Categories
1 Samueri

1 Samueri 1

Kuberekwa kwaSamueri

1 Zvino kwakanga kuno mumwe murume weRamataimu, muZufi, wenyika yamakomo yaEfuremu, ainzi Erikana, mwanakomana waJerohamu, mwanakomana waErihu, mwanakomana waTohu, mwanakomana waZufi muEfuremu.

2 Aiva navakadzi vaviri; mumwe ainzi Hana mumwe achinzi Penina. Penina akanga ana vana asi Hana akanga asina.

3 Gore negore murume uyu aibuda achibva muguta rake kuti andonamata nokubayira zvibayiro kuna Jehovha Wamasimba Ose paShiro, Hofini naFinehasi, vanakomana vaEri, vari vaprista vaJehovha.

4 Nguva dzose zuva rokuti Erikana abayire chibayiro raiti kana rasvika, aipa migove yenyama kumukadzi wake Penina nokuvanakomana vake navanasikana vake vose.

5 Asi aipa Hana mugove wakapetwa kaviri nokuti aimuda, uye Jehovha akanga azarira chibereko chake.

6 Zvino nokuti Jehovha akanga azarira chibereko chake, muvengi wake Penina akaramba achingomudenha kuti amutsamwise.

7 Izvi zvakaitika gore negore. Nguva dzose Hana paaienda kuimba yaJehovha, muvengi wake aimudenha kusvikira achema obva atadza kudya.

8 Murume wake Erikana aibva ati kwaari, “Hana, uri kuchemei? Sei usingadyi? Wakasuwa neiko? Handikoshi here kwauri kudarika vanakomana gumi?”

9 Vakati vachangopedza kudya nokunwa muShiro, Hana akasimuka. Zvino Eri muprista akanga akagara pachigaro pamukova wetemberi yaJehovha.

10 Nokurwadziwa kwomwoyo, Hana akachema zvikuru akanamata kuna Jehovha.

11 Uye akaita mhiko achiti, “Jehovha Wamasimba Ose, dai mukangotarira bedzi pamusoro pokutambura kwomuranda wenyu mugondirangarira, mugorega kukanganwa muranda wenyu asi mumupe mwanakomana, ipapo ndichamupa kuna Jehovha kwamazuva ose oupenyu hwake, uye hakuna chisvo chichashandiswa pamusoro wake.”

12 Zvaakaramba achinamata kuna Jehovha, Eri akacherechedza muromo wake.

13 Hana akanga achinamata mumwoyo make uye miromo yake yakanga ichifamba asi inzwi rake rakanga risinganzwiki. Eri akafunga kuti akanga akadhakwa,

14 akati kwaari, “Ucharamba uchidhakwa kusvika riniko? Siyana newaini yako.”

15 Hana akapindura akati, “Kwete, ishe wangu, ndiri mukadzi ane shungu pamweya. Ndanga ndisinganwi waini kana doro; ndanga ndichidurura mwoyo wangu kuna Jehovha.

16 Musatora muranda wenyu somukadzi akaipa; ndanga ndichinyengetera pano zvichibva mukushushikana nokutambudzika kwangu kukuru.”

17 Eri akapindura achiti, “Enda norugare, uye Mwari waIsraeri ngaakupe zvawakumbira kwaari.”

18 Akati, “Murandakadzi wenyu ngaawane nyasha pamberi penyu.” Ipapo akaenda hake akandodya, uye uso hwake hahuna kuzoramba hwakasuruvara.

19 Mangwanani omusi waitevera vakamuka vakanamata pamberi paJehovha vakadzokera kumusha kwavo kuRama. Erikana akasangana naHana mukadzi wake, Jehovha akamurangarira.

20 Naizvozvo nokufamba kwenguva, Hana akabata pamuviri akabereka mwana mukomana. Akamutumidza zita rokuti Samueri, achiti, “Nokuti ndakamukumbira kuna Jehovha.”

Hana anokumikidza Samueri

21 Zvino murume uyu Erikana paakaenda nemhuri yake yose kundopa zvibayiro zvapagore kuna Jehovha nokundozadzisa mhiko yake,

22 Hana haana kuenda. Akati kumurume wake, “Mushure mokunge mukomana uyu ndamurumura, ndichamutora ndigomupa kuna Jehovha, uye achagara ikoko nguva dzose.”

23 Erikana murume wake akati kwaari, “Ita zvaunoona zvakakunakira. Gara pano kusvikira wamurumura; dai Jehovha asimbisa shoko rake bedzi.” Naizvozvo mukadzi uyu akagara kumba akarera mwanakomana wake kusvikira amurumura.

24 Mushure mokunge arumurwa, akatora mukomana uyu, ari mudiki sezvaaiva, pamwe chete nehando yamakore matatu neefayoupfu hwakatsetseka nedende rewaini, uye akaenda naye kuimba yaJehovha kuShiro.

25 Vakati vauraya hando, vakaenda nomukomana kuna Eri,

26 uye Hana akati kwaari, “Zvirokwazvo noupenyu hwenyu ishe wangu, ndini mukadzi uya akamira parutivi penyu ndichinyengetera kuna Jehovha.

27 Ndakakumbira mwana uyu, uye Jehovha andipa zvandakamukumbira.

28 Saka iye zvino ndinomupa kuna Jehovha. Kwoupenyu hwake hwose achapiwa kuna Jehovha.” Uye akanamata Jehovha ipapo.

Categories
1 Samueri

1 Samueri 2

Munyengetero waHana

1 Ipapo Hana akanyengetera achiti:

“Mwoyo wangu unofara muna Jehovha;

muna Jehovha runyanga rwangu rwasimudzirwa kumusoro.

Muromo wangu unotaura usingatyi pamusoro pavavengi vangu,

nokuti ndinofarira ruponeso rwenyu.

2 “Hakuna mutsvene akaita saJehovha;

hakuna mumwe kunze kwenyu;

hakuna Dombo rakaita saMwari wedu.

3 “Usaramba uchitaura uchizvikudza

uye manyawi ngaarege kubuda mumuromo mako,

nokuti Jehovha ndiMwari anoziva,

uye naye mabasa anoyerwa.

4 “Uta hwavarwi hwatyorwa,

asi avo vakagumburwa vashongedzwa simba.

