Categories
Dhuteronomi

Dhuteronomi 31

Joshua anotevera Mozisi pakutungamirira

1 Ipapo Mozisi akaenda akandotaura mashoko aya kuvaIsraeri vose achiti:

2 “Zvino ndava namakore zana namakumi maviri uye handichagoni kukutungamirirai. Jehovha akati kwandiri, ‘Iwe haufaniri kuyambuka Jorodhani urwu.’

3 Jehovha Mwari wenyu pachake ndiye achayambuka ari pamberi penyu. Achaparadza ndudzi idzi dzose pamberi penyu, mugotora nyika yavo. Joshua ndiye achayambuka ari pamberi penyu, sezvakataurwa naJehovha.

4 Zvino Jehovha achavaitira ivo zvaakaitira Sihoni naOgi, madzimambo avaAmori, vaakaparadza pamwe chete nenyika yavo.

5 Jehovha achavaisa kwamuri, uye munofanira kuvaitira zvose zvandakakurayirai.

6 Simbai mutsunge mwoyo. Musatya kana kuvhundutswa nokuda kwavo, nokuti Jehovha Mwari wenyu achaenda nemi; haangakusiyei kana kukurasai.”

7 Ipapo Mozisi akadana Joshua akati kwaari, pamberi pavaIsraeri vose, “Simba utsunge mwoyo, nokuti unofanira kuenda navanhu ava munyika iyo Jehovha akapika kumadzitateguru avo kuti achavapa, uye unofanira kuigovera kwavari senhaka.

8 Jehovha pachake achakutungamirira uye achava newe; haangakusiyi kana kukurasa. Usatya kana kuora mwoyo.”

Kuverengwa kwoMurayiro

9 Saka Mozisi akanyora murayiro uyu akaupa kuvaprista, vanakomana vaRevhi, vaitakura areka yesungano yaJehovha, uye nokuvakuru vose veIsraeri.

10 Ipapo Mozisi akavarayira, akati, “Panopera makore manomwe nguva dzose, mugore rokukanganwira zvikwereti, panguva yoMutambo waMatumba,

11 vaIsraeri vose pavanouya kuzozviratidza pamberi paJehovha Mwari wenyu panzvimbo yaachasarudza, muchaverenga murayiro uyu pamberi pavo vachinzwa.

12 Unganidzai vanhu, varume, vakadzi navana uye navatorwa vagere mumaguta enyu, kuti vanzwe uye vazive kutya Jehovha Mwari wenyu nokutevera zvakanaka mashoko ose omurayiro uyu.

13 Vana vavo, vasingazivi murayiro uyu, vanofanira kuunzwa uye vagodzidza kutya Jehovha Mwari wenyu panguva yose yamuchagara munyika yamuri kuyambuka Jorodhani kuti muitore.”

Kumukira kwavaIsraeri kunoziviswa

14 Jehovha akati kuna Mozisi, “Zvino zuva rokufa kwako rava pedyo. Dana Joshua mugondomira muTende Rokusangana kuti ndimurayire.” Saka Mozisi naJoshua vakauya vakazviratidza paTende Rokusangana.

15 Ipapo Jehovha akazviratidza paTende mushongwe yegore, uye gore rikamira pamusuo weTende.

16 Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, “Uchavata namadzibaba ako, uye vanhu ava, zvino zvino, vachaita ufeve navamwari vavatorwa venyika yavari kupinda. Vachandirasa uye vachaputsa sungano yandakaita navo.

17 Pazuva iroro ndichavatsamwira ndigovarasa: ndichavanza chiso changu kubva kwavari, uye vachaparadzwa. Njodzi namatambudziko mazhinji zvichavawira uye pazuva iro vachabvunza vachiti, ‘Ko, hatina kuwirwa nenjodzi idzi nokuti Mwari wedu haasi pakati pedu here?’

18 Zvino ndichaviga chiso changu zvirokwazvo nezuva iro nokuda kwezvakaipa zvavo zvose zvokutsaukira kuna vamwe vamwari.

19 “Zvino zvinyorerei rwiyo urwu mugorudzidzisa kuvaIsraeri uye mugovaita kuti varuimbe, kuitira kuti chigova chapupu kwandiri pamusoro pavo.

