Categories
2 Samueri

2 Samueri 21

VaGibheoni vanotsivirwa

1 Panguva yokutonga kwaDhavhidhi, kwakava nenzara makore matatu achiteverana; saka Dhavhidhi akatsvaka chiso chaJehovha. Jehovha akati, “Imhaka yaSauro neimba yake yeropa; imhaka yokuti akauraya vaGibheoni.”

2 Mambo akadana vaGibheoni akataura navo. (Zvino vaGibheoni vakanga vasiri vorudzi rwavaIsraeri asi vakanga vari vakasara vavaAmori; vakanga vapikirwa navaIsraeri kuti vasaurayiwe, asi Sauro mukushingaira kwake nokuda kwavaIsraeri navaJudha akaedza kuvaparadza.)

3 Dhavhidhi akabvunza vaGibheoni akati, “Ndingakuitirai chiiko? Ndingayananisa neiko kuitira kuti mugoropafadza nhaka yaJehovha?”

4 VaGibheoni vakamupindura vachiti, “Hatina kodzero yokureva sirivha negoridhe kuna Sauro kana kumhuri yake, uye hatina kodzero yokuuraya munhu muIsraeri.”

Dhavhidhi akati, “Munoda kuti ndikuitireiko?”

5 Vakapindura mambo vakati, “Kana ari munhu akatiparadza uye akaita rangano yokuti tipere uye tishayiwe nzvimbo kupi zvako muIsraeri,

6 zvizvarwa zvake zvechirume zvinomwe ngazvipiwe kwatiri kuti zviurayiwe uye zviiswe pachena pamberi paJehovha paGibhea raSauro musanangurwa waJehovha.”

Saka mambo akati, “Ndichavapa kwamuri.”

7 Mambo akararamisa Mefibhosheti mwanakomana waJonatani, mwanakomana waSauro, nokuda kwemhiko pamberi paJehovha pakati paDhavhidhi naJonatani mwanakomana waSauro.

8 Asi mambo akatora Arimoni naMefibhosheti, vanakomana vaviri vaRizipa mwanasikana waAya, waakanga aberekera Sauro, pamwe chete navanakomana vashanu vaMerabhi mwanasikana waSauro, waakanga aberekera Adhirieri mwanakomana waBhazirai muMehorati.

9 Akavaisa mumaoko avaGibheoni, ivo vakavasungirira pachikomo pamberi paJehovha. Vose vari vanomwe vakafa pamwe chete; vakaurayiwa panguva yokutanga kukohwa, pakutanga kwokukohwewa kwebhari.

10 Rizipa mwanasikana waAya akatora nguo yesaga akazviwaridzira pamusoro pedombo. Kubva pakutanga kwokukohwa kusvikira pakunaya kwemvura ichibva kudenga pamusoro pemitumbi yavo, haana kutendera shiri dzedenga kuti dzivabate masikati kana zvikara zvesango usiku.

11 Dhavhidhi akati ataurirwa zvakaitwa naRizipa, mwanasikana waAya, murongo waSauro,

12 akaenda akandotora mapfupa aSauro naJonatani mwanakomana wake kubva kuvagari veJabheshi Gireadhi. Vakanga vaatora muchivande kubva pachivara chapaBheti Shani, uko kwavakanga vaturikwa navaFiristia shure kwokunge vauraya Sauro paGiribhoa.

13 Dhavhidhi akauya namapfupa aSauro naJonatani mwanakomana wake kubva ikoko, uye mapfupa aavo vakanga vaurayiwa vakaiswa pachena akaunganidzwa.

14 Vakaviga mapfupa aSauro naJonatani mwanakomana wake muhwiro hwaKishi baba vaSauro, paZera muBhenjamini, uye vakaita zvose zvavakarayirwa namambo. Shure kwaizvozvo, Mwari akapindura munyengetero wokumiririra nyika.

Hondo navaFiristia

15 Kwakavazve nehondo pakati pavaFiristia navaIsraeri. Dhavhidhi akaburuka navanhu vake kundorwa navaFiristia, uye akaneta kwazvo.

16 Uye Ishibhi-Bhenoni, mumwe wezvizvarwa zvaRafa, aiva nomusoro wepfumo wairema mazana matatu amashekeriuye akapakata munondo mutsva, akati achauraya Dhavhidhi.

