Categories
Ekisodho

Ekisodho 31

Bhezareri naOhoriabhu

1 Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi,

2 “Tarira ndasarudza Bhezareri mwanakomana waUri, mwanakomana waHuri, worudzi rwaJudha,

3 uye ndamuzadza noMweya waMwari, nouchenjeri, nokugona nokuziva mhando dzose dzoumhizha,

4 kuita unyanzvi hwebasa regoridhe, sirivha nendarira,

5 kuveza nokuronga mabwe, kushanda pabasa rokuveza matanda, nokubata mumhando dzose dzoumhizha.

6 Pamusoro paizvozvo ndakagadza Ohoriabhi mwanakomana waAhisamaki, worudzi rwaDhani, kuti amubatsire.

“Uyezve ndapa unyanzvi kumhizha kuti vaite zvinhu zvose zvandakakurayira zvinoti:

7 “Tende Rokusangana,

areka yeChipupuriro ine chifukidzo chokuyananisa pamusoro payo,

nenhumbi dzose dzetende,

8 tafura nemidziyo yayo,

chigadziko chomwenje chegoridhe rakaisvonaka nenhumbi dzacho dzose,

aritari yezvinonhuhwira,

9 aritari yezvipiriso zvinopiswa nemidziyo yayo dzose,

mudziyo wokushambira nechigadziko chawo,

10 uyewo nguo yakarukwa,

dzose nguo tsvene dzaAroni muprista uye

nenguo dzavanakomana vake pavanoshumira savaprista,

11 namafuta okuzodza uye nezvinonhuhwira kwazvo zveNzvimbo Tsvene.

“Vanofanira kudzigadzira sezvandakakurayira iwe.”

Sabata

12 Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi,

13 “Uti kuvaIsraeri, ‘Munofanira kucherechedza Sabata rangu. Ichi ndicho chichava chiratidzo pakati pangu nemi kuzvizvarwa zvinotevera, kuti mugoziva kuti ndini Jehovha, anokuitai vatsvene.

14 “ ‘Cherechedzai Sabata, nokuti idzvene kwamuri. Munhu upi zvake anorizvidza anofanira kuurayiwa; ani naani anobata basa ripi zvaro pazuva iroro anofanira kubviswa pakati pavanhu vokwake.

15 Kwamazuva matanhatu, basa rinofanira kuitwa, asi zuva rechinomwe iSabata rokuzorora, idzvene kuna Jehovha. Ani naani anoita basa ripi zvaro nomusi weSabata anofanira kuurayiwa.

16 VaIsraeri vanofanira kucherechedza Sabata, vachiripemberera kusvikira kuzvizvarwa zvinotevera sesungano isingaperi.

17 Richava chiratidzo pakati pangu navaIsraeri nokusingaperi, nokuti mukati mamazuva matanhatu Jehovha akasika denga nenyika, uye nomusi wechinomwe akarega kushanda uye akazorora.’ ”

18 Jehovha akati apedza kutaura naMozisi paGomo reSinai, akamupa mahwendefa maviri eChipupuriro, mahwendefa amabwe akanyorwa nomunwe waMwari.

Categories
Ekisodho

Ekisodho 32

Mhuru yegoridhe

1 Vanhu vakati vaona kuti Mozisi akanga anonoka kwazvo kuburuka kubva mugomo, vakaungana pana Aroni vakati, “Uya, tiitire vamwari vachatitungamirira. Kana ari munhu uyu Mozisi akatibudisa muIjipiti, hatizivi zvakaitika kwaari.”

2 Aroni akavapindura akati, “Bvisai mhete dzegoridhe dzakapfekwa navakadzi venyu, vanakomana venyu navanasikana venyu mugouya nadzo kwandiri.”

3 Saka vanhu vose vakabvisa mhete dzavo vakauya nadzo kuna Aroni.

4 Akatora zvavakamupa akaita nazvo chifananidzo chakaumbwa muchimiro chemhuru, achichiveza nembezo. Ipapo vakati, “Ava ndivo vamwari venyu, imi Israeri, vakakubudisai kubva muIjipiti.”

5 Aroni akati aona izvi, akavaka aritari pamberi pemhuru iya akazivisa vanhu kuti, “Mangwana kuchava nomutambo kuna Jehovha.”

6 Saka zuva rakatevera vanhu vakamuka mangwanani vakabayira zvipiriso zvinopiswa uye vakapa zvipiriso zvokuwadzana. Shure kwaizvozvo vakagara pasi vakadya, vakanwa uye vakasimuka kuti vatambe.

7 Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Buruka, nokuti vanhu vako, vawakabudisa muIjipiti, vaora.

8 Vakurumidza kutsauka pane zvandakavarayira uye vakazviitira chifananidzo chakavezwa muchimiro chemhuru. Vapfugamira pachiri uye vakabayira kwachiri uye vakati, ‘Ava ndivo vamwari venyu, imi vaIsraeri, vakakubudisai kubva muIjipiti.’ ”

9 Jehovha akati kuna Mozisi, “Ndaona vanhu ava, uye vanhu vane mitsipa mikukutu.

10 Zvino ndirege hangu kuti kutsamwa kwangu kupfute pamusoro pavo ndivaparadze. Ipapo iwe ndichakuita rudzi rukuru.”

11 Asi Mozisi akatsvaka nyasha dzaJehovha Mwari wake, akati, “Haiwa Jehovha, kutsamwa kwenyu kungapfuta seiko pamusoro pavanhu venyu, vamakabudisa kubva muIjipiti nesimba guru uye noruoko rune simba?

12 VaIjipita vachataurireiko vachiti, ‘Akavabudisa muIjipiti nomurangariro wakaipa, kuti avauraye mumakomo uye nokuvaparadza panyika’? Dzokai henyu pakutsamwa kwenyu kunotyisa; dzokai murege kuuyisa njodzi pamusoro pavanhu venyu.

13 Rangarirai varanda venyu vanaAbhurahama, Isaka naIsraeri, vamakapika kwavari nemi pachenyu muchiti, ‘Ndichaita kuti zvizvarwa zvenyu zviwande senyeredzi dzokudenga, uye ndichapa zvizvarwa zvenyu nyika iyi yose yandakavavimbisa, uye ichava nhaka yavo nokusingaperi.’ ”

14 Ipapo Jehovha akazvidemba uye akarega kuuyisa njodzi yaakanga oda kuisa pamusoro pavanhu vake.

15 Mozisi akadzoka akaburuka mugomo ane mahwendefa maviri eChipupuriro mumaoko ake. Akanga akanyorwa kumativi ose ari maviri, mberi neshure.

16 Mahwendefa aya rakanga riri basa raMwari; runyoro rwakanga rwuri runyoro rwaMwari, rwakatemwa pamahwendefa.

17 Joshua akati anzwa mheremhere yavanhu vaidanidzira, akati kuna Mozisi, “Mune ruzha rwehondo mumusasa.”

18 Mozisi akapindura akati,

“Harusi ruzha rwokukunda,

harusi ruzha rwokukundwa;

ruzha rwokuimba rwandinonzwa.”

19 Mozisi akati aswedera pamusasa akaona mhuru uye nokutamba, kutsamwa kwake kukavira uye akakanda mahwendefa achibva mumaoko ake, akaaputsa kuita zvidimbu zvidimbu pajinga regomo.

20 Uye akatora mhuru yavakanga vagadzira ndokuipisa nomoto; ipapo akaikuya kuita upfu, akahuparadzira pamusoro pemvura uye akaita kuti vaIsraeri vainwe.