5 Avo vaiva vakaguta vakandoshandira zvokudya zvavo,

asi avo vaiva nenzara havachanzwi nzara zvakare.

Uyo aiva asingabereki abereka vana vanomwe,

asi iye akanga ana vana vazhinji oshayiwa simba.

6 “Jehovha ndiye anouraya uye ndiye anoraramisa;

anodzikisa kuguva uye anomutsawo.

7 Jehovha ndiye anopa urombo uye noupfumi;

uye anoninipisa uye anosimudzira.

8 Anosimudza varombo kubva paguruva

uye anosimudza vanoshaya kubva padurunhuru ramadota;

anovagarisa namachinda

uye anovaita kuti vagare nhaka yechigaro choumambo chokukudzwa.

“Nokuti nheyo dzenyika ndedzaJehovha,

pamusoro padzo akamisa nyika.

9 Acharinda tsoka dzavatsvene vake,

asi vakaipa vachanyaradzwa murima.

“Nokuti hakuna munhu achakunda nesimba rake.

10 Avo vanopikisa Jehovha vachaparadzwa.

Achavatinhirira ari kudenga;

Jehovha achatonga magumo enyika.

“Achapa simba kuna mambo wake,

uye achasimudzira runyanga rwomuzodziwa wake.”

11 Zvino Erikana akaenda kumusha kwake kuRama, asi mukomana akashumira pamberi paJehovha ari pasi paEri muprista.

Vanakomana vaEri vakanga vakaipa

12 Vanakomana vaEri vakanga vari vanhu vakaipa; vakanga vasina hanya naJehovha.

13 Zvino yakanga iri tsika yavaprista kuvanhu kuti munhu paaibayira chibayiro uye nyama ichiri kubikwa, muranda womuprista aiuya neforogo ine zvibayiso zvitatu muruoko rwake.

14 Aiinyudza mugango, kana muhadyana, kana mugate kana mupoto, ipapo muprista ozvitorera chero zvainge zvabudiswa neforogo. Aya ndiwo mabatiro avaiita nawo vaIsraeri vose vaiuya kuShiro.

15 Asi, kunyange mafuta asati atsva, muranda womuprista aiuya achiti kumurume aibayira chibayiro, “Ipa muprista nyama yokugocha; haasi kuzogamuchira nyama yakabikwa kubva kwauri, asi mbishi chete.”

16 Kana murume uya aiti kwaari, “Rega mafuta ambotanga atsva uye iwe ugozotora chero zvaunoda,” muranda aibva apindura achiti, “Kwete, ndipe kuno izvozvi; kana ukasandipa ndichaitora nechisimba.”

17 Ichi chivi chamajaya aya chaiva chakakura kwazvo pamberi paJehovha, nokuti vaizvidza chipo chaJehovha.

18 Asi Samueri aishumira pamberi paJehovha, mukomana aive akapfeka efodhi yomucheka.

19 Gore rimwe nerimwe, mai vake vaimuitira nguo diki uye vaienda nayo kwaari pavaienda nomurume wavo kundopa chibayiro chegore.

20 Eri aibva aropafadza Erikana nomukadzi wake achiti, “Jehovha ngaakupe vana nomukadzi uyu kuti vatore nzvimbo youyo waakakumbira uye akamupa kuna Jehovha.” Ipapo vaibva vaenda kumusha kwavo.

21 Zvino Jehovha akava nenyasha kuna Hana; akabata pamuviri akabereka vanakomana vatatu navanasikana vaviri. Zvichakadaro, mukomana uyu Samueri akakura ari pamberi paJehovha.

22 Zvino Eri, uyo akanga akwegura kwazvo, akanzwa zvose zvaiitwa navanakomana vake kuvaIsraeri vose zvokuti vairara namadzimai aishumira pasuo reTende Rokusangana.

23 Saka akati kwavari, “Sei muchiita zvinhu zvakadai? Ndinonzwa navanhu vose pamusoro pezviito zvenyu zvakaipa izvi.

24 Kwete, vana vangu; harisi shoko rakanaka randinonzwa richipararira pakati pavanhu vaJehovha.

25 Kana munhu akatadzira mumwe munhu, Mwari angamumiririre, asi kana munhu akatadzira Jehovha, ndiani angamumiririre?” Kunyange zvakadaro, vanakomana vake havana kuteerera kutsiura kwababa vavo, nokuti kwaiva kuda kwaJehovha kuti avauraye.

26 Zvino mukomana uyu Samueri akaramba achikura pamumhu uye napakudiwa naJehovha navanhu.

Chiprofita pamusoro peimba yaEri

27 Zvino munhu waMwari akauya kuna Eri akati kwaari, “Zvanzi naJehovha: ‘Handina kuzviratidza pachena kuimba yababa vako here pavaiva muIjipiti pasi paFaro?

28 Ndakasarudza baba vako kubva kumarudzi ose aIsraeri kuti vave muprista wangu, kuti vakwire kuaritari yangu, kundopisa zvinonhuhwira, uye kuti vapfeke efodhi pamberi pangu. Ndakapawo imba yababa vako zvose zvipiriso zvaipiswa navaIsraeri.

29 Sei muchizvidza chibayiro changu nechipiriso changu, zvandakarayira mumba mangu? Sei muchikudza vanakomana venyu kudarika ini nokuzvikudza pachenyu nezvikamu zvakanakisisa zvezvipiriso zvose zvinopiwa navanhu vangu veIsraeri?’

30 “Naizvozvo Jehovha, Mwari weIsraeri, anoti, ‘Ndakavimbisa kuti imba yako neimba yababa vako dzichashumira pamberi pangu nokusingaperi.’ Asi zvino Jehovha anoti, ‘Ngazvive kure neni! Avo vanondikudza ndichavakudza, asi avo vanondizvidza vachadzikisiswa.

31 Nguva iri kuuya yandichagura simba rako nesimba reimba yababa vako, zvokuti hakuchazova nomutana mumhuri yako

32 uye uchaona kutambudzika muimba yangu. Kunyange zvazvo zvakanaka zvichizoitirwa Israeri, mumhuri yako hamuzofi makava nomutana.

33 Mumwe nomumwe wenyu wandisingabvisi paaritari yangu achasiyiwa kuti apofumadze meso enyu nemisodzi uye kuti arwadzise mwoyo yenyu, uye zvizvarwa zvako zvose zvichafa zvichine simba.

