Categories
Isaya

Isaya 1

1 Chiratidzo chaIsaya mwanakomana waAmozi, chaakaona pamusoro peJudha neJerusarema pamazuva aUzia naJotamu, naAhazi naHezekia, madzimambo eJudha.

Rudzi Runomukira

2 Inzwai imi matenga! Teerera iwe nyika!

Nokuti Jehovha akataura achiti,

“Ndakarera vana ndikavakudza,

asi ivo vakandimukira.

3 Nzombe inoziva vatenzi vayo,

nembongoro inoziva chidyiro chomwene wayo,

asi Israeri haizivi,

vanhu vangu havanzwisisi.”

4 Haiwa, rudzi runotadza,

vanhu vakaremerwa nezvakaipa,

vana vavaiti vezvakaipa,

vana vanoita zvakaora!

Vakasiya Jehovha;

vakashora Mutsvene waIsraeri

vakamufuratira.

5 Mucharambireiko muchingorohwa?

Munorambireiko muchimukira Jehovha?

Musoro wenyu wose wakuvadzwa,

mwoyo wenyu wose warwadziwa.

6 Kubvira pasi porutsoka rwako kusvikira panhongonya yomusoro

wako hapana pakukutu,

anongova maronda nokurwadziwa

namavanga akazaruka,

asina kusukwa kana kusungwa

kana kuzorwa mafuta.

7 Nyika yenyu yaparadzwa,

Maguta enyu apiswa nomoto;

minda yenyu iri kutorwa navatorwa

pamberi penyu chaipo,

nyika yaparadzwa sapanoparadza vatorwa.

8 Mwanasikana weZioni asiyiwa sedumba

mumunda wemizambiringa,

seimba mumunda wamanwiwa,

seguta rakakombwa.

9 Dai Jehovha Wamasimba Ose

asina kutisiyira vakapunyuka,

tingadai takafanana neSodhomu,

tingadai takaita seGomora.

10 Inzwai shoko raJehovha,

imi vabati veSodhomu;

teererai kumurayiro waMwari wedu,

imi vanhu veGomora!

11 “Zvibayiro zvenyu zvizhinji,

zvinyiko kwandiri?” ndizvo zvinotaura Jehovha.

“Zvibayiro zvinopiswa zvawandisa,

zvamakondobwe namafuta ezvipfuwo zvakakodzwa;

Handifadzwi neropa renzombe,

ramakwayana nerembudzi.

12 Pamunouya kuzozviratidza pamberi pangu,

ndianiko akambokukumbirai izvi kwamuri,

naikoku kutsika-tsika pavazhe dzangu?

13 Regai kuuya nezvipiriso zvisina maturo!

Zvinonhuhwira zvenyu zvinondinyangadza.

Nguva dzoKugara kwoMwedzi, maSabata nenguva dzekokorodzano,

handigoni kufarira ungano dzenyu dzakaipa.

14 Mitambo yenyu yoKugara kwoMwedzi nemitambo yenyu yakatsaurwa inovengwa

nomweya wangu.

Zvava mutoro kwandiri;

ndaneta nokuzvitakura.

15 Pamunotambanudza maoko enyu muchinyengetera,

ini ndichakuvanzirai chiso changu;

kunyange mukawanza munyengetero,

handisi kuzokunzwai.

Maoko enyu azere neropa;

16 shambai muzvinatse.

Bvisai mabasa enyu akaipa

pamberi pangu!

Regai kuita zvakaipa,

17 dzidzai kuita zvakarurama.

Tsvakai kururamisira,

kurudzirai vakamanikidzwa.

Dzivirirai nherera,

mukumbirire chirikadzi.

18 “Chiuyai zvino titaurirane,”

ndizvo zvinotaura Jehovha.

“Kunyange zvivi zvenyu zviri

zvitsvuku zvichachena sechando;

kunyange zviri zvishava somuti mushava,

zvichaita samakushe amakwai.

19 Kana muchida uye muchiteerera

muchadya zvakanakisa zvenyika;

20 asi kana muchiramba uye muchindimukira,

muchaparadzwa nomunondo.”

Nokuti muromo waJehovha wazvitaura.

21 Tarirai guta rakatendeka

rava chifeve sei!

Iro rakanga rizere nokururamisira;

kururama kwaigara mariri,

asi zvino mogara mhondi!

22 Sirivha yako yava nengura,

waini yako yakavhenganiswa nemvura.

23 Machinda ako vapanduki,

ishamwari dzembavha;

vose vanoda fufuro,

uye vanomhanyira zvipo.

Havana hanya nokudzivirira nherera;

mhaka yechirikadzi haiuyiswi pamberi pavo.

24 Naizvozvo Ishe, Jehovha

Wamasimba Ose, Anesimba waIsraeri, anotaura achiti,

“Haiwa, ndichadurura hasha dzangu pamusoro pavadzivisi vangu,

nokuzvitsivira vavengi vangu.

25 Ndichatambanudzira ruoko rwangu kwauri;

ndichapedza chose ngura yako

ndigobvisa kusachena kwako kwose.

26 Ndichadzosera vatongi vako sapamazuva akare,

namakurukota ako sapamazuva okutanga.

Shure kwaizvozvo uchanzi

Guta Rokururama,

Guta Rakatendeka.”

27 Zioni richadzikinurwa nokururamiswa,

navanotendeuka varo, nokururama.

28 Asi vapanduki navatadzi vachaparadzwa vose,

uye vose vanosiya Jehovha vachaparara.

29 “Nokuti muchanyadziswa nokuda kwemiti yomuouki yamunoeresa,

yamunofadzwa nayo;

muchanyadziswa nokuda kwamapindu

amakasarudza.