21 Akati kuna Aroni, “Ko vanhu ava vakaiteiko kwauri, zvawakavatungamirira muchivi chikuru zvakadai?”

22 Aroni akapindura akati, “Regai kutsamwa, ishe wangu. Munoziva kuti vanhu ava vanorerekera sei pakutadza.

23 Vakati kwandiri, ‘Tiitire vamwari vachatitungamirira. Kana ari munhu uyu Mozisi akatibudisa kubva muIjipiti, hatizivi zvakaitika kwaari.’

24 Saka ndakati kwavari, ‘Ani naani ane zvishongo zvegoridhe, ngaabvise.’ Ipapo vakandipa goridhe ndikarikanda mumoto, uye ndipo pakabuda mhuru iyi!”

25 Mozisi akaona kuti vanhu vakanga vatopenga zvavo uye kuti Aroni akanga avarega vasisazvidzori uye kuti vakanga vava chiseko kuvavengi vavo.

26 Saka akamira pamukova wokupinda nawo mumusasa akati, “Ani naani ari kurutivi rwaJehovha, ngaauye kwandiri.” Uye vaRevhi vose vakaenda kwaari.

27 Ipapo akati kwavari, “Zvanzi naJehovha Mwari waIsraeri, ‘Murume mumwe nomumwe ngaapakate munondo parutivi rwake. Mufambe mumusasa kubva kuno rumwe rutivi kusvika kuno rumwe, mumwe nomumwe achiuraya hama yake neshamwari yake nomuvakidzani wake.’ ”

28 VaRevhi vakaita sezvavakarayirwa naMozisi, uye nomusi uyo vanhu zviuru zvitatu vakafa.

29 Ipapo Mozisi akati, “Imi matsaurirwa Jehovha nhasi, nokuti makanga muchirwa navanakomana venyu uye nehama dzenyu, uye akuropafadzai nhasi.”

30 Fume mangwana Mozisi akati kuvanhu, “Maita chitadzo chikuru. Asi zvino ndichaenda kuna Jehovha; zvimwe ndingagona kukuitirai yananiso nokuda kwechivi chenyu.”

31 Saka Mozisi akadzokera kuna Jehovha akati, “Haiwa vanhu ava vaita chivi chikuru sei! Vazviitira vamwari vegoridhe.

32 Asi zvino, ndapota hangu varegererei chivi chavo, asi kana zvisina kudaro, ipapo ndidzimei henyu mubhuku ramakanyora.”

33 Jehovha akapindura Mozisi akati, “Ani naani anenge atadzirana neni ndichamudzima mubhuku rangu.

34 Zvino chienda, tungamirira vanhu kunzvimbo yandakataura nezvayo, uye mutumwa wangu achakutungamirirai. Kunyange zvakadaro, nguva yokuti ndirange painosvika, ndichavaranga nokuda kwechivi chavo.”

35 Uye Jehovha akarova vanhu nedenda nokuda kwezvavakaita nemhuru yakaitwa naAroni.

Categories
Ekisodho

Ekisodho 33

1 Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Ibva panzvimbo ino, iwe navanhu vawakabudisa kubva muIjipiti uye ukwidze kunyika yandakavimbisa nemhiko kuna Abhurahama, Isaka naJakobho ndichiti, ‘Ndichaipa kuzvizvarwa zvako.’

2 Ndichatuma mutumwa pamberi pako agodzinga vaKenani, vaAmori, vaHiti, vaPerezi, vaHivhi navaJebhusi.

3 Kwidzai kunyika inoyerera mukaka nouchi. Asi ini handiendi nemi, nokuti muri vanhu vane mitsipa mikukutu uye ndingazokuparadzai munzira.”

4 Vanhu vakati vachinzwa mashoko anotambudza aya, vakatanga kuchema uye hapana munhu akashonga zvinoyevedza.

5 Nokuti Jehovha akanga ati kuna Mozisi, “Taurira vaIsraeri uti, ‘Muri vanhu vane mitsipa mikukutu. Kana dai ndingaende nemi kunyange kwenguva duku, ndingakuparadzai. Zvino bvisai zvishongo zvenyu uye ini ndichafunga zvokuita nemi.’ ”

6 Saka vaIsraeri vakabvisa zvishongo zvavo pagomo reHorebhi.

Tende Rokusangana

7 Zvino Mozisi aisitora tende achiridzika kunze kwomusasa kachinhambwe, achiti ndiro “tende rokusangana.” Munhu upi zvake ainge ane chaanoda kubvunza kuna Jehovha aienda kuTende Rokusangana kunze kwomusasa.

8 Uye pose paibuda Mozisi achienda kutende, vanhu vose vaisimuka vachibva vamira pamikova yamatende avo, vakatarira Mozisi kusvikira apinda mutende.

9 Kana Mozisi apinda mutende, shongwe yegore yaiburuka yobva yamira pamukova, Jehovha achitaura naMozisi.

10 Vanhu vaiti vangoona shongwe yegore pamukova wokupinda mutende, vose vaimira vobva vanamata, mumwe nomumwe pamukova wetende rake.

11 Jehovha aizotaura naMozisi uso nouso, somunhu anotaura neshamwari yake. Ipapo Mozisi aizodzokera kumusasa, asi mubatsiri wake Joshua mwanakomana waNuni akanga asingabudi mutende.

Mozisi noKubwinya kwaJehovha

12 Mozisi akati kuna Jehovha, “Imi manga muchiti kwandiri, ‘Tungamirira vanhu ava,’ asi hamusati mandizivisa wamuchandituma naye. Manga muchingoti, ‘Ndinokuziva nezita rako uye wawana nyasha kwandiri.’

13 Kana muchifadzwa neni, ndidzidzisei nzira dzenyu kuitira kuti ndigokuzivai uye ndirambe ndichiwana nyasha kwamuri. Rangarirai kuti rudzi urwu vanhu venyu.”

14 Jehovha akapindura akati, “Kuvapo kwangu kuchaenda newe, uye ndichakupa zororo.”

15 Ipapo Mozisi akati kwaari, “Kana Kuvapo kwenyu kusingaendi nesu, musatibvisa pano.

16 Vanhu vachaziva sei kuti munofadzwa neni uye navanhu venyu kana musina kuenda nesu? Chiizve chicharatidza mutsauko pakati pangu navanhu venyu navamwe vanhu vose vari pamusoro penyika?”

17 Uye Jehovha akati kuna Mozisi, “Ndichaita chinhu ichocho chawakumbira, nokuti ndinofadzwa newe uye ndinokuziva nezita.”

18 Ipapo Mozisi akati, “Zvino ndiratidzei kubwinya kwenyu.”

19 Uye Jehovha akati, “Ndichaita kuti kunaka kwangu kupfuure napamberi pako, uye ndichaparidza zita rangu, iro Jehovha, pamberi pako. Ndichanzwira nyasha iye wandichanzwira nyasha, uye ndichanzwira tsitsi uyo wandichanzwira tsitsi.”

20 Akati, “Asi haugoni kuona chiso changu, nokuti hapana munhu angandiona uye akararama.”

21 Ipapo Jehovha akati, “Pane nzvimbo iri pedyo neni paungamira padombo.

22 Panopfuura kubwinya kwangu, ndichakuisa mumukaha wedombo uye ndichakufukidza noruoko rwangu kusvikira ndapfuura.

23 Ipapo ndichabvisa ruoko rwangu uye uchaona shure kwangu; asi chiso changu hachifaniri kuonekwa.”

Categories
Ekisodho

Ekisodho 34

Mahwendefa matsva amabwe

1 Jehovha akati kuna Mozisi, “Veza matombo maviri amahwendefa akaita seokutanga, uye ndichanyora paari mashoko akanga ari pamahwendefa okutanga, awakaputsa.

