Categories
Dhuteronomi

Dhuteronomi 11

Ida Jehovha uye umuteerere

1 Idai Jehovha Mwari wenyu uye muchengete zvaakatema, mitemo yake, nemirayiro yake uye nezvaakarayira, nguva dzose.

2 Murangarire nhasi kuti vana venyu havasivo vakaona uye vakaziva kuranga kwaJehovha Mwari wenyu: noukuru hwake, noruoko rwake rune simba, noruoko rwake rwakatambanudzwa;

3 nezviratidzo zvaakaita uye zvinhu zvaakaita pakati peIjipiti, nokuna Faro mambo weIjipiti uye nokunyika yake yose;

4 zvaakaita kuhondo yavaIjipita, nokumabhiza nengoro dzayo, mafukidzirwo avakaitwa nemvura yomuGungwa Dzvuku pavakanga vachikuteverai, uye kuuyisa kwakaita Jehovha kuparadzwa pamusoro pavo zvachose.

5 Havasi vana venyu vakaona zvaakakuitirai murenje kusvikira masvika panzvimbo ino,

6 uye nezvaakaita kuna Dhatani naAbhiramu vanakomana vaEriabhi muRubheni, apo nyika yakashamisa muromo wayo ikavamedza ivo nevedzimba dzavo, namatende avo nezvipenyu zvose zvakanga zviri zvavo, pakati pavaIsraeri vose.

7 Asi aiva meso enyu akaona zvinhu zvose izvi zvakaitwa naJehovha.

8 Naizvozvo chengetai mirayiro yose yandinokupai nhasi, kuti muve nesimba rokupinda nokutora nyika yamuri kuyambuka Jorodhani kuti mundoita yenyu,

9 uye kuti mazuva enyu ave mazhinji munyika iyo Jehovha akapikira kumadzitateguru enyu kuti achavapa ivo nezvizvarwa zvavo, nyika inoyerera mukaka nouchi.

10 Nyika yamuri kupinda kundotora haina kufanana nenyika yeIjipiti, uko kwamakabva, uko kwamaidyara mbeu dzenyu muchidiridza netsoka sezvinoitwa mubindu romuriwo.

11 Asi nyika yamuri kuyambuka Jorodhani kundotora kuti ive yenyu inyika yamakomo nemipata zvinonwa mvura kubva kudenga.

12 Inyika inochengetwa naJehovha Mwari wenyu; meso aJehovha Mwari wenyu anoramba akaitarira kubva pakutanga kwegore kusvikira pakupera kwegore.

13 Saka kana mukateerera mirayiro yandinokupai nhasi makatendeka, mukada Jehovha Mwari wenyu uye mukamushumira nomwoyo wenyu wose uye nomweya wenyu wose,

14 ipapo ndichanayisa mvura panyika yenyu nemwaka wayo, mvura yamasutso neyomunakamwe, kuitira kuti mugone kukohwa zviyo zvenyu newaini itsva namafuta.

15 Ndichameresa uswa hwemombe dzenyu kumafuro uye muchadya muchiguta.

16 Chenjerai kuti murege kunyengerwa mumwoyo yenyu kuti mutsauke muchinamata vamwe vamwari uye nokuvapfugamira.

17 Ipapo kutsamwa kwaJehovha kuchapfuta pamusoro penyu, uye achapfiga denga kuti mvura iregere kunaya uye nyika icharega kubereka zvibereko zvayo, uye imi muchakurumidza kuparara kubva panyika yakanaka yamunopiwa naJehovha.

18 Isai mashoko angu aya mumwoyo yenyu nepfungwa dzenyu; asungirei pamaoko enyu sezviratidzo uye muasungire pahuma dzenyu.

19 Adzidzisei kuvana venyu, muchitaura pamusoro pawo pamunogara pasi uye nepamunenge muchifamba panzira, pamunorara pasi uye nepamunomuka.

20 Anyorei pamagwatidziro emikova yedzimba dzenyu uye napamasuo enyu,

21 kuitira kuti mazuva enyu namazuva avana venyu awande panyika yakapikirwa madzitateguru enyu naJehovha kuti achavapa, awande samazuva ayo denga richava pamusoro penyika.

22 Kana mukachenjerera kuchengeta mirayiro yangu iyi yandinokupai kuti mutevere, kuti mude Jehovha Mwari wenyu, kuti mufambe munzira dzake dzose nokubatirira paari,

23 ipapo Jehovha achadzinga ndudzi dzose pamberi penyu, uye muchatorera nyika ndudzi dzakakura uye dzine simba kukupfuurai.

24 Nzvimbo ipi neipi yamuchatsika netsoka dzenyu ichava yenyu: Nyika yenyu ichabva kurenje ichisvika kuRebhanoni, uye ichabva kuRwizi Yufuratesi ichisvika kugungwa rokumavirazuva.

25 Hakuna munhu achagona kumira kuti akurwisei. Jehovha Mwari wenyu sezvaakakuvimbisai, achaita kuti vanhu vakutyei uye vagokuvhundukai munyika yose, kwose kwose kwamunoenda.

26 Tarirai, nhasi ndiri kuisa pamberi penyu kuropafadzwa nokutukwa,

27 kuropafadzwa kana muchiteerera mirayiro yaJehovha Mwari wenyu yandinokupai nhasi;

28 kutukwa kana mukasateerera mirayiro yaJehovha Mwari wenyu uye mukatsauka kubva panzira yandinokurayirai nhasi muchitevera vamwe vamwari, avo vamusati maziva.

29 Kana Jehovha Mwari wenyu akuendesai munyika yamuri kupinda kuti muitore, munofanira kudaidzira kuropafadzwa kuzhinji paGomo reGerizimu, uye kutukwa kuzhinji paGomo reEbhari.

30 Sezvamunoziva, makomo aya ari mhiri kweJorodhani, nechokumavirira kwomugwagwa, makananga kumavirazuva, pedyo nemiti mikuru yeMore, munyika yavaKenani vagere muArabha pedyo neGirigari.

