Categories
Amosi

Amosi 1

1 Mashoko aAmosi mumwe wavafudzi veTekoa, zvaakaona pamusoro peIsraeri makore maviri kudengenyeka kwenyika kusati kwaitika, Uzia paakanga ari mambo weJudha uye Jerobhoamu mwanakomana waJoashi ari mambo weIsraeri.

2 Akati:

“Jehovha anoomba ari paZioni

uye anotinhira ari paJerusarema;

mafuro avafudzi anooma,

pamusoro peKarimeri panosvava.”

Vavakidzani veIsraeri vanotongwa

3 Zvanzi naJehovha:

“Nemhaka yezvivi zvitatu zveDhamasiko,

kunyange zvina, handingadzori hasha dzangu.

Nokuti vakapura Gireadhi

nemipuro ina meno amatare,

4 ndichatumira moto paimba yaHazaeri

uchaparadza nhare dzaBheni Hadhadhi.

5 Ndichavhuna suo reDhamasiko;

ndichaparadza mambo agere mumupata weAvheni

uye nouyo akabata tsvimbo youshe muBheti Edheni.

Vanhu veAramu vachaenda muutapwa kuKiri,”

ndizvo zvinotaura Jehovha.

6 Zvanzi naJehovha:

“Nemhaka yezvivi zvitatu zveGaza,

kunyange zvina, handingadzori hasha dzangu.

Nokuti vakatapa rudzi rwose

uye vakavatengesa kuEdhomu,

7 ndichatuma moto pamusoro pamasvingo eGaza

uchaparadza nhare dzake.

8 Ndichaparadza mambo weAshidhodhi

uye nouyo akabata tsvimbo youshe muAshikeroni.

Ndichatambanudzira ruoko rwangu kuti ndirwise Ekironi

kusvikira vaFiristia vose vapera kufa,”

ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.

9 Zvanzi naJehovha:

“Nemhaka yezvivi zvitatu zveTire,

kunyange zvina handingadzori hasha dzangu.

Nokuti akatengesera Edhomu rudzi rwose savatapwa,

akasacherechedza sungano youkama,

10 ndichatuma moto pamasvingo eTire,

uchaparadza nhare dzake.”

11 Zvanzi naJehovha:

“Nemhaka yezvivi zvitatu zvaEdhomu,

kunyange zvina, handingadzori hasha dzangu.

Nokuti akadzinganisa mununʼuna wake nomunondo,

akaramba kumunzwira tsitsi,

nokuti kutsamwa kwake kwakaramba kwakangodaro,

uye hasha dzake dzakapfuta, hadzina akadzimisa,

12 ndichatuma moto pamusoro peTemani

uchaparadza nhare dzeBhozira.”

13 Zvanzi naJehovha: “Nemhaka yezvivi zvitatu zvaAmoni,

kunyange zvina, handingadzori hasha dzangu.

Nokuti akatumbura vakadzi vane mimba veGireadhi,

kuti awedzere miganhu yake,

14 ndichatungidza moto pamasvingo eRabha

uchaparadza nhare dzaro,

pakati pemheremhere yehondo pazuva rokurwa,

pakati pemhepo huru nezuva redutu.

15 Mambo wake achaenda kuutapwa,

iye namakurukota ake pamwe chete,”

ndizvo zvinotaura Jehovha.

Categories
Amosi

Amosi 2

1 Zvanzi naJehovha:

“Nemhaka yezvivi zvitatu zvaMoabhu,

kunyange zvina, handingadzori hasha dzangu.

Nokuti akapisa, kuita madota,

mapfupa amambo weEdhomu.

2 Ndichatuma moto pamusoro paMoabhu

uchaparadza nhare dzeKerioti.

Moabhu achawira pasi mubope guru

pakati pemheremhere yehondo, nokurira kwehwamanda.

3 Ndichaparadza mutongi wake

uye ndichauraya makurukota ake pamwe chete naye,”

ndizvo zvinotaura Jehovha.

