Categories
2 VaKorinde

2 VaKorinde 11

Pauro naVapostori Venhema

1 Ndinovimba kuti muchava nomwoyo murefu zvishoma nokuda kwoupenzi hwangu; asi mava kutozviita kare.

2 Ndine godo pamusoro penyu negodo raMwari. Ndakakuitai vakavimbika kumurume mumwe chete, kuna Kristu, kuitira kuti ndigozogona kukusvitsai kwaari semhandara yakachena.

3 Asi ndinotya kuti sokunyengerwa kwakaitwa Evha nenyoka nemano ayo, ndangariro dzenyu dzingangotsauswa kubva pakururama nokuchena kwomwoyo, pakuzvipira kuna Kristu.

4 Nokuti kana mumwe akauya kwamuri achiparidza mumwe Jesu kunze kwaJesu watakaparidza, kana kuti mukagamuchira mumwe mweya wakasiyana nouyo wamakagamuchira, kana rimwe vhangeri rakasiyana neramakagamuchira, munogona kuzvigamuchira zviri nyore kwazvo.

5 Asi handifungi kuti ndiri muduku napaduku pose ku“vapostori vanopfuura vamwe vose.”

6 Ndingava zvangu ndisinganatsi pakutaura, asi ndine ruzivo. Takanyatsojekesa izvi kwamuri nenzira dzose.

7 Ndakatadza here zvandakazvininipisa kuitira kuti imi mugokudzwa nokuparidzwa kwevhangeri raMwari kwamuri pachena pasina mutengo?

8 Ndakatorera dzimwe kereke pandakagamuchira rubatsiro kubva kwavari kuitira kuti ndigone kukushumirai.

9 Uye pandakanga ndiri pakati penyu ndichishayiwa chimwe chinhu, handina kuva mutoro kuna ani zvake, nokuti hama dzakabva kuMasedhonia dzakandipa zvandaishayiwa. Handina kuda kuva mutoro nenzira ipi zvayo pakati penyu, uye ndicharamba ndichidaro.

10 Zvirokwazvo sezvo chokwadi chaKristu chiri mandiri, hakuna munhu mudunhu reAkaya achandidzivisa pakuzvirumbidza uku.

11 Seiko? Nokuti handikudei here? Mwari anoziva kuti ndinokudai!

12 Uye ndicharamba ndichiita zvandiri kuita kuti ndishayise nzira kuna avo vanotsvaka mukana wokuti vaenzaniswe nesu pazvinhu zvavanozvirumbidza nazvo.

13 Nokuti vanhu vakadai ndivo vapostori venhema, varume vanonyengera, vanozvishandura vachizviita vapostori vaKristu.

14 Uye naizvozvo hazvishamisi, nokuti Satani pachake anozvishandura achizviita mutumwa wechiedza.

15 Naizvozvowo hazvishamisi, kana varanda vake vachizvishandura vachizviita varanda vokururama. Magumo avo achava sezvakafanira maitiro avo.

Pauro anozvirumbidza pamusoro pamatambudziko ake

16 Ndinopamhidza kuti: Ngakurege kuva nomunhu anonditi ndiri benzi. Asi kana muchidaro, naizvozvo ndigamuchirei sebenzi, kuitira kuti ndigozvirumbidzawo zvishoma.

17 Mukuzvirumbidza pachangu, handisi kutaura sezvinobva kuna She, asi sebenzi.

18 Sezvo vazhinji vachizvirumbidza nenzira inoitwa nenyika, neniwo ndichazvirumbidza.

19 Nokuti makava nomwoyo murefu nomufaro kumapenzi sezvo makachenjera!

20 Nokuti munoitira mwoyo murefu kunyange munhu wose anokuitai varanda kana anokubirai kana anokutapai kana anokuzvidzai kana anokurovai kumeso.

21 Ndichizvishora ndinobvuma kuti takanga tisina simba rokuti tiite izvozvo.

Zvinotsunga vamwe vose kuti vazvirumbidze pamusoro pazvo, ndinotaura sebenzi, ini ndinotsungawo kuzvirumbidza pamusoro pazvo.

22 Ivo vaHebheru here? Neniwo ndiri. Ivo vaIsraeri here? Neniwo ndiri. Ivo zvizvarwa zvaAbhurahama here? Neniwo ndiri.

23 Ivo varanda vaKristu here? Ndava kupenga, kana ndichitaura zvakadai. Ini ndiri muranda wake zvikuru. Ndakashanda zvokuvapfuura, ndakaiswa mutorongo kakawanda kuvapfuura, ndakarohwa zvikuru kwazvo, uye ndakatarisana norufu kazhinji.

