Categories
Isaya

Isaya 31

Vane Nhamo Vanovimba neIjipiti

1 Vane nhamo avo vanoburukira kuIjipiti kundotsvaka rubatsiro,

vanovimba namabhiza,

vanovimba nokuwanda kwengoro dzavo

uye nesimba guru ravatasvi vavo vamabhiza,

asi vasingatariri kuMutsvene waIsraeri,

kana kutsvaka rubatsiro runobva kuna Jehovha.

2 Kunyange zvakadaro naiyewo akachenjera uye anogona kuuyisa njodzi;

haangadzosi mashoko ake.

Iye achamukira imba yavakaipa,

naavo vanobatsira vanoita zvakaipa.

3 Asi vaIjipita vanhu uye havasi Mwari,

mabhiza avo inyama uye haasi mweya.

Zvino panotambanudza Jehovha ruoko rwake,

uyo anobatsira achagumburwa,

uyo achabatsirwa achawa;

vose vachaparara pamwe chete.

4 Zvanzi naJehovha kwandiri:

“Sezvinoita shumba inoomba,

seshumba huru pamusoro pechayabata,

kunyange mhomho yose yavafudzi

ikakokerwa pamwe chete kuzorwa neshumba iyi,

iyo haingavhundutswi noruzha rwavo,

kana kukanganiswa nemhere yavo,

saizvozvo Jehovha Wamasimba Ose achaburukira pamusoro peGomo reZioni

napazvikomo zvaro kuzorwa hondo.

5 Seshiri dzinobhururuka napamusoro,

Jehovha Wamasimba Ose achadzivirira Jerusarema;

acharidzivirira, acharirwira,

achadarika pamusoro paro uye acharisunungura.”

6 Dzokerai kuna iye wamakamukira zvikuru, imi vaIsraeri.

7 Nokuti pazuva iro mumwe nomumwe wenyu acharamba zvifananidzo zvesirivha negoridhe zvakaitwa namaoko enyu akaipa.

8 “Asiria ichawisirwa pasi nomunondo usati uri womunhu;

munondo, kwete wavanhu, uchavapedza.

Vachatiza pamberi pomunondo

uye majaya avo achaiswa kuchibharo.

9 Nhare dzavo dzakasimba dzichawa nokuda kwokutya;

vatungamiri vavo vachavhundutswa pavachaona mureza wehondo,”

ndizvo zvinotaura Jehovha,

ane moto wake paZioni

choto chake chiri muJerusarema.

Categories
Isaya

Isaya 32

Umambo hwoKururama

1 Tarirai mambo achatonga nokururama,

uye vatongi vachatonga nokururamisira.

2 Munhu mumwe nomumwe achafanana nenzvimbo yokuvanda kubva kumhepo,

noutiziro kubva pakunaya kwemvura zhinji,

sehova dzemvura mugwenga nomumvuri

webwe guru munyika yafa nenyota.

3 Ipapo meso avose vanoona haachazotsinzini,

uye nzeve dzavanonzwa dzichateerera.

4 Ndangariro dzavanokurumidzira zvinhu dzichaziva uye dzichanzwisisa,

uye vanokakama vachataura zvakanaka uye zvinonzwika.

5 Benzi harichazonzi munhu anokudzwa,

munhu asina maturo haazoremekedzwi.

6 Nokuti benzi rinotaura zvoupenzi,

ndangariro dzaro dzinofunga zvakaipa:

Zvaanoita hazvina umwari

uye anoparadzira zvinhu zvakarasika zvisiri zvaJehovha;

anosiya vane nzara vasina chinhu

uye anonyima mvura vane nyota.

7 Nzira dzousina maturo dzakaipa,

anoita rangano dzakaipa

kuti aparadze varombo nenhema,

kunyange chichemo chaanoshayiwa chakanaka hacho.

8 Asi munhu anokudzwa anoita urongwa hwakanaka,

uye namabasa anokudzwa.

Vakadzi veJerusarema

9 Imi vakadzi musina hanya,

simukai muteerere kwandiri;

imi vanasikana munoti makachengetedzeka,

inzwai zvandinoreva!

10 Gore risati rapera

muchabvunda iyemi munoti makachengetedzeka;

nokuti kuchekwa kwamazambiringa kuchakundikana,

uye kutanhwa kwemichero hakuchasviki.

11 Dederai, imi vakadzi musina hanya;

dederai imi vanasikana munoti makachengetedzeka!

Bvisai nguo dzenyu,

monerai masaga muzviuno zvenyu.

12 Muzvirove zvipfuva nokuda kweminda yakanaka,

nokuda kwezvibereko zvemizambiringa,

13 uye nokuda kwenyika yavanhu vangu,

nyika yamera minzwa norukato,

hongu, mucheme nokuda kwedzimba dzose dzamafaro,

uye nokuda kweguta rinopururudza iri.

14 Nhare dzichasiyiwa,

guta roruzha richasara risina munhu;

nhare neshongwe zvichava dongo nokusingaperi,

mufaro wembongoro, namafuro ezvipfuwo,

15 kusvikira Mweya wadururirwa pamusoro pedu uchibva kumusoro,

uye gwenga rava nyika yakaorera,

nemunda wakaorera wava sesango.