4 Zvanzi naJehovha:

“Nemhaka yezvivi zvitatu zvaJudha,

kunyange zvina, handingadzori hasha dzangu.

Nokuti vakaramba murayiro waJehovha

uye havana kuchengeta mitemo yake,

nokuti vakatsauswa mukurasika navamwari venhema,

vamwari vakateverwa namadzitateguru avo,

5 ndichatuma moto pamusoro peJudha,

uchaparadza nhare dzeJerusarema.”

Israeri inotongwa

6 Zvanzi naJehovha:

“Nemhaka yezvivi zvitatu zvaIsraeri,

kunyange zvina, handingadzori hasha dzangu.

Vanotengesa vakarurama kuti vawane sirivha,

navanoshayiwa kuti vawane shangu.

7 Vanotsika-tsika pamisoro yavarombo

savanotsika paguruva,

uye vanoshayisa vakadzvinyirirwa kururamisirwa.

Baba nomwanakomana vanorara nomusikana mumwe chete,

nokudaro vanosvibisa zita rangu dzvene.

8 Vanovata pasi parutivi pearitari

imwe neimwe panguo dzakatorwa norubatso.

Mumba yamwari wavo

vanonwa waini yakatorwa somuripo.

9 “Ndakaparadza Amori pamberi pavo,

kunyange akanga akareba somusidhari

uye akasimba somuouki.

Ndakaparadza zvibereko zvake

kumusoro nemidzi yake pasi.

10 “Ndakakubudisa kubva muIjipiti,

ndikakutungamirira kwamakore makumi mana murenje,

kuti ndikupe nyika yavaAmori.

11 Ndakamutsawo vaprofita kubva pakati pavanakomana venyu,

navaNaziri kubva pakati pamajaya enyu.

Ichi hachisi chokwadi here, nhai vanhu veIsraeri?”

ndizvo zvinotaura Jehovha.

12 “Asi makaita kuti vaNaziri vanwe waini

uye mukarayira vaprofita kuti varege kuprofita.

13 “Zvino ipapo ndichakupwanyai

sokupwanya kunoita ngoro izere nezviyo.

14 Vanomhanya kwazvo havangapunyuki,

vakasimba havangazovi nesimba ravo,

uye murwi haangazoponesi upenyu hwake.

15 Anopfura nemiseve haangazoramba amire,

murwi anogona kumhanya haangapunyuki,

uye mutasvi webhiza haangazoponesi upenyu hwake.

16 Kunyange mhare dzakashinga

dzichatiza dzisina nguo pazuva iro,”

ndizvo zvinotaura Jehovha.

Categories
Amosi

Amosi 3

Zvapupu zvinodaidzwa kuti zvizopomera Israeri mhosva

1 Inzwai shoko iri rakataurwa naJehovha pamusoro penyu, imi vanhu veIsraeri, pamusoro pemhuri yose yandakabudisa kubva muIjipiti:

2 “Ndimi moga vandakasarudza

pamhuri dzose dzapanyika;

naizvozvo ndichakurangai

nokuda kwezvivi zvenyu zvose.”

3 Ko, vaviri vangafamba pamwe chete

vasina kunge vatenderana here?

4 Ko, shumba ingaomba mudondo

isina chayaruma here?

Ko, ingarira mubako rayo isina chayabata here?

5 Ko, shiri ingawira pasi mumusungo

pasina kuteyiwa rugombe here?

Ko, musungo ungaurukira kumusoro

pasina chawabata here?

6 Hwamanda ingarira muguta,

vanhu vakasatya here?

Njodzi painowira guta,

ko, haazi Jehovha anenge azviita here?

7 Zvirokwazvo, Ishe Jehovha haaiti chinhu

asina kuzivisa varanda vake,

vaprofita, zvakavanzika zvake.

8 Shumba yaomba,

ndiani angarega kutya?

Ishe Jehovha ataura,

ndiani angarega kuprofita?

