Categories
2 Madzimambo

2 Madzimambo 21

Manase Mambo weJudha

1 Manase akanga ava namakore gumi namaviri paakava mambo, uye akatonga muJerusarema kwamakore makumi mashanu namashanu. Zita ramai vake rainzi Hefizibha.

2 Akaita zvakaipa pamberi paJehovha, achitevera zvinonyangadza zvendudzi dzakadzingwa pamberi pavaIsraeri naJehovha.

3 Akavakazve matunhu akakwirira akanga aparadzwa nababa vake Hezekia; uye akavaka aritari dzaBhaari akaita danda raAshera, sezvakanga zvaitwa naAhabhu mambo weIsraeri. Akapfugamira nyeredzi dzose dzedenga akadzinamata.

4 Akavaka aritari mutemberi yaJehovha, makanga manzi naJehovha, “Ndichaisa zita rangu muJerusarema.”

5 Muzvivanze zvose zviri zviviri zvetemberi yaJehovha, akavakira nyeredzi dzose dzokudenga aritari.

6 Akabayira mwanakomana wake mumoto, akaita uroyi nokuvuka, akabvunza masvikiro navavuki. Akaita zvakaipa zvakawanda pamberi paJehovha, akamutsa hasha dzake.

7 Akatora mufananidzo waAshera wakavezwa waakanga aita akauisa mutemberi, yakanga yanzi naJehovha kuna Dhavhidhi nokumwanakomana wake Soromoni, “Mutemberi iyi nomuJerusarema, mandakasarudza pakati pamarudzi ose aIsraeri, ndichaisamo Zita rangu nokusingaperi.

8 Handichaitizve kuti tsoka dzavaIsraeri dzidzungaire kubva munyika yandakapa madzitateguru avo, kana vakangochenjera chete kuita zvose zvandakavarayira uye vakachengeta Murayiro wose wavakapiwa nomuranda wangu Mozisi.”

9 Asi vanhu havana kuteerera. Manase akavatsausa, zvokuti vakanyanya kuita zvakaipa kupfuura dzimwe ndudzi dzakaparadzwa pamberi pavaIsraeri naJehovha.

10 Jehovha akataura kubudikidza navaranda vake ivo vaprofita akati,

11 “Manase mambo weJudha aita zvivi zvinonyangadza izvi. Aita zvakaipa zvakawanda kupfuura vaAmori vakamutangira uye atungamirira Judha muzvivi nezvifananidzo zvake.

12 Naizvozvo zvanzi naJehovha, Mwari waIsraeri: Ndichauyisa dambudziko pamusoro peJerusarema neJudha zvokuti nzeve dzomumwe nomumwe achanzwa nezvazvo dzichaunga.

13 Ndichatambanudzira kuJerusarema tambo yokuyeresa yandakayera nayo Samaria nerwodzi rwandakashandisa kuyera narwo imba yaAhabhu. Ndichapukuta Jerusarema somunhu anonopukuta ndiro, anoipukuta uye agoitsindikira.

14 Ndichafuratira vakasara venhaka yangu uye ndichavapa kuvavengi vavo. Vachabirwa uye vachapambwa navavengi vavo,

15 nokuti vakaita zvakaipa pamberi pangu vakanditsamwisa kubva pazuva rakabuda madzitateguru avo kubva muIjipiti kusvikira zuva ranhasi.”

16 Pamusoro pezvo, Manase akateura ropa risina mhosva rakawanda zvokuti akazadza Jerusarema kubva kuno rumwe rutivi kusvika kuno rumwe, zvisiri izvozvo chete, asi nezvivi zvaakaita kuti Judha iite, zvokuti vakaita zvakaipa pamberi paJehovha.

17 Kana zviri zvimwe zvakaitika panguva yokutonga kwaManase, nezvose zvaakaita, pamwe chete nechivi chaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzamadzimambo eJudha?

18 Manase akazorora namadzibaba ake akavigwa mubindu romumuzinda wake, bindu raUza. Uye Amoni mwanakomana wake akamutevera paumambo.

Amoni Mambo weJudha

19 Amoni akanga ava namakore makumi maviri namaviri paakava mambo, uye akatonga muJerusarema kwamakore maviri. Zita ramai vake rainzi Meshuremeti mwanasikana waHaruzi; akanga achibva kuJotibha.