16 Kururamisira kuchagara kugwenga

uye kururama kuchagara kumunda wakaorera.

17 Chibereko chokururama chichava rugare;

uye chibereko chokururama chichava runyararo nokuvimba nokusingaperi.

18 Vanhu vangu vachagara munzvimbo dzorugare,

mumisha yakachengetedzeka,

munzvimbo dzokuzorora dzakadzikama.

19 Kunyange chimvuramabwe chikafukidza sango,

neguta rikaparadzwa zvachose,

20 ucharopafadzwa zvakadiniko,

uchidyara mbeu dzako pedyo nehova dzose,

uye uchirega mombe nembongoro dzako zvichifura zvakasununguka!

Categories
Isaya

Isaya 33

Kutambudzika noKubatsirwa

1 Une nhamo iwe, muparadzi,

iyewe usati wamboparadzwa!

Une nhamo iwe, mupanduki,

iyewe usati wambopandukirwa!

Paunorega kuparadza,

iwe uchaparadzwa;

paunorega kupandukira,

iwe uchapandukirwa.

2 Haiwa Jehovha, tinzwirei tsitsi;

tinokupangai imi.

Ivai simba redu mangwanani oga oga,

noruponeso rwedu panguva yokutambudzika.

3 Pakutinhira kwenzwi renyu, ndudzi dzinotiza;

pamunosimuka, marudzi anopararira.

4 Haiwa imi ndudzi, zvakapambwa zvenyu zvachekwa kunge zvachekwa nemhashu diki;

vanhu vanomhanyira kwazviri segwatakwata remhashu.

5 Jehovha asimudzirwa, iye anogara kumusoro;

achazadza Zioni nokururamisira nokururama.

6 Achava nheyo yechokwadi yenguva yenyu,

nedura repfuma yoruponeso, uchenjeri nezivo;

kiyi yepfuma iyi ndiko kutya Jehovha.

7 Tarirai, mhare dzavo dzinodanidzira munzira dzomumisha;

nhume dzorugare dzinochema zvikuru.

8 Migwagwa mikuru yasiyiwa,

vafambi havachisimo mumigwagwa.

Sungano yaputswa,

zvapupu zvayo zvazvidzwa,

hapachina anoremekedzwa.

9 Nyika inochema uye yoparara,

Rebhanoni yanyadziswa uye yasvava;

Sharoni yafanana neArabha,

uye Bhashani neKarimeri dzakurumuka mashizha adzo.

10 “Zvino ini ndichasimuka,” ndizvo zvinotaura Jehovha.

“Zvino ini ndichakudzwa;

zvino ini ndichasimudzirwa pamusoro.

11 Munoita mimba yehundi,

munobereka mashanga;

kufema kwenyu ndiwo moto unokuparadzai.

12 Marudzi achapiswa kunge suko;

vacharirima kunge huni dzeminzwa dzakatemwa.”

13 Imi vari kure, inzwai zvandakaita;

imi vari pedyo, bvumai kuti ndine simba!

14 Vatadzi vari muZioni vavhundutswa;

vasina Mwari vodedera:

“Ndianiko pakati pedu

angagare nomoto unopisa nokusingaperi?”

15 Iye anofamba nokururama

uye anotaura zvakanaka,

anoramba pfuma inobva pakumanikidza

uye anodzivisa ruoko rwake kugamuchira fufuro,

anodzivisa nzeve dzake kunzwa rangano dzokuuraya,

uye anotsinzina meso ake kuti arege kuona zvakaipa,

16 uyu ndiye munhu achagara pakakwirira,

nhare dzegomo dzichava utiziro hwake.

Zvokudya zvake achazvipiwa,

uye haangashayiwi mvura.

17 Meso ako achaona mambo pakunaka kwake;

uye achatarira nyika yakakura kwazvo.

18 Mundangariro dzako ucharangarira zvaimbokutyisa ugoti:

“Aripiko muchinda mukuru uya?

Aripiko uya aimbotora mutero?

Aripiko muchinda aiva mutariri weshongwe?”

19 Vanhu vaya vokuzvikudza hauchazovaonazve,

ivo vanhu vomutauro wakavanzika,

vorurimi rwavo, rusinganzwiki.

20 Tarirai Zioni, iro guta remitambo yedu;

meso enyu achaona Jerusarema,

ugaro hworunyararo, tende risingazozungunuswi;

mbambo dzaro hadzingadzurwi,

kana mabote aro kudamburwa.

21 Asi Jehovha achava Wamasimba Ose kwatiri.

Richafanana nenzvimbo yenzizi dzakapamhamha uye nehova.

Magwa anokwasviwa haangasvikiko,

uye zvikepe zvikuru hazvingapfuuri.

22 Nokuti Jehovha ndiye mutongi wedu,

Jehovha ndiye anotipa murayiro,

Jehovha ndiye mambo wedu;

ndiye achatiponesa.

23 Mabote ako ava dembutembu:

Haagoni kusimbisa mbambo yechikepe,

sairi harina kutambanudzwa.