2 Ugadzirire mangwanani, uye ipapo ugouya pamusoro peGomo reSinai. Uzviise kwandiri iwe ipapo pamusoro pegomo.

3 Hapana munhu anofanira kuuya newe kana kuonekwa papi zvapo pamusoro peGomo; kunyange makwai kana mombe zvinopfuura pamberi pegomo.”

4 Saka Mozisi akaveza mahwendefa maviri amabwe akaita seokutanga uye akakwira pamusoro pegomo reSinai mangwanani-ngwanani, sezvaakanga arayirwa naJehovha; uye akatakura mahwendefa maviri amabwe mumaoko ake.

5 Ipapo Jehovha akaburuka kwaari ari mugore akamira naye ipapo uye akazivisa zita rake, Jehovha.

6 Uye akapfuura napamberi paMozisi, achizivisa achiti, “Jehovha, Jehovha, Mwari ane tsitsi nenyasha, anononoka kutsamwa, azere norudo uye akatendeka,

7 anoitira rudo kuzviuru zvamazana, uye achikanganwira zvakaipa, kumukira nechivi. Asi haaregi ane mhosva asingarangwi; anoranga vana navana vavo nokuda kwechivi chamadzibaba avo kusvikira kuchizvarwa chechitatu nechechina.”

8 Mozisi akakotamira pasi akanamata.

9 Akati, “Haiwa Jehovha, kana ndawana nyasha pamberi penyu, ipapo Jehovha ngaaende nesu. Kunyange vanhu ava vane mitsipa mikukutu, regererai henyu kuipa kwedu nechivi chedu, uye mutitore senhaka yenyu.”

10 Ipapo akati, “Ndava kuita sungano newe. Ndichaita zvishamiso pamberi pavanhu vako zvisina kumboitwa kare mundudzi dzipi zvadzo munyika yose. Vanhu vaunogara pakati pavo vachaona kuti basa randichakuitira ini, Jehovha rinotyisa sei.

11 Uteerere zvandinokurayira nhasi. Ndichadzinga pamberi pako vaAmori, vaKenani, vaHiti, vaPerezi, vaHivhi navaJebhusi.

12 Uchenjerere kuti urege kuita sungano naavo vagere munyika yamunoenda kuti varege kuva musungo pakati penyu.

13 Putsirai aritari dzavo pasi, pwanyai matombo avo anoyera uye muteme matanda avo aAshera.

14 Musanamata vamwe vamwari vapi zvavo, nokuti Jehovha, iye ane zita rinonzi Godo, ndiye Mwari ane godo.

15 “Uchenjerere kuti urege kuita sungano naavo vanogara munyika; nokuti pavanenge voita ufeve hwavo kuna vamwari vavo uye vakabayira kwavari, vachakukokai uye muchadya zvibayiro zvavo.

16 Uye pamunosarudza vamwe vanasikana vavo kuti vave vakadzi vavanakomana venyu uye vanasikana avo vakaita ufeve navamwari vavo, vachatungamirira vanakomana venyu kuita zvimwe chetezvo.

17 “Musaita zvifananidzo zvakaumbwa.

18 “Mupemberere Mutambo weZvingwa Zvisina Mbiriso. Mudye chingwa chisina mbiriso kwamazuva manomwe, sezvandakurayirai. Muite izvi panguva yakatarwa mumwedzi waAbhibhi, nokuti mumwedzi iwoyo makabuda muIjipiti.

19 “Chibereko chose chinotanga kuzarura chizvaro ndechangu, kusanganisira matangwe ose makono ezvipfuwo zvako, dzingava mombe kana makwai.

20 Udzikinure dangwe rembongoro negwayana, asi kana usingaridzikinuri, urivhune mutsipa waro. Udzikinure matangwe ose kuvanakomana venyu.

“Hapana munhu anofanira kumira pamberi pangu asina chinhu.

21 “Mubate basa mazuva matanhatu, asi nezuva rechinomwe munofanira kuzorora; kunyange munguva dzokurima nedzokukohwa munofanira kuzorora.

22 “Mupemberere Mutambo weMavhiki nezvibereko zvokutanga zvegorosi yakohwewa, uye Mutambo woKuunganidza pakupera kwegore.

23 Katatu pagore, varume vose vanofanira kumira pamberi paIshe Jehovha, Mwari waIsraeri.

24 Ndichadzinga ndudzi pamberi penyu uye ndichakurisa nyika yenyu, uye hakuna munhu achachiva nyika yenyu pamunokwidzako katatu gore rimwe nerimwe, kuti mumire pamberi paJehovha Mwari wenyu.

25 “Musapa kwandiri ropa rezvibayiro pamwe chete nechinhu chipi zvacho chine mbiriso, uye musarega chimwe chezvibayiro zvoMutambo wePasika chichisara kusvikira mangwanani.

26 “Muuyise zvakaisvonaka zvezvibereko zvevhu renyu zvokutanga kuimba yaJehovha Mwari wenyu.

“Musabika mbudzana mumukaka wamai vayo.”

27 Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Nyora mashoko aya, nokuti maererano namashoko aya ndaita sungano newe uye neIsraeri.”

28 Mozisi akanga ariko kuna Jehovha kwamazuva makumi mana nousiku makumi mana, asingadyi chingwa kana kunwa mvura. Uye akanyora pamahwendefa mashoko esungano, iyo Mirayiro Gumi.

Chiso chaMozisi chinobwinya

29 Mozisi akati aburuka muGomo reSinai aine mahwendefa maviri eChipupuriro mumaoko ake, akanga asingazivi kuti chiso chake chaibwinya nokuti akanga ataura naJehovha.

30 Aroni navaIsraeri vose pavakaona Mozisi, chiso chake chakanga chichibwinya, uye vakatya kuswedera pedyo naye.

31 Asi Mozisi akavadana; uye Aroni navatungamiri vose vavanhu vakadzokera kwaari, uye akataura navo.

32 Shure kwaizvozvo vaIsraeri vose vakaswedera pedyo naye akavapa mirayiro yose yaakanga apiwa naJehovha muGomo reSinai.

33 Mozisi akati apedza kutaura navo, akaisa chifukidzo pachiso chake.

34 Asi pose paaipinda paKuvapo kwaJehovha kuti ataure naye, aibvisa chifukidzo kusvikira abuda kunze. Uye aiti paaibuda achiudza vaIsraeri zvaainge arayirwa,

35 vaiona kuti chiso chake chakanga chichibwinya. Ipapo Mozisi aizoisazve chifukidzo pachiso chake kusvikira apinda kundotaura naJehovha.

Categories
Ekisodho

Ekisodho 35

Mirayiro yeSabata

1 Mozisi akaunganidza ungano yose yavaIsraeri akati kwavari, “Izvi ndizvo zvinhu zvamakarayirwa naJehovha kuti muite:

2 Mubate basa, mazuva matanhatu, asi zuva rechinomwe richava zuva dzvene kwamuri, Sabata rokuzorora kuna Jehovha. Ani naani anoita basa ripi zvaro pazuva iro anofanira kuurayiwa.

