Categories
1 VaKorinde

1 VaKorinde 11

1 Teverai muenzaniso wangu, sezvandinotevera muenzaniso waKristu.

Zvinofanira kuitwa paKunamata

2 Ndinokurumbidzai nokuti munondirangarira pazvinhu zvose, uye muchichengeta dzidziso, sezvandakakudzidzisai.

3 Zvino ndinoda kuti muzive kuti musoro womurume wose ndiKristu, uye musoro womukadzi murume, uye musoro waKristu ndiye Mwari.

4 Murume mumwe nomumwe anonyengetera kana kuprofita musoro wake wakafukidzwa, anoninipisa musoro wake.

5 Uye mukadzi mumwe nomumwe anonyengetera kana kuprofita musoro wake usina kufukidzwa, anoninipisa musoro wake, zvakangofanana nokuva nomusoro wakaveurwa.

6 Kana mukadzi asingafukidzi musoro wake, anofanira kugera bvudzi rake; asi kana zvichinyadzisa mukadzi kuti agerwe bvudzi rake, anofanira kufukidza musoro wake.

7 Murume haafaniri kufukidza musoro wake, sezvo ari mufananidzo nokubwinya kwaMwari; asi mukadzi kubwinya kwomurume.

8 Nokuti murume haana kubva pamukadzi, asi mukadzi ndiye akabva pamurume;

9 uye murume haana kusikirwa mukadzi, asi mukadzi ndiye akasikirwa murume.

10 Nokuda kwechikonzero ichi, uye nokuda kwavatumwa, mukadzi anofanira kuva nechiratidzo chesimba pamusoro wake.

11 Kunyange zvakadaro, muna She mukadzi haazi kunze kwomurume, nomurume haazi kunze kwomukadzi.

12 Nokuti mukadzi sezvaakabva pamurume, saizvozvowo murume anozvarwa nomukadzi asi zvose zvinobva kuna Mwari.

13 Tongai imi pachenyu kuti: Zvakafanira here kuti mukadzi anyengetere kuna Mwari asina kufukidza musoro wake?

14 Ko, hamudzidziswi namasikirwo ezvinhu kuti kana murume ane bvudzi refu, anonyadziswa nazvo here,

15 asi kuti kana mukadzi ane bvudzi refu, ndiko kubwinya kwake? Nokuti bvudzi refu rakapiwa kwaari kuti rive chifukidzo.

16 Zvino kana pane anoda kuita gakava pazviri, hatina tsika dzakadaro kunyange kereke dzaMwari.

Chirariro chaShe

17 Pane zvakarayirwa zvinotevera handikurumbidzei, nokuti hamuunganiri zvakanaka asi zvakaipa.

18 Chokutanga, ndakanzwa kuti pamunoungana pamwe chete sekereke, pane kupesana pakati penyu, uye ndingangozvitenda.

19 Nokuti dzidziso dzakatsaukana dzinofanira kuva pakati penyu, kuti zvionekwe kuti vakatendeka kuna Mwari ndavapi.

20 Pamunoungana, hachisi chirariro chaShe chamunodya,

21 nokuti kana modya, mumwe nomumwe wenyu anongotanga kudya asingamiriri vamwe. Mumwe anosara ane nzara, mumwewo anodhakwa.

22 Ko, hamuna dzimba kwamungadyira nokunwira here? Kana kuti munozvidza kereke yaMwari nokunyadzisa vasina chinhu here? Zvino ndichatiiko kwamuri? Ndingakurumbidzai nokuda kwaizvozvi here? Zvirokwazvo kwete!

23 Nokuti ndakagamuchira kubva kuna She icho chandakakupai kuti Ishe Jesu, usiku hwaakapandukirwa, akatora chingwa,

24 uye mushure mokunge avonga, akachimedura akati, “Uyu ndiwo muviri wangu, unomedurirwa imi; itai izvi muchindirangarira.”

