo womutumwa waJehovha.

Categories
1 Makoronike

1 Makoronike 22

1 Ipapo Dhavhidhi akati, “Imba yaJehovha Mwari inofanira kuva pano, pamwe chete nearitari yezvipiriso zvinopisirwa Israeri.”

Kugadzirira kuvaka Temberi

2 Saka Dhavhidhi akarayira kuti vatorwa vose vaigara muIsraeri vaungane pamwe chete, uye kubva mukati mavo akasarudza vavezi vamatombo kuti vagadzire matombo akavezwa zvakanaka okuvakisa imba yaMwari.

3 Akapa simbi dzakawanda kwazvo kuti dzigoshandiswa kugadzirisa zvipikiri zvamakonhi apamasuo nezvikorekedzo uye ndarira yakawanda kupfuura yaigona kuiswa pachikero.

4 Akapawo zvakare matanda emisidhari akawanda kupfuura aigona kuverengwa, nokuti vaSidhoni nevaTire vakanga vavigira Dhavhidhi matanda akawanda.

5 Dhavhidhi akati, “Mwanakomana wangu Soromoni mudiki kwazvo uye haasati ava noruzivo, uye imba ichavakirwa Jehovha inofanira kuva huru kwazvo, inorumbidzwa uye inokudzwa kwazvo pamberi pendudzi dzose. Saka ndichaigadzirira.” Saka Dhavhidhi akagadzirira zvikuru kwazvo asati afa.

6 Ipapo akadana mwanakomana wake Soromoni akamurayira kuti avake imba yaJehovha, Mwari weIsraeri.

7 Dhavhidhi akati kuna Soromoni, “Mwanakomana wangu zvaiva mumwoyo mangu kuti ndivakire Zita raJehovha Mwari wangu imba.

8 Asi shoko iri raJehovha rakauya kwandiri richiti, ‘Wakadeura ropa zhinji uye ukarwa hondo dzakawanda. Iwe haungavakiri Zita rangu imba, nokuti wakadeura ropa rakawanda kwazvo pamberi pouso hwangu.

9 Asi uchava nomwanakomana achava murume worugare nokuzorora, uye ndichamupa zororo kubva kuvavengi vake kumativi ose. Zita rake achanzi Soromoni uye ndichapa Israeri runyararo norugare panguva yokutonga kwake.

10 Iyeye ndiye achavakira Zita rangu imba. Achava mwanakomana wangu uye ini ndichava baba vake. Uye ndichasimbisa chigaro choumambo hwake pamusoro peIsraeri nokusingaperi.’

11 “Zvino mwanakomana wangu, Jehovha ave newe, uye uve nokubudirira uye uvake imba yaJehovha Mwari wako sezvaakati uchaita.

12 Jehovha ngaakupe uchenjeri nokunzwisisa paachakuisa pakutonga pamusoro peIsraeri, kuitira kuti uchengete murayiro waJehovha Mwari wako.

13 Ipapo uchava nokubudirira kana ukachenjerera kuchengetedza mitemo nemirayiro yakapiwa Mozisi naJehovha kuti ape Israeri. Iva nesimba utsunge mwoyo. Usatya uye usaora mwoyo.

14 “Ndakatambura zvikuru kwazvo kuti ndipe kutemberi yaJehovha matarenda zviuru zanazvegoridhe, matarenda miriyoniesirivha, ndarira nesimbi yakawanda zvokuti haingayerwe pachikero, namatanda namatombo. Uye unogona kuwedzera pamusoro pazvo.

15 Une varume vebasa vazhinji kwazvo: vavezi vamatombo, vavezi vamatanda navamwe varume vane unyanzvi mumabasa ose akasiyana-siyana

16 mune zvegoridhe nesirivha, ndarira nesimbi navarume voumhizha vasingaverengeki. Zvino chitanga basa uye Jehovha ave newe.”

17 Ipapo Dhavhidhi akarayira vatungamiri vose veIsraeri kuti vabatsire mwanakomana wake Soromoni.

18 Akati kwavari, “Ko, Jehovha Mwari wenyu haasi nemi here? Uye haana kukupai zororo kumativi ose here? Nokuti akaisa vagari venyika iyi muruoko rwangu, uye nyika iri pasi paJehovha nepasi pavanhu vake.

19 Zvino zvipirei mwoyo nemweya kutsvaka Jehovha Mwari wenyu. Tangai kuvaka nzvimbo tsvene yaJehovha Mwari, kuitira kuti mugouyisa areka yesungano yaJehovha nemidziyo mitsvene yaMwari mutemberi ichavakirwa Zita raJehovha.”

Categories
1 Makoronike

1 Makoronike 23

VaRevhi

1 Dhavhidhi paakanga akwegura ava namakore mazhinji, akaita kuti mwanakomana wake Soromoni ave mambo pamusoro peIsraeri.

2 Akaunganidzawo vatungamiri vose veIsraeri pamwe chete navaprista navaRevhi.

3 VaRevhi vose vana makore makumi matatu zvichienda mberi vakaverengwa, uye varume vose vakasvika zviuru makumi matatu nezvisere.

4 Dhavhidhi akati, “Pane ava, zviuru makumi maviri nezvina vachava vatariri vebasa rokuvakwa kwetemberi yaJehovha uye zviuru zvitanhatu vachava vakuru navatongi.

5 Zviuru zvina vachava vachengeti vamasuo uye zviuru zvina vacharumbidza Jehovha nezviridzwa zvandakapa nokuda kwechikonzero ichi.”

6 Dhavhidhi akapatsanura vaRevhi akavaisa mumapoka zvichienderana navanakomana vaRevhi vaiti: Gerishoni, Kohati naMerari.

VaGerishoni

7 VokwaGerishoni vaiva:

Radhani naShimei.

