Categories
Ekisodho

Ekisodho 11

Dambudziko Regumi: Rufu rwaMatangwe

1 Zvino Jehovha akanga ati kuna Mozisi, “Ndichauyisa rimwezve dambudziko pamusoro paFaro napamusoro peIjipiti. Shure kwaizvozvo, achakutenderai kubva muno, uye paanozviita, achakudzingirai kunze zvachose.

2 Udza vanhu kuti varume navakadzi, pamwe chete, vakumbire vavakidzani vavo zvishongo zvesirivha nezvegoridhe.”

3 Jehovha akaita kuti vanhu vawanirwe nyasha navaIjipita, uye Mozisi pachake akanga achikudzwa zvikuru muIjipiti namachinda aFaro uye navanhu.

4 Saka Mozisi akati, “Zvanzi naJehovha: ‘Pakati pousiku ndichafamba napakati peIjipiti.

5 Mwanakomana wose wedangwe ari muIjipiti achafa, kubva pamwanakomana wedangwe waFaro, iye agere pachigaro choushe, kusvikira kumwanakomana wedangwe womurandakadzi, ari paguyo rake, namatangwe ose emombewo.

6 Pachava nokuchema kukuru muIjipiti yose, kwakadaro hakuna kumbovapo uye hakungavepozve.

7 Asi pakati pavaIsraeri hapana kana imbwa ichahukura munhu zvake kana chipfuwo.’ Ipapo uchaziva kuti Jehovha anoita mutsauko pakati peIjipiti neIsraeri.

8 Machinda ako ose aya achauya kwandiri, vachipfugama pamberi pangu vachiti, ‘Chiendai, imi navanhu vose vanokuteverai!’ Shure kwaizvozvo ndichaenda.” Ipapo Mozisi, atsamwa kwazvo, akabva pana Faro.

9 Jehovha akanga ati kuna Mozisi, “Faro acharamba kukuteerera, kuitira kuti zvishamiso zvangu zviwande muIjipiti.”

10 Mozisi naAroni vakaita zvishamiso zvose izvi pamberi paFaro, asi Jehovha akaomesa mwoyo waFaro uye haana kuda kutendera vaIsraeri kuti vabude munyika yake.

Categories
Ekisodho

Ekisodho 12

Pasika

1 Jehovha akati kuna Mozisi naAroni vari muIjipiti,

2 “Mwedzi uno unofanira kuva mwedzi wokutanga kwamuri, mwedzi wokutanga wegore renyu.

3 Udzai ungano yose yeIsraeri kuti pazuva regumi romwedzi uno, murume mumwe nomumwe anofanira kutorera mhuri yake gwayana, rimwe chete paimba imwe neimwe.

4 Kana imba ipi zvayo iri duku kwazvo pagwayana rose, vanofanira kugovana rimwe chete nomuvakidzani ari pedyo zvichienderana nouwandu hwavanhu varipo. Munofanira kuona mugove unodikanwa maererano nezvingadyiwa nomunhu mumwe nomumwe.

5 Zvipfuwo zvamunosarudza zvinofanira kuva mikono yegore rimwe chete isina chainopomerwa, uye munogona kuzvitora kubva kumakwai kana kumbudzi.

6 Muzvichengete kusvikira pazuva regumi namana romwedzi, ipapo ungano yose yeIsraeri inofanira kuzviuraya panguva yamadekwana.

7 Ipapo vanofanira kutora rimwe ropa vagoriisa pamagwatidziro maviri egonhi napazvivivo zvedzimba dzavanodyira makwayana vari.

8 Usiku ihwohwo vanofanira kudya nyama yakagochwa pamoto, pamwe chete nemiriwo inovava, nechingwa chisina mbiriso.

9 Musadya nyama iri mbishi kana yakabikwa mumvura, asi mugoche pamoto, musoro, makumbo uye nezvomukati.

10 Musasiya kana chimwe charo kusvikira mangwanani; kana zvimwe zvikasara kusvikira mangwanani, munofanira kuzvipisa.

11 Aya ndiwo madyiro amunoriita: Majasi akasungwa nebhanhire, makapfeka shangu mutsoka dzenyu, uye tsvimbo dzenyu dziri mumaoko enyu. Muridye nokukurumidza; ndiyo Pasika yaJehovha.

12 “Nousiku ihwohwo ndichapfuura napakati peIjipiti ndigorova matangwe ose, zvose vanhu nezvipfuwo, uye ndichatonga vamwari vose veIjipiti. Ndini Jehovha.

13 Ropa richava chiratidzo kwamuri mudzimba dzamunogara; uye ndikaona ropa, ndichapfuura pamuri. Hapana hosha inoparadza ichakubatai pandicharova Ijipiti.

14 “Iri ndiro zuva ramunofanira kurangarira; kuzvizvarwa zvinotevera mucharipemberera somutambo kuna Jehovha, mutemo wokusingaperi.

15 Kwamazuva manomwe, munofanira kudya chingwa chisina mbiriso. Pazuva rokutanga mubvise mbiriso mudzimba dzenyu, nokuti ani naani anodya chinhu chipi zvacho chine mbiriso mukati macho kubva pazuva rokutanga kusvikira pazuva rechinomwe anofanira kubviswa pakati pavaIsraeri.

16 Pazuva rokutanga muite ungano tsvene, uye mugoitazve imwe ungano pazuva rechinomwe. Musatomboshanda pamazuva iwayo, kunze bedzi kwokugadzira zvokudya zvokuti munhu wose adye, ndizvo chete zvamungaita.

17 “Mupemberere Mutambo weZvingwa Zvisina Mbiriso, nokuti pazuva irori ndipo pandakabudisa mapoka enyu kubva muIjipiti. Mupemberere zuva irori uve mutemo wokusingaperi kuzvizvarwa zvinotevera.

18 Mumwedzi wokutanga munofanira kudya chingwa chakabikwa chisina mbiriso, kubva pamadekwana ezuva regumi namana kusvikira madekwana ezuva ramakumi maviri nerimwe.

19 Kwamazuva manomwe, mbiriso ngairege kuwanikwa mudzimba dzenyu. Uye ani naani anodya chinhu chipi zvacho chine mbiriso anofanira kubviswa pakati peungano yaIsraeri, angava mutorwa kana akaberekerwa munyika imomo.

20 Musadya chinhu chakabikwa nembiriso. Pose pamunogara, munofanira kudya chingwa chisina mbiriso.”

21 Ipapo Mozisi akadana vakuru vose veIsraeri akati kwavari, “Endai izvozvi mundosarudza zvipfuwo zvemhuri dzenyu mugouraya gwayana rePasika.