25 Saizvozvowo, mushure mechirariro akatora mukombe, achiti, “Mukombe uyu ndiwo sungano itsva muropa rangu; itai izvi nguva dzose kana muchiunwa, muchindirangarira.”

26 Nokuti nguva dzose kana muchidya chingwa ichi nokunwa mukombe uyu, munoparidza rufu rwaShe kusvikira achidzoka.

27 Naizvozvo ani naani anodya chingwa nokunwa mukombe waShe nomutoo usina kufanira achabatwa nemhosva yokutadzira muviri neropa raShe.

28 Munhu anofanira kuti azviedze asati adya chingwa nokunwa mukombe.

29 Nokuti ani naani anodya nokunwa asingacherechedzi muviri waShe anozvidyira nokuzvinwira kutongwa kwake.

30 Ndokusaka vazhinji pakati penyu vasina simba uye vachirwara, uye vamwe venyu vavete.

31 Asi kana tikazviedza pachedu, hatingazotongwi.

32 Kana tikatongwa naShe, tiri kurangwa kuitira kuti tirege kuzoraswa pamwe chete nenyika.

33 Saka naizvozvo, hama dzangu, kana muchiungana pakudya, miriranai.

34 Kana mumwe aine nzara, anofanira kudya kumba kwake, kuitira kuti pamunoungana pamwe chete murege kutongwa.

Uye kana ndichinge ndasvika ndichakudzidzisai zvimwe.

Categories
1 VaKorinde

1 VaKorinde 12

Zvipo zvoMweya

1 Zvino pamusoro pezvipo zvoMweya, hama, handidi kuti muve musingazivi.

2 Munoziva kuti pamakanga muri vahedheni, makanga muchitungamirirwa uye nokutsauswa muchiiswa kuzvifananidzo zvisingagoni kutaura.

3 Naizvozvo ndinokuudzai kuti hakuna munhu anotaura noMweya waMwari anoti, “Jesu ngaatukwe.” Uye hakuna munhu anoti, “Jesu ndiye Ishe,” asi naMweya Mutsvene.

4 Kuna marudzi akasiyana ezvipo, asi Mweya ndomumwe.

5 Kuna marudzi akasiyana oushumiri, asi Ishe mumwe.

6 Kuna marudzi akasiyana amabasa, asi Mwari mumwe ndiye anoita zvose muvanhu vose.

7 Zvino mumwe nomumwe anopiwa kuratidzwa kwoMweya kuti vose vabatsirwe.

8 Nokuti mumwe anopiwa noMweya shoko rouchenjeri, mumwe shoko rokuziva noMweya mumwe chete,

9 mumwe kutenda noMweya mumwe chete, mumwe zvipo zvokuporesa noMweya mumwe chete,

10 mumwe mabasa esimba, mumwe kuprofita, mumwe kuzivisisa mweya, mumwe kutaura nendimi dzakasiyana-siyana, uyezve mumwe kududzirwa kwendimi.

11 Zvose ibasa raMweya mumwe chete uye anopa mumwe nomumwe, sezvaanoda.

Muviri Mumwe Chete, Mitezo Mizhinji

12 Muviri chinhu chimwe chete, kunyange une mitezo mizhinji; uye kunyange mitezo yawo iri mizhinji, inoumba muviri mumwe chete. Ndizvowo zvakaita Kristu.

13 Nokuti tose takabhabhatidzwa noMweya mumwe mumuviri mumwe, vangava vaJudha kana vaGiriki, varanda kana vakasununguka, uye tose tikapiwa kuti tinwe Mweya mumwe.

14 Zvino muviri hauna kuumbwa nomutezo mumwe, asi mizhinji.

15 Kana rutsoka rukati, “Nokuti handisi ruoko, saka handisi womuviri,” harungaregi kuva chikamu chomuviri nokuda kwechikonzero ichocho.

16 Uye kana nenzeve ikati, “Nokuti handisi ziso, saka handisi chikamu chomuviri,” haringaregi kuva chikamu chomuviri nokuda kwechikonzero ichocho.

