Categories
Isaya

Isaya 11

Davi raJese

1 Bukira richabva kudzinde raJese;

Davi rinobva pamidzi yake richabereka muchero.

2 Mweya waJehovha uchagara pamusoro pake,

mweya wouchenjeri newokunzwisisa, mweya wokurayira nowesimba,

mweya wokuziva newokutya Jehovha,

3 uye achafarira kutya Jehovha.

Haazotongi nezvaanoona nameso ake,

kana kutonga nezvaanonzwa nenzeve dzake,

4 asi nokururama achatongera varombo,

nokururamisira achatongera vanyoro vapanyika.

Acharova nyika neshamhu yomuromo wake;

nokufema kwemiromo yake achauraya vakaipa.

5 Kururuma ndiro richava bhanhire rake

uye kutendeka bhanhire romuchiuno chake.

6 Bere richagara negwayana,

ingwe ichavata pasi nembudzi,

mhuru neshumba nezvakakodzwa zvichafura pamwe chete;

uye mwana mudiki achazvitungamirira.

7 Mhou ichafura nebere,

vana vazvo vachavata pasi pamwe chete,

uye shumba ichadya uswa senzombe.

8 Mwana mucheche achatambira pedyo nomwena wemhakure,

uye mwana mudiki achaisa ruoko rwake mumwena wenyoka.

9 Hazvingazokuvadzi kana kuparadza

pagomo rangu rose dzvene,

nokuti nyika ichazara nokuziva Jehovha

semvura zhinji inofukidza gungwa.

10 Pazuva iro Mudzi waJese uchamira somureza wamarudzi; ndudzi dzichamhanyira kwaari, uye nzvimbo yake yokuzorora ichabwinya.

11 Pazuva iro Jehovha achatambanudza ruoko rwake kechipiri kuti adzorezve vakasara ivo vanhu vake vakasiyiwa kubva kuAsiria, kubva zasi kweIjipiti, nokubva kumusoro kweIjipiti nokubva kuEtiopia, nokubva kuEramu, nokubva kuBhabhironi, nokuHamati uye nokubva kuzviwi zvegungwa.

12 Achasimudzira marudzi mureza

uye achaunganidza vakadzingwa vaIsraeri;

achaunganidza vakaparadzirwa vavanhu veJudha,

kubva kumativi mana enyika.

13 Godo raEfuremu richapera

uye vavengi vavaJudha vachagurwa;

Efuremu haachazovi negodo naJudha,

naJudha haangaitire Efuremu hasha.

14 Asi vachawira pamusoro pamateru eFiristia kumavirazuva;

pamwe chete vachapamba vanhu vokumabvazuva.

Vachatora Edomu neMoabhu,

uye vaAmoni vachava varanda vavo.

15 Jehovha achaomesa chose

chikamu chegungwa reIjipiti;

nemhepo inopisa achatsvaira noruoko rwake

pamusoro peRwizi rweYufuratesi.

Acharukamura-kamura agoruita hova nomwe,

kuitira kuti vanhu vagone kuyambuka vachienda mhiri vakapfeka shangu.

16 Pachava nomugwagwa mukuru wavanhu vake vakasara,

vakasiyiwa kubva kuAsiria,

sezvazvakanga zviri kuvaIsraeri

pavakabva kuIjipiti.

Categories
Isaya

Isaya 12

Nziyo dzoKurumbidza

1 Pazuva iro muchati,

“Ndichakurumbidzai, imi Jehovha,

kunyange makanga makanditsamwira,

kutsamwa kwenyu kwakadzorwa

uye makandinyaradza.

2 Zvirokwazvo Mwari ndiye ruponeso rwangu;

ndichavimba naye uye handingatyi.

Jehovha, Jehovha ndiye simba rangu nerwiyo rwangu;

ava ruponeso rwangu.”

3 Nomufaro muchachera mvura

kubva mumatsime oruponeso.