24 Kanosvika kashanu ndakarohwa navaJudha shamhu makumi matatu nepfumbamwe.

25 Katatu ndakarohwa netsvimbo, kamwe chete ndakatakwa namabwe, katatu ndakaita tsaona nechikepe, ndakapedza usiku humwe namasikati ndiri pagungwa,

26 ndakanga ndiri parwendo nguva zhinji. Ndakava panjodzi dzenzizi, panjodzi dzamakororo, panjodzi dzevorudzi rwokwangu, panjodzi dzavaHedheni, panjodzi muguta, napanjodzi murenje, panjodzi mugungwa, napanjodzi pakati pehama dzenhema.

27 Ndakabata basa nokutambura uye nguva zhinji ndichishayiwa hope; ndinoziva nzara nenyota uye kushayiwa zvokudya nguva zhinji; chando nokushayiwa chokupfeka.

28 Kunze kwaizvozvi zvose, ndinoremedzwa zuva rimwe nerimwe nokurangarira kereke dzose.

29 Ndianiko anoshayiwa simba uye ndikasanzwa kushayiwa simba? Ndianiko anotungamirirwa muchivi uye ndikasarwadziwa mukati mangu?

30 Kana ndichifanira kuzvirumbidza, ndichazvirumbidza pamusoro pezvinhu zvinoratidza utera hwangu.

31 Mwari naBaba vaIshe Jesu, uyo anofanira kurumbidzwa nokusingaperi, anoziva kuti handirevi nhema.

32 MuDhamasiko mubati pasi pamambo Aretasi akaita kuti guta ravaDhamasiko ririndwe achida kuti andisunge.

33 Asi ndakaburutswa ndiri mudengu napawindo parusvingo uye ndikapunyuka pamaoko ake.

Categories
2 VaKorinde

2 VaKorinde 12

Chiratidzo chaPauro noMunzwa muMuviri Wake

1 Ndinofanira kuramba ndichizvirumbidza. Kunyange zvisina zvazvinobatsira, ndichapfuurira mberi ndigotaura pamusoro pezviratidzo nezvakazarurwa zvaShe.

2 Ndinoziva mumwe munhu ari muna Kristu, uyo makore gumi namana akapfuura akakwidzwa kudenga rechitatu. Kana zvakaitwa mumuviri kana kunze kwomuviri handizivi, Mwari ndiye anoziva.

3 Uye ndinoziva kuti munhu uyu, kana akanga ari mumuviri kana kuti akanga asiri mumuviri handizivi, asi Mwari ndiye anoziva,

4 akakwidzwa kuparadhiso. Akanzwa zvinhu, zvinhu zvisingatsananguriki namashoko, zvinhu zvisingabvumirwi kuti munhu ataure.

5 Ndichazvirumbidza pamusoro pomunhu akadai, asi handingazvirumbidzi pachangu, kunze kwoutera hwangu.

6 Kunyange dai ndikasarudza kuzvirumbidza, handingavi benzi nokuti ndinenge ndichitaura chokwadi. Asi ndinorega zvangu, kuitira kuti pashayikwe munhu angafunga kuti ndiri mukuru kupfuura zvandinoita kana zvandinotaura.

7 Kuti ndirege kunyanya kuzvikudza nokuda kwoukuru kwazvo hwezvandakazarurirwa, ndakapiwa munzwa munyama yangu, mutumwa waSatani, kuti unditambudze.

8 Katatu ndakakumbira kuna Ishe kuti aubvise pandiri.

9 Asi iye akati kwandiri, “Nyasha dzangu dzakakukwanira, nokuti simba rangu rinozadziswa muutera.” Naizvozvo ndichanyanya kuzvirumbidza pamusoro poutera hwangu, kuitira kuti simba raKristu rigova pamusoro pangu.

10 Ndokusaka, nokuda kwaKristu ndichifara muutera, mukutukwa, mumatambudziko, munhamo, nomukuomerwa. Nokuti kana ndine utera, ipapo ndipo pandine simba.

Shungu dzaPauro pamusoro pavaKorinde

11 Ndakazviita benzi, asi imi ndimi makandisundira ikoko. Ndaifanira kunge ndichirumbidzwa nemi, nokuti handisi muduku duku pakati pa“vapostori vanopfuura vamwe vose,” kunyange zvangu ndisiri chinhu.

12 Zvinhu zvinoratidza upostori, zviratidzo, zvishamiso namabasa esimba, zvakaitwa pakati penyu nokutsungirira kukuru.

13 Ko, imi makanga muri vaduku sei kune dzimwe kereke, kunze kwokuti ndakanga ndisiri mutoro pakati penyu? Ndiregererei pakutadza uku!