17 Asi Abhishai mwanakomana waZeruya akanunura Dhavhidhi; akabayira muFiristia pasi akamuuraya. Ipapo vanhu vaDhavhidhi vakapika kwaari vachiti, “Hamuchazomboendizve nesu kuhondo, kuitira kuti mwenje weIsraeri urege kuzodzimwa.”

18 Shure kwaizvozvo, kwakavazve nokurwa navaFiristia, paGobhi. Panguva iyoyo Sibhekai muHushati akauraya Safi, mumwe wezvizvarwa zvaRafa.

19 Pano kumwe kurwa navaFiristia paGobhi, Erihanani mwanakomana waJoare-Oregimi muBheterehema akauraya Goriati muGiti, akanga ane pfumo raiva nerwiriko rwakanga rwakaita setsvimbo yomuruki.

20 Pano kumwe kurwazve, kwakaitika paGati, pakanga pane hofori yomurume akanga ane minwe mitanhatu paruoko rumwe norumwe uye zvigunwe zvitanhatu parutsoka rumwe norumwe, zvose zviri makumi maviri nezvina. Naiyewo akanga ari chizvarwa chaRafa.

21 Akati achishora Israeri, Jonatani mwanakomana waShimea, mununʼuna waDhavhidhi, akamuuraya.

22 Ava vari vana vakanga vari zvizvarwa zvaRafa muGati, uye vakafa pamaoko aDhavhidhi navanhu vake.

Categories
2 Samueri

2 Samueri 22

Rwiyo rwaDhavhidhi rwoKurumbidza

1 Dhavhidhi akaimbira Jehovha mashoko orwiyo urwu paakarwirwa naJehovha kubva muruoko rwavavengi vake vose nomuruoko rwaSauro.

2 Akati:

“Jehovha ndiye dombo rangu, nhare yangu uye mununuri wangu;

3 Mwari wangu ndiye dombo rangu, ndinovanda maari,

nhoo yangu, norunyanga rworuponeso rwangu.

Ndiye nhare yangu, utiziro hwangu nomuponesi wangu,

munondiponesa pavanhu vanoita nechisimba.

4 Ndinodana kuna Jehovha, iye anofanira kurumbidzwa,

uye ndinoponeswa kubva kuvavengi vangu.

5 “Mafungu orufu akandikomba;

mvura zhinji yokuparadza yakandifukidza.

6 Mabote eguva akandimonera;

misungo yorufu yakandivinga.

7 Mukutambudzika kwangu ndakadana kuna Jehovha;

ndakadanidzira kuna Mwari wangu.

Akanzwa inzwi rangu ari mutemberi yake;

kuchema kwangu kwakasvika munzeve dzake.

8 “Nyika yakadedera uye ikazungunuka,

nheyo dzokudenga dzakadengenyeka;

dzakadedera nokuti akanga atsamwa.

9 Utsi hwakakwira kubva mumhino dzake;

moto unoparadza wakabuda mumuromo make,

mazimbe anopisa akapfutamo.

10 Akakamura matenga akaburuka pasi;

makore erima akanga ari pasi petsoka dzake.

11 Akatasva makerubhi akabhururuka;

akabhururuka mudenga denga pamapapiro emhepo.

12 Akaita kuti rima rimupoteredze setende,

iwo makore matema emvura yokudenga.

13 Kubva pakupenya kwokuvapo kwake

mabhananʼana emheni akapenya.

14 Jehovha akatinhira ari kudenga;

inzwi reWokumusoro-soro rakanzwikazve.

15 Akapfura miseve akaparadzira vavengi,

mabhananʼana emheni akavaparadza.

16 Mipata yegungwa yakaiswa pachena

uye nheyo dzenyika dzakabudiswa pachena

nokutuka kwaJehovha,

nokufema kwomweya wemhino dzake.

17 “Akatambanudza ruoko ari kudenga akandibata;

akandibudisa kubva pamvura yakadzika.

18 Akandinunura kubva pamuvengi wangu ane simba,

kubva kuvavengi, vakanga vachindikurira pasimba.

19 Vakandivinga muzuva renjodzi yangu,

asi Jehovha akanga ari mutsigiri wangu.

20 Akandibudisira kunzvimbo yakafarikana;

akandinunura nokuti akanga achindifarira.

21 “Jehovha akandiitira zviri maererano nokururama kwangu;

maererano nokuchena kwamaoko angu, akandipa mubayiro.