34 “ ‘Uye zvichaitika kuvanakomana vako vaviri, Hofini naFinehasi zvichava chiratidzo kwauri, vachafa vose zuva rimwe chete.

35 Ndichazvimutsira muprista akatendeka, achaita zvinoenderana nezviri mumwoyo mangu nomundangariro dzangu. Ndichamisa imba yake zvakasimba, uye achashumira pamberi pomuzodziwa wangu nguva dzose.

36 Ipapo wose achasara mumhuri yako achauya agokotama pamberi pake kuti apiwe mari yesirivha nechimedu chechingwa agokumbirisa achiti, “Dondipaiwo rimwe basa rouprista kuti ndingowana zvokudya.” ’ ”

Categories
1 Samueri

1 Samueri 3

Jehovha anodana Samueri

1 Mukomana uyu Samueri aishumira pamberi paJehovha ari pasi paEri. Mumazuva iwayo shoko raJehovha rakanga risinganzwiki zvakanyanya, kwakanga kusina zviratidzo zvizhinji.

2 Rimwe zuva usiku, Eri akanga akavata panzvimbo yake yamazuva ose, uye meso ake akanga oonera madzerere, asisagoni kuona zvakanaka.

3 Mwenje waMwari wakanga usati wadzimwa, uye Samueri akanga akarara pasi mutemberi yaJehovha, maiva neareka yaMwari.

4 Ipapo Jehovha akadana Samueri.

Samueri akadavira achiti, “Ndiri pano.”

5 Akamhanya kuna Eri akasvikoti, “Ndiri pano, nokuti mandidana.”

Eri akati, “Handina kukudana; dzokera unorara.” Saka akaenda akanorara.

6 Jehovha akadana zvakare achiti, “Samueri!” Uye Samueri akasimuka akaenda kuna Eri akati, “Ndiri pano, nokuti mandidana.”

Eri akati, “Mwanakomana wangu, handina kukudana; dzokera unorara.”

7 Zvino Samueri akanga asati aziva Jehovha. Shoko raJehovha rakanga risati razarurirwa kwaari.

8 Jehovha akadana Samueri kechitatu, Samueri akasimuka akaenda kuna Eri akati, “Ndiri pano, nokuti mandidana.”

Ipapo Eri akaona kuti Jehovha akanga achidana mukomana uyu.

9 Saka Eri akaudza Samueri kuti, “Enda unorara pasi, kana akakudana, uti, ‘Taurai Jehovha, nokuti muranda wenyu akateerera.’ ” Saka Samueri akaenda akandorara pasi, panzvimbo yake.

10 Jehovha akauya akamirapo, akadana sapanguva dzimwe dzose achiti, “Samueri! Samueri!”

Ipapo Samueri akati, “Taurai, nokuti muranda wenyu akateerera.”

11 Zvino Jehovha akati kuna Samueri, “Tarira, ndava kuda kuita chimwe chinhu muIsraeri chichaita kuti nzeve dzavose vanochinzwa dziunge.

12 Panguva iyoyo ndichaitira Eri zvose zvandakataura pamusoro peimba yake kubva kumavambo kusvika kumagumo.

13 Nokuti ndakamuudza kuti ndichatonga mhuri yake nokusingaperi nokuda kwechivi chaaiziva pamusoro pacho, vanakomana vake vakazvigadzirira kutukwa asi iye haana kuvadzora.

14 Naizvozvo ndakatsidza kuimba yaEri ndichiti, ‘Mhosva yeimba yaEri haingayananisirwi nechibayiro kana nechipo.’ ”

15 Samueri akarara kusvika mangwanani uye akazozarura misuo yeimba yaJehovha. Akatya kuudza Eri chiratidzo chake,

16 asi Eri akamudana akati, “Samueri, mwanakomana wangu.”

Samueri akapindura akati, “Ndiri pano.”

17 Eri akabvunza akati, “Wakaudzweiko naJehovha? Usandivanzira hako. Mwari ngaakurange zvakanyanya kana ukandivanzira kana chinhu chimwe zvacho chaakakuudza.”

18 Saka Samueri akamuudza zvose, akasamuvanzira chinhu. Ipapo Eri akati, “NdiJehovha, regai aite zvaanoona zvakanaka.”

19 Samueri akakura uye Jehovha aiva naye; uye Jehovha haana kurega kunyange shoko rake rimwe chete richiwira pasi.

20 Uye Israeri yose kubva kuDhani kusvika kuBheerishebha vakaziva kuti Samueri akanga asimbiswa somuprofita waJehovha.

21 Jehovha akaramba achionekwa paShiro, uye ipapo akazviratidza kuna Samueri kubudikidza neshoko rake.

Categories
1 Samueri

1 Samueri 4

1 Uye shoko raSamueri rakasvika kuIsraeri yose.

VaFiristia vanopamba Areka

Zvino vaIsraeri vakaenda kundorwa navaFiristia. VaIsraeri vakaungana paEbhenezeri, vaFiristia vakavaka misasa yavo paAfeki.

2 VaFiristia vakagadzirira varwi vavo kuti vandosangana neIsraeri, uye hondo payakanga yava kupararira, Israeri yakakundwa navaFiristia avo vakauraya varume zviuru zvina zvavo pavairwira.

3 Varwi pavakadzoka kumusasa, vakuru veIsraeri vakabvunza vakati, “Sei Jehovha aita kuti tikundwe nhasi pamberi pavaFiristia? Ngatitorei areka yesungano yaJehovha kubva kuShiro, kuti igoenda nesu uye igotiponesa kubva muruoko rwavavengi vedu.”

4 Naizvozvo vanhu vakatuma varume kuShiro, uye vakadzosa areka yaJehovha Wamasimba Ose uye agere pachigaro choushe pakati pamakerubhi. Zvino vanakomana vaviri vaEri, Hofini naFinehasi, vaivapo neareka yesungano yaMwari.

5 Areka yesungano yaJehovha payakauya mumusasa, Israeri yose yakapururudza uye vakaita ruzha rukuru zvokuti pasi pakatinhira.