Ipapo zvakapambwa zvakawanda zvichagoverwa,

uye kunyange chirema chichawanawo zvakapambwa.

24 Hapana agere muZioni achati, “Ndinorwara,”

uye zvivi zvavanogaramo zvicharegererwa.

Categories
Isaya

Isaya 34

Kutongwa kweNdudzi

1 Swederai pedyo, imi ndudzi dzavanhu, munzwe.

Teererai, imi vanhu!

Nyika ngainzwe, nezvose zviri mairi,

pasi pose, nezvose zvinobudamo!

2 Jehovha akatsamwira ndudzi dzose;

hasha dzake dziri pamusoro pehondo dzavo dzose.

Achavaparadza chose,

achaita kuti vaurayiwe.

3 Vakaurayiwa vavo vacharasirwa kunze,

mitumbi yavo ichanhuhwa;

makomo achanyorova neropa ravo.

4 Nyeredzi dzokudenga dzose dzichanyungudika,

uye denga richapetwa sorugwaro;

marudzi ose enyeredzi achawa

samashizha akaoma abva pamuzambiringa,

samaonde akasvava abva pamuonde.

5 Munondo wangu wakanwa ukaguta kumatenga;

tarirai, unoburukira kuzotonga Edhomu,

vanhu vandakaparadza chose.

6 Munondo waJehovha wakanyura muropa,

wakafukidzwa namafuta,

iro ropa ramakwayana nerembudzi,

namafuta anobva paitsvo dzamakondobwe.

Nokuti Jehovha ane chibayiro muBozira

uye nokuuraya kukuru muEdhomu.

7 Nyati dzichawa pamwe navo

nehono dzemhuru nehando huru.

Nyika yavo ichanyorova neropa,

uye guruva richazara mafuta.

8 Nokuti Jehovha ane zuva rokutsiva

negore rokuripira kuti atsigire zvinodiwa neZioni.

9 Hova dzeEdhomu dzichashanduka kuva namo,

guruva rayo richapisa sesafuri;

nyika yayo ichava namo inopfuta!

10 Haingadzimwi usiku namasikati;

utsi hwayo huchakwira nokusingaperi.

Richava dongo kubva kune chimwe chizvarwa kusvikira kune chimwe chizvarwa;

hapana munhu achazopfuura napozve.

11 Asi zvichava zvezizi romugwenga nehukurwizi;

zizi guru negunguo zvichaita matenderemo.

Mwari achatambanudzira Edhomu

rwodzi rwokuyera,

rwenyonganiso nerwokuparadza.

12 Makurukota ake haazovi nechinhu ikoko chingazonzi umambo,

machinda ake ose achapera.

13 Minzwa ichatandira nhare dzayo,

utumbambeva norukato munzvimbo dzayo dzakakomberedzwa.

Ichava ugaro hwamakava,

nomusha wamazizi.

14 Zvikara zvomugwenga zvichasangana namapere,

uye ngururu dzichadaidzirana;

zvikara zvousiku zvichazororapo,

uye zvichazviwanira nzvimbo yokuzorora.

15 Zizi richaita dendere rigokandira mazaipo,

richaachochonyerapo, rigochengeta mazana aro pasi pomumvuri wamapapiro aro;

makondo achaunganapo,

rimwe nerimwe neshamwari yaro.

16 Tarirai murugwaro rwaJehovha mugorava:

Hapana chimwe chezvinhu izvi chichashayikwa,

kana chichashaya shamwari.

Nokuti muromo wake ndiwo warayira izvozvo,

uye Mweya wake uchavaunganidza pamwe chete.

17 Anozvigovera migove yazvo;

ruoko rwake runozvigovera nechiyero.

Zvichava zvazvo nokusingaperi

uye zvichagaramo kubva kune chimwe chizvarwa kusvikira kune chimwe chizvarwa.

Categories
Isaya

Isaya 35

Mufaro waVakadzikinurwa

1 Gwenga nenyika yakaoma zvichafara;

sango richafara kwazvo uye richatumbuka;

seruva,

2 richatumbuka;

richafara zvikuru uye richapembera nomufaro.

Mbiri yeRebhanoni ichapiwa kwariri,

kunaka kweKarimeri neSharoni;

vachaona kubwinya kwaJehovha,

nokunaka kwaMwari wedu.

3 Simbisai maoko asina simba,

tsigirai mabvi anodedera;

4 muti kuna avo vane mwoyo inotya,

“Simbai, musatya;

Mwari wenyu achauya,

achauya nokutsiva,

nokuripira kutsvene

achauya kuzokuponesai.”

5 Ipapo meso amapofu achasvinudzwa

uye nzeve dzematsi dzichazarurwa.

6 Ipapo akaremara achakwakuka senondo,

uye rurimi rwechimumu ruchaimba nomufaro.

Mvura ichatubuka murenje,

uye nehova dzemvura mugwenga.

7 Jecha rinopisa richashanduka rikava dziva,

ivhu rine nyota richava zvitubu zvemvura.

Maigara makava noumo maaimbovata,

muchamera uswa, netsanga nenhokwe.

8 Ipapo pachava nomugwagwa;

uchanzi Nzira yoUtsvene.