17 Kana kuti dai muviri wose waiva ziso, kunzwa kwaizovepiko? Kana kuti dai muviri wose waive nzeve, ko, kunhuhwidza kwaizovepiko?

18 Asi zvino Mwari akaisa mitezo pamuviri, mumwe nomumwe wayo, sezvaakada kuti ive.

19 Kana dai yose waiva mutezo mumwe, ko, muviri waizovepiko?

20 Sezvazviri, kune mitezo mizhinji asi muviri mumwe.

21 Ziso haringati kuruoko, “Handinei newe!” Uye musoro haungati kurutsoka, “Handinei newe!”

22 Asi kutoti mitezo yomuviri inenge isina simba, ndiyo inodikanwa,

23 uye mitezo yatinofunga kuti haikudzwi ndiyo yatinokudza kwazvo,

24 asi mitezo yakanaka haidi kushongedzwa. Asi Mwari akabatanidza mitezo yomuviri uye akapa kukudzwa kukuru kumitezo iya isingakudzwi,

25 kuitira kuti parege kuva nokupesana pamuviri, asi kuti mitezo ichengetane zvakaenzana.

26 Kana mumwe mutezo uchitambudzika, mitezo yose inotambudzika pamwe chete nawo; kana mutezo mumwe ukakudzwa, mitezo yose inofara pamwe chete nawo.

27 Zvino imi muri muviri waKristu, uye mumwe nomumwe wenyu mutezo wawo.

28 Uye mukereke, Mwari akagadza pakutanga vapostori, vechipiri vaprofita, vechitatu vadzidzisi, tevere vaiti vezvishamiso, uye navane zvipo zvokuporesa, navanobatsira vamwe, vaya vane zvipo zvokufambisa basa, uye navaya vanotaura nendimi dzakasiyana-siyana.

29 Vose vapostori here? Vose vaprofita here? Vose vadzidzisi here? Vose vanoita zvishamiso here?

30 Vose vane zvipo zvokuporesa here? Vose vanotaura nendimi here? Vose vanodudzira here?

31 Asi shuvai kwazvo zvipo zvikuru.

Rudo

Uye zvino ndichakuratidzai nzira yakanaka kupfuura dzose.

Categories
1 VaKorinde

1 VaKorinde 13

1 Kunyange ndikataura nendimi dzavanhu nedzavatumwa, asi ndisina rudo, ndakaita sedare rinorira kana ndarira dzinongoti ngwerengwere.

2 Kana ndine chipo chokuprofita uye ndichinzwisisa zvakavanzika zvose noruzivo rwose, uye kana ndino kutenda kunofambisa makomo, asi ndisina rudo, handisi chinhu.

3 Kana ndikagovera zvose zvandinazvo kuvarombo uye kana ndikaisa muviri wangu kuti upiswe, asi kana ndisina rudo, hazvindibatsiri chinhu.

4 Rudo runo mwoyo murefu, rudo runo mwoyo munyoro. Haruna godo, haruna manyawi haruzvikudzi.

5 Haruiti zvokuvirimira vamwe, harutsvaki zvarwo, harukurumidzi kutsamwa, haruna pfundi pfundi.

6 Rudo harufariri zvakaipa, asi runofarira chokwadi.

7 Runodzivirira nguva dzose, runovimba nguva dzose, rune tariro nguva dzose, runotsungirira nguva dzose.

8 Rudo harutongoperi. Zvino kana kuri kuprofita, kuchapera; kana dziri ndimi, dzichagumiswa; kana rwuri ruzivo, ruchapfuura.

9 Nokuti tinoziva zvisakakwana uye tinoprofita zvisakakwana,

10 asi kana zvakakwana zvasvika, zvisakakwana zvichabviswa.

11 Pandaiva mwana ndaitaura somwana, ndaifunga somwana, ndairangarira somwana. Zvino zvandava murume, ndakabvisa zvinhu zvoumwana.