30 Muchafanana nomuouki wasvava mashizha,

sebindu risina mvura.

31 Murume ane simba achava serwodzi

nebasa rake sesasaradzi;

zvose zvichatsva pamwe chete,

pasina achadzima moto.”

Categories
Isaya

Isaya 2

Gomo raJehovha

1 Izvi ndizvo zvakaonekwa naIsaya mwanakomana waAmozi, pamusoro peJudha neJerusarema:

2 Mumazuva okupedzisira,

gomo retemberi yaJehovha richasimbiswa,

richava guru pakati pamakomo;

richakwiridzirwa pamusoro pezvikomo,

uye ndudzi dzose dzichamhanyira kwariri.

3 Ndudzi zhinji dzichauya dzichiti,

“Uyai ngatiendei kugomo raJehovha,

kuimba yaMwari waJakobho

Iye achatidzidzisa nzira dzake,

kuitira kuti tigofamba mumakwara ake.”

Nokuti murayiro uchabva paZioni,

shoko raJehovha richabva kuJerusarema.

4 Achatonga pakati pendudzi

uye achapedza gakava pakati pamarudzi mazhinji.

Vachapfura minondo yavo vagoiita miromo yamagejo,

namapfumo avo vagoaita mapanga okuchekerera miti nawo.

Rudzi rumwe harungazosimudziri munondo kuno rumwe rudzi,

kana kuzodzidzirazve kurwa.

5 Uyai, imi imba yaJakobho,

ngatifambei muchiedza chaJehovha.

Zuva raJehovha

6 Nokuti makasiya vanhu venyu,

ivo imba yaJakobho.

Vakazara nezvinamato zvokuMabvazuva;

vanoita zvokuvuka kufanana navaFiristia,

vachibatana maoko nevedzimwe ndudzi.

7 Nyika yavo izere nesirivha negoridhe;

pfuma yavo haiperi.

Nyika yavo izere namabhiza;

ngoro dzavo hadziperi.

8 Nyika yavo izere nezvifananidzo;

vanopfugamira mabasa amaoko avo,

kuzvinhu zvakaitwa neminwe yavo.

9 Naizvozvo munhu achaderedzwa

uye marudzi avanhu achaninipiswa,

musavakanganwira.

10 Pinda mumapako,

uvande muguruva,

ubve mukutyisa kwaJehovha

nokubwinya kwoumambo hwake!

11 Meso omunhu anozvikudza achaninipiswa,

uye kuzvikudza kwavanhu kuchaderedzwa;

asi Jehovha oga ndiye achakudzwa pazuva iro.

12 Nokuti Jehovha Wamasimba Ose

ane zuva raakachengetera avo vose

vanozvikudza navanodada,

navose vanokudzwa (uye vachaninipiswa),

13 nemisidhari yose yeRebhanoni, yakareba neyakakwirira,

nemiouki yose yeBhashani,

14 namakomo ose akakwirira,

nezvikomo zvose zvakakwirira,

15 neshongwe dzose dzakakwirira,

namasvingo ose akasimba,

16 nezvikepe zvose zveTashishi,

nemidziyo yose yakanaka.

17 Kuzvikudza kwomunhu kuchaderedzwa,

uye kuzvikudza kwavanhu kuchaninipiswa;

Jehovha oga ndiye achakudzwa pazuva iro,

18 uye zvifananidzo zvichapera zvachose.

19 Vanhu vachatizira kumapako amatombo,

nokumwena yapasi

nokuda kwaJehovha anotyisa,

uye nokubwinya kwoumambo hwake,

paanosimuka achizungunutsa nyika.

20 Pazuva iro vanhu vacharasira

kumakonzo nokuzviremwaremwa,

zvifananidzo zvavo zvesirivha nezvifananidzo zvegoridhe,

zvavakaita kuti vazvinamate.

21 Vachatizira kumapako amatombo

nokumikaha yakarembera,

nokuda kwokutya Jehovha,

uye nokubwinya kwoumambo hwake,

paanosimuka kuti azungunutse nyika.

22 Regai kuvimba nomunhu,

anongova nokufema mumhino dzake.

Anobatsireiko?

Categories
Isaya

Isaya 3

Kutongwa kweJerusarema neJudha

1 Tarirai zvino, Ishe Jehovha

Wamasimba Ose

ava kuda kutora zvose rutsigiro nomudonzvo,

kubva kuJerusarema neJudha;

rutsigiro rwose rwezvokudya norutsigiro rwose rwemvura,

2 mhare nomurwi,

mutongi nomuprofita,

muvuki nomukuru,

3 mukuru wamakumi mashanu nomunhu anokudzwa,

gurukota nomurume weumhizha, nomuvuki anoziva.

4 Ndichaita kuti majaya ave vabati vavo;

vana vadiki ndivo vachavatonga.

5 Vanhu vachadzvinyirirana,

munhu nomunhu, muvakidzani nomuvakidzani.

Vadiki vachamukira vakuru,

nounozvidza achamukira anokudzwa.

6 Murume achabata mumwe wavanunʼuna vake

paimba yababa vake achiti,

“Ndiwe une nguo, chiva mutungamiri wedu;

iva mutariri wedutu roungwandangwanda uhu!”

7 Asi pazuva iro achadanidzira achiti,

“Handigoni kugadzirisa zvinhu.

Handina chokudya kana chokufuka mumba mangu;

musandiita mutungamiri wavanhu.”

8 Jerusarema rozungunuka,

Judha riri kuwa;

mashoko avo nezviito zvavo zvinopesana naJehovha,

vachizvidza kuvapo kwake kunobwinya.