22 Mutore sumbu rehisopi, murinyike muropa riri mumudziyo uye mugoisa rimwe ropa nechapamusoro pechivivo uye napamativi maviri amagwatidziro egonhi. Parege kuva nomumwe wenyu anobuda pamukova weimba yake kusvikira mangwanani.

23 Jehovha paanopinda napakati penyika kuti arove vaIjipita, achaona ropa pamusoro pechivivo nomumativi amagwatidziro egonhi uye achapfuura pamikova yenyu, uye haangatenderi muparadzi kuti apinde mudzimba dzenyu kuti akurovei.

24 “Muteerere mirayiro iyi ive mitemo kwamuri nokuzvizvarwa zvenyu nokusingaperi.

25 Pamunopinda munyika yamuchapiwa naJehovha sezvaakavimbisa, mucherechedze chirevo ichi.

26 Uye pamuchabvunzwa navana venyu vachiti, ‘Zvinoreveiko izvi kwamuri?’

27 Ipapo muvaudze kuti, ‘Ndicho chibayiro chePasika yaJehovha, uyo akapfuura napadzimba dzavaIsraeri muIjipiti akaponesa dzimba dzedu paakarova vaIjipita.’ ” Ipapo vanhu vakapfugama vakanamata.

28 VaIsraeri vakaita sezvakanga zvarayirwa naJehovha kuna Mozisi naAroni.

29 Pakati pousiku Jehovha akarova matangwe ose omuIjipiti, kubva padangwe raFaro, iye aizogara pachigaro choushe, kusvika kudangwe romusungwa, akanga ari mutorongo, nedangwe rezvipfuwo zvosewo.

30 Faro namachinda ake ose uye navaIjipita vose vakamuka usiku, uye kwakava nokuungudza kukuru muIjipiti, nokuti kwakanga kusina imba isina munhu akanga afa.

Kubuda

31 Faro akadana Mozisi naAroni usiku akati, “Simukai, mubve pakati pavanhu vangu, imi navaIsraeri! Endai, mundonamata Jehovha sezvamakakumbira.

32 Mutore makwai enyu nemombe, sezvamakareva, mugoenda. Uyewo mundiropafadze.”

33 VaIjipita vakakurudzira vanhu kuti vakurumidze kubva munyika. Nokuti vakati, “Zvimwe tingafa tose!”

34 Saka vanhu vakatora mukanyiwa wavo usati waiswa mbiriso, vakatakura pamapfudzi avo mumidziyo yokukanyira vakazviputira mumicheka.

35 VaIsraeri vakaita sezvavakarayirwa naMozisi vakakumbira zvishongo zvesirivha, negoridhe uye nezvokupfeka.

36 Jehovha akapa vanhu nyasha pamberi pavaIjipita, uye vakavapa zvavakakumbira; saka vakapamba vaIjipita.

37 VaIsraeri vakafamba kubva paRamesesi kusvikira kuSukoti. Kwakanga kuna varume mazana matanhatu ezviuru vaifamba netsoka, pasingaverengwi vakadzi navana.

38 Vamwe vanhu vazhinji vakaendawo navo, pamwe chete namapoka makuru ezvipfuwo, zvose makwai nemombe.

39 Vakabika makeke ezvingwa zvisina mbiriso nomukanyiwa wavakabva nawo kuIjipiti. Mukanyiwa uyu wakanga usina mbiriso nokuti vakanga vadzingwa kubva muIjipiti uye havana kuwana nguva yokuti vazvigadzirire zvokudya.

40 Zvino nguva yakagara vanhu veIsraeri muIjipiti yakanga iri makore mazana mana namakumi matatu.

41 Pakupera kwamakore mazana mana namakumi matatu, kusvikira pazuva racho iroro, ungano yose yavanhu vaJehovha yakabva muIjipiti.

42 Usiku uhwo hunofanira kurangarirwa Jehovha, nokuti akavabudisa muIjipiti nahwo. Ndihwo usiku hwaJehovha, hunofanira kurangarirwa kwazvo navana vaIsraeri vose namarudzi avo ose.

Mitemo yePasika

43 Jehovha akati kuna Mozisi naAroni, “Iyi ndiyo mitemo yePasika:

“Mutorwa haafaniri kuidya.

44 Nhapwa ipi zvayo yawakatenga ingadya hayo mushure mokunge wamudzingisa,

45 asi mueni uye nomunhu anoshandira mari haafaniri kuidya.

46 “Inofanira kudyirwa muimba imwe chete; musabuda neimwe nyama kunze kwemba. Musavhuna kana bvupa.

47 Ungano yose yeIsraeri inofanira kuipemberera.

48 “Mutorwa wose agere pakati penyu anoda kupemberera Pasika yaJehovha anofanira kudzingisa varume vose vari mumba make; ipapo achadya hake somunhu akaberekerwa munyika imomo. Murume asina kudzingiswa haafaniri kuidya.

49 Murayiro mumwe chete iwoyo unobata kuna vose vakaberekerwa munyika imomo nokumutorwa agere pakati penyu.”

50 VaIsraeri vose vakaita sezvakanga zvarayirwa naJehovha kuna Mozisi naAroni.

51 Uye pazuva racho iroro Jehovha akabudisa vaIsraeri kubva muIjipiti namapoka avo.

Categories
Ekisodho

Ekisodho 13

Kutsaurwa kwaMatangwe

1 Jehovha akati kuna Mozisi,

2 “Nditsaurire matangwe echirume ose. Chibereko chokutanga chechizvaro pakati pavaIsraeri ndechangu, chingava chomunhu kana chechipfuwo.”

3 Ipapo Mozisi akati kuvanhu, “Rangarirai zuva iri, iro zuva ramakabuda muIjipiti, munyika youtapwa, nokuti Jehovha akakubudisai mairi noruoko rune simba. Musadya chinhu chine mbiriso.

4 Nhasi, mumwedzi waAbhibhi muri kubuda.

5 Pamunosvitswa naJehovha munyika yavaKenani, vaHiti, vaAmori, vaHivhi, navaJebhusi, iyo nyika yaakapikira madzibaba enyu kuti vazokupai iyo, nyika inoyerera mukaka nouchi, munofanira kucherechedza chirevo ichi mumwedzi uno.

6 Kwamazuva manomwe munofanira kuitira Jehovha mutambo.

7 Mudye chingwa chisina mbiriso pamazuva manomwe iwayo; chinhu chine mbiriso hachifaniri kuonekwa pakati penyu, uye mbiriso zvayo haifaniri kuonekwa panzvimbo ipi zvayo pakati pemiganhu yenyu.