20 Kana ndichinge ndavauyisa munyika inoerera mukaka nouchi, nyika iyo yandakavimbisa nemhiko kumadzitateguru avo, uye kana vachinge vadya vaguta uye vakora, vachatsaukira kuna vamwe vamwari vagovanamata, vachindiramba uye vachiputsa sungano yangu.

21 Zvino kana njodzi namatambudziko mazhinji zvavawira, rwiyo urwu ruchavapupurira pamusoro pavo, nokuti haruzombokanganwikwi nezvizvarwa zvavo. Ini ndinoziva zvavachazoita, kunyange ndisati ndavauyisa munyika yandakavavimbisa nemhiko.”

22 Saka Mozisi akanyora rwiyo urwu nomusi uyu uye akarudzidzisa kuvaIsraeri.

23 Jehovha akapa murayiro uyu kuna Joshua mwanakomana waNuni akati, “Simba utsunge mwoyo, nokuti uchauyisa vaIsraeri munyika yandakavavimbisa nemhiko, uye ini pachangu ndichava newe.”

24 Mushure mokunge Mozisi apedza kunyora mubhuku mashoko omurayiro uyu kubva pokutanga kusvikira pokupedzisira,

25 akapa murayiro uyu kuvaRevhi vaitakura areka yesungano yaJehovha achiti,

26 “Torai Bhuku iri roMurayiro muriise parutivi peareka yesungano yaJehovha Mwari wenyu. Ipapo richagara sechapupu pamusoro penyu.

27 Nokuti ndinoziva kuti vanomukira sei uye kuti mitsipa yavo mikukutu sei. Kana maimukira Jehovha ndichiri mupenyu uye ndiri pakati penyu, ko, kuzoti ndikange ndafa muchamumukira zvakadii!

28 Ndiunganidzirei vakuru vose vamarudzi enyu namachinda enyu ose, kuti nditaure kwavari mashoko vachinzwa uye ndigodana denga nenyika zvivapupurire.

29 Nokuti ndinoziva kuti mushure mokunge ndafa imi muchazvishatisa kwazvo uye muchatsauka kubva panzira yandakakurayirai. Pamazuva anouya, njodzi ichakuwirai nokuti muchaita zvakaipa pamberi paJehovha muchimutsamwisa nokuda kwezvakaitwa namaoko enyu.”

Rwiyo rwaMozisi

30 Zvino Mozisi akataura mashoko orwiyo urwu kubva kumavambo kusvikira kumagumo, ungano yose yeIsraeri ichinzwa:

Categories
Dhuteronomi

Dhuteronomi 32

1 Inzwai, imi matenga, zvino ndichataura;

inzwa, iwe nyika, mashoko omuromo wangu.

2 Regai dzidziso yangu inaye semvura

uye mashoko angu ayerere sedova,

sokupfunha pauswa hunyoro,

semvura zhinji papfumvudza nyoro.

3 Ndichaparidza zita raJehovha.

Haiwa, rumbidzai ukuru hwaMwari wedu!

4 Ndiye ibwe, mabasa ake akakwana,

uye nzira dzake dzakarurama.

Mwari akatendeka asina chaanotadza,

akarurama uye ndowezvokwadi.

5 Vakaita zvakaipa kwaari;

vakazvinyadzisa uye havasisiri vana vake,

asi vava rudzi rwakatsauka rwakakombama,

6 Ko, iyi ndiyo nzira yamunoripira nayo Jehovha here,

imi mapenzi navanhu vasina kuchenjera?

Ko, haazi iye Baba wenyu, noMusiki wenyu here,

akakuitai nokukuumbai?

7 Rangarira mazuva akare;

ufunge marudzi akare kare.

Ubvunze baba vako, uye vachakuudza,

vakuru vako vachakutsanangurira.

8 Wokumusoro-soro paakapa ndudzi nhaka,

nguva yaakakamura marudzi ose,

akaisira vanhu miganhu,

zvichienderana nouwandu hwavanakomana veIsraeri.