3 Musabatidze moto panzvimbo ipi zvayo yamugere pazuva reSabata.”

Zvinhu zvomuTabhenakeri

4 Mozisi akati kuungano yose yavaIsraeri, “Izvi ndizvo zvakarayirwa naJehovha:

5 Kubva pane zvamunazvo, mutore chipiriso chaJehovha. Ani naani anoda ngaauyise kuna Jehovha chipiriso:

“chegoridhe, sirivha uye nendarira;

6 wuru yebhuruu, pepuru netsvuku uye nomucheka wakaisvonaka;

mvere dzembudzi;

7 matehwe amakondobwe akapendwa zvitsvuku namatehwe emombe dzomugungwa;

matanda omuunga;

8 mafuta omuorivhi emwenje;

zvinonhuhwira zvamafuta okuzodza uye namafuta anonhuhwira kwazvo;

9 mabwe eonikisi namamwe mabwe anokosha okuisa paefodhi nechidzitiro chechipfuva.

10 “Vose vane umhizha pakati penyu ngavauye vazogadzira zvinhu zvose zvakarayirwa naJehovha:

11 “tabhenakeri netende rayo uye nechifukidzo chayo, zvikorekedzo, mapuranga, mbariro, mapango nezvigadziko;

12 areka namapango ayo, chifunhiro chokuyananisa uye nechidzitiro chinochidzivirira;

13 tafura namapango ayo uye midziyo yayo yose uye nechingwa choKuratidza;

14 chigadziko chomwenje nenhumbi dzacho, mwenje namafuta omwenje;

15 aritari yezvinonhuhwira namapango ayo, mafuta okuzodza uye nezvinonhuhwira kwazvo;

chidzitiro chapamukova wokupinda kutabhenakeri;

16 aritari yezvipiriso zvinopiswa pamwe chete nechiparo chacho chendarira, mapango ayo nemidziyo yayo yose;

mudziyo wokushambira wendarira nechigadziko chawo;

17 zvidzitiro zvaparuvazhe namatanda azvo nezvigadziko, uye chidzitiro chomukova wokupinda paruvazhe;

18 hoko dzetende retabhenakeri uye dzeparuvazhe, netambo dzacho;

19 nguo dzakarukwa dzinopfekwa pakushumira munzvimbo tsvene, zvose nguo tsvene yaAroni muprista nenguo dzavanakomana vake pavanoshumira savaprista.”

20 Ipapo ungano yose yavaIsraeri yakabva pamberi paMozisi,

21 uye munhu wose aida uye akasundwa nomwoyo wake akauya nechipiriso kuna Jehovha chebasa rapaTende Rokusangana, noushumiri hwayo hwose, nezvenguo tsvene.

22 Vose vakanga vachida, zvose varume navakadzi, vakauya nezvishongo zvegoridhe zvemhando dzose zvaiti: zvikorekedzo, mhete dzenzeve, mhete uye nezvishongo zvoukomba. Vose vakapa goridhe ravo sechipiriso chokuninira kuna Jehovha.

23 Munhu wose akanga aine wuru yebhuruu, pepuru kana tsvuku kana mucheka wakaisvonaka, kana mvere dzembudzi, matehwe amakondobwe akapendwa zvitsvuku kana matehwe emombe dzomugungwa, vakauya nazvo.

24 Vaya vaipa chipiriso chesirivha kana ndarira vakauya nazvo sechipiriso kuna Jehovha, uye vose vaiva namatanda omuunga echikamu chipi zvacho chebasa vakauya nawo.

25 Mukadzi wose aigona kuruka akaruka namaoko ake uye akauyisa zvaakanga aruka, wuru yebhuruu, pepuru kana tsvuku kana mucheka wakaisvonaka.

26 Uye vakadzi vose vaida zvavo uye vaiva nounyanzvi hwokuruka, vakaruka mvere dzembudzi.

27 Vatungamiriri vakauya namabwe eonikisi namamwewo mabwe kuti azoiswa paefodhi napachidzitiro chechipfuva.

28 Vakauyawo nezvinonhuhwira namafuta omuorivhi emwenje uye namafuta okuzodza namafuta anonhuhwira kwazvo.

29 VaIsraeri vose, varume navakadzi vakanga vachida havo, vakavigira Jehovha zvipiriso zvokupa nokuzvisarudzira zvebasa rose rakanga rarayirwa Mozisi naJehovha kuti vaite.

Bhezareri naOhoriabhu

30 Ipapo Mozisi akati kuvaIsraeri, “Tarirai, Jehovha asarudza Bhezareri mwanakomana waUri, mwanakomana waHuri, worudzi rwaJudha,

31 uye amuzadza noMweya waMwari, nenjere, nokugona uye noruzivo rwemhando dzose dzoumhizha,

32 kuti aite zvinhu zvinoyevedza zvebasa regoridhe, sirivha nendarira,

33 kuveza nokuronga mabwe, kushanda mukuveza matanda uye nokuita mhando dzose dzoumhizha.

34 Uye apa vose vari vaviri iye naOhoriabhu mwanakomana waAhisamaki, worudzi rwaDhani kugona kudzidzisa vamwe.

35 Avazadza nenjere dzokuita mhando dzose dzebasa semhizha, vasoni, navasuki vewuru yebhuruu, pepuru netsvuku uye nomucheka wakaisvonaka, vose zvavo imhizha huru navasoni.”

Categories
Ekisodho

Ekisodho 36

1 “Saka Bhezareri, Ohoriabhu uye nomunhu wose wounyanzvi apiwa unyanzvi naJehovha uye kugona kuziva maitirwo ebasa rokuvaka imba tsvene ngavaite basa sezvakarayirwa naJehovha.”

2 Ipapo Mozisi akadana Bhezareri naOhoriabhu uye nomunhu wose wounyanzvi uyo akapiwa kugona naJehovha uye akanga achida hake kuuya kuzoshanda basa.

3 Vakagamuchira kubva kuna Mozisi zvipo zvose zvakanga zvauya navaIsraeri kuti zvishandiswe pabasa rokuvaka imba tsvene. Uye vanhu vakaramba vachiuyisa zvipo zvokupa nokuzvisarudzira mangwanani oga oga.

4 Saka varume vose voumhizha vakanga vachiita basa rose rapaimba tsvene vakasiya basa ravo

5 vakati kuna Mozisi, “Vanhu vari kuuya nezvakawandisa zvokuitisa basa rakarayirwa naJehovha kuti riitwe.”

6 Ipapo Mozisi akarayira uye vakatuma shoko iri pakati pomusasa wose vachiti, “Ngakurege kuva nomurume kana mukadzi achaitazve chimwe chinhu sechipo chenzvimbo tsvene.” Nokudaro vanhu vakadziviswa kuuyisa zvimwe,

7 nokuti zvavakanga vatova nazvo zvakanga zvatowandisa pane zvaidiwa kuita basa rose.

Tabhenakeri

8 Varume vose vounyanzvi vakaita tabhenakeri nezvidzitiro gumi zvemicheka yakarukwa zvakaisvonaka newuru yebhuruu, pepuru netsvuku, namakerubhi akasonerwa mazviri nemhizha ino unyanzvi.