9 Zvinoonekwa pazviso zvavo zvinovapupurira;

vanoburitsa chivi chavo pachena seSodhomu;

havambochivanzi.

Vane nhamo!

Vanouyisa njodzi pamusoro pavo.

10 Udzai vakarurama kuti zvichavanakira,

nokuti vachanakirwa nezvibereko zvamabasa avo.

11 Vane nhamo vakaipa! Njodzi yava kuda kuvawira!

Vacharipirwa zvakabatwa namaoko avo.

12 Vadiki vanomanikidza vanhu vangu,

vakadzi vanovatonga.

Haiwa, vanhu vangu, vatungamiri venyu vanokutsausai;

vanokubvisai munzira.

13 Jehovha anotora nzvimbo yake muimba yokutonga;

anosimuka kuti atonge vanhu.

14 Jehovha anopinda mukutonga vakuru

navatungamiri vavanhu vake achiti,

“Ndimi makaparadza munda wangu womuzambiringa;

zvakapambwa zvinobva kuvarombo zviri mudzimba dzenyu.

15 Munoreveiko zvamunopwanya vanhu vangu,

uye muchikuya zviso zvavarombo?”

ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha Wamasimba Ose.

16 Jehovha anoti,

“Vakadzi veZioni vanozvikudza,

vanofamba vakamisa mitsipa yavo.

Vachichonya nameso avo,

uye vanofamba vachinzenzeta,

vaine zvishongo zvinorira muzviziso zvamakumbo avo.

17 Naizvozvo Jehovha achauyisa maronda pamisoro yavakadzi veZioni;

Jehovha achaitisa misoro yavo mhanza.”

18 Pazuva iro Jehovha achabvisa pazviziso zvamakumbo avo: mabhenguro, nezvishongo zvomusoro, neungetani hwomutsipa hunonʼaima,

19 nemhete dzenzeve, nezvingetani zvomumaoko, namavhoiri

20 nezvishongo zvebvudzi, nezvingetani zvomuzviziso zvamakumbo, nemasikavha, namabhodhoro amafuta anonhuhwira, namazango,

21 nemhete, noukomba hwemhino,

22 nenguo dzakanaka dzomutambo, nezvijasi, namakepesi namajasi nezvikwama,

23 nezvionioni, nenguo dzomucheka wakaisvonaka, nezvishongo namashaweri.

24 Pachinzvimbo chezvinonhuhwira, pachava nokunhuhwa;

pachinzvimbo chesikavha, pachava netambo;

pachinzvimbo chebvudzi rakashongedzwa zvakanaka,

pachava nemhanza; pachinzvimbo chembatya dzakaisvonaka, pachava nechipfeko chesaga;

pachinzvimbo chorunako, pachava nokupiswa.

25 Varume venyu vachafa nomunondo,

varwi venyu vachafa muhondo.

26 Masuo eZioni achachema uye achaungudza;

nokutambura kwaro, richagara pasi.

Categories
Isaya

Isaya 4

1 Pazuva iro vakadzi

vanomwe vachabata murume mumwe vagoti,

“Tichadya zvokudya zvedu

uye tichazvitsvakira zvokufuka.

Tinongoda kudanwa nezita rako bedzi.

Bvisa kunyadziswa kwedu!”

Davi raJehovha

2 Pazuva iro, davi raJehovha richava rakanaka uye richabwinya, uye zvibereko zvenyika zvichava chidadiso nokukudzwa kwavakapunyuka muIsraeri.

3 Vaya vakasara muZioni, navakasara muJerusarema, vachanzi vatsvene, navose vakanyorwa pakati pavapenyu muJerusarema.

4 Jehovha achashambidza tsvina yevakadzi veZioni; achanatsa makwapa eropa kubva muJerusarema nomweya wokutonga uye nomweya womoto.

5 Ipapo Jehovha achasika pamusoro pegomo rose reZioni napamusoro pavose vanoungana ikoko gore routsi masikati nezhenje romoto unopfuta usiku; pamusoro pokubwinya kwose pachava nechidzitiro.

6 Chichava chifukidzo nomumvuri kubva pakupisa kwezuva, noutiziro, nenzvimbo yokuvanda kubva padutu nemvura inonaya.

Categories
Isaya

Isaya 5

Rwiyo rwoMunda weMizambiringa

1 Ndichaimbira mudiwa wangu

rwiyo pamusoro pomunda wake wemizambiringa:

Mudiwa wangu akanga ane munda wake wemizambiringa,

pachikomo chakaorera.

2 Akautimbira akabvisa mabwe

akasimamo mazambiringa akaisvonaka.

Akavaka shongwe mukati mawo

uye akauchererawo chisviniro chewaini.

Ipapo akatarisa kuti awane zvibereko zvamazambiringa akanaka,

asi iwo wakangobereka muchero wakaipa chete.

3 “Zvino imi vagari vomuJerusarema nemi varume veJudha,

chitongai pakati pangu nomunda wemizambiringa wangu.

4 Chiiko chimwezve chaifanira kuitirwa munda wangu

wemizambiringa chandisina kuuitira?

Pandakatsvaka mazambiringa akanaka,

wakagoberekerei akaipa oga?

5 Zvino ndichakuudzai

zvandichaitira munda wangu wemizambiringa:

Ndichabvisa ruzhowa rwawo,

ugoparadzwa;

ndichaputsa rusvingo rwawo,

ugochatsikwa-tsikwa.

6 Ndichauita nzvimbo yamarara,

hauzochekererwi kana kusakurirwa,

uye minzwa norukato zvichakuramo.