8 Pazuva iroro uudze mwanakomana wako kuti, ‘Ndinoita izvi nokuda kwezvandakaitirwa naJehovha pandakabuda muIjipiti.’

9 Mucherechedzo uyu uchava kwauri sechiratidzo paruoko rwako uye sechirangaridzo pahuma yako chokuti murayiro waJehovha unofanira kuva pamiromo yako. Nokuti Jehovha akakubudisa muIjipiti noruoko rwake rune simba.

10 Unofanira kuchengeta mutemo uyu panguva dzakatarwa gore negore.

11 “Shure kwokunge Jehovha akusvitsa munyika yavaKenani uye aipa kwauri, sezvaakavimbisa nemhiko kwauri nokumadzitateguru ako,

12 unofanira kupa kuna Jehovha chibereko chokutanga chezvizvaro zvose. Zvikono zvezvipfuwo zvako zvose zvinotanga kuzarura chibereko ndezvaJehovha.

13 Udzikinure negwayana mwana wose wokutanga wembongoro, asi kana usingaudzikinuri, uvhune mutsipa wawo. Udzikinure matangwe ose pakati pavanakomana vako.

14 “Mumazuva anouya, paunenge uchibvunzwa nomwanakomana wako kuti, ‘Zvinoreveiko izvi?’ uti kwaari, ‘Noruoko rune simba Jehovha akatibudisa muIjipiti, munyika youtapwa.

15 Faro paakasindimara achiramba kuti tiende, Jehovha akauraya matangwe ose omuIjipiti, zvose vanhu nezvipfuwo. Ndokusaka ndichibayira kuna Jehovha mukono wokutanga wechibereko chechizvaro chose uye ndichidzikinura dangwe rimwe nerimwe ravanakomana vangu.’

16 Uye chichava chiratidzo paruoko rwako nerundanyara pahuma yako kuti Jehovha akatibudisa kubva muIjipiti noruoko rune simba.”

Kuyambuka Gungwa

17 Faro akati atendera vanhu kuti vaende, Mwari haana kuvatungamirira nenzira yaipinda nomunyika yavaFiristia, kunyange zvazvo yakanga iri pfupi. Nokuti Mwari akati, “Kana vakasangana nehondo, vangashandura pfungwa dzavo vakadzokera kuIjipiti.”

18 Saka Mwari akatungamirira vanhu vachipoterera nomumugwagwa womurenje vakananga kuGungwa Dzvuku. VaIsraeri vakabuda kubva muIjipiti vakapakata nhumbi dzehondo.

19 Mozisi akatora mapfupa aJosefa nokuti Josefa akanga aita kuti vanakomana vaIsraeri vapike mhiko. Akanga ati, “Zvirokwazvo Mwari achakubatsirai, uye ipapo munofanira kutakura mapfupa angu kubva panzvimbo ino.”

20 Vakati vabva paSukoti vakadzika musasa paEtamu pamucheto werenje.

21 Masikati Jehovha aivatungamirira neshongwe yegore kuti avatungamirire munzira yavo uye usiku aivatungamirira neshongwe yomoto kuti vavhenekerwe, kuti vafambe masikati kana usiku.

22 Shongwe yegore masikati kana shongwe yemoto usiku hazvina kubva panzvimbo yazvo pamberi pavanhu.

Categories
Ekisodho

Ekisodho 14

1 Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi,

2 “Taurira vaIsraeri kuti vadzoke vagondodzika musasa pedyo nePi Hahiroti, pakati peMigidhori negungwa. Vanofanira kudzika misasa pedyo nepagungwa, pakatarisana neBhaari Zefoni.

3 Faro achafunga kuti, ‘VaIsraeri vari kungodzungaira nenyika vakanganisika, vadzimira murenje.’

4 Uye ndichaomesa mwoyo waFaro, agovatevera. Asi ini ndichazviwanira kukudzwa kubudikidza naFaro nehondo yake yose, uye vaIjipita vachaziva kuti ndini Jehovha.” Saka vaIsraeri vakaita izvozvo.

5 Mambo weIjipiti akati audzwa kuti vanhu vatiza, Faro namachinda ake vakapindura pfungwa dzavo pamusoro pavo vakati, “Ko, taitei? Tarega vaIsraeri vachienda uye havachatishandiri!”

6 Saka akaita kuti ngoro dzake dzigadzirwe uye akatora hondo yake akaenda nayo.

7 Akatora ngoro dzakanakisisa dzaisvika mazana matanhatu, pamwe chete nedzimwe ngoro dzeIjipiti dzina vatariri vadzo dzose.

8 Jehovha akaomesa mwoyo waFaro mambo weIjipiti, kuti atevere vaIsraeri, avo vakanga vachifamba vakashinga kwazvo.

9 VaIjipita, mabhiza ose aFaro nengoro dzake, vatasvi vamabhiza namauto, vakatevera vaIsraeri vakavabata pavakanga vadzika musasa pagungwa pedyo nePi Hahiroti, pakatarisana neBhaari Zefoni.

10 Faro paakanga osvika, vaIsraeri vakasimudza meso avo, uye vakaona vaIjipita vachifamba vachivatevera. Vakavhunduka uye vakachema kuna Jehovha.

11 Vakati kuna Mozisi, “Zvinoreva kuti muIjipiti makanga musina makuva here zvawatiuyisa kurenje kuti tife? Chiiko chawaita kwatiri zvawatibudisa muIjipiti?

12 Ko, tiri muIjipiti hatina kuti, ‘Tisiye takadaro; rega tishandire vaIjipita here’? Zvaiva nani kwatiri kuti tishandire vaIjipita pano kuti tifire murenje!”

13 Mozisi akapindura vanhu akati, “Musatya. Mirai nesimba uye muchaona kusunungura kwaJehovha kwaachakuitirai nhasi. VaIjipita vamunoona nhasi hamuchazovaonizve.

14 Jehovha achakurwirai; imi ingonyararai bedzi.”

15 Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Seiko uchidanidzira kwandiri? Taurira vaIsraeri kuti vapfuurire mberi.

16 Simudza tsvimbo yako ugotambanudzira ruoko rwako pamusoro pegungwa kuti mvura iparadzane kuitira kuti vaIsraeri vapinde mugungwa napavhu rakaoma.

17 Ndichaomesa mwoyo yavaIjipita zvokuti vachapinda vachivatevera. Uye ndichawana kukudzwa kubudikidza naFaro nehondo yake yose, nengoro dzake uye navatasvi vake vamabhiza.