20 Akaita zvakaipa pamberi paJehovha, sezvakanga zvaita Manase baba vake.

21 Akafamba munzira dzose dzababa vake; akanamata zvifananidzo zvakanga zvanamatwa nababa vake, akazvipfugamira.

22 Akafuratira Jehovha, Mwari wamadzibaba ake, haana kufamba munzira yaJehovha.

23 Vabati vaAmoni vakamumukira vakauraya mambo mumuzinda wake.

24 Ipapo vanhu venyika vakauraya vose vakanga vamukira Mambo Amoni, vakagadza mwanakomana wake Josia kuti ave mambo panzvimbo yake.

25 Kana zviri zvimwe zvakaitika panguva yokutonga kwaAmoni, nezvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzamadzimambo eJudha?

26 Akavigwa muguva rake mubindu raUza. Josia mwanakomana wake akamutevera paumambo.

Categories
2 Madzimambo

2 Madzimambo 22

Bhuku roMurayiro Rinowanikwa

1 Josia akanga ava namakore masere paakava mambo, uye akatonga muJerusarema kwamakore makumi matatu nerimwe. Zita ramai vake rainzi Jedhidha mwanasikana waAdhaya; aibva kuBhozikati.

2 Akaita zvakanaka pamberi paJehovha uye akafamba munzira dzose dzababa vake Dhavhidhi, akasatsaukira kurudyi kana kuruboshwe.

3 Mugore regumi namasere rokutonga kwake, Mambo Josia akatuma munyori, Shafani mwanakomana waAzaria, mwanakomana waMeshurami, kutemberi yaJehovha. Akati kwaari,

4 “Enda kuna Hirikia muprista mukuru umuudze kuti averenge mari yakauyiswa mutemberi yaJehovha, iya yakaunganidzwa navarindi vomukova ichibva kuvanhu.

5 Uite kuti vaipe kuvarume vakagadzwa kuti vatarire basa rapatemberi. Uye varume ava vanofanira kuripa vabati vanogadzira temberi yaJehovha,

6 vavezi, navavaki navavezi vamatombo. Uyezve uite kuti vatenge matanda namatombo akavezwa kuti vagadzirise temberi.

7 Asi havafaniri kubvunzwa pamusoro pemari yakaiswa mumaoko avo, nokuti ivo vakatendeka pakubata kwavo.”

8 Hirikia muprista mukuru akati kuna Shafani munyori, “Ndawana Bhuku roMurayiro mutemberi yaJehovha.” Akaripa kuna Shafani, uyo akariverenga.

9 Ipapo Shafani munyori akaenda kuna mambo akandomuzivisa kuti: “Vabati venyu varipa mari iya yakanga iri mutemberi yaJehovha vakaipa kuvashandi navatariri vapatemberi.”

10 Ipapo Shafani munyori akazivisa mambo achiti, “Hirikia muprista andipa bhuku.” Uye Shafani akariverenga pamberi pamambo.

11 Mambo akati anzwa mashoko eBhuku roMurayiro, akabvarura nguo dzake.

12 Akarayira Hirikia muprista, naAhikami mwanakomana waShafani, naAkibhori mwanakomana waMikaya, naShafani munyori, naAsaya muranda wamambo achiti,

13 “Endai munondibvunzirawo Jehovha, ini navanhu ava, uye navanhu vose veJudha, pamusoro pezvakanyorwa mubhuku rakawanikwa iri. Nokuti kutsamwa kwaJehovha kwaakatitsamwira nako kukuru nokuda kwamadzibaba edu asina kuteerera mashoko ebhuku iri; havana kuita zvose zvakafanira zvakanyorwa pamusoro pedu.”

14 Hirikia muprista, naAhikami, naAkibhori, naShafani naAsaya vakaenda kundotaura naHuridha muprofitakadzi, akanga ari mukadzi waSharumi mwanakomana waTikivha, mwanakomana waHarihasi, muchengeti wenguo. Aigara muJerusarema, muDunhu reChipiri.

15 Akati kwavari, “Zvanzi naJehovha, Mwari weIsraeri: Udzai murume akutumai kwandiri kuti,

16 ‘Zvanzi naJehovha: Ndichauyisa dambudziko pamusoro penzvimbo ino navanhu vayo, zvichienderana nezvose zvakanyorwa mubhuku rakaverengwa namambo weJudha.