Ndicharayira makore kuti

arege kunayisa mvura pamusoro pawo.”

7 Munda womuzambiringa waJehovha Wamasimba Ose

ndiwo imba yaIsraeri,

uye varume veJudha

ndivo bindu rake rinomufadza.

Zvino akatarisira kururamisira asi akaona kuteuka kweropa;

akatsvaka kururuma, asi akanzwa kuchema kwokutambudzika.

Nhamo noKutongwa

8 Mune nhamo imi munowedzera dzimba nedzimba

uye munobatanidza munda nomunda,

kusvikira pasisina nzvimbo yasara,

mugogara moga munyika.

9 Jehovha Wamasimba Ose akataura ndichinzwa akati,

“Zvirokwazvo dzimba zhinji dzichava matongo,

dzimba huru dzakanaka dzichashaya vanogaramo.

10 Maeka gumi omunda wemizambiringa achabereka bhati rimwe cheterewaini,

uye homerirembeu richabereka efaimwe chete rezviyo.”

11 Vane nhamo avo vanomuka mangwanani

kuti vatsvake doro rinodhaka,

vanogara kusvikira usiku,

kusvikira vapengeswa newaini.

12 Vanenge vane rudimbwa,

nemitengeranwa pamabiko avo,

namatambureni, nenyere newaini,

asi havana hanya namabasa aJehovha, havana rukudzo nebasa ramaoko ake.

13 Naizvozvo vanhu vangu vachapinda muutapwa,

nokuda kwokushayiwa zivo;

vanokudzwa vavo vachafa nenzara,

uye vazhinji vavo vachafa nenyota.

14 Naizvozvo gehena rakawedzera kukara kwaro,

uye rakazarura muromo waro zvinodarika mwero;

mariri muchaburukira vanokudzwa vavo nevoruzhinji,

navose vanokakavara vavo navanofara vavo.

15 Naizvozvo munhuwo zvake achadzikiswa,

marudzi avanhu achaninipiswa,

nameso avanozvikudza achaninipiswa.

16 Asi Jehovha Wamasimba Ose achakudzwa, nokuda kwokururamisira kwake, uye Mwari,

mutsvene achazviratidza pachake kuti mutsvene, mukururama kwake.

17 Ipapo makwai achafura saari mumafuro awo;

makwayana achadya pakati pamatongo avapfumi.

18 Vane nhamo avo vanokweva chivi nerwodzi rwokunyengera,

uye zvakaipa sezvinenge mabote engoro,

19 uye nevanoti, “Mwari ngaakurumidze,

ngaachimbidzike nebasa

rake kuti tirione.

Ngarisvike,

urongwa hwoMutsvene waIsraeri ngahuuye,

kuti tihuzive.”

20 Vane nhamo avo vanoti zvakaipa

ndizvo zvakanaka,

uye zvakanaka ndizvo zvakaipa,

vanoisa rima panzvimbo yechiedza nechiedza panzvimbo yerima,

vanoisa zvinovava panzvimbo yezvinotapira,

nezvinotapira panzvimbo yezvinovava.

21 Vane nhamo avo vanoti vakachenjera pameso avo,

uye vakangwara pakuona kwavo.

22 Vane nhamo avo vanova mhare pakunwa waini,

uye shasha pakuvhenganisa zvokunwa zvinodhaka,

23 vanopembedza ane mhosva nokuda kwefufuro,

asi vanoramba kururamisira vasina mhosva.

24 Naizvozvo, samarimi omoto anonanzva mashanga,

uye souswa hwakaoma hunomedzwa nemirazvo yemoto,

naizvozvo midzi yavo ichaora

uye maruva avo achapeperetswa seguruva;

nokuti vakaramba murayiro waJehovha Wamasimba Ose,

uye vakazvidza shoko roMutsvene waIsraeri.

25 Naizvozvo kutsamwa kwaJehovha kwopfuta pamusoro pavanhu vake;

ruoko rwake rwasimudzwa uye anovarovera pasi.

Makomo anozungunuka,

uye mitumbi yavakafa yaita samarara mumigwagwa.

Kunyange zvakadaro nokuda kwezvose izvi,

kutsamwa kwake hakuna kudzorwa, ruoko rwake rwaramba rwakasimudzwa.

26 Anosimudzira ndudzi dziri kure mureza,

anoridzira muridzo kuna avo vari kumigumo yenyika.

Havo vouya, nokukurumidza

uye nokuchimbidzika!

27 Hapana kana mumwe wavo anoneta kana kugumburwa,

hapana kana mumwe wavo achakotsira kana kuvata;

hapana kana bhanhire richasunungurwa pachiuno,

hapana kana rukanda rweshangu ruchadambuka.

28 Miseve yavo inopinza,

uta hwavo hwose hwakakungwa;

mahwanda amabhiza avo anenge omusarasara,

mavhiri engoro dzavo akaita sechamupupuri.

29 Kuomba kwavo kwakaita sokweshumba,

vanoomba kufanana neshumba diki;

vanodzvova pavanobata mhuka yavo

vagoitakura pasina kana angairwira.

30 Pazuva iro vachaomba pamusoro payo,

sokutinhira kwegungwa.

Uye kana mumwe akatarisa panyika,

achaona rima nokutambudzika;

kunyange chiedza chichasvibiswa namakore.

Categories
Isaya

Isaya 6

Kutumwa kwaIsaya

1 Mugore rakafa Mambo Uziya, ndakaona Ishe agere pachigaro choushe, chirefu chakakwirira uye mupendero wenguo dzake wakazadza temberi.