9 Zvidzitiro zvose zvakanga zvakaenzana, zvakareba makubhiti makumi maviri namasereuye makubhiti manapaupamhi.

10 Vakabatanidza zvimwe zvidzitiro zvishanu pamwe chete uye vakaita zvimwe chetezvo pane zvimwe zvishanu.

11 Ipapo vakaita zvishwe zvomucheka webhuruu zvichitevedza mupendero wechidzitiro chokumucheto mumubatanidzwa mumwe chete, zvimwe chetezvo zvikaitwawo kune chimwe chidzitiro chokumucheto.

12 Vakaitawo zvishwe makumi mashanu pachidzitiro chimwe chete uye zvishwe makumi mashanu pachidzitiro chokupedzisira chezvimwe zvakabatanidzwa nezvishwe zvakanga zvakatarisana.

13 Ipapo vakaita zvikorekedzo zvegoridhe makumi mashanu ndokuzvishandisa kusonanidza zvibatanidzwa zviviri zvezvidzitiro pamwe chete kuitira kuti tabhenakeri ive chinhu chimwe chete.

14 Vakaita zvidzitiro zvemvere dzembudzi zvetende rapamusoro petabhenakeri, gumi nechimwe pamwe chete.

15 Zvidzitiro zvose zviri gumi nechimwe zvakanga zvakaenzana, makubhiti makumi matatupakureba uye makubhiti manapaupamhi.

16 Vakabatanidza zvidzitiro zvishanu pamwe chete kuti zvive mubatanidzwa mumwe chete, uye zvimwe zvitanhatu kuti zvive pamwe chete.

17 Ipapo vakaita zvishwe makumi mashanu zvaitevedza mupendero wechidzitiro chokupedzisira muchibatanidzwa chimwe chete uyewo zvichitevedza mupendero wechidzitiro chokupedzisira muno mumwe mubatanidzwa.

18 Vakaita zvikorekedzo zvendarira makumi mashanu kuti zvisunganidze tende pamwe chete zvive sechinhu chimwe chete.

19 Ipapo vakagadzirira tende chifukidzo chamatehwe amakondobwe akapendwa zvitsvuku, uye pamusoro pacho chifunhiro chamatehwe emombe dzomugungwa.

20 Vakaita mapuranga akamiswa amatanda omuunga etabhenakeri.

21 Puranga rimwe nerimwe rakanga rakareba makubhiti gumiuye kubhiti rimwe nehafupaupamhi,

22 nembambo mbiri dzakamiswa dzakatarisana. Vakaita mapuranga ose etabhenakeri nenzira iyi.

23 Vakaita mapuranga makumi maviri kurutivi rwezasi kwetabhenakeri

24 uye vakaita makumi mana ezvigadziko zvesirivha kuti zviende pasi pazvo, zvigadziko zviviri pasi pepuranga rimwe nerimwe, chimwe chete pasi pembato imwe neimwe.

25 Kuno rumwe rutivi, rutivi rwokumusoro kwetabhenakeri, vakaita mapuranga makumi maviri

26 uye makumi mana ezvigadziko zvesirivha, zviviri zviri pasi pepuranga rimwe nerimwe.

27 Vakaita mapuranga matanhatu okumucheto cheto, iko kumavirira kwetabhenakeri,

28 uye mapuranga maviri akanga akagadzirirwa makona etabhenakeri nechokumucheto cheto.

29 Pamakona maviri aya mapuranga aiva maviri kubva pasi kusvikira kumusoro uye akaiswa mumhete imwe chete; ose akanga akagadzirwa zvakafanana.

30 Saka pakanga pana mapuranga masere uye zvigadziko gumi nezvitanhatu zvesirivha, zviviri zviri pasi pepuranga rimwe nerimwe.

31 Vakaitawo mbariro dzomuti womuunga: shanu dzamapuranga aiva pano rumwe rutivi rwetabhenakeri,

32 shanu dzaaya aiva kuno rumwe rutivi, uye shanu dzamapuranga aiva kumavirira, pamucheto cheto kwetabhenakeri.

33 Vakaita mbariro yapakati kuitira kuti ichinjike kubva kumucheto kusvikira kumucheto pakati pamapuranga.

34 Vakafukidza mapuranga negoridhe uye vakaita mhete dzegoridhe kuti dzibate mbariro. Vakafukidzawo mbariro negoridhe.

35 Vakaita zvidzitiro zvewuru yebhuruu, pepuru netsvuku uye nomucheka wakarukwa zvakaisvonaka, namakerubhi akasonerwa pauri nemhizha ino unyanzvi.

36 Vakaita matanda mana omuti womuunga vakaafukidza negoridhe. Vakaaitira zvikorekedzo zvegoridhe uye vakaumba zvigadziko zvawo zvina zvesirivha.

37 Vakaita chidzitiro chomukova wokupinda mutende chewuru yebhuruu, pepuru netsvuku uye mucheka wakarukwa zvakaisvonaka, basa romuruki;

38 uye vakaita matanda mashanu nezvikorekedzo zvawo. Vakafukidza misoro yamatanda nehata dzawo negoridhe uye vakaita zvigadziko zvawo zvishanu zvendarira.

Categories
Ekisodho

Ekisodho 37

Areka

1 Bhezareri akaita areka yamatanda omuunga, yakareba makubhiti maviri nehafu, kubhiti rimwe nehafupaupamhi, uye kubhiti rimwe chete nehafu pakukwirira.

2 Akaifukidza negoridhe rakaisvonaka, zvose mukati nokunze, uye akaita hata yegoridhe yakaipoteredza.

3 Akaiumbira mhete dzegoridhe ina akadziisa pamakumbo ayo mana, nemhete mbiri pano rumwe rutivi uye dzimwe mbiri kuno rumwezve rutivi.

4 Ipapo akaita mapango omuti womuunga uye akaafukidza negoridhe.

5 Uye akapinza mapango mukati memhete parutivi rweareka okuitakura nawo.

6 Akagadzira chifunhiro chokuyananisa chegoridhe rakaisvonaka, makubhiti maviri nehafupakureba uye kubhiti rimwe chete nehafupaupamhi.

7 Ipapo akaita makerubhi maviri negoridhe rakapambadzirwa kumacheto echifunhiro.

8 Akaita kerubhi rimwe chete kurutivi rumwe chete rwokumucheto uye kerubhi rechipiri kuno rumwezve rutivi, mativi okumucheto ari maviri akaaita chinhu chimwe chete nechifunhiro.

9 Mapapiro amakerubhi akanga akatambanudzirwa kumusoro, achifukidza chifunhiro nomumvuri wawo. Makerubhi akanga akatarisana, akatarisa kuchifunhiro.

Tafura

10 Vakagadzira tafura namatanda omuunga, yakareba makubhiti maviri, uye kubhiti rimwe chetepaupamhi, uye kubhiti rimwe chete nehafupakukwirira.

11 Ipapo vakaifukidza negoridhe rakaisvonaka uye vakagadzira hata yegoridhe yakaipoteredza.

12 Vakaiitirawo mukombero wakaipoteredza une upamhi hwakaita sechanza choruokondokuisa hata yegoridhe pamukombero.

13 Vakaumba mhete ina dzegoridhe dzetafura uye vakadzisungirira pamakona mana, paya pakanga pana makumbo.

14 Mhete dzakaiswa pedyo nomukombero kuti dzibate mapango aishandiswa pakutakura tafura.

15 Mapango okutakura tafura akagadzirwa namatanda omuunga uye akanga akafukidzwa negoridhe.

16 Uye vakaita nhumbi dzetafura negoridhe rakaisvonaka, ndiro dzayo, madhishi nemikombe uye nezvirongo zvayo zvokudururira zvipiriso zvinonwiwa.