14 Zvino ndagadzirira kukushanyirai kechitatu, uye handichazovi mutoro kwamuri, nokuti zvandinoda kwamuri haisi pfuma yenyu asi imi. Pamusoro pezvo vana havafaniri kuchengetera vabereki, asi vabereki ndivo vanofanira kuchengetera vana.

15 Saka naizvozvo ndichafara zvikuru kuti ndipedze zvose zvandinazvo nokuzvipedzawo ini pachangu nokuda kwenyu. Kana ndichikudai zvakanyanya, mungandida zvishoma here?

16 Ngazvive saizvozvo, nokuti ndakanga ndisiri mutoro pakati penyu. Asi zvandakanga ndine njere, ndakakubatai namano!

17 Ndakakutorerai chinhu here kubudikidza navarume vandakatuma kwamuri?

18 Ndakurudzira Tito kuti auye kwamuri uye ndatumira hama yedu pamwe chete naye. Tito haana kukutorerai chinhu, akakutorerai here? Hatina kufamba nomweya mumwe chete here uye tikatevera nzira imwe chete?

19 Makanga muchizvifunga here nguva yose iyi kuti takanga tichizvidavirira? Takanga tichitaura pamberi paMwari savaya vari muna Kristu; uye zvose zvatinoita, vadikani, tinozviita kuti musimbiswe.

20 Nokuti ndinotya kuti pandichauya kwamuri handingakuwanei muri zvandinoda kuti muve, uye mungandiwana ndisiri zvamunonditarisira kuti ndive. Ndinotya kuti kana ndauya kwamuri zvimwe ndingawana pakati penyu paine gakava, godo, kutsamwa kukuru, kupesana, kucherana, makuhwa, manyawi nenyonganiso.

21 Ndinotya kuti kana ndauya kwamuri zvakare, Mwari wangu achandininipisa pamberi penyu, uye ndicharwadziwa nokuda kwavazhinji vakaita zvivi kare uye vasina kutendeuka kubva pakusachena kwavo, chivi choupombwe noutera hwavakaita.

Categories
2 VaKorinde

2 VaKorinde 13

Yambiro Yokupedzisira

1 Uku ndiko kuchava kushanya kwangu kwechitatu kwamuri. Nyaya yose inofanira kusimbiswa nezvapupu zviviri kana zvitatu.

2 Ndakakupai yambiro kare pandakanga ndinemi kechipiri. Zvino ndava kuzvipamhazve ndisipo: Pakuuya kwangu handizoregi vaya vakatadza pakutanga kana vamwe vose,

3 sezvo muchitsvaka chiratidzo chokuti Kristu ndiye anotaura kubudikidza neni. Haana utera pakubata kwake pakati penyu, asi ane simba kwazvo pakati penyu.

4 Nokuti kuti muve nechokwadi, akarovererwa pamuchinjikwa muutera, asi anorarama nesimba raMwari. Zvimwe chetezvo nesuwo tinorarama muutera maari, asi nesimba raMwari tiri vapenyu pamwe chete naye kuti tikushumirei.

5 Zviedzei imi pachenyu muone kana muri pakutenda; zviedzei pachenyu. Munoziva here kuti Jesu ari mukati menyu, kunze kwokutoti makakundikana?

6 Uye ndinovimba kuti muchaona kuti hatina kukundikana.

7 Zvino tinonyengetera kuna Mwari kuti murege kuita chinhu chimwe chakaipa. Kwete kuti vanhu vaone kuti isu takakunda, asi kuti imi muite zvakarurama kunyange zvedu isu tichiita setakakundikana.

8 Nokuti hatigoni kuita chinhu chinopikisana nechokwadi, asi chinobatsira chokwadi chete.

9 Nokuti tinofara kana isu tichishayiwa simba asi imi muine simba; uye munyengetero wedu ndewokuti imi mukwaniswe.

10 Ndokusaka ndichinyora zvinhu izvi ndisipo, kuti kana ndauya ndirege kuzoita nehasha pakushandisa simba rangu, simba randakapiwa naIshe kuti ndikuvakei naro, kwete kukuparadzai.

Mashoko Okupedzisira

11 Pakupedzisira, hama, chisarai. Shingairai kuti mukwaniswe, teererai kuchikumbiro changu, ivai nomufungo mumwe, garai murugare. Uye Mwari worudo norugare achava nemi.

12 Kwazisanai nokutsvodana kutsvene.

13 Vatsvene vose vanokukwazisai.

14 Nyasha dzaIshe Jesu Kristu, norudo rwaMwari, nokuwadzana kwoMweya Mutsvene ngazvive nemi mose.