9 Paridzirai nhare dzeAshidhodhi

nenhare dzeIjipiti muchiti:

“Unganai pamakomo eSamaria;

onai kusagadzikana kukuru kuri mukati maro,

noudzvinyiriri huri pakati pavanhu varo.”

10 “Havazivi kuita zvakarurama,” ndizvo zvinotaura Jehovha,

“ivo vanounganidza zvakapambwa nezvakabiwa munhare dzaro.”

11 Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha,

“Muvengi achatora nyika; achawisira pasi nzvimbo dzako

uye achapamba nhare dzako.”

12 Zvanzi naJehovha:

“Mufudzi sezvaanobvuta pamuromo

weshumba mapfupa maviri amakumbo chete kana chipandi chenzeve,

vaIsraeri vachaponeswa saizvozvowo,

avo vanogara muSamaria

pamicheto yemibhedha yavo,

nomuDhamasiko pazvigaro zvavo.”

13 “Inzwai izvi, mugopupura pamusoro peimba yaJakobho,” ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, Mwari Wamasimba Ose.

14 “Pazuva randicharanga Israeri nokuda kwezvivi zvayo,

ndichaparadza aritari dzeBheteri;

nyanga dzearitari dzichaparadzwa

uye dzichawira pasi.

15 Ndichaparadza imba yenguva yechando,

pamwe chete neimba yenguva yechirimo;

dzimba dzakashongedzwa nenyanga dzenzou dzichaparadzwa

uye dzimba huru dzichaparadzwa,”

ndizvo zvinotaura Jehovha.

Categories
Amosi

Amosi 4

Israeri haina kudzokera kuna Mwari

1 Inzwai shoko iri, imi mhou dzeBhashani paGomo reSamaria,

imi vakadzi vanodzvinyirira varombo

uye vanopwanya vanoshayiwa muchiti kuvarume venyu, “Tiunzirei zvokunwa.”

2 Ishe Jehovha apika noutsvene hwake achiti,

“Zvirokwazvo nguva ichasvika

yamuchatorwa nezvikokovono,

vokupedzisira pakati penyu nezviredzo.

3 Muchabuda pakarepo mumwe nomumwe,

napakakoromoka masvingo,

uye mucharasirwa kunze makananga kuHamoni,”

ndizvo zvinotaura Jehovha.

4 “Endai kuBheteri mundotadza;

endai kuGirigari mundowedzera kutadza kwenyu.

Uyai nezvibayiro zvenyu mangwanani namangwanani,

zvegumi zvenyu mushure mamakore matatu.

5 Pisai chingwa chine mbiriso sechibayiro chokuvonga

muzvirumbidze pamusoro pezvipiriso zvenyu zvokupa nokuzvisarudzira,

zvirumbidzei nazvo, imi vaIsraeri,

nokuti izvi ndizvo zvamunofarira kuita,”

ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.

6 “Ndakakupai matumbu asina chinhu mumaguta makuru ose

uye ndikakushayisai chingwa mumaguta maduku ose,

kunyange zvakadaro hamuna kudzokera kwandiri,”

ndizvo zvinotaura Jehovha.

7 “Ndakamisawo mvura

kuti isanaya kwasara mwedzi mitatu kuti mukohwe.

Ndakatumira mvura kuguta rimwe chete

ndikasanayisa kune rimwe.

Mumwe munda wakawana mvura

mumwe wakashayiwa uye ukaoma.

8 Vanhu vakadzedzereka vachibva kune rimwe guta vachienda kune rimwe kundotsvaka mvura,

asi havana kuwana yaivaringana kuti vanwe,

kunyange zvakadaro hamuna kudzokera kwandiri,”

ndizvo zvinotaura Jehovha.

9 “Kakawanda kwazvo ndakarova mapindu neminda yenyu yemizambiringa,

ndakairova nechirwere nokuvhuvha.