22 Nokuti ndakachengeta nzira dzaJehovha;

handina kuita chakaipa ndichitsauka kubva kuna Mwari wangu.

23 Mirayiro yake yose iri pamberi pangu;

handina kutsauka kubva pamitemo yake.

24 Ndakanga ndisina chandinopomerwa pamberi pake,

uye ndakazvichengeta kuti ndirege kutadza.

25 Jehovha akandipa mubayiro maererano nokururama kwangu,

maererano nokuchema kwangu pamberi pake.

26 “Kune vakatendeka munoratidza kutendeka kwenyu,

kune vasina chavanopomerwa munoratidza kusapomerwa kwenyu,

27 kune vakachena munozviratidza makachena,

asi kune vasakarurama munozviratidza nehasha.

28 Munoponesa vanozvininipisa,

asi meso enyu ari pamusoro pavanozvikudza kuti muvaderedze.

29 Imi muri mwenje wangu, Jehovha;

Jehovha anoshandura rima rangu kuti rive chiedza.

30 Norubatsiro rwenyu ndinogona kuenda kundorwa neboka ravarwi;

naMwari wangu ndinogona kukwira rusvingo.

31 “Kana ari Mwari, nzira yake yakarurama kwazvo;

shoko raJehovha harina charingapomerwa.

Ndiye nhoo

yavose vanovanda maari.

32 Nokuti ndianiko Mwari kunze kwaJehovha?

Uye ndianiko Dombo kunze kwaMwari wedu?

33 NdiMwari anondishongedza nesimba

uye anoruramisa nzira yangu.

34 Anoita tsoka dzangu kuti dzive setsoka dzenondo;

anoita kuti ndigone kumira pakakwirira.

35 Anodzidzisa maoko angu kurwa;

maoko angu anowembura uta hwendarira.

36 Munondipa nhoo yenyu yokukunda,

munokotamira pasi kuti mundikurise.

37 Munotambanudza nzira pasi pangu,

kuitira kuti zvitsitsinho zvangu zvirege kutsauka.

38 “Ndakatevera vavengi vangu ndikavaparadza;

handina kudzoka kusvikira vaparadzwa.

39 Ndakavaparadza zvachose,

uye havana kugona kumuka; vakawira pasi petsoka dzangu.

40 Makandishongedza nesimba rokurwa;

makaita kuti vadzivisi vangu vakotame patsoka dzangu.

41 Makaita kuti vavengi vangu vatize pakurwa,

uye ndakaparadza vavengi vangu.

42 Vakachemera kubatsirwa, asi hakuna munhu akavaponesa,

kunyange kuna Jehovha, asi haana kupindura.

43 Ndakavapwanya vakatsetseka seguruva renyika;

ndakavatswa uye ndikavatsika sedope riri munzira dzomumusha.

44 “Makandinunura kubva pakurwisa kwavanhu vangu;

makandichengetedza somutungamiri wendudzi.

Vanhu vandakanga ndisingazivi vava pasi pangu.

45 Uye vatorwa vanouya kwandiri vachidedera,

pavanongondinzwa vanonditeerera.

46 Vose vanoora mwoyo;

vanouya vachidedera kubva panhare dzavo.

47 “Jehovha mupenyu! Dombo rangu ngarirumbidzwe!

Ngaakudzwe Mwari, iye Dombo, Muponesi wangu!

48 Ndiye Mwari anonditsivira,

anoisa ndudzi pasi pangu,

49 anondisunungura kubva kuvavengi vangu.

Imi makandikudza pamusoro pavavengi vangu;

kubva kuvanhu vanoita nechisimba, makandinunura.

50 Naizvozvo ndichakurumbidzai, imi Jehovha, pakati pendudzi;

ndicharumbidza zita renyu nenziyo.

51 “Iye anopa mambo wake kukunda kukuru;

anoratidza unyoro hwake kumuzodziwa wake,

kuna Dhavhidhi nezvizvarwa zvake nokusingaperi.”

Categories
2 Samueri

2 Samueri 23

Mashoko Okupedzisira aDhavhidhi

1 Aya ndiwo mashoko okupedzisira aDhavhidhi:

“Chirevo chaDhavhidhi mwanakomana waJese,

Chirevo chomurume akasimudzirwa noWokumusoro-soro,

murume akazodzwa naMwari waJakobho,

muimbi wenziyo waIsraeri:

2 “Mweya waJehovha wakataura kubudikidza neni;

shoko rake rakanga riri parurimi rwangu.