31 Mava kuda kuyambuka Jorodhani kuti mupinde uye mutore nyika yamuri kupiwa naJehovha Mwari wenyu. Kana muchinge maitora uye mava kugaramo,

32 chenjerai kuti muteerere mitemo nemirayiro yose yandiri kuisa pamberi penyu nhasi.

Categories
Dhuteronomi

Dhuteronomi 12

Nzvimbo imwe chete yokushumira muri

1 Iyi ndiyo mitemo nemirayiro yamunofanira kuchenjera kuti mutevere munyika iyo Jehovha, iye Mwari wamadzibaba enyu, akakupai kuti ive yenyu, mazuva ose amuchagara munyika iyi.

2 Paradzai chose nzvimbo dzose dziri pamakomo akakwirira nepazvikomo zvose uye napasi pemiti yose yakapfumvutira apo ndudzi dzose dzamunotorera nyika dzinoshumira vamwari vadzo.

3 Putsai aritari dzavo, pwanyai matombo avo ose anoera uye mupise matanda avo aAshera; temai zvifananidzo zvavo nevamwari vavo uye mugodzima mazita avo panzvimbo idzodzo.

4 Hamufaniri kushumira Jehovha Mwari wenyu nenzira yavo.

5 Asi munofanira kutsvaka nzvimbo ichasarudzwa naJehovha Mwari wenyu pakati pamarudzi enyu ose kuti aise Zita rakepo agogarapo. Kunzvimbo iyoyo ndiko kwamunofanira kuenda;

6 ipapo ndipo panofanira kuuyiswa zvipiriso zvinopiswa nezvibayiro zvenyu, zvegumi zvenyu nezvipo zvamakatsaura, zvamakapikira kuti muchapa uye nezvipo zvokuda kwenyu, nezvibereko zvokutanga zvenzombe dzenyu uye nezvibereko zvokutanga zvamakwai enyu.

7 Ipapo pamberi paJehovha Mwari wenyu, imi nemhuri dzenyu muchadya mugopembera pamusoro pezvinhu zvose zvamakabata namaoko enyu, nokuti Jehovha Mwari wenyu akuropafadzai.

8 Hamufaniri kuita sezvatinoita pano nhasi, mumwe nomumwe achiita zvaanoona zvakakodzera kuita,

9 sezvo musati masvika panzvimbo yezororo nenhaka yamunopiwa naJehovha Mwari wenyu.

10 Asi muchayambuka Jorodhani mugogara munyika yamuri kupiwa naJehovha Mwari wenyu senhaka, uye achakupai zororo kubva kuvavengi venyu vose vakakukomberedzai kuitira kuti mugare murugare.

11 Zvino kunzvimbo ichatsaurwa naJehovha Mwari wenyu kuti Zita rake rigarepo, ipapo munofanira kuuyisa zvose zvandakakurayirai zvinoti: zvipiriso zvenyu zvinopiswa nezvibayiro, zvegumi zvenyu nezvipo zvakatsaurwa, uye zvinhu zvose zvakaisvonaka zvamakapikira kuna Jehovha.

12 Zvino ipapo mugopembera pamberi paJehovha Mwari wenyu, imi navanakomana venyu navanasikana venyu, varanda venyu navarandakadzi venyu, uye navaRevhi vari mumaguta enyu, avo vasina mugove kana nhaka yavo.

13 Muchenjerere kuti musabayira zvipiriso zvenyu zvinopiswa pose pose pamunoda.

14 Muzvipe chete panzvimbo ichatsaurwa naJehovha mune rumwe rwamarudzi enyu, uye ipapo muchapa zvipiriso zvenyu zvinopiswa uye muchaita zvose zvandinokurayirai.

15 Zvisinei hazvo, mungabaya henyu zvipfuwo zvenyu mumaguta enyu uye mugodya nyama pamunodira, sokunge nyama yemhara kana yenondo maererano nokuropafadzwa kwamunopiwa naJehovha Mwari wenyu. Vose vasina kuchena navakachena vangadya havo.

16 Asi hamufaniri kudya ropa; munofanira kuriteurira pasi semvura.

17 Hamufaniri kudyira mumaguta enyu chegumi chezviyo zvenyu nechewaini yenyu itsva nechamafuta, kana chezvibereko zvokutanga zvenzombe dzenyu namakwai enyu, kana chipi zvacho chamakapikira kupa, kana zvipo zvokuda kwenyu kana zvipo zvakatsaurwa.

18 Asi, munofanira kuti muzvidye muri pamberi paJehovha Mwari wenyu panzvimbo iyo Jehovha Mwari wenyu achasarudza, imi, vanakomana venyu navanasikana venyu, varandarume navarandakadzi venyu, navaRevhi vari mumaguta enyu uye munofanira kupembera pamberi paJehovha Mwari wenyu pamusoro pezvinhu zvose zvamuchabata namaoko enyu.

19 Chenjerai kuti murege kukanganwa vaRevhi nguva yose yamuchagara munyika yenyu.

20 Kana Jehovha Mwari wako achinge akurisa nyika yako sezvaakakuvimbisa, uye iwe ukapanga nyama ukati, “Ndinoda nyama,” ipapo uchadya nyama yakawanda sezvaunoda.

21 Kana nzvimbo iyo inosarudzwa naJehovha Mwari wako kuti aise Zita rakepo iri kure newe zvikuru, ungabaya hako zvipfuwo kubva pamombe dzako namakwai ako zvawakapiwa naJehovha, sezvandakurayira, mumaguta ako ungadya nyama yakawanda sezvaunoda.