18 VaIjipita vachaziva kuti ndini Jehovha pandichawana kukudzwa kubudikidza naFaro, ngoro dzake navatasvi vake vamabhiza.”

19 Ipapo mutumwa waMwari, uyo akanga achifamba ari mberi kwehondo yavaIsraeri, akadzokera shure kwavo. Shongwe yegore yakabvawo mberi kwavo ikandomira shure kwavo,

20 iri pakati pehondo dzeIjipiti nedzeIsraeri. Usiku hwose gore rakauyisa rima kuno rumwe rutivi uye chiedza kuno rumwe rutivi; saka hakuna akaswedera kuno mumwe usiku hwose.

21 Ipapo Mozisi akatambanudzira ruoko rwake pamusoro pegungwa, uye usiku hwose ihwohwo Jehovha akasunda gungwa nemhepo ine simba yokumabvazuva rikashanduka pakava nenyika yakaoma. Mvura yakakamurana,

22 uye vaIsraeri vakapinda nomugungwa napavhu rakaoma uye madziro emvura ari kuruoko rworudyi nokuruboshwe kwavo.

23 VaIjipita vakavatevera, uye mabhiza ose aFaro nengoro dzake navatasvi vamabhiza vakatevera mugungwa.

24 Panguva yamangwanani Jehovha akatarira pasi nomushongwe yomoto uye nomugore raiva kurutivi rwehondo yavaIjipita, akainyonganisa.

25 Akaita kuti mavhiri engoro dzavo abve zvokuti zvakanga zvaoma kudzifambisa. Uye vaIjipita vakati, “Ngatitizei kubva kuvaIsraeri. Jehovha ari kuvarwira achirwa navaIjipita.”

26 Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Tambanudzira ruoko rwako pamusoro pegungwa kuitira kuti mvura iyerere napamusoro pavaIjipita napamusoro pengoro dzavo napamusoro pavatasvi vavo vamabhiza.”

27 Mozisi akatambanudzira ruoko rwake pamusoro pegungwa, uye kwaedza, gungwa rakadzokera panzvimbo yaro. VaIjipita vakanga vachitizira kwariri, uye Jehovha akavakukurira mugungwa.

28 Mvura yakadzokera pakare ikafukidza ngoro navatasvi vamabhiza, hondo yose yaFaro yakanga yatevera vaIsraeri ikanyura mugungwa. Hapana kana mumwe wavo akararama.

29 Asi vaIsraeri vakapinda nomugungwa napavhu rakaoma uye madziro emvura ari kuruoko rwavo rworudyi nokuruboshwe.

30 Zuva iroro Jehovha akaponesa vaIsraeri kubva mumaoko avaIjipita, uye vaIsraeri vakaona vaIjipita vakanga vafa pamahombekombe.

31 Uye vaIsraeri pavakaona simba guru raJehovha richiratidzwa pamusoro pavaIjipita, vanhu vakatya Jehovha uye vakatenda kwaari naMozisi muranda wake.

Categories
Ekisodho

Ekisodho 15

Rwiyo rwaMozisi naMiriamu

1 Ipapo Mozisi navaIsraeri vakaimba rwiyo urwu kuna Jehovha:

“Ndichaimbira Jehovha,

nokuti iye anokudzwa zvikurukuru.

Bhiza nomutasvi waro akazvikanda mugungwa.

2 “Jehovha ndiye simba rangu norwiyo rwangu;

iye ava ruponeso rwangu.

Ndiye Mwari wangu, uye ndichamurumbidza,

Mwari wababa vangu, uye ndichamukudza.

3 Jehovha imhare;

Jehovha ndiro zita rake.

4 Ngoro dzaFaro nehondo yake

akazvikanda mugungwa.

Machinda aFaro akanakisisa

akanyudzwa muGungwa Dzvuku.

5 Mvura yakadzika yakavafukidza;

vakanyura kwakadzika sedombo.

6 “Ruoko rwenyu rworudyi, imi Jehovha,

rwakakudzwa nesimba.

Ruoko rwenyu rworudyi, imi Jehovha,

rwakaparadza muvengi.

7 “Muukuru hwoumambo hwenyu

makakanda pasi vaya vaikupikisai.

Makasunungura kutsamwa kwenyu kunopisa,

kukavapisa sehundi.

8 Nokufema kwemhino dzenyu

mvura zhinji yakaita murwi.

Mvura yamasaisai yakamira yakasimba semadziro;

mvura yakadzika yakaungana mukati megungwa.

9 “Muvengi akazvikudza achiti,

‘Ndichavatevera, ndichavabata.

Ndichagova zvakapambwa;

ndichazvimbirwa navo.

Ndichavhomora munondo wangu

uye ruoko rwangu ruchavaparadza.’

10 Asi makafuridza nokufema kwenyu,

gungwa rikavafukidza.

Vakanyura somutobvu

mukati memvura ine simba.

11 “Ndianiko pakati pavamwari akaita semi, imi Jehovha?

Ndiani akaita semi,

paumambo noutsvene,

mukubwinya kunotyisa,

anoita zvishamiso?

12 Makatambanudza ruoko rwenyu rworudyi,

nyika ikavamedza.

13 “Murudo rwenyu rusingaperi muchatungamirira

vanhu vamakadzikinura.

Musimba renyu imi muchavatungamirira

kuugaro hwenyu hutsvene.

14 Ndudzi dzichazvinzwa uye dzichadedera;

kurwadziwa kuchabata vanhu vokuFiristia.

15 Madzishe eEdhomu achavhundutswa,

vatungamiri veMoabhu vachabatwa nokudedera,

vanhu veKenani vachanyunguduka;

16 kutya nokuvhunduka zvichavawira.

Nesimba roruoko rwenyu vachanyarara kunge dombo,

kusvikira vanhu venyu vapfuura, imi Jehovha,

kusvikira vanhu vamakatenga vapfuura.

17 Muchaenda navomo uye mugovasima

pagomo renhaka yenyu,

nzvimbo tsvene

yakasimbiswa namaoko enyu, imi Jehovha.

18 “Jehovha achatonga

nokusingaperi-peri.”

19 Mabhiza aFaro, ngoro navatasvi vamabhiza vakapinda mugungwa, Jehovha akauyisa mvura yomugungwa pamusoro pavo, asi vaIsraeri vakafamba napakati pegungwa pavhu rakaoma.

20 Ipapo Miriamu muprofitakadzi, hanzvadzi yaAroni, akatora tambureni muruoko rwake, uye vakadzi vose vakamutevera, vana matambureni uye vachitamba.

