Categories
Hosea

Hosea 11

Rudo rwaMwari kuna Israeri

1 “Israeri paakanga achiri muduku, ndaimuda,

uye ndakadana mwanakomana wangu kubva kuIjipiti.

2 Asi pandakanyanya kuvadana,

vakatonyanya kunditiza.

Vakabayira kuna vanaBhaari

uye vakapisira zvinonhuhwira kuzvifananidzo.

3 Ndini ndakadzidzisa Efuremu kufamba,

ndichivasesedza namaoko avo;

asi havana kuzvicherechedza

kuti ndini ndakavarapa.

4 Ndakavatungamirira nerwodzi rwounyoro hwomunhu,

nezvisungo zvorudo;

ndakasimudza joko kubva pamutsipa wavo

ndikakotama kuti ndivape zvokudya:

5 “Havangadzokerizve kuIjipiti

uye vaAsiria havangavatongi here

nokuti vakaramba kutendeuka?

6 Minondo ichapenya mumaguta avo,

ichaparadza mazariro pamasuo avo

uye ichagumisa zvirongwa zvavo.

7 Vanhu vangu vazvipira kutsauka vachibva kwandiri.

Kunyange dai vakadana kuna Iye Wokumusoro-soro,

haangatongovasimudziri kunyange nenzira ipi zvayo.

8 “Ndinokuregedza seiko, Efuremu?

Ndingakuendesa seiko, Israeri?

Ndingakuitireiko saAdhima?

Ndingakuenzanisa sei naZebhoimi?

Mwoyo wangu washanduka mukati mangu;

tsitsi dzangu dzose dzamutswa.

9 Handingazadzisi kutsamwa kwangu kukuru

kana kutendeuka kuti ndiparadze Efuremu.

Nokuti ndiri Mwari, kwete munhu,

Mutsvene pakati penyu.

Handingauyi ndakatsamwa.

10 Vachatevera Jehovha;

achaomba seshumba.

Paachaomba,

vana vake vachauya vachidedera vachibva kumadokero.

11 Vachauya vachidedera

seshiri vachibva kuIjipiti,

senjiva vachibva kuAsiria.

Ndichavagarisa mudzimba dzavo,”

ndizvo zvinotaura Jehovha.

Chivi chaIsraeri

12 Efuremu andikomberedza nenhema,

imba yaIsraeri nounyengeri.

Uye Judha akasindimara pamberi paMwari,

kunyange pamberi paIye Mutsvene Akatendeka.

Categories
Hosea

Hosea 12

1 Efuremu anodya mhepo;

anodzingana nemhepo yokumabvazuva zuva rose

uye anowedzera nhema pamwe chete nechisimba.

Anoita sungano neAsiria,

uye anoendesa mafuta omuorivhi kuIjipiti.

2 Jehovha ane mhaka yaanopa Judha;

acharanga Jakobho maererano nenzira dzake

uye achamupa mubayiro maererano namabasa ake.

3 Muchizvaro akabata chitsitsinho chomukoma wake;

somunhu akaita mutsimba naMwari.

4 Akaita mutsimba nomutumwa akamukurira;

akachema akakumbira kuti anzwirwe nyasha naye.

Akamuwana paBheteri

akataura naye ipapo,

5 Jehovha Mwari Wamasimba Ose,

Jehovha ndiro zita rake raane mukurumbira naro!

6 Asi unofanira kudzokera kuna Mwari wako;

chengetedza rudo nokururamisira,

uye umirire Mwari wako nguva dzose.

7 Mutengesi anoshandisa chiero chinonyengera;

anofarira kubiridzira.

8 Efuremu anozvikudza achiti,

“Ndakapfuma kwazvo; ndazova mupfumi chaiye.

Noupfumi hwangu hwose havangawani mandiri

chakaipa chipi zvacho kana chivi mukati mangu.”

9 “Ndini Jehovha Mwari wako,

akakubudisa kubva muIjipiti;

ndichakugarisazve mumatende,

sapamazuva emitambo yakatarwa.

10 Ndakataura kuvaprofita,

ndikavapa zviratidzo zvizhinji

uye ndikataura mifananidzo kubudikidza navo.”

11 Ko, Gireadhi yakaipa here?

Vanhu vayo havana maturo!

Vanobayira nzombe here paGirigari?

Aritari dzavo dzichava semirwi yamatombo

mumunda wakarimwa.

12 Jakobho akatizira kunyika yeAramu;

Israeri akashandira kuti awane mukadzi,

uye kuti amuwane akafudza makwai.

13 Jehovha akashandisa muprofita

kuti abudise Israeri kubva muIjipiti,

nomuprofita akavachengeta.

14 Asi Efuremu akamutsamwisa zvikuru kusvikira ashatirwa;

Ishe wake achaisa paari mhosva dzake dzokudeura ropa

uye achamupa mubayiro wokuzvidza kwake.