8 Vanakomana vaRadhani vaiva:

Jehieri dangwe, Zetami naJoere, vatatu pamwe chete.

9 Vanakomana vaShimei vaiva:

Sheromoti, Hazieri naHarani, vatatu pamwe chete.

Ava ndivo vaiva vakuru vemhuri dzaRadhani.

10 Uye vanakomana vaShimei vaiva:

Jahati, Ziza, Jeushi naBheria.

Ava ndivo vaiva vanakomana vaShimei, vana pamwe chete.

11 (Jahati aiva wokutanga, Ziza ari wechipiri, asi Jeushi naBheria vakanga vasina vanakomana vakawanda; saka vakaverengwa semhuri imwe chete ine basa rimwe chete.)

VaKohati

12 Vanakomana vaKohati vaiva:

Amiramu, Izhari, Hebhuroni naUzieri, vana pamwe chete.

13 Vanakomana vaAmiramu vaiva:

Aroni naMozisi.

Aroni akatsaurwa iye nezvizvarwa zvake nokusingaperi, kuti anatse zvinhu zvaiva zvitsvene-tsvene, kuti vape zvipiriso pamberi paJehovha, kushumira pamberi pake uye kutaura maropafadzo muzita rake nokusingaperi.

14 Vanakomana vaMozisi munhu waMwari vakaverengwa sechikamu chorudzi rwaRevhi.

15 Vanakomana vaMozisi vaiva:

Gerishomi naEriezeri.

16 Zvizvarwa zvaGerishomi:

Shubhaeri ndiye aiva wokutanga.

17 Zvizvarwa zvaEriezeri zvaiva:

Rehabhia ndiye aiva wokutanga.

(Eriezeri haana kuzoita vamwe vanakomana, asi Rehabhia akaita vanakomana vakawanda kwazvo.)

18 Vanakomana vaIzhari:

Sheromiti ndiye aiva wokutanga.

19 Vanakomana vaHebhuroni:

Jeria ndiye wokutanga, Amaria wechipiri,

Jahazieri wechitatu naJekameami wechina.

20 Vanakomana vaUzieri:

Mika wokutanga naIshia wechipiri.

VaMerari

21 Vanakomana vaMerari, vaiva:

Mari naMushi.

Vanakomana vaMari vaiva:

Ereazari naKishi.

22 (Ereazari akafa asina vanakomana: aingova navanasikana chete. Hama dzavo, vanakomana vaKishi vakavaroora.)

23 Vanakomana vaMushi vaiva:

Mari, Edheri, naJerimoti, vatatu pamwe chete.

24 Ava ndivo vaiva zvizvarwa zvaRevhi nemhuri dzavo, vakuru vemhuri sezvazvakanga vakanyorwa pasi pamazita avo uye vachiverengwa mumwe nomumwe, zvichireva vashandi vaiva namakore makumi maviri naanopfuura vaishanda mutemberi yaJehovha.

25 Nokuti Dhavhidhi akanga ati, “Sezvo Jehovha, Mwari waIsraeri apa zororo kuvanhu vake uye akauya kuzogara muJerusarema nokusingaperi,

26 vaRevhi havachafaniri kuramba vachitakura tabhenakeri kana mimwe midziyo yose yaishandiswa pabasa rayo.”

27 Maererano nokurayira kwaDhavhidhi kwokupedzisira, vaRevhi vakaverengwa kubva pana vana makore makumi maviri kana anopfuura ipapo.

28 Basa ravaRevhi raiva rokubatsira zvizvarwa zvaAroni, mukubata basa romutemberi yaJehovha: kuvatariri voruvanze, makamuri omumativi, kunatsa zvinhu zvose zvaiera, nokuita mamwe mabasa paimba yaMwari.

29 Vaiva vachengeti vechingwa chaiiswa patafura, upfu hwakatsetseka hwezvipiriso zvezviyo, zvingwa zvitete zvisina mbiriso, kubika nokusanganisa, uye zviero zvose zvouwandu noukuru.

30 Vaifanirawo zvakare kumira mangwanani oga oga vachitenda uye vachirumbidza Jehovha. Vaifanira kuita zvimwe chetezvo manheru

31 uye napose paipiwa zvipiriso zvinopiswa kuna Jehovha pamaSabata uye napamitambo yoKugara kwoMwedzi napane mimwe mitambo yakarayirwa. Vaifanira kushanda pamberi paJehovha nguva dzose nouwandu hwaidiwa uye nenzira yavakanga varayirwa kuti vaiite.

32 Nokudaro vaRevhi vakaita mabasa omuTende Rokusangana, romuNzvimbo Tsvene uye vari pasi pehama dzavo zvizvarwa zvaAroni, mubasa roushumiri mutemberi yaJehovha.

Categories
1 Makoronike

1 Makoronike 24

Mapoka aVaprista

1 Aya ndiwo aiva mapoka avanakomana vaAroni:

Vanakomana vaAroni vaiva: Nadhabhi, Abhihu, Ereazari naItamari.

2 Asi Nadhabhi naAbhihu vakafa baba vavo vasati vafa, uye vakanga vasina vanakomana; saka Ereazari naItamari vakashumira savaprista.

3 Achibatsirwa naZadhoki chizvarwa chaEreazari naAhimereki chizvarwa chaItamari, Dhavhidhi akavapatsanura akavaisa mumapoka kuti vaite basa ravo roushumiri ravakanga varayirwa.

4 Vatungamiri vazhinji vakanyanyowanikwa pane zvizvarwa zvaEreazari kupfuura pakati pezvizvarwa zvaItamari uye vakaiswa mumapoka zvakakodzerana: vakuru gumi navatanhatu kubva kuzvizvarwa zvaEreazari uye vakuru vasere kubva kuzvizvarwa zvaItamari.