9 Nokuti mugove waJehovha ndivo vanhu vake,

Jakobho ndiyo nhaka yake yaakayererwa.

10 Akamuwana munyika yomurenje,

musina chinhu, munotyisa.

Akamudzivirira uye akamuchengeta;

akamuchengetedza semboni yeziso rake,

11 segondo rinogadziridza dendere

raro nokuengerera pamusoro pavana varo,

rinotambanudza mapapiro aro kuti rivagamhe,

rovabereka pamapapiro aro.

12 Jehovha oga ndiye akamutungamirira;

kwakanga kusina mwari wokumwe akanga anaye.

13 Akamuita kuti atasve panzvimbo dzakakwirira dzenyika

uye akamupa zvibereko zveminda kuti adye.

Akamusimbisa nouchi hwakabva padombo,

uye namafuta akabva padombo romusarasara,

14 noruomba nomukaka kubva pamombe namakwai

uye namakwayana nembudzi zvakakodzwa,

namakondobwe akaisvonaka eBhashani,

netsanga dzakanakisisa dzegorosi.

Akanwa furo reropa ramazambiringa.

15 Jeshuruni akazokora uye akapfura;

aguta nezvokudya, akava mukobvu uye akava namafuta.

Akasiya Mwari akamuita

uye akaramba Ibwe, Muponesi wake.

16 Vakamuita kuti ave negodo nokuda kwavamwari vokumwe

uye vakamutsamwisa nezviumbwa zvinonyangadza.

17 Vakabayira kumadhimoni, asiri Mwari,

vamwari vavakanga vasingazivi,

vamwari vatsva vakanga vachangomuka,

vamwari vakanga vasingazivikanwi namadzibaba enyu.

18 Wakasiya Ibwe rakakubereka;

wakakanganwa Mwari akakubereka.

19 Jehovha akaona izvi akavaramba

nokuti akanga atsamwiswa navakomana vake navanasikana vake.

20 “Ndichavanza chiso changu kubva kwavari,” iye akadaro,

“tigoona kuti magumo avo achazodii;

nokuti rudzi rwakatsauka,

vana vasina kutendeka.

21 Vakamutsa godo rangu nokuda kwechinhu chisati chiri Mwari,

vakanditsamwisa nokuda kwezviumbwa zvavo zvisina maturo.

Ndichaita kuti vagodorwe navaya vasati vari vanhu;

ndichavaita kuti vatsamwiswe norudzi rusinganzwisisi.

22 Nokuti moto watungidzwa nehasha dzangu,

idzo dzinopisa kusvikira pasi pegomba rorufu.

Dzichaparadza nyika nezvibereko zvayo

uye dzichapisa nheyo dzamakomo.

23 “Ndichatutira njodzi pamusoro pavo

uye ndichapedza miseve yangu ndichivapfura.

24 Ndichatumira nzara inoondesa pamusoro pavo,

nokuparadza kunopisa zvikuru nedenda rakaipisisa;

ndichatumira meno ezvikara zvesango kwavari,

uturu hwenyoka dzomuguruva.

25 Munzira munondo uchaparadza vana vavo vose;

mudzimba dzavo vachagara vachivhundutswa.

Majaya nemhandara vachaparadzwa,

vacheche navatana vachaparadzwawo.

26 Ndakati ndichavaparadzira

ndigodzima kurangarirwa kwavo kubva pakati pamarudzi,

27 asi ndakazotya kutuka kwomuvengi,

kuti vavengi vavo vasazozvinzwisisa uye vakazoti,

‘Ruoko rwedu rwatikundisa;

haazi Jehovha akaita izvi zvose.’ ”

28 Nokuti ivo rudzi rusina mano,

havagoni kunzvera pakati pavo.

29 Dai chete vakanga vakachenjera

uye dai vaizonzwisisa izvi nokunzvera kuti magumo avo achazova akaita sei!

30 Ko, munhu mumwe chete angadzinga sei chiuru chavanhu,

kana kuti vanhu vaviri vangaita kuti vanhu zviuru gumi vatize sei,

kunze kwokunge Dombo ravo ravatengesa,

kunze kwokunge Jehovha ari iye avaisa mumaoko avo?