Vane tsvina havangazofambi mairi;

ichava yaivavo vanofamba muNzira iyoyo;

vakaipa namapenzi havangazofambi mairi.

9 Hapangavi neshumba ipapo,

kana chikara chipi zvacho chichawanikwapo.

Asi vakadzikinurwa voga ndivo vachafambamo,

10 uye vakasunungurwa vaJehovha vachadzoka.

Vachapinda muZioni vachiimba;

mufaro usingaperi uchava pamusoro pavo.

Vachawana mufaro nokufarisisa,

kusuwa nokuneta zvichatiza.

Categories
Isaya

Isaya 36

Senakeribhi anovhundutsira Jerusarema

1 Mugore regumi namana rokutonga kwaMambo Hezekia, Senakeribhi mambo weAsiria akarwisa maguta ose akakomberedzwa aJudha akaapamba.

2 Ipapo mambo weAsiria akatuma mukuru wehondo yake nehondo huru achibva kuRakishi kuna Mambo Hezekia muJerusarema. Mukuru wehondo akati amira pamugero weDziva roKumusoro, pamugwagwa unoenda kuMunda woMusuki,

3 ipapo Eriakimu mwanakomana waHirikia, mufambisi webasa mumuzinda wamambo, naShebhina munyori, naJoa mwanakomana waAsafi munyori wenhoroondo, akabuda kundosangana naye.

4 Mukuru wehondo akati kwavari, “Udzai Hezekia kuti:

“ ‘Zvanzi namambo mukuru, iye mambo weAsiria: Uri kuvimba nei chaizvo?

5 Iwe unoti une urongwa nesimba rokurwa, asi uri kutaura mashoko asina maturo. Ko, unovimba naaniko, zvawandimukira?

6 Tarira zvino, unovimba neIjipiti, ruya rushanga rwomudonzvo rwakavhunika, runobaya ruoko rwomunhu nokumupa vanga kana azendamira parwuri! Ndizvo zvakaita Faro mambo weIjipiti kuna vose vanovimba naye.

7 Asi kana ukati kwandiri, “Isu tinovimba naJehovha Mwari wedu,” haasi iye here ane nzvimbo dzakakwirira nearitari dzakabviswa naHezekia, iye akati kuJudha neJerusarema, “Munofanira kunamata pamberi pearitari iyi”?

8 “ ‘Zvino chiuya, ita sungano natenzi wangu, mambo weAsiria: Ndichakupa mabhiza anokwana zviuru zviviri, kana ukagona kuisa vatasvi pamusoro pawo!

9 Ungagona seiko kukunda mubati mumwe wavabati vadiki vatenzi vangu, kunyange uchivimba nengoro dzeIjipiti navatasvi vadzo vamabhiza?

10 Pamusoro pezvo, ndauya kuzorwa nenyika ino nokuiparadza ndisina Jehovha here? Jehovha pachake andiudza kuti ndiuye munyika ino ndizoiparadza.’ ”

11 Ipapo Eriakimu, naShebhina, naJoa vakati kumukuru wehondo, “Tapota hedu, taurai kuvaranda venyu norurimi rwechiAramu, sezvo tichirunzwa. Musataura nesu nechiHebheru vanhu vari parusvingo vachinzwa.”

12 Asi mukuru wehondo akapindura akati, “Ko, ndakatumwa natenzi wangu kuna tenzi wenyu nemi chete ndisingatauriwo kuvarume vagere parusvingo, ivo vanofanira kudya tsvina yavo nokunwa mvura yavo kufanana nemi here?”

13 Ipapo mukuru wehondo akasimuka akadanidzira nechiHebheru achiti, “Inzwai mashoko amambo mukuru, mambo weAsiria!

14 Zvanzi namambo: Musarega Hezekia achikunyengerai. Iye haangagoni kukurwirai!

15 Musarega Hezekia achikunyengetedzai kuti muvimbe naJehovha achiti, ‘Jehovha achakurwirai zvirokwazvo; guta rino harizoiswa muruoko rwamambo weAsiria.’

16 “Musateerera Hezekia. Zvanzi namambo weAsiria: Itai rugare neni mugouya kwandiri. Ipapo mumwe nomumwe wenyu achadya zvinobva pamuzambiringa wake napamuonde wake uye achanwa mvura inobva muchitubu chake,

17 kusvikira ndauya ndizokutorai, ndigokuendesai kunyika yakaita seyenyu, nyika ine zviyo newaini itsva, nyika ine chingwa neminda yemizambiringa.

18 “Musarega Hezekia achikutsausai achiti, ‘Jehovha achatirwira.’ Ndimwari weipi nyika zvayo akamborwira nyika yake muruoko rwamambo weAsiria?

19 Vamwari veHamati neAripadhi varipi? Vamwari veSefarivhaimi varipi? Vakarwira Samaria muruoko rwangu here?

20 Ndavapi pakati pavamwari vendudzi dzose vakambogona kuponesa nyika dzavo kubva kwandiri? Ko, Jehovha achagona seiko kurwira Jerusarema muruoko rwangu?”