12 Nokuti zvino tinoona asi hationi zvakanaka somuchionioni; asi nenguva iyo tichaonana chiso nechiso. Iye zvino ndinoziva zvisakakwana; asi ndichaziva zvizere, kunyange sezvandinozivikanwa zvizere.

13 Uye zvinhu zvitatu izvi ndizvo zvinogara, zvinoti kutenda, tariro norudo. Asi chikuru pakati peizvi ndirwo rudo.

Categories
1 VaKorinde

1 VaKorinde 14

Zvipo zvoKuprofita noKutaura neNdimi

1 Teverai nzira yorudo uye mushuve kwazvo zvipo zvomweya, zvikuru sei chipo chokuprofita.

2 Nokuti ani naani anotaura nendimi haatauri kuvanhu asi kuna Mwari. Zvirokwazvo, hapana anomunzwa; anotaura zvakavanzika mumweya wake.

3 Asi anoprofita anotaura kuvanhu kuti vasimbiswe, vakurudzirwe uye kuti vanyaradzwe.

4 Uyo anotaura nendimi anozvisimbisa iye asi anoprofita anosimbisa kereke.

5 Ndinoda kuti mumwe nomumwe wenyu ataure nendimi, asi zvikuru kuti muprofite. Anoprofita mukuru kuna anotaura nendimi, asi kunze kwokunge achidudzira, kuti kereke igosimbiswa.

6 Zvino hama, kana ndikauya kwamuri ndichitaura nendimi, ndingakubatsirai seiko, asi kuti kana ndichitaura nokuzarurirwa kana ruzivo kana chiprofita kana shoko rokurayira?

7 Kunyange zvinhu zvisina upenyu zvinorirawo wani, zvakaita senyere kana rudimbwa, munhu achaziva seiko kana zvisingasiyani pakurira kwazvo?

8 Uyezve kana hwamanda isingariri kwazvo, ndianiko angagadzirira kundorwa?

9 Zvakadaro nemi. Kana musingatauri mashoko nendimi dzinonyatsozivikanwa, ko, pane anganzwa here zvamunotaura? Nokuti muchangotaura henyu mumhepo.

10 Zvirokwazvo panyika pane mitauro mizhinji yakasiyana-siyana, asi hakuna kana mumwe usina zvaunoreva.

11 Zvino kana ndisinganzwisisi zvinotaurwa nomunhu, ndiri mutorwa kumutauri, uye naiyewo mutorwa kwandiri.

12 Zvakadarowo nemi. Sezvo muchishuva zvipo zvoMweya, edzai zvikuru kushingairira zvipo zvinovaka kereke.

13 Nokuda kwechikonzero ichi, ani naani anotaura nendimi anofanira kunyengetera kuti adudzirewo zvaanotaura.

14 Nokuti kana ndichinyengetera nendimi, mweya wangu ndiwo unonyengetera, asi kufunga kwangu hakuna zvibereko.

15 Zvino ndichaiteiko? Ndichanyengetera nomweya wangu, ndichanyengeterawo nokufunga kwangu; ndichaimba nomweya wangu, asi ndichaimbawo nokufunga kwangu.

16 Kana uchirumbidza Mwari nomweya wako, ko, uyo agere pakati pavasingazivi achati, “Ameni” seiko, pakuvonga kwako, sezvo asinganzwisisi zvauri kutaura?

17 Unogona kunge uchivonga zvako zvakanaka, asi mumwe munhu haasimbiswi.

18 Ndinovonga Mwari kuti ndinotaura nendimi zhinji kupfuura imi mose.

19 Asi mukereke ndingada zvangu kutaura mashoko mashanu nokufunga kwangu kuti ndidzidzise vamwe pano kutaura mashoko zviuru gumi norumwe rurimi.

20 Hama, regai kufunga savana. Pazvinhu zvakaipa ivai savacheche, asi pakufunga kwenyu muve savanhu vakuru.

21 MuMurayiro makanyorwa muchinzi:

“Kubudikidza navanhu vedzimwe ndimi

uye kubudikidza nemiromo yavatorwa,

ndichataura kuvanhu ava,

asi kunyange zvakadaro havanganditeereri,”

ndizvo zvinotaura Ishe.