22 Uzvidye sounodya nyama yemhara kana yenondo. Vose vasina kuchena navakachena vangadya havo.

23 Asi uchenjere kuti urege kudya ropa, nokuti ropa ndihwo upenyu, naizvozvo haufaniri kudya upenyu pamwe chete nenyama.

24 Haufaniri kudya ropa, uriteurire pasi semvura.

25 Usaridya, kuti zvive zvakakunakira iwe navana vako vachakutevera, nokuti unenge uchiita zvakanaka pamberi paJehovha.

26 Asi utore zvinhu zvako zvitsvene nazvose zvawakapika kuti uchazvipa, ugoenda nazvo kunzvimbo ichasarudzwa naJehovha.

27 Uise zvipiriso zvako zvinopiswa paaritari yaJehovha Mwari wako, zvose zviri zviviri, nyama neropa. Ropa rezvibayiro zvako rinofanira kudururwa parutivi pearitari yaJehovha Mwari wako, asi ungadya zvako nyama yacho.

28 Uchenjerere kuteerera mitemo yose yandinokupa, kuti zvive zvakakunakira nguva dzose iwe navana vako vachatevera mushure mako, nokuti unenge uchiita zvakanaka nezvakarurama pamberi paJehovha Mwari wako.

29 Jehovha Mwari wenyu achaparadza kubva pamberi penyu ndudzi dzamava kuda kurwisa nokutorera nyika. Asi kana muchinge madzidzinga uye magara munyika yavo,

30 uye mushure mokunge vaparadzwa pamberi penyu, muchenjerere kuti murege kunyengerwa muchibvunza nezvavamwari vavo, muchiti, “Ko, ndudzi idzi dzinoshumira vamwari vadzo sei? Tichaitawo sezvavanoita.”

31 Hamufaniri kushumira Jehovha Mwari wenyu nenzira yavo, nokuti mukushumira vamwari vavo, vanoita zvinhu zvose zvose zvinonyangadza zvinovengwa naJehovha. Vanopisa kunyange vanakomana navanasikana vavo mumoto sezvibayiro kuna vamwari vavo.

32 Munofanira kuita zvose zvandakakurayirai; musawedzera pazviri kana kubvisa kubva pazviri.

Categories
Dhuteronomi

Dhuteronomi 13

Kunamata vamwe vamwari

1 Kana muprofita, kana muvuki wezviroto, akasvika pakati penyu uye akakuzivisai chishamiso kana chiratidzo,

2 uye kana chiratidzo ichi kana chishamiso chaataura nezvacho chikaitika, uye akati, “Ngatiteverei vamwe vamwari” (vamwari vamusingazivi) “uye ngativanamatei,”

3 hamufaniri kuteerera mashoko omuprofita kana muroti uyo. Jehovha Mwari wenyu ari kukuedzai kuti aone kana muchimuda nomwoyo wenyu wose uye nomweya wenyu wose.

4 NdiJehovha Mwari wenyu wamunofanira kutevera, uye ndiye wamunofanira kukudza. Chengetai mirayiro yake mugomuteerera; mumushumire uye munamatire kwaari.

5 Muprofita kana muroti uyo anofanira kuurayiwa, nokuti akaparidza kumukira Jehovha Mwari wenyu, akakubudisai kubva muIjipiti uye akakudzikinurai kubva munyika youranda; akaedza kukutsausai kubva panzira yaJehovha Mwari wenyu yamakarayirwa kuti muitevere. Munofanira kubvisa chakaipa pakati penyu.

6 Kana hama yako chaiyo, kana mwanakomana wako kana mwanasikana wako, kana mudzimai wako waunoda, kana shamwari yako yepedyo ikauya kuzokutsausa muchivande, ichiti, “Handei tindonamata vamwe vamwari,” (vamwari vausina kumboziva iwe kana madzibaba ako,

7 vamwari vendudzi dzakakupoteredzai, kunyange vari pedyo kana vari kure, kubva kuno rumwe rutivi rwenyika kusvika kuno rumwe rutivi rwenyika),

8 usatenda zvaanotaura kana kumuteerera. Usamunzwira tsitsi. Usamurega ari mupenyu kana kumudzivirira.

9 Unotofanira kumuuraya zvirokwazvo. Ruoko rwako ndirwo runofanira kutanga kumuuraya, zvino maoko avamwe vanhu ozotevera pakumuuraya.

10 Mutake namabwe afe, nokuti akaedza kukutsausa kubva kuna Jehovha Mwari wako, uyo akakubudisa kubva kuIjipiti, kubva kunyika youranda.

11 Ipapo Israeri yose ichazvinzwa ikatya, uye hapana kana mumwe pakati penyu achazoita chinhu chakaipa kudaro zvakare.

12 Kana ukanzwa zvichitaurwa pamusoro perimwe ramaguta amuri kupiwa naJehovha Mwari wenyu kuti mugaremo

13 kuti vanhu vakaipa vamuka pakati penyu uye vatsausa vanhu vomuguta ravo, vachiti, “Handei tindonamata vamwe vamwari,” (vamwari vausina kumboziva),

14 ipapo unofanira kubvunzisisa, nokutsvakisisa uye nokuferefeta kwazvo. Zvino kana zviri zvechokwadi uye zvanyatsoonekwa kuti ndizvo, kuti chinhu ichi chinonyangadza chakaitwa pakati penyu,

15 munofanira zvirokwazvo kuuraya nomunondo vanhu vose varo nezvipfuwo zvaro.

16 Unganidzai zvose zvakapambwa zveguta pakati poruvazhe mugopisa chose guta uye nazvose zvakapambwa zvaro sechipiriso chinopiswa kuna Jehovha Mwari wako. Rinofanira kugara riri dongo nokusingaperi, risingazovakwizve.

17 Ngapasava nechimwe chezvinhu izvo zvakatongwa chinoonekwa mumaoko enyu, kuti Jehovha adzore kutsamwa kwake kukuru; achakunzwirai tsitsi, agokunzwirai ngoni uye achakuwedzerai uwandu hwenyu, sezvaakakuvimbisai nemhiko kumadzitateguru enyu,

18 nokuti munoteerera Jehovha Mwari wenyu, muchichengeta mirayiro yandiri kukupai nhasi uye muchiita zvakanaka pamberi pake.