31 Nokuti dombo ravo harina kufanana neDombo redu,

sezvinofungwa navavengi vedu.

32 Nokuti mazambiringa avo anobva pamizambiringa yeSodhomu

nokuminda yeGomora.

Mazambiringa avo azere nomuchetura,

uye masumbu avo azere nokuvava.

33 Waini yavo uturu hwenyoka,

uturu hwakaipisisa hwemhakure.

34 “Ko, handina kuchengeta izvi here,

uye ndikazvipfigira mumatura angu?

35 Kutsiva ndokwangu; ndichatsiva.

Nenguva yakafanira tsoka dzavo dzichatedzemuka;

zuva renjodzi yavo rava pedyo

uye kuparadzwa kwavo kunokurumidza kuuya pamusoro pavo.”

36 Jehovha achatonga vanhu vake

uye achanzwira tsitsi varanda vake,

paanoona simba ravo rapera

uye pasina asara, akatapwa kana asina.

37 Achati, “Ko, zvino vamwari vavo varipiko,

dombo ravakahwanda mariri,

38 vamwari vakadya mafuta ezvibayiro zvavo

nokunwa waini yezvipiriso zvavo zvinonwiwa?

Ngavasimuke kuti vakubatsirei!

Ngavakupei pokuvanda!

39 “Chionai zvino kuti ini pachangu ndini Iye!

Hakuna mumwe Mwari kunze kwangu,

ndinouraya uye ndinopa upenyu,

ndakakuvadza uye ndichaporesa, uye hapana anogona kudzikinura muruoko rwangu.

40 Ndinosimudza ruoko rwangu kudenga ndichiti:

Zvirokwazvo, noupenyu hwangu husingaperi,

41 kana ndichirodza munondo wangu unopenya

uye ruoko rwangu rwaubata mukutonga,

ndichatsiva kuvavengi vangu

uye ndigotsiva vaya vanondivenga.

42 Ndichaita kuti miseve yangu idhakwe neropa ravo,

uye munondo wangu uchadya nyama:

ropa revakaurayiwa nevatapwa,

nemisoro yavatungamiri vavavengi vangu.”

43 Farai, imi ndudzi, navanhu vake,

nokuti achatsiva ropa ravaranda vake;

achatsiva kuvavengi vake

agoyananisira nyika yake navanhu vake.

44 Mozisi akauya naJoshua mwanakomana waNuni uye akataura kwaari mashoko ose aya orwiyo urwu vanhu vachinzwa.

45 Mozisi akati apedza kutaura mashoko ose aya kuvaIsraeri vose,

46 akati kwavari, “Isai mumwoyo menyu mashoko ose andakupupurirai nhasi, kuitira kuti mugozorayira vana venyu kuti vachenjerere kuita mashoko ose omurayiro uyu.

47 Haasi mashoko asina maturo kwamuri, asi kuti ndihwo upenyu hwenyu. Namashoko aya muchararama mazuva mazhinji munyika yamuri kuyambuka Jorodhani kuti muitore.”

Kufa kwaMozisi paGomo reNebho

48 Pazuva rimwe chetero Jehovha akataura kuna Mozisi akati,

49 “Kwira kumakomo eAbharimu uende mugomo reNebho muMoabhu, riri mhiri kweJeriko, ugoona nyika yeKenani, nyika yandiri kupa vaIsraeri kuti ive yavo.

50 Ipapo pagomo pauchakwira ndipo pauchafira uye ugova pamwe navanhu vako, sokufa kwakaita mukoma wako Aroni akafira paGomo reHori uye akava navanhu vake.

51 Izvi zvakaitika nokuti imi muri vaviri hamuna kutendeka kwandiri pamberi pavaIsraeri pamvura yeMeribha Kadheshi murenje reZini uye nokuti hamuna kusimudzira utsvene hwangu pakati pavaIsraeri.