22 Naizvozvo, ndimi hadzizi chiratidzo kuvatendi asi kuna vasingatendi; asiwo chiprofita ndechavatendi, kwete vasingatendi.

23 Saka kana kereke yose yaungana pamwe chete uye vose vakataura nendimi, uye vamwe vasinganzwisisi kana vasingatendi vakapinda, havangati mava kupenga here?

24 Asi kana asingatendi kana mumwe munhu asinganzwisisi akapinda vanhu vose vachiprofita, achabatwa nazvo akaziva kuti iye mutadzi uye kuti achatongwa nazvo,

25 uye zvakavanzika zvomweya wake zvinoratidzwa. Naizvozvo achawira pasi nechiso chake agonamata Mwari, uye agopupura kuti Mwari ari pakati penyu zvirokwazvo.

Mutoo wakanaka wokunamata nawo

26 Zvino tichatiiko, hama? Kana muchiungana, mumwe nomumwe ane rwiyo, kana shoko rokurayira, chaakazarurirwa, ndimi kana kududzira. Zvose izvi ngazviitwe kuti zvisimbise kereke.

27 Kana mumwe achitaura nendimi, vaviri, kana vatowanda, vatatu, ngavataure mumwe mushure momumwe, uye mumwe ngaadudzire.

28 Kana pasina anodudzira, ari kutaura ngaanyarare mukereke uye ngaazvitaurire pachake uye nokuna Mwari.

29 Vaprofita vaviri kana vatatu ngavataure uye vamwe ngavanyatsoongorora zvaataura.

30 Uye kana kuzarurirwa kwasvika kuno mumwe munhu agere pasi, mutauri wokutanga ngaanyarare.

31 Nokuti mose munogona kuprofita muchitevedzana mumwe mushure momumwe, kuitira kuti vose varayirwe uye vakurudzirwe.

32 Mweya yavaprofita inozviisa pasi pavaprofita.

33 Nokuti Mwari haasi Mwari wenyonganyonga asi worugare.

Sezvinoitwa mune dzimwe kereke dzose dzavatsvene,

34 vakadzi ngavanyarare mukereke. Havatenderwi kutaura asi ngavazviise pasi sezvinoreva murayiro.

35 Kana vachida kubvunza chimwe chinhu, ngavabvunze varume vavo kumba; nokuti hazvina kufanira kuti mukadzi ataure mukereke.

36 Ko, shoko raMwari rakatanga nemi here? Kana kuti rakasvika kwamuri moga here?

37 Kana munhu achifunga kuti muprofita kana kuti ane chipo chomweya, ngaatende kuti zvandinokunyorerai murayiro waShe.

38 Kana akasatenda izvi, iye pachake ngaasatendwe.

39 Naizvozvo, hama dzangu, ivai nechido chokuprofita, uye musadzivisa kutaura nendimi.

40 Asi zvinhu zvose ngazviitwe nomutoo wakafanira uye zvichitevedza mutemo.

Categories
1 VaKorinde

1 VaKorinde 15

Kumuka kwaKristu

1 Zvino hama, ndinoda kukuyeuchidzai vhangeri randakakuparidzirai, iro ramakagamuchira uye ramakamira mariri.

2 Nevhangeri irori munoponeswa, kana mukabatirira kwazvo pashoko randakakuparidzirai. Zvimwe makatenda pasina.

3 Nokuti zvandakagamuchira sezvinokosha pakutanga ndizvo zvandakakupaiwo: kuti Kristu akafira zvivi zvedu sezvazvakanyorwa muMagwaro,

4 kuti akavigwa, akamutswa pazuva rechitatu sezvazvakanyorwa muMagwaro,

5 uye kuti akazviratidza kuna Petro, tevere kuna vane gumi navaviri.

6 Mushure mezvo akazviratidza kuhama dzaipfuura mazana mashanu panguva imwe chete, vazhinji vavo vachiri vapenyu, kunyange zvazvo vamwe vavete.