3 Mwari waIsraeri akataura,

Dombo raIsraeri akati kwandiri:

‘Kana munhu achitonga vanhu mukururama,

kana achitonga mukutya Mwari,

4 akaita sechiedza chamangwanani pakubuda kwezuva

mangwanani kusina makore,

sokujeka kwezuva shure kwokunaya

kwemvura kunomeresa uswa kubva pasi.’

5 “Ko, imba yangu haisi yakadaro kuna Mwari here?

Nokuti akaita sungano isingaperi neni,

yakarongwa uye yakasimbiswa pazvinhu zvose.

Ko, haachazozadzisi ruponeso rwangu

uye agondipa zvose zvandinoda here?

6 Asi vanhu vakaipa vacharasirwa parutivi seminzwa,

isingaunganidzwi noruoko.

7 Ani naani anobata minzwa

anoshandisa mudziyo wesimbi kana rwiriko rwepfumo;

uye ichapiswa zvachose pairi ipapo.”

Varwi vane simba vaDhavhidhi

8 Aya ndiwo mazita emhare dzaDhavhidhi:

Joshebhi-Bhashebheti, muTakemoni, akanga ari mukuru waVatatu; akasimudza pfumo rake achirwa navarume mazana masere, akavauraya panguva imwe chete.

9 Aimutevera akanga ari Ereazari, mwanakomana waDhodhai muAhohi. Somumwe wavarume vatatu voumhare, akanga ana Dhavhidhi pavakashora vaFiristia vakanga vakaungana paPasi Dhamimi kuti vazorwa. Ipapo varume veIsraeri vakadzokera shure,

10 asi iye akamira akabaya vaFiristia kusvikira ruoko rwake rwaneta uye rwanamatira pamunondo. Jehovha akaita kuti vakunde kwazvo zuva iroro; uye varwi vakadzokera kuna Ereazari, asi kundokutunura nhumbi dzavakafa chete.

11 Aimutevera akanga ari Shama mwanakomana weAgi muHarari. VaFiristia vakati vaungana pamwe chete panzvimbo yakanga ine munda wakanga uzere nenyemba, varwi vavaIsraeri vakatiza pamberi pavo.

12 Asi Shama akanyatsomira pakati pomunda. Akaudzivirira akauraya vaFiristia, uye Jehovha akauyisa kukunda kukuru.

13 Panguva yokukohwa, vatatu pakati pavakuru makumi matatu vakaburuka kuna Dhavhidhi kubako reAdhurami, nguva iyoyo hondo yavaFiristia yakanga yakadzika misasa muMupata weRefaimi.

14 Panguva iyoyo Dhavhidhi akanga ari munhare, uye hondo yavaFiristia yakanga iri paBheterehema.

15 Dhavhidhi akapanga mvura akati, “Haiwa, dai mumwe andiwanirawo mvura yokunwa patsime riri pedyo reBheterehema!”

16 Saka mhare nhatu dzakapinda napakati pavaFiristia, vakachera mvura kubva mutsime raiva pedyo nesuo reBheterehema vakaitakura vakaenda nayo kuna Dhavhidhi. Asi akaramba kuinwa, akaidururira pasi kuna Jehovha.

17 Akati, “Ngazvive kure neni, Jehovha, kuti ndiite izvi! Ko, iri harisi ropa ravarume vakaendako vachiisa upenyu hwavo panjodzi here?” Uye Dhavhidhi akaramba kuinwa.

Izvi ndizvo zvakaitwa nemhare nhatu.

18 Abhishai mununʼuna waJoabhu mwanakomana waZeruya akanga ari mukuru waVatatu. Akasimudza pfumo rake kuti arwe navarume mazana matatu, akavauraya, nokudaro akava nomukurumbira saVatatu.

19 Ko, haana kupiwa kuremekedzwa kukuru kupfuura vaya Vatatu here? Iye akazova mutungamiri wavo, kunyange zvazvo akanga asina kuverengwa pakati pavo.

20 Bhenaya mwanakomana waJehoyadha akanga ari munhu woumhare aibva kuKabhizeeri, akaita zvinhu zvikuru. Akauraya varume vaviri veMoabhu vakanga vari mhare. Akapindawo mugomba kuchitonhora kwazvo musi uyo, akauraya shumba imomo.