6 Pavakanzwa mheremhere, vaFiristia vakabvunza vakati, “Mheremhere iri mumusasa wavaHebheru ndeyei?”

Vakati vazvinzwa kuti areka yaJehovha yakanga yauya mumusasa,

7 vaFiristia vakatya. Vakati, “Mwari asvika mumusasa. Tava munhamo! Hapana chinhu chakadai seichi chati chamboitika.

8 Tine nhamo! Ndianiko achatirwira pamaoko avamwari ava vane simba? Ndivo vamwari vakarova vaIjipita namarudzi ose amatambudziko mugwenga.

9 Simbai vaFiristia! Ivai varume, mukasadaro muchava varanda vavaHebheru sezvavakanga vakaita kwamuri. Ivai varume, murwe!”

10 Saka vaFiristia vakarwa, vaIsraeri vakakundwa uye munhu wose akatiza achidzokera kutende rake. Pakava nokuurayiwa kukuru; Israeri yakarasikirwa navarwi vetsoka zviuru makumi matatu.

11 Areka yaJehovha yakapambwa uye vanakomana vaviri vaEri, Hofini naFinehasi, vakafa.

Kufa kwaEri

12 Zuva rimwe chetero, mumwe murume weBhenjamini akamhanya achibva kuhondo akaenda kuShiro, nguo dzake dzakabvaruka uye ane guruva pamusoro wake.

13 Paakasvikako, Eri akanga akagara pachigaro chake parutivi rwenzira, akangotarisa, nokuti mwoyo wake waityira areka yaJehovha. Murume uyu paakapinda muguta akataura zvakanga zvaitika, guta rose rakachema.

14 Eri akanzwa kuchema akandobvunza achiti, “Mheremhere iyi yose ndeyeiko?”

Murume uyu akachimbidza kuenda kuna Eri,

15 akanga ava namakore makumi mapfumbamwe namasere okuberekwa uye meso ava norutara zvokuti akanga asisaoni.

16 Akati kuna Eri, “Ndiri kubva kuhondo izvozvi; ndatotizako nhasi chaiye.”

Eri akabvunza akati, “Chiiko chaitika mwanakomana wangu?”

17 Murume akauya neshoko akapindura achiti, “Israeri yatiza vaFiristia, uye hondo yarasikirwa zvikuru. Uyewo vanakomana venyu vaviri Hofini naFinehasi vafa, uye areka yaMwari yapambwa.”

18 Paakataura nezveareka yaMwari, Eri akawa negotsi kubva pachigaro chake parutivi rwesuo. Mutsipa wake wakatyoka akabva afa nokuti aiva murume akanga akwegura uye ari mukobvu. Akanga atungamirira Israeri kwamakore makumi mana.

19 Muroora wake, mukadzi waFinehasi, akanga ane pamuviri ava pedyo nokuda kubatsirwa. Paakanzwa nhau idzi dzokuti areka yaJehovha yakanga yapambwa uye kuti vatezvara vake nomurume wake vakanga vafa, akarwadziwa napamuviri akabereka mwana, asi akakurirwa namarwadzo ake pakusununguka.

20 Paakanga ava kufa madzimai aimubatsira akati, “Usaora mwoyo wabatsirwa nomwana mukomana.” Asi haana kumbopindura kana kuzviteerera.

21 Akatumidza mukomana uyu kuti Ikabhodhi, achiti, “Kubwinya kwabva muIsraeri,” nokuda kwokutorwa kweareka yaMwari uye nokufa kwatezvara vake nomurume wake.

22 Akati, “Kubwinya kwabva muIsraeri, nokuti areka yaMwari yapambwa.”

Categories
1 Samueri

1 Samueri 5

Areka muAshidhodhi nomuEkironi

1 Mushure mokunge vaFiristia vapamba areka yaMwari, vakaitora kubva kuEbhenezeri vakaenda nayo kuAshidhodhi.

2 Ipapo vakatakura areka vakapinda nayo mutemberi yaDhagoni vakaiisa parutivi rwaDhagoni.

3 Vanhu veAshidhodhi pavakamuka mangwanani-ngwanani zuva raitevera, wanei hoyo Dhagoni akawira pasi nechiso pamberi peareka yaJehovha! Vakatora Dhagoni vakamudzosera panzvimbo yake.

4 Asi mangwanani aitevera pavakamuka wanei hoyo Dhagoni akawira pasi nechiso pamberi peareka yaJehovha! Musoro wake namaoko zvakanga zvadimbuka zvisisipo uye zviri pasi pachikumbaridzo chomukova, muviri wake bedzi ndiwo wakanga wangosara.

5 Ndokusaka kusvika nanhasi kusina vaprista vaDhagoni kana vamwewo zvavo vanopinda mutemberi yaDhagoni paAshidhodhi vanotsika pachikumbaridzo chomukova.

6 Ruoko rwaMwari rwakatambudza zvikuru vanhu veAshidhodhi nenzvimbo dzakaikomberedza; akauyisa kuparadzwa pamusoro pavo uye akavarova namamota.

7 Vanhu veAshidhodhi pavakaona zvakanga zvichiitika vakati, “Areka yaMwari weIsraeri haifaniri kugara pano nesu nokuti ruoko rwake rwatitambudza zvikuru isu naDhagoni mwari wedu.”

8 Saka vakadana pamwe chete vatongi vose vavaFiristia vakavabvunza vachiti, “Toitei neareka yaMwari weIsraeri?”

Vakapindura vachiti, “Itai kuti areka yaMwari weIsraeri iendeswe kuGati.” Saka vakabvisa areka yaMwari weIsraeri.

9 Asi mushure mokunge vaibvisa, ruoko rwaMwari rwakarwisana neguta iroro, uye akarivhundutsa nokuvhundutsa kukuru. Akarova vanhu veguta iroro, vakuru navadiki, namamota.

10 Saka vakaendesa areka yaMwari kuEkironi.

Areka yaMwari payakanga yava kupinda muEkironi, vanhu veEkironi vakadanidzira, vachiti, “Vauyisa areka yaMwari weIsraeri kuti vatiuraye isu navanhu vedu.”

11 Saka vakadana pamwe chete vatongi vose vavaFiristia vakati, “Dzoserai areka yaMwari weIsraeri kwakare, regai idzokere kunzvimbo kwayo, nokuti ichatiuraya isu navanhu vedu.” Nokuti rufu rwakanga rwazadza guta nokuvhunduka; ruoko rwaMwari rwakanga rwaritambudza zvikuru.