Mhashu dzakaparadza mionde nemiti yenyu yemiorivhi,

kunyange zvakadaro hamuna kudzokera kwandiri,”

ndizvo zvinotaura Jehovha.

10 “Ndakatumira hosha pakati penyu

sezvandakaita kuIjipiti.

Ndakauraya majaya enyu nomunondo,

pamwe chete namabhiza enyu akapambwa.

Ndakazadza mhino dzenyu nokunhuhwa kwemisasa yenyu,

asi hamuna kudzokera kwandiri,”

ndizvo zvinotaura Jehovha.

11 “Ndakaparadza vamwe venyu

sokuparadza kwandakaita Sodhomu neGomora.

Makanga makaita sorukuni runotsva, rwabviswa mumoto,

asi hamuna kudzokera kwandiri,”

ndizvo zvinotaura Jehovha.

12 “Naizvozvo izvi ndizvo zvandichaita kwauri, Israeri,

uye nokuti ndichaita izvi kwauri,

gadzirira kusangana naMwari wako, iwe Israeri.”

13 Iye anoita makomo,

ndiye anosika mhepo,

ndiyezve anozivisa pfungwa dzake kumunhu,

Iye anoshandura mangwanani akava rima,

anotsika panzvimbo dzakakwirira dzenyika,

Jehovha Mwari Wamasimba Ose ndiro zita rake.

Categories
Amosi

Amosi 5

Kuchema nokudanidzira kuti vanhu vatendeuke

1 Inzwai shoko iri, imi imba yaIsraeri, kuchema uku kwandinoita pamusoro penyu:

2 “Yawira pasi Mhandara Israeri,

haingazosimukizve,

akasiyiwa ari oga munyika yake,

pasina angamusimudza.”

3 Zvanzi naIshe Jehovha:

“Guta richaendesa varwi chiuru vakasimba pakati peIsraeri

richasarirwa nezana chete;

guta richaendesa varwi zana

vakasimba richasarirwa negumi chete.”

4 Zvanzi naJehovha kuimba yaIsraeri:

“Nditsvakei murarame;

5 musatsvaka Bheteri,

musaenda kuGirigari,

musaita rwendo rwokuenda kuBheerishebha.

Nokuti zvirokwazvo Girigari ichaendeswa kuutapwa,

uye Bheteri richava sapasina chinhu.”

6 Tsvakai Jehovha mugorarama,

mukasadaro achatsvaira imba yaJosefa sezvinoita moto;

uchaparadza,

uye Bheteri richashaya anoudzima.

7 Imi vanoshandura kururamisira muchikuita gavakava

uye muchikandira kururama pasi

8 (Iye akaita nyeredzi dzeChimutanhatu neOrioni,

anoshandura rima richiva mambakwedza,

uye anoita kuti zuva risvibe huve usiku,

anodana mvura zhinji yegungwa achiidururira panyika,

Jehovha ndiro zita rake,

9 anoparadza nhare pakarepo uye anoita

kuti guta rina masvingo rive dongo),

10 munovenga anorayira padare

uye munozvidza anotaura chokwadi.

11 Munotsika pamusoro pomurombo

muchimumanikidza kuti akupei zviyo.

Naizvozvo, kunyange makavaka dzimba huru dzamabwe,

hamungagari madziri;

kunyange makasima minda yakasvibira yemizambiringa,

hamunganwi waini yayo.

12 Nokuti ndinoziva kuwanda kwemhosva

dzenyu nokukura kwakaita zvivi zvenyu.

Munodzvinyirira vakarurama uye munotora fufuro,

uye munoshayisa varombo kururamisirwa pamatare.

13 Naizvozvo munhu akangwara anonyarara panguva dzakadai,

nokuti inguva dzakaipa.

14 Tsvakai zvakanaka, kwete zvakaipa,

kuti murarame.

Ipapo Jehovha Mwari Wamasimba Ose achava nemi,

sezvamunoti ndizvo zvaari.