4 Pazuva iro muchati,

“Vongai Jehovha, danai kuzita rake;

zivisai zvaakaita pakati pendudzi,

uye muparidze kuti zita rake risimudzirwe.

5 Imbirai Jehovha, nokuti akaita zvinhu zvinoshamisa;

izvi ngazvizivikanwe pasi pose.

6 Pururudzai uye muimbe nomufaro, imi vanhu veZioni,

nokuti Mutsvene waIsraeri mukuru pakati penyu.”

Categories
Isaya

Isaya 13

Chiprofita pamusoro peBhabhironi

1 Shoko rakaonekwa naIsaya mwanakomana waAmozi pamusoro peBhabhironi:

2 Simudzai mireza pamusoro pechikomo chisina miti,

danidzirai kwavari;

muninire kwavari

kuti vapinde pamasuo amakurukota.

3 Ndakarayira vatsvene vangu;

ndakadana varwi vangu kuti vazadzise kutsamwa kwangu,

avo vanofadzwa nokukunda kwangu.

4 Inzwai, kutinhira pamusoro pamakomo,

kwakafanana nokwavanhu vazhinji zhinji!

Inzwai, mheremhere pakati poumambo,

sendudzi dziri kuungana pamwe chete!

Jehovha Wamasimba Ose ari kugadzirira

mauto kundorwa.

5 Vanobva kunyika dziri kure,

kubva kumagumo amatenga,

Jehovha nezvombo zvokutsamwa kwake,

kuti aparadze nyika yose.

6 Ungudzai, nokuti zuva raJehovha rava pedyo;

richauya nokuparadza kunobva kuna Wamasimba Ose.

7 Naizvozvo maoko ose achashaya simba,

mwoyo mumwe nomumwe wavanhu uchanyungudika.

8 Kutya kuchavabata,

kurwadziwa nokugomera zvichavabata,

vachamonyoroka somukadzi ari kusununguka.

Vachatarisana vachishamisika mumwe nomumwe wavo,

zviso zvavo zvichipfuta.

9 Tarirai, zuva raJehovha riri kuuya,

zuva rakaipisisa, rine hasha nokutsamwa kunotyisa,

kuti nyika ive dongo

uye nokuzoparadza vatadzi vari mukati mayo.

10 Nyeredzi dzokudenga namapoka adzo

hadzizoratidzi chiedza chadzo.

Zuva rinobuda richasvibiswa

uye mwedzi hauzopi chiedza chawo.

11 Ndicharanga nyika nokuda kwokuipa kwayo,

navakaipa nokuda kwezvivi zvavo.

Ndichagumisa vanozvikudza pakudada kwavo,

uye ndichaderedza kuzvikudza kwavasina tsitsi.

12 Ndichaita kuti munhu ashayikwe kudarika goridhe,

ashayikwe kudarika kushayikwa kwegoridhe reOfiri.

13 Naizvozvo ndichabvundisa matenga;

uye nyika ichazungunuka kubva panzvimbo yayo,

nehasha dzaJehovha Wamasimba Ose,

pazuva rokutsamwa kwake kunopisa.

14 Semhara inovhimwa,

samakwai asina mufudzi,

mumwe nomumwe achadzokera kuvanhu vokwake,

mumwe nomumwe achatizira kunyika yake.

15 Mumwe nomumwe achabatwa achabayiwa,

vose vanobatwa vachaurayiwa nomunondo.

16 Vacheche vavo vacharoverwa pasi vagobvamburwa-bvamburwa vachizviona;

dzimba dzavo dzichapambwa uye vakadzi vavo vachachinyiwa.

17 Tarirai, ndichavamutsira vaMedhia

vasina hanya nesirivha,

uye vasingafariri goridhe.

18 Uta hwavo huchabaya majaya;

havazovi nengoni navacheche

kana kutarira vana netsitsi.

19 Zvino Bhabhironi rembiri paumambo,

kubwinya kwokuzvikudza kwavaBhabhironi,

richaparadzwa naMwari

kufanana neSodhomu neGomora.