17 Nokuti vakandirasa, vakapisira zvinonhuhwira kuna vamwe vamwari, vakanditsamwisa nokuda kwezvifananidzo zvose zvavakaita namaoko avo, kutsamwa kwangu kuchapfuta pamusoro penzvimbo ino uye hakungadzimwi.’

18 Udzai mambo weJudha, akutumai kuzobvunza Jehovha, kuti, ‘Zvanzi naJehovha, Mwari waIsraeri, pamusoro pamashoko amakanzwa:

19 Nokuti mwoyo wako wakanga uri munyoro uye ukazvininipisa pamberi paJehovha pawakanzwa zvandakataura pamusoro penzvimbo ino navanhu vayo, kuti vachatukwa uye kuti vachaitwa dongo, uye nokuti wakabvarura nguo dzako ukachema pamberi pangu, ndakunzwa, ndizvo zvinotaura Jehovha.

20 Naizvozvo ndichakurongedza kumadzibaba ako, uye uchavigwa murugare. Meso ako haachazooni matambudziko ose andichauyisa panzvimbo ino.’ ”

Naizvozvo vakaendesa mhinduro yake kuna mambo.

Categories
2 Madzimambo

2 Madzimambo 23

Josia anovandudza Sungano

1 Ipapo mambo akaunganidza vakuru vose veJudha neJerusarema pamwe chete.

2 Akakwidza achienda kutemberi yaJehovha navarume veJudha, navanhu veJerusarema, vaprista navaprofita, navanhu vose kubva kuvaduku kusvikira kuvakuru. Akaverenga vachinzwa mashoko ose eBhuku reSungano, rakanga rawanikwa mutemberi yaJehovha.

3 Mambo akamira pambiru akavandudza sungano pamberi paJehovha, kuti atevere Jehovha uye achengete zvaakarayira, nezvaakatema nemitemo yake nomwoyo wake wose, nomweya wake wose nokudaro achisimbisa mashoko esungano akanyorwa mubhuku iri. Ipapo vanhu vose vakazvipira kusungano.

4 Zvino mambo akarayira Hirikia muprista mukuru, navaprista vaimutevera paukuru navarindi vemikova kuti vabvise mutemberi yaJehovha zvose zvakanga zvaitirwa Bhaari naAshera nenyeredzi dzose dzokudenga. Akazvipisira kunze kweJerusarema muminda yoMupata weKidhironi, akaendesa madota azvo kuBheteri.

5 Akabvisa vaprista vezvifananidzo vakanga vagadzwa namadzimambo eJudha kuti vapisire zvinonhuhwira pamatunhu akakwirira amaguta eJudha napamusoro penzvimbo dzakapoteredza Jerusarema, vaya vaipisira zvinonhuhwira kuna Bhaari, nokuzuva nomwedzi nokunyeredzi dzose dzokudenga.

6 Akabvisa danda raAshera mutemberi yaJehovha akariisa kuMupata weKidhironi kunze kweJerusarema akaripisirako. Akarikuya rikava madota, akaparadzira madota acho pamusoro pamarinda avanhuwo zvavo.

7 Akaputsawo dzimba dzezvifeve zvavarume zvapatemberi dzaiva mutemberi yaJehovha mairukira vakadzi machira aAshera.

8 Josia akabudisa vaprista vose vaibva mumaguta eJudha akashatisa matunhu akakwirira, kubva kuGebha kusvikira kuBheerishebha, kwaipisirwa zvinonhuhwira navaprista. Akaputsa dzimba dzapamatunhu akakwirira apamasuo apamukova weSuo raJoshua, mutongi weguta, raiva kuruboshwe rwesuo reguta.

9 Kunyange zvazvo vaprista vamatunhu akakwirira vakanga vasingashumiri paaritari yaJehovha muJerusarema, vakadya zvingwa zvisina mbiriso pamwe chete nehama dzavo vaprista.

10 Akashatisa Tofeti iri muMupata weBheni Hinomi, kuitira kuti pasava nomunhu angapashandisa kubayira mwanakomana wake kana mwanasikana wake mumoto kuna Moreki.

11 Akabvisa pasuo retemberi yaJehovha mabhiza akanga akumikidzwa kuzuva namadzimambo eJudha, akanga ari muchivanze pedyo nekamuri romubati ainzi Natani-Mereki. Ipapo Josia akapisa ngoro dzakanga dzakakumikidzwa kuzuva.