2 Kumusoro kwake kwaiva neserafimi, imwe neimwe yaiva namapapiro matanhatu: namapapiro maviri, dzakafukidza uso hwadzo, namaviri dzakafukidza makumbo adzo, uye namaviri dzakanga dzichibhururuka.

3 Zvino imwe yaidanidzira kune imwe ichiti:

“Mutsvene, mutsvene, mutsvene, iye Jehovha Wamasimba Ose;

nyika yose izere nokubwinya kwake.”

4 Nokutinhira kwamanzwi adzo, nheyo dzezvikumbaridzo dzakazungunuka uye temberi yakazadzwa noutsi.

5 Ipapo ndakachema ndichiti, “Ndine nhamo! Ndaparara! Nokuti ndiri munhu ane miromo ine tsvina uye ndigere pakati pavanhu vane miromo ine tsvina uye meso angu aona Mambo, Jehovha Wamasimba Ose.”

6 Ipapo imwe yesarafimi yakabhururukira kwandiri ine zimbe romoto muruoko rwayo, rayakanga yatora nembato kubva paaritari.

7 Yakagunzva muromo wangu naro ikati, “Tarira, zimbe iri ragunzva miromo yako; mhosva yako yabviswa uye chivi chako chadzikinurwa.”

8 Ipapo ndakanzwa inzwi raJehovha richiti, “Ndiani wandichatuma? Uye ndiani achatiendera?”

Ini ndakati, “Ndiri pano! Nditumei!”

9 Iye akati, “Enda undoudza vanhu ava uti,

“ ‘Munogara muchinzwa, asi hamumbonzwisisi;

munogara muchiona, asi hamuonesesi.’

10 Ita kuti mwoyo yavanhu ava isindimare;

ita kuti nzeve dzavo dzisanzwisise

uye vatsinzine meso avo.

Nokuti vangaona nameso avo,

nokunzwa nenzeve dzavo,

vakanzwisisa nemwoyo yavo,

vakadzoka vakaporeswa.”

11 Ipapo ndakati, “Haiwa, Ishe, kusvikira riniko?”

Iye akapindura achiti,

“Kusvikira maguta ava matongo

uye pasisina anogaramo,

kusvikira dzimba dzasiyiwa dzisina vanhu,

neminda yaparadzwa zvachose,

12 kusvikira Jehovha adzingira vanhu kure,

uye nyika yasiyiwa zvachose.

13 Uye kunyange kukasara chegumi munyika,

naichowo chichaparadzwa.

Asi somuterabhiniti nomuouki

zvichasara zvava zvigutsa pazvinotemwa,

saizvozvo rudzi rutsvene ruchavawo sechigutsa munyika.”

Categories
Isaya

Isaya 7

Chiratidzo chaImanueri

1 Zvino Ahazi mwanakomana waJotamu, mwanakomana waUzia, paakanga ari mambo weJudha, Mambo Rezini weAramu naPeka mwanakomana waRamaria mambo weIsraeri vakauya kuzorwa neJerusarema, asi havana kugona kurikunda.

2 Zvino imba yaDhavhidhi yakaudzwa kuti, “Aramu yabatana neEfuremu;” saka mwoyo waAhazi nemwoyo yavanhu vake yakazungunuswa, sokuzungunuswa kunoitwa miti yesango nemhepo.

3 Ipapo Jehovha akati kuna Isaya, “Buda, iwe nomwanakomana wako Sheari-Jashubhi, unosangana naAhazi kumucheto womugero weDziva Rokumusoro, mumugwagwa unoenda kuMunda woMusuki.

4 Uti kwaari, ‘Chenjera, dzikama hako, uye usatya. Usaora mwoyo nokuda kwamatsiga maviri ehuni, nokuda kwokutsamwa kunotyisa kwaRezini naAramu uye nekwomwanakomana waRemaria.

5 Aramu naEfuremu nomwanakomana waRemaria vakarangana kukuparadza vachiti,

6 “Handei tindorwa neJudha; ngatiribvarurei tigorigovana pakati pedu, tigogadza Tabheeri kuti ave mambo pamusoro paro.”

7 Asi zvanzi naIshe Jehovha:

“ ‘Izvi hazvingamiri, hazvingaitiki,

nokuti musoro weAramu iDhamasiko,

8 uye musoro weDhamasiko

iRezini bedzi.

Makore makumi matanhatu namashanu asati apera,

vaEfuremu vachaputswa-putswa zvokusazova rudzizve.

9 Musoro weEfuremu iSamaria,

uye musoro weSamaria mwanakomana waRamaria bedzi.

Kana usingamiri zvakasimba mukutenda kwako,

hauchazomiri zvachose.’ ”

10 Jehovha akataurazve kuna Ahazi akati,

11 “Kumbira chiratidzo kuna Jehovha Mwari wako, kunyange pakadzikadzika kana pamusoro-soro.”

12 Asi Ahazi akati, “Handizokumbiri; handingaedzi Jehovha.”

13 Ipapo Isaya akati, “Inzwai zvino, imi imba yaDhavhidhi! Hazvina kuringana here kuedza mwoyo murefu wavanhu? Ko, imi muchaedzawo mwoyo murefu waMwari wangu here?

14 Naizvozvo Jehovha pachake achakupai chiratidzo: Mhandara ichava nemimba uye ichabereka mwanakomana igomutumidza kuti Imanueri.