20 Haringatongogarwizve navanhu

uye hakuna vachazogaramo kusvikira kuzvizvarwa zvose;

hapana muArabhu achadzika tende rake ikoko,

hakuna mufudzi achazorodza makwai ake ikoko.

21 Asi zvisikwa zvomugwenga ndizvo zvichagara ikoko,

makava achazadza dzimba dzavo;

mazizi achagara ikoko,

uye imomo ngururu dzichakwakuka-kwakuka.

22 Mapere achachema ari munhare dzavo,

makava mudzimba dzavo dzinoyevedza dzamadzimambo.

Nguva yake yaswedera,

uye mazuva aro haazowedzerwi.

Categories
Isaya

Isaya 14

1 Jehovha achanzwira Jakobho tsitsi;

achasarudza Israeri zvakare

uye achavagarisa munyika yavo.

Vatorwa vachabatana navo

vachanamatirana neimba yaJakobho.

2 Ndudzi dzichavatora

dzigovadzosera kunzvimbo yavo chaiyo.

Uye imba yaIsraeri ichatora ndudzi

kuti vave varandarume navarandakadzi munyika yaJehovha.

Vachaita nhapwa vaya vaimbova vatapi vavo,

uye vachabata ushe pamusoro pavaya vaimbova vamanikidzi vavo.

3 Pazuva ramuchapiwa rusununguko naJehovha kubva pakutambudzika, nokusagadzikana, nokubatwa noutsinye,

4 uchasveeredza mambo weBhabhironi uchiti:

Haiwa, mumanikidzi apera sei!

Haiwa, hasha dzake dzapera sei!

5 Jehovha akavhuna tsvimbo yavakaipa

netsvimbo yamadzimambo,

6 yaakarova nayo marudzi

mukutsamwa nokurova kusingaperi,

uye akakunda ndudzi

nehasha nokurwisa kusingaperi.

7 Nyika dzose dzazorora uye dzava norugare;

votanga kufara nokuimba.

8 Kunyange nemiti yemisipuresi nemisidhari yokuRebhanoni

inofara pamusoro pako ichiti,

“Zvino zvawaparadzwa,

hakuna varume vanotsvaka huni vachauya kuzotitema.”

9 Pasi, iro sheori razungunuka

kuti rinangane newe pakuuya kwako;

riri kumutsa mweya yavakaenda kuti izokukwazisai,

vose vakaenda vari vatungamiri munyika;

rinoita kuti vasimuke pazvigaro zvavo zvoushe,

vose vakanga vari madzimambo endudzi.

10 Vose vachapindura,

vachati kwauri,

“Newewo hauchisina simba, sesu;

wangofanana nesu.”

11 Kuzvikudza kwako kwose kwaderedzwa kusvika muguva,

pamwe chete nokurira kworudimbwa rwako;

honye dzawarirwa pasi pako

uye makonye anokufukidza.

12 Haiwa, wawa seiko, uchibva kudenga,

iwe nyamasase yamangwanani, mwanakomana wamambakwedza!

Wakakandwa panyika,

iyewe wakambowisira ndudzi pasi!

13 Wakati mumwoyo mako,

“Ndichakwira kudenga;

ndichasimudzira chigaro changu choushe

pamusoro penyeredzi dzaMwari;

ndichagara pachigaro changu choushe pagomo reungano,

pamusoro pegomo dzvene.

14 Ndichakwira pamusoro-soro pamakore;

ndichazviita seWokumusoro-soro.”

15 Asi waderedzwa kusvika kuguva,

kwakadzika dzika kwegomba.

16 Vose vanokuona vanokunanʼanidza,

vachafungisisa zvamagumo ako vachiti,

“Ndiye here murume

uya akazungunutsa nyika, akadederesa ushe,

17 murume akaita kuti nyika ive gwenga,

akaparadza maguta ayo,

akasatendera vasungwa vake kudzokera kumusha?”