Chigadziko choMwenje

17 Vakagadzira chigadziko chomwenje chegoridhe rakaisvonaka uye vakaripambadzira, chigadziko nerwiriko; mikombe inenge maruva, mabukira namaruva zvaiva chinhu chimwe chete nacho.

18 Mapazi matanhatu akaiswa kubva kumativi echigadziko chomwenje, matatu kurutivi rumwe chete uye mamwe matatu kuno rumwe rutivi.

19 Mikombe mitatu yakanga yakaumbwa seruva remuarimondi namabukira namaruva makuru zvakanga zviri pane rimwe davi, matatu padavi raitevera uye zvakanga zvakaita saizvozvo pamatavi ose ari matanhatu aibva pachigadziko chomwenje.

20 Uye pamusoro pechigadziko chomwenje paiva nemikombe mina yakanga yakaumbwa seruva romuarimondi namabukira uye namaruva makuru.

21 Bukira rimwe chete rakanga riri pasi pamatavi maviri okutanga aibva pachigadziko chomwenje, bukira rechipiri rakanga riri pasi pamatavi maviri aitevera, uye bukira rechitatu rakanga riri pasi pamatavi mamwezve maviri, ose ari matanhatu pamwe chete.

22 Mabukira namatavi zvaiva chinhu chimwe chete nechigadziko chomwenje, chegoridhe rakaisvonaka rakapambadzirwa.

23 Vakaita mwenje yacho minomwe, pamwe chete nembato dzacho uye nendiro dzacho, dzegoridhe rakaisvonaka.

24 Vakaita chigadziko chomwenje nenhumbi dzacho dzose kubva patarenda rimwe cheteregoridhe rakaisvonaka.

Aritari yeZvinonhuhwira

25 Vakaita aritari yezvinonhuhwira namatanda omuunga. Yakanga yakaenzana mativi ose ari mana, yakareba kubhiti rimwe cheteuye kubhiti rimwe chete paupamhi, uye makubhiti maviripakukwirira kwayo, nyanga dzayo dziri chinhu chimwe chete nayo.

26 Vakafukidza pamusoro payo nokumativi ose uye nenyanga, negoridhe rakaisvonaka, uye vakagadzira hata yakaipoteredza.

27 Vakaita mhete dzegoridhe mbiri pasi pehata, mbiri kuno rumwe rutivi, kuti dzibate mapango aishandiswa pakuitakura.

28 Vakagadzira mapango omuti womuunga uye vakaafukidza negoridhe.

29 Vakagadzirawo mafuta matsvene okuzodza uye nezvinonhuhwira kwazvo zvakaisvonaka, basa romuvhenganisi wezvinonhuhwira.

Categories
Ekisodho

Ekisodho 38

Aritari yeZvipiriso Zvinopiswa

1 Vakavaka aritari yezvipiriso zvinopiswa yamatanda omuunga, yakakwirira makubhiti matatu; yakanga yakaenzana mativi ayo mana ina makubhiti mashanupakureba uye namakubhiti mashanu paupamhi hwayo.

2 Vakagadzira runyanga pamakona mana ose zvokuti nyanga nearitari zvakanga zvava chinhu chimwe chete, uye vakafukidza aritari nendarira.

3 Vakaita midziyo yayo yose nendarira, hari dzayo, foshoro dzayo, midziyo yokusasa zvibayiso zvenyama uye namakango apamoto.

4 Vakaitira aritari chiparo, mumbure wendarira, kuti chive pasi pechitsiko chayo, pakati napakati pokukwirira kwearitari.

5 Vakaumba mhete dzendarira kuti dzibate mapango amakona mana echiparo chendarira.

6 Vakaita mapango omuti womuunga vakaafukidza nendarira.

7 Vakapinza mapango mukati memhete kuitira kuti agova pamativi earitari, kuti vaitakure nawo. Vakaiita namapuranga, isina chinhu mukati.

Mudziyo woKushambira

8 Vakagadzira mudziyo wokushambira wendarira uye nezvigadziko zvawo zvendarira kubva pazvionioni zvamadzimai aishumira pamukova wokupinda muTende Rokusangana.

Ruvazhe

9 Pashure vakaita ruvazhe. Rutivi rwezasi rwakanga rwakareba makubhiti zanauye rwaiva nezvidzitiro zvomucheka wakarukwa zvakaisvonaka,

10 namatanda makumi maviri uye nezvigadziko zvendarira makumi maviri, nezvikorekedzo zvesirivha uye nezvisungo pamusoro pamatanda.

11 Rutivi rwokumusorowo rwakanga runa makubhiti zana pakureba uye rwakanga rune matanda makumi maviri nezvigadziko zvendarira, ine zvikorekedzo zvesirivha nezvisungo pamusoro pamatanda.

12 Mucheto wokumavirira wakanga una makubhiti makumi mashanupaupamhi, uye kwaiva nezvidzitiro, namatanda gumi uye nezvigadziko gumi, nezvikorekedzo zvesirivha nezvisungo pamusoro pamatanda.

13 Kumucheto wokumabvazuva, wakananga kunobuda nezuva, kwaivawo noupamhi hwamakubhiti makumi mashanu.

14 Zvidzitiro zvakareba makubhiti gumi namashanuzvaiva kurutivi rumwe chete rwomukova, namatanda matatu ezvigadziko zvitatu,

15 uye zvidzitiro zvakareba makubhiti gumi namashanu zvaiva kuno rumwe rutivi rwokupinda muruvazhe, namatanda matatu uye nezvigadziko zvitatu.

16 Zvidzitiro zvose zvaipoteredza ruvazhe zvaiva zvomucheka wakarukwa zvakaisvonaka.

17 Zvigadziko zvamatanda zvakanga zviri zvendarira. Zvikorekedzo nezvisungo zvaiva pamatanda zvaiva zvesirivha, uye misoro yawo yakanga yakafukidzwa nesirivha; saka matanda ose oruvazhe akanga ane zvisungo zvesirivha.

18 Chidzitiro chomukova wokupinda muruvazhe chaiva chewuru yebhuruu, nepepuru netsvuku uye nomucheka wakarukwa zvakaisvonaka, basa romuruki. Chakanga chakareba makubhiti makumi maviri, chakaita sechidzitiro chaparuvazhe, makubhiti mashanukukwirira kwacho,

19 namatanda mana uye nezvigadziko zvendarira zvina. Zvikorekedzo zvazvo nezvisungo zvazvo zvaiva zvesirivha, uye misoro yacho yakanga yakafukidzwa nesirivha.

20 Mbambo dzose dzetende retabhenakeri nezvaipoteredza ruvazhe zvaiva zvendarira.

Zvinhu zvakashandiswa

21 Uku ndiko kuwanda kwezvinhu zvakashandiswa patabhenakeri, iyo tabhenakeri yeChipupuriro, zvakanyorwa pakurayira kwaMozisi navaRevhi vari pasi paItamari mwanakomana waAroni, muprista.

22 Bhezareri mwanakomana waUri, mwanakomana waHuri, worudzi rwaJudha, akagadzira zvose zvakarayirwa Mozisi naJehovha;

23 aiva naDhoriabhu mwanakomana waAhisamaki, worudzi rwaDhani, mhizha nomusoni, uye musoni wewuru yebhuruu, pepuru netsvuku nomucheka wakaisvonaka.