15 Iye achadya ruomba nouchi paachaziva zvakakwana kuti arambe zvakaipa achisarudza zvakarurama.

16 Asi mwana asati anyatsoziva kuramba zvakaipa nokusarudza zvakanaka, nyika yamadzimambo maviri aunotya ichava dongo.

17 Jehovha achauyisa pamusoro pako napamusoro pavanhu vako napamusoro peimba yababa vako nguva isina kumbovapo kubva nguva iya yaakazvipatsanura kubva kuna Judha, achauyisa mambo weAsiria.”

18 Pazuva iroro Jehovha acharidzira muridzo kunhunzi dzichibva kuhova dziri kure dzeIjipiti nokunyuchi dzichibva kunyika yeAsiria.

19 Dzichauya dzose dzigogara mumawere emipata nomumikaha yamatombo, nomumakwenzi ose eminzwa uye napamadziva ose.

20 Pazuva iro Jehovha achashandisa chisvo chakakumbirwa kubva mhiri kwoRwizi, kuna mambo weAsiria, kuti aveure misoro yenyu nemvere dzomumakumbo enyu, uye kuti abvisewo ndebvu dzenyu.

21 Pazuva iro, murume achapfuwa mhou duku imwe chete nembudzi mbiri.

22 Uye nokuda kwokuwanda kwomukaka wadzinopa, achadya ruomba. Vose vachasara munyika vachadya ruomba nouchi.

23 Pazuva iro munzvimbo imwe neimwe maimbova nemizambiringa inokwana chiuru yaitengwa namashekeri anokwana chiuruesirivha, pachazova norukato neminzwa chete.

24 Varume vachaendako neuta nemiseve, nokuti nyika ichange yafukidzwa norukato neminzwa.

25 Kana zviri zvikomo zvose zvaichimbosakurirwa nebadza, hakuna achada kuendako nokuda kwokutya rukato neminzwa; dzichava nzvimbo dzokusundira mombe nokunomhanyirwa namakwai.

Categories
Isaya

Isaya 8

Asiria, Shamhu yaJehovha

1 Jehovha akati kwandiri, “Tora bhuku guru unyore pamusoro paro nechinyoreso: pamusoro paMaheri-Sharari-Hashi-Bhazi.

2 Ndichadana Uriya muprista naZekaria mwanakomana waJebherekia sezvapupu zvakatendeka kwandiri.”

3 Ipapo ndakaenda kumuprofitakadzi, akatora pamuviri akabereka mwanakomana. Zvino Jehovha akati kwandiri, “Mutumidze kuti Maheri-Sharari-Hashi-Bhazi;

4 nokuti mwana asati aziva kuti, ‘Baba vangu’ kana kuti, ‘Mai vangu,’ pfuma yeDhamasiko nezvakapambwa zveSamaria zvichatakurwa namambo weAsiria.”

5 Jehovha akataurazve kwandiri akati,

6 “Nokuti vanhu ava vakaramba

mvura inoyerera zvinyoronyoro yeShiroa,

uye vanofarira Rezini

nomwanakomana waRemaria,

7 naizvozvo Jehovha ava kuda kuuyisa pamusoro pavo

mafashamu makuru oRwizi,

mambo weAsiria nokukudzwa kwake kwose.

Ruchapfachukira hova dzarwo dzose,

uye rugopfachukira kumahombekombe arwo ose,

8 ruchakukura kusvikira kuJudha,

ruchipafuma nomukati mayo, rugopfuura nomairi ruchisvika muhuro.

Kutandavara kwamapapiro arwo kuchafukidza upamhi hwenyika yako,

iwe Imanueri!”

9 Ridzai mhere yehondo, imi ndudzi, mugoputswa-putswa!

Teererai, imi nyika dzose dziri kure.

Gadzirirai kurwa,

mugoputswa-putswa!

10 Gadzirirai urongwa hwenyu, asi huchakona;

Taurai zvourongwa hwenyu, asi hauzomiri,

nokuti Mwari anesu.

Ityai Mwari

11 Jehovha akataura kwandiri ruoko rwake rune simba rwuri pamusoro pangu, achindiyambira kuti ndirege kutevera nzira yavanhu ava, akati:

12 “Musati irangano zvinhu zvose

zvinonzi navanhu ava irangano;

musatya zvavanotya,

musazvivhunduka.

13 Jehovha Wamasimba Ose ndiye wamunofanira kuita mutsvene,

ndiye wamunofanira kuvhunduka,

14 ndiye achava nzvimbo tsvene;

asi padzimba dzose dzaIsraeri

achava dombo rinoita kuti vanhu vagumburwe;

nedombo rinoita kuti vapunzike.

Uye kuvanhu veJerusarema

iye achava musungo norugombe.

15 Vazhinji vavo vachagumburwa;

vachawa vagovhunika,

vachateyiwa vagobatwa.”

16 Sungai chipupuriro

mugosimbisa murayiro pakati pavadzidzi vangu.

17 Ndichamirira Jehovha,

iye ari kuvanzira imba yaJakobho chiso chake.

Ndichaisa ruvimbo rwangu maari.

18 Ndiri pano, navana vandakapiwa naJehovha. Tiri zviratidzo nemifananidzo muIsraeri inobva kuna Jehovha Wamasimba Ose paGomo reZioni.

19 Kana vanhu vachiti kwamuri bvunzai masvikiro navavuki, vanozevezera nokunguruma, ko, vanhu havangabvunzi kuna Mwari wavo here? Munobvunzirei vakafa pamusoro pavapenyu?

20 Endai kumurayiro nokuzvipupuriro! Kana vasingatauri maererano neshoko iri havana chiedza chamambakwedza.

21 Vatambudzika, vava vane nzara vachafamba-famba nenyika; pavachatambudzika vachava neshungu, uye vachatarira kudenga, vagotuka mambo wavo naMwari wavo.