5 Vakavaisa mumapoka zvakakodzerana, nokukanda mijenya nokuti paiva navabati venzvimbo tsvene navabati vaMwari pakati pezvizvarwa zvaEreazari nezvizvarwa zvaItamari.

6 Munyori Shemaya mwanakomana waNetaneri, muRevhi, akanyora mazita avo pamberi pamambo, napamberi pavabati vaiti: Zadhoki muprista, Ahimereki mwanakomana waAbhiatari navakuru vemhuri dzavaprista navaRevhi mhuri imwe chete ichitorwa kubva kuna Ereazari uye imwe chete kubva kuna Itamari.

7 Mujenya wokutanga wakawira pana Jehoyaribhi,

wechipiri pana Jedhaya,

8 wechitatu kuna Harimi,

wechina kuna Seorimi,

9 wechishanu kuna Marikia,

wechitanhatu kuna Miyamini,

10 wechinomwe kuna Hakozi,

wechisere kuna Abhija,

11 wepfumbamwe kuna Jeshua,

wegumi kuna Shekania,

12 wegumi nomumwe kuna Eriashibhi,

wegumi nembiri kuna Jakimi,

13 wegumi nenhatu kuna Hupa,

wegumi neina kuna Jeshebheabhi,

14 wegumi neshanu kuna Bhiriga,

wegumi nenhanhatu kuna Imeri,

15 wegumi nenomwe kuna Heziri,

wegumi netsere kuna Hapizezi,

16 wegumi nepfumbamwe kuna Petahia,

wemakumi maviri kuna Jehezikeri,

17 wemakumi maviri nomumwe kuna Jakini,

wemakumi maviri nembiri kuna Gamuri,

18 wemakumi maviri nenhatu kuna Dheraya,

uye wemakumi maviri neina kuna Maazia.

19 Iri ndiro raiva basa ravo roushumiri ravakanga varayirwa pavakapinda mutemberi yaJehovha, maererano nemitemo yavakanga vapiwa nababa wavo Aroni sokurayirwa kwaakanga aitwa naJehovha, Mwari waIsraeri.

Vamwe vaRevhi vose

20 Kana zviri zvimwe zvizvarwa zvaRevhi:

kubva kuvanakomana vaAmiramu, Shubhaeri;

kubva kuvanakomana vaShubhaeri: Jedheya.

21 Kana ari Rehabhia, kuvanakomana vake: Ishia aiva wokutanga.

22 Kubva kuvaIzhari: Sheromoti;

kubva kuvanakomana vaSheromoti: Jahati.

23 Vanakomana vaHebhuroni vaiva:

Jeria wokutanga, Amaria wechipiri, Jehazieri wechitatu naJekameami wechina.

24 Mwanakomana waUzieri aiva: Mika;

kubva kuvanakomana vaMika: Shamiri.

25 Mununʼuna waMika: Ishia;

kubva kuvanakomana vaIshia: Zekaria.

26 Vanakomana vaMerari vaiva: Mari naMushi.

Mwanakomana waJaazia aiva: Bheno.

27 Vanakomana vaMerari vaiva:

kubva kuna Jaazia: Bheno, Shoshami, Zakuri, naIbhiri.

28 Kubva kuna Mari: Ereazari, uye akanga asina vanakomana.

29 Kubva kuna Kishi mwanakomana waKishi aiva: Jerameeri.

30 Uye vanakomana vaMushi vaiti: Mari, Edheri naJerimoti.

Ava ndivo vaiva vaRevhi maererano nemhuri dzavo.

31 Vakakandawo mijenya sezvaingoita hama dzavo zvizvarwa zvaAroni, pamberi paMambo Dhavhidhi naZadhoki, Ahimereki navakuru vemhuri dzavaprista navaRevhi. Mhuri dzomukoma pane vose dzaingoverengwa zvimwe chetezvo sedzomudiki pane vose.

Categories
1 Makoronike

1 Makoronike 25

Vaimbi

1 Dhavhidhi, pamwe chete navatungamiri vehondo: vakatsaura vamwe vavanakomana vaAsafi, Hemani naJedhutuni kuti vaite ushumiri hwokuprofita kuchiridzwa mbira, mitengeranwa namakandira. Aya ndiwo mazita avarume vaiita basa iri.

2 Kubva kuvanakomana vaAsafi:

Zakuri, Josefa, Netania naAsarera. Vanakomana vaAsafi vaitungamirirwa naAsafi uyo aiprofita achitungamirirwa namambo.

3 Kana ari Jedhutuni, kuvanakomana vake:

Gedharia, Zeri, Jeshaya, Shimei, Hashabhia naMatitia, vatanhatu pamwe chete, vachitungamirirwa nababa vavo Jedhutuni uyo aiprofita achishandisa mbira mukuvonga nokurumbidza Jehovha.

4 Kana ari Hemani, kubva kuvanakomana vake:

Bhukia, Matania, Uzieri, Shubhaeri naJerimoti; Hanania, Hanani, Eriata, Gidhariti naRomamiti-Ezeri; Joshibhekasha, Maroti, Hotiri naMahazioti.

5 Vose ava vaiva vanakomana vaHemani muoni wamambo. Akavapiwa kubudikidza nezvivimbiso zvaMwari kuti amukudze. Mwari akapa Hemani vanakomana gumi navana, navanasikana vatatu.

6 Varume vose ava vaitungamirirwa namadzibaba avo mukuimba mutemberi yaJehovha, nomukuridza makandira nemitengeranwa nembira, kuti vaite ushumiri paimba yaMwari. Asafi, Jedhutuni naHemani vaiva pasi pamambo.

7 Pamwe chete nehama dzavo, vose vakadzidzira uye vakava nyanzvi mukuimbira Jehovha, vaisvika mazana maviri amakumi masere navasere.