21 Asi vanhu vakaramba vanyerere, vakasapindura chinhu, nokuti mambo akanga arayira achiti, “Musamupindura.”

22 Ipapo Eriakimu mwanakomana waHirikia mutariri womuzinda wamambo, naShebhina munyori, naJoa mwanakomana waAsafi munyori wenhoroondo vakaenda kuna Hezekia, nenguo dzavo dzakabvaruka, vakamuudza zvakanga zvataurwa nomukuru wehondo.

Categories
Isaya

Isaya 37

Kusunungurwa kweJerusarema kunoprofitwa

1 Mambo Hezekia akati anzwa izvi, akabvarura nguo dzake akafuka masaga akapinda mutemberi yaJehovha.

2 Akatuma Eriakimu mutariri womuzinda wamambo, naShebhina munyori, navakuru vavaprista, vose vakapfeka masaga, kumuprofita Isaya mwanakomana waAmozi.

3 Vakati kwaari, “Zvanzi naHezekia: Nhasi izuva renhamo nokutukwa uye kunyadziswa, sezvinoitika kana vana vakasvika pakuzvarwa asi simba rokusununguka pasina.

4 Zvimwe Jehovha Mwari wenyu achanzwa mashoko omukuru wehondo, akatumwa naishe wake, mambo weAsiria, kuzomhura Mwari mupenyu, uye kuti azomutuka pamusoro pamashoko aakanzwa iye Jehovha Mwari wenyu. Naizvozvo nyengetererai vakasara vari vapenyu.”

5 Vabati vaHezekia vakati vasvika kuna Isaya,

6 Isaya akati kwavari, “Udzai ishe wenyu kuti, ‘Zvanzi naJehovha: Usatya hako zvawakanzwa, mashoko andakamhurwa nawo navaranda vamambo weAsiria.

7 Teererai! Ndichaisa mweya maari wokuti akangonzwa rimwe guhu, achadzokera kunyika yake, uye ikoko, ndichaita kuti aurayiwe nomunondo.’ ”

8 Mukuru wehondo akati anzwa kuti mambo weAsiria akanga abva kuBhakishi, akadzoka akawana mambo achirwa neRibhina.

9 Zvino Senakeribhi akagamuchira mashoko okuti Tirihaka, muEtiopia mambo weIjipiti, akanga achiuya kuzorwa naye. Akati anzwa izvozvo, akatuma nhume kuna mambo Hezekia neshoko iri rokuti:

10 “Udzai Hezekia mambo weJudha muti: Mwari waunovimba naye ngaarege kukunyengera achiti, ‘Jerusarema harizoiswa muruoko rwamambo weAsiria.’

11 Zvirokwazvo wakanzwa zvakaitwa namadzimambo eAsiria kunyika dzose vachidziparadza chose. Zvino iwe ucharwirwa here?

12 Ko, vamwari vamamwe marudzi akaparadzwa namadzibaba angu vakavarwira here, vamwari veGezani, neHarani neRezefi navanhu vokuEdheni vakanga vari kuTeri Asari?

13 Mambo weHamati aripiko, namambo weArifadhi namambo weguta reSefarivhaimi, kana Hena kana Ivha?”

Munyengetero waHezekia

14 Hezekia akagamuchira tsamba kubva mumaoko enhume, akaiverenga. Ipapo akakwidza kutemberi yaJehovha akaitambanudza pamberi paJehovha.

15 Uye Hezekia akanyengetera kuna Jehovha achiti,

16 “Haiwa Jehovha Wamasimba Ose, Mwari waIsraeri, mugere pakati pamakerubhimi, imi moga ndimi Mwari aripo pamusoro poumambo hwose hwenyika. Makasika denga nepasi.

17 Rerekai nzeve yenyu, Jehovha, munzwe; zarurai meso enyu, Jehovha muone; teererai mashoko ose aSenakeribhi aakatuma kuzozvidza nawo Mwari mupenyu.

18 “Ichokwadi, Jehovha, kuti madzimambo eAsiria akaparadza chose ndudzi idzi dzose nenyika dzadzo.

19 Vakakanda vamwari vavo mumoto vakavaparadza, nokuti vakanga vasiri vamwari asi matanda chete namatombo akaitwa namaoko avanhu.

20 Zvino, Jehovha Mwari wedu, tidzikinurei kubva muruoko rwake, kuitira kuti madzimambo ose enyika azive kuti imi moga, Jehovha, ndimi Mwari.”

Kuwa kwaSenakeribhi

21 Ipapo Isaya mwanakomana waAmozi akatumira shoko kuna Hezekia achiti, “Zvanzi naJehovha, Mwari waIsraeri: Nokuda kwokuti wanyengetera kwandiri pamusoro paSenakeribhi mambo weAsiria,

22 heri shoko rakataurwa naJehovha pamusoro pake:

“Mhandara Mwanasikana weZioni

anokuzvidza uye anokuseka.

Mwanasikana weJerusarema

anokudzungudzira musoro wake paunenge uchitiza.

23 Ndianiko wawatuka uye ukamhura?

Ndianiko wawasimudzira inzwi rako,

uye ukasimudzira meso ako uchizvikudza?