7 Ipapo akazozviratidza kuna Jakobho, mushure mezvo kuvapostori,

8 uye pakupedzisira akazozviratidza kwandiriwo, sokuna akazvarwa nguva isati yasvika.

9 Nokuti ndiri muduku kuvapostori vose, uye handikodzeri kunzi mupostori, nokuti ndakatambudza kereke yaMwari.

10 Asi nokuda kwenyasha dzaMwari ndiri zvandiri uye nyasha dzake kwandiri hadzina kuva pasina. Kwete, ndakashanda kupfuura vose, asi ndisiri ini, asi nyasha dzaMwari dzaiva neni.

11 Ipapo kunyange dai ndiri ini kana ivo, izvi ndizvo zvatinoparidza, uye izvi ndizvo zvamakatenda.

Kumutswa kwaVakafa

12 Asi kana kuchiparidzwa kuchinzi Kristu akamutswa kubva kuvakafa, ko, vamwe venyu vangareva sei kuti hakuna kumutswa kwavakafa?

13 Kana kusina kumutswa kwavakafa, saka naizvozvowo Kristu haana kumutswa.

14 Zvino kana Kristu asina kumutswa, kuparidza kwedu hakuna maturo, saizvozvowo nokutenda kwenyu.

15 Pamusoro pezvo, tichaonekwa tiri zvapupu zvaMwari zvenhema, nokuti takapupura kuti Mwari akamutsa Kristu kubva kuvakafa. Asi haana kumumutsa kana zvirokwazvo vakafa vasingamutswi.

16 Nokuti kana vakafa vasingamutswi, saizvozvowo Kristu haana kumutswa kuvakafa.

17 Uye kana Kristu asina kumutswa, kutenda hakubatsiri; muchiri muzvivi zvenyu.

18 Naizvozvowo vose vakafa muna Kristu vakatorasikawo.

19 Kana tine tariro muna Kristu nokuda kwoupenyu huno chete, tinonzwisa urombo kupfuura vanhu vose.

20 Asi, zvirokwazvo Kristu akamutswa kubva kuvakafa, akava chibereko chokutanga chavavete.

21 Nokuti sezvo rufu rwakauya kubudikidza nomunhu mumwe, kumuka kuvakafa kwakauyawo kubudikidza nomunhu mumwe.

22 Nokuti, sokufa kwakaita vanhu vose muna Adhamu, naizvozvowo muna Kristu vose vachaitwa vapenyu.

23 Asi mumwe nomumwe padzoro rake: Kristu chibereko chokutanga; ipapo paanouya, tevere vose vanova vake.

24 Ipapo magumo achasvika, panguva yaachazopa umambo kuna Mwari Baba mushure mokunge aparadza ushe hwose, ukuru hwose nesimba rose.

25 Nokuti anofanira kubata ushe kusvikira aisa vavengi vake vose pasi petsoka dzake.

26 Muvengi wokupedzisira achaparadzwa ndirwo rufu.

27 Nokuti akaisa zvinhu zvose pasi petsoka dzake. Zvino kana achiti “zvinhu zvose” zvakaiswa pasi petsoka dzake, zviri pachena kuti izvi hazvisanganisiri Mwari pachake, iye akaisa zvinhu zvose pasi paKristu.

28 Kana achinge aita izvi, ipapo Mwanakomanawo pachake achaiswa pasi paiye akaisa zvinhu zvose pasi pake kuti Mwari agova zvose mune zvose.

29 Zvino kana kusina kumuka, ko, vakabhabhatidzirwa vakafa vachazoiteiko? Kana vakafa vasingamutswi, seiko vanhu vachivabhabhatidzirwa?

30 Uye kana tiri isu, tinozviisireiko panjodzi nguva dzose?

31 Ndinofa zuva nezuva, ndinorevesa hama dzangu, zvirokwazvo sezvandinozvirumbidza pamusoro penyu muna Kristu Jesu Ishe wedu.