24 Kuwanda kwegoridhe rose rakabva kuzvipiriso zvokuninira rakashandiswa pabasa rose rapaimba tsvene kwaiva matarenda makumi maviri namapfumbamwe namashekeri mazana manomwe ana makumi matatu, zvichienderana neshekeri renzvimbo tsvene.

25 Sirivha yakawanikwa yakabva kuna avo veungano vakaverengwa pakunyorwa, yaiva matarenda zana, uye chiuru chimwe namazana manomwe namakumi manomwe namashanu amashekeri, zvichienderana neshekeri renzvimbo tsvene,

26 bheka rimwe chete pamunhu, ndiyo hafu yeshekeri, zvichienderana neshekeri renzvimbo tsvene, kubva kumunhu wose akanga ayambukira kuna avo vakanga vatoverengwa, vana makore makumi maviri kana kupfuura, varume vakanga vari zviuru mazana matanhatu navatatu namazana mashanu ana makumi mashanu.

27 Matarenda zanaesirivha akashandiswa kugadzira zvigadziko zvenzvimbo tsvene pachidzitiro, zvigadziko zana zvaibva pamatarenda zana, tarenda rimwe chete pachigadziko chimwe nechimwe.

28 Vakashandisa mashekeri chiuru chimwe chete namazana manomwe namakumi manomwe namashanuuye kuti vagadzire zvikorekedzo zvamatanda, kufukidza misoro yamatanda, uye vagadzire zvisungo zvawo.

29 Ndarira yakabva kuzvipiriso zvokuninira yaiva matarenda makumi manomwe namashekeri zviuru zviviri namazana mana.

30 Vakaishandisa kugadzira nheyo dzomukova weTende Rokusangana, aritari yendarira, chiparo chayo chendarira nemidziyo yayo yose,

31 nheyo dzepakapoteredza ruvazhe nedzomukova warwo nembambo dzose dzetende retabhenakeri uye nezvose zvakapoteredza ruvazhe.

Categories
Ekisodho

Ekisodho 39

Nguo dzoUprista

1 Kubva pawuru yebhuruu nepepuru netsvuku, vakaita nguo dzakarukwa dzoushumiri munzvimbo tsvene. Vakaitawo nguo tsvene dzaAroni, sokurayira kwakaita Jehovha kuna Mozisi.

Efodhi

2 Vakaita efodhi yegoridhe, wuru yebhuruu, pepuru netsvuku, uye nomucheka wakarukwa zvakaisvonaka.

3 Vakapambadzira goridhe rikava marata matete uye vakagura tuwaya kuti tupfekerwe muwuru yebhuruu, yepepuru netsvuku uye mumucheka wakaisvonaka, basa remhizha ino unyanzvi.

4 Vakaita zvipenga zvapapfudzi zveefodhi, zvaibatanidzwa pana mamwe makona ayo maviri, kuti isimbiswe.

5 Bhanhire rayo romuchiuno rakarukwa nounyanzvi rakanga rakafanana nayo, zvaive chinhu chimwe neefodhi uye zvakagadzirwa negoridhe, newuru yebhuruu, nepepuru netsvuku nomucheka wakarukwa zvakaisvonaka, sokurayirwa kwakaitwa Mozisi naJehovha.

6 Vakagadzira matombo eonikisi vakaanyudza mukati mamaruva egoridhe uye vakanyora norunyoro rwokutema padombo sezvinoitwa padombo rechisimbiso ramazita avanakomana vaIsraeri.

7 Ipapo vakaisa pamapenga apamapfudzi eefodhi matombo echirangaridzo chavana vaIsraeri sokurayira kwaJehovha kuna Mozisi.

Chidzitiro cheChipfuva

8 Vakaita chidzitiro chechipfuva, basa remhizha ino unyanzvi. Vakachiita seefodhi: negoridhe, uye wuru yebhuruu, pepuru netsvuku, uye nomucheka wakarukwa zvakaisvonaka.

9 Chakanga chakaenzana mativi acho ose ari mana, chakaenzana nechanzapaurefu uye chakaenzana nechanza paupamhi uye chakapetwa kaviri.

10 Ipapo vakagadzira mitsara mina yamatombo anokosha pamusoro pacho. Mumutsara wokutanga makanga mune ibwe rerubhi, topazi nebheriri;

11 mumutsara wechipiri maiva netekoisi, nesafire uye neemaradhi;

12 mumutsara wechitatu maiva nejasindi, neagati uye neametisiti;

13 mumutsara wechina maiva nekirisoriti, neonikisi uye nejasipa. Akanga akagadzirwa mukati mamaruva egoridhe.

14 Paiva namatombo gumi namaviri, rimwe richimirira rimwe ramazita avanakomana vaIsraeri, rimwe nerimwe rakanyorwa, sorunyoro rwakatemwa padombo sechisimbiso, chine rimwe ramazita amarudzi gumi namaviri.

15 Chidzitiro chechipfuva vakachiitirawo uketani hwakarukwa negoridhe rakaisvonaka, rwakaita setambo.

16 Vakaita maruva maviri egoridhe nemhete mbiri dzegoridhe, uye vakasungirira mhete idzi pana mamwe amakona maviri echidzitiro chechipfuva.

17 Vakasungirira humwe uketani huviri hwegoridhe pamhete dzapamakona echidzitiro chechipfuva,

18 uye mimwe miromo youketani pamaruva maviri, zvichibatanidzwa pazvipenga zvapamapfudzi eefodhi nechemberi.

19 Vakagadzira mhete dzegoridhe mbiri vakadzibatanidza namamwe makona maviri echidzitiro chechipfuva pamupendero nechomukati pedyo neefodhi.

20 Ipapo vakagadzira dzimwezve mhete mbiri dzegoridhe uye vakadzibatanidza nechepasi pezvipenga zvamapfudzi pamberi peefodhi, pedyo nemusono uri nechapamusoro pebhanhire romuchiuno refodhi.

21 Vakasungirira mhete dzapachidzitiro chapachipfuva pamhete dzapaefodhi netambo yebhuruu, ichiibatanidza nebhanhire romuchiuno kuitira kuti chidzitiro chechipfuva chirege kubva paefodhi, sokurayira kwaJehovha kuna Mozisi.

Dzimwe Nguo dzoUprista

22 Vakaita jasi reefodhi nomucheka webhuruu yoga, basa romuruki,

23 rakazaruka pakati pejasi sokuzaruka kwekora, uye mupendero wakapoteredza buri iri, kuitira kuti rirege kubvaruka.

24 Vakaita matamba ewuru yebhuruu, nepepuru netsvuku nomucheka wakarukwa zvakaisvonaka wakapoteredza mupendero wejasi.

25 Uye vakaita matare egoridhe rakaisvonaka uye vakaabatanidza achipoteredza mupendero pakati pamatamba.

26 Matare namatamba akanga achipesana akapoteredza mupendero wejasi rinofanira kupfekwa pakushumira, sokurayira kwaJehovha kuna Mozisi.

27 Vakaitira Aroni navanakomana vake, majasi omucheka wakaisvonaka, basa romuruki,

28 uye nguwani yomucheka wakaisvonaka, bhanhire romucheka romumusoro uye nenguo dzapasi dzomucheka wakarukwa zvakaisvonaka.

29 Ndaza yacho yakanga iri yomucheka wakarukwa zvakaisvonaka wewuru yebhuruu, pepuru netsvuku, basa romuruki, sokurayira kwaJehovha kuna Mozisi.