Ndiye Mutsvene waIsraeri!

24 Navaranda vako watutira

kutuka pamusoro paIshe.

Uye wakati,

‘Nengoro dzangu zhinji

ndakakwira makomo marefu,

kumusoro-soro kweRebhanoni.

Ndakatema misidhari yayo mirefu refu,

nemisipuresi yayo yakanakisisa.

Ndakasvika kumusoro-soro kwayo,

nokumasango ayo akanakisisa.

25 Ndakachera matsime munyika yavamwe,

ndikanwa mvura imomo.

Netsoka dzangu

ndakapwisa hova dzose dzeIjipiti.’

26 “Hauna kunzwa here?

Izvi ndakazviita kare.

Ndakazvironga pamazuva akare;

zvino ndaita kuti zviitike,

nokuti wakaparadza maguta akakomberedzwa

akava mirwi yamatombo.

27 Vanhu vawo, vapererwa nesimba,

vavhundutswa uye vanyadziswa.

Vafanana nembeu mumunda,

namabukira manyoro,

sebundo ramera padenga remba,

ratsva risati rakura.

28 “Asi ndinoziva paunogara

uye nguva yaunouya neyaunoenda

uye kuti unondiitira hasha zvakadii.

29 Nokuda kwehasha dzako kwandiri

uye nokuda kwokuti kusateerera kwako kwasvika munzeve dzangu,

ndichaisa chiredzo changu mumhuno dzako

namatomu angu mumuromo mako,

uye ndichaita kuti udzokere

nenzira yawakauya nayo.

30 “Ichi ndicho chichava chiratidzo kuvarwi, iwe Hezekia:

“Gore rino muchadya zvinomera zvoga,

uye mugore rinotevera muchadya mabukira azvo.

Asi mugore rechitatu mudyare mugokohwa,

mudyare minda yemizambiringa mugodya michero yayo.

31 Zvakare, vakasara veimba yaJudha vachava nemidzi pasi

uye vachabereka michero kumusoro.

32 Nokuti muJerusarema muchabuda vachasara,

uye muZioni muchabuda boka ravachapunyuka.

Kushingaira kwaJehovha

kuchazviita.

33 “Naizvozvo zvanzi naJehovha pamusoro pamambo weAsiria,

“Haazopindi muguta iri

kana kupfura museve pano.

Haazosviki mberi kwaro nenhoo

kana kuvaka gomo revhu pariri.

34 Achadzokera nenzira yaakauya nayo;

haazopindi muguta rino,”

ndizvo zvinotaura Jehovha.

35 “Ndichadzivirira guta rino uye ndichariponesa,

nokuda kwangu uye nokuda kwaDhavhidhi muranda wangu!”

36 Ipapo mutumwa waJehovha akabuda akauraya varume zviuru zana namakumi masere nezvishanu pamusasa wavaAsiria. Vanhu vakati vachimuka mangwanani, onei mitumbi yavakafa!

37 Naizvozvo Senakeribhi mambo weAsiria akaputsa musasa. Akadzokera kuNinevhe akandogara ikoko.

38 Mumwe musi achinamata ari mutemberi yamwari wake Nisiroki, Adhiramereki naSharezeri, vanakomana vake vakamuuraya nomunondo, ndokutizira kunyika yeArarati. Mwanakomana waEsarihadhoni akamutevera paushe.

Categories
Isaya

Isaya 38

Kurwara kwaHezekia

1 Mumazuva iwayo Hezekia akarwara kusvikira oda kufa. Muprofita Isaya mwanakomana waAmozi akaenda kwaari akati, “Zvanzi naJehovha: Gadzirisa zveimba yako, nokuti uri kuzofa; hausi kuzopona.”

2 Hezekia akatendeukira kumadziro akanyengetera kuna Jehovha achiti,

3 “Rangarirai henyu, Jehovha, kuti ndakafamba sei nokutendeka pamberi penyu nomwoyo wose nechokwadi uye ndikaita zvakanaka pamberi penyu.” Hezekia akachema kwazvo.

4 Ipapo shoko raJehovha rakauya kuna Isaya richiti,

5 “Enda undoti kuna Hezekia, ‘Zvanzi naJehovha, Mwari wababa vako Dhavhidhi: Ndanzwa munyengetero wako uye ndaona misodzi yako; ndichawedzera makore gumi namashanu paupenyu hwako.

6 Uye ndichakurwira iwe neguta rino kubva muruoko rwamambo weAsiria. Ndicharwira guta rino.

7 “ ‘Ichi ndicho chiratidzo chaJehovha kwauri kuti Jehovha achaita zvose zvaakavimbisa:

8 Ndichaita kuti mumvuri waitwa pazuva udzokere shure nhambwe gumi pamutaro wawanga wafamba pamanera aAhazi.’ ” Saizvozvo zuva rakadzokera shure nhambwe gumi dzarakanga radzika.

9 Chinyorwa chaHezekia mambo weJudha mushure mokurwara nokupora kwake:

10 Ndakati, “Mazuva oupenyu hwangu

achangotanga ndingafanira kupinda mumasuo orufu here?

Ndigotorerwa makore angu asara here?”