12 Akaputsira pasi aritari dzakanga dzavakwa namadzimambo eJudha pamusoro pedenga, pedyo nekamuri rapamusoro raAhazia, nearitari dzakanga dzavakwa naManase muzvivanze zviviri zvetemberi yaJehovha. Akadzibvisapo, akadziputsa-putsa uye akakanda marara acho muMupata weKidhironi.

13 Mambo akashatisawo matunhu akakwirira akanga ari kumabvazuva kweJerusarema nechezasi kweChikomo choUori, izvo zvakanga zvavakwa naSoromoni mambo weIsraeri achivakira Ashitoreti mwari anonyangadza wavaSidhoni naKemoshi mwari anonyangadza wavaMoabhu, naMoreki mwari anonyangadza wavaAmoni.

14 Josia akaputsa-putsa shongwe dzamatombo aiera akatema matanda aAshera akafukidza nzvimbo dzacho namapfupa avanhu.

15 Pamusoro paizvozvo, akaparadza aritari paBheteri nenzvimbo yakakwirira yakaitwa naJerobhoamu mwanakomana waNebhati, uyo akaita kuti Israeri itadze, kunyange aritari iyoyo nenzvimbo yakakwirira akazviputsa. Akapisa nzvimbo yakakwirira akaikuya kuita upfu, uye akapisawo danda raAshera.

16 Ipapo Josia akatarira-tarira uye paakaona makuva akanga aripo pamusoro pechikomo, akarayira kuti mapfupa abviswe maari uye apiswe paaritari kuti aishatise, maererano neshoko raJehovha rakaparidzwa nomunhu waMwari akaprofita zvinhu izvi.

17 Mambo akabvunza akati, “Ko, shongwe yeguva yandinoona iyo ndeyani?”

Varume vomuguta vakati, “Ndiyo inoratidza guva romunhu waMwari akabva kuJudha akaprofita pamusoro pearitari yeBheteri nezvinhu izvi zvamaita kwairi.”

18 Iye akati, “Regai azorore. Ngakurege kuva nomunhu anokanganisa mapfupa ake.” Naizvozvo vakarega mapfupa ake pamwe chete neomuprofita akanga abva kuSamaria.

19 Josia akaita zvimwe chetezvo sezvaakanga aita paBheteri akabvisa uye akashatisa temberi dzose dzapamatunhu akakwirira dzakanga dzavakwa namadzimambo eIsraeri mumaguta eSamaria, akanga atsamwisa Jehovha,

20 Josia akauraya vaprista vose vokumatunhu akakwirira pamusoro pearitari uye akapisirapo mapfupa avanhu. Ipapo akabva adzokera kuJerusarema.

21 Mambo akarayira vanhu vose akati, “Itirai Jehovha Mwari wenyu Pasika sezvazvakanyorwa muBhuku iri reSungano.”

22 Hakuna kumbova nepasika yakadai kubvira pamazuva avatongi vakatungamirira Israeri kana pamazuva amadzimambo avaIsraeri, namadzimambo eJudha.

23 Asi mugore regumi namasere raMambo Josia, pasika iyi yakaitirwa Jehovha muJerusarema.

24 Pamusoro paizvozvo, Josia akabvisa masvikiro ose navavuki, navaiita zvemidzimu, nezvifananidzo nezvimwe zvose zvinonyangadza zvaionekwa muJudha nomuJerusarema. Akaita izvi kuti azadzise zvaidikanwa nomurayiro wakanga wakanyorwa mubhuku rakanga rakawanikwa nomuprista Hirikia mutemberi yaJehovha.

25 Hapana kumbova namambo akaita saJosia kuna vakamutangira kana vakamutevera, akatendeukira kuna Jehovha nomwoyo wake wose, nomweya wake wose, uye nesimba rake rose, sezvaakaita achitevera Murayiro wose waMozisi.

26 Kunyange zvakadaro, Jehovha haana kushanduka pakupisa kwehasha dzake dzinotyisa, dzaipisira Judha nokuda kwezvose zvakaitwa naManase achimutsamwisa.

27 Naizvozvo Jehovha akati, “Ndichabvisawo Judha pamberi pangu sokubvisa kwandakaita Israeri, uye ndicharamba Jerusarema, guta randakasarudza, netemberi iyi, yandakataura pamusoro payo ndichiti, ‘Zita rangu richagarapo.’ ”

28 Kana zviri zvimwe zvakaitika pakutonga kwaJosia, nezvose zvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzamadzimambo eJudha?