52 Naizvozvo, uchaona nyika iyi uri chinhambwe; asi haungapindi munyika yandiri kupa kuvanhu veIsraeri.”

Categories
Dhuteronomi

Dhuteronomi 33

Mozisi Anoropafadza Marudzi

1 Uku ndiko kuropafadza kwaMozisi munhu waMwari kwaakataura kuvaIsraeri asati afa.

2 Akati:

“Jehovha akabva kuSinai

akavabudira samambakwedza achibva kuSeiri;

akapenya kubva paGomo reParani.

Akauya nezviuru gumi zvavatsvene kubva rutivi rwezasi,

kubva kumawere amakomo ake.

3 Zvirokwazvo ndimi makada vanhu;

vatsvene vose vari muruoko rwenyu.

Patsoka dzenyu vose vanopfugama,

uye kubva kwamuri vanogamuchira kurayirwa,

4 murayiro watakapiwa naMozisi,

nhaka yeungano yaJakobho.

5 Akanga ari mambo weJeshuruni

vatungamiriri vavanhu pavakanga vakaungana,

pamwe chete namarudzi aIsraeri.

6 “Rubheni ngaararame arege kufa,

uye vanhu vake ngavarege kuva vashoma.”

7 Uye izvi ndizvo zvaakataura pamusoro paJudha:

“Inzwai, imi Jehovha, kuchema kwaJudha;

muuyisei kuvanhu vake.

Namaoko ake acharwira mhaka yake.

Haiwa, ivai mubatsiri wake pavavengi vake!”

8 Pamusoro paRevhi akati,

“Tumimi yenyu neUrimi yenyu

ndezvomunhu wamunoda.

Makamuedza paMasa;

makarwa naye pamvura dzeMeribha.

9 Akati pamusoro pababa namai vake,

‘Handivakudzi.’

Haana kurangarira hama dzake

kana kuziva vana vake,

asi akava mutariri weshoko renyu

akachengetedza sungano yenyu.

10 Anodzidzisa mitemo yenyu kuna Jakobho

uye nemirayiro kuna Israeri.

Achapa zvinonhuhwira pamberi penyu

nezvipiriso zvose zvinopiswa paaritari yenyu.

11 Ropafadzai kubata kwake kwose, imi Jehovha,

mugofadzwa namabasa amaoko ake.

Paradzai zviuno zvaavo vanomumukira:

rovai vavengi vake kusvikira vasisamukizve.”

12 Pamusoro paBhenjamini akati:

“Regai mudikanwa waJehovha agare norugare maari,

nokuti anomudzivirira zuva rose,

uye regai uyo anodikanwa naJehovha agare pakati pamapfudzi ake.”

13 Pamusoro paJosefa akati:

“Jehovha ngaaropafadze nyika yake

nedova rinokosha rokudenga kumusoro

nemvura zhinji dzakadzika dziri pasi;

14 nezvakanakisisa zvinouyiswa nezuva

uye zvakaisvonaka zvinopiwa nomwedzi;

15 nezvipo zvakanakisisa zvokumakomo ekare

uye nezvibereko zvemakomo okusingaperi;

16 nezvipo zvakanakisisa zvenyika nokuzara kwayo

uye nenyasha dzake iye anogara mugwenzi rinopfuta.

Zvose ngazvigare pamusoro waJosefa,

pahuma yomuchinda pakati pehama dzake.

17 Muumambo hwake anoita semhongora yenzombe;

nyanga dzake dzakaita senyanga dzenyati.

Nadzo achatunga ndudzi,

kunyange vaya vari kumagumo enyika.

Ava ndivo zviuru zvaManase.”

18 Pamusoro paZebhuruni akati:

“Fara, iwe Zebhuruni, pakubuda kwako,

newe Isakari mumatende ako.

19 Vachadanira vanhu kumakomo

uye ikoko vagopa zvibayiro zvokururama;

vachaguta nezvizhinji zvamakungwa,

nepfuma yakavigwa mujecha.”

20 Pamusoro paGadhi akati:

“Ngaaropafadzwe iye anokurisa nyika yaGadhi!

Gadhi anogaramo seshumba,

achibvambura ruoko kana musoro.

21 Akazvisarudzira nyika yakanakisisa;

mugove womutungamiri waakachengeterwa iye.