8 Vaduku navakuru pamwe chete, mudzidzisi pamwe chete nomudzidzi, vakakanda mijenya pakupiwa mabasa avo.

9 Mujenya wokutanga waiva waAsafi, wakawira pana Josefa,

vanakomana vake nehama dzake—gumi navaviri;

wechipiri kuna Gedharia,

iye nehama dzake navanakomana vake—gumi navaviri;

10 wechitatu kuna Zakuri,

vanakomana vake nehama dzake—gumi navaviri;

11 wechina kuna Iziri,

vanakomana vake nehama dzake—gumi navaviri;

12 wechishanu kuna Netania,

vanakomana vake nehama dzake—gumi navaviri;

13 wechitanhatu kuna Bhukia,

vanakomana vake nehama dzake—gumi navaviri;

14 wechinomwe kuna Jesarera,

vanakomana vake nehama dzake—gumi navaviri;

15 worusere kuna Jeshaya,

vanakomana vake nehama dzake—gumi navaviri;

16 wepfumbamwe kuna Matania,

vanakomana vake nehama dzake—gumi navaviri;

17 wegumi kuna Shimei,

vanakomana vake nehama dzake—gumi navaviri;

18 wegumi nomumwe kuna Azareri,

vanakomana vake nehama dzake—gumi navaviri;

19 wegumi nemiviri kuna Hashabhia, vanakomana vake nehama dzake—gumi navaviri;

20 wegumi nemitatu kuna Shubhaeri, vanakomana vake nehama dzake—gumi navaviri;

21 wegumi nemina kuna Matitia, vanakomana vake nehama dzake—gumi navaviri;

22 wegumi nemishanu kuna Jerimoti, vanakomana vake nehama dzake—gumi navaviri;

23 wegumi nemitanhatu kuna Hanania, vanakomana vake nehama dzake—gumi navaviri;

24 wegumi neminomwe kuna Joshibhekasha,

vanakomana vake nehama dzake—gumi navaviri;

25 wegumi nemisere kuna Hanani, vanakomana vake nehama dzake—gumi navaviri;

26 wegumi nemipfumbamwe kuna Maroti,

vanakomana vake nehama dzake—gumi navaviri;

27 wamakumi maviri kuna Eriata,

vanakomana vake nehama dzake—gumi navaviri;

28 wamakumi maviri nomumwe kuna Hotiri,

vanakomana vake nehama dzake—gumi navaviri;

29 wamakumi maviri nemiviri kuna Gidhariti,

vanakomana vake nehama dzake—gumi navaviri;

30 wamakumi maviri nemitatu kuna Mahazioti,

vanakomana vake nehama dzake—gumi navaviri;

31 wamakumi maviri nemina kuna Romamiti-Ezeri,

vanakomana vake nehama dzake—gumi navaviri.

Categories
1 Makoronike

1 Makoronike 26

Vachengeti veMikova

1 Mapoka avachengeti vemikova aiva:

Kubva kuvaKora:

Mesheremia mwanakomana waKore, mumwe wavanakomana vaAsafi.

2 Mesheremia aiva navanakomana vaiti:

Zekaria dangwe, Jedhiaeri wechipiri,

Zebhadhia wechitatu, Jatinieri wechina,

3 Eramu wechishanu, Jehohanani wechitanhatu,

naEriehoenai wechinomwe.

4 Obhedhi-Edhomu aivawo navanakomana vaiti:

Shemaya dangwe, Jehozabhadhi wechipiri,

Joa wechitatu, Sakari wechina,

Netaneri wechishanu,

5 Amieri wechitanhatu,

Isakari wechinomwe naPeuretai wechisere.

(Nokuti Mwari akanga aropafadza Obedhi-Edhomu.)

6 Mwanakomana wake Shemaya aivawo navanakomana vaiva: vatungamiri mumhuri yababa vavo nokuti vaiva varume vaikwanisa kwazvo.

7 Vanakomana vaShemaya vaiti:

Otini, Refaeri, Obhedhi naErizabhadhi;

hama dzake Erihu naSemakia vaivawo varume vaikwanisa.

8 Vose ava vaiva zvizvarwa zvaObhedhi-Edhomu. Ivo navanakomana vavo nehama dzavo vaiva varume vaikwanisa vaine simba rokuita basa, zvizvarwa zvaObhedhi-Edhomu, vaisvika makumi matanhatu navaviri pamwe chete.

9 Mesheremia aiva navanakomana nehama vakanga vari varume voumhare vaisvika gumi navasere pamwe chete.

10 Hosa muMerati aiva navanakomana vaiti:

Shimiri wokutanga (kunyange zvake akanga asiri dangwe, baba vake vakamuita wokutanga.)

11 Hirikia wechipiri, Tabharia wechitatu

naZekaria wechina.

Vanakomana nehama dzaHosa vaiva gumi navatatu vose pamwe chete.

12 Aya mapoka avachengeti vamasuo, kubudikidza navakuru vavo, vaiva nemabasa okushumira mutemberi yaJehovha, sezvaingoitawo hama dzavo.

13 Mijenya yakakandwa nokuda kwesuo rimwe nerimwe, maererano nemhuri dzavo, vadiki nevakuru pamwe chete.

14 Mujenya weSuo Rokumabvazuva wakawira pana Sheremia.

Zvino mijenya yakakandwa nokuda kwomwanakomana wake Zekaria, mupi wamazano akachenjera uye mujenya weSuo Rokumusoro wakawira paari.

15 Mujenya weSuo Rezasi wakawira pana Obhedhi-Edhomu, uye mujenya wedura wakawira kuvanakomana vake.

16 Mijenya yeSuo Rokumadokero neSuo reShareketi kunzira yokumusoro yakawira kuna Shupimi naHosa.

Murindi aimira parutivi rwomumwe murindi.