Categories
Dhuteronomi

Dhuteronomi 14

Zvokudya Zvakachena neZvisina Kuchena

1 Imi muri vana vaJehovha Mwari wenyu. Musazvicheka kana kuzviveura pamberi pomusoro muchiitira vakafa,

2 nokuti muri rudzi rutsvene kuna Jehovha Mwari wenyu. Jehovha akakutsaurai kubva pakati pendudzi dzose dziri panyika kuti muve rudzi rwake runokosha.

3 Musadya chinhu chipi zvacho chinonyangadza.

4 Idzi ndidzo mhuka dzamungadya: mombe, hwai, mbudzi,

5 nondo, mhara, mhembwe, ngururu, mharapara, nyati nehwai yomugomo.

6 Mungadya henyu mhuka ipi neipi ina mahwanda akaparadzana kuita maviri uye inodzeya.

7 Zvisinei, pane idzo dzinodzeya kana dzina mahwanda akaparadzana, mahwanda akanyatsoparadzana, hamufaniri kudya ngamera, tsuro kana mbira. Kunyange zvazvo dzichidzeya hadzina mahwanda akaparadzana; hadzina kuchena kwamuri.

8 Nguruvewo haina kuchena; kunyange zvayo ina mahwanda akaparadzana, haidzeyi. Hamufaniri kudya nyama yadzo kana kubata zvitunha zvadzo.

9 Pazvipuka zvose zvinogara mumvura, mungadya henyu zvose zvine zvimbi namakwande.

10 Asi chipi nechipi zvacho chisina zvimbi namakwande hamufaniri kudya; nokuti hachina kuchena.

11 Mungadya henyu shiri ipi neipi yakachena.

12 Asi dzamusingafaniri kudya ndeidzi: gondo, gora, gora dema,

13 njerere tsvuku, njerere nhema, rukodzi namarudzi arwo,

14 gunguo namarudzi aro ose,

15 zizi renyanga, kazizimbori, shiri yegungwa, namarudzi ose eruvangu,

16 zizi duku, zizi guru, zizi jena,

17 zizi romurenje, hukurwizi nekanyururahove,

18 neshuramurove namarudzi ose ekondo, nemhupupu uye nechiremwaremwa.

19 Zvipuka zvose zvina mapapiro zvinokambaira hazvina kuchena kwamuri; hamufaniri kuzvidya.

20 Asi zvipuka zvose zvina mapapiro zvakachena mungadya henyu.

21 Musadya chii zvacho chamunoona chakafa. Mungapa zvenyu kumutorwa agere mune rimwe ramaguta enyu, uye angadya zvake kana kuti mungatengesera zvenyu kumutorwa. Asi imi muri rudzi rutsvene kuna Jehovha Mwari wenyu.

Musabika mbudzana mumukaka wamai vayo.

Zvegumi

22 Chenjera kuti utsaure chegumi chezvinhu zvose zvaunokohwa muminda yako gore negore.

23 Udye chegumi chezviyo, newaini itsva namafuta uye nezvibereko zvokutanga zvemombe dzako nezvamakwai ako pamberi paJehovha Mwari wako panzvimbo yaachasarudza kuti Zita rake rigarepo, kuitira kuti udzidze kutya Jehovha Mwari wako nguva dzose.

24 Asi kana nzvimbo yacho iri kure uye waropafadzwa naJehovha Mwari wako, uye usingagoni kutakura chegumi chako (nokuti nzvimbo ichasarudzwa naJehovha kuti Zita rake rigarepo iri kure),

25 ipapo unofanira kutsinhanisa chegumi chako nesirivha, ugotora sirivha ugoenda nayo kunzvimbo ichasarudzwa naJehovha Mwari wako.

26 Shandisa sirivha yacho kutenga zvaungada, zvakadai sezvizvi: mombe, makwai, waini kana zvimwe zvokunwa zvinobata, kana chinhu chipi zvacho chaunoda. Ipapo iwe neimba yako muchadya pamberi paJehovha Mwari wenyu mugofara.

27 Uye musazokanganwa vaRevhi vagere mumaguta enyu, nokuti havana mugove kana nhaka yavowo.

28 Panopera makore matatu oga oga, munofanira kuuya nezvegumi zvegore iroro uye mugozvichengetera mumaguta enyu,

29 kuitira kuti vaRevhi (avo vasina mugove kana nhaka yavowo) uye nomweni, nherera nechirikadzi vanogara mumaguta enyu, vauye vagodya vachiguta, uye kuitira kuti Jehovha Mwari wenyu akuropafadzei pamabasa ose amaoko enyu.

Categories
Dhuteronomi

Dhuteronomi 15

Gore roKudzimwa kweZvikwereti

1 Pakupera kwamakore manomwe oga oga munofanira kudzima zvikwereti.

2 Iyi ndiyo nzira yazvinofanira kuitwa nayo: Mumwe nomumwe akapa chikwereti anofanira kudzima icho chaakakweretesa hama yake muIsraeri. Haangarevi chikwereti kune wokwake muIsraeri, kana hama yake, nokuti nguva yaJehovha yokudzima zvikwereti yaparidzwa.

3 Ungareva hako chikwereti kubva kumutorwa, asi unofanira kudzima chikwereti chipi zvacho chakakweretwa nehama yako.

4 Kunyange zvakadaro, hapafaniri kuva nomurombo pakati penyu, nokuti munyika iyo Jehovha Mwari wenyu yaari kukupai kuti ive yenyu senhaka, achakuropafadzai kwazvo,

5 kana chete mukanyatsoteerera Jehovha Mwari wenyu nokuchenjerera kutevera mirayiro yake yose yandiri kukupai nhasi.

6 Nokuti Jehovha Mwari wenyu achakuropafadzai sezvaakavimbisa, uye imi muchapa zvikwereti kundudzi zhinji asi imi hamungakwereti kubva kurudzi rupi zvarwo. Muchatonga ndudzi zhinji asi hapana rudzi ruchakutongai.

7 Kana pane murombo pakati pehama dzenyu mune ripi zvaro guta renyika iyo Jehovha ari kukupai musaomesa mwoyo kana kupfumbatira ruoko kuhama yenyu inoshayiwa.