21 Miriamu akavaimbira akati:

“Imbirai Jehovha,

nokuti anokudzwa zvikuru kuru.

Bhiza nomutasvi waro

akazvikanda mugungwa.”

Mvura yeMara neyeErimu

22 Ipapo Mozisi akatungamirira vaIsraeri kubva paGungwa Dzvuku uye vakapinda murenje reShuri. Vakafamba kwamazuva matatu murenje vachishayiwa mvura.

23 Vakati vasvika paMara, havana kugona kunwa mvura yacho nokuti yaivava. (Ndokusaka nzvimbo yacho ichinzi Mara.)

24 Saka vanhu vakapopotera Mozisi vachiti, “Tonweiko?”

25 Ipapo Mozisi akachema kuna Jehovha, Jehovha akamuratidza chimuti. Akachikanda mumvura, mvura ikanaka.

Jehovha akavaitirapo mutemo nomurayiro, uye akavaedza ipapo.

26 Akati, “Kana mukanyatsoteerera inzwi raJehovha Mwari wenyu uye mukaita zvakarurama pamberi pake, kana mukarerekera nzeve dzenyu kumirayiro yake uye mukachengeta mitemo yose, haangauyisi pamusoro penyu zvirwere zvose zvandakauyisa pamusoro pavaIjipita, nokuti ndini Jehovha anokuporesai.”

27 Ipapo vakasvika paErimu, paiva namatsime gumi namaviri uye nemiti yemichindwe makumi manomwe, uye vakadzika misasa ipapo pedyo nemvura.

Categories
Ekisodho

Ekisodho 16

Mana neZvihuta

1 Ungano yose yavaIsraeri yakasimuka kubva paErimu vakasvika kuRenje reSini, riri pakati peErimu neSinai, pazuva regumi namashanu romwedzi wechipiri shure kwokubuda kwavo muIjipiti.

2 Murenje imomo ungano yose yavaIsraeri yakapopotera Mozisi naAroni.

3 VaIsraeri vakati kwavari, “Dai takafa zvedu noruoko rwaJehovha tiri muIjipiti! Uko kwataikomba makate enyama uye tichidya zvokudya zvose zvataida, asi makatibudisa kurenje kuno kuti ungano ino yose iziye nenzara kusvikira pakufa.”

4 Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Ndichakunayisirai chingwa chichabva kudenga. Vanhu vanofanira kubuda zuva rimwe nerimwe vagounganidza zvinoringana nezuva iroro. Nenzira iyoyi ndichavaedza ndigoona kana vachitevera zvandinovarayira.

5 Pazuva rechitanhatu vanofanira kugadzira zvavanouya nazvo, uye zvinofanira kuva zviyero zviviri kupfuura zvavanosiunganidza pane mamwe mazuva.”

6 Saka Mozisi naAroni vakati kuvaIsraeri vose, “Madekwana muchaziva kuti akanga ari Jehovha akakubudisai kubva muIjipiti,

7 uye mangwanani muchaona kubwinya kwaJehovha, nokuti akanzwa kugununʼuna kwenyu pamusoro pake. Tisu vanaaniko, zvamunotipopotera?”

8 Mozisi akatiwo, “Muchaziva kuti akanga ari Jehovha paachakupai nyama kuti mudye madekwana uye zvokudya zvose zvamunoda mangwanani nokuti akanzwa kugununʼuna kwenyu pamusoro pake. Tisu vanaaniko? Hamusi kupopotera isu, asi Jehovha.”

9 Ipapo Mozisi akati kuna Aroni, “Udza ungano yose yaIsraeri kuti, ‘Uyai pamberi paJehovha, nokuti anzwa kupopota kwenyu.’ ”

10 Aroni achiri kutaura neungano yose yavaIsraeri vakatarisa kurenje vakaona kubwinya kwaJehovha kuchiratidzwa mugore.

11 Jehovha akati kuna Mozisi,

12 “Ndanzwa kupopota kwavaIsraeri. Vaudze kuti, ‘Panguva yorubvunzavaeni muchadya nyama, uye mangwanani muchaguta nechingwa. Ipapo muchaziva kuti ndini Jehovha Mwari wenyu.’ ”

13 Madekwana iwayo zvihuta zvakauya zvikafukidza musasa, uye mangwanani pakanga pane dova rakapoteredza musasa.

14 Dova rakati rapera, mahwendefa matete akanga akaita samazaya echando akaonekwa pasi murenje.

15 VaIsraeri vakati vazviona, vakati kuno mumwe nomumwe wavo, “Chiiko ichi?” Nokuti vakanga vasingazivi kuti chaiva chii.

Mozisi akati kwavari, “Ndicho chingwa chamapiwa naJehovha kuti mudye.

16 Izvi ndizvo zvakarayirwa naJehovha achiti, ‘Mumwe nomumwe anofanira kuunganidza zvinomukwanira. Utorere munhu mumwe nomumwe waunaye mutende rako omeririmwe chete.’ ”

17 VaIsraeri vakaita sezvavakaudzwa; vamwe vakaunganidza zvakawanda, vamwe zvishoma.

18 Uye pavakayera neomeri, uya akaunganidza zvizhinji haana kusara nezvakawanda, uye uya akaunganidza zvishoma haana kusara nezvishoma. Mumwe nomumwe akaunganidza zvaimukwanira.

19 Ipapo Mozisi akati kwavari, “Hakuna munhu anofanira kusara nezvimwe kusvikira mangwanani.”

20 Kunyange zvakadaro, vamwe vavo havana kuteerera kuna Mozisi, vakachengeta zvimwe zvacho kusvikira mangwanani, asi zvakanga zvazara nehonye uye zvatanga kunhuhwa. Saka Mozisi akavatsamwira.

21 Mangwanani oga oga munhu mumwe nomumwe akaunganidza zvaimukwanira, uye zuva parakanga ropisa, zvakanyungudika.

22 Pazuva rechitanhatu, vakaunganidza zviyero zviviri, maomeri maviripamunhu mumwe nomumwe, uye vatungamiri veungano vakauya vakazivisa izvi kuna Mozisi.

23 Iye akati kwavari, “Izvi ndizvo zvakarayirwa naJehovha: ‘Mangwana izuva rokuzorora, Sabata dzvene kuna Jehovha. Saka bikai zvamunofanira kubika uye muvidze zvamunofanira kuvidza. Chengetai zvose zvinenge zvasara, mugozvichengeta kusvikira mangwanani.’ ”

24 Saka vakazvichengeta kusvikira mangwanani, sezvavakarayirwa naMozisi, uye hazvina kunhuhwa kana kuva namakonye mazviri.