17 Kumabvazuva kwainge kuine vaRevhi vatanhatu pazuva,

kurutivi rwokumusoro kuine vana pazuva,

zasi kuine vana pazuva

uye vaviri panguva imwe chete padura.

18 Kana rwuri ruvanze rwokumadokero kwaiva navana kunzira navaviri paruvanze chaipo.

19 Aya ndiwo aiva mapoka avachengeti vemasuo avo vaiva zvizvarwa zvaKora naMerari.

Vabati veHomwe yeMari naMamwe Machinda

20 Pakati pehama dzavo vaRevhi, Ahija ndiye aiva mukuru wavachengeti vepfuma yomumba yaMwari nepfuma yezvinhu zvakakumikidzwa.

21 Zvizvarwa zvaRadhani, avo vaiva vaGerishoni kubudikidza naRadhani uye vaiva vatungamiri vemhuri dzaRadhani muGerishoni vaiti: Jehieri,

22 vanakomana vaJeheri, Zetami, nomununʼuna wake Joere. Vaiva nebasa rokuchengeta pfuma yetemberi yaJehovha.

23 Kubva kuvaAmiramu, vaIzhari, vaHebhuroni navaUzieri:

24 Shubhaeri chizvarwa chaGerishoni mwanakomana waMozisi, ndiye aiva mukuru pakuchengetwa kwepfuma.

25 Hama dzake kubudikidza naEriezeri dzaiva: Rehabhia mwanakomana wake, Jeshaya mwanakomana wake, Joramu mwanakomana wake, Zikiri mwanakomana wake naSheromiti mwanakomana wake.

26 (Sheromiti nehama dzake vaiva nebasa rokuchengetedza pfuma yose yezvinhu zvakakumikidzwa naMambo Dhavhidhi, navakuru vemhuri dzavo vaiva vatungamiri vezviuru navatungamiri vamazana uye navamwe vatungamiri.

27 Zvimwe zvezvakapambwa muhondo vakazvikumikidza kuti zvishandiswe pakugadziridza temberi yaJehovha.

28 Uye zvose zvakakumikidzwa naSamueri muoni naSauro naJoabhu mwanakomana waZeruya, nezvimwe zvinhu zvose zvakakumikidzwa zvaichengetwa naSheromiti nehama dzake.)

29 Kubva kuvaIzhari:

Kenania navanakomana vake vakapiwa mabasa ekure netemberi vari machinda navatongi muIsraeri.

30 Kubva kuvaHebhuroni:

Hashabhia nehama dzake, varume chiuru namazana manomwe vaikwanisa ndivo vaiva vakuru muIsraeri kumadokero kweJorodhani pabasa rose raJehovha napabasa rose ramambo.

31 Kana vari vaHebhuroni, Jeria ndiye aiva mukuru wavo maererano nezvinyorwa zvenhoroondo dzemhuri dzavo.

(Mugore ramakumi mana rokutonga kwaDhavhidhi, pakaitwa ongororo yezvinyorwa zvenhoroondo, uye pakawanikwa varume vaikwanisa pakati pavaHebhuroni paJazeri muGireadhi.

32 Jeria aiva nehama zviuru zviviri namazana manomwe vaiva varume vaikwanisa uye vari vakuru vemhuri dzavo, uye Mambo Dhavhidhi akavaita kuti vave vatariri vavaRubheni, vaGhadhi, nehafu yorudzi rwaManase kuti vagadzirise nyaya dzose dzezvaMwari nenyaya dzose dzamambo.)

Categories
1 Makoronike

1 Makoronike 27

Mapoka eHondo

1 Aya ndiwo mazita avaIsraeri, vakuru vemhuri, vatungamiri vezviuru navatungamiri vamazana, namachinda avo, vaishandira mambo mune zvose pamusoro pamapoka avarwi ainge ari pabasa mwedzi nomwedzi mugore rose. Boka rimwe nerimwe raiva navarume zviuru makumi maviri nezvina.

2 Aitungamirira boka rokutanga mwedzi wokutanga, aiva Jashobheami mwanakomana waZabhidhieri. Muboka rake maiva navarume zviuru makumi maviri nezvina.

3 Aiva chizvarwa chaPerezi uyewo ari mukuru wavakuru vavavarwi vose mumwedzi wokutanga.

4 Aitungamirira boka remwedzi wechipiri ainzi Dhodhai muAhohi; Mikiroti ndiye aiva mutungamiri weboka rake. Muboka rake maiva nezviuru makumi maviri nezvina.

5 Mukuru wavarwi wechitatu mumwedzi wechitatu ainzi Bhenaya mwanakomana waJehoyadha muprista. Ndiye aiva mukuru uye muboka rake maiva navarume zviuru makumi maviri nezvina.

6 Uyu ndiye Bhenaya uya aiva mumwe woumhare pakati paMakumi Matatu uye aiva pamusoro paMakumi Matatu vacho. Mwanakomana wake Amizabhadhi ndiye aitungamirira boka rake.

7 Wechina pamwedzi wechina, aiva Asaheri mununʼuna waJoabhu; mwanakomana wake Zebhadhia ndiye akamutevera pakutungamirira boka iri. Muboka rake maiva navarume zviuru makumi maviri nezvina.

8 Wechishanu pamwedzi wechishanu, aiva mutungamiri Shamihuti muIzirahi. Muboka rake maiva navarume zviuru makumi maviri nezvina.

9 Wechitanhatu pamwedzi wechitanhatu, aiva Ira mwanakomana waIkeshi muTeko. Muboka rake maiva navarume zviuru makumi maviri nezvina.

10 Wechinomwe pamwedzi wechinomwe, aiva Herezi muPeroni, muEfuremu. Muboka rake maiva navarume zviuru makumi maviri nezvina.

11 Worusere, pamwedzi worusere, aiva Sibhekai muHushati muZerahi. Muboka rake maiva navarume zviuru makumi maviri nezvina.