15 Vengai zvakaipa, mude zvakanaka;

chengetedzai kururamisira mumatare.

Zvichida Jehovha Mwari Wamasimba Ose

achanzwira tsitsi vakasara vaJosefa.

16 Naizvozvo zvanzi naIshe, Jehovha Mwari Wamasimba Ose,

“Muchava nokuchema mumigwagwa

yose nemhere yokurwadziwa pazvivara zvose.

Varimi vachadanwa kuti vazochema

uye vanochema vazoungudza.

17 Kuchava nokuungudza muminda yose yemizambiringa,

nokuti ndichapfuura napakati penyu,”

ndizvo zvinotaura Jehovha.

Zuva raJehovha

18 Mune nhamo imi

munoshuva zuva raJehovha!

Sei muchishuva zuva raJehovha?

Zuva iro richava rima kwete chiedza.

19 Zvichaita somunhu akatiza shumba

achibva asangana nebere,

sokunge akapinda mumba

make ndokubata madziro noruoko rwake

achibva arumwa nenyoka.

20 Ko, zuva raJehovha haringavi rima here,

kwete chiedza, rima guru, risina kana bwerazuva?

21 “Ndinovenga, ndinozvidza mitambo yenyu yechinamato;

handifadzwi neungano dzenyu.

22 Kunyange mukandivigira zvipiriso zvenyu zvinopiswa nezvipiriso zvezviyo,

handingazvigamuchiri.

Kunyange mukandivigira zvipiriso zvakaisvonaka zvokuwadzana,

handingavi nehanya nazvo.

23 Ibvai pamberi pangu noruzha rwenziyo dzenyu!

Handidi kunzwa kurira kwembira dzenyu.

24 Asi kururamisira ngakuyerere sorwizi,

kururama sorukova rusingapwi!

25 “Makandivigira zvibayiro nezvipiriso

makore makumi mana muri murenje here, nhai imba yaIsraeri?

26 Makasimudzira temberi yamambo wenyu,

chitsiko chezvifananidzo zvenyu,

nyeredzi yamwari wenyu,

wamakazvigadzirira.

27 Naizvozvo ndichakutamisai muende mberi kweDhamasiko,”

ndizvo zvinotaura Jehovha ane zita rinonzi Mwari Wamasimba Ose.

Categories
Amosi

Amosi 6

Vane nhamo vakavarairwa

1 Mune nhamo imi makavarairwa muZioni,

nemi munofunga kuti mugere pakasimba paGomo reSamaria,

imi varume vanozivikanwa vorudzi rukuru,

kunoenda vanhu veIsraeri!

2 Endai kuKarine mundoritarisa;

muchibvapo moenda kuHamati guta guru,

uye mozodzika kuGati muFiristia.

Vari nani kupfuura umambo hwenyu huviri here?

3 Munoti zuva rakaipa ngarirege

kusvika muchiswededza pedyo utongi hwokuvhundutsira.

4 Munovata pamibhedha yenyanga dzenzou,

muchizorora pazvigaro zvenyu.

Munodya makwayana akaisvonaka

nemhuru dzakakodzwa.

5 Munoridza zvenyu mbira dzenyu saDhavhidhi,

uye munozvigadzirira zviridzwa.

6 Munonwa waini yakawanda,

muchizora mafuta akaisvonaka,

asi hamuchemi nokuda kwamatongo aJosefa.

7 Naizvozvo muchava pakati pevachatanga kuenda kuutapwa;

mabiko enyu nokuzorora kwenyu zvichapera.

Jehovha anosema kuzvikudza kwaIsraeri

8 Ishe Jehovha akapika naiye pachake, Jehovha Mwari Wamasimba Ose anoti,

“Ndinosema kuzvikudza kwaJakobho,

uye ndinovenga nhare dzake;

ndichaisa guta kuvavengi

nezvose zviri mariri.”