18 Madzimambo ose endudzi ave mukukudzwa,

mumwe nomumwe muguva rake.

19 Asi iwe warasirwa kunze kweguva rako,

kufanana nedavi rakaraswa;

wakafukidzwa navakaurayiwa,

naavo vakabayiwa nomunondo,

avo vakadzika kumatombo egomba.

Kufanana nechitunha chinotsikwa-tsikwa netsoka,

20 hauzobatani navo pakuvigwa kwako,

nokuti wakaparadza nyika yako

ukauraya vanhu vako.

Vana vowakaipa

havazotaurwi nezvavozve.

21 Gadzirirai nzvimbo yokuurayira vanakomana vake

nokuda kwezvivi zvamadzitateguru avo;

havazosimuki kuti vagare nhaka yenyika

vagozadza nyika namaguta avo

22 “Ndichavamukira ini,”

ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose.

“Ndichabvisa zita rake navakasara vake kubva kuBhabhironi,

vana vake navana vavana vake,”

ndizvo zvinotaura Jehovha.

23 “Ndichaishandura kuti ive nzvimbo yamazizi

nenyika yamachawi;

ndicharitsvaira nomutsvairo wokuparadza,”

ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose.

Chiprofita pamusoro peAsiria

24 Jehovha Wamasimba Ose akapika achiti:

“Zvirokwazo sezvandakafunga ndizvo zvichaitika,

uye sezvandakarangarira ndizvo zvichaitika.

25 Ndichapwanya muAsiria munyika yangu;

ndichamutsikirira pasi pamusoro pegomo rangu.

Joko rake richabviswa kubva pavanhu vangu,

nomutoro wake wokubva pamabvudzi avo.”

26 Iyi ndiyo pfungwa yakarongerwa nyika yose;

urwu ndirwo ruoko rwakatambanudzirwa pamusoro pamarudzi ose.

27 Nokuti Jehovha Wamasimba Ose akazvironga zvino ndianiko angamukonesa?

Ruoko rwake rwakatambanudzwa ndianiko angarudzora?

Chiprofita pamusoro peFiristia

28 Shoko iri rakauya mugore rakafa Mambo Ahazi richiti:

29 Musafara imi mose vaFiristia,

muchiti shamhu yakakurovai imi, yavhunika;

nokuti kubva pamudzi wenyoka iyo pachabuda mvumbi,

chibereko chayo chichava nyoka ino uturu hunobaya.

30 Murombo wavarombo achawana mafuro,

uye vanoshayiwa vacharara pasi murugare.

Asi ndichaparadza mudzi wako nenzara;

ichauraya vakasara vako.

31 Ungudza iwe suo! Chema, iwe guta!

Nyungudukai, imi vaFiristia mose!

Gore routsi riri kuuya richibva kumusoro,

uye hapana achatiza pasimba raro.

32 Ko, imhinduroi ichapiwa

kunhume dzorudzi urwo?

“Jehovha akasimbisa Zioni,

uye mariri vanhu vake vanotambudzika vachawana pokuvanda.”

Categories
Isaya

Isaya 15

Chiprofita pamusoro peMoabhu

1 Chirevo chaJehovha maererano neMoabhu:

Ari romuMoabhu rava dongo,

rakaparadzwa usiku!

Kiri romuMoabhu rava dongo,

rakaparadzwa usiku!

2 Dhibhoni rakwira kutemberi yaro,

kunzvimbo dzaro dzakakwirira kundochema;

Moabhu ari kuungudza pamusoro peNebho napamusoro peMedhebha.

Misoro yose yaveurwa

ndebvu dzose dzabviswa.

3 Munzira dzomuguta vakapfeka masaga:

pamusoro pamatenga edzimba

uye nomumatare, vanoungudza vose,

vakazvambarara vachichema.

4 Heshibhoni neErieri dzinodanidzira,

manzwi avo anonzwika kusvikira kuJahazi.

Naizvozvo varwi veMoabhu vanodanidzira,

uye mwoyo yavo yaziya.