12 Wechipfumbamwe, mumwedzi wechipfumbamwe, aiva Abhiezeri muAnatoti, muBhenjamini. Muboka rake maiva navarume zviuru makumi maviri nezvina.

13 Wegumi, mumwedzi wegumi, aiva Maharai muNetofati, muZerahi. Muboka rake maiva navarume zviuru makumi maviri nezvina.

14 Wegumi nomumwe, mumwedzi wegumi nomumwe, aiva Bhenaya muPiratoni, muEfuremu. Muboka rake maiva navarume zviuru makumi maviri nezvina.

15 Wegumi navaviri, mumwedzi wegumi nemiviri, aiva Heridhai muNetofati, aibva mumhuri yaOtinieri. Muboka rake maiva navarume zviuru makumi maviri nezvina.

Machinda aMarudzi

16 Machinda pamusoro pamarudzi aIsraeri aiti:

pamusoro pavaRubheni: Eriezeri mwanakomana waZikiri;

pamusoro pavaSimeoni: Shefatia mwanakomana waMaaka;

17 pamusoro paRevhi: Hashabhia mwanakomana waKemueri;

pamusoro paAroni: Zadhoki;

18 pamusoro paJudha: Erihu, mununʼuna waDhavhidhi;

pamusoro paIsakari: Omiri mwanakomana waMikaeri;

19 pamusoro paZebhuruni: Ishimaya mwanakomana waObhadhia;

pamusoro paNafutari: Jerimoti mwanakomana waAzirieri;

20 pamusoro pavaEfuremu: Hoshea mwanakomana waAzazia;

pamusoro pehafu yorudzi rwaManase: Joere mwanakomana waPedhaya;

21 pamusoro pehafu yorudzi rwaManase muGireadhi: Idho mwanakomana waZekaria;

pamusoro paBhenjamini: Jaasieri mwanakomana waAbhineri;

22 pamusoro paDhani: Azareri mwanakomana waJerohamu.

Ava ndivo vaiva machinda pamusoro pamarudzi avaIsraeri.

23 Dhavhidhi haana kuverenga varume vaiva namakore makumi maviri zvichidzika, nokuti Jehovha akanga avimbisa kuti vaIsraeri vaizowanda senyeredzi dziri mudenga.

24 Joabhu mwanakomana waZeruya akatanga kuverenga varume ava asi haana kuzopedza. Kutsamwa kwakauya pamusoro peIsraeri nokuda kwokuverengwa uku, saka uwandu uhu hahuna kuiswa mubhuku renhoroondo dzegore negore raMambo Dhavhidhi.

Vatariri vaMambo

25 Azimavheti mwanakomana waAdhieri aiva muchengeti wamatura amambo.

Jonatani mwanakomana waUzia aiva muchengeti wamatura kumaruwa okure, mumaguta, mumisha neshongwe dzavarindi.

26 Eziri mwanakomana waKerubhi aiva mutariri pamusoro wavashandi vairima minda.

27 Shimei muRamati aiva mutariri weminda yemizambiringa.

Zabhidhi muShifimi aiva mutariri wezvibereko zveminda yemizambiringa zvokuzoisa muzvirongo zvewaini.

28 Bhaari-Hanani muGedheri aiva mutariri wemiorivhi nemionde yakanga iri mujinga mezvikomo zvokumadokero.

Joashi aiva mutariri wamafuta omuorivhi.

29 Shitirai muSharoni, aiva mutariri wemombe dzaifura muSharoni.

Shafati mwanakomana waAdhirai ndiye aiva mutariri wemombe dzaiva mumipata.

30 Obhiri muIshumaeri aiva mutariri wengamera.

Jedheya muMeronoti aiva mutariri wembongoro.

31 Jazizi muHagiri aiva mutariri wamakwai.

Ava ndivo vaiva vabati vaichengeta pfuma yaMambo Dhavhidhi.

32 Jonatani, babamunini vaDhavhidhi vaiva mupi wamazano, murume woruzivo nomunyori.

Jehieri mwanakomana waHakimoni aiva muchengeti wavanakomana vamambo.

33 Ahitoferi aiva mupi wamazano kuna mambo.

Hushai muAriki aiva shamwari yamambo.

34 (Ahitoferi akazoteverwa pachinzvimbo naJehoyadha mwanakomana waBhenaya uye naAbhiatari.)

Joabhu ndiye aiva mutungamiri wehondo yamambo.

Categories
1 Makoronike

1 Makoronike 28

Urongwa hwaDhavhidhi pamusoro peTemberi

1 Dhavhidhi akarayira vabati veIsraeri vose kuti vaungane paJerusarema: vabati pamusoro pamarudzi, vatungamiri vamapoka aishandira mambo, vatungamiri vezviuru navatungamiri vamazana, navabati vaichengeta zvinhu nezvipfuwo zvamambo uye navanakomana vake, pamwe chete navabati vomumuzinda wamambo, varume vane simba nemhare dzose dzakashinga.

2 Mambo Dhavhidhi akasimuka akamira akati, “Teererai kwandiri, hama dzangu navanhu vangu. Zvakanga zviri mumwoyo mangu kuti ndivake imba senzvimbo yokuzororera yeareka yesungano yaJehovha, kuti zvive chitsiko chetsoka dzaMwari wedu, uye ndakaita urongwa hwokuivaka.

3 Asi Mwari akati kwandiri, ‘Iwe hausi kuzovakira Zita rangu imba, nokuti uri murwi uye wakateura ropa.’

4 “Asi Jehovha, Mwari waIsraeri, akandisarudza kubva kumhuri yangu yose kuti ndive mambo pamusoro paIsraeri nokusingaperi. Akasarudza Judha kuti ave mhuri yangu, uye kubva muvanakomana vababa vangu akafadzwa nokundiita mambo pamusoro peIsraeri.