9 Kana varume gumi vakasiyiwa muimba imwe chete naivowo vachafa.

10 Uye kana hama inofanira kupisa mitumbi ikauya kuzovabudisa mumba, uye ikabvunza munhu achakahwanda imomo ichiti, “Pane mumwe waunaye here?” uye akati, “Kwete,” ipapo iye achati, “Nyarara! Hatifaniri kuti titaure zita raJehovha.”

11 Nokuti Jehovha akarayira,

uye achaparadza imba huru igoita murwi,

nemba duku igoti mwarara.

12 Ko, mabhiza angamhanya paruware here?

Ko, pane angaparima ipapo nemombe here?

Asi makashandura kururamisira mukakuita muchetura,

nechibereko chokururama mukachiita gavakava,

13 imi munopembera pakukundwa kweRo Dhibhari uye munoti,

“Hatina kuzvitorera Karinaini nesimba redu here?”

14 Nokuti Jehovha Mwari Wamasimba Ose anoti,

“Ndichakumutsirai rumwe rudzi kuti rukumukirei, imi imba yaIsraeri,

ruchakutambudzai panzira yenyu yose,

kubva kuRebho Hamati kusvikira kumupata weArabha.”

Categories
Amosi

Amosi 7

Mhashu, Moto neRwodzi Rwokuyeresa

1 Izvi ndizvo zvandakaratidzwa naIshe Jehovha: Akanga achigadzirira chimokoto chemhashu mushure mokukohwewa kwomugove wamambo uye mumera wechipiri uchangobuda.

2 Dzakati dzapedza zvose zvaiva munyika, ndakadanidzira ndichiti, “Ishe Jehovha chikanganwirai henyu! Ko, Jakobho angararame sei? Muduku kwazvo!”

3 Nokudaro Jehovha akadzora mwoyo.

Jehovha akati, “Izvi hazvichazoitika.”

4 Izvi ndizvo zvandakaratidzwa naIshe Jehovha: Ishe Jehovha akanga achidanidzira kuti pave nokutonga nomoto; wakaomesa gungwa rakadzika uye ukaparadza nyika.

5 Ipapo ndakadanidzira ndichiti, “Ishe Jehovha, ndinokukumbirai, imbomirai henyu. Ko, Jakobho angararame sei? Muduku kwazvo!”

6 Nokudaro Jehovha akadzora mwoyo.

Ishe Jehovha akati, “Izviwo hazvichaitiki.”

7 Izvi ndizvo zvaakandiratidza: Jehovha akanga akamira pamadziro akanga akavakwa zvakaenzaniswa nerwodzi, ane rwodzi rwokuyeresa muruoko rwake.

8 Uye Jehovha akandibvunza akati, “Unooneiko, Amosi?”

Ndakapindura ndikati, “Rwodzi rwokuyeresa.”

Ipapo Jehovha akati, “Tarira, ndichaisa rwodzi rwokuyeresa pakati pavanhu vangu vaIsraeri, handichavaponesazve.

9 “Nzvimbo dzakakwirira dzaIsaka dzichaparadzwa,

uye nzvimbo tsvene dzaIsraeri dzichaitwa matongo;

ndichamukira imba yaJerobhoamu nomunondo wangu.”

Amosi naAmazia

10 Ipapo Amazia muprista weBheteri akatumira shoko kuna Jerobhoamu mambo weIsraeri achiti, “Amosi akaita rangano yokukumukirai pakati chaipo pemwoyo weIsraeri. Nyika haigoni kugamuchira mashoko ake ose.

11 Nokuti izvi ndizvo zviri kutaurwa naAmosi:

“ ‘Jerobhoamu achafa nomunondo,

uye Israeri ichaenda kuutapwa,

zvirokwazvo kure nenyika yavo yechizvarwa.’ ”

12 Ipapo Amazia akati kuna Amosi, “Ibva muno, iwe muoni! Dzokera kunyika yeJudha. Uzviwanire zvokudya zvako ikoko, uchiprofita ikoko.