12 Avo vasina kufa vakarohwa namamota uye kuchema kweguta kwakakwira kudenga.

Categories
1 Samueri

1 Samueri 6

Areka inodzoserwa kuIsraeri

1 Areka yaJehovha yakati yava nemwedzi minomwe iri munyika yavaFiristia,

2 vaFiristia vakadana vaprista navavuki vakati, “Toitei neareka yaJehovha? Tiudzei kuti toidzosera sei kunzvimbo yayo.”

3 Vakapindura vachiti, “Kana muchidzosera areka yamwari weIsraeri, musaidzosera isina chinhu, asi edzai nepamunogona kumutumira chipiriso chemhosva. Ipapo muchaporeswa, uye muchaziva kuti sei ruoko rwake rusina kubviswa pamusoro penyu.”

4 VaFiristia vakabvunza vakati, “Chipiriso chemhosva chatinofanira kumutumira ndecheiko?”

Vakapindura vachiti, “Mamota mashanu egoridhe nembeva shanu dzegoridhe, zvichienderana nouwandu hwavatongi vavaFiristia, nokuti nedenda rimwe chetero akakurovai imi navatongi venyu.

5 Itai zviumbwa zvamamota nembeva dzacho, izvo zviri kuparadza nyika, uye mugopa kukudzwa kuna Mwari weIsraeri. Zvikada achasimudza ruoko rwake kubva pamuri napana vamwari venyu nenyika yenyu.

6 Sei muchiomesa mwoyo yenyu sezvakaitwa navaIjipita naFaro? Paakavabata nehasha, havana kubudisa vaIsraeri here kuti vaende?

7 “Naizvozvo torai mugadzirire ngoro itsva, nemhou mbiri dzinonwisa uye dzisina kumbosungwa pajoko. Sungai mhou pangoro, asi torai mhuru dzadzo mugodzipfigira muchirugu.

8 Torai areka yaJehovha mugoiisa pangoro, uye mubhokisi parutivi payo isai zviumbwa zvegoridhe zvamuri kutumirako kwaari sechipo chemhosva. Mugoituma iende,

9 asi, murambe makaitarisa. Kana ikakwidza kuenda kunyika yayo, kwakadziva kuBhetishemeshi, zvoreva kuti Jehovha ndiye anenge auyisa njodzi pamusoro pedu. Asi kana ikarega, ipapo tichaziva kuti harusi ruoko rwake rwakatirova uye kuti zvakangotiwirawo.”

10 Saka vakaita izvi. Vakatora mhou mbiri dzakadai vakadzisungirira pangoro uye vakapfigira mhuru dzadzo muchirugu.

11 Vakaisa areka yaJehovha pangoro pamwe chete nebhokisi rakanga rine mbeva dzegoridhe nezviumbwa zvamamota.

12 Ipapo mhou dzakakwidza kuenda Bhetishemeshi, dzakati tande nenzira uye dzichikuma nzira yose; hadzina kutendeukira kurudyi kana kuruboshwe. Vatongi vavaFiristia vakadzitevera kusvikira kumuganhu weBhetishemeshi.

13 Zvino vanhu veBhetishemeshi vakanga vachikohwa gorosi ravo mumupata, uye pavakasimudza misoro yavo vakaona areka, uye vakafara nokuiona.

14 Ngoro yakauya kumunda waJoshua weBhetishemeshi uye ipapo yakamira parutivi rwedombo guru. Vanhu vakatema-tema mapuranga engoro uye vakabayira mhou idzi sechipiriso chinopiswa kuna Jehovha.

15 VaRevhi vakaburutsa areka yaJehovha, pamwe chete nebhokisi raiva nezviumbwa zvegoridhe, vakazvigadzika padombo guru. Musi iwoyo vanhu veBhetishemeshi vakapa zvipiriso zvinopiswa vakabayira zvibayiro kuna Jehovha.

16 Vatongi vashanu vavaFiristia vakaona zvose izvi vakadzokera kuEkironi musi iwoyo.

17 Aya ndiwo mamota egoridhe akatumirwa navaFiristia sechipiriso chemhosva kuna Jehovha, rimwe kuAshidhodhi, rimwe kuGaza, rimwe kuAshikeroni, rimwe kuGati nerimwe kuEkironi.

18 Uye uwandu hwembeva dzegoridhe hwaienderana nouwandu hwamaguta avaFiristia akanga ari avatongi vashanu, maguta aiva namasvingo nemisha yawo yomumaruwa. Dombo guru ravakagadzika areka yaJehovha, riripo nanhasi sechapupu mumunda waJoshua weBhetishemeshi.

19 Asi Mwari akauraya vamwe vavarume veBhetishemeshi, akauraya vanhu makumi manomwe vavo nokuti vakanga vadongorera mukati meareka yaJehovha. Vanhu vakachema nokuti Jehovha akanga auraya vanhu nokuuraya kukuru,

20 uye varume veBhetishemeshi vakabvunza vachiti, “Ndiani angamira pamberi paJehovha, Mwari uyu mutsvene? Areka iyi ichaenda kuna ani ichibva pano?”

21 Ipapo vakatumira nhume kuvanhu veKiriati Jearimi vachiti, “VaFiristia vadzosa areka yaJehovha. Dzikai kuno muzoitora kuti muende nayo kwenyu.”

Categories
1 Samueri

1 Samueri 7

1 Saka varume veKiriati Jearimi vakauya vakatora areka yaJehovha. Vakaiendesa kuimba yaAbhinadhabhi pachikomo uye vakatsaura Ereazari mwanakomana wake kuti achengete areka yaJehovha.

Samueri anokurira vaFiristia paMizipa

2 Areka yakaramba iri paKiriati Jearimi kwenguva yakareba kwazvo, makore makumi maviri pamwe chete, uye vanhu vose veIsraeri vakachema uye vakatsvaka Jehovha.

3 Ipapo Samueri akati kuimba yeIsraeri, “Kana muchidzokera kuna Jehovha nemwoyo yenyu yose, zvino chibvisai pakati penyu vamwari vavatorwa navaAshitoreti mugozvikumikidza kuna Jehovha uye mumushumire iye bedzi, uye achakudzikinurai kubva muruoko rwavaFiristia.”