29 Josia paakanga ari mambo, Faro Neko mambo weIjipiti akaenda kuRwizi Yufuratesi kuti andobatsira mambo weAsiria. Mambo Josia akaenda kundorwisana naye, asi Neko akamuona akamuuraya paMegidho.

30 Varanda vaJosia vakatakura mutumbi wake mungoro kubva kuMegidho kusvika kuJerusarema vakamuviga muguva rake. Vanhu vomunyika imomo vakatora Jehoahazi mwanakomana waJosia vakamuzodza uye vakamuita mambo panzvimbo yababa vake.

Jehoahazi Mambo weJudha

31 Jehoahazi akanga ava namakore makumi maviri namatatu paakava mambo, akatonga kwemwedzi mitatu muJerusarema. Zita ramai vake rainzi Hamutari mwanasikana waJeremia, vaibva kuRibhina.

32 Akaita zvakaipa pamberi paJehovha, sezvakanga zvaitwa namadzibaba ake.

33 Faro Neko akamusunga nengetani paRibhira munyika yeHamati kuti asatonga muJerusarema, uye akaisa mutero pamusoro peJudha wamatarenda zanaesirivha netarendaregoridhe.

34 Faro Neko akagadza Eriakimi mwanakomana waJosia kuti ave mambo panzvimbo yababa vake uye Josia akashandura zita raEriakimi kuti rive Jehoyakimi. Asi akatora Jehoahazi akaenda naye kuIjipiti, uye ndiko kwaakafira.

35 Jehoyakimi akapa Faro Neko sirivha negoridhe sezvaakanga areva. Kuti aite izvozvo, akaripisa vanhu vomunyika imomo mutero achitora sirivha negoridhe kubva kuvanhu venyika maererano nezvavakanga vatarirwa.

Jehoyakimi anova Mambo weJudha

36 Jehoyakimi akanga ava namakore makumi maviri namashanu paakava mambo, uye akatonga kwamakore gumi nerimwe muJerusarema. Zita ramai vake rainzi Zebhidha mwanasikana waPedhaya; vaibva kuRuma.

37 Akaita zvakaipa pamberi paJehovha, sezvakanga zvaitwa namadzibaba ake.

Categories
2 Madzimambo

2 Madzimambo 24

1 Mumazuva okutonga kwaJehoyakimi Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi akakunda nyika, Jehoyakimi akava muranda wake kwamakore matatu. Asi akazoshandura pfungwa dzake akamukira Nebhukadhinezari.

2 Jehovha akatuma vaBhabhironi navaAramu navaMoabhu uye navaAmoni kuti vazorwisa. Akavatuma kunoparadza Judha, sezvakarehwa neshoko raJehovha rakataurwa navaranda vake navaprofita.

3 Zvirokwazvo zvinhu izvi zvakaitika kuna Judha sezvazvakarayirwa naJehovha, kuitira kuti avabvise pamberi pake nokuda kwezvivi zvaManase nezvose zvaakaita,

4 zvinosanganisira kuteura ropa risina mhosva. Nokuti akanga azadza Jerusarema neropa risina mhosva, uye Jehovha akanga asingadi kumukanganwira.

5 Kana zviri zvimwe zvakaitika pakutonga kwaJehoyakimi, nezvose zvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzamadzimambo eJudha?

6 Jehoyakimi akazorora namadzibaba ake. Uye Jehoyakini, mwanakomana wake akamutevera paumambo.

7 Mambo weIjipiti haana kuzobudazve kubva munyika yake nokuti mambo weBhabhironi akanga atora nyika yake yose, kubva kuRwizi rweIjipiti kusvikira kuRwizi Yufuratesi.

Jehoyakini anova Mambo weJudha

8 Jehoyakini akanga ava namakore gumi namasere paakava mambo, uye akatonga kwemwedzi mitatu muJerusarema. Zita ramai vake rainzi Nehushita mwanasikana waErinatani; vaibva muJerusarema.

9 Akaita zvakaipa pamberi paJehovha, sezvakanga zvaitwa nababa vake.

10 Panguva iyoyo varanda vaNebhukadhinezari mambo weBhabhironi vakaenda kuJerusarema vakarikomba,

11 uye Nebhukadhinezari pachake akasvika kuguta, varanda vake pavakanga vakarikomba.