5 Pavanakomana vangu vose, uye Jehovha akandipa vakawanda kwazvo, iye akasarudza mwanakomana wangu Soromoni kuti agare pachigaro choumambo hwaJehovha pamusoro paIsraeri.

6 Akati kwandiri, ‘Soromoni mwanakomana wako ndiye achavaka imba yangu nezvivanze zvangu, ndichava baba vake.

7 Ndichasimbisa umambo hwake nokusingaperi kana iye akatsungirira mukuita zvandakarayira nemitemo yangu sezviri kuitwa panguva ino.’

8 “Saka zvino ndinokurayira pamberi peIsraeri yose uye napamberi peungano yaJehovha, uye Mwari wedu achinzwa: Chenjerera kuti utevere kurayira kwose kwaJehovha senhaka kuvana vako nokusingaperi.

9 “Newewo mwanakomana wangu Soromoni, ziva Mwari wababa vako, uye umushumire nomwoyo wose uye nepfungwa dzako dzose, nokuti Jehovha anonzvera mwoyo uye anonzwisisa chinangwa chipi nechipi chiri mupfungwa. Ukamutsvaga achawanikwa newe, asi kana ukamurasa, iye achakuramba nokusingaperi.

10 Funga zvino, nokuti Jehovha akusarudza kuti uvake temberi senzvimbo tsvene. Iva nesimba uye uite basa iri.”

11 Ipapo Dhavhidhi akapa mwanakomana wake Soromoni urongwa hwebiravira retemberi, dzimba dzayo, matura ayo, makamuri ayo okumusoro, makamuri ayo omukati uye nenzvimbo yokuyananisira.

12 Akamupa urongwa hwazvose zvakanga zvaiswa noMweya mupfungwa make pamusoro pezvivanze zvetemberi yaJehovha namakamuri ose akapoteredza, pamusoro pamatura epfuma yetemberi yaMwari napamusoro pamatura ezvinhu zvakakumikidzwa.

13 Akamurayira zvokuita pamusoro pamapoka avaprista navaRevhi uye napamusoro pebasa rose rokushumira mutemberi yaJehovha, uyewo napamusoro pemidziyo yaizoshandiswa mubasa rayo.

14 Akarayira uremu hwegoridhe remidziyo yose yaizoshandiswa mumhando dzose dzokushumira, nouremu hwesirivha yemidziyo yose yaizoshandiswa mumhando dzose dzokushumira:

15 Uremu hwegoridhe rezvigadziko zvemwenje zvegoridhe nemwenje yazvo, nouremu hwechigadziko chomwenje chimwe nechimwe, nemwenje yacho, maererano nokushandiswa kwechigadziko chemwenje chimwe nechimwe.

16 Uremu hwegoridhe retafura imwe neimwe yechingwa chakatsaurwa; uremu hwesirivha yetafura dzesirivha;

17 uremu hwegoridhe rakanatswa reforogo, ndiro dzokusasa nemikombe; uremu hwegoridhe nedhishi rimwe nerimwe regoridhe; uremu hwesirivha yedhishi rimwe nerimwe resirivha;

18 uye uremu hwegoridhe rakanatswa nearitari yezvinonhuhwira. Akamupawo mufananidzo wengoro iyo ina makerubhi egoridhe akatambanudza mapapiro awo achifukidza areka yesungano yaJehovha.

19 Dhavhidhi akati, “Zvose izvi ndakazviziviswa zvanyorwa noruoko rwaJehovha uye akaita ndinzwisise urongwa hwake hwose.”

20 Dhavhidhi akatiwo kumwanakomana wake Soromoni, “Simba utsunge mwoyo, uye uite basa iri. Usatya kana kuora mwoyo, nokuti Jehovha Mwari, Mwari wangu, anewe. Haachazokusiyi kana kukurasa, kusvikira basa rose rokushandira temberi yaJehovha rapera.

21 Mapoka avaprista navaRevhi akagadzirira kuita basa rose rapatemberi yaMwari, uye murume wose anoda uye ane umhizha hupi nehupi pamabasa amaoko achakubatsira pabasa iri rose. Vabati vose navanhu vose vachateerera kurayira kwako kwose.”

Categories
1 Makoronike

1 Makoronike 29

Zvipo Zvokuvakisa Temberi

1 Ipapo Mambo Dhavhidhi akati kuungano yose, “Mwanakomana wangu Soromoni uyo asarudzwa naMwari mudiki uye haasati ava kunyatsogona. Basa iri iguru kwazvo nokuti muzinda uyu hausi womunhu asi ndowaJehovha Mwari.

2 Nokuwana kwangu kwose ndapa kutemberi yaMwari wangu goridhe pabasa regoridhe, sirivha pabasa resirivha, ndarira pabasa rendarira, simbi pabasa resimbi uye matanda pabasa ramatanda, pamwe chete neonikisi, namabwe okuisa mukati namatombo amavara akasiyana-siyana, namamwe mabwe akaurungana amarudzi ose namamwe machena, zvose izvi zvakawanda kwazvo.

3 Pamusoro pezvo mukuzvipira kwangu kutemberi yaMwari wangu zvino ndava kupa upfumi hwangu pachangu hwegoridhe nesirivha kutemberi yaMwari wangu, ndichiwedzera pamusoro pezvose zvandakapa kutemberi iyi tsvene zvinoti:

4 Matarenda zviuru zvitatuegoridhe (goridhe reOfiri) namatarenda zviuru zvinomweesirivha yakanatswa yokufukidza madziro edzimba,

5 kuitira basa regoridhe, nebasa resirivha uye kuti basa rose riitwe navarume voumhizha. Zvino ndiani anoda kuzvitsaurira kuna Jehovha nhasi!”