4 Saka vaIsraeri vakarasa vose vaBhaari vavo navaAshitoreti, vakashumira Jehovha chete.

5 Ipapo Samueri akati, “Unganidzai Israeri yose paMizipa uye ndichakukumbirirai kuna Jehovha.”

6 Vakati vaungana paMizipa, vakachera mvura vakaidururira pamberi paJehovha. Nomusi iwoyo vakatsanya ipapo vakareurura vachiti, “Takatadzira Jehovha.” Uye Samueri akava mutungamiri weIsraeri yose paMizipa.

7 VaFiristia vakati vanzwa kuti Israeri yakanga yaungana paMizipa, vatungamiri vavaFiristia vakauya kuzovarwisa. Zvino vaIsraeri vakati vazvinzwa, vakatya nokuda kwavaFiristia.

8 Vakati kuna Samueri, “Musarega henyu kuramba muchidanidzira kuna Jehovha Mwari nokuda kwedu, kuti atirwire pamaoko avaFiristia.”

9 Ipapo Samueri akatora gwayana rainwa akaribayira sechipiriso chinopiswa kuna Jehovha. Akachema kuna Jehovha pamusoro peIsraeri, Jehovha akamupindura.

10 Samueri paakanga achibayira chipiriso chinopiswa, vaFiristia vakaswedera pedyo kuti varwise Israeri. Asi zuva iroro Jehovha akatinhira nokutinhira kukuru pamberi pavaFiristia akavavhundutsa zvokuti vakakundwa pamberi pavaIsraeri.

11 Varume veIsraeri vakachimbidza kubuda muMizipa vakadzingirira vaFiristia, vakavauraya munzira kusvikira kunzvimbo iri zasi kweBhetikari.

12 Ipapo Samueri akatora dombo akarimisa pakati peMizipa neSheni. Akaritumidza kuti Ebhenezeri akati, “Jehovha akatibatsira kusvikira pano.”

13 Saka vaFiristia vakakurirwa uye havana kuzorwisa nyika yavaIsraeri zvakare.

Uye ruoko rwaJehovha rwakarwa navaFiristia mazuva ose aSamueri.

14 Maguta anobva kuEkironi kusvikira kuGati akanga apambwa navaFiristia kubva kuIsraeri akadzorerwa kwairi, uye Israeri yakasunungura rimwe dunhu rayo kubva muruoko rwavaFiristia. Uye pakazova norunyararo pakati peIsraeri navaAmori.

15 Samueri akaramba ari mutongi weIsraeri kwoupenyu hwake hwose.

16 Gore negore aitenderera kubva kuBheteri achienda kuGirigari nokuMizipa, achitonga Israeri munzvimbo dzose idzodzo.

17 Asi aipota achidzokera kuRama, kwaiva nomusha wake, uye ikokowo akatonga Israeri. Uye akavakira Jehovha aritari ikoko.

Categories
1 Samueri

1 Samueri 8

VaIsraeri vanokumbira Mambo

1 Samueri akati akwegura, akagadza vanakomana vake kuti vave vatongi veIsraeri.

2 Zita redangwe rake rainzi Joere uye zita rowechipiri rainzi Abhia, uye vaishanda vari paBheerishebha.

3 Asi vanakomana vake vakatsaukira kupfuma yakaipa, vakatambira fufuro, vakasaruramisira pakutonga.

4 Saka vakuru vose veIsraeri vakaungana pamwe chete vakauya kuna Samueri paRama.

5 Vakati kwaari, “Makwegura, uye vana venyu havafambi munzira dzenyu; naizvozvo gadzai mambo kuti atitungamirire, sezvakaita mamwe marudzi ose.”

6 Asi pavakati, “Tipei mambo kuti atitungamirire,” izvi hazvina kufadza Samueri; saka akanyengetera kuna Jehovha.

7 Uye Jehovha akamuudza kuti: “Teerera zvose zvinotaura vanhu kwauri; havana kuramba iwe, asi varamba ini samambo wavo.

8 Sezvavakaita kubva pazuva randakavabudisa muIjipiti kusvikira nhasi, vachindisiya uye vachishumira vamwe vamwari, ndizvo zvavari kuita nokwauri.

9 Zvino, teerera zvavanotaura; asi uvayambire zvakasimba uye uvazivise zvichaitwa namambo achavatonga.”

10 Samueri akataura mashoko ose aJehovha kuvanhu vakanga vachimukumbira mambo.

11 Akati, “Izvi ndizvo zvichaitwa neachakutongai: Achatora vanakomana venyu agoita kuti vashande nengoro dzake dzehondo namabhiza, uye vachamhanya vari mberi kwengoro dzake.

12 Vamwe vavo achavaita vatungamiri vezviuru navatungamiri vamakumi mashanu, uye achaita kuti vamwe varime minda yake pamwe chete nokuikohwa, uye achaita kuti vamwe vagadzire zvombo zvehondo nemidziyo yengoro dzake.

13 Achatora vanasikana venyu kuti vave vagadziri vamafuta anonhuhwira navabiki vezvokudya navabiki vechingwa.

14 Achatora minda yenyu yakaisvonaka neminda yemizambiringa neminda yemiorivhi agozvipa kuvatariri vake.

15 Achatora chegumi chembeu dzenyu namazambiringa enyu agozvipa kumachinda ake nevanomushandira.

16 Varandarume venyu navarandakadzi venyu nemombe dzenyu dzakaisvonaka nembongoro achazvitora kuti azvishandise pamabasa ake.

17 Achatora chegumi chamakwai enyu, uye imi pachenyu muchava nhapwa dzake.

18 Zuva iroro parichasvika muchachema kwazvo nokuda kwamambo iyeye wamazvisarudzira, uye Jehovha haazokupindurai pazuva iroro.”

19 Asi vanhu vakaramba kuteerera Samueri. Vakati, “Kwete! Tinoda mambo kuti atitonge.

20 Ipapo tichava sedzimwe nyika dzose, tiina mambo anotitungamirira nokutiendera pamberi achitirwira hondo dzedu.”

21 Samueri akati anzwa zvose zvakanga zvataurwa navanhu, akandozvitaura zvakare pamberi paJehovha.

22 Jehovha akapindura achiti, “Vateerere uye uvape mambo.”

Ipapo Samueri akati kuvarume veIsraeri, “Munhu wose ngaadzokere kuguta rake.”