5 Mwoyo wangu unodanidzira pamusoro peMoabhu;

vatizi varo vanotiza kusvikira kuZoari,

kusvikira kuEgirati-Sherishiya.

Vanokwidza nenzira yokuRuhiti,

vanofamba vachichema,

munzira yokuHoronaimi

vanochema kuparadzwa kwavo.

6 Mvura yokuNimirimi yakapwa

uye uswa hwaoma;

bumhudza rapera

uye hapachina chakasvibirira chakasara.

7 Saka pfuma yavakawana neyavakaunganidza

vanoiyambutsira mhiri kworukova rwemikonachando.

8 Kudanidzira kwavo kwaita maungira kuchitevedza muganhu weMoabhu;

kuungudza kwavo kunosvikira kuEgiraimi,

kuchema kwavo kunosvikira kuBheeri Erimi.

9 Mvura yapaDhimoni yakazara neropa,

asi ndichauyisazve zvakawanda pamusoro peDhimoni,

shumba pamusoro pavatizi veMoabhu

uye napamusoro pavaya vakasara munyika.

Categories
Isaya

Isaya 16

1 Tumirai mutero

wamakwayana kumutongi wenyika,

kubva kuSera, zvichiyambukira kurenje,

kugomo roMwanasikana weZioni.

2 Kufanana neshiri dzadzungaira

dzichisundidzirwa kubva mudendere,

ndizvo zvakaita vakadzi veMoabhu

pamazambuko eAmoni.

3 “Tipeiwo zano,

ruramisirai.

Ita mumvuri wako kuti ufanane nousiku,

pamasikati makuru.

Viga vatizi,

usapandukira vapoteri.

4 Rega vatizi veMoabhu vagare newe,

iva utiziro hwavo kubva kumuparadzi.”

Mutambudzi achasvika kumagumo,

uye kuparadza kuchapera;

mudenhi achatsakatika panyika.

5 Murudo, chigaro choushe chichasimbiswa;

mukutendeka, munhu achagarapo, mumwe anobva kuimba yaDhavhidhi,

uyo anoti achitonga anotsvaka kururamisira,

uye achikurumidza kuita zvakarurama.

6 Takanzwa nezvokuzvikudza kwaMoabhu,

namanyawi ake makuru uye kuzvida kwake,

kuzvikudza kwake nokuvirima kwake,

asi kuzvirumbidza kwake hakuna maturo.

7 Naizvozvo vaMoabhu voungudza,

vanoungudzira Moabhu pamwe chete.

Chemai musuwe

nokuda kwavarume veKiri Hareseti.

8 Minda yeHeshibhoni yaoma

uye mazambiringa eSibhima aomawo.

Vatongi vendudzi vatsika-tsika

mizambiringa yakaisvonaka,

iyo yaimbosvika kuJazeri

uye yaitandira yakananga kurenje.

Mabukira ayo

aitandira kusvika kugungwa.

9 Saka ndinochema, sokuchema kweJazeri,

nokuda kwemizambiringa yeSibhima.

Haiwa Heshibhoni, haiwa Ereare,

ndichakudiridza nemisodzi!

Ruzha rwomufaro pamusoro pemizambiringa

yakaibva napamusoro pezvamakakohwa rwanyaradzwa.

10 Mufaro nokufarisisa zvabviswa paminda yemizambiringa;

hapana anoimba kana kuita ruzha muminda yemizambiringa;

hapana anosvina waini pazvisviniro,

nokuti ndagumisa ruzha rwacho.

11 Mwoyo wangu unorira nokuda kwaMoabhu, kufanana nokurira kwembira,

mukati kati mangu munorira nokuda kweKiri Hareseti.