30 Vakagadzira ndiro, korona tsvene, yegoridhe rakaisvonaka uye yakanyorwa pairi, sorunyoro rwapachisimbiso, kuti:mutsvene kuna jehovha.

31 Ipapo vakasungirira tambo yebhuruu pairi kuti ibatanidzwe nenguwani, sokurayira kwaJehovha kuna Mozisi.

Mozisi anoongorora Tabhenakeri

32 Saka basa rose patabhenakeri, Tende Rokusangana, rakapera. VaIsraeri vakaita zvinhu zvose sezvakanga zvarayirwa naJehovha kuna Mozisi.

33 Ipapo vakauya netabhenakeri kuna Mozisi:

tende nenhumbi dzaro dzose, zvikorekedzo zvayo, mapuranga, mbariro, matanda nezvigadziko;

34 chifukidzo chamatehwe amakondobwe akapendwa zvitsvuku, chifukidzo chamatehwe emombe dzomugungwa nezvidzitiro zvokudzivirira;

35 areka yeChipupuriro namapango ayo nechifunhiro chokuyananisa;

36 tafura nemidziyo yayo dzose nechingwa choKuratidza;

37 zvigadziko zvomwenje zvegoridhe rakaisvonaka nemitsara yacho yemwenje, nhumbi dzayo dzose, namafuta omwenje;

38 aritari yegoridhe, mafuta okuzodza, zvinonhuhwira kwazvo nechidzitiro chapamukova wetende;

39 aritari yendarira, chiparo chayo chendarira, mapango ayo nemidziyo yayo yose;

dhishi nechigadziko charo;

40 zvidzitiro zvoruvazhe namatanda nezvigadziko zvarwo, uye chidzitiro chapamukova woruvazhe;

tambo nembambo dzetende dzaparuvazhe;

midziyo yose yetabhenakeri, Tende Rokusangana;

41 uye jasi rakarukwa rinopfekwa pakushumira munzvimbo tsvene, zvose nguo tsvene dzaAroni muprista nenguo dzavanakomana vake pavanoshumira savaprista.

42 VaIsraeri vakanga vaita basa rose sokurayira kwaJehovha kuna Mozisi.

43 Mozisi akaongorora basa uye akaona kuti vakanga variita sokurayira kwakanga kwaita Jehovha. Saka Mozisi akavaropafadza.

Categories
Ekisodho

Ekisodho 40

Kudzika Tabhenakeri

1 Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi,

2 “Dzika tabhenakeri, Tende Rokusangana, pazuva rokutanga romwedzi wokutanga.

3 Uise areka yeChipupuriro mairi uye ugofukidza areka nechidzitiro.

4 Upinze tafura ugoisa zvinhu zvayo pairi. Ipapo ugopinza chigadziko chomwenje ugomisa mwenje yacho.

5 Uise aritari yezvinonhuhwira yegoridhe pamberi peareka yechipupuriro uye ugoisa chidzitiro pamukova wokupinda mutabhenakeri.

6 “Uise aritari yezvipiriso zvinopiswa pamberi pomukova wokupinda kutabhenakeri, Tende Rokusangana;

7 uise dhishi pakati peTende Rokusangana nearitari ugoisa mvura mariri.

8 Ugadzire ruvazhe rwakaipoteredza uye ugoisa chidzitiro pamukova woruvazhe.

9 “Utore mafuta okuzodza ugozodza tabhenakeri nezvinhu zvose zvirimo; uinatse nemidziyo yayo yose, uye ichava tsvene.

10 Ipapo ugozodza aritari yezvipiriso zvinopiswa nemidziyo yayo yose; unatse aritari, uye ichava tsvene-tsvene.

11 Uzodze dhishi nechigadziko charo ugozvinatsa.

12 “Uuye naAroni navanakomana vake kumukova weTende Rokusangana ugovashambidza nemvura.

13 Ipapo ugopfekedza Aroni nguo tsvene, umuzodze uye ugomunatsa kuti agondishumira somuprista.

14 Uuyise vanakomana vake ugovapfekedza majasi.

15 Uvazodze sokuzodza kwawaita baba vavo, kuti vagondishumira savaprista. Kuzodzwa kwavo kuchava kwouprista hucharamba huripo kuzvizvarwa zvinotevera.”

16 Mozisi akaita zvose sezvaakarayirwa naJehovha.

17 Saka tabhenakeri yakamiswa pazuva rokutanga romwedzi wokutanga mugore rechipiri.

18 Mozisi akati amisa tabhenakeri, akaisa zvigadziko panzvimbo yazvo, akadzika mapuranga, akapinza mbariro uye akamisa matanda.

19 Ipapo akatambanudza tende akariisa pamusoro petabhenakeri ndokuisa chifukidzo pamusoro petende, sokurayirwa kwaakaitwa naJehovha.

20 Akatora Chipupuriro akachiisa muareka, akabatanidza mapango paareka uye akaisa chifunhiro chokuyananisa pamusoro payo.

21 Ipapo akauyisa areka mutabhenakeri ndokuturika chidzitiro chokufukidzira akafukidza areka yeChipupuriro, sokurayira kwakaita Jehovha.

22 Mozisi akaisa tafura muTende Rokusangana nechokurutivi rwokumusoro kwetabhenakeri kunze kwechidzitiro

23 uye akaisa chingwa pamusoro payo pamberi paJehovha, sokurayirwa kwaakaitwa naJehovha.

24 Akaisa chigadziko chomwenje muTende Rokusangana chakatarisana netafura nechokurutivi rwezasi rwetabhenakeri

25 uye akamisa mwenje pamberi paJehovha, sokurayirwa kwaakaitwa naJehovha.

26 Mozisi akaisa aritari yegoridhe muTende Rokusangana pamberi pechidzitiro,

27 uye akapisa zvinonhuhwira pairi, sokurayirwa kwaakaitwa naJehovha.

28 Ipapo akaisa chidzitiro pamukova wetabhenakeri.

29 Akamisa aritari yezvipiriso zvinopiswa pedyo nomukova wetabhenakeri, Tende Rokusangana, akapa pairi zvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvezviyo, sokurayirwa kwaakaitwa naJehovha.

30 Akaisa dhishi pakati peTende Rokusangana nearitari uye akaisa mvura yokushamba mariri,

31 uye Mozisi naAroni navanakomana vake vakaishandisa kushamba maoko avo netsoka dzavo.

32 Vaishamba pose pavaipinda muTende Rokusangana kana kuswedera paaritari, sokurayirwa kwakaitwa Mozisi naJehovha.

33 Ipapo Mozisi akaita ruvazhe rwakapoteredza tabhenakeri nearitari uye akaturika chidzitiro pamukova wokupinda muruvazhe. Nokudaro Mozisi akapedza basa.

Kubwinya kwaJehovha

34 Ipapo gore rakafukidza Tende Rokusangana, uye kubwinya kwaJehovha kwakazadza tabhenakeri.

35 Mozisi haana kugona kupinda muTende Rokusangana nokuti gore rakanga ragara pariri, uye kubwinya kwaJehovha kwakazadza tabhenakeri.

36 Mukufamba kwose kwavaIsraeri, pose paisimuka gore kubva pamusoro petabhenakeri, ivo vaisimuka vachienda;

37 asi kana gore risina kubva, vakanga vasingafambi, kusvikira pazuva rarinosimuka.

38 Saka gore raJehovha raiva pamusoro petabhenakeri masikati; uye moto wakanga uri mugore usiku, pamberi peimba yose yaIsraeri panguva yokufamba kwavo kwose.