Categories
1 Samueri

1 Samueri 9

Samueri anozodza Sauro

1 Kwakanga kuno murume worudzi rwaBhenjamini, ainzi Kishi mwanakomana waAbhieri, mwanakomana waZerori, mwanakomana waBhekorati, mwanakomana waAfia muBhenjamini, murume wesimba noumhare.

2 Aiva nomwanakomana ainzi Sauro, jaya raiyemurika rakanga risina akaenzana naro pakati pavaIsraeri, rakanga rakareba kupfuura vose.

3 Zvino mbongoro dzaKishi, baba vaSauro, dzakanga dzarasika, Kishi akati kuna Sauro mwanakomana wake, “Tora mumwe wavaranda uende naye kundotsvaga mbongoro.”

4 Saka akapfuura nomunyika yamakomo yeEfuremu, akapfuurawo nomunzvimbo yakapoteredza Sharisha, asi havana kudziwana. Vakapfuurira mberi nomudunhu reSharimu, asi mbongoro dzakanga dzisiko. Ipapo akapfuura nomunyika yaBhenjamini, asi havana kudziwana.

5 Pavakasvika mudunhu reZufi, Sauro akati kumuranda waaiva naye, “Uya tidzokere, zvimwe baba vangu vangarega kufunga nezvembongoro vakatanga kufunganya pamusoro pedu.”

6 Asi muranda akapindura achiti, “Tarirai, muguta rino mune munhu waMwari; anoremekedzwa zvikuru uye zvinhu zvose zvaanotaura zvinoitika. Handei ikoko iye zvino. Zvichida achatiudza nzira yokuenda nayo.”

7 Sauro akati kumuranda, “Kana tikaenda, murume uyu tingandomupei? Zvokudya zvanga zviri mumasaga edu zvapera. Hatina chipo chokundopa munhu waMwari. Chii chatinacho?”

8 Muranda akamupindura zvakare achiti, “Tarirai, ndine chikamu chimwe chete muzvina cheshekeriresirivha. Ndichachipa kumunhu waMwari kuti agotiudza nzira yokuenda nayo.”

9 Kare munyika yeIsraeri, kana munhu achienda kundobvunza Mwari, aiti, “Handei kumuoni,” nokuti muprofita wanhasi ainzi muoni kare.

10 Sauro akati kumuranda wake, “Zvakanaka, uya tiende.” Saka vakasimuka vakananga kuguta kwaiva nomunhu waMwari.

11 Pavaikwira gomo kuenda kuguta iri, vakasangana navasikana vaienda kundochera mvura, vakavabvunza vachiti, “Muoni aripo here?”

12 Vakapindura vachiti, “Aripo. Ari mberi kwenyu. Kurumidzai achangosvika iye zvino muguta redu, nokuti vanhu vane chibayiro panzvimbo yakakwirira.

13 Muchingopinda muguta muchamuwana asati aenda kunzvimbo yakakwirira kundodya. Vanhu havatangi kudya asati auya, nokuti anofanira kuropafadza chibayiro; mushure maizvozvo, avo vanenge vakakokwa vozodya. Endai iye zvino; munofanira kumuwana nguva idzo dzino.”

14 Vakakwidza kuguta, uye pavakanga vava kupindamo vakaona Samueri achiuya nokwavakanga vari, ari munzira yake achikwidza kunzvimbo yakakwirira.

15 Nezuro wacho Sauro asati asvika, Jehovha akanga aratidza izvi kuna Samueri:

16 “Nenguva inenge ino mangwana ndichakutumira mumwe anobva kunyika yaBhenjamini. Muzodze kuti ave mambo pamusoro pavanhu vangu veIsraeri; achanunura vanhu vangu kubva muruoko rwavaFiristia. Ndatarira vanhu vangu, nokuti kuchema kwavo kwasvika kwandiri.”

17 Samueri paakangoona Sauro, Jehovha akati kwaari, “Uyu ndiye murume wandakataura newe pamusoro pake; achatonga vanhu vangu.”

18 Sauro akaenda kuna Samueri pasuo akamubvunza achiti, “Mungandiudzewo here kune imba yomuoni?”

19 Samueri akapindura akati, “Ndini muoni. Chitungamira mberi kwangu kunzvimbo yakakwirira, nokuti nhasi unofanira kudya neni, mangwanani ndichakurega uchienda uye ndichakuudza zvose zviri mumwoyo mako.

20 Kana zviri zvembongoro dzawakarasa mazuva matatu apfuura, usafunganya pamusoro padzo, dzakawanikwa. Zvino zvido zvose zveIsraeri zvatarira kuna ani kana kusiri kwauri iwe nemhuri yose yababa vako?”

21 Sauro akapindura achiti, “Ko, handisi muBhenjamini, worudzi rudiki pane mamwe ose aIsraeri here, uye mhuri yangu haisi diki here pamhuri dzose dzaBhenjamini? Sei muchitaura chinhu chakadaro kwandiri?”

22 Ipapo Samueri akatora Sauro nomuranda wake akapinda navo mumba yokudyira akavagadzika kumusoro kwaavo vakanga vakokwa, vaisvika makumi matatu.

23 Samueri akati kumubiki, “Uya nechidimbu chenyama chandakakupa, chiya chandakuudza kuti uise parutivi.”

24 Naizvozvo mubiki akatora gumbo nezvaiva pariri akazvigadzika pamberi paSauro. Samueri akati, “Hezvi zvawakanga wachengeterwa. Idya, nokuti zvanga zvakachengeterwa iwe panguva ino, kubvira panguva yandakati, ‘Ndakoka vanhu.’ ” Zvino Sauro akadya naSamueri musi iwoyo.

25 Mushure mokunge vadzika kubva kunzvimbo yakakwirira vakaenda kuguta, Samueri akataura naSauro ari pamusoro pedenga reimba yake.

26 Vakamuka zuva richangobuda Samueri akadana Sauro ari padenga pemba akati, “Gadzirira ndigokurega uende hako.” Sauro akati agadzirira iye naSamueri vakabuda panze pamwe chete.