12 Zvino kana Moabhu achizviratidza panzvimbo dzake dzakakwirira,

anenge achingozvinetsa pachake;

paanoenda kuimba yake kunonyengetera,

zvinenge zvisina chazvinobatsira,

13 Iri ndiro shoko rakataurwa kare naJehovha pamusoro peMoabhu.

14 Asi zvino Jehovha anoti, “Makore matatu asati apfuura, sokuverengwa kwaangaitwa nomuranda akazvisunga kubatira mubayiro, kukudzwa kweMoabhu navanhu vake vose vakawanda kuchazvidzwa, uye vakapunyuka vake vachava vashoma kwazvo uye vasina simba.”

Categories
Isaya

Isaya 17

Chirevo pamusoro peDhamasiko

1 Chirevo pamusoro peDhamasiko:

“Tarirai, Dhamasiko harichazovazve guta,

asi richava murwi wamatongo.

2 Maguta eAroeri achasiyiwa uye achava mafuro ezvipfuyo,

izvo zvichavata pasi,

pasina anozvivhundutsa.

3 Maguta akakomberedzwa namasvingo achanyangarika achibva pana Efuremu,

uye simba roushe kubva paDhamasiko;

vakasara veAramu

vachava sembiri yavaIsraeri,”

ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose.

4 “Pazuva iro kukudzwa kwaJakobho kuchapera;

mafuta omuviri wake achapera.

5 Zvichafanana nomukohwi anokohwa madzinde akamira,

uyo anokohwa zviyo noruoko rwake,

sezvinoita murume anononga hura

dzezviyo muMupata weRefaimi.

6 Kunyange zvakadaro dzimwe tsanga dzichasara,

sezvinoita muorivhi kana wazunzwa,

uchisiya maorivhi maviri kana matatu pamatavi okumusoro-soro,

mana kana mashanu pamatavi makuru anobereka,”

ndizvo zvinotaura Jehovha Mwari waIsraeri.

7 Pazuva iro vanhu vachatarira kuMusiki wavo,

vagodzorera meso avo kuMutsvene waIsraeri.

8 Havachazotarisi kuaritari,

iro basa ramaoko avo,

uye havachazovi nehanya nematanda aAshera nearitari

dzezvinonhuhwira dzakaitwa neminwe yavo.

9 Pazuva iro maguta avo akasimba avakasiya nokuda kwavaIsraeri, achafanana nenzvimbo dzakaregerwa kuti dzive matenhere nezvinomera pasi pavo. Uye ose achava matongo.

10 Nokuti wakanganwa Mwari Muponesi wako,

hauna kurangarira Dombo, iyo nhare yako.

Naizvozvo, kunyange ukazvisimira miti yakanakisisa,

uye ukadyara mizambiringa inobva kune dzimwe nyika,

11 kunyange pazuva raunoisima, ugoita kuti ikure,

ugoita kuti ive namaruva,

asi mukohwo uchava sapasina

pazuva rehosha nokurwadziwa kusingarapiki.

12 Haiwa, kutinhira kwendudzi zhinji,

dzinotinhira sokutinhira kwegungwa!

Haiwa, kuomba kwamarudzi

anoomba kufanana nokutinhira kwemvura zhinji!

13 Kunyange vanhu vakaomba sokutinhira kwamafungu emvura,

paanovatuka vachatizira kure,

vachidzingirirwa nemhepo sehundi pamusoro pezvikomo,

kufanana nouswa hunozungunuswa pamberi pedutu guru.

14 Munguva yamadekwana,

pachava nokutyisa! Kusati kwaedza, havachipo!

Uyu ndiwo mugove wavaya vanotibira,

nomubayiro wavanotipamba.

Categories
Isaya

Isaya 18

Chiprofita pamusoro peEtiopia

1 Ine nhamo nyika yokutinhira

kwamapapiro inotevedza nzizi dzeEtiopia,

2 inotuma nhume nenzira yomugungwa,

muzvikepe zvenhokwe pamusoro pemvura.

Endai, imi nhume dzinokurumidza,

kuvanhu vakareba uye vane ganda rinotsvedzerera,

kuvanhu vanotyiwa kure napedyo,

rudzi rune hasha nomutauro usinganzwisisiki,

rune nyika yakakamurwa nenzizi.