Categories
Hosea

Hosea 13

Kutsamwa kwaJehovha pamusoro peIsraeri

1 Efuremu akati ataura, vanhu vakadedera;

iye akakudzwa muIsraeri.

Asi akava nemhosva yokunamata Bhaari uye akafa.

2 Zvino vanoramba vachingotadza;

vanozviitira zvifananidzo zvakaumbwa nesirivha yavo,

zviri zvifananidzo zvakaumbwa nenjere dzavo,

zvose ari mabasa emhizha.

Pamusoro pavanhu ava zvinonzi,

“Vanobayira zvibayiro zvevanhu

uye vanotsvoda zviumbwa zvemhuru.”

3 Naizvozvo vachava semhute yamangwanani,

sedova rinokurumidza kupera,

sehundi inopeperetswa kubva paburiro,

soutsi hunobuda napawindo.

4 “Asi ndini Jehovha Mwari wako,

akakubudisa kubva muIjipiti.

Haungazovi nomumwe Mwari kunze kwangu;

kana mumwe Muponesi kunze kwangu.

5 Ndakakuchengeta murenje,

munyika inopisa kwazvo.

6 Pandakavapa zvokudya, vakaguta;

vakati vaguta, vakazvikudza

ipapo vakandikanganwa.

7 Saka ndichauya kwavari seshumba,

ndichavagarira panzira sembada,

8 Sebere ratorerwa vana varo,

ndichavarwisa ndigovabvarura.

Seshumba ndichavaparadza;

chikara chesango chichavabvambura.

9 “Waparadzwa iwe Israeri,

nokuti unondirwisa, uchirwisa mubatsiri wako.

10 Mambo wako aripiko, kuti zvimwe angakuponesa?

Vatongi vako varipiko mumaguta ako ose,

avo vawakati, ‘Ndipei mambo namachinda’?

11 Saka mukutsamwa kwangu ndakakupa mambo,

uye muhasha dzangu ndakamubvisa.

12 Mhosva dzaEfuremu dzakaunganidzwa pamwe chete,

zvivi zvake zvakachengetedzwa muzvinyorwa.

13 Kurwadziwa sekwomukadzi anosununguka kunosvika kwaari,

asi uyu mwana asina uchenjeri;

kana nguva dzasvika, haauyi kumusuo wechizvaro.

14 “Ndichavadzikinura kubva pasimba reguva;

ndichavadzikinura kubva parufu.

Dziripiko hosha dzako, nhai rufu?

Kuripiko kuparadza kwako, nhai guva?

“Handingazovi netsitsi,

15 kunyange akabudirira pakati pamadzikoma ake.

Mhepo yokumabvazuva yaJehovha ichauya,

ichivhuvhuta ichibva kurenje;

chitubu chake chichapwa

uye tsime rake richaoma.

Dura rake richapambwa

zvose zvinokosha zviri mariri.

16 Vanhu veSamaria vanofanira kutakura mhaka yavo,

nokuti vakamukira Mwari wavo.

Vachaparadzwa nomunondo;

vacheche vavo vacharoverwa pasi.

Vakadzi vavo vane mimba vachatumburwa.”

Categories
Hosea

Hosea 14

Kutendeuka kunouyisa Maropafadzo

1 Iwe Israeri, dzokera kuna Jehovha Mwari wako.

Zvivi zvako ndizvo zvakauyisa kuwa kwako!

2 Endai namashoko

uye mudzokere kuna Jehovha.

Muti kwaari: “Regererai zvivi zvedu zvose

mutigamuchire nenyasha,

kuti tigopa zvibereko zvemiromo yedu.

3 Asiria haingatiponesi;

hatingatasvi mabhiza ehondo.

Hatizombotizve, ‘Vamwari vedu’

kune zvakagadzirwa namaoko edu chaiwo,

nokuti nherera dzinowana tsitsi mamuri.”

4 “Ndichaporesa kusateerera kwavo

uye ndichangovada hangu,

nokuti hasha dzangu dzabva kwavari.

5 Ndichava sedova kuna Israeri;

achatunga seruva remahapa.

Somusidhari weRebhanoni

achadzikisa midzi yake;

6 mabukira ake achakura.

Kunaka kwake kuchafanana nekwomuti womuorivhi,

kunhuhwira kwake sekwomusidhari weRebhanoni.

7 Vanhu vachagarazve mumumvuri wake.

Achabudirira sezviyo.

Achatunga maruva somuzambiringa,

uye mbiri yake ichafanana newaini yeRebhanoni.

8 Nhai Efuremu, ndichineiko chokuita nezvifananidzo?

Ndichamupindura uye ndichamuchengeta.

Ndakafanana nomuti womupaini wakasvibira;

kubereka kwako kunobva kwandiri.”

9 Ndiani akachenjera? Achacherechedza zvinhu izvi.

Ndiani anonzvera? Achazvinzwisisa.

Nzira dzaJehovha dzakarurama;

vakarurama vanofamba madziri,

asi vatadzi vanogumburwa madziri.