13 Usaprofitazve paBheteri, nokuti iyi ndiyo nzvimbo tsvene yamambo uye netemberi youmambo.”

14 Amosi akapindura Amazia achiti, “Ndakanga ndisiri muprofita, kana mwanakomana womuprofita, asi ndaiva mufudzi nomutariri wemionde yemisikamo.

15 Asi Jehovha akanditora kubva paufudzi hwamakwai akati kwandiri, ‘Enda uprofite kuvanhu vangu Israeri.’

16 Zvino, chinzwa shoko raJehovha. Iwe unoti,

“Usaprofita pamusoro paIsraeri,

uye rega kuparidza pamusoro peimba yaIsaka.”

17 “Naizvozvo zvanzi naJehovha:

“ ‘Mukadzi wako achava chifeve muguta,

uye vanakomana nevanasikana vako vachaparadzwa nomunondo.

Nyika yako ichayerwa igoganhurwa,

uyezve iwe pachako uchafira munyika yevedzimwe ndudzi,

Uye zvirokwazvo Israeri ichaenda kuutapwa,

kure nenyika yavo yechizvarwa.’ ”

Categories
Amosi

Amosi 8

Tswanda yemichero yakaibva

1 Izvi ndizvo zvandakaratidzwa naIshe Jehovha: tswanda ine michero yakaibva.

2 Akabvunza akati, “Unooneiko, Amosi?”

Ndakapindura ndichiti, “Tswanda ine michero yakaibva.”

Ipapo Jehovha akati kwandiri, “Nguva yakwana kuvanhu vangu Israeri; handingavararamisizve.

3 “Pazuva iro,” ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, “nziyo dzomutemberi dzichashanduka dzigova kuchema. Mitumbi yevakafa ichava mizhinji. Munzvimbo dzose icharaswa vanhu vanyerere.”

4 Inzwai izvi imi munotsika-tsika vanoshayiwa

uye muchiparadza varombo venyika,

5 muchiti,

“Kugara kwoMwedzi kuchapfuura riniko

kuti tigotengesa zviyo,

uye kupera kweSabata

kuti tigotengesa gorosi?”

muchitapudza chiero,

muchikwidza mitengo

uye muchibiridzira nezvikero zvinonyengera,

6 muchitenga varombo nesirivha

uye vanoshayiwa neshangu,

muchitengesa kunyange makoto pamwe chete negorosi.

7 Jehovha apika noKuzvikudza kwaJakobho achiti, “Handizokanganwi chinhu chipi nechipi zvacho chavakaita.

8 “Ko, nyika haingadederi nokuda kwaizvozvi here

uye vose vanogara mairi havangachemi?

Nyika yose ichadira seNairi,

ichabvongodzwa

uye igoderera sorwizi rweIjipiti.

9 “Pazuva iro,” ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha,

“ndichaita kuti zuva rivire masikati makuru

uye ndichauyisa rima panyika masikati machena.

10 Ndichashandura mitambo yenyu yechinamato ive kuchema,

nokuimba kwose kuti kuve mhere.

Ndichaita kuti mose mupfeke masaga

uye mugoveura misoro yenyu.

Ndichaita kuti nguva iyi ive samariro omwanakomana akaberekwa ari mumwe oga,

uye magumo acho ave sezuva rakaipa kwazvo.

11 “Mazuva ari kuuya,” ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha,

“andichatumira nzara panyika yose,

kwete nzara yezvokudya kana nyota yemvura,

asi nzara yokunzwa mashoko aJehovha.

12 Vanhu vachadzedzereka vachibva kugungwa

vachienda kune rimwe gungwa,

uye vachadzungaira vachibva kumusoro vachienda kumabvazuva,

vachitsvaka shoko raJehovha, asi havangariwani.

13 “Pazuva iro,

“mhandara dzakaisvonaka namajaya

akasimba vachaziya nenyota.