22 Ipapo vachatarira pasi vagoona nhamo chete nerima nokusafara kunotyisa, uye vachakandirwa kurima guru.

Categories
Isaya

Isaya 9

Isu tazvarirwa Mwana

1 Kunyange zvakadaro, hakuchazovazve nerima kuna avo vakanga vari munhamo. Pamazuva akare akaninipisa nyika yeZebhuruni nenyika yeNafutari, asi panguva inouya achakudza Garirea reveDzimwe Ndudzi, nenzira yokugungwa mhiri kwaJorodhani.

2 Vanhu vaifamba murima

vakaona chiedza chikuru;

avo vaigara munyika yomumvuri worufu,

chiedza chakavavhenekera.

3 Makakurisa rudzi mukawedzera mufaro wavo;

vanofara pamberi penyu

savanhu vanofara

panguva yokukohwa,

sokufara kwavarume,

kana vachigoverana zvakapambwa.

4 Nokuti sapamazuva okukundwa kwavaMidhia,

vamakaparadzira

joko raivaremera,

nedanda raichinjika mafudzi avo,

iyo tsvimbo yavamanikidzi vavo.

5 Shangu imwe neimwe yomurwi yakashandiswa muhondo,

nenguo imwe neimwe yakaumburudzwa muropa,

zvichapiswa,

zvichava huni dzomoto.

6 Nokuti takazvarirwa mwana,

takapiwa mwanakomana,

uye umambo huchava pamapfudzi ake.

Uye achanzi Gota Rinoshamisa,

Mwari Ane Simba,

Baba Vokusingaperi, Muchinda woRugare.

7 Kukura kwoumambo hwake nekworugare rwake

hazvizovi namagumo.

Achatonga pachigaro choushe chaDhavhidhi

napamusoro poumambo hwake,

achihusimbisa nokuhutsigira,

nokururamisira uye nokururama,

kubva panguva iyoyo kusvikira nokusingaperi.

Kushingaira kwaJehovha Wamasimba Ose

kuchazviita.

Kutsamwa kwaJehovha pamusoro peIsraeri

8 Jehovha akatuma shoko pamusoro paJakobho;

richawira pamusoro paIsraeri.

9 Vanhu vose vachariziva,

Efuremu navagari vomuSamaria,

ivo vanoti nokuzvikudza kwavo

uye namanyawi emwoyo,

10 “Zvidhinha zvakoromokera pasi,

asi tichavakazve namatombo;

mionde yatemerwa pasi,

asi tichaitsiva nemisidhari.”

11 Asi Jehovha akamutsira Rezini vadzivisi

akakurudzira vavengi vavo.

12 VaAramu vachibva nokumabvazuva navaFiristia vachibva

nokumavirira vakapedza vaIsraeri nomuromo wakashama.

Kunyange zvakadaro, kutsamwa kwake hakuna kudzorwa,

asi ruoko rwake ruchatongotambanudzwa.

13 Asi vanhu havana kutendeukira kuna iye akavarova,

kana kutsvaka Jehovha Wamasimba Ose.

14 Naizvozvo Jehovha achadimura vaIsraeri vose musoro nomuswe,

zvose davi romuchindwe norutsanga pazuva rimwe;

15 vakuru navarume vanokudzwa ndivo musoro,

vaprofita vanodzidzisa nhema ndivo muswe.

16 Vanotungamirira vanhu ava vanovatsausa,

navose vanotungamirirwa vanotsauswa.

17 Naizvozvo Jehovha haachazofariri majaya,

kana kuva netsitsi nenherera nechirikadzi,

nokuti mumwe nomumwe wavo haana umwari uye akaipa,

muromo mumwe nomumwe unotaura zvoupenzi.

Kunyange zvakadaro, kutsamwa kwake hakuna kudzorwa,

ruoko rwake ruchakangosimudzwa.

18 Zvirokwazvo zvakaipa zvinopfuta somoto;

unopisa rukato neminzwa,

unopisa matenhere edondo zvokuti unokwira

kudenga mushongwe youtsi.

19 Kubudikidza nokutsamwa kwaJehovha Wamasimba Ose

nyika ichapiswa kwazvo

uye vanhu vachava huni dzomoto;

hapana achaponesa hama yake.

20 Kurudyi vachadya

asi vacharamba vane nzara;

kuruboshwe,

vachadya asi havangaguti.

Mumwe nomumwe achadya nyama yomwana wake.

21 Manase achadya Efuremu uye Efuremu achadya Manase;

pamwe chete vachamukira Judha.

Kunyange zvakadaro, kutsamwa kwake hakuna kudzorwa,

ruoko rwake ruchakangosimudzwa.

Categories
Isaya

Isaya 10

1 Vane nhamo vanodzika mitemo isina kururama,

neavo vanopa mitemo inodzvinyirira,

2 kuti vadzivise varombo kodzero dzavo

uye vadzivise kururamisirwa kwavakadzvinyirirwa vavanhu vangu,

vachipamba chirikadzi

uye vachibira nherera.

3 Muchaita sei pazuva rokutongwa,

njodzi painouya ichibva kure?

Muchatizira kuna aniko kuti mubatsirwe?

Upfumi hwenyu muchahusiyepiko?

4 Hapana chichasara asi kungokotama pakati penhapwa,

kana kuwira pakati pavakaurayiwa.

Kunyange zvakadaro, kutsamwa kwake hakuna kudzorwa,

ruoko rwake ruchakangosimudzwa.