32 Kana ndakarwa nezvikara paEfeso nokuda kwezvikonzero zvapanyama, zvakandibatsireiko? Kana vakafa vasingamutswi,

“Ngatidyei uye tinwe,

nokuti mangwana tichafa.”

33 Musanyengerwa: “Ushamwari hwakaipa hunoodza tsika dzakanaka.”

34 Dzokai pandangariro dzenyu sezvamakafanira, uye murege kutadza; nokuti kuna vamwe vasingazivi Mwari. Ndinotaura izvi kuti munyadziswe.

Muviri wokumuka nawo

35 Asi mumwe angabvunza achiti, “Ko, vakafa vanomutswa sei? Vachauya nomuviri wakaita seiko?”

36 Upenzi hwakadii! Chaunodyara hachingameri kana chisina kufa.

37 Kana ukadyara haudyari muviri uchazovapo, asi tsanga bedzi, ingava yegorosi kana chimwe chinhuwo zvacho.

38 Asi Mwari anoipa muviri sezvaanoda, uye kumbeu imwe neimwe muviri wayo.

39 Nyama yose haina kufanana: Vanhu vane rumwe rudzi rwenyama, mhuka dzinewo rumwe rudzi, shiri rumwewo, uye nehove dzinewo rumwe.

40 Kunewo miviri yokudenga, nemiviri yenyika; asi kubwinya kwemiviri yokudenga ndokumwe kubwinya, kwemiviri yapanyika ndokumwe.

41 Zuva rino kubwinya kwaro, mwedzi unewo kumwe, nenyeredzi dzinewo kumwe; uye nyeredzi haifanani neimwe nyeredzi pakubwinya.

42 Ndizvo zvazvichazova pakumuka kwavakafa. Muviri unodyarwa uri unoparara, unomutswa usisaparari;

43 unodyarwa pakuzvidzwa, unomutswa mukubwinya; unodyarwa muutera, unomutswa musimba;

44 unodyarwa uri muviri wenyama, unomutswa uri muviri womweya.

Kana kune muviri wenyama, kune muviri womweyawo.

45 Naizvozvo kwakanyorwa kuchinzi: “Munhu wokutanga, Adhamu, akava munhu mupenyu;” Adhamu wokupedzisira akava mweya unopa upenyu.

46 Mweya hauna kuuya pakutanga, asi nyama, uye mushure mezvo mweya.

47 Munhu wokutanga akanga ari guruva renyika, munhu wechipiri akanga achibva kudenga.

48 Sezvakanga zvakaita munhu wapanyika, ndizvowo zvakaita vaya vari venyika; uyewo sezvakaita munhu akabva kudenga, ndizvo zvakaitawo vaya vari vokudenga.

49 Uye sezvatakanga tine mufananidzo womunhu wapanyika, saizvozvowo tichava nomufananidzo womunhu akabva kudenga.

50 Zvino, hama, ndinoti kwamuri nyama neropa hazvingagari nhaka youmambo hwaMwari, uye zvinoparara hazvingagari nhaka yezvisingaparari.

51 Teererai, ndinokutaurirai chakavanzika: Hatingafi tose, asi tose tichashandurwa,

52 pakarepo, sokubwaira kweziso, pahwamanda yokupedzisira. Nokuti hwamanda icharira, vakafa vachamutswa mukusaparara, uye tichashandurwa.

53 Nokuti chinoparara chinofanira kufuka kusaparara, uye chinofa chinofanira kufuka kusafa.

54 Kana chinoparara chikafuka kusaparara, uye chinofa chikafuka kusafa, ipapo tsumo yakanyorwa ichazadziswa yokuti: “Rufu rwakamedzwa nokukunda.”

55 “Kuripiko kukunda kwako iwe rufu?

Rwuripiko rumborera rwako, iwe rufu?”