21 Uye akabaya muIjipita akanga ari hofori. Kunyange zvazvo muIjipita akanga ane pfumo muruoko rwake, Bhenaya akarwa naye netsvimbo. Akabvuta pfumo rakanga riri muruoko rwomuIjipita akamuuraya nepfumo rake.

22 Ndiwo akanga ari mabasa aBhenaya mwanakomana waJehoyadha; naiyewo akanga ano mukurumbira sowavarume vaya vatatu voumhare.

23 Akaremekedzwa zvikuru kupinda ani zvake wavaye Makumi Matatu, asi akanga asina kuverengwa pakati pavaya vatatu. Uye Dhavhidhi akamugadza kuti ave mutariri wavarindi vake.

24 Pakati pavaya Makumi Matatu paiti:

Asaheri mununʼuna waJoabhu,

Erihanani mwanakomana waDhodho aibva kuBheterehema,

25 Shama muHarodhi,

Erika muHarodhi,

26 Herezi muPariti, Ira

mwanakomana waIkeshi aibva kuTekoa,

27 Abhiezeri aibva kuAnatoti,

Mebhunai muHushati,

28 Zarimoni muAhohi,

Maharai muNetofati,

29 Heredhi mwanakomana waBhaana muNetofati,

Itai mwanakomana waRibhai aibva kuGibhea muBhenjamini,

30 Bhenaya muPiratoni,

Hidhai aibva kuhova dzeGaashi,

31 Abhi-Aribhoni muAribhati,

Azimavheti muBharihumi,

32 Eriabha muShaaribhoni,

mwanakomana waJasheni,

Jonatani

33 mwanakomana waShama muHarari,

Ahiami mwanakomana waSharari muHarari,

34 Erifereti mwanakomana waAhasibhai muMaakati,

Eriamu mwanakomana waAhitoferi muGironi,

35 Heziro muKarimeri,

Paarai muAribhiti,

36 Igari mwanakomana waNatani aibva kuZobha,

mwanakomana waHagiri,

37 Zereki muAmoni,

Naharai muBheeroti, mutakuri wenhumbi dzokurwa nadzo dzaJoabhu mwanakomana waZeruya,

38 Ira muItiri,

Garebhi muItiri

39 naUria muHiti.

Vose vaiva makumi matatu navanomwe pamwe chete.

Categories
2 Samueri

2 Samueri 24

Dhavhidhi anoverenga varume vokurwa

1 Kutsamwa kwaMwari kwakava pamusoro pavaIsraeri zvakare, uye akakurudzira Dhavhidhi achiti, “Enda undoverenga vaIsraeri navaJudha.”

2 Saka mambo akati kuna Joabhu navakuru vehondo vaiva naye, “Endai pakati pamarudzi ose avaIsraeri kubva kuDhani kusvikira kuBheerishebha mundonyora varume vokurwa, kuti ndizive kuti vangani varipo.”

3 Asi Joabhu akapindura mambo achiti, “Jehovha Mwari wenyu ngaawanze varwi kakapetwa kupfuura rune zana, uye meso ashe wangu mambo azvione. Asi ishe wangu mambo anodireiko kuita chinhu chakadai?”

4 Kunyange zvakadaro, shoko ramambo rakakunda raJoabhu navatungamiri vehondo; saka vakabva pamberi pamambo kuti vandonyora varume vokurwa muIsraeri.

5 Shure kwokuyambuka Jorodhani, vakadzika matende avo pedyo neAroeri, zasi kweguta riri mumupata, uye ipapo vakaenda napakati peGadhi vakandosvika kuJazeri.

6 Vakaenda kuGireadhi nokudunhu reTahitimi Hodhishi, uye napaDhani Joani uye vakapoterera nokuSidhoni.

7 Ipapo vakaenda vakananga kunhare yeTire nokumaguta ose avaHivhi navaKenani. Pakupedzisira, vakaenda kuBheerishebha zasi kweJudha.

8 Mushure mokuenda kwavo munyika yose, vakadzoka kuJerusarema papera mwedzi mipfumbamwe namazuva makumi maviri.

9 Joabhu akazivisa uwandu hwavanhu kuna mambo akati: MuIsraeri makanga mune mazana masere ezviuru zvavarume vakanga vakasimba, vaigona kubata munondo, uye muJudha maiva namazana mashanu ezviuru.