12 Jehoyakini mambo weJudha, namai vake, navaranda vake, namakurukota ake, navabati vake vakazvipira vose kwaari.

Mugore regumi namasere rokutonga kwamambo weBhabhironi, akatora Jehoyakini akamuita musungwa.

13 Sezvakanga zvarehwa naJehovha, Nebhukadhinezari akabvisa pfuma yose mutemberi yaJehovha nomumuzinda wamambo, uye akatora midziyo yose yegoridhe yakanga yaitirwa temberi yaJehovha naSoromoni mambo weIsraeri.

14 Akatapa Jerusarema rose: vabati vose navarume vehondo vose, navarume voumhizha vose, navapfuri vesimbi, vaiva vanhu zviuru gumi. Varombo vokupedzisira ndivo vakasara chete munyika imomo.

15 Nebhukadhinezari akatora Jehoyakini akamuita nhapwa kuBhabhironi. Akatorawo mai vamambo, navakadzi vake, navabati vake navarume vaitungamirira nyika muJerusarema akavaendesa kuBhabhironi.

16 Mambo weBhabhironi akabudisawo hondo yose yavarume zviuru zvinomwe, vakasimba pakurwa, nechiuru chimwe chete chavarume voumhizha navapfuri vesimbi akavaendesa kuBhabhironi.

17 Akaita Matania babamunini vaJehoyakini, mambo panzvimbo yaJehoyakini uye akashandura zita rake akamutumidza kuti Zedhekia.

Zedhekia anova Mambo weJudha

18 Zedhekia akanga ana makore makumi maviri nerimwe chete paakava mambo, uye akatonga muJerusarema kwamakore gumi nerimwe. Zita ramai vake rainzi Hamutari mwanasikana waJeremia; vaibva kuRibhina.

19 Akaita zvakaipa pamberi paJehovha, sezvakanga zvaita Jehoyakini.

20 Izvi zvakaitika kuJerusarema neJudha nokuda kwehasha dzaJehovha, uye pakupedzisira akavabvisa pamberi pake.

Zvino Zedhekia akamukira mambo weBhabhironi.

Categories
2 Madzimambo

2 Madzimambo 25

Kuwa kweJerusarema

1 Naizvozvo mugore repfumbamwe rokutonga kwaZedhekia, pazuva regumi romwedzi wegumi, Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi akaenda kundorwisana neJerusarema nehondo yake yose. Akavaka misasa akakomberedza guta uye akavakawo nhare dzakanga dzakarikomberedza.

2 Guta rakaramba rakakombwa kusvikira pagore regumi nerimwe chete raMambo Zedhekia.

3 Pazuva repfumbamwe romwedzi wechina nzara yakanyanya muguta zvokuti makanga musisina zvokudya zvavanhu.

4 Ipapo rusvingo rweguta rwakapwanyiwa, hondo yose ikatiza usiku napasuo raiva pakati pamasvingo maviri pedyo nebindu ramambo, kunyange veBhabhironi vakanga vakakomba guta. Vakatiza vakananga kuArabha,

5 asi hondo yavaBhabhironi yakadzinganisa mambo ikamubatira mumapani eJeriko. Varwi vake vose vakaparadzaniswa naye vakapararira.

6 Akabatwa akaendeswa kuna mambo weBhabhironi paRibhira, kwaakandotongwa.

7 Vakauraya vanakomana vaZedhekia pamberi pake achizviona. Ipapo vakamutushura meso ake, vakamusunga nezvisungo zvamatare vakamutora vakaenda naye kuBhabhironi.

8 Pazuva rechinomwe romwedzi wechishanu, mugore regumi nepfumbamwe raNebhukadhinezari mambo weBhabhironi, Nebhuzaradhani mukuru wehondo yavachengeti vamambo, muranda wamambo weBhabhironi, akauya kuJerusarema.

9 Akapisa temberi yaJehovha, nomuzinda wamambo nedzimba dzose dzeJerusarema. Akapisa, dzimba dzose dzaikosha.

10 Hondo yose yeBhabhironi yaiva pasi pomukuru wavarindi vamambo yakaputsa masvingo aipoteredza Jerusarema.

11 Nebhuzaradhani mukuru wavarindi akaendesa kuutapwa vanhu vakanga vasara muguta, pamwe chete navamwe vanhu vose zvavo navaya vakanga vaenda kuna mambo weBhabhironi.