8 Asi munofanira kutambanudzira ruoko uye mugopa hama yenyu pachena chipi nechipi chaanoshayiwa.

9 Muchenjerere kuti murege kuva nomufungo wakaipa uyu wokuti: “Gore rechinomwe, gore rokudzima zvikwereti, rava pedyo,” kuitira kuti murege kuratidza mwoyo wakaipa kuhama yenyu inoshayiwa nokurega kumupa chinhu. Iye achachema kuna Jehovha pamusoro penyu, uye imi muchabatwa nemhosva yokuita chivi.

10 Upe zvakawanda uye urege kumupa nomwoyo unogununʼuna; ipapo nokuda kwechinhu ichi Jehovha Mwari wako achakuropafadza mumabasa ako ose uye pane chimwe nechimwe chaunobata noruoko rwako.

11 Varombo vachagara varimo munyika. Naizvozvo ndinokurayira kuti utambanudze maoko kuhama dzako varombo navanoshayiwa munyika yako.

Kusunungurwa kwaVaranda

12 Kana mumwe wako wechiHebheru, murume kana mukadzi, achinge azvitengesa kwauri uye achinge akushandira kwamakore matanhatu, mugore rechinomwe unofanira kumusunungura umurege aende.

13 Zvino kana uchinge wamusunungura usamusiya achienda asina chinhu.

14 Mugovere zvakawanda kubva pamakwai ako, napaburiro rako uye napachisviniro chako chewaini. Mupe sokuropafadzwa kwawakaitwa naJehovha Mwari wako.

15 Rangarirai kuti imi maimbova varanda muIjipiti uye Jehovha Mwari wenyu akakudzikinurai. Nokudaro ndinokupai murayiro uyu nhasi.

16 Asi kana muranda wako akati kwauri, “Handidi kukusiyai,” nokuti anokuda iwe nemhuri yako uye zvakamunakira kuva newe,

17 ipapo utore runji ugourura nzeve yake narwo pagonhi, uye achava muranda wako nokusingaperi. Uite zvimwe chetezvo kumurandakadzi wako.

18 Usachiona sechinhu chakaoma kusunungura muranda wako, nokuti kukushandira kwake pamakore matanhatu kwakapfuura kakapetwa kaviri kushanda kwouyo anoshandira mubayiro. Uye Jehovha Mwari wako achakuropafadza mune zvose zvaunoita.

Zvibereko zvokutanga zvezvipfuwo

19 Tsaurira Jehovha Mwari wako chikono chose chokutanga chemombe dzako, makwai ako. Zvikono zvokutanga pakuberekwa zvemombe dzako hazvifaniri kuitiswa basa uye usaveura makushe amakwai ako akatanga kuberekwa.

20 Gore rimwe nerimwe iwe nemhuri yako munofanira kuzvidya muri pamberi paJehovha Mwari wenyu panzvimbo yaachasarudza.

21 Kana chipfuwo chine chachinopomerwa, chakaremara kana kuti chiri bofu, kana kuti chine chimwe chinhu chakanyanyoipa pachiri, haufaniri kuchibayira kuna Jehovha Mwari wako.

22 Unofanira kuchidyira mumaguta ako. Vose vasina kuchena navakachena vangazvidya havo sokunge vanodya mhara kana nondo.

23 Asi haufaniri kudya ropa; riteurire pasi semvura.

Categories
Dhuteronomi

Dhuteronomi 16

Pasika

1 Rangarira mwedzi waAbhibhi upemberere Pasika yaJehovha Mwari wako, nokuti mumwedzi waAbhibhi akakubudisa kubva muIjipiti usiku.

2 Bayira Jehovha Mwari wako chipfuwo kubva pamakwai ako kana kubva pamombe dzako sePasika panzvimbo iyo Jehovha achasarudza kuti Zita rake rigarepo.

3 Usaidya nechingwa chine mbiriso, asi kwamazuva manomwe unofanira kudya chingwa chisina mbiriso, chingwa chokutambudzika, nokuti makabuda muIjipiti muchikurumidza, kuitira kuti murangarire nguva yamakabuda kubva muIjipiti.

4 Pamazuva manomwe aya ngapasawanikwa mbiriso panyika yenyu yose. Musarega nyama yamunobayira usiku hwezuva rokutanga ichisara kusvikira mangwanani.

5 Hamufaniri kubayira Pasika mune ripi zvaro ramaguta amunopiwa naJehovha Mwari wenyu,

6 kunze kwenzvimbo yaachasarudza kuti Zita rake rigarepo. Ipapo ndipo pamunofanira kubayira Pasika madekwana, kana zuva ravira, nezuva rokurangarira kwamakaita kubva muIjipiti.

7 Igochei mugoidyira panzvimbo yamuchasarudzirwa naJehovha Mwari wenyu kuti Zita rake rigarepo. Zvino kana ava mangwanani mudzokere kumatende enyu.

8 Kwamazuva matanhatu mudye chingwa chisina mbiriso uye pazuva rechinomwe munofanira kuita ungano kuna Jehovha Mwari wenyu uye murege kushanda.

Mutambo waMavhiki

9 Verengai mavhiki manomwe kubva panguva yamunotanga kucheka gorosi.

10 Ipapo upemberere Jehovha Mwari wako Mutambo waMavhiki nokupa chipo chokuda kwako maererano nokuropafadzwa kwawakaitwa naJehovha Mwari wako.

11 Uye ufare pamberi paJehovha Mwari wako panzvimbo yaachasarudza kuti Zita rake rigarepo, iwe, navanakomana vako navanasikana vako, varandarume vako navarandakadzi vako, navaRevhi vari mumaguta ako, uye navatorwa, nenherera nechirikadzi dzigere pakati penyu.

12 Rangarirai kuti maiva varanda muIjipiti, uye muchenjerere kuchengeta mirayiro iyi.

Mutambo waMatumba

13 Upemberere Mutambo waMatumba mazuva manomwe mushure mokunge wapedza kuunganidza zvawawana paburiro rako napachisviniro chako.