10 Hana yaDhavhidhi yakarova shure kwokuverenga kwake varume vokurwa, akati kuna Jehovha, “Ndatadza zvikuru pane zvandaita. Haiwa Jehovha, zvino ndinokukumbirai, bvisa mhaka yomuranda wenyu. Ndaita chinhu choupenzi kwazvo.”

11 Zvino Dhavhidhi akati achimuka mangwanani, shoko raJehovha rakasvika kuna Gadhi muprofita, muoni waDhavhidhi richiti,

12 “Enda undoudza Dhavhidhi kuti, ‘Zvanzi naJehovha: Ndiri kukupa zvinhu zvitatu. Sarudza chimwe chete chazvo kuti ndichiite pamusoro pako.’ ”

13 Saka Gadhi akaenda kuna Dhavhidhi akati kwaari, “Unoda kuti munyika yako muve nenzara kwamakore matatu here? Kana kuti mwedzi mitatu yokutiza kubva kuvavengi vako ivo vachikudzinganisa? Kana kuti mazuva matatu edenda munyika yako? Zvino funga pamusoro pazvo ugosarudza kuti ndingandopindura sei iye andituma.”

14 Dhavhidhi akati kuna Gadhi, “Ndiri pakutambudzika kukuru. Ngatiwirei hedu mumaoko aJehovha, nokuti ngoni dzake ihuru; asi musandirega ndichiwira mumaoko avanhu.”

15 Saka Jehovha akatuma denda pamusoro peIsraeri kubva mangwanani iwayo kusvikira panguva yakatarwa, uye vanhu zviuru makumi manomwe vakafa kubva kuDhani kusvikira kuBheerishebha.

16 Mutumwa akati atandavadza ruoko rwake kuti aparadze Jerusarema, Jehovha akazvidemba nokuda kwenjodzi iyi akati kumutumwa akanga achiparadza vanhu, “Zvaringana! Dzora ruoko rwako.” Mutumwa waJehovha ipapo akanga ava paburiro raArauna muJebhusi.

17 Dhavhidhi akati aona mutumwa akanga achiuraya vanhu, akati kuna Jehovha, “Ini ndini ndakatadza uye ndikaita zvakaipa. Ava vanongova havo makwai chete. Chiiko chavakaita? Ruoko rwenyu ngaruwire pamusoro pangu ini nemhuri yangu.”

Dhavhidhi anovaka Aritari

18 Pazuva iro Gadhi akaenda kuna Dhavhidhi akati kwaari, “Kwira undovakira Jehovha aritari paburiro raArauna muJebhusi.”

19 Saka Dhavhidhi akakwira sezvaakanga arayirwa naJehovha kubudikidza naGadhi.

20 Arauna akati atarisa akaona mambo navanhu vake vachiuya vakananga kwaari, akabuda akandokotamira pasi pamberi pamambo chiso chake chakatsikitsira pasi.

21 Arauna akati, “Seiko ishe wangu mambo auya kumuranda wake?”

Dhavhidhi akapindura akati, “Kuzotenga buriro rako, kuti ndivakire Jehovha aritari, kuti denda riri pamusoro pavanhu rigume.”

22 Arauna akati kuna Dhavhidhi, “Ishe wangu mambo ngaatore zvose zvinomufadza agozvipira kuna Jehovha. Hedzi nzombe dzechibayiro chinopiswa, neiyi mipuro namajoko enzombe kuti dzive huni.

23 Haiwa mambo, Arauna anopa zvose izvi kuna mambo.” Arauna akatizve kwaari, “Jehovha Mwari wenyu ngaakugamuchirei.”

24 Asi mambo akapindura Arauna akati, “Kwete, ndinoda kuzvitenga kwauri. Handingabayiri Jehovha Mwari wangu zvibayiro zvinopiswa zvandisina kutenga.”

Saka Dhavhidhi akatenga buriro nenzombe uye akazvipira namakumi mashanu amashekeriesirivha.

25 Dhavhidhi akavakira Jehovha aritari ipapo uye akabayira zvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvokuwadzana. Ipapo Jehovha akapindura munyengetero wokukumbirira nyika, uye denda rikapera pamusoro peIsraeri.