Vakuru vavanhu pavakaungana,

iye akaita kuda kwaJehovha kwakarurama,

uye nokutonga kwake pamusoro paIsraeri.”

22 Pamusoro paDhani akati:

“Dhani mwana weshumba,

anokwakuka achibva muBhashani.”

23 Pamusoro paNafutari akati:

“Nafutari azere nenyasha dzaJehovha

uye azere kuropafadza kwake:

achatora nhaka nechezasi kugungwa.”

24 Pamusoro paAsheri akati:

“Akaropafadzwa kupfuura vanakomana vose ndiAsheri:

ngaadikanwe nehama dzake,

uye ngaashambe tsoka dzake mumafuta.

25 Zvipfigiso zvemasuo ako zvichava zvesimbi nendarira,

uye simba rako richafanana namazuva ako.

26 “Hapana akafanana naMwari waJeshuruni,

iye anotasva denga kuti akubatsire

uye namakore muumambo hwake.

27 Mwari anogara nokusingaperi ndiye utiziro hwako,

uye pasi pake pane maoko anogara nokusingaperi.

Achadzinga vavengi vako kubva pamberi pako,

achiti, ‘Muparadzei!’

28 Naizvozvo Israeri achagara murugare oga;

tsime raJakobho rakachengetedzeka

munyika yezviyo newaini itsva,

ndiko kunodonhedzerwa dova nedenga.

29 Wakaropafadzwa, iwe Israeri!

Ndiani akafanana newe,

rudzi rwakaponeswa naJehovha?

Ndiye nhoo nomubatsiri wako uye

nomunondo wako unobwinya.

Vavengi vako vachazviisa pasi pako,

uye iwe uchatsika-tsika nzvimbo dzavo dzakakwirira.”

Categories
Dhuteronomi

Dhuteronomi 34

Kufa kwaMozisi

1 Ipapo Mozisi akakwira mugomo reNebho kubva pamapani aMoabhu kusvika pamusoro pePisiga, mhiri uchibva kuJeriko. Ipapo Jehovha akamuratidza nyika yose, kubva kuGireadhi kusvika kuDhani.

2 Nafutari yose, nenyika yaEfuremu naManase, nenyika yose yaJudha zvichibva nechokugungwa rokumavirira,

3 Negevhi uye dunhu rose zvichibvira kuMupata weJeriko. Neguta remichindwe, kusvika kuZoari.

4 Ipapo Jehovha akati kwaari, “Iyi ndiyo nyika yandakavimbisa nemhiko kuna Abhurahama, Isaka naJakobho pandakati, ‘Ndichaipa kuzvizvarwa zvako.’ Ndakuita kuti uione nameso ako, asi haungayambuki mhiri kuti upinde mairi.”

5 Zvino Mozisi muranda waJehovha akafira ipapo munyika yaMoabhu, sezvakanga zvataurwa naJehovha.

6 Akamuviga muMoabhu, mumupata wakatarisana neBheti Peori, kusvikira nanhasi hapana anoziva pane guva rake.

7 Mozisi akanga ava namakore zana namakumi maviri panguva yaakafa, asi kunyange zvakadaro, meso ake akanga achigere kuonera madzerere uye simba rake rakanga richigere kuderera.

8 VaIsraeri vakachema Mozisi pamapani eMoabhu kwamazuva makumi matatu, kusvikira mazuva okuchema nokuungudza apera.

9 Zvino Joshua mwanakomana waNuni akanga azere nomweya wouchenjeri nokuti Mozisi akanga aisa maoko ake pamusoro pake. Saka naizvozvo vaIsraeri vakamuteerera uye vakaita zvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha.

10 Kubva ipapo hakuna kuzomukazve muprofita muIsraeri akafanana naMozisi, uyo akazivana naJehovha chiso nechiso,

11 uyo akaita zviratidzo nezvishamiso zvaakatumwa naJehovha kuti aite muIjipiti, kuna Faro nokumachinda ake nokunyika yake yose.

12 Nokuti hapanazve mumwe akaratidza simba guru kana akaitazve mabasa anotyisa seayo akaitwa naMozisi pamberi pavaIsraeri vose.