25 Mozisi akati, “Muzvidye iye nhasi, nokuti nhasi iSabata kuna Jehovha. Hamuzombowani chimwe chazvo pasi iye nhasi.

26 Muzviunganidze kwamazuva matanhatu, asi pazuva rechinomwe, iSabata, hakuzombovi nechinhu.”

27 Kunyange zvakadaro hazvo, vamwe vanhu vakabuda kundounganidza nezuva rechinomwe, asi havana chavakawana.

28 Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Muchasvika riniko muchiramba kuchengeta mirayiro yangu nezvandakakurayirai?

29 Rangarirai kuti Jehovha akakupai Sabata; ndokusaka pazuva rechitanhatu achikupai chingwa chamazuva maviri. Munhu mumwe nomumwe anofanira kuramba agere paari ipapo pazuva rechinomwe; hakuna anobuda kunze.”

30 Saka vanhu vakazorora pazuva rechinomwe.

31 Vanhu veIsraeri vakatumidza chingwa icho kuti mana. Chakanga chakachena semhodzi yekorianda uye chainaka sechingwa chine uchi.

32 Mozisi akati, “Izvi ndizvo zvakarayirwa naJehovha, ‘Mutore omeri yemana mugoichengetera zvizvarwa zvinotevera, kuti vagoona chingwa chandakakupai kuti mudye muri murenje pandakakubudisai kubva munyika yeIjipiti.’ ”

33 Saka Mozisi akati kuna Aroni, “Tora mudziyo ugoisa omeri yemana imomo. Ipapo ugozviisa pamberi paJehovha kuti zvichengeterwe zvizvarwa zvinotevera.”

34 Sokurayira kwaJehovha kuna Mozisi, Aroni akaisa mana pamberi peChipupuriro, kuti ichengetwepo.

35 VaIsraeri vakadya mana kwamakore makumi mana, kusvikira vasvika kunyika yaiva navanhu; vakadya mana kusvikira vasvika pamuganhu weKenani.

36 (Omeri ndiro chegumi cheefa.)

Categories
Ekisodho

Ekisodho 17

Vanopiwa mvura kubva padombo

1 Ungano yose yavaIsraeri yakasimuka kubva paRenje reSini, vachifamba nzvimbo nenzvimbo sokurayira kwaJehovha. Vakadzika musasa paRefidhimu, asi pakanga pasina mvura yokuti vanhu vanwe.

2 Saka vanhu vakakakavadzana naMozisi uye vakati, “Tipe mvura tinwe.”

Mozisi akapindura akati, “Seiko muchikakavadzana neni? Seiko muchiedza Jehovha?”

3 Asi vanhu vakanga vane nyota yemvura ipapo, saka vakapopotedzana naMozisi. Vakati, “Seiko wakatibudisa muIjipiti kuti isu navana vedu nezvipfuwo zvedu tife nenyota?”

4 Ipapo Mozisi akachema kuna Jehovha akati, “Ndoiteiko navanhu ava? Votoda kunditaka namabwe.”

5 Jehovha akapindura Mozisi akati, “Famba pamberi pavanhu. Tora vamwe vavakuru vavaIsraeri uye ubate muruoko rwako tsvimbo yawakarova nayo mvura yeNairi, ugoenda.

6 Ndichamira ipapo pamberi pako padombo riri paHorebhi. Urove dombo, uye mvura ichabuda pariri, kuti vanhu vanwe.” Saka Mozisi akaita izvi pamberi pavakuru vavaIsraeri.

7 Uye akatumidza nzvimbo iyi kuti Masa neMeribha nokuti vaIsraeri vakakavadzana naye uye nokuti vakaedza Jehovha vachiti, “Ko, Jehovha ari pakati pedu here kana kuti kwete?”

VaAmareki vanokundwa

8 VaAmareki vakauya vakarwa navaIsraeri paRefidhimu.

9 Mozisi akati kuna Joshua, “Sarudza vamwe varume vokwedu ugobuda kundorwa navaAmareki. Mangwana ndichandomira pamusoro pechikomo ndine tsvimbo yaMwari mumaoko angu.”

10 Saka Joshua akarwa navaAmareki sokurayirwa kwaakaitwa naMozisi, uye Mozisi, Aroni naHuri vakakwira pamusoro pechikomo.

11 Mozisi paainge akasimudza maoko ake, vaIsraeri vaikunda, asi paaingoderedza maoko ake, vaAmareki vaikunda.

12 Maoko aMozisi akati aneta, vakatora dombo ndokuriisa pasi pake iye akagara pamusoro paro. Aroni naHuri vakabata maoko ake vakamutsigira, mumwe kuno rumwe rutivi, mumwe kuno rumwe rutivi, kuitira kuti maoko ake arambe akatsiga kusvikira madekwana.

13 Saka Joshua akakunda hondo yavaAmareki nomunondo.

14 Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Nyora izvi mubhuku chive chinhu chicharangarirwa uye uve nechokwadi kuti Joshua azvinzwa, nokuti ndichabvisa chirangaridzo chose cheAmareki pasi pedenga.”

15 Mozisi akavaka aritari akaitumidza kuti “Jehovha ndiye Mureza wangu.”

16 Akati, “Nokuti maoko akasimudzirwa kumusoro kuchigaro choushe chaJehovha. Jehovha acharwa neAmareki kubva kune chimwe chizvarwa kusvikira kune nechimwe chizvarwa.”

Categories
Ekisodho

Ekisodho 18

Jeturo anoshanyira Mozisi

1 Zvino Jeturo, muprista weMidhiani uye ari tezvara waMozisi, akanzwa zvinhu zvose zvakaitirwa Mozisi naMwari uye nokuvanhu vake vaIsraeri, uye kuti Jehovha akanga abudisa vaIsraeri sei kubva muIjipiti.

2 Shure kwokunge Mozisi adzosera Zipora mukadzi wake, tezvara wake Jeturo akagamuchira Zipora

3 navanakomana vake vaviri. Mumwe mwanakomana akatumidzwa kunzi Gerishomi nokuti akati, “Ndava mutorwa munyika yavamwe;”

4 uye mumwe akatumidzwa kunzi Eriezeri, nokuti akati, “Mwari wababa vangu akanga ari mubatsiri wangu; akandiponesa kubva pamunondo waFaro.”

5 Jeturo, tezvara waMozisi, pamwe chete navanakomana vaMozisi nomukadzi wake, vakauya kwaari kurenje, kwaakanga akadzika musasa pedyo negomo raMwari.