12 Asi mukuru wavarindi akasiya vanhu vakanga vari varombo vokupedzisira munyika kuti vashande muminda yemizambiringa nemimwe minda.

13 Vanhu veBhabhironi vakaputsa mbiru dzendarira, zvigadziko neGungwa rendarira zvakanga zviri mutemberi yaJehovha vakatakura ndarira vakaenda nayo kuBhabhironi.

14 Vakatorawo hari, nefoshoro, nezvidzimiso zvemwenje, nemadhishi uye nemidziyo yose yendarira yaishandiswa mutemberi.

15 Mukuru wehondo yavarindi vamambo akatora zvaenga zvezvinonhuhwira namadhishi okusasa nawo, nezvose zvakanga zvakagadzirwa negoridhe rakaisvonaka kana sirivha.

16 Ndarira yakabva pambiru mbiri, Gungwa nezvigadziko zvakanga zvagadzirirwa temberi yaJehovha naSoromoni, yakanga yakawanda zvokuti yaisagona kuyerwa.

17 Mbiru imwe neimwe yaiva yakareba makubhiti gumi namasere. Musoro wendarira waiva pamusoro pembiru wakanga wakareba makubhiti matatuuye wakanga wakashongedzwa nomumbure uye namatamba endarira akanga akaupoteredza. Imwe mbiru nomumbure wayo yakanga yakadarowo.

18 Mukuru wavarindi akatora Seraya muprista mukuru naZefania muprista aimutevera paukuru navachengeti vomukova vatatu akavaita vasungwa.

19 Pane avo vakanga vasara muguta, akatora mukuru wavarwi navapi vamazano vamambo vashanu. Akatorawo munyori akanga ari mubati mukuru ainyoresa vanhu venyika kuti vave varwi navamwe vanhu vake vaisvika makumi matanhatu vakawanikwa muguta.

20 Nebhuzaradhani mukuru wavarindi akavatora vose akavaendesa kuna mambo weBhabhironi paRibhura.

21 Ipapo paRibhura munyika yeHamati, mambo akarayira kuti vaurayiwe.

Saka Judha yakaenda kuutapwa, kure nenyika yayo.

22 Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi akagadza Gedharia mwanakomana waAhikami, mwanakomana waShafani, kuti atonge vanhu vaakanga asiya muJudha.

23 Vakuru vose vehondo navanhu vavo pavakanzwa kuti mambo weBhabhironi akanga agadza Gedharia kuti ave mutongi, vakauya kuna Gedharia paMizipa, Ishumaeri mwanakomana waNetania, naJohanani mwanakomana waKarea, naSeraya mwanakomana waTanhumeti muNetofati, naJaazania mwanakomana womuMaakati, navanhu vavo.

24 Gedharia akaita mhiko kuti avasimbise, ivo navanhu vavo. Akati kwavari, “Musatya vabati vomuBhabhironi. Garai munyika mushandire mambo weBhabhironi zvigokunakirai.”

25 Kunyange zvakadaro, mumwedzi wechinomwe Ishumaeri mwanakomana waNetania, mwanakomana waErishama, akanga ari weropa roushe, akauya navarume gumi akauraya Gedharia navarume veJudha neveBhabhironi vaiva naye paMizipa.

26 Zvadai, vanhu vose kubva kuvadiki kusvika kuvakuru navakuru vehondo pamwe chete vakatizira kuIjipiti, vachitya vaBhabhironi.

Jehoyakini anosunungurwa

27 Mugore ramakumi matatu namanomwe rokutapwa kwaJehoyakini mambo weJudha, mugore rakatanga Evhiri-Merodhaki mambo weBhabhironi kutonga, akasunungura Jehoyakini kubva muusungwa pazuva ramakumi manomwe romwedzi wegumi nemiviri.

28 Akataura zvakanaka kwaari akamupa chigaro chokukudzwa chakapfuura chamamwe madzimambo akanga anaye muBhabhironi.

29 Naizvozvo Jehoyakini akabvisa nguo dzake dzousungwa uye akadya patafura yamambo nguva nenguva pamazuva ose oupenyu hwake.

30 Zuva nezuva mambo akapa Jehoyakini mugove wezuva rimwe nerimwe mazuva ose oupenyu hwake.