14 Ufare kwazvo paMutambo wako, iwe, navanakomana vako navanasikana vako, varandarume vako navarandakadzi vako, navaRevhi vari mumaguta ako, uye navatorwa, nenherera nechirikadzi dzigere mumaguta enyu.

15 Kwamazuva manomwe upemberere Mutambo kuna Jehovha Mwari wako panzvimbo ichasarudzwa naJehovha, nokuti Jehovha Mwari wako achakuropafadza mukukohwa kwako kwose nomubasa rako rose ramaoko ako, uye mufaro wako uchazadziswa.

16 Katatu pagore varume vose pakati penyu vanofanira kuuya pamberi paJehovha Mwari wenyu panzvimbo iyo achasarudza: panguva yoMutambo weChingwa Chisina Mbiriso, noMutambo waMavhiki uye noMutambo waMatumba. Hapana munhu anofanira kuuya asina chaakabata pamberi paJehovha:

17 Mumwe nomumwe wenyu anofanira kuuya nechipo chakaenzanirana nokuropafadzwa kwaakaitwa naJehovha Mwari wenyu.

Vatongi

18 Gadzai vatongi navakuru kurudzi rumwe norumwe rwenyu muguta rimwe nerimwe ramuri kupiwa naJehovha Mwari wenyu, uye vagotonga vanhu nokutonga kwakanaka.

19 Musatsauka pakururamisira uye musaita rusarura. Musagamuchira fufuro, nokuti fufuro rinopofumadza meso owakachenjera uye rinominamisa mashoko avakarurama.

20 Teverai kururamisira uye kururamisira chete, kuitira kuti mugorarama uye mugotora nyika yamuri kupiwa naJehovha Mwari wenyu.

Kunamata vamwe vamwari

21 Musazvimisira matanda api zvawo aAshera parutivi pearitari yamunovakira Jehovha Mwari wenyu.

22 Uye musamisa dombo rinoera, nokuti izvi Jehovha Mwari wenyu anozvivenga.

Categories
Dhuteronomi

Dhuteronomi 17

1 Musabayira Jehovha Mwari wenyu mombe kana gwai rine chakaipa pariri kana rakaremara, nokuti izvozvo zvinomunyangadza.

2 Kana pakati penyu mune rimwe ramaguta amuri kupiwa naJehovha pakawanikwa murume kana mukadzi achiita zvakaipa pamberi paJehovha Mwari wenyu, achiputsa sungano,

3 uye akapesana nomurayiro wangu anamata vamwe vamwari, achivapfugamira kana kupfugamira zuva kana mwedzi kana nyeredzi dzokudenga,

4 uye izvi zvaziviswa kwamuri, ipapo munofanira kunyatsozvibvunzisisa kwazvo. Kana chiri chokwadi uye zvanyatsoonekwa kuti chinhu ichi chinonyangadza chakaitwa muIsraeri,

5 torai murume uyu kana mukadzi uyu akaita chinhu ichi chakaipa muende naye kusuo reguta renyu mugomutaka namabwe afe.

6 Nokupupura kwezvapupu zviviri kana zvitatu munhu achaurayiwa, asi hapana munhu anofanira kuurayiwa nokupupura kwechapupu chimwe chete.

7 Maoko ezvapupu ndiwo anofanira kutanga pakumuuraya, zvino pashure maoko avanhu vose. Munofanira kubvisa chakaipa pakati penyu.

Matare edzimhosva

8 Kana mhaka dzikauya kumatare enyu dzakanyanya kukuomerai kuti mutonge, dzingava dzokudeurwa kweropa, dzokuendesana kumatare kana dzokurwa, endai nadzo kunzvimbo iyo Jehovha Mwari wenyu achasarudza.

9 Endai kuvaprista, vanova vaRevhi uye kuvatongi vanenge vachitonga panguva iyoyo. Muvabvunze uye ivo vachakuudzai mutongo wakafanira.

10 Muite sezvavanenge vakutongerai panzvimbo ichasarudzwa naJehovha. Muchenjerere kuita zvose zvavanenge vakurayirai kuti muite.

11 Muite maererano nomurayiro wavanokudzidzisai uye nokutonga kwavanokuudzai. Hamufaniri kutsauka kubva pane zvavanokuudzai, kurudyi kana kuruboshwe.

12 Munhu anozvidza mutongi kana muprista anomira achishumira pamberi paJehovha Mwari wenyu anofanira kufa. Munofanira kubvisa chakaipa muIsraeri.

13 Vanhu vose vachazvinzwa uye vagotya, uye havazozvidzi zvakare.

Mambo

14 Kana muchinge mapinda munyika yamuri kupiwa naJehovha Mwari wenyu uye kana muchinge maitora kuti ive yenyu, uye magara mairi, uye mukati, “Ngatizvigadzirei mambo sezvakaita ndudzi dzose dzakapoteredza,”

15 chenjererai kuti mugadze mambo achasarudzwa naJehovha Mwari wenyu. Anofanira kubva pakati pehama dzenyu. Musazvigadzira mutorwa, uyo asiri hama yenyu muIsraeri.

16 Mambo haafaniri kuva namabhiza akawanda kana kuita kuti vanhu vadzokere kuIjipiti kundotora mamwe, nokuti Jehovha akutaurirai kuti, “Hamufaniri kudzoka nenzira iyoyo zvakare.”

17 Haafaniri kutora madzimai akawanda, nokuti mwoyo wake ungazotsauswa. Haafaniri kuunganidza sirivha negoridhe zvakawanda.

18 Kana achinge agara pachigaro chake choushe, anofanira kuzvinyorera bhuku romurayiro uyu, achitora kubva mumirayiro yavaprista vanova vaRevhi.

19 Anofanira kugara naro uye anofanira kuriverenga mazuva ose oupenyu hwake kuitira kuti adzidze kutya Jehovha Mwari wake uye agochenjerera kutevera mashoko ose omurayiro uyu nemitemo iyi.