14 Avo vanopika nokunyadzisa kweSamaria, kana vanoti,

‘Namwari wako mupenyu, iwe Dhani,’ kana kuti,

‘Namwari waBheerishebha mupenyu,’

vachawa,

vasingazomukazve.”

Categories
Amosi

Amosi 9

Israeri ichaparadzwa

1 Ndakaona Jehovha amire parutivi rwearitari, uye akati,

“Rova misoro yembiru

kuti zvikumbaridzo zvizunguzike.

Zviputsire pasi pamisoro yevanhu vose;

avo vachasara ndichavauraya nomunondo.

Hapana kana mumwe chete achatiza,

hapana achapunyuka.

2 Kunyange vakachera kusvikira panoperera guva,

kubva imomo ruoko rwangu ruchavatora.

Kunyange vakakwira kumatenga,

kubva ikoko ndichavadzikisa pasi.

3 Kunyange vakazvivanza pamusoro peKarimeri,

ipapo ndichavavhima ndigovabata.

Kunyange vakahwanda kubva kwandiri pasi pegungwa,

ipapo ndicharayira nyoka kuti ivarume.

4 Kunyange vakaendeswa kuutapwa navavengi vavo,

ikoko ndicharayira munondo kuti uvaparadze.

Ndichananʼanidza meso angu pavari

kuti ndivaitire zvakaipa, kwete zvakanaka.”

5 Ishe, Jehovha Wamasimba Ose,

iye anobata nyika igonyungudika,

navose vagere mairi vagochema,

nyika yose inozara seNairi,

uye igoderera serwizi rweIjipiti,

6 iye anovaka muzinda wake kumatenga

agomisa hwaro hwawo panyika,

anodana mvura dzegungwa

agodzidururira pamusoro penyika,

Jehovha ndiro zita rake.

7 “Nhai imi vaIsraeri, ko,

hamusi kwandiri vamwe chete savaEtiopia here?”

ndizvo zvinotaura Jehovha.

“Handina kubudisa Israeri kubva kuIjipiti here,

vaFiristia kubva kuKafitori

navaAramu kubva kuKiri?

8 “Zvirokwazvo meso aIshe Jehovha

ari paumambo hunotadza.

Ndichahuparadza

kubva pamusoro penyika,

asi handingaparadzi zvachose

imba yaJakobho,”

ndizvo zvinotaura Jehovha.

9 “Nokuti ndicharayira,

uye ndichazunguza imba yaIsraeri pakati pendudzi dzose,

sokuzunguzwa kunoitwa zviyo murusero,

uye hapana kana tsanga

imwe chete ichawira pasi.

10 Vatadzi vose pakati pavanhu vangu

vachafa nomunondo,

vose vanoti,

‘Njodzi haingatiwiri kana kusangana nesu.’

Israeri inomutsidzirwa

11 “Pazuva iro ndichamisazve

tende raDhavhidhi rakawa.

Ndichavakazve nzvimbo dzaro dzakaputsika,

ndigovakazve matongo aro,

uye ndicharivaka sezvarakanga rakaita,

12 kuti vazvitorere zvakasara zvaEdhomu

nendudzi dzose dzine zita rangu,”

ndizvo zvinotaura Jehovha, iye achaita zvinhu izvi.

13 “Mazuva ari kuuya,” ndizvo zvinotaura Jehovha,

“mucheki paachapfuurwa nomurimi,

uye mudyari paachapfuurwa neanosvina mazambiringa.

Waini itsva ichadonha kubva kumakomo,

uye ichayerera kubva pazvikomo zvose.

14 Ndichadzosazve vanhu vangu vakatapwa, ivo vaIsraeri;

vachavakazve maguta akaitwa matongo uye vachagara maari.

Vachasima minda yemizambiringa vagonwa waini yayo.

Vacharima mapindu uye vachadya zvibereko zvawo.

15 Ndichasima Israeri munyika yavo voga,

havangazodzurwizve

kubva panyika yandakavapa,”

ndizvo zvinotaura Jehovha Mwari wako.