27 Pavakanga vachienda kumucheto weguta, Samueri akati kuna Sauro, “Taurira muranda kuti atungamire mberi kwedu.” Muranda akaita saizvozvo. “Asi iwe chimbogara pano kwechinguva, kuti ndigokupa shoko rabva kuna Mwari.”

Categories
1 Samueri

1 Samueri 10

1 Zvino Samueri akatora chinu chamafuta akadurura pamusoro waSauro akamutsvoda uye akati, “Jehovha haana kukuzodza here kuti uve mutungamiri wenhaka yake?

2 Pauchabva pandiri nhasi, uchasangana navarume vaviri pedyo neguva raRakeri, paZeriza pamuganhu waBhenjamini. Vachati kwauri, ‘Mbongoro dzawakaenda kundotsvaga dzakawanikwa. Zvino baba vako havachafungi nezvadzo asi vava kufunganya pamusoro pako. Vava kungobvunza vachiti, “Ndichaiteiko nezvomwanakomana wangu?” ’

3 “Ipapo uchapfuurira mberi kubva ipapo kusvikira wasvika pamuti mukuru weTabhori. Varume vatatu vanenge vachienda kuna Mwari kuBheteri vachasangana newe ipapo. Mumwe achange akatakura mbudzana nhatu, mumwe marofu matatu echingwa, uye mumwe dende rewaini.

4 Vachakukwazisa vagokupa marofu maviri echingwa, auchatambira kubva kwavari.

5 “Mushure maizvozvo uchaenda kuGibhea, Gomo raMwari, kune boka ravarwi vavaFiristia. Pamunenge mava kusvika kuguta iri, muchasangana nedungwe ravaprofita vachidzika kubva kunzvimbo yakakwirira, mitengeranwa, tambureni, nenyere nembira, zvichiridzwa mberi kwavo, uye vanenge vachiprofita.

6 Mweya waJehovha uchauya pamusoro pako nesimba uye uchaprofita pamwe chete navo, uye uchashandurwa ugova mumwe munhu.

7 Kana zviratidzo izvi zvangozadziswa, ita chinhu chipi nechipi chinowanikwa noruoko rwako kuti ruite, nokuti Mwari anewe.

8 “Tungamira mberi kwangu udzike kuGirigari. Zvirokwazvo ndichauya kwauri kuti ndizobayira zvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvokuwadzana, asi unofanira kundimirira kwamazuva manomwe kusvikira ndauya kwauri ndigokuudza zvaunofanira kuita.”

Sauro anoitwa mambo

9 Sauro akati achangotendeuka kuti abve pana Samueri, Mwari akashandura mwoyo waSauro, uye zviratidzo zvose izvi zvakazadziswa zuva iroro.

10 Pavakasvika kuGibhea, akasangana neboka ravaprofita; Mweya waMwari wakauya pamusoro pake nesimba, uye akabatana navo mukuprofita kwavo.

11 Vose vakanga vachimuziva kare vakati vamuona achiprofita pamwe chete navaprofita, vakabvunzana vachiti, “Chiiko ichi chaitika kumwanakomana waKishi? Sauro ava pakati pavaprofitawo here?”

12 Mumwe murume aigarako akapindura achiti, “Zvino baba vavo ndiani?” Saka chakava chirevo chokuti, “Sauro ava pakati pavaprofitawo here?”

13 Mushure mokunge Sauro apedza kuprofita, akaenda kunzvimbo yakakwirira.

14 Zvino babamunini vaSauro vakamubvunza iye nomuranda wake vachiti, “Makanga muripiko?”

Akapindura achiti, “Takanga tichitsvaga mbongoro. Asi patakaona kuti hadzisi kuzowanikwa takaenda kuna Samueri.”

15 Babamunini vaSauro vakati, “Ndiudzei kuti Samueri akati kudii kwamuri.”

16 Sauro akapindura achiti, “Akatiudza pachena kuti mbongoro dzakanga dzawanikwa.” Asi haana kuudza babamunini vake nezvoumambo zvakanga zvataurwa naSamueri.

17 Samueri akadana vanhu veIsraeri kuna Jehovha paMizipa

18 akati kwavari, “Zvanzi naJehovha Mwari weIsraeri: ‘Ndakabudisa Israeri muIjipiti, uye ndakakudzikinurai kubva kusimba reIjipiti noumambo hwose hwaikudzvinyirirai.’

19 Asi iye zvino maramba Mwari wenyu, anokuponesai panjodzi dzenyu nenhamo dzenyu. Uye makati, ‘Kwete, isai mambo pamusoro pedu.’ Saka zvino chiuyai pamberi paJehovha muri mumarudzi enyu nedzimba dzenyu.”

20 Samueri paakauyisa marudzi eIsraeri pedyo, rudzi rwaBhenjamini rwakasarudzwa.

21 Ipapo akauyisa mberi rudzi rwaBhenjamini, mhuri nemhuri, uye imba yaMatiri yakasarudzwa. Pakupedzisira, Sauro mwanakomana waKishi akasarudzwa. Asi pavakamutsvaka haana kuwanikwa.

22 Saka vakabvunzazve Jehovha, vachiti, “Murume uyu ati auya pano here?”

Zvino Jehovha akati, “Hongu, ahwanda pakati penhumbi.”

23 Vakamhanya vakamuburitsa, uye paakamira pakati pavanhu, akanga akareba kupfuura vamwe vose kubva pamafudzi kusvika kumusoro.

24 Samueri akati kuvanhu vose, “Muri kumuona here munhu asarudzwa naJehovha? Hapana mumwe munhu akaita saye pakati pavanhu vose.”

Ipapo vanhu vakadanidzira vachiti, “Mambo ngaararame nokusingaperi!”

25 Samueri akatsanangurira vanhu mitemo youmambo uhu. Akainyora pasi mubhuku akariisa pamberi paJehovha. Ipapo Samueri akaudza vanhu kuti vaende mumwe nomumwe kumba kwake.

26 Sauro akaendawo kumba kwake kuGibhea, achiperekedzwa navarume voumhare vane mweya yakanga yabatwa naMwari.

27 Asi dzimwe nhubu dzakati, “Murume uyu angatiponesa sei?” Vakamuzvidza vakasamuvigira zvipo. Asi Sauro akaramba anyerere.