6 Ipapo vatungamiri vemhuri, vakuru vamarudzi eIsraeri, vatungamiri vezviuru, vatungamiri vamazana namachinda aitungamirira basa ramambo vakapa nomwoyo unoda.

7 Vakapa kubasa rapatemberi matarenda zviuru zvishanunamadhariki zviuru gumiegoridhe, matarenda zviuru gumiesirivha, matarenda zviuru gumi nezvisereendarira, namatarenda zviuru zanaesimbi.

8 Ani naani akanga ane matombo anokosha akapa ose kuimba yokuchengeta pfuma yetemberi yaJehovha zvichichengetwa naJehieri muGerishoni.

9 Vanhu vakapembera nomufaro pavakaona kuti vatungamiri vavo vakanga vapa nomwoyo unoda, nokuti vakanga vapa kuna Jehovha vakasununguka uye nomwoyo wose. Mambo Dhavhidhi akafarawo zvikuru.

Munyengetero waDhavhidhi

10 Dhavhidhi akarumbidza Jehovha pamberi peungano yose achiti,

“Rumbidzwai imi Jehovha,

Mwari wababa vedu Israeri,

kubva kusingaperi kusvika kusingaperi.

11 Ukuru nesimba ndezvenyu, imi Jehovha,

kukudzwa noushe nokubwinya,

nokuti zvose zviri kudenga napasi ndezvenyu.

Umambo ndohwenyu,

imi Jehovha munokudzwa somusoro wezvose.

12 Upfumi nokuremekedzwa zvinobva kwamuri;

ndimi mutongi wezvinhu zvose.

Mumaoko enyu mune simba noushe

kuti musimudzire uye musimbise vanhu vose.

13 Zvino, Mwari wedu, tinokuvongai,

uye tinorumbidza zita renyu rakanakisa.

14 “Asi ini ndini aniko, uye vanhu vangu ndivanaaniko kuti tingakwanisa kupa zvakawanda kudai? Zvose zvinobva kwamuri, uye tangokupai chete zvinobva mumaoko enyu.

15 Tiri vatorwa navapfuuri pamberi penyu, sezvakanga zvakaita madzibaba edu ose. Mazuva edu panyika akaita somumvuri, asina tariro.

16 Imi Jehovha, Mwari wedu, izvi zvose zvakawanda kudai zvatapa kuti temberi yenyu ivakwe nokuda kweZita renyu Dzvene zvinobva muruoko rwenyu uye zvose ndezvenyu.

17 Ndinoziva, Mwari wangu, kuti munoedza mwoyo uye munofadzwa nokururama. Zvinhu zvose izvi ndakupai ndichida uye nomwoyo wakatendeka. Uye zvino ndaona ndikafadzwa namapiro aita vanhu venyu vari pano kwamuri nomwoyo unoda.

18 Imi Jehovha, Mwari wamadzibaba edu Abhurahama, Isaka, naIsraeri, chengetedzai kudokwairira kwakadai mumwoyo yavanhu venyu nokusingaperi, uye muite kuti mwoyo yavo irambe yakazvipira kwamuri.

19 Uye ipai mwanakomana wangu Soromoni mwoyo wakaperera kuti achengete mirayiro yenyu, zvose zvamunoda nemitemo yenyu uye kuti aite zvose kuti avake muzinda wandagadzirira zvose izvi.”

20 Ipapo Dhavhidhi akati kuungano yose, “Rumbidzai Jehovha Mwari wenyu.” Saka vose vakarumbidza Jehovha, Mwari wamadzibaba avo; vakakotamira pasi vakawira pasi nezviso pamberi paJehovha naMambo.

Soromoni anogamuchirwa saMambo

21 Zuva raitevera vakapa zvipiriso kuna Jehovha vakapa zvipiriso zvinopiswa kwaari zvinoti: hando chiuru, makondobwe chiuru, namakwayana makono chiuru, pamwe chete nezvipiriso zvavo zvokunwa, nezvimwe zvibayiro zvakawanda zveIsraeri.

22 Vakadya uye vakanwa nomufaro mukuru pamberi paJehovha zuva iroro.

Ipapo vakazogamuchira Soromoni mwanakomana waDhavhidhi samambo kechipiri, vakamuzodza pamberi paJehovha kuti ave mutongi, uye Zadhoki ave muprista.

23 Saka Soromoni akagara pachigaro choushe chaJehovha samambo panzvimbo yababa vake Dhavhidhi. Akabudirira uye Israeri yose yakamuteerera.

24 Vatungamiri vose pamwe chete navarume voumhare, pamwe chete navanakomana vose vaMambo vaDhavhidhi vakavimbisa kuzviisa pasi paMambo Soromoni.

25 Jehovha akasimudzira Soromoni kwazvo pamberi peIsraeri yose akaisa paari kukudzwa kwoumambo kusina kumbopiwa mumwe mambo weIsraeri akamutangira.

Kufa kwaDhavhidhi

26 Dhavhidhi mwanakomana waJese aiva mambo pamusoro peIsraeri yose.

27 Akatonga Israeri kwamakore makumi mana, manomwe muHebhuroni uye makumi matatu namatatu muJerusarema.

28 Akafa akwegura zvikuru ararama upenyu hurefu, hune upfumi nokukudzwa. Mwanakomana wake Soromoni akamutevera paumambo.

29 Kana zviri zvinhu zvakaitika panguva yokutonga kwaMambo Dhavhidhi kubva pakutanga kusvika kumagumo, zvakanyorwa muzvinyorwa zvaSamueri muoni, zvinyorwa zvaNatani muprofita, uye nomuzvinyorwa zvaGadhi muoni,

30 pamwe chete nenhoroondo dzokutonga kwake, uye nesimba, nezvinhu zvakaitika kwaari iye neIsraeri noumambo hwedzimwe nyika dzose.