Kutonga kwaMwari pamusoro peAsiria

5 “Une nhamo iwe Asiria, shamhu yokutsamwa kwangu,

iye akabata tsvimbo yehasha dzangu mumaoko ake!

6 Ndiri kumutuma kurudzi rusina Mwari,

ndinomutuma kuvanhu vanonditsamwisa,

kundokomba nokutora nokubvuta zvakapambwa,

nokuvatsikirira pasi sedope riri mumigwagwa.

7 Asi izvi handizvo zvaanoda,

izvi handizvo zvaanga achifunga;

vavariro yake ndeyokuparadza,

kupedza chose marudzi mazhinji.

8 Anoti, ‘Ko, machinda angu haazi madzimambo ose here?

9 Karino harina kuita sezvakaita Karikemishi here?

Ko, Hamati harina kufanana neAripadhi,

uye Samaria harina kufanana neDhamasiko here?

10 Ruoko rwangu sezvarwakatora umambo hwezvifananidzo,

umambo hune zvifananidzo zvakakunda zveJerusarema neSamaria,

11 ko, handichaitiri Jerusarema nezvifananidzo zvaro

sezvandakaitira Samaria nezvifananidzo zvayo here?’ ”

12 Kana Ishe achinge apedza basa rake rose pamusoro peGomo reZioni neJerusarema, achazoti, “Ndicharanga mambo weAsiria nokuda kwokuzvikudza kwomwoyo wake namanyawi emeso ake.

13 Nokuti iye anoti,

“ ‘Nesimba ramaoko angu ndakaita izvi,

uye nouchenjeri hwangu, nokuti ndinonzwisisa.

Ndakabvisa miganhu yendudzi,

ndikapamba pfuma yavo;

semhare ndakakunda madzimambo avo.

14 Sezvinoita munhu anosvasvavira mudendere,

saizvozvo ruoko rwangu rwakananavira pfuma yamarudzi;

savarume vanounganidza mazai akasiyiwa,

saizvozvo ndakaunganidza nyika dzose;

hakuna yakapfakanyisa bapiro,

kana kushamisa muromo wayo kuti irire.’ ”

15 Ko, demo ringazvirumbidza kupfuura iye anoritemesa here?

Kana jeko ringazvirumbidza pamusoro pounorishandisa here?

Zvinozoita sokunge tsvimbo inosimudza uyo anoitakura,

kana mudonzvo kusimudza uyo asati ari huni!

16 Naizvozvo, Ishe Jehovha Wamasimba Ose,

achatumira denda rinoonza pamusoro pavarwi vakafuta;

pasi pokubwinya kwake moto uchatungidzwa

kufanana nemirazvo inopfuta.

17 Chiedza chaIsraeri chichava moto,

noMutsvene wavo murazvo womoto;

muzuva rimwe chete uchapfuta

ugopedza minzwa yake norukato rwake.

18 Kubwinya kwamasango ake neminda yake

yakaorera kuchaparadzwa chose,

kufanana nomurwere anoramba achipera.

19 Uye miti yakasara yamasango ake ichava mishoma kwazvo,

zvokuti mwana angagona kuinyora pasi.

Vakasara veIsraeri

20 Pazuva iro vakasara veIsraeri,

vakapunyuka veimba yaJakobho,

havachazovimbi naye iye akavarova,

asi zvirokwazvo vachavimba naJehovha, Mutsvene waIsraeri.

21 Vakasara vachadzokera, vakasara vaJakobho,

vachadzokera kuna Mwari Ane Simba.

22 Kunyange vanhu vako, iwe Israeri, vakaita sejecha regungwa,

vachasara chete ndivo vachadzokera.

Kuparadzwa kwakatotemwa,

kuzere nokururama.

23 Ishe, Jehovha Wamasimba Ose

achapedzisa kuparadzwa kwakatemerwa nyika yose.

24 Naizvozvo zvanzi naIshe, Jehovha Wamasimba Ose:

“Haiwa, vanhu vangu vanogara muZioni,

musatya vaAsiria,

vanokurovai nomudonzvo nokukusimudzirai tsvimbo,

sezvakaitwa neIjipiti.

25 Nokuti nenguva duku duku kutsamwa kwangu pamusoro penyu kuchapera,

uye hasha dzangu dzichanangana nokuparadzwa kwavo.”

26 Jehovha Wamasimba Ose achavarova netyava,

samarovero aakaita vaMidhia padombo reOrebhi,

uye achasimudza tsvimbo yake pamusoro pemvura zhinji,

sezvaakaita muIjipiti.

27 Pazuva iro mitoro yavo ichabviswa pamapfudzi enyu,

nejoko ravo pamitsipa yenyu;

joko richavhuniwa,

nokuti manyanya kufuta.

28 Vanopinda muAyati;

vopfuura nomuMigironi;

vochengeta nhumbi paMikimashi.

29 Vanopfuura napamupata, vagoti,

“Tichadzika matende paGebha usiku.”

Rama rinobvunda;

Gibhea raSauro rinotiza.

30 Ridza mhere, iwe mukunda weGarimi!

Teerera, iwe Raisha!

Newe Anatoti unonzwisa urombo!

31 Madhimena riri kutiza;

vanhu veGebhimi vanovanda.

32 Zuva ranhasi vachamira paNobhi;

vachakunga chibhakera chavo

pagomo remwanasikana weZioni,

pachikomo cheJerusarema.

33 Tarirai, Ishe, Jehovha Wamasimba Ose,

achatema matavi nesimba guru.

Miti mirefu refu ichawiswa,

uye yakareba ichadzikiswa.

34 Achatema matenhere esango nedemo;

Rebhanoni ichawa pamberi paIye Ane Simba.