3 Imi mose muri pasi pose,

imi munogara panyika,

kana mureza wasimudzwa pamusoro pamakomo,

muchauona,

uye kana hwamanda yarira,

muchainzwa.

4 Zvanzi naJehovha kwandiri:

“Ndicharamba ndinyerere uye ndichatarira ndiri paugaro hwangu,

samanyirinyiri omushana unopisa,

segore redova mukupisa kwokukohwa.”

5 Nokuti, kukohwa kusati kwasvika,

kana kutungira kwamaruva kwaguma, uye ruva rova muzambiringa woibva,

achagura mabukira namapanga okurangura,

achatemera pasi uye agorasira kure matavi akatandavara.

6 Zvose zvichasiyirwa magora omugomo nokuzvikara zvesango;

shiri dzichazvidya chirimo chose,

uye zvikara zvesango

zvichazvidya muchando chose.

7 Panguva iyoyo, zvipo zvichavigirwa Jehovha Wamasimba Ose,

zvichibva kuvanhu vakareba vane ganda rinotsvedzerera,

kubva kuvanhu vanotyiwa kwose kwose,

rudzi rune hasha nomutauro usinganzwisisiki,

rudzi rune nyika yakakamurwa nenzizi,

zvipo zvichauyiswa kuZioni, nzvimbo yeZita raJehovha Wamasimba Ose.

Categories
Isaya

Isaya 19

Chiprofita pamusoro peIjipiti

1 Chirevo pamusoro peIjipiti:

Tarirai, Jehovha akatasva gore rinomhanya,

uye ari kuuya kuIjipiti.

Zvifananidzo zveIjipiti zviri kudedera pamberi pake,

uye mwoyo yavaIjipita yonyungudika mukati mavo.

2 “Ndichakuchidzira kumukirana pakati pavaIjipita,

mununʼuna acharwa nomukoma,

muvakidzani acharwa nowaakavakidzana naye,

guta richarwisana nerimwe guta,

umambo hucharwisana nohumwe umambo.

3 VaIjipita vachaora mwoyo,

uye ndichaita kuti zvavanoronga zvive pasina;

vachabvunza zvifananidzo nemweya yavakafa,

nokumasvikiro navavuki.

4 Ndichaisa vaIjipita mumaoko amambo ano utsinye

uye mambo anotyisa achatonga pamusoro pavo,”

ndizvo zvinotaura Ishe,

Jehovha Wamasimba Ose.

5 Mvura yomurwizi ichapwa,

uye mahombekombe erwizi achapwa agova akaoma.

6 Migero ichanhuhwa;

hova dzeIjipiti dzichaderera uye dzichapwa.

Tsanga nenhokwe zvichauna,

7 uyewo zvinomera zvichitevedza Nairi,

pamuromo werwizi.

Minda yose yakadyarwa mujinga meNairi ichaoma,

mbesa dzichapeperetswa nemhepo, hazvingazovapozve.

8 Vabati vehove vachagomera uye vagorira,

vose vanokanda zviredzo muna Nairi;

vaya vanokanda mimbure pamusoro pemvura vacharukutika.

9 Vanobata neshinda yakanaka vachapera simba,

varuki vemicheka yakanaka vachashaya tariro.

10 Vanobata nemicheka vachaora mwoyo,

uye vose vanobatira mubayiro vacharwadziwa mwoyo.

11 Machinda eZoani haasi chinhu asi mapenzi;

makurukota aFaro akachenjera anopa zano risina mano.

Mungareva sei kuna Faro, kuti,

“Ndini mumwe wavakachenjera,

mudzidzi wamadzimambo akare?”

12 Zvino vakachenjera venyu varipiko?

Ngavakuratidzei uye vakuzivisei

zvakafungwa naJehovha Wamasimba Ose

pamusoro peIjipiti.

13 Machinda eZoani ava mapenzi,

vatungamiri veMemufisi vanyengerwa;

mabwe ekona amarudzi

avo atsausa Ijipiti.