20 Uye haafaniri kuzviona seari nani kupfuura hama dzake agotsauka kubva pamurayiro kurudyi kana kuruboshwe. Ipapo iye nezvizvarwa zvake achagara nguva huru paushe hwake muIsraeri.

Categories
Dhuteronomi

Dhuteronomi 18

Zvipiriso zvaVaprista navaRevhi

1 Vaprista vanova vaRevhi, zvirokwazvo rudzi rwose rwaRevhi, havafaniri kuva nomugove kana nhaka pamwe chete neIsraeri. Vachararama nezvipiriso zvinopiswa zvaJehovha, nokuti ndiyo nhaka yavo.

2 Havazovi nenhaka pakati pehama dzavo: Jehovha ndiye nhaka yavo sezvaakavavimbisa.

3 Uyu ndiwo mugove wakafanira vaprista kubva kuvanhu vanobayira nzombe kana gwai: bandauko neshaya dzacho uye nezvemukati.

4 Munofanira kuvapa zvibereko zvokutanga zvezviyo, waini itsva namafuta, uye namakushe okutanga amakwai ako,

5 nokuti Jehovha Mwari wenyu akavasarudza ivo nezvizvarwa zvavo, kubva pakati pamarudzi ose kuti vamire vachishumira muzita raJehovha nguva dzose.

6 Kana muRevhi akabva mune rimwe ramaguta enyu, kupi zvako muIsraeri kwaanenge achigara, uye akauya nomwoyo wake wose kunzvimbo ichasarudzwa naJehovha,

7 anogona hake kushumira muzita raJehovha Mwari wake savamwe vake vose vaRevhi vanoshumira ipapo pamberi paJehovha.

8 Anofanira kuwana mugove wakaenzana newavo, kunyange zvake akawana mari paakatengesa nhaka yemhuri yake.

Tsika dzinonyangadza

9 Kana muchinge mapinda munyika yamuri kupiwa naJehovha Mwari wenyu, musadzidzira kutevedzera nzira dzinonyangadza dzendudzi dzirimo.

10 Ngapasava nomumwe pakati penyu anoita mwanakomana wake kana mwanasikana wake chibayiro chinopiswa, kana anovuka kana anoita zvamazango kana anotenda zvamashura, kana kuita zvouroyi,

11 kana anoita zvounʼanga, kana anotenda zvamasvikiro kana anobvunza vakafa.

12 Ani naani anoita zvinhu izvi anonyangadza pamberi paJehovha, uye nokuda kwetsika idzi dzinonyangadza Jehovha Mwari wenyu achadzinga ndudzi idzi pamberi penyu.

13 Unofanira kuva wakarurama pamberi paJehovha Mwari wako.

Muprofita

14 Ndudzi dzamunotorera nyika dzinoteerera kuna avo vanoita zvamazango kana kuvuka. Asi kana muri imi Jehovha Mwari wenyu haana kukutenderai kuti muite izvozvo.

15 Jehovha Mwari wenyu achakumutsirai muprofita akaita seni kubva pakati pehama dzenyu. Munofanira kumuteerera.

16 Nokuti izvi ndizvo zvamakakumbira Jehovha Mwari wenyu paHorebhi pazuva reungano apo makati, “Hatidi kunzwa inzwi raJehovha Mwari wedu kana kuona moto mukuru uyu zvakare, nokuti tingafa.”

17 Jehovha akati kwandiri, “Zvavataura zvakanaka.

18 Ndichavamutsira muprofita anobva pakati pehama dzavo akaita sewe; ndichaisa mashoko angu mumuromo wake, uye achavaudza zvose zvandichamurayira.

19 Kana pane munhu acharega kuteerera mashoko angu anotaurwa nomuprofita muzita rangu, ini pachangu ndichamubvunza pamusoro pazvo.

20 Asi muprofita achataura muzita rangu mashoko api zvawo andisina kumurayira kuti ataure, kana muprofita anotaura muzita ravamwe vamwari, anofanira kuurayiwa.”

21 Ungati zvako mumwoyo mako, “Tingaziva seiko kuti shoko iri rataurwa naJehovha?”

22 Kana zvakataurwa nomuprofita muzita raJehovha zvikasaitika kana zvikasava chokwadi, shoko iroro harina kutaurwa naJehovha. Muprofita iyeye ataura zvomusoro wake. Musamutya.

Categories
Dhuteronomi

Dhuteronomi 19

Maguta oUtiziro

1 Kana Jehovha Mwari wenyu aparadza ndudzi dzaari kukupai nyika yadzo, uye kana muchinge madzidzinga mukagara mumaguta avo nedzimba dzavo,

2 ipapo muzvitsaurire maguta matatu ari pakati penyika yamuri kupiwa naJehovha Mwari wenyu kuti ive yenyu.

3 Mugadzire migwagwa inoenda kwaari uye mugoganhura, muzvikamu zvitatu nyika yamuri kupiwa naJehovha Mwari wenyu senhaka, kuitira kuti ani naani anenge auraya munhu agotizirako.

4 Uyu ndiwo murayiro pamusoro pomunhu anenge auraya mumwe munhu anotizirako kuti aponese upenyu hwake, munhu anouraya muvakidzani wake asingazivi, asina kunge amuvenga kare.

5 Somuenzaniso, munhu anogona kupinda musango nomuvakidzani wake kundotema huni, paanosimudza demo kuti ateme muti, demo rovhomoka rotema muvakidzani wake ofa. Munhu iyeye anogona kutizira kune rimwe ramaguta aya agoponesa mweya wake.

6 Zvimwe, mutsivi weropa angamutevera mukutsamwa, akamubata kana rwendo rwuri rurefu kwazvo, akamuuraya kunyange zvake akanga asingafaniri kufa, sezvo asina kuzviita kumuvakidzani wake noruvengo.

7 Ndokusaka ndichikurayirai kuti muzvitsaurire maguta matatu.

8 Kana Jehovha Mwari wenyu achinge azokurisa nyika yenyu, sezvaakavimbisa madzitateguru enyu nemhiko, uye kana achinge akupai nyika yose yaakavimbisa,

9 nokuti mukachenjerera kutevera mirayiro iyi yose yandinokurayirai nhasi, kuti mude Jehovha Mwari wenyu uye mufambe munzira dzake nguva dzose, ipapo munofanira kutsaura maguta matatu.