6 Jeturo akanga atumira shoko kwaari achiti, “Ini, tezvara wako Jeturo, ndiri kuuya kwauri nomukadzi wako navanakomana vako vaviri.”

7 Saka Mozisi akabuda kundochingamidza tezvara vake uye akakotama pasi akamutsvoda. Vakakwazisana ndokubva vapinda mutende.

8 Mozisi akataurira tezvara wake zvinhu zvose zvakaitwa naJehovha kuna Faro nokuvaIjipita nokuda kwavaIsraeri, uyewo nokutambudzika kwavakasangana nako munzira, uye kuti Jehovha akavaponesa sei.

9 Jeturo akafara kunzwa nezvezvinhu zvose zvakanaka zvakaitirwa vaIsraeri naJehovha, mukuvanunura kubva muruoko rwavaIjipita.

10 Akati, “Jehovha ngaarumbidzwe, iye akakununura kubva muruoko rwavaIjipita norwaFaro, uye iye akanunura vanhu kubva muruoko rwavaIjipita.

11 Zvino ndava kuziva kuti Jehovha mukuru kupfuura vamwe vamwari vose, nokuti akaita izvi kuna avo vakabata vaIsraeri nokuzvikudza.”

12 Ipapo Jeturo, tezvara waMozisi, akauya nechipiriso chinopiswa nezvimwewo zvibayiro kuna Mwari, uye Aroni akauya navakuru vose veIsraeri kuti vazodya chingwa pamwe chete natezvara waMozisi pamberi paMwari.

13 Fume mangwana, Mozisi akagara pachigaro chake kuti ashande somutongi wavanhu, uye ivo vakamira vakamupoteredza kubva mangwanani kusvikira madekwana.

14 Tezvara wake akati aona zvose zvakanga zvichiitwa naMozisi kuvanhu, akati, “Chiiko ichi chauri kuitira vanhu? Seiko iwe uchitonga uri woga, asi vanhu vose ava vamire vakakupoteredza kubva mangwanani kusvikira madekwana?”

15 Mozisi akamupindura akati, “Nokuti vanhu vanouya kwandiri kuzotsvaka kuda kwaMwari.

16 Pose pavanouya negakava vanouya kwandiri, uye ini ndotonga pakati pavo uye ndovazivisa mitemo nemirayiro yaMwari.”

17 Tezvara waMozisi akapindura akati, “Zvauri kuita hazvina kunaka.

18 Iwe navanhu ava vanouya kwauri muchangozvinetesa chete. Basa iri rinorema kwazvo kwauri; haungagoni kuriita uri woga.

19 Nditeerere iye zvino ndigokupa zano, uye Mwari ngaave newe. Unofanira kuva mumiririri wavanhu pamberi paMwari uye ugouyisa magakava avo kwaari.

20 Uvadzidzise mitemo nemirayiro, ugovaratidza nzira yokurarama namabasa avanofanira kuita.

21 Asi sarudza varume vanokwanisa kubva pakati pavanhu vose, varume vanotya Mwari, varume vakatendeka vanovenga fufuro, ugovagadza samachinda pamusoro pezviuru, pamusoro pamazana, pamusoro pamakumi mashanu napamusoro pegumi.

22 Uvaite kuti vashande savatongi vavanhu panguva dzose, asi uvaite kuti vauye kwauri nenyaya dzose dzakaoma; nyaya dzakareruka ngavatonge ivo pachavo. Izvozvo zvicharerutsa mutoro wako, nokuti vanenge vachigovana newe.

23 Kana uchiita izvi uye Mwari achikurayira, uchagona kutakura mutoro uyu, uye vanhu vose ava vachaenda kudzimba vagutsikana.”

24 Mozisi akateerera tezvara wake akaita zvinhu zvose zvaakareva.

25 Akasarudza varume vaikwanisa kubva pakati pavaIsraeri vose akavaita vatungamiriri vavanhu, akavaita vabati vezviuru, vabati vamazana, vabati vamakumi mashanu, navabati vegumi.

26 Vakashanda savatongi vavanhu nguva dzose. Mhaka dzakaoma ndidzo dzavakauya nadzo kuna Mozisi, asi dzakareruka ndivo vaitonga ivo pachavo.

27 Ipapo Mozisi akatendera tezvara vake kuti vaende havo, uye Jeturo akadzokera kunyika yake.

Categories
Ekisodho

Ekisodho 19

PaGomo reSinai

1 Mumwedzi wechitatu shure kwokunge vaIsraeri vabva kuIjipiti, pazuva racho iroro, vakasvika kuRenje reSinai.

2 Shure kwokusimuka kwavo kubva paRefidhimu, vakapinda muRenje reSinai, uye vaIsraeri vakadzika misasa imomo murenje pamberi pegomo.

3 Ipapo Mozisi akakwira kuna Mwari, uye Jehovha akadana kwaari ari mugomo akati, “Izvi ndizvo zvaunofanira kutaura kuimba yaJakobho uye zvaunofanira kuudza vanhu veIsraeri:

4 ‘Iwe pachako wakaona zvandakaita kuIjipiti, uye kuti ndakakutakurai sei pamapapiro egondo ndikakusvitsai kwandiri.

5 Zvino kana muchinditeerera nomwoyo wose uye mukachengeta sungano yangu, ipapo muchava pfuma yangu chaiyo pakati pendudzi dzose. Kunyange hazvo nyika yose iri yangu,

6 muchava kwandiri umambo hwavaprista uye rudzi rutsvene.’ Aya ndiwo mashoko aunofanira kutaura kuvaIsraeri.”

7 Saka Mozisi akadzokera akadana vakuru vavanhu akaisa pamberi pavo mashoko ose aakanga arayirwa naJehovha kuti ataure.

8 Vanhu vose vakapindura pamwe chete vachiti, “Tichaita zvose zvakarehwa naJehovha.” Saka Mozisi akadzosera mhinduro yavo kuna Jehovha.

9 Jehovha akati kuna Mozisi, “Ndiri kuzouya kwauri ndiri mugore gobvu, kuitira kuti vanhu vagondinzwa ndichitaura newe vagoramba vachivimba newe.” Ipapo Mozisi akaudza Jehovha zvakanga zvarehwa navanhu.

10 Uye Jehovha akati kuna Mozisi, “Enda kuvanhu undovanatsa nhasi namangwana. Uite kuti vawache nguo dzavo

11 uye vange vagadzirira nezuva rechitatu, nokuti pazuva iroro Jehovha achaburuka paGomo reSinai pamberi pavanhu vose.