14 Jehovha akadururira mavari mweya wedzungu;

vanoita kuti Ijipiti idzedzereke mune zvose zvainoita,

sezvinoita chidhakwa

chinodzedzereka mumarutsi acho.

15 Hapana chingaitwa neIjipiti, musoro kana muswe,

davi romuchindwe kana rushanga.

16 Pazuva iro, vaIjipita vachafanana navakadzi. Vachadedera nokutya panosimudzwa ruoko rwaJehovha Wamasimba Ose pamusoro pavo.

17 Uye nyika yeJudha ichava chinhu chinotyisa kuvaIjipita; mumwe nomumwe achanzwa nezvaJudha achatya, nokuda kwezvinofungwa naJehovha Wamasimba Ose pamusoro pavo.

18 Pazuva iro, maguta mashanu omuIjipiti achataura mutauro weKenani uye vachapikira vachazvipira kuna Jehovha Wamasimba Ose. Rimwe racho richanzi Guta roKuparadza.

19 Pazuva iro, pachava nearitari kuna Jehovha mukati chaimo meIjipiti, nembiru kuna Jehovha pamuganhu wayo.

20 Ichava chiratidzo nechapupu kuna Jehovha Wamasimba Ose munyika yeIjipiti. Pavanodanidzira kuna Jehovha nokuda kwavamanikidzi vavo, achavatumira muponesi nomurwiri, ipapo achavanunura.

21 Saka Jehovha achazviratidza kuvaIjipita, uye pazuva iro vachaziva Jehovha. Vachanamata nezvibayiro uye nezvipiriso zvezviyo; vachaita mhiko kuna Jehovha uye vagodzichengeta.

22 Jehovha acharova Ijipiti nehosha; acharova agovarapazve. Vachatendeukira kuna Jehovha, uye achapindura mikumbiro yavo nokuvarapa.

23 Pazuva iro, pachava nenzira huru ichabva kuIjipiti ichienda kuAsiria. VaAsiria vachaenda kuIjipiti uye vaIjipita vachaendawo kuAsiria. VaIjipita navaAsiria vachanamata pamwe chete.

24 Pazuva iro Israeri ichava yechitatu, ichitevera Ijipiti neAsiria, ichava ropafadzo panyika.

25 Jehovha Wamasimba Ose achavaropafadza achiti, “Ngavaropafadzwe vaIjipita vanhu vangu, navaAsiria, basa ramaoko angu, navaIsraeri, nhaka yangu.”

Categories
Isaya

Isaya 20

Chiprofita pamusoro peIjipiti neEtiopia

1 Mugore rokusvika kwomutungamiri mukuru, kuAshidhodhi, atumwa naSarigoni mambo weAsiria, akairwisa uye akaitapa,

2 panguva iyoyo Jehovha akataura kubudikidza naIsaya mwanakomana waAmozi. Akati kwaari, “Bvisa nguo yesaga pamuviri wako neshangu mumakumbo mako.” Iye akaita saizvozvo, akafamba asina nguo uye asina shangu.

3 Ipapo Jehovha akati, “Sezvakaita Isaya muranda wangu akafamba asina nguo, uye asina shangu kwamakore matatu, sechiratidzo nechishamiso pamusoro peIjipiti neEtiopia,

4 saizvozvo mambo weAsiria achaenda navatapwa veIjipiti, navakadzingwa veEtiopia, vadiki navakuru, uye magaro ari panze, kuti chive chinyadziso kuIjipiti.

5 Avo vaivimba neEtiopia uye vaizvikudza neIjipiti vachatya uye vachanyadziswa.

6 Pazuva iro, vanhu vaigara pamhenderekedzo ino vachati, ‘Tarirai zvaitika kuna vaya vataivimba navo, vaya vataitizira kwavari kuti vatibatsire uye vatinunure kubva kuna mambo weAsiria! Zvino isu tichapunyuka sei?’ ”