11 Ndakati, “Handichazoonizve Jehovha,

iye Jehovha, munyika yavapenyu;

handichazotarisizve kuvanhu

kana kuva naavo vagere munyika ino zvino.

12 Setende romufudzi, imba yangu

yakoromorwa uye yatorwa.

Somuruki ndapeta upenyu hwangu,

uye iye andigura kubva pachirukiso;

masikati namadekwana makaita kuti ndigume.

13 Ndakamirira nomwoyo murefu kusvikira mambakwedza,

asi iye akavhuna mapfupa angu ose kufanana nezvinoitwa neshumba;

masikati namadekwana makaita kuti ndigume.

14 Ndakarira senyenganyenga kana kondo.

Ndakachema sokuchema kunoita njiva.

Meso angu akaneta nokutarisa kudenga.

Haiwa Jehovha, ndine nhamo, uyai mundinunure!”

15 Asi ndingati kudiniko?

Iye ataura neni, uye iye ndiye aita izvi.

Ndichafamba nokuzvininipisa pamakore angu ose,

nokuda kwokurwadziwa kwomwoyo wangu.

16 Ishe, vanhu vanorarama nezvinhu zvakadai;

uye mweya wangu unowana upenyu mazviriwo.

Makandiporesa

mukandiraramisa.

17 Zvirokwazvo kutambudzika kwangu kukuru

kwakandivigira rugare.

Murudo rwenyu makandirwira

pagomba rokuparadzwa;

makaisa zvivi zvangu zvose

shure kwenyu,

18 Nokuti guva haringagoni kukurumbidzai,

rufu harugoni kukurumbidzai nenziyo;

vanodzika kugomba

havangagoni kutarisira kutendeka kwenyu.

19 Vapenyu, ivo vapenyu,

ndivo vanokurumbidzai,

sezvandiri kuita iye nhasi;

madzibaba anoudza vana vavo nezvokutendeka kwenyu.

20 Jehovha achandiponesa,

uye tichaimba nemitengeranwa,

mazuva ose oupenyu hwedu

mutemberi yaJehovha.

21 Zvino Isaya akanga ati, “Gadzirai bundu ramaonde mugoriisa pamota, uye achapora.”

22 Hezekia akanga abvunza achiti, “Chiratidzo chichava chei chokuti ndiende kutemberi yaJehovha?”

Categories
Isaya

Isaya 39

Nhume dzakabva kuBhabhironi

1 Panguva iyoyo Merodhaki-Bharadhani mwanakomana waBharadhani mambo weBhabhironi, akatumira matsamba nechipo kuna Hezekia, nokuti akanga anzwa nezvokurwara nokupora kwake.

2 Hezekia akagamuchira nhume nomufaro akavaratidza zvakanga zviri mumatura ake: sirivha, goridhe, zvinonhuhwira namafuta anokosha nenhumbi dzake dzose dzokurwa uye nezvose zvaiwanikwa papfuma yake. Hapana chinhu mumuzinda wake kana muumambo hwake chavasina kuratidzwa naHezekia.

3 Ipapo muprofita Isaya akaenda kuna Mambo Hezekia akabvunza achiti, “Varume avo vakati kudini, uye vakabvepi?”

Hezekia akapindura achiti, “Vakabva kunyika iri kure. Vakauya kwandiri vachibva kuBhabhironi.”

4 Muprofita akamubvunza achiti, “Vakaoneiko mumuzinda menyu?”

Hezekia akati, “Vakaona zvose zviri mumuzinda mangu. Pakati pepfuma yangu hapana chandisina kuvaratidza.”

5 Ipapo Isaya akati kuna Hezekia, “Inzwa shoko raJehovha Wamasimba Ose:

6 Zvirokwazvo nguva ichauya iyo zvose zviri mumba mako, nezvose zvakaunganidzwa namadzibaba ako kusvikira nhasi, zvichatakurwa zvichiendeswa kuBhabhironi. Hapana chichasara, ndizvo zvinotaura Jehovha.

7 Uye vamwe vavana vako, venyama neropa rako chairo vauchabereka, vachatorwa uye vachava varanda mumuzinda wamambo weBhabhironi.”

8 Hezekia akapindura achiti, “Shoko raJehovha rawataura rakanaka.” Nokuti akafunga kuti, “Pachava norugare nokudzivirirwa pamazuva oupenyu hwangu.”

Categories
Isaya

Isaya 40

Kunyaradzwa kwaVanhu vaMwari

1 Nyaradzai, nyaradzai vanhu vangu,

ndizvo zvinotaura Mwari wenyu.

2 Taurai nounyoro kuJerusarema,

mudanidzire kwariri

kuti kubata kwaro kukuru kwapera,

uye kuti chivi charo charipirwa,

kuti ragamuchira kubva muruoko rwaJehovha

zvakapetwa kaviri pamusoro pezvivi zvaro.

3 Inzwi rounodanidzira achiti,

“Gadzirai nzira yaJehovha

mugwenga,

ruramisai mugwagwa

waMwari wedu murenje.