12 Uisire vanhu miganhu yakapoteredza gomo ugovaudza kuti, ‘Chenjerai kuti murege kukwira mugomo kana kubata mujinga maro. Ani naani achabata gomo achaurayiwa, zvirokwazvo.

13 Zvirokwazvo achatakwa namabwe kana kubayiwa nemiseve; hakuna ruoko ruchamubata. Angava munhu kana chipfuwo, haangatenderwi kurarama.’ Vangakwira havo kugomo kana bedzi hwamanda yorunyanga rwegondobwe yaramba ichirira.”

14 Shure kwokuburuka kwaMozisi mugomo achienda kuvanhu, akavanatsa, uye ivo vakashambidza nguo dzavo.

15 Ipapo akati kuvanhu, “Zvigadzirirei nezvezuva rechitatu. Murege kurara navakadzi venyu.”

16 Panguva yamangwanani yezuva rechitatu pakava nokutinhira uye nemheni, negore gobvu rakafukidza gomo, uye kurira kukuru kwehwamanda. Munhu wose aiva mumisasa akadedera.

17 Ipapo Mozisi akatungamirira vanhu vachibuda mumisasa kuti vandosangana naMwari, uye vakandomira mujinga megomo.

18 Gomo reSinai rakanga rakafukidzwa noutsi, nokuti Jehovha akanga aburukira pamusoro paro ari mumoto. Utsi hwakapfungaira huchikwira kumusoro soutsi hwakanga huchibva pavira romoto, gomo rose rakazungunuka nesimba guru,

19 uye inzwi rehwamanda rakanyanya kurira nokurira kukuru. Ipapo Mozisi akataura uye inzwi raMwari rikamupindura.

20 Jehovha akaburukira pamusoro peGomo reSinai uye akadana Mozisi kuti auye pamusoro pegomo. Saka Mozisi akakwirako

21 uye Jehovha akati kwaari, “Buruka unoyambira vanhu kuti varege kumanikidzira kupinda kuti vandoona Jehovha vazhinji vavo vakazofa.

22 Kunyange vaprista, vanoswedera kuna Jehovha, vanofanira kuzvinatsa, kuti Jehovha arege kuvaparadza.”

23 Mozisi akati kuna Jehovha, “Vanhu havangakwiri muGomo reSinai, nokuti imi pachenyu makatiyambira mukati, ‘Isai miganhu yakapoteredza gomo uye muritsaure kuti rive dzvene.’ ”

24 Jehovha akapindura akati, “Buruka undotora Aroni ukwire naye kuno. Asi vaprista navanhu havafaniri kumanikidzira kusvika kuno kuna Jehovha, nokuti angavaparadza.”

25 Saka Mozisi akaburuka akaenda kuvanhu akandovaudza.

Categories
Ekisodho

Ekisodho 20

Mirayiro Gumi

1 Uye Mwari akataura mashoko aya ose akati:

2 “Ndini Jehovha Mwari wako, akakubudisa kubva muIjipiti, munyika youranda.

3 “Usava navamwe vamwari kunze kwangu.

4 Usazviitira mufananidzo wechinhu chipi zvacho chiri kudenga kumusoro kana wechiri panyika pasi kana wechiri mumvura.

5 Usazvipfugamira kana kuzvinamata, nokuti ini Jehovha Mwari wako, ndiri Mwari ane godo, ndinoranga vana nokuda kwechivi chamadzibaba kusvikira kuchizvarwa chechitatu nechechina cheavo vanondivenga,

6 asi ndicharatidza rudo kuzvizvarwa zvine chiuru, avo vanondida uye vanochengeta mirayiro yangu.

7 Usareva zita raJehovha Mwari wako pasina nokuti Jehovha haazoregi kupa mhosva munhu upi zvake anoreva zita rake pasina.

8 Rangarira zuva reSabata kuti urichengete riri dzvene.

9 Uchashanda mazuva matanhatu nokuita basa rako rose,

10 asi zuva rechinomwe iSabata kuna Jehovha Mwari wako. Pazuva iroro hamufaniri kuita basa ripi zvaro, iwe kana mwanakomana wako, kana mwanasikana wako, murandarume wako kana murandakadzi wako, uye zvipfuwo zvako kana mutorwa ari mukati mamasuo ako.

11 Nokuti mumazuva matanhatu Jehovha akaita matenga nenyika, gungwa, nezvose zviri mariri, asi akazorora nomusi wechinomwe. Naizvozvo Jehovha akaropafadza zuva reSabata akariita dzvene.

12 Kudza baba vako namai vako, kuti ugorarama mazuva mazhinji munyika yaunopiwa naJehovha Mwari wako.

13 Usauraya.

14 Usaita upombwe.

15 Usaba.

16 Usapupurira muvakidzani wako nhema.

17 Usachiva imba yomuvakidzani wako. Usachiva mukadzi womuvakidzani wako, kana murandarume wake, kana murandakadzi wake, kana nzombe yake, kana mbongoro yake, kana chinhu chipi zvacho chomuvakidzani wako.”

18 Vanhu vakati vaona mheni nokutinhira uye vanzwa hwamanda, uye vaona gomo richipfungaira utsi, vakadedera nokutya. Vakagara vari chinhambwe

19 vakati kuna Mozisi, “Taura iwe kwatiri uye tichakuteerera. Asi usarega Mwari achitaura nesu, kuti tirege kufa.”

20 Mozisi akati kuvanhu, “Musatya. Mwari auya kuzokuedzai, kuitira kuti kutya Mwari kugova nemi, kuti murege kutadza.”

21 Vanhu vakaramba vari chinhambwe, Mozisi paakanga achiswedera kurima gobvu kwakanga kuna Mwari.

Zvifananidzo neAritari

22 Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Taurira vaIsraeri kuti, ‘Mazvionera pachenyu kuti ndataura kwamuri ndiri kudenga ndikati:

23 Musaita vamwari vapi zvavo kunze kwangu; musazviitira vamwari vesirivha kana vamwari vegoridhe.

24 “ ‘Mundiitire aritari yevhu mugobayira pamusoro payo zvipiriso zvinopiswa uye zvipiriso zvokuwadzana, makwai enyu, mbudzi dzenyu nemombe dzenyu. Pose pandichaita kuti zita rangu rikudzwe, ndichauya kwamuri ndigokuropafadzai.

25 Kana muchindiitira aritari yamabwe, musaivaka namabwe akavezwa, nokuti mungazoisvibisa kana mukashandisa mbezo pairi.

26 Uye musakwira kuaritari yangu namatanho, kuti kusasimira kwenyu kurege kuonekwa muri pairi.’