10 Muite izvi kuitira kuti ropa risina mhosva rirege kuteurwa munyika yenyu, yamuri kupiwa naJehovha Mwari wenyu kuti ive nhaka yenyu, uye kuti murege kuva nemhosva yokuteura ropa.

11 Asi kana munhu achivenga muvakidzani wake akamuvandira, akamurova uye akamuuraya, akatizira kune rimwe ramaguta aya,

12 vakuru veguta rake vanofanira kutuma munhu kuti andomutora kubva kuguta, uye vagomuisa mumaoko omutsivi weropa kuti afe.

13 Musamunzwira tsitsi. Munofanira kubvisa muIsraeri mhosva yokuteurwa kweropa risina mhaka, kuitira kuti zvigokunakirai.

14 Musabvisa dombo romuganhu nomuvakidzani wenyu, rakaiswa nevakakutangirai munhaka yamunogamuchira munyika yamunopiwa naJehovha Mwari wenyu kuti ive yenyu.

Zvapupu

15 Chapupu chimwe chete hachifaniri kupupurira munhu kuti agobatwa nemhosva yokupupura mhaka, kunyange dai akapara mhaka. Nyaya inofanira kusimbiswa nouchapupu hwevaviri kana vatatu.

16 Kana chapupu chenhema chikapupurira munhu kuti ane mhaka,

17 varume ava vari vaviri vari kuitirana nharo vanofanira kumira pamberi paJehovha napamberi pavaprista navatongi vanenge vachitonga panguva iyoyo.

18 Vatongi vanofanira kunyatsoferefeta nyaya iyi, zvino kana chapupu ichi chikabatwa kuti chinoreva nhema, chichipa uchapupu hwenhema pamusoro pehama yake,

19 ipapo itai kwaari sezvaanga achida kuita kuhama yake. Munofanira kubvisa chakaipa pakati penyu.

20 Vanhu vose vachanzwa izvi vagotya uye chakaipa chakadai hachizoitwizve pakati penyu.

21 Musaratidza tsitsi, upenyu noupenyu, ziso neziso, zino nezino, ruoko noruoko, tsoka netsoka.

Categories
Dhuteronomi

Dhuteronomi 20

Kuenda kundorwa

1 Kana muchienda kundorwa navavengi venyu uye mukaona mabhiza nengoro nehondo huru kupfuura yenyu, musavatya, nokuti Jehovha Mwari, uyo akakubudisai kubva muIjipiti, achava nemi.

2 Kana muchinge mava kuda kurwa, muprista anofanira kuuya kuzotaura kuvarwi.

3 Achati, “Inzwai, imi Israeri, nhasi muri kuenda kundorwa navavengi venyu. Mwoyo yenyu ngairege kupera simba kana kutya; regai kutyiswa kana kuvhundutswa pamberi pavo.

4 Nokuti Jehovha Mwari wenyu ndiye anoenda nemi kundokurwirai kuvavengi venyu kuti akukundisei.”

5 Vakuru vachatiwo kuvarwi, “Pane akavaka imba yake itsva here asati aikumikidza? Ngaadzokere kumba kwake, nokuti angafa pakurwa uye mumwewo akazoikumikidza.

6 Pane akarima munda womuzambiringa here uye asati atanga kudya michero yawo? Ngaadzokere kumba kwake, nokuti angafa pakurwa uye mumwewo akazodya michero yawo.

7 Pane akatsidzirana nomusikana here uye asati amuwana? Ngaadzokere kumba kwake, nokuti angafa pakurwa uye mumwewo akazomuwana.”

8 Ipapo vakuru vachati zvakare, “Pane anotya here kana ane mwoyo unovhunduka? Ngaadzokere kumba kwake kuitira kuti hama dzake dzisazorwadziwawo mwoyo saiye.”

9 Kana vakuru vachinge vapedza kutaura kuvarwi, vanofanira kugadza vatungamiri vehondo.

10 Pamunofamba muchinorwisa guta, munofanira kuriparidzira rugare.

11 Kana varugamuchira vakazarura masuo avo, vanhu vose vomo vanofanira kumanikidzwa kushanda uye vanofanira kukushandirai.

12 Kana vakaramba rugare uye vakarwa nemi, munofanira kukomba guta iroro.

13 Kana Jehovha Mwari wenyu achinge ariisa mumaoko enyu, muuraye varume vose vari mariri.

14 Asi kana vari vakadzi, navana nezvipfuwo uye nezvimwe zvose zviri muguta, munogona kuzvitora sezvakapambwa. Uye mungashandisa zvenyu zvakapambwa izvi zvamuri kupiwa naJehovha Mwari wenyu kubva kuvavengi venyu.

15 Izvi ndizvo zvamunofanira kuita kumaguta ose ari chinhambwe kubva kwamuri uye asiri maguta endudzi dziri pedyo.

16 Asi, mumaguta endudzi amuri kupiwa naJehovha Mwari wenyu senhaka, musasiya chinhu chipi zvacho chipenyu.

17 Vaparadzei zvachose, ivo vaHiti, vaAmori, vaKenani, vaPerizi, vaHivhi navaJebhusi, sezvamakarayirwa naJehovha Mwari wenyu.

18 Nokuti vangazokudzidzisai tsika dzavo dzinonyangadza dzavanoita vachinamata vamwari wavo, mugotadzira Jehovha Mwari wenyu.

19 Kana mukakomba guta kwenguva refu, muchirirwisa kuti muripambe, musaparadza miti yaro nokuitema nokuti munogona kudya michero yayo. Musaitema. Ko, miti yomusango vanhu here, zvokuti mungaikomba?

20 Zvisinei, mungatema zvenyu miti yamunoziva kuti haisi miti yemichero mugoshandisa pakukomba kusvikira makunda guta ramuri kurwa naro.