4 Mipata yose ichasimudzirwa,

makomo ose nezvikomo zvichaenzaniswa;

nzvimbo dzisakaenzana dzichava bani.

5 Uye kubwinya kwaJehovha kucharatidzwa,

uye marudzi ose avanhu achazviona.

Nokuti muromo waJehovha wazvitaura.”

6 Inzwi rinoti, “Danidzirai.”

Ini ndokuti, “Ndodanidzireiko?”

“Vanhu vose vakaita souswa,

uye kubwinya kwavo kwose kwakaita samaruva omunda.

7 Uswa hunooma uye maruva anowa,

nokuti mweya waJehovha unofuridzira pamusoro pazvo.

Zvirokwazvo vanhu uswa.

8 Uswa hunooma uye maruva anowa,

asi shoko raMwari wedu rinogara nokusingaperi.”

9 Imi munoparidzira Zioni zvinhu zvakanaka,

kwirai pagomo refu.

Imi munoparidzira Jerusarema mashoko akanaka,

danidzirai nesimba, musatya;

muti kumaguta eJudha, “Hoyu Mwari wenyu!”

10 Tarirai, Ishe Jehovha ari kuuya nesimba,

uye ruoko rwake runomubatira ushe.

Tarirai, mubayiro wake anawo,

uye zvaanoripira nazvo anazvo.

11 Anofudza makwai ake somufudzi:

Anounganidza makwayana mumaoko ake

agoatakurira pedyo nomwoyo wake;

zvinyoronyoro anotungamirira nhunzvi dzinonwisa.

12 Ndianiko akayera mvura zhinji muchanza chake,

kana kuyera denga noupamhi hwechanza chake?

Ndianiko akaisa guruva rose rapasi mudengu,

kana kuyera kurema kwamakomo nechiyero,

nezvikomo pachiyero?

13 Ndiani akanzwisisa murangariro waJehovha,

kana kumudzidzisa somudzidzisi wake?

14 Ndiani akabvunzwa naJehovha kuti amujekesere,

uye ndiani akamudzidzisa nzira yakanaka?

Ndianiko akamudzidzisa ruzivo

kana kumuratidza nzira yokunzwisisa?

15 Zvirokwazvo ndudzi dzavanhu dzakaita sedonhwe remvura riri muchirongo;

vanongova seguruva riri pamusoro pechiyero;

anoyera zviwi kunge guruva rakatsetseka.

16 Rebhanoni harina huni dzinoringana kuvesa moto wearitari,

uye zvipfuwo zvaro hazvikwani kuita chipiriso chinopiswa.

17 Ndudzi dzose dzakaita sepasina chinhu pamberi pake;

iye anodziona sedzisina maturo,

kunge dzisipo.

18 Zvino, mungafananidza Mwari naaniko?

Ndoupi mufananidzo wamungamuenzanisa nawo?

19 Kana chiri chifananidzo, muumbi anochiumba,

mupfuri wegoridhe ochinamira negoridhe,

uye anochiitira uketani hwesirivha.

20 Murombo anoshayiwa chipo

anosarudza danda risingaori.

Anotsvaka mhizha kuti

imuvezere chifananidzo chisingazozungunuki.

21 Hamuzivi here?

Hamuna kunzwa here?

Hamuna kumbozviudzwa kubva pakutanga here?

Hamuna kunzwisisa kubva pakuvamba kwenyika here?

22 Anogara samambo pamusoro pedenderedzwa renyika,

uye vanhu vayo vakaita semhashu.

Anotambanudza matenga setende,

agoawaridzira setende kuti agaremo.

23 Anoita kuti machinda ave pasina,

uye anoderedza vatongi venyika ino kuti vave pasina.

24 Vachangosimwa, vachangodyarwa,

vachangodzika midzi muvhu,

iye anofuridza pamusoro pavo vachibva vaoma, uye chamupupuri chinovakukura sehundi.

25 “Mungandienzanisa naaniko?

Kana kuti ndiani akaenzana neni?” ndizvo zvinotaura Iye Mutsvene.

26 Simudzai meso enyu mutarire kumatenga.

Ndianiko akasika zvose izvi?

Iye anobudisa nyeredzi imwe imwe,

achidzidana imwe neimwe nezita rayo.

Nokuda kwesimba rake guru uye noukuru hwesimba rake,

hapana kana imwe zvayo inoshayikwa.

27 Unoreveiko, iwe Jakobho,

unogununʼuna chii, iwe Israeri uchiti,

“Nzira yangu haizivikanwi naJehovha;

Mwari wangu haana hanya nezvandinorwira?”

28 Hauzivi here?

Hauna kunzwa here?

Jehovha ndiye Mwari nokusingaperi,

Musiki wamagumo enyika.

Haaneti kana kuziya,

uye hakuna angayera kunzwisisa kwake.

29 Anopa simba kuna vakarukutika,

uye anowedzera simba kuna vasina simba.

30 Kunyange majaya anoneta uye anorukutika,

uye majaya anogumburwa agowa;

31 asi avo vane tariro muna Jehovha

vachavandudza simba ravo.

Vachabhururuka namapapiro samakondo;

vachamhanya vasinganeti;

vachafamba vasingaziyi.