56 Rumborera rwerufu ndicho chivi, uye simba rechivi ndiwo murayiro.

57 Asi Mwari ngaavongwe! Anotipa kukunda kubudikidza naIshe wedu Jesu Kristu.

58 Naizvozvo, hama dzangu dzinodikanwa, mirai makasimba. Pashayiwe chinhu chingakuzungunusai. Muchishandira Ishe zvikuru nguva dzose, nokuti munoziva kuti kubata basa kwenyu muna She hakungavi pasina.

Categories
1 VaKorinde

1 VaKorinde 16

Zvipo zvakaunganidzirwa vanhu vaMwari

1 Zvino pamusoro pezvipo zvakaunganidzirwa vanhu vaMwari: Itaiwo sezvandakarayira kereke dzavaGaratia kuti dziite.

2 Nomusi wokutanga wevhiki roga roga, mumwe nomumwe wenyu ngaakamure mari kubva pamari yake zvichienderana napaanowana napo, muiunganidze pamwe chete, kuitira kuti pandinouya kurege kuzounganidzwa zvipo.

3 Zvino, kana ndasvika, ndichazopa matsamba okuzivisa kuvarume vamunenge masarudza uye ndichavatuma nechipo chenyu kuJerusarema.

4 Kana zvakafanira kuti ndiendewo, vachaenda neni.

Zvikumbiro zvaPauro

5 Mushure mokupfuura nokuMasedhonia, ndichauya kwamuri, nokuti ndichapfuura nokuMasedhonia.

6 Zvimwe ndichagara nemi kwechinguva, kana kutopedza nguva yechando, kuitira kuti mugondibatsirawo parwendo rwangu, kwose kwandinoenda.

7 Nokuti handidi kukuonai zvino nokukushanyirai ndichingopfuura bedzi; ndine tariro yokuva nemi kwechinguvana, kana Ishe akatendera.

8 Asi ndichati garei paEfeso kusvikira paPendekosti,

9 nokuti ndazarurirwa musuo mukuru wokuita basa guru, uyewo kune vazhinji vanondipikisa.

10 Kana Timoti akauya, chenjerai kuti agare nemi asina chaangatya ari pakati penyu nokuti anobata basa raShe, sezvandinoita neniwo.

11 Naizvozvo, ngakurege kuva nomumwe anoramba kumugamuchira. Muperekedzei parwendo rwake norugare kuti akwanise kuuya kwandiri. Ndiri kumutarisira pamwe chete nehama.

12 Zvino pamusoro pehama yedu Aporosi: Ndakamukurudzira kwazvo kuti auye kwamuri pamwe chete nedzimwe hama. Akanga asingadi kuuya iye zvino, asi achauya kana awana mukana.

13 Rindai; mirai nesimba mukutenda; ivai varume vakashinga; ivai nesimba.

14 Itai zvinhu zvose murudo.

15 Munoziva kuti mhuri yaStefanasi ndivo vakava vatendi vokutanga muAkaya, uye vakazvipira kushumira vatsvene. Ndinokukurudzirai hama,

16 kuti muzviise pasi pevakadai seava nepasi pavose vanobatana nesu pabasa, uye nevanoshingaira pariri.

17 Ndakafara pakasvika Stefanasi, naFochunatusi naAkayikasi, nokuti vakandiitira zvamakanga musingagoni kundiitira imi.

18 Nokuti vakazorodza mweya wangu neyenyuwo. Varume vakadai vanofanira kukudzwa.

Kwaziso

19 Kereke dziri mudunhu reEzhia dzinokukwazisai. Akwira naPirisira vanokukwazisai zvikuru muna She, uyewo nekereke inoungana mumba mavo.

20 Hama dzose dziri kuno dzinokukwazisai. Kwazisanai nokutsvoda kutsvene.

21 Ini Pauro, ndanyora kwaziso iyi noruoko rwangu.

22 Kana mumwe munhu asingadi Ishe, kutukwa ngakuve pamusoro pake. Uyai, imi Ishe!

23 Nyasha dzaIshe Jesu ngadzive nemi.

24 Rudo rwangu ngaruve nemi mose muna Kristu Jesu. Ameni.